Floccy Stories
Floccy Stories
January 28, 2025 at 10:15 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaNea6QBA1evAMftZQ0t Vanoda from 1 follow our channel Plight Written by Floccy 0773056698 Chapter 6 *Doreen* "Ko manga muchiri kuitei munhu wandatuma kare kare?" maiguru vakabvunza ndichangopinda mumba ndikati, "Ndasvika pa service station pacho pasina chingwa ndatozoenda ku center chaiko." zvikanzi, "Imika! Muchanyepa, hamuna kudarika muchitora kashamwari kenyu kaye here?" "Handina ini, handina kutoshandisa road inodarika nekumba kwavo." "Ndipo pamungabvume here? Ndiri kuzviziva kuti ndiye akunonotsai, endesai zvinhu kutable uko ndanga ndatopedza zvangu kubika." she said kwakubva ndaendesa tikazonwa tea. Masikati ndivo vakabika tikadya vachibva vazobuda vachienda kustand ndikasara nevana. Ndaive ndisina zvekuita ndikatora ma books ndikanoverenga ndakagara mukitchen vana vachiona TV. Handina kuverenga kwenguva refu ndave kunzwa hope kwakubva ndasiya ma books ndikanotora chichari ndikawaridza pasi mu kitchen ndokurara. "Tete Doreen imi muri kudiwa." Tatenda said achindimutsa ndikamuti, "Nani?" zvikanzi, "Na Shelton." ndikatoshaya kuti aidei kwakubva ndabuda ndikamuwana akazembera madziro. "Asi wanga wakarara?" he asked ndikati, "Ehe, uri sei?" zvikanzi, "Bhoo hangu pari sei pa den?" ndikati, "Pari bhoo apa sei kumba kwenyu?" zvikanzi, "Kwanga kuchibhowa uku, uri busy here undiperekedze?" "Kupi?" "Kumusoro uko tinodzoka manje manje." "Hakuna zita here?" I asked akati, "Unokuona tasvika, hande 2 minutes chete." ndikati, "Ndine vana shaaa hazviite kuti ndivasiye vega." zvikanzi, "Ndezve two minutes chete kani, hande." "Unonetsa iwe unoita kunge mai Tatenda usingavazive, ndikawanikwa ndisipo inoita nyaya hombe." "Hatimbononoke I promise." "Hande kwacho." I said ndichipfeka ma push aive padoor zvikanzi, "Wakadaro?" ndikati, "Kudaro chii?" akati, "Pfeka ka something nice, wopukuta makumbo nekubrusher musoro." "Iii Shelton kwakanaka here?" "Ingoita zvandataura chete." "Kana zvave izvozvo enda hako wega handichade." ndakadaro akati, "Maphosa kani ingoita zvandiri kutaura uri kutopedza nguva." ndikati, "Handisi kuita izvozvo kana uchinyara kufamba neni ndakadai enda zvako wega." "Iwewe kukura kuri kutokunetsa, munhu wemusikana anofanira kuzvi nicer nicer-wo so manje iwewe hautorina kana basa nazvo. Handei kwacho wakadaro." "Ndiri kudzoka rega ndinoudza Tatenda kuti ndabuda." I said ndikapinda mumba ndikati kuna Tatenda, "Ndichamboperekedza Sheto musasare muchiita musikanzwa." "Ndafunga kuti uchadzoka wachinja." Shelton said ndabuda panze ndikati, "Nyaya iyoyo taitaura ikapera, hande." Takafamba ne road yaienda kwaKambasha ndikamuti, "Asi uri kuda kuenda kwaSpar?" zvikanzi, "Ayehwa, takutosvika hedu." achibva atanga kubaya baya pafone akati, "Huya timire pamuti uyo." tikaenda ipapo ndikamuti, "Uri kutsvaga kunditukisa chete Shelton pano tamirirei?" "Dzikama chete iwewe haumbotukwe." Takamira dzinenge 5 minutes tave kutaura nyaya dzekuchikoro Nathan achibva asvika ndikatarisa Shelton uyo akabva akurumidza kutizisa maziso. "Murisei?" akadaro Nathan akadavirwa na Shelton uyo akabva ati, "Ndokuonai guys regai ndibaye paden." kwave kutotanga kufamba ndichibva ndamutevera akati, "Usadaro iwe mira ungonzwa zvaari kuda kutaura." "Handisi kuda ini ndizvo zvaunganditorera kumba kwedu? Unonyatsoziva magariro andinoita iwewe wouya kuzondideedzera zvinhu zvakapusa kudai?" "Sorry kani Maphosa ndangokumbirwawo, pachi boys tinobetserana. Ingomunzwa zvaari kuda kutaura." "Handidi." I said ndichibva ndatofambisa ndikaenda kumba ndikasvika vandaitya vasati vadzoka. Vakazodzoka zuva rodoka and havana kuziva kuti ndaive ndambobuda. The next day takaenda kuchurch bhudhi Kelvin namaiguru mancube tikawana variko. After church takaenda tese kumba mai Tatenda namancube vakabika lunch tikadya. "Maiguru venyu vakawana nzvimbo yenursing kuHarare vanotanga muna January. Vakaiwana vese namainini Sandy saka ndiko kwavanenge vave kugara." baba Tatenda said zvikanzi nabhudhi Kelvin, "Ko teaching hamuchaide here gulez inga yakakufitai wani, mafunga kunobaya majekiseni?" "Teaching kwaive kungoitawo bamunini haisi pamoyo wangu nursing ndiyo yandaive ndagara ndichida kubva kare." mai Tatenda said mancube ndokuti, "Nursing yakanaka manje dai ndakadzidza ndaitoendawo." Vakaita nguva refu vachitaura nyaya yemabasa baba Tatenda vachibva vazoti, "Imba yave kupera kwasara zvidiki diki kutanga kwaDecember tiri kuenda ikoko. Next week ndiri kucheresa borehole then magetsi achatozoiswa next year chaiyo. Ndichaisa ma solar pakubika poshandiswa gas stove. Sezvo imba iri hombe tichakupai two rooms dzamuchagara mahara ndimi muchasara muchitichengetera pamba taona kuti Doreen asare ega hazviite." "Maita basa mukoma namaiguru. Saka munenge mototsvaga musikana webasa wekusara nevana ka sezvo mainini venyu vasingagare kuno nguva zhinji?" vakadaro bhudhi Kelvin zvikanzi nababaTatenda, "Tiri kufunga kuendesa Tatenda ku boarding Tinotenda anoenda kwagogo vake." gogo vairehwa ndimai vamai Tatenda. Ndakafara zvekuti ndaive ndatononokerwa nekuti January asvike mai Tatenda vaende. Chimwe chandakafarira inyaya yekucherwa kweborehole ndaizozororawo kuchera mvura. Bhudhi Kelvin nemukadzi wavo vakazoenda kumba kwavo manheru. Vakabuda nababaTatenda vave kudzokera kubasa kwavo maiguru mai Tatenda vachibva vanozvivharira mumba mavo after vandiudza zvekubika. The next day ndakakasira kumuka ndikaita basa rese taipinda makuseni. Ndakagadzirira vana vakaenda namai vavo ndikaenda kunotora Shelton ndikamuwana akamira kuroad. "Hauite hako." he said ndikati, "Ko ndadii?" zvikanzi, "Wakarambirei kutaura na Nathan?" ndikati, "Ndaive ndisingade ka, asi zvave zvekumanikidzwa here? Ka system kako ikaka kekutumwa nevakomana kwandiri kanondibhowa, handisati ndave kuda kuita mukomana ini." "Sei usingade?" "Usandibvunze zvisina basa Shelton." "Nathan ari bhoo hake." he said ndikati, "Bhoo kwauri ka, unodzosera zvaakakupa wobva wamuudza kuti handimude." akaseka akati, "Hapana chaakandipa uya." ndikati, "Ndokuziva shamwari." "Handina kuti mude unongotaura naye wonzwa nyaya yake kana zvisingaite unomuudza kuti hazviite." "Ndichaona but usiye katsika kako hazvina kunaka." Takasvika kuchikoro tikaenda ku assembly tikazoenda kuma classes edu. Mazuva akafamba Shelton achindinyengerera kutaura na Nathan, aive amufarira zvekuti achigara achimurumbidza. Ndaive ndisingade kutaura naye Nethan wacho kuri kutomunyara chaiko and also ndaive ndisati ndave ready kuita zvevakomana. Ndakazongotanga kunzwa nzeve ndikaudza maiguru vachibva vandiisa cooking oil but haina kupora. Ndakazoziva kuti raive zino papera mazuva ndichingofunga kuti inzeve iri kurwadza. Raive zino rekumatadza raive rakaora rakaita mhango ndikaudza maiguru zvikanzi, "Ndizvo zvinoita kusakwesha mazino, isai colgate pane buri racho pain inodzikira." ndikaisa and ndiyo yandaive ndogara ndichiisa. Mumwe musi rakandirwadza ndikatsvaga toothpaste ndikaishaya ndikazobvunza maiguru vakati, "Ndakaivinga ndakaona kuti yave kutopera muchingoisa pazino risingapore. Tsvagai imwe mishonga yekuisa colgate yangu no." handina kuvapikisa ndikanodziisa mvura ine salt ndikapfunda zvandaive ndakaudzwa nevamwe kuchikoro but harina kupora. Manheru iwawo handina kurara naro richirwadza ndikazoisa musoro pa floor zvikamboita nani ndanzwa kakutonorera but handina kuziva kuti ndaive ndatoridenha because haridi chando. Rakawedzera kurwadza ndikaita husiku hwese ndichiyuwira. Musoro waive wave kurwadza ndikatadza kumuka ndichiita basa maiguru vakamuka ndakagara ndakabata side raive nezino rairwadza zvikanzi, "Makatogara zvenyu, ko inga hapana chamati maita wani?" ndikataurira pasi pasi kuti, "Zino riri kurwadza." vakaridza tsamwa vakati, "Muite mushe imimi, riri mumaoko here zino racho? Kuyema uku, kasirai tione kusimuka ipapo muite zvinoitwa, tinoda kuenda kuchikoro isu. End of chapter
❤️ 😢 👍 🙏 😂 😮 💔 👏 😳 199

Comments