Floccy Stories
Floccy Stories
January 27, 2025 at 07:04 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaNea6QBA1evAMftZQ0t Follow our channel for more of Floccy stories. Plight Written by Floccy 0773056698 Chapter 4 *Doreen* Ndainzwa kapain pazasi peguvhu ndikafunga kuti pamwe kwaive kufamba kwandaive ndaita ndichibva kuchurch. Ndakabika ndikapedza pain yatowedzera ndikazoona kuti yaive iri period pain. Ndakapakura ndikaendesera maiguru chikafu kubedroom kwakubva ndaramba ndakamira ndichishaya pekutangira kutaura nyaya yangu zvikanzi, "Kwakanaka?" ndikati, Ehe, maiguru ndanga ndichikumbirawo ma pads." zvikanzi, "Asi andakakutengerai aye akapera?" ndikapotsa ndavapindura kuti, "Dai achiripo ndisina kukumbirai." ndikazoti, "Ehe akapera." "Munenge muchimbomashandisa seiko? Handina ini, ma pads acho handitombomashandise ndinoshandisa ma tampons haaite kunemi vasikana. Ropa racho ratotanga kubuda?" twaive tushoma twaive twabuda ndikati, "Ehe." zvikanzi, "Pakaipa, nhasi motombotsvaga chekupfeka ndokupai mari yekutenga ma pads acho mangwana. Iko kurasa mari kutenga ma pads, kutenga chinhu chaunozorasa. Tichikura isu taishandisa machira and taipedza mazuva edu tisina wataudza hapana aitomboziva kuti ndozvatiri. Moyo wangu wabva watomira, dzokerai henyu nechikafu chenyu handichachide ndichazodya chicken inn yandatengerwa nemurume wangu." Ndakadzokera nefood ku kitchen ndikavhara plate yavo ndikaisa mumicrowave kwakubva ndatanga kufunga kuti ndoshandisei. Pama blankets andaishandisa paive nechi two in one chaive chakaungana zvima cotton ku corner chakaita kubvaruka ku corner ikoko. Ndakafunga kushandisa zvimacotton izvozvo kwakubva ndaenda kubedroom ndikawana maiguru vachitodya chicken inn yavo nevana vavo ndikaenda pacorner paigara ma blankets ndikamatora zvikanzi, "Matosuka, mumba matotsvairwa here zvamabata magumbeze?" ndikati, "Ayehwa, ndati ndigare ndamatora ndisazokunetsai nekuvhura vhura door." zvikanzi, "OK, mundivigirewo mazoe nemvura inotonhorera." mazoe acho ainzi ndeevana but ivo vainwa ndikanomatora ndikavapa zvikanzi, "Ndipo paave apa, tete muri kunwa drink revana kaimi?" "Ayehwa." "Ayehwa chii neparave apa? Musadaro tete kana ndati drink ndere vana ngariite revana. Handidi kunetsana nemi, handidi zvangu zvekuti muzoti mai Tatenda vanotaurisa handizvide. Ndichatopota ndichigarisa zvinhu zvevana vangu muno kupedza mutauro." Ndakabuda vachipopota misodzi yotovavira mumaziso, drink randaitukirwa ndaingorinzwa pandaidirira vana ndichitesta kuti handina kuriwanza here or kuwanza mvura. Ndakatora zvima cotton ndikagadzira zvima pads zvangu kwakubva ndaenda kunogeza ndapedza ndikafunga kuti ndaive ndisina kutora skin tight ne pant. Ndakapinda mubedroom zvikanzi, "Mave kudei futi, inga matora magumbeze enyu wani?" ndikati "Pane zvandiri kuda mubag mangu ndiri kubva kunogeza." ndikaenda paive nebag rangu ndikatora zvandaida kwakubva ndatora vaseline yandaizora nevana zvikanzi, "Ko mafuta mave kumadii?" ndikati, "Kuzora." "Ayehwa dzoserai mafuta ayo, mafuta evana vangu ari kukasira kupera. Manheru hazvina basa kuzora mafuta zvinosvibisa magumbeze huchapa ihoho." Ndakadzosera mafuta aye ndikabuda kwakubva ndapfeka zvandaida kupfeka. Nzara yaive yapera ndikarongedza sadza rangu ndafunga kuzoridya mangwana. Ndakasuka ndikacleana mumba kwave kuzowaridza ndikarara vana vairara namai vavo kana daddy vavo vasipo. The following day ndakamukira kutsvaira yard nekugadzira mumba ndikazoisa mvura yevana yekugeza. Week iroro taipinda masikati ndikagezesa vana porridge ravo riri pamoto. Mai Tatenda vakapedza kugadzirira vakabuda nevana ndivo vainovasiya kuchikoro. Havana kundipa mari yekutenga ma pads and iniwo handina kuvayeuchidza ndazviudza kuti ndaizoshandisa zvimacotton zvemublanket. Ndakasara ndikadya chimunya ndikasuka maplates aive adyirwa porridge, ndave kuvhara door kuti ndiende kustand kunochera mvura Shelton akabva asvika. "Ndaita lucky." he said ndikati, "Rei?" ndichiisa ma keys muruva mataimaisa zvikanzi, "Rekuwana usati waenda, hande tinochera mvura udzoke undibetsere ndakatadza kuballancisa balance sheet." and ipapo ndipo pandakabva ndarangarira kuti ndaive nehomework yandaive ndisina kuita. "Hii handina kuita homework." "Aah Maphosa nemawandiro yakaita. Sir Makoni vanogona kukunzwisisa but ka ma'am ke History kaye nedzungu rako kanogona kukurova. Apa History yacho ngaiwande, chisara uchiita History ndinochera mvura yacho ndega." "Ayehwa hande tese, tiri two tinokasira kupedza todzoka toita homework yacho." I said tikaenda and mvura yacho yaingodiwa shoma shoma tikachera. "Chienda unogeza uuye kumba kwedu ukope zvandakanyora then tobetserana kuita accounts. Nguva dzichiripo idzi tinopedza tikatoenda kuchikoro nenguva." he said ndikaenda kumba ndikageza ndikagadzira pad rangu kwave kupfeka. Ndakagadzira rimwe pad rekuzonochinja kuchikoro ndikaisa mubag ndikatora ma noodles aTatenda ndiwo aaidya pandaipinda masikati. Ndakatora hembe dzaTatenda dzekuchinja abva kuchikoro ndikaisa zvese nemanoodles mupaper bag ndikavhara door ndikaenda nazvo panext door paizoenda Tatenda abva kuchikoro. "Nhasi makasira tete." vakadaro mai Shoriwa ndichivasvitsa paper bag ndikati, "Ndine work yekuchikoro yakawanda, regai ndimhanye." Ndakaenda kumba kwana Shelton ndikakopa zvaaive akanyora tikazobatsirana kuita accounts balance sheet rikabalancer akati, "Haa accounts unosota Maphosa, shaa ndakatambura kubalancisa zvichiramba." ndikaseka ndikati, "Dzinombondivharawo ufunge, hande iwe hona pave netime. Takaenda kuchikoro tikadzidza time dzekubuda dzikakwana. Ndinenge ndaive ndasvuuka because pakufamba ndairwadziwa ndikaenda ku toilet kunochinja ndikazvitarisa ndikaona ndaita kakusvuuka mumaside mezvidya. Ndakachinja pad ndichiti zvinogona kuita nani but kakurwadza hakana kupera zvinova zvakaita ndiite kakuchinja step. "Ko chii, sei uri kuita kakukamhina?" Shelton asked ndadzokera kwaari ndikati, "Hapana hande." zvikanzi, "Mmmm Maphosa chii?" ndikati, "Hapana kani iwe hande, ziva kuti Tinotenda anoda kunotorwa." ndikabva ndatotanga kufamba akanditevera. Tasvika pa filling station akanditi, "Hande ndinokutengera zvauri kuda ndakasiya change yangu nezuro." ndikati, "Uri kuda kunditengera zvinodarika $1." "$2." "Wakanyoresa zita rekuti chii ndinotenga ndega zvandiri kuda zvacho?" I asked akati, "Zita rangu ka. Asi uri kuda kuenda wega, chii chauri kuda kutenga ichocho?" ndikati, "Aah iwe Shelton." zvikanzi, "Ukasataura handikupe mari yacho." ndikati, "Ndoda kutanga mabhisvo evasikana." "Asi uri ukuku?" he asked achinongedzera mudenga nemusoro ndikati, "Ehe." zvikanzi, "Ndazviziva zvangu ndosaka uri kufamba zviri funny funny. Hande tinotenga, chii chinonyadzisa ipapa?" End of chapter
❤️ 😢 👍 😂 🙏 😮 👎 136

Comments