Floccy Stories WhatsApp Channel

Floccy Stories

4.2K subscribers

About Floccy Stories

I write interesting stories...

Similar Channels

Swipe to see more

Posts

Floccy Stories
Floccy Stories
5/28/2025, 5:58:42 AM

Mamukasei vaverengi shuwa shuwa Mia naAlice hamusi kuvaona ere ko mareactions acho๐Ÿคฆ๐Ÿพโ€โ™€๏ธ๐Ÿคฆ๐Ÿพโ€โ™€๏ธ

โค๏ธ ๐Ÿ™ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ˜ฎ 19
Floccy Stories
Floccy Stories
5/27/2025, 3:26:23 PM

https://whatsapp.com/channel/0029VaNea6QBA1evAMftZQ0t https://www.facebook.com/profile.php?id=100077130527330&mibextid=ZbWKwL Compatible Written by Floccy Chapter 3 *Mia* "Horight." ndizvo zvandakataura achibva atocutter call ndikangozunza musoro. Taive ne meeting makuseni iwawo ndikaenda kuboadroom meeting ikaitwa ndikadzokera ku office kwangu. Pa breaktime Tadiwa akauya akabata coffee nema muffins akaisa patable ndikati, "Takudya pabreak?" ndichisumuka pachair akati, "Ehe, kutanga nhasi tave kuita zvekudya, zvekuenda kulunch tichiita kunge tave kuda kufa nenzara zvakatopera." ndikagara pa couch paside pake ndichiti, "Inga zvinhu zvinochinja. Ndafonerwa naGreg." "Ati chii? Mave bhoo ka?" "Ati usamunetse.'' "Ndizvo chete zvaataura?" he asked ndikati, "Ehe, usataure naye Tadi haungamumanikidze kuti andide iye asisandide." akati, "Sorry." ndikasekerera ndikati, "Hebo, don't worry ndichawana umwe atori bhoo kudarika Greg." "Unomuwana kupi?" "Mukufamba imomu, wakazoti chii nenyaya yekuenda kugym?" "Asi ndiko kwauri kuda kunotsvaga umwe bae?" he asked ndikati, "Ehe, ndakanzwa kuti kune ma dude ari hot.'' akaseka akati, "Rega ndigoona kuti ndekupi kunoita ndogona kutozowana chi soulmate changu ikoko." "I don't think wako mupenyu ini anenge akafa." "Watanga ndokudira coffee iyi." "Sorry kwacho." I said nguva dzikafamba tichidya tichiwanzirana Tadiwa akazodzokera ku office kwake. Pa lunch takaenda kurestaurant kwedu ndikaona Tadiwa achitarisa Chiko. "Ndikukumbirire number here?" ndakadaro akati, "Dzani?" ndikati, "DzaChiko." akati, "No, ndodzidii?" ndikati, "Unomuda Tadiwa, wambozviona here kuti ndiri kutaura ndega iwe wakangotarisa Chiko?" "Wave kunyepa manje iwe ndanga ndisina kumutarisa." Kana uchimuda muudze ka." "But hauna kumufarira ka." "Nhai T inini ndini ndinenge ndichidanana naye here?" I asked akati, "Tiri munhu 1 Mia ndofanira kuita zvinotifadza tese." ndikati, "Horight kwacho ari right." akaseka akati, "Haiwawo usade kundivhara." ndikati, "Ari bhoo sure kungoti haana kamwe ka that kanoenderana newe." "Chiko haaite Mia ngatisiyane naye." "But unomuda ka nhai T sure ungatitevedzera inini uchisiya munhu waunoda?" "Inga iwe you chose me wani." he said ndikati, "Inyaya two dzakatosiyana." zvikanzi, "Hadzina, you are more important to me, ndinoda kudanana nemunhu waunoda handidi kuti tipesaniswe neumwe munhu, mukadzi wandicharoora anotofanira kunzwisisa kuti inini newe we are inseparable." "Friends for life." "Till death do us apart." "In perpetuity." I said akati, "I love you my ride or die." ndikati, "I love you too my partner in crime." akati, "Cheers to us." ndikati, "Cheers." Takazopedzisa kudya tave kutaura dzimwe nyaya Tadiwa asisatarise Chiko. Takadzokera kubasa nguva dzikafamba tikachaisa ndikaenda ku office kwa Tadiwa. "Mira two minutes pane email yandiri kuda kusenda." he said ndikati, "Ndipe ma keys unondiwana kumota." akandipa ndikabuda, ndave kusvika kucar park ndakadeedzwa neumwe mukomana. "Hesi Cedric." ndakadaro ndamira akauya pandaive akati, "Nhasi ndafara kukuona uri wega. Ko aripi munhu wako?" ndikati, "Ari kuuya." "Hamusiyane anotishaisa mukana." "Mukana wei?" "Wekutaura newe." he said ndikati, "Unenge usingade zvako kutaura neni, kuoffice kwangu unokuziva nyangwe ukandiona ndinaye unongokumbira kutaura neni. Apa haapo chitaura tinzwe." "Nyaya yacho inotoda tiri somewhere not pano ndipo ka number dzako." Tadiwa akabva asvika akati, "Ced zvirisei?" Cedric akati, "Mushe urisei, Mia tobatana." achibva aenda Tadiwa akasara achiti, "Hanzi chiiko neidzi?" ndikati, "Ati afara kundiona ndiri ndega, watondikanganisa apa wasvika ndakumbirwa number." "Wamupa?" "Handina, inga ndati wandikanganisa wani." "Ndasvika nguva yakanaka, haaite." he said ndikaseka ndikati, "Haaite chii?" zvikanzi, "Zvandiri kutaura uri kuzviziva Mia, haaite ndakambomuona achiputa fodya mai mufindisi havadi mukwasha anobhema." "Handimude kani T ndingasaite benzi kuda umwe munhu ini ndichangobuda mune imwe relationship? Wangu ari kugym uko anenge aine six pack." "Vhara karomo kako uri kutaura zvisina basa." Takanopinda mumota akandiperekedza kumba kwedu uko kwatakasvika ndokumbogara mumota tichitaura nyaya. Tadiwa akazoenda kumba kwavo kwatosviba ndikapinda mumba mhamha vakanditi, "Tanga tave kutofunga kuti muri kurara mumota isu." "Maswerasei mai Mia?" "Taswera maswerasei sisi Mia, kwanga kurisei kudinner nemukwasha wangu?" "Hamusisina mukwasha." I said ndichibvisa ma heels andaive ndakapfeka mhamha vakati, "Unorevei kana uchiti handisisina mukwasha?" ndikati, "Takarambana naGregory." "Kurambana!" she exclaimed ndikati, "Ehe." zvikanzi, "Chii chakaitika?" ndikati, "He told me to choose between him and Tadiwa, hanzi haadi musikana anowirirana nemukomana?" "And you chose Tadiwa?'' "Obvious ka." "Ende Mia ka!" she said ndikati, "Chii chacho? Kana ndimiwo zvinoita here izvozvo? Akandiwana ndichiwirirana naTadiwa wangu ozoda kundiudza kuti ndisiyane naye kuti zvaita sei? Haana right yekundiudzira vekuwirirana naye aive boyfriend yangu not my father. Ndaimuda zvangu but pakuzoda kundipesanisa naTadiwa takatadza kuwirirana." "Hushamwari hwako naTadiwa hauna kushata mwanangu asi unofanira kuziva kuti wakura Mia, uchadawo murume anokuroora and murume akakwana haangambosekerere mukadzi wake achiwirirana nemurume. Uri kufanira kudzora matambiro ako naTadiwa mwanangu." Ndakasimuka ndikati, "Ndave kunogeza." vakati, "Imbomira ndichiri kutaura newe." ndikati, "Kana iri nyaya yekuti ndisiyane naTadi handina nguva yekuteerera izvozvo nekuti inini naTadi hatisi kuzosiyana ticharamba tiri ma friends kusvika tafa. Murume anondida chaizvo anofanira kuziva kuti Tadi akandikoshera anotofanira kunzwisisa kuti Tadi and Mia are friends for life they are inseparable, ndave kumbonogeza." Ndakaenda kunogeza tikazodya ndikaenda kuroom kwangu uko kwandakanotaura naTadi nevideo call. The following day yaive Friday Tadi akauya kuzonditora tikaenda kubasa. Taikasira kuchaisa nguva dzekubuda dzikakwana ndikaenda kunotora Tadi ku office kwake. "Ndakawana gym." he said tichifamba kuenda ku car park ndikati, "Taura neni iri kupi? Ndiudze zvese." akataura ndikati, "Iri bhoo so tinenge tichienda nguvai?" "Everyday after work makuseni haaite hatizobate time dzekuuya kubasa. Togona kuenda kunokuona kana uchida." "Hande." I said tikaenda kunokuona kugym kwacho ndikafarira zvandakaona kwakubva tatosiya tabhadhara mari yeone month. Tadiwa akanondisiya kumba akati, "Ndokuona kuchurch." kwaive ne Friday servicece manheru. Takaenda kuchurch service ikaitwa tikadzoketa kumba. The following day ndakanonoka kumuka ndikazomuka kuma past 9 ndikadya cereal ndokuita laundry yangu. Na12 kwaive ne girls fellowship and ndaive umwe wevatungamiri vegirls fellowship. Na 2 kwaive neyouth and ndaive umwe wevaitungamira youth yacho. "Tiri kuenda tese here kana kuti unozotevera?" ndakabvunza Tadi ndamufonera akati, "Tiri kuenda tese ndinogara mumota muchiita girls fellowship yenyu." "I think munofanira kuita boys fellowship panguva yatinenge tichiita girls fellowship. Vakadzi tisu tinonyanya kudzidziswa zvakawanda wanda but imi vakomana nevarume hamudzidziswe. Ndichataura namhamha pagadziriswe ipapo kunofanira kuitwa boys fellowship nechina chanababa." "Taura navo but ndoona kuti varume vanouya vashoma." He said ndikati, "Apa vagara vari vashoma varume vacho." akati, "Vakadzi vakawanda kupfuura varume, huya shaa unozononoka time dzafamba." Ndakaenda kunomutora nemota yangu tikaenda kuchurch akasara akagara mumota. Takaita girls fellowship nguva dzikafamba na 2 tikatanga youth iyo yakapera na 4. "Ndiri kuda kukuendesa kudinner nhasi." Tadiwa said ndave kumuperekedza kumba kwavo ndikati, "Hii sure?" zvikanzi, "Ehe, kana uchida." End of chapter

โค๏ธ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ™ ๐Ÿ˜ข ๐Ÿ˜ฎ 152
Floccy Stories
Floccy Stories
5/31/2025, 3:21:06 PM

https://whatsapp.com/channel/0029VaNea6QBA1evAMftZQ0t For previous chapters follow my channel. https://www.facebook.com/profile.php?id=100077130527330&mibextid=ZbWKwL Please follow my Facebook page. Compatible Written by Floccy Chapter 6 *Mia* "Saka na Gregory zvakatopera?" Alice asked ndikati, "Ehe and ndatokanganwa nezvake." akati, "Saka waisamuda." ndikati, "Ndaitomuda ufunge but zvaakaita zvakandibhowa, angandiudza kuti ndisarudze pakati pake naTadiwa, kuita here ikoko? Ndakatoona kuti ndikaramba ndinaye anondi controller, sure ndiunzwe kuti siya munhu wandakakura naye nemunhu wandakaona ndakura." "I think makangotadza kunzwisisana, chete vakomana vanonetsa ava." "Zvakatopera shaa nditori pakutsvaga so." "Ndiwe unotsvaga here kana kuti unotsvagwa?" she asked achiseka ndikasekawo ndikati, "Zvese zvinoita, ko iwewe uri sei mujolo wako?" "Ndizvowo." "Ndizvowo chii? Asi uri kunyiswa?" "Ndinenge ndiri kudanana ndega Pardon wacho haachanzwisisike paamire uyu. Mumwe musi anoita kunge anondida mumwe oita kunge asina basa neni, aah haanzwisisike uyu ndiri kutofunga kusiyana naye. Ndinosvika kupi ndichinyengerera munhu akadaro? One sided love inoshupa iyi." she said ndikati, "But manga machovha kubva tiri ku high school." "Ufunge hako ndotoshaya kuti chii chakachinja ini taive bhoo ufunge zvako akazongotanga kuita zvaari kuita last year muchando umu. Kunetsana kwacho hakuchaperi ndinotombofunga kuti ane umwe musikana chete. Akada kusapindura mamessages asi ari online zvake ozopindura kana mangwana acho. Kuitawo here ikoko?" "Haa pakaipa anenge asingori wako kana zvanetsa siya vakomana vakawanda unowana umwe. Haungashingirire relationship kunge marriage ka uchiri musikana iwe hausati waroorwa kana zvaramba unosiya wotsvaga zvimwe." "Taura hako Mia apa ndikasiya ndichambomira zvema relationships izvi ndomboita zvebasa rangu, mujolo unopa stress." she said ndikati, "Ini handichepeswe nemujolo ndikawana umwe ndinopinda zvekuzonyiswa ndinozozviona ndaamo." Takasvika paround about yepa halfway Tadiwa akamisa mota paside peroad akati, "Ndiri kuda chibage chakagochwa, muri kuchida here girls?" ndikati, "Ehe, Alice uri kuchida?" akati, "Ehe." tikaburuka tikaenda pane umwe mukomana aigocha. Tadiwa akatitengera tikadzokera mumota tikaenderera mberi nekutaura naAlice. "Iyi ndiyo road inoenda kumba kwedu iyi, pano panonzi paTenis." Alice said ndikati, "Horight, saka kumba kwenyu kure nepano here?" akati, "Ayehwa, 10 minutes chete." "Saka padhuze, uri kudii uri kudzoka nesu here nhasi kana kuti uchaenda kumba kwenyu?" "Pane zvandiri kuda ikoko but kurara ndanga ndisiri kuda zvangu." "Tinokuperekedza." I said akati, "Thank you." Takazosvika kuMhondoro Ngezi kuTurf tave kutaura nyaya tese tiri 3. "Nzvimbo ino yakanaka wena." I said ndichiona dzimba dzakanaka and maroads acho aive akanakisa. "Zvisingaite kani kunotonzi ku little London." Alice said ndikati, "Sure kwakanakisa iwe." Tadiwa akati, "I heard kuti hakuende magetsi hanzi vashandi vanokosheswa." Alice akati, "Ichokwadi." Takanomira panonzi pacomplex ndikafonera vaHwede ndichida kunzwa kuti vaive vave kupi. "Maswerasei baba? Mavepi?" ndakadaro vakati, "Mushe sister, tave kutosvika." ndakabvunza kuti, "Kupi?" vakati, "kwaTerry kwacho." "Hoo ndiri kutoti muri kumashure kwedu. Okay tanga tamira muTurf regai titevere." Alice akadirector Tadiwa tikaenda kwaTerry kwacho. Paive pakanaka zvekuti pakazara vanhu tikave nenguva yakanaka chose. Vaive vauya nekombi vakaenda isu tikaenda kumba kwana Alice. "Apa ndipo panogara ambuya vemukadzi uya wekuzviuraya aive ambori mukadzi wehanzvadzi yangu." Alice said achinongedzera pamwe pamba paive pakanaka kwazvo ndikati, "Pakanakisa, akatadza kungodzoka kuna mbuya vake nevana vake here?" "Hanzi akatombodzoka arohwa nemurume aine nhumbu vakamudzosera kumurume, hanzi vaikoshesa zvavaitirwa nemurume wacho." "Ende zvakaoma kukoshesa zvisina basa kudarika hupenyu hwemunhu, zvino akafa vakagonei?" "Pakaita drama kani parufu rwacho amai vemufi naambuya vemufi vachirwa vachitukana chikind chese. Ma secrets akabuda parufu ipapo amai vemufi vachiblamer amai vavo." she said ndikati, "Saka kutukana nekurovana kwavaiita kwaimutsa mufi here? Kumwe kusakwama chokwadi." Takazosvika pamba pana Alice apo pairatidzika pari smart zvekuti. "Asi uri kusara?" I asked Tadiwa uyo akaramba ari mumota isu taburuka akati, "Ehe." ndikati, "Zvinozoita here? Zvinoita kunge usina hunhu, buruka." akaburuka tikapinda mumba. Takawana muina amai vaAlice vandaizivira paphone vachiona TV remote iri mumaoko. Vakasekerera mai Alice vakati, "Titambire." vachisimuka and they hugged nemwana wavo vakazotimhorosa tikagara pasi. Takabvunzana mufaro Alice akati, "Mhamha uyu anonzi Mia shamwari yangu yandinogara ndichitaura, uyu anonzi Tadiwa ishamwira yaMia. Mia and Tadi ava ndivo mhamha vangu." tikaitama matafara nekuzivana mai Alice vakazoti, "Kuri sei kubasa mwanangu?" "Kuri right zvako. Ko daddy varipi?" Alice said mai vake vakati, "Vaenda kuKadoma." "Ndaita munyama ndichatozovaona pandichazouya futi." "Asi uri kudzokera nhasi?" mai Alice asked Alice akati, "Ehe." Takapihwa drink nechibage chinyoro chakabikwa Alice namai vake vakatisiya vakazodzoka Alice akabata kasmall travelling bag. Takarongedzerwa chibage chinyoro, ipwa, nzungu, nyimo zvese zvinowanikwa kumusha tikavatenda. Alice takanomusiya kumba kwake chaiko kwaailodger 1 room akati, "Thank you guys." ndikati, "You are welcome tinotaura paphone usare zvakanaka." Tadiwa akanondisiya kumba tikagoverana zvataive tapihwa namai Alice. "Usare bhoo." he said and we hugged akaenda ndikapinda mumba. "Nathan naMitchy endai munotora zvinhu zviri panze mudriveway." ndakadaro mhamha vakati, "Zvii izvozvo?" ndikati, "Zvirimwa zvakawanda wanda tazvipihwa namai vaAlice pataenda kumba kwavo taenda naye, kumba kwavo kudhuze nekwatanga taenda." "Horight, kwanga kuri sei kwamanga maenda?" vakabvunza mhamha ndikati, "Bhoo zvekuti, tanakidzwa zvisingaite ndichakuratidzai maphotos regai ndimbonogeza." ndikaenda kunogeza ndikadzoka ndokutanga kutaura zvaive zvaitika nekuvaratidza maphotos. Takazodya ndikaenda kuroom kwangu ndokutanga kutaura naAlice na Tadi panguva imwe chete. Tadiwa akandisendera photo raAlice akati, "I think ndamuwana." "Ndi Alice ka uyu? Wamuwana kuita sei? Uri kuti chiiko iwe?" "Ndiri kuti ndamuwana wandinoda." he said ndikati, "Uri kuda Alice?" ndaive ndambomuona zvangu achitarisa Alice but ndaive ndisina kuita basa nazvo." "Yes ndiri kumuda, anoita here?" akadaro ndikati, "Ehe anoita, Alice munhu ari right ndingafare zvekuti, Bhoo zvekuti Alice." akati, "Neniwo ndiri kufeeler kuti ndiye wangu chaiye and the good thing is magara munowirirana zvinova zvandaida kuti iwewe nemunhu wangu munzwanane. Chindipawo number dzake nditange kutaura naye kana kuti unoda kutaura naye iwe, haudi here kundisoftira babe?" End of chapter

โค๏ธ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ™ ๐Ÿ˜ข ๐Ÿ˜ฎ 78
Floccy Stories
Floccy Stories
5/28/2025, 7:22:20 PM

https://whatsapp.com/channel/0029VaNea6QBA1evAMftZQ0t https://www.facebook.com/profile.php?id=100077130527330&mibextid=ZbWKwL Compatible Written by Floccy Chapter 4 *Mia* "Ndinoda, ndingarambe kuendeswa kudinner nasahwi hwi hwi wangu here? Hazviite izvozvo, saka uri kundiendesa kupi?" ndakadaro akati, "Its a surprise uchakuona yasvika." ndikati, "I can't wait shaa thanks." "Unozotenda kana wakufarira ka." "As long ndaendeswa newe ndinototi ndifare chete." Ndakanomusiya kumba kwavo ndikaenda kwedu ndikasvika mhamha nadaddy vakagara panze pama garden chairs. Ndakaenda pavaive ndikavaswedza vese mhamha vakati, "Kwanga kuri sei kugirls fellowship?" "Kwanga kuri right hako." "Mai Chimusoro vauya here?" "Ehe vauya namai Kasambarare vauya futi." I said vakati, "Vagonesa next week ndinenge ndinemi pane zvandiri kuda kukurairai. Ko kuyouth baba namai Hwede vauya here?" "Ehe vauya, kuyouth kwanakidza nhasi taronga kuenda kunonzi kwaTerry kwadai kunetsa but tichatanga taenda pamisty walk apo, I think next week but 1 ndiko kwatichaitira youth." "Nice, ndichataura nababa namai Hwede. Nhasi ndiwe uri kubika." "Ndiri kubuda ndichakumbura Mitchy." I said vakati, "Uri kuenda kupi?" ndikati, "Tadiwa ari kundiendesa kudinner.'' zvikanzi, " Hapana kwauri kuenda." "Aah mhamha." "Aah mhamha kuita sei? Ndati hapana kwauri kuenda ndiri kutokuona kuti uri kuenderera Mia. Yes wakura but pano uchiri mwana zvako zvekubuda manheru pawadira ngazvipere." "Ndiri kuenda naTadi mhamha." I said vakati, "Handina basa nazvo ini ndati hausi kuenda. Enda unogeza utanganene mapoto. nhasi ndiri kuda kudya sadza rabikwa newe." ndikatarisa murume wavo uyo akabva ati, "Babe siya mwana aende." mhamha vakati, "Unomujaidza mwana uyu." "Usadaro musiye aende, iwewe Mia next time unotanga wakumbira kwete kungotaura wave kuda kuenda." "Thank you daddy, ndezva nhasi chete ndinositaura nguva iripo vanozviziva mhamha, kungoti nhasi Tadi aita zvekundijuma." "Ndokuda pamo na half 8 prayer ya9 inofanira kuitwa wadzoka, udzoke kuno zvekuzondiudza kuti uri kunorara kwana Tadi handidi kuzvinzwa." mhamha said ndikati, "Thank you, thank you mhamha." ndikavakissa padama vese nadaddy. Ndakapinda mumba ndikaona Nathan achiona bhora akati, "Hey sis." ndikati, "Hey kiddo how are you?" zvikanzi, "Bholato." ndikati, "Where is Mitchy?" "Ndambomuona aina aunty kulaundry room kwavari kuita ironing." "Rega ndinomutarisa ikoko." I said ndave kufamba Nathan akati, "Mia." ndikacheuka ndichiti, "Hee." zvikanzi, "Ndipo $20." ndikati, "Asi hauna kupihwa monthly allowance yako?" "Ndakapihwa." "Saka?" "Yakapera." akadaira ndikati, "Handiti wakatambisa hako mari yako wega mirira mwedzi upere and wave kutopera uyu kana kuti udza mhamha nadaddy vakupe." akati, "Usadaro Mia you know havandipe ava ndiri kukumbirawo." "Nathan wave kutojaira zvisina basa iwewe every month unondikumbira mari. Yako yaunopihwa unomboishandisa chiiko?" "Zvakawanda zvinoda mari." "Zviiko? Uchanetsa iwe hande unotora kuroom kwangu ndinokupa but ndiko kekupedzesera kukupa mari unofanira kuita discipline pamari iwe yaunopihwa dai uchitoisaver." I said akasimuka achiti, "Thank you." tikaenda kuroom kwangu ndikamupa mari yaaida. Ndakaenda kulaundry room ndikaona aunty vari vega Mitchy asimo. "Aunty maswerasei?" ndakavamhorosa vakati, "Mia zviri sei kwanga kuri sei kuchurch?" ndikati, "Kwanga kuri right zvako. Aripi Mitchy?" "Anga ari muno manje manje hanzi ndane hope aenda kuroom kwake." "Regai ndiende ikoko." Ndakamuwana ari paphone pake Mitchy ndikamuti, "Mimi, warukwa zvakanaka." aive aenda kunorukwa ndosaka taive tisina kuenda tese kuchurch aive aperekedzwa naNathan kusalon. "Thanks, kwanga kuri sei kugirls neku youth?" she said ndikati, "Bhoo, ndokumbirawo favor." akati, "Yei?" "Ndokumbirawo ubike nhasi ndozobikawo ka two next Saturday neinouya yacho." "Uri kuda kuenda kupi?" "Tadi ari kundiendesa kudinner." I said akati, "Pane denim jacket randiri kuda." ndikaseka ndikati, "Riri kuita marii?" akataura ndikati, "Ndokupa mari yacho wotenga but next week pauri kufanira kubika ndiwe unobika ini ndozobika paduty rangu chairo." "As long wanditengera denim rangu nemaheels andiri kuda." "Aikaka wawedzera maheels futi?" "Inga ndataura wani." she said akatorova serious ndikaseka ndikati, "Uku ndiko kubirwa kuri pachena uku, horight ndokupa mari yauri kuda rega ndinogadzirira Tadi anouya manje manje." ndikaenda kuroom kwangu ndikageza kwave kutanga kutsvaga zvekupfeka. Ndakasarudza three ma dinner dresses, 3 pairs of shoes, 3 maclutch bags, ma earings ne watch. Ndakazvitora maphotos ndikatumira Tadiwa achibva asarudza zvekuti ndipfeke. Iye Tadi aive anditumirawo maphotos ndikasarudza zvekuti apfeke. Ndakaita light make up ndikaenda kuroom kwaMitchy ndikawana asimo. Ndakaenda kukitchen ndikamuwana ave kutobika. "Ndiri sei?" I asked ndichizvitarisa tarisa akati, "Wakachena." ndikati, "Stereki?" zvikanzi, "Ehe kani Mia, sei uri kuita kunge uri kuenda nemukomana wako iwe uri kuenda naTadi?" "Saka handifanire kuchena because ndiri kuenda naTadi?" "Handina kudaro but uri kubva waita kunge uri kuenda nemunhu ari special." "Uri kuti Tadi haasi special?" I asked akati, "Yuwii! Wakachena mwana wamai vangu wakachenesa ende Tadi achafara." and I smiled ndikati, "Ndiye atosarudza." phone yangu yakatanga kuringer ndikatarisa aifona ndikaona ari Tadi ndikati, "Anenge asvika Tadi ndokuona." ndikadavira ndichiti, "T." zvikanzi, "Ndasvika buda." "Ko hausi kupinda?" "Ehe tononoka usakanganwe kuti tapihwa nguva shoma." "Okay ndiri kuuya." I said ndikanooneka mhamha nadaddy ndikaenda kwaive naTadi. Aive akachena kwazvo paakandiona akavhura maoko ndikanopinda maari and it felt so good kuva maari. Akazondisiya akati, "You look stunning." ndikati, "You don't look bad yourself." "Toenda ka?" "Handei hedu." Akandivhurira door remota tikaenda kwataienda tichiita sing along ku song ya Spyro ft Tiwa savage *who is your guy* Tadiwa aka parker mota tasvika pane imwe restaurant yandaisatoziva ndikati, "Wakakuziva sei kuno?" akati, "Mukufamba imomu." akaburuka akandivhurira door remota akandipa ruoko rwake ndikaburuka akandibata. "This place is beautiful." I said akati, "Ndaziva kuti uchapafarira, mira uone zvakaita mukati." ndikabvunza kuti, "Asi wakambokuuya?" "Rinhi nhai Mia isu tichigara tiri tese? Ndakaona maphotos and videos pasocial media." "Okay zvave kumaker sense." Takapinda takabatana maoko tikaratidzwa table yekugara Tadiwa akandivhurira chair ndikati, "Thanks." ndichigara achibva agara pachair yaive opposite me. Taka order zvataida kudya kwakubva ndatanga kutarisa tarisa ndikanzi naTadi, "Like what you see?" and I nodded akati, "Tichagara tichiuya." Food yakauya Tadi akada kudya ndikamuti, "Iwe." kwakubva aseka achisiya fork and knife akati, "Torai mapikicha enyu tidye." ndikatora food maphotos ne one video ndikazoti, "Chidya hako." Takadya tichitaura nyaya tapedza tikabuda panze ndokutorana maphotos nemaselfie akawanda. Takaenda kumba kwedu tichiridza radio tasvika tikaburika ndokutanga kutamba. "Zvakwana chipinda mumba." Tadi said achifemereka ndikati, "Thanks T, I had a really nice time tonight." akati, "You are welcoming." and we hugged tikakissana matama akati, "Chipinda ndoda kusiya wapinda mumba." "Iwewe naTadi wako hamutodi kukura ka? Inoise yei yamanga muchiita panze apo?" mhamha asked ndichangopinda mumba ndikati, "Sorry mhamha, regai ndinogeza ndidzoke tiite prayer." ndikaenda ndikadzoka. Prayer yakaitwa ikapera ndikaenda kuroom kwangu kwave kuisa 2 photos kustatus yekufacebook, instagram and watsapp, 1 raive refood rimwe taive tiri two naTadi akandikissa padama ndikanyora caption yekuti, "In perpetuity." End of chapter

โค๏ธ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ™ ๐Ÿ˜ฎ ๐Ÿ˜ข 62
Floccy Stories
Floccy Stories
5/25/2025, 8:45:44 AM

https://whatsapp.com/channel/0029VaNea6QBA1evAMftZQ0t https://www.facebook.com/profile.php?id=100077130527330&mibextid=ZbWKwL Compatible Written by Floccy Chapter 1 *Mia* Door rakavhurwa ndiri pakati pekutaura na Gregory mukomana wangu uyo aive andibvunza kuti, "Tichiri kuenda here?" Ndakatanga ndatarisa munhu aive avhura door ndichitoziva zvangu kuti ndiani nekuti aive munhu one chete aipinda asina ku knocker. I smiled ndichigadzika phone pasi Tadiwa akasekererawo akati, "Wanga uchiudzwa kuti chiiko paphone pako ipapo? Uri kufareiko?" "Ndiri kufatira iwewe ka. Ndakati chii nenyaya yekusaknocker?" "Siyana neni iwe, hande shaa ndine mazinzara." "Nyaya yako yekusadya makuseni yave kufanira kupera." I said akati, "Handitogone kudya makuseni acho unozviziva, inga iwe haudye wani uri kuita kunge ndini ndega." ndikati, "But handizoite sewe ka unoita kunge wave kuda kutofa kana wave nenzara." "Muonei kunyepa, hausiriwe unomboita kunge wave kuda kufenta iwe?" "Iii ngaipere nyaya yacho, horight kwacho tiri kufanira kuzvimanikidza kudya makuseni." "Wave kutaura manje, chisimuka tiende." he said ndikasimuka tikabuda mu office mangu takabatana maoko. Ndiwo aitove mafambiro edu iwawo taifamba takabatana maoko kana kugrabana vanhu vazhinji vaitoziva kuti hatisiyane vachitofunga kuti tinodanana asi tisingadanane zvedu. Taive ma bestfriends taive takakura tichitamba tese tichidzidza tese, vana amai vedu vaive mabest friends ndivo vaive vaita kuti tiwirirane and taiwirirana zvisingaite. Taishanda pacompany yasekuru vangu baba vamai vangu vaive vakafa mhamha vangu vakasara vave mukuru wayo but vakazosiya basa vave kuita zvechifundisi so company yaive yave kutungamirwa nasekuru hanzvadzi yamhamha. Takasvika pamota paTadiwa akandivhurira door ndikapinda kwakubva avhara door akanopinda kuside kwake. Achangomutsa mota my phone rang ari Gregory and ndipo pandakabva ndarangarira kuti ndaive ndisina kuzomupindura. "Babe." I answered the call zvikanzi, "Mia zviriko here?" ndikati, "Sorry babe ndavhura message kwakubva ndaita busy ndikakanganwa kureplyer, sorry sure." zvikanzi, "Unobhowa iwe, chindiudza tichiri kuenda here?" "Ehe toenda." "Thanks sweetheart, saka ndouya kuzokutora here?" "Ehe unouya." I said akati, "Okay my love ndokuudza ndave kuuya. Rega ndiende kulunch, I love you." ndikati, "I love you too." and the call ended Tadiwa achibva ati, "Waitei wanga uchimuti sorry?" ndikati, "Time yawapinda muoffice mangu ndanga ndichangobva kuvhura message yake so ndabva ndakanganwa kureplyer." "Iwe ka unoda shamhu. Ku dinner date kuya kwawaitaura ndiko kwamuri kuda kuenda?" "Ehe." "Enda umbonoidya mari yamupfanha tsano." he said achiseka ndikati, "Usadaro mukomana wangu." zvikanzi, "Ndimupfana tsano uya." Takasvika pa our favorite restaurant tikanogara pa our usual table our favorite waitress akauya. "Hesi Chiko urisei?" ndakadaro after andimhorosa akati, "Ndiri right tokupai chii?'' Tadiwa akati, " Haa Chiko." ndikaseka ndikati, "Anoda kutinzwa Chiko uyu." akaseka Chiko akati, "Pamwe nhasi munenge musiri kuda ka iyo usual yenyu muchida zvimwe." "Chiko ibva pano tine nzara isu." Tadiwa said achiseka Chiko akati, "Iri kuuya food yenyu." and pasina nguva chakauya chikafu chedu tikatanga kudya. "Ari sei?" Tadiwa asked ndikamutarisa ndichiti, "Ani?" zvikanzi, "Chiko?" ndikati, "Inga ati ari bhoo wani patamumhorosa." akati, "Handisi kureva izvozvo ini." "Saka uri kuti chii?" "Haaite here?" "Kuita kwekuita sei? T uri kuti chii? Wait, zvandiri kufunga ndizvo?" ndakadaro akati, "Iwe uri kufunga chii?" ndikati, "Uri kumuda?" "Hatingati kumuda ngatiti I like her." "Zvinotangira pa like zvozoenda palove." "I kinda like her, anoita here, ari sei?" he said ndikati, "Ari right hake." zvikanzi, "Right hake?" ndikati, "Zvimwe zvese hazvina basa T kana uchiona kuti iwewe anokuitira imbozama." "Iwewe unomuda here?" Ndakatanga ndaseka ndikati, "T shaa ndogomuda sei ini ndiri musikana?" akaseka akati, "Taurira pasi anotinzwa." ndikati, "Anoziva sei kuti tiri kutaura iye?" "Ndanga ndaona kunge ari bhoo but maitiro awaita aratidza kuti haumude saka ngatisiyane naye." "Haa T iwe uchimuda?" "Kwanga kuri kungoda kuzama." he said ndikati, "Unobhowa." zvikanzi, "And unondida nekubhowa kwangu." ndikati, "Haufanire kunditevedzera T kana wada wawada ingomuda." zvikanzi, "Wakandikoshera shaa ndinototi ndikutevedzere, ndicharamba ndichitsvaga kusvika ndawana waunoda iwewe." "Sezvandakaita pana Greg?" "Inga uri kuziva wani, ita tiende ndiwe uri paduty rekubhadhara." "Manje haunyare?" ndakadaro akati, "Kunyarei bhadhara tiende uko." Takadzokera kubasa tichiwanzirana and ndiwo waive mugariro wedu iwowo. Taitombonetsa but taisapedza nguva takatsamwirana. Umwe neumwe akaenda ku office kwake nguva dzikafamba ndikazoenda ku office kwaTadiwa. "Hande shaa usakanganwe kuti bae wangu ari kundiendesa kudinner." I said akati, "Ndogona kungozvidira jecha.'' ndikati, " Unozviita iwe haurambirwe, hande shaa. Ndakuudza here kuti Alice ihama yemukadzi uya wekutanga auraya murume akazozvikanda mupool nevana?" "Haa iwe serious here?" Alice aive shamwari yangu taive takadzidza tese ndiye waindaitoti shamwari kuvasikana. "Ndakataura naye nezuro achitoti mukadzi iyeye aive akamboroorwa nebrother yake vakarambana. Hanzi vakaita mwana vese and mwana iyeye akafawo." I said Tadiwa akati, "Akabhaiza zvake mukadzi uya aisafanira kuzviuraya nekuuraya vana hapana chaakagona." ndikati, "Ukazoona munhu asvika ipapo anenge apererwa. Kwatanga tichida kuenda naAlice paweekend hatichaende akati achazondiudza kana ave free. Handei shaa." Takaenda kumba kwedu Tadiwa akati, "Totaura paphone." ndikati, "Pinda ndiri kuda kuti undibatsire kusarudza zvekupfeka." akati, "Mia shaa." ndikamuti, "Chii chacho? Hande uko." ndichimudhonza ruoko tikapinda mumba. Mhamha vaive vakagara mulounge nema siblings angu Nathan and Mitchel. Takavamhorosa tikaenda kuroom kwangu Tadiwa akandibatsita kusarudza zvekupfeka. "Zvaita ka?" he asked tawana zvekupfeka zvacho ndikati, "Hazvisati mira ndinogeza ndipfeke nekuita make up." akati, "Inini ndiri pama 1." ndikaseka ndikati, "Asingaite kani." Ndakaenda kunogeza ndikadzola Tadiwa akapinda mubathroom ndikasara ndichipfeka kwakubva ndazomudeedza ndapedza. "Woow." he said ndikati, "Bhoo here?" zvikanzi, "Bholato wakachena besty, tenderera tione." ndikatenderera zvikanzi, "Icho chimufitwi." ndikati, "Ndiri kulooker looker here?" "Uri kulooker looker wangu everything is on point mami." My phone rang iri pa bed and pane kuti ndiitore ndidavire takabva tatotanga kuita sing along kuringing tone tichitamba. "Ndanga ndatone nguva ndichingochemera chanzi nawanadem, nawanadem, zvino ndapihwa nguva ndave kutombofaisa dhanzi nawanadem." taiimba tese tichitamba, Tadiwa achangotanga kuti, "Gara zviya takachanza nawanadem..." phone yakabva yamira kurira Tadiwa akati, "Iwe anogona ari Greg." and aive ari iye zveshuwa ndikamufonera back ndikati, "Sorry babe ndanga ndichigeza." akati, "Ndave kuuya." "Wanga uchigeza kupi?" Tadiwa asked achiseka ndichangobva paphone ndikamuti, "Siyana neni, hande tinogara mu lounge takamirira kuuya kwaGreg." tikaenda. "Ko wachenera kupi?" mhamha asked ndikati, "Inga ndakataura wani kuti Greg ari kundiendesa kudinner." vakati, "Hoo zviya ndinhasi. Ko imi muri kuendesawo makoti wangu rinhi?" "Handina mari yekurasa." Tadiwa said and matauriro aakaita aive funny tikaseka tese. Greg akazofona achiti asvika tikabuda naTadiwa kuenda kumota kwake. Tadiwa aive akabata ka clutch bag kangu tikafamba kuenda kunze kwegate. Greg aive akamira pamberi pemota yake tave kusvika paari Tadiwa akati, "Chienda kumunhu wako." achindipa kaclutch bag and we hugged akandikissa paforehead semazuva ese. "Greg." Tadiwa said Greg akati, "Zviri sei?" Tadiwa akati, "Bhoo munhu wako uyu." Greg ndokuti, "Thanks wangu." ndikafamba kuenda pana Greg and we hugged akandivhurira door remota ndikapinda. Aive akangonyarara Greg ndikamuti, "Why kunyarara?" zvikanzi, "Hapana zvangu pane zvandanga ndiri kufunga. Uri sei hako? How's work?" ndikapindura kwakubva tatanga kutaura tunyaya kusvika tasvika kwataienda. Tagara pasi tamirira food yataive taorder akanditi, "Inini hangu friendship yako naTadiwa handiifarire matambiro enyu handimade." ndikati, "Tinotamba sei?" zvikanzi, "Izvo zvamunoita zviya zvinondibhowa, kana uchida kuramba uneni wotosiyana naTadiwa wako." "In other words uri kuti ndisarudze iwewe kana T?" I asked akati, "Ehe handidi musikana anotamba nemukomana, munenge muchitambei?" End of chapter

โค๏ธ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ™ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ˜ข ๐Ÿ˜ฎ 76
Floccy Stories
Floccy Stories
5/29/2025, 6:27:58 PM

https://whatsapp.com/channel/0029VaNea6QBA1evAMftZQ0t For previous chapters follow my channel. https://www.facebook.com/profile.php?id=100077130527330&mibextid=ZbWKwL Please follow my Facebook page. Compatible Written by Back Chapter 5 *Tadiwa* "Friends for life." ndakareplyer status yaMia achibva ati, "Toparadzaniswa nerufu. Thanks shaa nhasi ndafara." ndikati, "You are welcoming. Wazoti mangwana tiri kuimba kuchurch here?" "Ehe, ndave nehope Tadi. Goodnight." "Kana neniwo, goodnight. I love you." "I love you too." she said kwakubva ndasarudza 1 photo randaive ndamutora kudinner kwataive taenda, raive rakanyatsobuda ndikaisa kuwatsapp status ndikanyora caption yekuti, "my ride or die." ndokuisa phone pacharger ndikarara. The following day ndakamutswa nephone yairinger ari Mia and I smiled ndiladavira. "Wanga wakarara ka?" she asked ndikati, "Morning to you too Mia." akati, "Morning kwacho, chimuka." ndikati, "Ehoyi mhamha." zvikanzi, "Uri kundiona samai vako here ini?" Takataura kwekanguva kuri kungowanzirana chete ndikazomuti, "Time dziri kufamba Mia tinozononoka kuchurch." akati, "Gadzirira usanonoke." and the call ended ndikabuda mumagumbeze ndikagadzira bed. Kupraise and worship taive takanzi tiri kupfeka red and black so ndakasarudza black trousers and a red shirt nebhutsu dze black. Pa door pakaita knock ndikati, "Come in." mhamha vachibva vapinda vakati, "Ndanga ndatouya kuzokumutsa." "Ndamutswa na Mia." "Tiri kuenda tese?" "Ndichatanga ndanzwa Mia." I said vakati, "Tadiwa ka, hakusi kutotambisa fuel here kumbotanga wanotora Mia wako iyeye?" ndikati, "The last time I checked ndaingozvitengera fuel yangu ndega." "Yatova rough ka iyi?" "Ayehwa kungotaurawo." "Bva ita zvaunoda." she said vachibva vabuda ndikasara ndichifonera Mia ndikamuti, "Tiri kuenda tese here?" "Ayehwa, tonosangana ikoko." "Okay." Ndakaenda kunogeza ndikachinja ndikaenda kudining food yaive yatoita vamwe vatogara. Takadya tikaenda kufamily car daddy vakandipa ma keys and I drove kuenda kuchurch. Takasvika mota yekumba kwana Mia yatovepo Mia akauya pamota yedu akamhorosa vanhu akanditi, "Hande kuseri uko ndiko kune vamwe." tikaenda ikoko tikaita kameeting leader wepraise and worship achitiudza zvekuita. Takazopinda mukati church ikatanga nguva yema items ikakwana tikaimba song yedu naMia vanhu vakanakidzwa. "Brother Tadiwa maimba zvinonakidza nhasi." ndakanzwaro neumwe musikana anonzi Tendai aive auya pasi pemuti pandaive ndakamirira Mia aive adeedzwa namai vake, church yaive yapera. "Thanks sister Tendai." "You are welcome, ndofarira zvekuimba kana muchida tozombo practicer song toimba tese." "That'll be nice but handiwanzobatike ndinogara ndiri busy." I said akati, "Chingotii hamudi brother Tadiwa, inga sister Mia munovawanira nguva wani?" "Iwewe na Mia makatosoyina, ndichakuudza pandinenge tiri free topracticer." "Tiri? Imimi nani?" "Na Mia." ndakadaira akati, "Dai ndanga ndichida kuimba nasister Mia ndanotaura navo, ndauya kwamuri because ndiri kuda kuimba nemi." ndikati, "Horight, ndokuudza pandinenge ndiri free." and she smiled ndokuti, " Ndichange ndichitaura nemi pawatsapp number dzenyu ndakadzitora mugroup reyouth. Musazondidadirewo kana ndikataura nemi." ''Haa maya handidaro." Akaenda musikana uya Mia akazouya tikanogara mumota yekumba kwedu takamirira vabereki vedu kuti vapedze meeting yavaiita. "Ndosaka ndichida kuuya nemota yangu izvi zvekumirira vanhu vasingapedze zvinobhowa, unotoshaya kuti vanenge vachimbotaurei chaizvo." I said Mia akati, "Taura hako zvinobhowa.'' Vakazouya nguva dzafamba Mia akaenda kumota kwavo isu tikaenda kumba uko kwatakasvika tichidya. Ndakazoenda kuroom kwangu ndikabvisa hembe dzekuchurch ndikapfeka short ne vest. Mia aive asingabatike pawatsapp so ndakatanga kuita zvefacebook nguva dzikafamba ndikazodeedzerwa kudya. Ndaitotaura naMia ndiri muroom mangu pakapinda message from a new number. Ndakaivhura ndikaona yakanzi, " Hie handsome." kwave kushaya kuziva kuti ndiani ndikatarisa profile picture ndikaona ari Tendai musikana wandaive ndambotaura naye kuchurch. Ndakatora screen shot re chat iroro ndikatumira Mia akati, "Ndiani?" ndikati, "Tendai weku church." akati, "Ari kukuda." ndikati, "Ndizvo zvandatoonawo." "Mupindureka." "Kuti chii?" "Kuti, I am fine how are you beautiful." she said ndikati, "Anobva afunga kuti ndomuda." zvikanzi, "Asi haumude?" "Ehe, kuchurch kuya hakuna wandinoda. Handisi kumupindura rega nditomu blocker." I said and ndizvo zvandakaita ndikaenderera mberi nekutaura naMia kusvika ndazorara. The following day takaenda kubasa naMia aive auya nema scones tikamadya pabreak time netea. Palunch takaenda kuour usual restaurant after work tikaenda kugym. Taive tatakura gym wear yedu tikasvikopfeka ndokutanga kuita maexercises. Handina kufarira kamubatirwo kaiitwa Mia nagym trainer apa Mia wacho aitoita kunge ari kunakidzwa nazvo. Takazopedza ndisisina mufaro Mia achitonakidzwa zvake. Takaenda kumota ndiri kumberi ndichifambisa ndikanopinda mumota. "Kwakanaka here?" Mia asked apinda mumota ndikati, "Ehe." zvikanzi, "Hakuna, waitwa sei nani?" ndikati, "Hapana." "Uri kunyepa ndinokuziva T, wakatsamwei asi pane zvandaita zvakubhowa?" "Ehe." "Sorry, ndaita sei?" akadaro ndikati, "Wanga uchida ndisekerere uchibatwa batwa na trainer.'' akati," Ndizvo zvawatsamwa?" "Ehe, ndingatadze kutsamwa iwe wanga uchiita hunzenza ndakatarisa?" "Sorry hako kana ndaita zvakubhowa handina kumboziva kuti zvatanga tichiita hazviite. Asi ari sei?" "Ani?" I asked akati, "Trainer ka, idude ka?" and I clicked my tongue ndikati, "Mia usade kundibhowa, uya nyangwe zvikanzi varume vapera munyika handidi kumuona padhuze newe. Vakadzi vangani vaanobata bata pazuva zvaanga achikuita?" "An...." she started ndikamucutter ndichiti, "Ngaipere nyaya yatrainer mangwana ukamusiya achikubata bata hatidzoke futi." akati, "Okay ndazvinzwa." Ndakanomusiya kumba kwavo tachinja nyaya mazuva akafamba weekend ikasvika. Taienda kunonzi kuMisty walk ndiko kwatainoitira youth tichiita braai. "Kana muri kuda kuenda neni itai zvekukasira." ndakadaro kuma siblings angu Takudzwa and Tinevimbo "Inini ndatopedza hamheno Tine." Takudzwa said Tinevimbo akati, "Kana neniwo ndapedza." kwakubva ndati, "Saka handei." tikaenda kumota. Takaenda kumba kwana Mia handina kupinda mukati ndikafonera Mia ndikati, "Ndasvika." akati, "Takutouya." vakauya vari 3 nema siblings ake. Nathan naMitchel vakagara kubackseat kwaive naTaku naTine, Mia akagara neni kumberi. Takaenda ku misty walk and we had a really nice time tikapedza zuva rodoka. Takanosiya Mia nevana vamai vake kumba kwavo tikazoenda kumba kwedu. Next Weekend mayouth aive akabhadhara mari yaidiwa taienda kwaTerry. Friday manheru tichiti tiri kuenda kwaTerry kwacho mangwana makuseni Mia akanditi, "Toenda nevamwe here or toenda tega." ndaisatoda zvekuenda nevamwe ndikati, "Ngatiende tega." zvikanzi, "Rega ndiudze vaHwede vasativerenga pavanhu vari kuenda nekombi. Unouya uchinditora, tiri kuenda nemota yako also tiri kusangana na Alice mutown ari kuendawo." "Iri bhoo, wazoti tiri kupfei?" ndakadaro akati, "Zvanzi mat-shirts eku church aye eku youth nema jean trousers." ndikati, "Horight, ndave nehope shaa rega ndirare undimutse ndogona kurarisa." "Ndagara ndokumutsa, goodnight I love you." "Night, night, I love you too." Akandifonera makuseni Mia ndikagadzirira ndikaenda kunomutora kumba kwavo. Takanotora Alice kwaaive vakafarirana naMia. Ndaimuziva zvangu but taive tisiri close. Mia akagara kubackseat naAlice vakatanga kutaura nyaya dzavo vachiwirirana kwazvo. Pane zvandakabva ndafunga and I smiled ndatoona kuti ndaive ndawana musikana aizoworirana naMia. End of chapter

โค๏ธ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ™ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ˜ฎ ๐Ÿ˜ข 79
Floccy Stories
Floccy Stories
6/4/2025, 12:05:01 AM

https://whatsapp.com/channel/0029VaNea6QBA1evAMftZQ0t For previous chapters follow my channel. https://www.facebook.com/profile.php?id=100077130527330&mibextid=ZbWKwL Please follow my Facebook page. Compatible Written by Floccy Chapter 8 *Tadiwa* "Thanks ndichakuratidza zvandinenge ndatenga zvacho." I said tikazotaura dzimwe nyaya kwekanguva ndikarara. "Morning beautiful." ndakatumira Alice message uyo aive atori online akati, "Morning how are you?" ndikati, "Ndamuka bhoo zvangu, wandirotawo here?" "Handirote ini." "Kune munhu asingarote?" "Ehe inini." she replied ndikati, "Hakuna zvakadaro." akati, "Ndinokanganwa." ndikati, "Idaro hapana munhu asingarote, ndokuona ndauya kwete kuzowacha ndisati ndauya." "Horight." Ndakataura naMia ndapedza kutaura naAlice. "After youth ndiri kufunga kuenda kuvillage zvangu." Mia said ndikati, "Kunoitei?" ndikati, "Kunofurwa nemhepo zvangu pamwe ndingaonekwa." ndikati, "Ayehwa Mia haufambe wega ndisipo." "Ndiri kuda kuonekwawo ka nhai." "Imbomira izvozvo Mia ndipo pakuzokumba zvese zvese. Uchamuwana munhu ari bhoo chimbomira kumhanya." "Horight kwacho ndoenda kumba after youth." she said ndikati, "Good girl ndouya kuzokuona zuva rodoka. Mota yangu ine tsvina shaa rega ndinyengerere Taku andibetsere kuigeza." "Kana yangu wena asi yangu ndichatuma Nathan kuti aende nayo kucar wash." "Totaura later." I said ndikaenda kuroom kwaTakudzwa uyo aive achiri akatorara zvake ndikamumutsa. "Ndiri kuda kubatsirwa kusuka mota." I said akati, " Ndizvo zvawandimutsira izvozvo?" ndikati, "Ehe, hande." akati, "Usadaro iwe, uri kubhadhara?" "I am your big brother Takudzwa ndinotofanira kukutuma." "Uku kubatirana." "Hande hauzoshayewo something." I said tikaenda kunogeza mota ndikazoenda kunogeza ndikapfeka zvaionekera semunhu aienda kunoona babe. Takadya breakfast as a family nahalf 10 ndikaoneka mhamha vakati, "Saka hautogone kuswera usina kuona Mia?" ndikati, "Why madaro?" zvikanzi, "Wave kutoenda kwaari ka." "Handisi kuenda kuna Mia ini ndiri kuenda kunoona muroora wenyu, pamubvunzo wamabvunza pekutanga ehe handigoni kuswera ndisina kumuona Mia ndichienda kunomuona zuva rodoka ndadzoka kunoona muroora wenyu." "Wave nemusikana?" mhamha asked ndikati, "Ehe but handisati ndadiwa zvangu." vanhu vese vakaseka mhamha ndokuti, "Zvausina kukwana, unoti une musikana iwe usati wadiwa? Une photo rake here timuone zvedu?" "Muri kumhanya mai Tadiwa muchamuona kana mave kufanira kumuona. Regai ndiende ini." Ndakafonera Mia ndichangogara mumota akadavira achiti, "Mukomana waAlice." ndikati, "Amana ndatochinjwa zita here? Apa handisati ndatombodiwa." "Kudiwa unodiwa hako watononoka kutaura." "Zita rangu ndonzi Tadiwa. Uri kuitei?" "Ndichangobva kunogeza ndiri kuzora mafuta." she said ndikati, "Saka ngatitaurei kusvika ndasvika." zvikanzi, "Asi watosimuka." "Ehe." "Wakazotii chii nenyaya yema business ideas aye?" "Handiti takati ticharonga here." I said akati, "Time iri kufamba Tadi tinofanira kuita zvedu zvisinei nevabereki." ndikati, "Taura hako, totaura pandiri kuuya kuzokuona." Ndakasvika papizza inn ndichitaura naMia ndika order 1 large box of pizza yaifarirwa naAlice zvese nejuice racho. Ndakamirira order kuti iite ndichitaura naMia. "Ndave kuenda kuchurch." she said ndikati, "Ngatitaure kusvika wasvika." tikataura order yangu ikaita ndikaenda kunotenga magoodies kusupermarket. "Ndasvika totaura wauya kuzondiona." she said ndikati, "Uswere bhoo ndabva ndatotanga kukusuwa." zvikanzi, "Kana neniwo, umhorose Alice ndichataura naye zvangu I know achandiudza kuti wakanda shoko." "Kufunga kwako anondibvuma?" "Zvinoita kani Tadi, bye bye." *Alice* Ndakapedzisa kuyanika hembe ndikadzokera mumba. Mvura yangu yekugeza yaive yaita ndikaidira mubucket ndikaenda kunogeza. Ndaive ndatosarudza zvekupfeka ndaisa pabed ndikadzoka ndichozora mafuta nekupfeka. Padoor pakaita knock ndave kukama frontal wig yandaive ndakaiswa. Ndakatofunga kuti ndiTadiwa ndikamhanya kuzvigadzirisa kwave kuzoenda kudoor ndikavhura ndikaona ari musikana aigara munext room. "Aaah ndiwe?" ndakadaro Emily akati, "Ndini zvangu, wanga wati ndiani?" ndikati, "Pane shamwari yeshamwari yangu ari kuuya. Nhasi kwakanaka kuknocker nekusapinda? Ndokuziva uchingo knocker ka 1 wobva watopinda." "Ndakuona uchibva kunogeza ndaizopinda wakashama. Kana uchiti shamwari yeshamwari yako unorevei?" "Handiti ndakakuudza nezve shamwari yangu anonzi Mia wandaiti takadzidza tese ku high school?" "Ehe wakandiudza." she said ndikati, "Ane shamwari yake best friend mukomana ndiye ari kuuya kuzondiona." akasekerera akati, "Hoo mukomana ari kuuya ndosaka wachena chena so? Asi ari kukuda?" "Ndadaro kupi? Ari kuuya kuzondiona chete." "Chete chete." Ndisati ndamupindura phone yangu yakatanga kurira ndikaitora ndikaoma ari Tadiwa. "Helo Tadi." I picked the call ndikanzi, "Hey beautiful, ndave kuuya." ndikati, "Ndiriko huya zvako." zvikanzi, "Ndikasvika wawacha ndikurova." and the call ended Emily akati, "Ka smile aka ndeke munhu ari murudo." "Kutaura chokwadi ndakamufarira Tadiwa that's why ndiri kumu entertainer, ndiri kutozviziva kuti ari kundida. Akanaka iwe, angori munhu ari bhoo so." "Ndabva ndatonzwa kuda kumuona. Ko Pardon?" "Ndiri kumuona mangwana and ndiri kubva ndamuudza kuti tichisiyana hedu hapasisina rudo." I said akati, "Unenge wagona but hazvisi kukurwadza here?" ndikati, "Ndakatanga ndichirwadziwa, ndiye ka akandibvisa humhandara and ndiye ega mukomana wandakarara naye. Iye zvino hazvicharwadze ndakazvigamuchira kuti rudo hapasisina." "Chimbozama iye ari kuuya uyu. Nezuro ndakakanganwa kutenga chingwa nzara shaa, ndipo ka 4 slices ndokudzosera ndatenga changu." "Kudzosa kwekuita seiko Emily, kana uchida zvibikire tea ndabika mazai ari mupan yakavharwa iyo." "Thanks." she said achienda paive neelectric jug akaribatidza. Akazvigadzirira tea yake akatanga kudya tichitaura nyaya. Phone yangu yakatanga kurira ari Tadiwa ndikadavira zvikanzi, "Ndasvika." ndikati, "Ndiri kuuya." kwakubva ndati kuna Emily, "Munhu wangu asvika, ndiri sei?" "Zvese bhoo, enda unomutora ndimuone ndiende kuroom kwangu." Ndakabuda ndikaenda kwaive naTadiwa. Aive ari mumota akabuda paakandiona. "Hesi." I said akati, "Ndave bhoo ndakuona, iwe uri sei?" ndikati, "Ndiri right zvangu, ngatipinde mumba." akatora mapaper bags aive mumota nezibox repizza. Ndakatambira mapaper bags tikapinda mumba ndikamupa chair yekugara akamhorosana naEmily. "Emily uyu anonzi Tadiwa ndi besty veshamwari yangu Mia. Tadiwa uyu anonzi Emily ishamwari yangu tinogara tese pako." I said vakazivana Emily akazoti, "Thanks Alice rega ndiende ndiri kuda kupinda mutown, hapana zvauri kuda?" "Hapana, ndokuona wadzoka." Akaenda Emily pakaita karunyararo Tadiwa achibva azoti, "Asi watowacha?" ndikati, "Ehe, kare kuseni chaiko." zvikanzi, "Usadaro iwe ndakati ndoda kukubatsira wani." "Ndakadzidziswa kuti varume havawache." "Manje inini ndinenge ndichikuwachira basa rese ndinenge ndichikubetsera. Unoda here kuenda neni somewhere kunofurwa nemhepo?" "Handei hedu." I said akandiendesa kune kamwe ku a fancy and quiet place. Takadya food yainaka kwazvo tave kudya dessert Tadiwa akandibata ruoko akati, "Alice ndokuda." Ndakashaya zvekutaura akati, "Ndati ndokuda Alice." ndikati, "Ndokumbirawo kubvunza." zvikanzi, "Bvunza zvako." "Mia akandiudza kuti muri ma friends but zvamunoita zvinoitwa nevanhu vanodanana, hamudanane here?" "Dai ndaidanana naye ndiri kukuudza kuti ndinokuda here? Mia is my friend, my special best friend. Hatidanane isu tingori vanhu vanowirirana chete." he said ndikati, "Okay kwanga kuri kungoda kunzwisisa. Apa ndichiri murelationship neumwe mukomana but ndave kuda kusiyana naye hapasisina rudo, ndichambofunga ndichipedzerana naPardon ndozokuudza kuti ndinenge ndafungei." End of chapter

โค๏ธ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ™ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ˜ฎ 25
Floccy Stories
Floccy Stories
6/2/2025, 5:25:32 PM

https://whatsapp.com/channel/0029VaNea6QBA1evAMftZQ0t For previous chapters follow my channel. https://www.facebook.com/profile.php?id=100077130527330&mibextid=ZbWKwL Follow my Facebook page. Compatible Written by Floccy Chapter 7 *Tadiwa* Ndaitoda kumunzwa zvangu achibva aisa audio achiseka akazoti, "Hoo ndimi vaye vasingagone kusofta mababe?" ndikati, "Kwana mhani iwe, ndingatadze zvinhu zvakapusa kudaro?" "Wandinakidza zvangu, rega ndikupe number dzake utaure naye wega. Ndinenge ndichida kuziva zvese zvamataura." "Okay ndokuudza." Akanditumira number dzaAlice dzandakabva ndatosaver kuti babe neka heart ndikatora screen shot ndikatumira Mia uyo akabva atanga aseka akati, "Nhaka murudo mave kupindwa nezvimwe, uri kutomuda zvekudaro?" ndikati, "Zvekutodaro sahwii, wish me luck handisi kuda kurambwa." "All the best." "Usarare rega nditaure naye, kahana kave kutorova wena." "Kwana iwe. Asi uri kuda kubva watokanda shoko racho nhasi?" she said ndikati, "Ayehwa, ndomutanga ndichiti chii?" "Tadi ka uri kuita sekuti hausati wakambonyenga musikana sei? Mumhorese then womubvunza kuti asara sei?" "Horight rega ndidaro." Ndakaenda kuchat raAlice ndikafara ndawana atori online ndikamuti, "Hie, its Tadi." haana kunonoka kuvhura message yangu and she replied kuti, "Hie Tadiwa, how are you?" "Ndiri bhoo, wasara bhoo here?" "Ehe, ko imimi mafamba bhoo here?" "Haa tafamba bho, saka uri kuitei hako?" ndakadaro akati, "Kutamba nephone ndichitsvaga hope zvangu." ndikati, "Nice, ndangoti ndinzwe kuti wasara sei." "Haa ndasara bhoo, thanks for asking." "Goodnight." "Night night." I said kwakubva ndaita copy our conversation ndikanopaster mu inbox maMia. "Wagona, mangwana makuseni unomuti good morning beautiful, motanga kutaura kubva ipapo, masikati womuti afternoon zvichingidaro." Mia said ndikati, "Ako kave kutondidzidzisa kunyenga babe." akati, "Ndoita sei iwe uri kungobvunda bvunda zvisina basa. Ndave nehope shaa, mangwana toenda nemota yedu zvekuzomirira vemameeting zvinobhowa." "Okay ndouya kuzokuona. Goodnight, I love you." "I love you too, urare bhoo." The following day ndakamutswa necall yaMia akanditi, "Muka uite zvandakakuudza." ndikaseka ndikati, "Zvausina kukwana." zvikanzi, "Ita izvezvi." ndikati, "Horight kwacho." "Good morning beautiful." ndakatumira Alice message and she was online akati, "Morning, how are you?" ndikati, "Ndave bhoo ndataura newe, uri kuenda kuchurch here?" "Ayehwa nhasi handisi." "Ko why?" "Ndiri kuda kuita laundry yandaifanira kuita nezuro." she said ndikati, "Dai ndisiri kuenda kuchurch ndaiuya kuzokubatsira. Ndinouya next Saturday kuzokubatsira." akati, "Unogona kuwacha?" "Ehe ndinogonesa ini." "Mmmm ne zvauri?" "Zvandiri zvipi?" I asked zvikanzi, "Zvauri izvozvo hauna kufitwa nekuwacha." ndikati, "Ndanga ndisingazive kuti kuwacha kune kufita, uchaona zvako pandichauya kuti ndiri shasha pakuwacha." "Totenda maruva tadya chakata." "Unenge waive shasha kushona." "Ehe nditori ne A." she said ndikati, "Ndatozviona, totaura later hun regai ndimboita zvekuti ndiende kuchurch." akati, "Unondinamatirawo." ndikati, "Handina glue." "Glue?" she asked ndikati, "Rekunamatisa ka handiti glue ndiro rinonama." akati, "Haa iwe zvandiri kutaura uri kuzviziva." "Unoda kunamatirwa chii?" "Chero." "Okay beautiful I will definitely pray for you. Inini ndiri kuda kuti undinamatirewo paunenge uchiwacha." akati, "Kunamatirwa chii?" "Pane musikana wandiri kuda wandisati ndaudza, ndiri kuda kuti pandichazomuudza andidewo asandirambe." "Anonzani musikana wacho? Pakunamata panoda mazita." "Ingoshandusa first letter rake A, unenge uchiti Mwari itai kuti A azobvuma Tadi." I said akati, "Okay I will pray for you." "Thanks, totaura later." Handina kukangwanwa kuita copy and paste conversation ndikapa Mia akati, "Ichoo chiri kukanda ma worms mbichana mbichana, zviri kuita and wagona wena. Alice wacho anenge ari kutodyira, ari kutodawo." ndikati, "Anototi adyire ka, ko ndiripo ka ini." "Handsome overload, wakanaka baba vako." I laughed ndikati, "Ratochinjwa statement riya. Shaa rega ndigadzirire zveku church ndave nemazipower ndataura nabae." akati, "I hope haazonditorera shamwari yangu Alice iyeye." ndikati, "Jelosi, don't worry unozviziva kuti ndiwe unotanga. Alice anenge akakosha but iwewe wakakoshesesa." "Ugare wamuudza Alice wako iyeye kuti hatidi kupesaniswa." "Ndizvo zvandichatotanga kumuudza izvozvo. Chiita zvekuti tiende kuchurch." Ndakagadzira bed yangu ndikaenda kunogeza ndikapfeka macolors aipfekwa musi iwowo. "Asi uri kuenda nemota yako?" mhamha asked ndikati, "Ehe, imimi munobhowa kuzopedza gore muri mumeeting yenyu." zvikanzi, "Kungonakidzwa nekutambisa fuel." ndikati, "Yandinotenga ndega." Handina kuda kumirira vamwe kuti tidye pamwe chete ndikamwa tea ndiri ndega ndokuzoenda kumba kwana Mia. "Give me 5 minutes ndave kutouya." Mia said pandakamufonera ndasvika kumba kwavo. "Okay." I said kwakubva ndafunga kutaura naAlice ndakamirira Mia. "Watopedza kuwacha here?" I asked and aive offline Alice wacho. Mia akauya tikaenda kuchurch ikaitwa ikapera. Tave kuenda kumota naMia, Tendai akandideedza ndikamira Mia ndokuti, "Ndipe ma keys unondiwana kumota." ndikamupa akaenda Tendai akasvika pandiri. "Kana maive musingade kutaura neni maingondiudza kwete kundiblocker." Tendai said ndikati, "Ndakaona kuti kwaizoenda nyaya handizokufarire." "Kupi ikoko kwayaienda? Ndaitongoda kutaura nyaya dzekuimba chete ini kwete zvamakafunga nditori nemunhu wangu." "Sorry." "So muri kundi unblocka ka?" she asked ndikati, "Ayehwa, handina nyaya dzekutaura newe." ndikafamba ndichibva paari. "Hanzi chii?" Mia asked ndapinda mumota ndikamuudza akati, "Zvaasina kukwana." Ndakanosiya Mia kumba kwavo ndikaenda kwedu uko kwandakasvika ndichidya ndokuzoenda kuroom kwangu. Ndakachinja hembe ndikarara pabed phone iri muruoko. "Ndazopedza manje ende ndaneta yanga yakawanda washen yacho. Wazoenda kuchurch here?" aive apindura Alice ndikati, "Ndaenda ndichangodzoka." "I hope hauna kukanganwa kundinamatirawo." "Handina ndatoti Mwari komboreraiwo amai vevana vangu. Ko iwewe pawanga uchiwacha wandinamatira here kuti musikana wandinoda ane zita rinotanga na A andibvume?" "Ehe ndakunamatira." she said ndikati, "Thanks watondipa simba rekumuudza zviri pamoyo pangu." zvikanzi, "Muudze usatye." ndikati, "Ndichamuudza chete." Ndaive ndave kutaura naAlice nguva zhinji zvatinenge tataura ndoratidza Mia uyo aive atononokerwa nekuti ndidanane naAlice. Week rakamhanya Friday tichibva kugym naMia akanditi, "Saka mangwana hausi kuuya kuyouth?" ndikati, "Ehe, inga takawirirana wani kuti ndipo pandiri kuenda kunoona Alice." "Ndichakusuwa." "Kana neniwo, ndinouya kuzokuona manheru." "Horight." We hugged tikakissana matama akapinda mumba mavo ndikaenda kumba kwedu. "Mangwana ndiri kuuya kuzokubetsera kuwacha." ndakadaro kuna Alice akati, "Waitorevesa nhai iwe?" ndikati, "Ehe, saka ndouya nguvai?" zvikanzi, "Kuma 11." "Ndokuvigira chii?" "Aaah hapana." "Chii chinonzi hapana?" I asked akati, "Chero horight." ndikati, "Okay ndichauya nechero yacho." Ndakatumira Mia conversation yangu naAlice akati, "Anofarira pizza chicken and mushroom, minute maid yeguava wowedzerawo zvimwe zvinodiwa nevasikana." End of chapter

โค๏ธ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ™ ๐Ÿ˜ฎ 71
Floccy Stories
Floccy Stories
5/26/2025, 5:19:16 PM

https://whatsapp.com/channel/0029VaNea6QBA1evAMftZQ0t https://www.facebook.com/profile.php?id=100077130527330&mibextid=ZbWKwL Compatible Written by Floccy Chapter 2 *Mia* I chuckled ndikati, "Greg utori serious?" kahana kangu kave kutorova haana kupindura akamirira waitress aive auya ne food kuti aende kwave kuzoti, "Yes, more than serious. Kana uchida ini wosiya zvekutamba naTadiwa wako. Kana Tadiwa akanyanya kukukoshera wosiyana neni." "Mese makakosha and ndokudai zvakasiyana. Tadiwa is like a brother to me." "Inini matambiro enyu handimade." "But wakandida ndichiwirirana naye ka?" I asked akati, "Ehe but zvamunoita zvacho hazviite, akambokosheiko Tadiwa wacho? Inga vasikana vakazara wani and utori na Alice musikana wekutamba naye." "Yes Alice ishamwari yangu but haana kukosha saTadi, takabva kure naTadiwa. We have been friends kubva tiri vana vadiki." "Kana uchiri kuda kuita musikana wangu siya kutamba naTadiwa." "Gregory I love you so much, ndokudisisa but handikwanise kusiyana naTadiwa. Tisati tatanga kudanana I told you kuti Tadiwa ishamwira yangu best friend ukanzwisisa, saka chachinja chii?" I said akati, "Dai maitamba zviri normal naTadiwa wako handifungi kuti ndaikuudza kuti usiyane naye. Iwewe zvamunoita naTadiwa wako ukandiona ndichizviita neumwe musikana unofara here?" ndikati, "Handiti inenge iri shamwari yako." "Iwe ka! Usanyepe, ungafare kundiona ndichifamba ndakabatana maoko neshamwari yangu yechisikana? Ungafare kundiona ndichikissa shamwari yangu here?" "Kukisswa pai?" "Chero pakave padama or pa forehead hazvingoite." he said ndikati, "Zvimwe zvinhu zvaunotsamwira hazvina kana basa Greg, paforehead pane basa rei? Daddy vangu chaivo vanondikissa ipapo and handina kana problem nazvo." akati, "Tingatopedza nguva tichinetsana choose between me and Tadiwa." "I can't, mese ndokudai zvakasiyana." "You have to choose." "I love you Gregory." I said and ndaitorevesa zvikanzi, "I love you too but uri kufanira kuchooser." ndikaramba ndakamutarisa maziso angu otovavira nemisodzi. Ndaimuda Gregory asi kusiyana naTadiwa ndaisatoda, ndakatanga kutarisa kuti akanyanya kundikoshera pakati pavo vari two ndiani kwave kuona ari Tadiwa. Taive takabva kure neshamwari yangu takaitirana masacrifices akawandisa and kuti ndizongomusiya nekuda kwemunhu wandaive mdaziva ndakura kwaive kusingaite. "Tadiwa." ndakazodaro ndikamuoma achimedza mate Greg akati, "Ndiye wawachooser?" and I nodded ndichirwisa kuti misodzi isabude akati, "Okay saka ndiko kupedzesera kutaura tese iwewe neni hatichadanane." handina kupindura ndikasimuka misodzi ikatanga kuyerera ndikafambisa ndichibuda. Ndakatora phone mubag and I called Tadiwa. "Mia." akadavira achidaro Tadiwa and kungonzwa kwandakaita voice rake shungu dzekuchema dzakabva dzawedzera ndikatanga kuchemesa akati, "Mia are you okay? Waita sei?" "Gregory aaa...." ndakakakama zvikanzi "Aita sei?" ndikati, "Huya unditore " akati, "Okay calm down handiti, ndiri kuuya kuzokutora." Gregory akauya pandaive ndakamira akati, "Hande ndinokudzosera kumba kwenyu." ndikapukuta misodzi nekuseri kweruoko ndikati, "Tadi ari kuuya." achibva aenda kumota kwake. Tadiwa akazouya ndikanopinda mumaoko ake ndichichema akati, "Sorry chinyarara, ngatipinde mumota undiudze kuti waitwa sei?" tikapinda mumota ndikamuudza zvaive zvaitika. "Handisi kuti Greg zvaaita zviri right but you were not supposed to choose me Mia." ndikati, "Ndanga ndichifanira kuita sei?" zvikanzi, "Kumutsanangurira kuti iye neni takasiyana." "I tried shaa but haana kunzwisisa." "But aiita kunge ari bhoo wani nekuwirirana kwedu wani?" "Ndizvo zvandaitoonawo ndatoshamisika ave kundiudza zvekuchooser. Ndarwadziwa Tadi nemudiro wandinomuita Greg anga asingafanire kundidaro." I said akati, "Sorry ndichataura naye." ndikati, "Ayehwa siyana naye." "Unomuda Mia ndotaura naye ndomuonesa kuti inini newe tingori mafriends chete." "Ayehwa musiye atondiratidza kuti haana basa neni, haangambondiudze kuti ndichoose pakati pako naye iye akauya uripo. Hazviite izvozvo ! No one will separate us, I repeat no one." "Greg unomuda and iye ano kuda hamungapesaniswe neni ndichataura naye don't worry." he said ndikati, "Une nharo iwe." zvikanzi, "Iwe dzaunadzo ishoma here? Todii toenda kumba kwedu here or ndonokusiya kwenyu?" "Hande kwenyu handisi kuda kuti mhamha vandione ndakadai." "Chivaudza kuti hausi kudzoka." Ndakatumira mhamha message vakati, "Ndichakufonera ne video call." ndikati, "Ndipo pandingakunyeperai here? Munondibata pamweya ka nhai prophetess." Takasvika kumba kwana Tadi amai vake vachiona TV nemurume wavo. Tese tiri two naTadiwa taive takazokura tichigara nana step father, mhamha vangu vaive vasina kugara nababa vangu vaive vakaita zvekumitiswa and ndaivaziva zvangu baba vangu but we weren't close. Amai Tadiwa vaive vakarambana nababa Tadi vakazoroorwa neumwe murume. "Ndanzwa kuti wanga waenda kudinner naGreg kwanga kuri sei?" mai Tadi asked ndikati, "Haina kuzopera mushe tarambana na Greg." vakati, "Aah ko maitanei?" ndikatsanangura vakati, "Zvazvakaoma nhai, iko imiwo hamusiyane zvinotoda vanotokuzivai sesu so asingakuzivei haangambozvinzwisise." murume wavo akati, "Taura hako nekuti kuwirirana kwacho kwakanyanya dai vatongoroorana zvavo." "Ndichiroora sister yangu? Daddy munenge mave nehope imi endai munorara zvamuri kutaura zvakangofanana nekuti ndiroore Tinevimbo." Tinevimbo aive sister yaTadiwa. "Taura hako mwanangu vanhu havakunzwisisei." mai Tadi said Tadiwa ndokuti, "Ndichataura naye Greg ndomuonesa kutu hapana iripo. Mia rega ndikutorere food udye." ndikati, "Handina nzara ini." "Undikwanire." Akanotora food akandimanikidza kudya ndikazofonera mhamha ne video call vakagutsikana kuti ndaive kumna kweshamwari yavo. Takazoenda kuroom yandaishandisa ndiri kwana Tadi ndikachinja hembe tikatandara tiri tichiona TV. Akazoenda kuroom kwake ndikasara ndave kuita zvephone yangu. Alice aive anditumira message yekuti, "Urisei?" "Mushe zviri sei? Mazopihwa mwana here?'' I asked akati, "Ehe zvazoita wena anovigwa mangwana zvanga zvamboda kunetsa nekuti aive ave kushandisa surname yemurume wamai vake." "Better zvazoita, saka ari kuvigwa brother yako isipo?" "Ehe, anga achida kuuya but taona kuti paanozouya pacho nguva inenge yafamba. Anozongoonawo panenge pavigwa mwana wake. Ndiri kurwadziwa Mia ndave kudemba hutsinye hwataimuitira mukadzi iyeye. Takamubata rough naamai vangu vachindifurira kuti ndimuitire hutsinye ndave kuzvifunga kuti dai tisina kudaro pamwe dai asina kurambana naAbel asina kuzoroorwa nemurume aimushungurudza." "Zvakatoitika Alice usazvipe mhosva kana wadzoka unondiudza ndouya kuzokuona." I said tikati taure taure kwekanguva ndikazongoerekana ndaenda muinbox maGreg. Ndakatanga kuverenga mamessages ataisenderana ndikatotanga kuchema kusvika ndabatwa nehope. The following day ndakamuka ndikagadzirira kuenda kubasa ndikapfeka hembe dzaigara kwana Tadiwa. "Nhasi hapana ari kuenda asina kudya." Tadiwa said ndikati, "Ita cereal." akagadzira tikadya tikaenda kubasa. Ndichangopinda mu office mangu Gregory akafona ndikatoshaya kuti aidei kwakubva ndadavira ndikanzi, "Mia udzawo Tadiwa kuti asandinetse." End of chapter

โค๏ธ ๐Ÿ™ ๐Ÿ˜ฎ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ˜ข 77
Floccy Stories
Floccy Stories
5/25/2025, 8:43:08 AM

*Hailstorm* is a complete book rakatopera kare and taridzosera pa promotion inopera Sunday 1 June 2025. Ne $1 unoriwana rese. $1 ecocash 50zig ecocash 55zig airtime $1 airtime scratch card $1 innbucks Ecocash/innbucks 0773056698 bfmasaga 0773056698 Buddie zig airtime Kana waita payment inbox me on 0๏ธโƒฃ7๏ธโƒฃ8๏ธโƒฃ4๏ธโƒฃ4๏ธโƒฃ8๏ธโƒฃ9๏ธโƒฃ7๏ธโƒฃ7๏ธโƒฃ0๏ธโƒฃ with proof of payment Zita rasender Mari (eco or innbucks name) Airtime yema cards munoisa ma numbers uku 0๏ธโƒฃ7๏ธโƒฃ8๏ธโƒฃ4๏ธโƒฃ4๏ธโƒฃ8๏ธโƒฃ9๏ธโƒฃ7๏ธโƒฃ7๏ธโƒฃ0๏ธโƒฃ wonyora pazasi kuti ndeye buddie or netone, if wasenda ne YoMix unotaura number yasender. Please confirmation ngaiuye ku watsapp not kuma texts. Ndinogona kunonoka kupindura asi ndinozopindura zvangu. *South Africa* 30r all networks airtime, 30r Ott topup voucher, 30r Blu voucher, 30r 1 voucher (one for you)kana kuti 2 books for 55r Avon account.

๐Ÿ‘ ๐Ÿ™ 2
Link copied to clipboard!