
Floccy Stories
January 30, 2025 at 12:04 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaNea6QBA1evAMftZQ0t
Vanoda from 1 follow our channel.
Plight
Written by Floccy
0773056698
Chapter 10
*Doreen*
Ndakatozovhunduka asvika pandiri akati, "Wakavarairwa neiko?" ndikaseka seka ndikati, "Hapana zvangu." kwakubva aramba akanditarisa licking his lips ndikatadza kuramba ndakamutarisa ndikatarisa pasi ndichinyaririra.
"Handei?" akazodaro papera tuma seconds tichibva tatanga kufamba zvikanzi, "Haunavanhu vekuziva here mu center umu? Ndoda kuti tiende kwaSpar pane zvandiri kuda ikoko?" ndikati, "Variko, but hazvina basa hande." tikaenda ikoko achibva anditi, "Hapana chauri kuda here muno? Inini ndiri kuda ma fruits amwe ma goodies ndanga ndatora kushop."
"Hapana." ndakapindura ndichinyaririra zvikanzi, "Usanyare taura zvako." ndikati, "Hapana
sure." asi nditori nezvakawanda zvandaida. Akatora ma fruits akasiyana siyana akazonditi, "Zino richiri kurwadza here ndoda kukutengera ice cream?" ndikakasira kuti, "Ayehwa, rakapora iri." achibva atora chi 1 litre che ice cream. Takaenda ku till akabhadhara akanotora backpack rake raaive asiya ku parcel counter akaisa zvinhu zvaaive atenga.
"Tiri kumboenda kupi?" I asked ndaona tave kuenda nedirection yekwaive kusina dzimba, kwaitove nekasango zvikanzi, "Somewhere kusina vanhu nenoise kwekuti tinonyatsogara
takasununguka tisingatye kuonekwa." kwakubva ndamira ndikati, "Aaah handidi ini."
"Usatye babe hapana zvandinombokuita ndiri kungoda time newe chete tichitaura nekuzivana."
Ndaive ndisisina kugadzikana, mumusoro mangu mazara zvinhu zvakawanda wanda kwakubva atanga kundinyengerera achindiudza mashoko anotapira. Ndakatopedzesera
ndabvuma paye kwakubva tapinda mbichana mukasango kaye akatsvaga pekugara pakanaka akawaridza chijira chaakaburitsa mubackpack rake.
Akaburitsa food nema fruits
akanyatsoita kapicnic kaive kakanaka ndokunditi, "Chigara pasi babe." aive atononoka ataura kwakubva ndagara pasi ndanonokerwa nekudya. He sat opposite me zvekudya zviri pakati
pedu kwave kuramba akanditarisa ndikatasira pasi ndichinyora nyora muvhu nechigunwe.
"You are very beautiful." akazodaro ndanzwa nekunyara kwakubva ndatowedzera kunyara kwacho zvikanzi, "Ndichakupedza zvangu kunyara uku mira uone zvako." ndikaramba ndakanyarara zvikanzi, "Thanks babe nekundidawo ende ndafara wena, ndiri kunzwa kuda
kubhururuka ndotenderera nenyika yese ndichideedzera kuti," Ndadiwa nemwana akanaka." ndikangoseka zvikanzi, "Thanks sweetheart, I promise kukupa mazirudo hobho mudiwa
wangu. Chindiudza kuti unondida ndinyatsogutsikana."
"Aah iwe."
"Mmmm babe ndiudzewo kani, ita I love you Nathan. Unoera chii ndikunyengerere?"
"Moyo." ndakapindura ndichinyaririra zvikanzi, "Mamo, mamoyo wangu udza daddy Shumba kuti unovada." ndikati, "Ndokuda." achibva afara zvikanzi, "Ekaka, ndipo pakati mukadzi
wangu ka apa mai shumba chaivo."
Takatanga kudya tichitaura nyaya hamheno kuti akazoswedera kwandiri sei ndakazongoona ave padhuze neni ndokutanga kunyika ma strawberries mu ice cream achindidyisa. It was
my first time kuzvidya and zvainaka zvekuti. Akanditora ma photos akawanda mamwe achitora tiri tese rimwe randaive ndega ndanyatsobuda richibva ratoiswa pa wall paper
ndakatarisa ndikaita kunonzi kufara.
Time dzakafamba ndikatozovhunduka kwave kumazuva rodoka ndikati, "Hii Nathan inguvai?" akatarisa pafone pake akandiudza ndikati, "Nhasi zvangu apa mwana anoda kutorwa."
"Ngatichienda." he said akarongedza zvinhu zvaive zvasara akaisa mubag mangu. Tichifamba aiedza kutaura neni asi mufaro ndaive ndisisina ndave kufambisa hana ichibika
manhanga. Takaparadzana tasvika pabasa pake ndikafambisa kuenda kunotora Tinotenda. Ndakamutora tikaenda kumba hana yangu yawedzera kurova ndichinamata nechemumoyo
kuti ndisvike maiguru vasati vauya. Ndakafara ndasvika mota yavo isipo tikapinda mumba umo matakawana mainini Sandy vachisuka ma plates.
"Hesi tete." she said vachitosekerera ndikati, "Maswerasei?" zvikanzi, "Mushe, mushe. Nhasi
manonoka manga muchiiteiko? Ndanga ndave kuda kutonotora Tinotenda." ndikati, "Tanga tine mapaper two nhasi, tanyora two subject makuseni nemasikati."
"Muri kuoneka kuti makaneta, bepa remasikati rinorwadza nekupisa uku unopedza waibva nyama dzese. Endai munochinja muuye mudye food yenyu." ndaive ndisina kana nzara
ndakatozvigutira zvangu ndikaenda kunochinja ndikangodya mbichana ndikazonowacha mauniforms angu naTino yaTate yaive yatowachwa namainini Sandy. Ndivo vakabika
manheru mainini Sandy tikadya ndikasuka vakaenda kunotandara mubedroom ndikasara ndichitora juice rangu kwave kudzikisa sadza randaive ndadya. Ndakabatidza fone
ndokutanga kutaura naShelton na Nathan uyo wandakabva ndasaver number dzake kuti, "Sweetheart."
Days passed by ndanyura murudo naNathan ndichimuona everyday ndichibva kuchikoro. Magoodies ainditengera pese pandaimuonera, data ne airtime ainditengera. Ndakange
ndawedzera kuva smart ndave kugeza ka two pazuva makuseni nemanheru. Zvikoro zvakange zvave padhuze nekuvharwa pakasarudzwa ma prefects ndichibva ndasarudzwawo. Gore raive rapfuura ndaive ndisina kusarudzwa because ndaive ndisiri
smart. I remember zita rangu raive ratomboiswa palist yema prefect aida kusarudzwa tikadeedzwa ku staff room zvikanzi nevamwe ma'am, "Maphosa ane hunhu and anogona but
pahu prefect haakwane zvake, panodiwa munhu ari smart anogona kunyatsopfeka." ndikarwadziwa zvekuti ipapo ndikatombochema and ma'am ivavo ndivo vakataura futi
pataive tadeedzwa ku staff room vakati, "Wave kugona kugeza nekupfeka Maphosa huprefect hwave kukufita."
Ndakafara nekuitwa mu prefect uku and taive taiswa tese nabesty wangu Shelton pandakaona Nathan ndikamuudza zvikanzi, "I am happy for you my accountant." ndizvo
zvaaindiita kubva paaive akaudzwa naShelton kuti I am an expert ku Accounts. Ndakabva ndatotengerwa malays andaifarira emakorokoto ekuitwa prefect. Kumba mainini Sandy ndivo vakafara maiguru vaive votodemba mari yekutenga mauniforms ehu prefect.
"Ndoti aTatenda ari kuenda kuboarding, ndoti aTino ari kuchinja chikoro, angu newe Sandy ekwedu kwatiri kuenda kozoti atete Dorry." vakachema chema mai Tatenda zvikanzi na mainini Sandy, "Ndiko kubereka ikoko, modii?" zvikanzi, "Yuwi ndingasaputika musoro. Tete Dorry hamheno munogona kutomboenda neamunawo iwawa ndozokutengerai pakati peterm because ndingatofe ne stress. Zviri kudiwa kuchikoro kwanaTatenda zvakawandisa kana mwana ari ku university anosara pasi."
"Usadaro mai Tatenda zvigoita here? Haumboishaye mari, plus haambodhure ma uniforms atete." mainini Sandy said vakanzi, "Ndiwe uri kutenga here kana kuti ndini?" Mainini Sandy vakatozochinja nyaya vaona kuti mai Tatenda vatsamwa. Kuri kare ndaidai
ndakatsamwa but apa handina kana kutombotsamwa ndakatovatukirira nechemumoyo mai Tatenda.
Last Friday of November kwaive neprice giving day kuchikoro and ndaive nema prizes akawanda. Ndaive ndakapinda mu top five second term ndakaita number 2 kuma form 3 ese. Ndaive ndakaita best form 3 student kuAccounts and business studies. Ndakaudza vanhu vekumba my brothers vakafara kwazvo ndikaudza Nathan akati, "Mukadzi wangu ishasha
dai ndiri mbinga ndaimutengera ndege."
Zuva reprize giving day rakasvika ndikaenda kuchikoro makuseni vanhu vekumba including mainini Sandy nabhudhi Kelvin vakazotevera, maiguru mancube havana kukwanisa kuuya. Vaifara vese paindaidaidzirwa ndikapihwa present yaive yakarapwer namaiguru ndikatoshaya kuti chaive chii. Takadzokera kumba tese bhudhi Kelvin vakaenda kwavo tasvika ndikanzi namaiguru, "Ndipeiwo present yandakupai tete." zvikanzi nababaTatenda, "Mai Tatenda undinyare wanzwa? Nyaya iyoyo ndakataura ndikapedza nezuro."
"Haungatengere tete Doreen phone inodhura kudaro. Uri kuda kutovadzidzisa misikanzwa,
vanoidi fone hombe yakakura kudaro?" vakapopota mai Tatenda vakanzi, "Kwako kusada kuti ndifadze mwana wamai vangu adadisa here? Doreen anogona uyu zvaunonyatsoziva phone ndakamutengera kuti ashandise pazvinhu zvekuchikoro kwete zvako zvauri kufunga izvo. Inga ndakakuudza kuti takabatanidza mari naKelvin tikatenga."
"Kunyepa! Vanoiwanepi mari Bamunini Kelvin?"
"Sisi mai Tat..." mainini Sandy started vakacuttwer nasisi vavo vachinzi, "Handisi kutaura newe Sandy ndiri kutaura nemurume wangu! Baba Tatenda tete Doreen havasati vave zera rekuita phone vachiri mwana mudiki. Imimi tete ndipei phone yandakupai present ndichazokutsvagirai yezera renyu."
End of chapter
❤️
👍
😢
😮
🙏
😂
😡
😳
🥺
159