
Floccy Stories
January 27, 2025 at 03:41 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaNea6QBA1evAMftZQ0t
Follow our channel for more of Floccy stories.
Plight
Written by Floccy
0773056698
Chapter 3
*Doreen*
Mai Tatenda vakazobata murume wavo asi ndaive ndatomborohwa, muviri wese wave kupisa nemarwadzo.
"Zvakwana baba T, vazvinzwa tete ava havachazviite futi. Handiti-ka tete?" she said and I nodded baba Tatenda ndokuti, "Handitofarire zvekukurova but apa wanditsamwisa. Ungadye
mari ye fees une sure iwe? Chii chaunoshaya pano nhai Doreen?" Chikafu hembe zvese
unozviwana."
"Zvakwana babe vatozvinzwa so, ndizvo zvinoita vana vanomboita misikanzwa. Chinyararai
tete, endai munotora ma blankets enyu muwaridze murare."
"Ngaatange ati sorry." baba Tatenda said ndikati, "Sorry." zvikanzi, "Ndeyei sorry yacho?" ndikati, "Yekurasa mari." zvikanzi, "Iwe warasa here kana kuti wadya?" ndikaramba
ndakanyarara mai Tatenda vakati, "Inga ndati zvakwana wani nyaya ngaitaurwe ichipera, endai zvenyu tete munotora magumbeze enyu." ndikaenda kunomatora ndikadzoka
ndikawaridza kwakubva ndanotora vana vaive varara mubedroom. Ndakavararisa ndikarara
panzvimbo pangu ma love birds akatanga kuyemerana vakagara pasofa.
"Wandivigirei?" maiguru asked vachiyemerera vakanzi, "Inini." vakasekenyeka vachiti, "Haiwawo kwana, ndiri kureva zvekudya." vakanzi, "Tarisa mubag."
Ndakazongonzwa kunhuwirira ndikaziva kuti zvaive chicken and chips. Vakazoenda kunorara ndikasara ndichifunga kuti dai baba na amai vangu vari vapenyu ndichigara zvangu navo. Vakange vakafa vese ndiri form 1, baba ndivo vaive vakatanga kufa kutanga kwegore muna January mhamha vachibva vazotevera murume wavo gore roda kupera muna
November. Ndaigara navo vese kumusha ndichidzidza ikoko pakazofa mhamha ndikatorwa nababa Tatenda. Taive takangozvarwa tiri 3 ndakasiyana nabhudhi Kelvin ne15 years. Hope dzakazobatira mumisodzi the next day ndikamukira kuita basa. Maiguru mai Tatenda vakazomuka ndatopedza zvese vakabuda vakabata washen basket rakazara hembe
vakaenda naro pataiwachirwa. Ndakabva ndatonotora ma dish sezvo ndaiziva kuti ndini
ndaiwacha. Ndave kusvika pavaive ndakavanzwa vachitaura pafone vachiti, "Ndiri kuzviziva
kuti ndiwe wakaitora Fortunate and ndiri kuida mari iyoyo." vakanyarara vachiteerera
vakazoti, "Une hutsinye and haubetsereke hunhu hwako hwakashata. Chawakatorera mari
iyoyo chii ini ndaive ndakupa mari yebhazi? Usataure neni kusvika watumira mari yangu, uri
zibenzi risingatendi! Ukasatumira mari iyoyo ziva kuti inini newe hukama hwapera." and she
clicked her tongue vachibvisa fone panzeve ndikazofamba ndichienda pavaive vakaseka
seka vakati, "Mabva matouya nema dish? Ende zva tete Doreen so, nhasi hamusi kuwacha ndafonera mai Maseya kuti vazowacha baba Tatenda vakauya nema worksuit ane mazitsvina. Handei mumba ndinokunyorerai zvinhu zvandiri kuda kuti munotenga." tikapinda mumba vakanyora list yezvinhu zvavaida vakandipa mari zvikanzi nababa Tatenda, "Zvauri
iwe uite maths nemari iyoyo." mai Tatenda vakati, "Matanga siyai mwana imi, endai zvenyu tete mukasire kudzoka tiite breakfast."
Ndakapukuta makumbo aive azara mamhororodzi ndikaenda pa shop yepa filling station ndiyo yaive padhuze. Ndakasvika muine mukomana mu new one yaitove first time yangu kumuona ndikamupa list nemari and he smiled akati, "Asi unokangamwa?" ndikati, "Kukangamwa chii?" zvikanzi, "Zvaunenge watumwa."
"Ayehwa."
"Saka list nderei iwe usingakangamwe?" he asked ndikati, "Ndangonyorerwawo ini." mukabva mapinda mukomana wandaiziva zvikanzi, "Hesi kani, ko nhasi bodyguard rako riripi?" ndikaseka zvikanzi neumwe wake, "Asi ane bodyguard?"
"Ehe, ane bodyguard besty wake dzimwe dzimuface so havasiyane vanhu vacho ndatotanga kumuona nhasi ari ega."
"Ariko kumba kwavo, nditengeserei ndiende imi ndakamirirwa." ndakadaro zvikanzi na Decide wandaiziva, "Uri kumhanyirepiko nhasi iweekend?" ndikati, "Ndatumwa zvinhu zviri kuda
kubikwa."
Ndakapihwa zvinhu zvangu zvese nechange kwakubva ndatarisa kuti zvakakwana here ndichitarisa palist ndikaona muine machocolate coated biscuits aive asipo
palist ndikati, "Ma biscuits haapo pa list ndidzoserei mari yacho." the new guy uyo wandaive ndanzwa achinzi Nathan akati, "Ndeako ndini ndakutengera." ndikati, "Musadaro imi, handiti
dai ndisina kutarisa ainoonekwa kumba ndopinzwa busy."
"Sorry." he said but ndaive ndatosvotwa ndikaisa ma biscuits aye pa counter ndikati, "Are you sure kuti hauna kutora mari yawo?" and he nodded ndikabuda ndikaenda kumba.
"Manonoka." maiguru said vachitora paper bag vakarongedza zvinhu zvavo vakaisa box recerevita patable ndokuisa fresh milk mupoto.
"Torai four ma bowl muise patable apo." she said ndikaisa vakagadzira cereal vakapa vana vavo vachibva vatora amwe two vakaenda nawo kubedroom.
Kamoyo kangu kakarwadza
ndikasarara ndichimedzerera mate kwakubva ndabuda ndikaenda kunogara kuseri kuverandah. Misodzi yakatanga kuyerera nematama ndikazodeedzwa na maiguru
ndikapukuta misodzi ndikaenda kwavari.
"Asi manga muchichema?" she asked and I shook my head zvikanzi, "Ndaona maziso kutsvuka, ndichekerei maonions nemadomasi aya mozondivhurira beans idzi."
Ndakaita zvavaive vataura vakabika vachindituma. Takadya breakfast chikafu chandaiziva kuti ndinodya kana baba Tatenda varipo. Ndakasuka ma plates ndichibva ndafunga kuenda
kumba kwabhudhi Kelvin ndikaudza maiguru vakati, "Munozoenda after lunch." vakazobika
tikadya ndikasuka ndikageza ndikaenda kwabhudhi Kelvin vamwe vakaenda kustand. Ndakasvika bhudhi Kelvin vari vega vachiona TV ndikavamhorosa zvikanzi, "Handisi right ini. Ko wakatanga rinhi kuba nhai Doreen mwana wamai vangu?" ndikati, "Handina kuba ini ndakanyeperwa."
"Kunyeberwa chii iwe uchinzi wakabvuma kuti wakadya mari yacho?" vakadaro ndikatsanangura zvaive zvakaitika zvese nezvandaive ndanzwa maiguru vachitaura pafone vakati, "Mai Tatenda vasadaro, saka vakakusiya uchirohwa vachiziva kuti sister yavo ndiyo yakatora mari?" ndikati, "Ehe."
"Zvinowanikwa mwana wamai vangu, let it go handiti? Hauna kufa pawakarohwa pacho ingoita zvavanenge vachida hapana chaunobva."
"Ndokumbirawo kuuya kuzogara nemi kuno handichade kugara namai Tatenda ini. Ndinoenda kuchikoro nenzara chikafu chichinzi ndechevana. Handirwadziwe nekushanda asi
dai vachindipawo chekudya." ndakadaro vakati, "Shingirira mwana wamai dai ndaishanda
ndaikutora zvino handishande ndinotochengetwawo namiguru vako. Pane kabasa kandakatarisa zvikaita ndichapota ndichikupa kamari kekuti unopota uchitenga chikafu
chekudya kuchikoro."
Maiguru mancube mukadzi wabhudhi Kelvin vaive neshop yehembe negrocery kune imwe
growth point. Shop yacho vaive vakaisiirwa naamai vavo vaive vakafa. Vaigara ikoko vachidzoka Friday masikati, manheru voenda kuHarare kunohodha. Vaiswera Saturday
vachihodha vodzoka pakati pehusiku the next day zuva rodoka vodzokera kushop kwavo. Hunhu hwavo maiguru mancube ndaive ndisati ndanyatsohunzwisisa semunhu wandaive ndisati ndambogara naye. Ndakazodzokera kumba zuva rodoka ndapihwa ma books ekuverenga vaive vakatenga nekamari kekunodya kuchikoro.
Maiguru ndivo vakabika manheru the next day tikaenda kuchurch baba Tatenda vakadzokera ku basa kwavo zuva rodoka. Mota yababa Tatenda yakangoti ichingoenda maiguru vakabva vanditi, "Mapoto ave enyu
vasikana kana mapedza kubika munouya nechikafu changu mubedroom."
End of chapter
❤️
😢
👍
🙏
😮
😂
💔
😭
111