Floccy Stories
Floccy Stories
January 28, 2025 at 05:11 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaNea6QBA1evAMftZQ0t Vanoda from 1 follow our channel. Plight Written by Floccy 0773056698 Chapter 5 *Doreen* Takapinda mushop maive muna Decide na Nathan zvikanzi na Decide, "Nhasi makakwana?" Shelton akaseka ndokuti, "Asi tinombopenga? Inga tinogara takangokwana wani." tikaseka tese Decide akati, "Zvandiri kutaura uri kuzviziva apa, zvirisei kwanga kurisei kuchikoro?" "Bholato wena, pa change yangu iya yandakasiya ndipeiwo ma pads." "Yese $5?" Nathan asked Sheto akati, "Ehe." kwakubva ndaona zvisingaite ndikati, "Ayehwa Sheto ndiri kungoda e$1 chete ini, e$5 anenge akawandisa." akati, "Anokwana here? Ndiri kuitira kuti ugare une akawanda." "Anokwana, ndipei e$1 zvenyu imi." Ndakapihwa ndikaisa mubag Shelton akanditengera ma spuds tichibva tabuda. Ndakamutenda tave panze zvikanzi, "Next time usanyare kutaura kana kuti ndichangogara ndatenga sezvo mazuva ako ndave kumaziva." ndikaseka ndikati, "Manje ndinochinja chinja." zvikanzi, "Uchanyepa iwe." Takaenda kunotora mwana Shelton akaenda kumba kwavo ndikanotora Tatenda kwamai Shoriwa tikaenda kumba. Ndakagadzirira Tino ma noodles ndikawacha ma uniforms maiguru vakasvika ndave kumayanika. "Maswerasei?" ndakamhorosa maiguru zvikanzi, "Taswera murisei? Nhasi mubike sadza nepork." ndikati, "Ehoyi." vachibva vapinda mumba ndikapedzisa kuyanika. Ndakazopinda mumba umo mandakasvika mai Tatenda vakabata plate yesadza zvikanzi, "Kugutisa kauku? Sure mungasiya sadza richishisha, madii kuridya?" raive sadza ravo rane zuro manheru randaive ndakaisa mumicrowave ndikati, "Ndafunga kuti muchazoridya, makuseni ndadya rangu randaive ndakasiya." zvikanzi, "Saka iri rotoraswa nemuriwo wese uyu?" ndikaramba ndakanyarara zvikanzi, "Tete ka, musade kunditsamwisa manzwa? Endai munorirasa mudzoke mubike." ndikanorasa ndikadzoka ndichibika. Takadya vachibva vanorara nevana vavo ndikasuka ndikazonotora magumbeze mubedroom. Ndakanogeza ndikawaridza asi hope ndaive ndisina kwakubva ndafunga kuverenga ndikatora mabooks andaive ndakatengerwa nabhudhi Kelvin. Pandakavhura rescience randaida kuverenga ndakabva ndaona mari yavaive vakandipa iyo yandaive ndatokanganwa ndikaiisa muhomwe yesetchel ndokutanga kuverenga. Week rakapera ndichitenga zvekudya kuchikoro nemari yangu baba Tatenda vakauya Friday manheru. Vakasvika takagara musitting room nevana tichiona TV mai Tatenda vachibika. Vakamhanyirwa nevana vachibva vazogara pasi ndikavamhorosa zvikanzi, "Ndiri right zvangu, urisei? Ko wakagara muno sei haubetsere maiguru vako kubika?" mai Tatenda vacho ndivo vaive vanditi ndinoona TV ndikati, "Ndivo vanditi ndioone TV vachibika." zvikanzi, "Iwe ukatobvuma? Handiti munhu ane tsika anoramba." mai Tatenda vakadeedzera kuti, "Baba Tatenda siyai mwana chii nemi munhu achangosvika? Ndini ndavati vagare vanenge vaneta tete vangu ava siyai vazorore kuchikoro kwavo kure hapasi pano." Vakapedza kubika mai Tatenda tikadya vakasuka vachibetserana nemurume wavo. The next day vakamukira kuwacha hembe dzese nedzangu tikazobetserana kutsvaira mumba. "Baba Tatenda havana kuuya nechingwa mhanyai munotenga paservice station apo." she said vachinditambidza mari ndikatora paper bag ndikaenda. "Hapana chingwa chapera, asi mota yacho yave kusvika, tavafonera vanhu veku bakers Inn kwacho." Decide said ndikati, "Inga ma1, rega nditoenda kumberi uko." zvikanzi, "Hakuna futi, vanhu vanga vachitobva ikoko vachiuya pano ndosaka chakasira kupera. Chingomira mota inosvika manje manje unobva watowana chiri fresh." Nathan akabva apinda and he smiled akati, "Hesi Doreen." "Ndiri bhoo zvangu." "Karisei ka weekend?" he asked ndikati, "Haisi bhoo maisepi chingwa?" zvikanzi, "Chaperaichi, asi ndicho chauri kuda?" ndikati, "Ehe." zvikanzi, "Rega ndikupe chedu chatanga tatora, tinozotora kana mota yauya." "Nathan ndoipi yauri kuda kuita? Ndine nzara shaa." Decide said zvikanzi, "Mota inouya manje manje kani Dee tora chijumbo bun usanodya ndinobhara." Akanotora chingwa Nathan akandipa ndikamuti, "Waita basa hako." zvikanzi, "You are welcome, hapana chimwe chauri kuda here ndikutengere?" ndikati, "Handina hangu, ndakuenda ini toonana." Akanditevera apa ndaitoda zvekufambisa zvikanzi, "Uri kumhanyirepiko? Ndiri kuda kukuperekedza." ndikati, "Kumba ndakamirirwa." "Unenge unotya vanhu vekumba kwenyu hanty?" "Ayehwa but kana watumwa unofanira kungokasira." ndakadaro zvikanzi, "Uri mwana anoteerera." pakaita ma seconds takanyarara tichifamba akazoti, "Unooneka sei nhai Doreen ndiri kuda kuzokuonawo nhasi?" ndikati, "Aah handioneke ini." zvikanzi, "Usadaro Doreen, ndine nyaya newe." "Ingondiudza ka nyaya yacho." "Inoda takagara pasi apa uri kumhanya." Taive tave kutosvika kumba kwedu ndikamuti, "Ma weekends handiwanzobve pamba kana ndisina kutumwa ndikazouya kushop kwenyu ndichibva kuchikoro unondiudza" zvikanzi, "Ipapo hautaurike newe unenge une dzimuface dzako dziya." ndikati, "Sheto haana kana basa uya, unongotaura nyaya yako even aripo tiri munhu 1. Pamba pedu ndeapo chidzokera ndikaonekwa ndinewe ndinopinzwa busy." "Chindipawo fone number dzako tizotaura." "Handina fone ini." ndakadaro zvikanzi, "Uku kunyepa, ita hausi kuda chete." Zera rako kushaya fone? Hakuna zvakadaro uri kuda kungondinyima zvako" ndikati, "Ndiri kutotaura chokwadi handina fone ini." kukanzi, "Haudi here kuti ndikutengere fone yacho kana kukupa yandagara ndinayo? Ndine two ma fone unosarudza yaunoda ndokupa." *Nathan* "Ahh! Hazviite, ndakuenda ini." she said achibva atotanga kufamba ndikaramba ndakamira ndakamutarisa. Aive neka portable body kandaida chaiko, zvese zvaaingove ndizvo zvandaida pamusikana. Ndakaramba ndakamira ndakamutarisa kusvika apinda mugate mavo and I told myself kuti ndaizomuita wangu chete. Ndakadzokera kubasa ndikasvika Decide akatsamwa zvikanzi, "Unomboita sei iwewe? Uri kunyatsoziva kuti tiri vashoma basa rakawandisa ndipo powoenda kwenguva refu. Wanga uchida kuti ndizvifambise sei muno mushop, kugas neku fuel uko?" "Sorry ndazovarairwa." "Usadaro iwewe, enda unodira fuel pane mota yauya uko." he said ndikanodira fuel pachibva pauya aida kuisirwa gas ndikamuisira. Ndakapinda mushop ndikati, "Chingwa chazouya?" zvikanzi, "Ehe, bika tea timwe shamwari vamwe tinodanana nefood zvemujolo ndezvenyu imi ana Nathan asi wave kuzviwanza iwewe siya mwana." "Shaa ndiri kutokada zvekurevesa kamwana kaye. Kushaya zvako but kambama wena." "Achiri mwana haasati ave kugona kugeza nekuwacha zvemukati." "Shaa kune vamwe vakadzi vakuru vasingatogone kuita zvawataura, kugona kugeza hakusi kukura." I said akati, "Ayehwa uyu siya shamwari. Unoda vasikana vangani, hausi utori ne 3? Tariro, Kelly, Caro, Melissa aah i4 wena." ndikaseka ndikati, "Number haina basa wangu as long vasingasangane chete bhoo, plus vamwe ndeve kuitiisa unofunga kuti type yaKelly iya ndoidi nechishapeless body chake chiya." "Asi une zvivindi wangu mwana uya anoita kunge chidrum, body yake iya haidi kumusikana kuzoti akazvara haatozotarisike." "Dai pasina kuti haana kuomera ndaimuisa ku many more. Anozombondiponesa mwana uya and ane tarenda rekupa manje, ende anopa nemoyo wese zvake." I said Decide akati, "Mmmm zvakwana wave kuita kuti ndide kumunzwawo." End of chapter 5
❤️ 😂 👍 🙏 😢 😮 107

Comments