J.T. ZIM 🇿🇼SHONA NOVELS.
J.T. ZIM 🇿🇼SHONA NOVELS.
February 8, 2025 at 07:29 PM
https://whatsapp.com/channel/0029Vag9BlEEVccOPABWOs2y *YAFEMHA YANZWA HWEMA DZINZA NDERIMWE* _*NEW BOOK 2025*_ 🏹🏹🏹🏹🏹🏹🏹 *CHINYAKARE NOVELS*    ∆∆ Read and share ∆∆ WRITTEN BY Author : JT *Nyazenga* 🪀 +263 776618351 🪀+263 717173806 *Kana usingandi kuzodarikirwa nebook iri gara waita follow my channel baya link riri pazasi nokuti inbox 📥 yangu handibatsiri munhu* ⬇️⬇️⬇️⬇️⬇️⬇️⬇️⬇️ https://whatsapp.com/channel/0029VacNbjC3wtazlC2Afq1w CHITSAUKO 06 KUPINDA KWAMUCHEKANHEMBE MUMUZINDA MAMAMBO JAMBWAREGOTA Muchekanhembe zvaanochonjomara akatarisana nerume riya nhambo iyi ainyatsa kuricherechedza kubva kutsoka kusvika kubvudzi chaiko . Nhambo iyi Muchekanhembe ainge ozvinaisa mibvunzo gumi nokuraudzira isina anopindura mupfungwa dzake . Imwe pfungwa yakambofunga kuisa hushingi hwekusambira mudziva rinengwena asi apa akaona kwaive kuda kuzama kuridza ngoma nedemo hapana chaibuda apa sezvo rume iri rairatidzawo rainge rakayanwa rikaguta . "Saka zvandabvunza hauna kuzvinzwa here nhai mujaya uye usada kundipedzera nhambo huru pano ndati zita rako ndiyani uye unodei uchibva kupi sezvo zvishongo zvako zviri zvitsva mumeso angu ?" rinobvunza rume riya rakati ndee muziso chaimo maiye Muchekanhembe apa mukanwa mainge makatsvuka kuti piriviri seradya chiropa chimbishi zvoti bvudzi rainge rakakura kwazvo uye rizere madandemutande tsinga dzainge dzichioneka kuti tare tare nemuviri iwo maoko waiti mapango ekuvharisa danga rezvimunhuru zvoti iyotsoka ndoyainge gwati remuunze rakatwiva kuda kuzama kugadzirisa nhava kana zviri zvigunwe zvacho waiti midzi yemuvanga yakagurwa kuda kugadzirisa mushonga wenhova. "Ndii..ndinononzi Muchekanhembe" anodavira Muchekanhembe akatarira rume riya. "Iwe usada kundipedzera nhambo huru vanzwa ndaida kukuyamura iwe nokuti hutsinyi huna mambo vangu Jambwaregota ndini ndinouziva kubva kuna suku kusvika kunasukutai kana ndichireva izvi ndinoti ndini ndouziva kubva kwekutanga kusvika kwekupedzisira. Saka kana chitaura nyaya yako nemo nemo sezvo nzara yondibvunza mutupo ndakuda kupinda mumuzinda ini " anodaro murume uya achiratidza kuviruka nehasha. Asi Muchekanhembe imwe pfungwa yainge yozvitongesa ainge amhanya kudura zita rake asati aziva zviri mberi imwe pfungwa inoti nyepa zita . "Mukuru wangu ini ndinonzi Chamunorwa ndinobva kukuzinda kwamambo Dzimbarimwe . Muzinda uyu urikuchamhembe akadziva madokero nepanzvimbo yatiri zvino takatapwa paripakati pehusiku muzinda ndokuparadzwa zvino nejenaguru raiveko zvezuva iri ini ndakawanisa kupoya dosaka mandiona kudai zvokuti kwandiri kuenda handikuzivi ndavakungotsvaga muzinda wekupotera ndikwanise kurarama zvangu" anodaro Muchekanhembe akati ndee muziso chaimo merume riya ."Zita ndarinzwa wati Chamunhorwa ko Mutubvarubva unomuziva here ?" anobvunza murume uya akati ndeee kuna Muchekanhembe."Kwete handimuzivi uye anoita nezvei achibva kumuzinda upi zvakare ?" anobvunza Muchekanhembe hana yainge yoita kukindidza zvino. "Mutubvarubva anobva kumuzinda kwamambo Masaira akauya muno mumuzinda nababa wangu ini ndainge ndichatanga kuda kudzidzira kukanda pfumo iye ainge abvazera asi asati abuda mugota. Asi hatizivi akazoenda nokupi sezvo akangopoya muno mumuzinda huri husiku ndokubva angonyangarika seibwe rakandwa mudziva kuti urione kumirira musi unopwa mvura" anodaro murume uya. "Nyaya ndainzwa zvino aita sei kana muchindibvunza munhu andisingazivi kana iwo muzinda uyu handiuzivi zvakare ?" anobvunza Muchekanhembe. "Chamunorwa ndichikutarisa kubva kutsoka kusvika kubvudzi handidi kukuudza rinova dema rinopfuura husiku hutatu. Uye naiye Mutubvarubva handina rokupikisa kana kupokana iwe naye kana usina ropa naiye zvimwe kumadzimai kana kumadzibaba nekumadzisekuru . Zvino ini ndakakutarisa kudai unoratidza uri mhare pakurwa uye ndakufarira kuti utambire mujinga mangu. Shungu dzangu ndinoda kudzoka kumuzinda kwangu saka ndinoda kuronga hondo yangu ndonotora humambo huriko weropa raiye Mutubvarubva kana weropa iri radzoka ndakazvipira kuudzosa kuvaridzi chandisingadi kushungurwa kweveropa rangu" rinodaro rume riya zvokuti Muchekanhembe anoita kumweukira nomufaro mumoyo make asi haana kuda kumhanya kusvipa raive pamoyo pake. "Saka imi munoreva munoda kutora humambo husiri hwenyu mozodzosa kuvaridzi chii chamachiva ipapo ko mukaparadzwa ?" anobvunza Muchekanhembe. "Kana usingadi kundibatsira handikumanikidzi mujaya asi nomutongo una Jambwaregota uchandiudza ini changu ndichakusiya wapinda mumuzinda umu ndoenda kumba kwangu sezvo ndisingakubvumidzi upfuure uchienda zvimwe uri tsori .Chokutanga ini zita rangu handikuudzi zvatopera pano uye ukazviti bufu muno mumuzinda pako papera chisimuka tiende ndaida kukununura zvino kana ondinaisa mibvunzo gumi nokuraudzira sendinonzi ndini ndakaita mumuzinda mamambo wenyu muparadze kwete nditevere iyezvino " rakadaro rume riya richisimuka ndokuisa mhembwe yaro pamapfudzi ndokutakura mbira ndokutanga kufamba wakatevedza kanzira kairatidza matsimba aienda kwawaive wakatarira zvichireva ndokwaive kumuzinda sezvo ainge achiita kuvanda zvaiti tsoka dzevanhu pamwechete nematsimba emombe. Waviri waifamba hapana aiita hurukuro nomumwe kunze kwetsoka dzaisimudzwa zvoti iko kufamba kwerume iri kwaive kunanaira richizvuva tsoka . Zvokuti Muchekanhembe akambofunga kurinzvenga asi akaona yaizotanga kuzarira kuzasi sezvo kumusoro yainge yabva zvakanaka. Waviri wakafamba ndokunga kuchinzwa ruzha rwevanhu kutaura nedivi raive kumaodzanyemba akadziva kumadokero umu maive muzasi mechikomo apo vanoona chiutsi kuti togo mudenga. Muchekanhembe maziso ndiwo aioneka kumhanya mhanya kucherechedza ndokuona rusvingo rwaive rwakakwira mudenga kwazvo uye rwaive rwakasiyana nokumuzinda kwamambo Nengomashe . Rusvingo urwu rwaive rwakadzudzurwa nevhu dema ndokuvakwa nemambwe uye ruchiratidza kukura kwazvo . Waviri vanofamba ndokusvika pasuvo rairatidza nderekumabuzuva apo paive nemachinda maviri ainge akabereka madati kumusana miseve yakakokwa zviso zvaive zvakazorwa dzito mapfumo ainge akazendamidwa norusvingo .Asi zvishongo izvi zvaive zvakasiyana nezvehondo yainge yauuya kunoparadza baba wake pamwechete nokutapa Ruvarashe izvi zvakanga kudya pfungwa dzaiye Muchekanhembe. Panosvika Muchekanhembe nerume riya waviri vaya vanodzikisa zvombo zvowo ndokumutsana rume iri rairatidza raive nechigaro chikuru mumuzinda umu sezvo kukwazisana kwese kwawaive wachiita zviso zvawo zvaive zvakanzi kota pasi . "Iwe Mhandire enda nejaya iri kudare kuna mambo ini ndinouya ndinoendesa mhuka dzangu kuimba yangu pandinobva kumba kwangu ndouya asi handisi kuzopedza nhambo huru pada zvimwe ndini ndichatakga kusvika " rakadaro rume riya ndokupinda pasuvo paya kusina kure kwaraenda rakatora kanzira kaienda nedivi rerudyi iwo waive watarira kumadokero asi wava mumuzinda. "Mukoma kana kuti munin'ina ndokumbirawo pfumo renyu zvombo zvenyu berekai kumusana uye kana tapinda mudare mandichapinda nemi musazosimudza musoro pose pachataurwa kunze manzi simudzai mukaita izvi musina kunzi simudzai pfumo renyu rinokuparadzai Gundamusaira ainge akuudzai here ?" anobvunza murume ainge asarurwa pasuvo paya nhambo iyi waive wamira panzvimbo imwechete. "Kwete hapana kana rimwechete zvaro raataura pamusoro penyaya iyi " anodavira Muchekanhembe hana yainge zvino yonzika kuchinjana kurova pamwe nokufema zvokuti ziya rainge zvino rooneka kuti teu teu nemuviri wake. Imwe pfungwa yakati tiza Muchekanhembe asi akasozvishingisa nerokuti yatsika dope yanwa chero akatiza hakuna kwaaisvika nepainge ava. Muchekanhembe akatambidza murume uya pfumo rake ndokuramba vakatarisana kumeso chaiko . Murume uya anogashira pfumo riya ndokuoneka kudzungudza musoro wake misodzi ichioneka kuti yangarara mumaziso ake ndokubva akasika kutarisa divi izvi aisada kuti Muchekanhembe azvione kuti ainge achichema. Waviri vakafamba wachiita kukwidzisira kuenda panhongonya pekagomo kaya apo Muchekanhembe akashama kuona kagomo kaive nedzimwe dzimba kuseri apa ndopaive nedare ramambo Jambwaregota. Murume uya anotanga kuuchira achikwidza padare apo ainge achidetemba kudare uko kunonzikwa kuuchira kwazvo . "Tisvikewo mhashu chitizira mumhepo kuri kutya muvengi hekani waro mauruka pasi rakatya murove vetsvimbo nezvitanda .. vanoti kana vatsamwa vanodambura makumbo . Kubhururuka kubhururikira mumhepo kutiza muvengi asi kusaziva kuti kwandatizira ndashamira nyika. Vavhimi vakuru varidzi vehushe vanowanika neatanga kana kuri kudya inhereka nhereka kufura bundo." anodaro murume uya ndokuchitanga kusimudza tsoka vakapinda mudare umo mainzika kuutyirwa . Waviri wakapinda mudare umo anoona maive nevarume waisvika gumi asi pavarumee awa vese waive wakazora matsito kumeso mapfumo ainge akabatwa zviuno zvawo kureva nepakati pawo. Asi mudare umo maive nechigaro chihombe apo paive pakagara rume raivemo rakapfeka matehwe akasiyana nevese waive mudaro umu . Rume iri raive richiratidza rainge rakayanwa rikaguta uye riine chimimba mutekwe iro zidumbu waiti munoda kubuda mapatya . Kumeso kwaro raive risina kuzora dzito asi raive nemavanga enyora mumatama aro pamwechete nepahuma . Rume iri rakaratidza kushatisa pachiso richitarira Muchekanhembe. Raiti rikatarisa Muchekanhembe raibva kutsoka kusvika kumusoro chaiko romhanyisa maziso aro mudare rose uyu murume ainge aina Muchekanhembe anosvika pamberi perume riye zvichireva ndiye aive mambo Jambwaregota. "Dzimba muchiona kusvika kwamuri kureva zvikomo zvatapudzana mute asi kuti tizive mvura yembambara iyi yabva nokupi takoneva tatya kuparadzwa nemunondo unobaya panodzimba saka mvura yaturukura mumuzinda menyu ndiyo iyi ziso redumhu ndorandisvitsa pano " anodaro murume uya akati chiso kota pasi pfumo riya raMuchekanhembe rainge riri mumaoko ake . Mambo Jambwaregota anomhanyisa maziso ake kuna Muchekanhembe ndokuona Muchekanhembe ainge akati chiso kota pasi asi zvakashamisa nhambo iyi mambo Jangwaregota anoona chiso chaMuchekanhembe chichishanduka zvishoma nezvishoma chaiti chikabudisa chiso chamambo Masaira sezvo aimuziva chochinja chobudisa chiso chaiye Mutubvarubva nhambo yavanoda kunyatsa kucherechedza waibva vaona ari Muchekanhembe. "Mhandire nyaya ndainzwa ndipe kuno pfumo rake uye iye Gundamusaira arikupi sezvo ndiye aiifanira auya nemunhu uyu ndanzwa nyaya yake ?" anobvunza mambo Jambwaregota akati ndeee kuna Mhandire. "Gundamusaira aenda kumba kwake changamire ati anoendesa mhuka dzake ndiye andakamirira " anodaro Mhandire uya . Mambo Jambwaregota anooneka kutura befu guru nhambo zvakashamisa waive mudare umu kusanganisira nemachinda ake sezvo mambo Jambwaregota neutsinye hwake munhu akauya kudare kwake pasina Gundamusaira mutongo wake waive rufu . Mhara anotambidza mambo Jambwaregota pfumo riya ndokutanga kurichirechedza nhambo iyi anorisimudza achida kuriregedzera kuna Muchekanhembe.Nhambo iyi mambo Jambwaregota anoona chikara chakasimuka chichiuya kwavari chakavashamira nhambo iyi mambo Jambwaregota anokanda pfumo riya kwakadaro wachisvetukira kunze kubuda mudare umo vanonzika wachikwamatata ndokusvika kovira mumaoko aiye Gundamusaira ainge opinda mudare . ................................... __________________________________________________________________________________ KUPINDA KWA MANHUNGETUNGE MUMUZINDA Manhungetunge ainge achiita seachazviboora gotsi nezvitsitsinho akadzoka kumuzinda . Ati akagumburwa aivira pasi achisimuka ndokucheuka kumashure hakuna arikutevera here osimudzira zvakare . Rume guru rakamhanya kusvika rapinda mumuzinda zvokuti ainge asara neshashiko chete mhapa painge pasisina zvakava zviroto kwaari . Rume rakananga padare apo akasvika nokupinda mudare zvakavhundutsa waive varikudya kwemasikati . "Ndipeiwo mvura varume ndirikutsva " anodaro Mamhungetunge achiratidza kufemeruka. Mvura yakaita seyanonoka kusvika kuna Manhungetunge uyo akangosimuka ndokutora yaive yagezeswa maoko ndokugadza pamuromo anozobvisa apedza yose ndokuchigara pasa uyu mambo Nengomashe ainge akangosha muromo wake segudo rakabvurwa. "Zvaunoratidza hauna kusimira zvakakwana Manhungetunge uye ko Chivara arikupi naiye Muchekanhembe ?" anobvunza mambo Nengomashe. Mamhungetunge haana raakakwanisa kupindura kunze kwekuoneka kuyeredza misodzi pamatama ake . "Changamire Chivara hakusisina " anodavira Manhungetunge . "Unozama kurevei kana uchiti Chivara hakusisina ko iye Muchekanhembe mamubata here uye mamuona here andanzwa aonekwa runyanhiriri obuda muno mumuzinda ?" anobvunza mambo Nemgomashe . "Changamire Muchekanhembe kana nechiso chake hatina kuchiona asi chataona itsoka yairatidza yabva kutsika ndokuita chivanhu chedu tapedza izvi ndokutanga kusimudza tsoka. Tafamba tainge tichiona tsoka yaiye Muchekanhembe pamwe nematsimba embongoro. Asi rombo rakaipa nderekuti tasvika pazvazoti hwaa kupera tizive kwaenda Muchekanhembe tatadza asi panzvimbo iyi paive paine murwi vehondo ainge akafirapo asi ainge asina kusimira . Isu tasiya nzira inoenda kumabudazuva ndokutora inoenda kumuzinda kwamambo Jambwaregota tirimumati mekuronga tosvika tichiti chiii uyu Chivara ndokuti ndakutsauka ndazoona museve wamugara asi museve uyu ndomuseve vehondo yatapa Ruvarashe . Nhambo yandada kuzonunura Chivara ndopandaona rume raive rakazora dhaka kumeso asi zvipfeko hazvisi zvomuno mumuzinda ndozvehondo iyi " anodaro Manhungetunge. "Saka zvabuda pachena kuti Muvhiyakamwe haana kufa uye Muchekanhembe nababa wake wane chikwata ichi chehondo . Chekutanga akaramba kutsva uye paya aiyeredza misodzi nhasi aparadzisa zvakare jinda rangu toda kuona kunovira tsvimbo nedohwe tinopedzerana nomukadzi wacho . Iwe Mudyahana furidza hwamanda yekukoka varwi vehondo wese wauye padare iwe Manhungetunge osimira kwazvo obuda nevarwi moita fararira nesango mubate vanhu ava ini ndichanombopedzerana naiye mukadzi wa Muvhiyakamwe " anodaro mambo Nengomashe ndokubva anonga pfumo rake ndokubuda mudare umu akananga kubikiro raamai Muchekanhembe uko wakasvika ari muberere remba yawo ..................... KUPERA KWECHITSAUKO 06
❤️ 🙏 👍 😂 😮 👊 👌 😢 😨 71

Comments