
Floccy Stories
January 31, 2025 at 06:50 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaNea6QBA1evAMftZQ0t
Vanoda from 1 follow our channel.
Plight
Written by Floccy
0773056698
Chapter 11
*Doreen*
"Portia uri kunditsvaga zvako iwewe! Sei usingade kunyarwa." vakapopota baba Tatenda maiguru kwakuva ignowa vakanditi, "Imi tete Doreen imi, ndati ndipei fone yandataura." zvikanzi nababa Tatenda, "Usamupe Doreen akajaidzwa stereki uyu, kuda kutonga zvisina basa. Portia ukangotora fone iyoyo tiri kunetsana, unondijairira stereki." Fone yacho dai vaiziva kuti ndaive ndisina kana basa nayo vaisapedza nguva yavo
vachinetsana. Handina kuteerera zvakataurwa na baba Tatenda ndikavhura bag ndikatora
fone yacho kwave kugadzika patable ndikati, "Handina basa nefone ini musanetsane zvenyu." baba Tatenda vachibva vaitora vakati, "Mai Tatenda kana wanga wakataimira
kutora fone iyi wairasa handisi kuzokupa. Takaitenga tichiti ndeya Doreen and ndiri kutozomupa fone yake. Sei usingatende iwewe, zvingani zvandinokuitira? Ndinochengeta
musha wese kumba kwenyu asi unorwadziwa nekuti ndatengera mwana wamai vangu, my
only sister?" vaive vongoboira boira maziso mai Tatenda misodzi ichiyerera nematama zvikanzi na mainini Sandy, "Handei panze tete." tikabuda nevana.
Takanogara pa veranda mainini Sandy vachingotura mafemo kasingaperi. Vairatidza kubatikana zvakanyanya ini ndisingatomborwadziwe zvangu ndichitofunga Nathan wangu
wandaive ndaswera ndisina kuona. "Ende mai Tatenda so." vakazodaro patove paya mainini Sandy ndikati, "Musanetseke mainini, noise inenge yapera iyi handei mumba ndiri kuda zvekutogeza ndatsva." zvikanzi, "Ndatopedzwa simba namai Tatenda andinyadzisa zvekuti, nhasi azonyanya kuita kunge anogarwa."
Takapinda mumba baba Tatenda vari vega mulounge mai Tatenda vaive vazvivharira mubedroom. Ndakatya kupinda mubedroom ndikatuma mainini Sandy kuti vanditorere
hembe vakauya nadzo ndikanogeza. Ndaive ndatojaira kusazora mafuta manheru ndichitya kumatukirwa. Mainini Sandy ndivo vakabika tikadya mai Tatenda vakangozvivharira
mubedroom mavo. "Sorry Doreen nezvaitika nhasi, ndichataura navo maiguru vako vanokupa fone yako." vakadaro baba Tatenda pataive tave kutandara ndikati, "Haina basa vapei zvenyu." zvikanzi, "Fone ndeyako takabatanidza mari naKelvin tikatenga akazvinzwa kuti yatorwa namai
Tatenda haangafare. Ndichataura navo vanokupa, urambe wakadaro mwana wamai vangu. Form four handikutyire ndinotozviziva kuti unopasa chese. Goodnight veduwe tomutsana
mangwana." takavapindira tese namainini Sandy ndikazowaridza ndikararisa vana. Mainini
Sandy vaive voita zvefone yavo ini moyo uchitsva nekufunga Nathan asi aisataurika naye.
"Enda unorara ne sister yako uri kudei muno?" takanzwa mai Tatenda vodaro vakanzi, "Handisi kuda kunetsana newe mai Tatenda, ndave kuzotadza kukunyara manje! Chiiko newe, sei usingakure? Ukaramba uchinditsvaga zvauri kuita izvi ndave kuzokurova manje." and havana zvavakazotaura mai Tatenda vacho vanenge vaive vatya kurohwa. Hope dzakazobata ndichifunga mudiwa wangu the next day tikamuka tikabetserana kuti
basa nekuwacha namainini Sandy. Mai Tatenda vakazobuda mubedroom mavo tave kutogadzira breakfast. Takavamhorosa vakapindura munin'ina wavo chete vakamuti, "Ndiisire mvura yekugeza kana yapisa undideedze." tea havana kunwa pakapisa mvura yavo
vakabva vageza vakabuda vakachena chena vasina wavaoneka. Baba Tatenda vakabuda nevana vavo vachiti vari kuenda kwabhudhi Kelvin tikasara tiri two namainini Sandy avo
vakabva vatozvambarara pasofa ndokutanga kuita zvefone yavo.
Ndakabva ndatofunga
Nathan ndikanotora bag rangu mubedroom ndikanogara kuseri kwemba kwave kutora fone
ndikaibatidza. Nathan aive anzwa nekunditsvaga akasenda ma messages akawanda awo andisina kukwanisa kuverenga ese ndikamuti, "Hie" and aitove online zvikanzi, "Babe
usadaro. Uri kuda kuti ndife here?"
"Uchifa nei?"
"Nekukufunga ka. Ko hanzii kusabatika?" akadaro kwakubva ndamuudza, ndikatsanangura
zvese zvaive zvakaitika the previous day zvikanzi, "Ambhuya vangu vanodarirei nhai? Dai wakavaudza kuti hauna basa nefone wakatengerwa nemurume wako." ndikati, "Ndakapotsa ndavaudza iwe, ndakasvotwa zvekuti vakandibhowa mai Tatenda."
"Undipe number dzavo ndoda kuvafonera ndivaudze kuti vasandinetsera mukadzi wangu. Vasatambudze accountant wangu."
Ndakasekerera ndichiverenga message iyoyo kwakubva ndatowedzera kumusuwa zvikanzi, "I miss you babe ita ndikuone shaa, ndine present yako yandaida kukupa nezuro." ndikati, "Pakaipa babe, weekend hakubudike uku."
"Ita plan shaa even ndikakuona zve 5 minutes chete."
"Ok rega ndione kuti panobudika here." ndakadaro kwakubva ndatanga kufunga zvekuudza mainini Sandy ndikazviwana. Handina kuda kugeza ndichitya kuti vanozonyumwa
ndikangozvipukuta pukuta. "Mainini ndichambobuda pane book rangu randiri kuda kunotora kwana Shelton." I said and Shelton vaimuziva zvikanzi, "Iye arova Shelton haachambonyanye kuuya pano." ndikati, "Ndichamuudza kuti auye kuzokuonai." zvikanzi, "Okay, endai zvenyu ini ndiri kuda kutomborara zvangu." Ndaive ndaisa fone mu skin tight ndikazoiburitsa ndabuda gate kwave kusendera Nathan message akandiudza kwekunosangana.
Ndakanomumirira ikoko akazouya and he smiled achivhura maoko zvekuda hug ndikanyaririra ndichinopinda maari. He hugged me very tight akazevezera mudzeve yangu kuti, "Ndanga ndakusuwa." ndikati, "Neniwo." akazondisiya akati, "Hesi mukadzi wangu." ndikatarisa pasi nekunyara ndikati, "Ndiri bhoo. Uri sei?"
"Ndatova bhoo so ndaona your beautiful face. Handina time babe sezvauri kungoona ndiri
pabasa ndikanonoka ndinosvikodyiwa na Decide na Dennis."
"Dennis akadzoka?"
"Ehe akadzoka nezuro."
"Rave sei gumbo rake?"
"Haa ave bhoo uyo ave kutogona kufamba."
"Better makwana, busy inomboita shoma." ndakadaro zvikanzi, "Zvave nani hazvo, shaa zvinhu zvako izvi." achindisvitsa ka gift bag ndikati, "Thanks, zvino ndozviisa pai nhaiwe?" zvikanzi, "Hamheno ini ndapedza pangu."
"Ndikaonekwa na Moses ndinopondwa zvangu. Unozondipa musi we Monday ndiine bag rekuchikoro."
"Handisi kuda kudzokera nazvo ini, unoita plan babe. Handiti wati kumba kuna ninez vaye chete? Unongopinda nazvo zvakangwara." he said ndikati, "Iii! Ko kana ndikasvika baba Tatenda vadzoka? Ndichanozviisa kwana Shelton ozondipa musi weMonday." zvikanzi, "Uri kuda kuti mupfana uya aone zvemukati memukadzi wangu?" and I frowned ndikati, "Zvemukati?" achibva aseka akati, "Ehe, zvemukati. Unomupa kwacho but unotanga
wamuudza kuti asatarise zvirimo."
"Munei?" I asked ndichida kutarisa akandirambidza kwakubva aswedera padhuze neni akandibata muchiuno zvaaive asati akambondiita. Mudumbu mangu makaita kakusunga so, hamheno kamwe ka feeling kandakanzwa ipapo kainakidzira. Our eyes locked kwakubva atotanga kuita hurukuro ndikazotadza kuramba ndakamutarisa ndikatarisa pasi. "Doreen." akandideedza ndikati, "Hee." zvikanzi, "Nditarise." ndikasimudza musoro
ndokumutarisa ndikakasira kutarisa pasi zvikanzi, "I love you, ndokumbirawo kukukissa."
Ndaitoda kuti, "Ayehwa." asi mashoko akaramba kubuda. Iye haana kumirira kuti ndibvume kwave kudzikisa musoro wake and claimed my lips maoko ake achidzika kuenda kuma bums angu.
End of chapter
❤️
👍
😂
🙏
😢
😮
😉
😳
🥰
149