
Floccy Stories
February 2, 2025 at 04:54 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaNea6QBA1evAMftZQ0t
Vanoda from 1 follow our channel.
Plight
Written by Floccy
0773056698
Chapter 16
*Doreen*
Shelton akangozunza musoro ndokusimuka pa sofa paaive akagara, akabuda akaenda ndikasara ndichiridza tsamwa ndikatora fone ndikafonera Nathan.
"Babe." he answered my call achidaro moyo wangu ukatamba tamba nemufaro ndikati, "Hesi
sweety uri sei?" zvikanzi, "Ndichaita bhoo pandichaona your beautiful face."
"Ukukasira kuuya here nhasi?"
"Ndichaona."
"Ukasire babe ndakusuwa, uuye nema mints." I said zvikanzi, "Mmmm babe andakakuvigira nezuro watopedza?" ndikati, "Ehe." akati, "Uri kunyanya kumadya mamints watove ne
addiction. Ok ndouya nawo."
"Uuye ne lacto nhasi ndine husimbe hwekubika."
"Ok babe."
Ndaitonzwa hope ndikaenda kuroom kwangu kunorara ndikazomutswa ne fone yairinger. It was Nathan ndikaziva kuti aive auya ndikadavira zvikanzi, "Ndasvika babe, huya uvhure gate." ndikanomuvhurira and we hugged tikapinda mumba.
"Wakangopusa pusa nhasi chii?" he asked ndikati, "Ndanga ndakarara aripi ma mints angu?" akandipa ndikavhura 1 ndikadya. Ndakazoenda kunobika sadza ndikatadza kuridya mukaka
wandinhuwira ndikamhanya kunorutsa. Nathan akanditevera ku bathroom akasvikotanga kundibhabhadzira musana ndichirutsa. Ndakarutsa zvekurutsa zviya ndikazogeza muromo Nathan akati, "Chii babe?"
"Handizive ini wauya nemukaka wakaora."
"Kuora! Hauna kumboora uyu, inga uri right wani. Handina kumbonzwa chakashata pauri."
"Wakaora uyo, hamheno chi smell chauri kunhuwa. Uri kunhuwa mukaka wako, wauya nemukaka wakaora." ndakadaro ndatowedzera hasha zvikanzi, "Hamheno zviri kutoitikawo
pauri iwewe, hande tinogara pasi titaure." tikadzokera ku lounge akandigarisa pasi. Ndaive ndave kunzwa kupera simba mukanwa mangu muchishata ndikatora 1 mint ndokutanga kusvisvina.
"Doreen." akandideedza ndikati, "Hee." zvikanzi, "Uri kumwa mapiritsi?" kwave kumuti, "Mapiritsi eyi?" zvikanzi, "Amwe aunomwa mazuva ese ndeapi? Ndiri kureva ma family planning pills."
"Ehe, inga unondiyeuchidza every day wani? Ndakatoisa alarm yekumamwa, why wabvunza?"
"Are you sure kuti uri kumwa mapiritsi every day iwewe, hapana pawakambojumper?"
"Ehe, I am 100% sure ndinomwa everyday ini. Zvambonyanyoita sei ko nhasi kundibvunza izvozvo?" ndakadaro zvikanzi, "So kana uchimwa mazuva ese sei uri kuita kunge munhu ane nhumbu? " my heart pounded and I exclaimed ndichiti, "Hee!" zvikanzi, "Maitiro auri kuita mazuvano anoitwa nemunhu ane nhumbu. Kufarira mamints kunhuwirwa nemukaka. Wakapedzesera kuenda kuma periods rinhi?" Akaita kunge andidira mvura inotonhora kumeso kwave kutanga kufunga pandaive ndakapedzesera kuenda ku mwedzi pacho ndikaona muri muna April pandaive ku holiday
kuHarare. Pandaive ndakadzoka handina kuzomboenda and ndaive ndisina kana kuzviongorora. Handina kukwanisa kumupindura misodzi yovavira mumaziso ndave kunyatsoona kuti nhumbu ndaive nditori nayo.
"Doreen ndipindurewo, ndati wakapedzesera kuenda kuma periods rinhi?" he asked and kubvunza kwake kwakaita sekuti anditi ndicheme misodzi kwave kutubuka mumaziso angu ikayerera nematama ndikanzi, "Wave kuchemei futi nhai? Pindura zvandabvunza." and I sniffed ndikati, "April, ndine nhumbu Nathan. Ndichaita sei nhai? Baba Tatenda nabhudhi
Kevy vanondiponda ponda chete."
"Sh*t." he cursed akati, "Nhai Doreen wakazvifambisa sei nhaiwe?" ndikarega kumupindura ndawedzera kuchema akasimuka ndokutanga kufamba famba achitaura ega zvaisanzwika.
Akazogara pasi akati, "Unosimbozviita zvekujumper period?" ndikati, "Ehe." zvikanzi, "Maybe kungojumper-wo ndichatenga pregnancy test mangwana toita test toona kuti iripo here."
"Kana ndinayo ndinoita sei?"
"Tinozozviona mangwana chinyarara kuchema." he said achibva andinyengerera asi hazvina kushanda ndaive ndatove nechokwadi chekuti ndine nhumbu. Handina kurara ndichingoboira boira maziso pfungwa dzichipishana nekushushikana
ndichifunga kuti ndaizoita sei nenhumbu. Ndaka picture mafaces aMoses na Kelvin pavaizoziva kuti ndine nhumbu and aisatarisika ari ma face eshumba dzakatsamwa. Ndakazobatwa nehope hamheno kuti nguvai dzakangoita zvekundiba ndikazomutswa na Nathan ave kuda kuenda ndikamuperekedza kusvika pagate akaenda asina kana kundipa
hug ne kiss. Handina kutoita basa nazvo ndikadzokera mumba umo mandakasvika ndikatanga kuchema. Nguva dzekugadzirira kuenda kuchikoro dzakakwana simba rekugeza ndikarishaya ndikangozvipukuta netauro nyoro. Dai pasina kuti taive tatanga kunyora ma mid year exams ndairovha apa musi wacho tainyora two subjects makuseni nemasikati.
Ndakapedzisa kugadzirira ndikangopfeka imwe iya iya ndokubuda ndisina kudya. For the first time ndakasvika Shelton atoenda ndikaenda kuchikoro ndega. I told myself ndasvika kuchikoro kuti ndave kumboisa stress pa side ndinyore ndikanyora zvangu though zvaisave easy but semunhu aive akaverenga handina kunyanya kuomerwa. Pakudzokera kumba
Shelton haana kundimirira ndikadarika nemu center ndikatenga ma grapes andainzwa kuda. Ndakamadya ndichienda kumba ndikasvika ndichizvivharira muroom mangu ndikachema kusvika ndabatwa nehope. Nathan ndiye akazondimutsa paakafona achiti ari pagate ndikanomuvhurira akavhura maoko ake ndikanopinda imomo misodzi kwave kutoyerera akanditi, "its ok my love, usacheme handiti. Hande mumba tinoita test, ndinotambira zvinenge zvabuda zvacho."
Takaenda mumba akandipa kapregnancy tester kacho tikaenda mubathroom. Ndakaita zvinoitwa akagara pacorner petub akanditarisa ndikaisa ka strip pa sink kwave kumira
ndakaifuratira ndamirira kuti nguva dzikwane. Hana yairovera kumusana ichiita kunge ichabuda muhembe and I closed my eyes ndikaita kamunamato nechemumoyo ndichiti, "Dear Lord itai kuti ndisave nenhumbu."
Ndakazovhura maziso pakanzi naNathan, "Dzinenge dzakwana time tarisa." ndikati, "Tarisa iwewe ndiri kutya." akasimuka akatora ka strip kwave kutarisa ndokuti, "Pakaipa."
I felt my chest tightening ndikati, "Chii? Ndinayo here nhumbu?" and he nodded ndikanzwa makumbo angu kupera simba kwave kudzika mbichana mbichana kusvika ndagara mufloor. Misodzi yakaita kutubuka mumaziso ikaita makwikwi ekuyerera kumeso kukaita nzizi. Ndakatanga kuhwihwidza sendafirwa asking myself kuti ndichaita sei and ipapo ndipo pandakatanga kuona kufarisa kwandaive ndoita. Hupenzi hwangu nekupusa kwangu ndipo pandakatanga kuzvionera. Ndaive ndanyura murudo na
Nathan ndichitadza kufunga
ramangwana. Nathan aive azogara pacorner yetub akabata musoro nemaoko ese ini ndaita
zvekuzvambarara mufloor ndichichemesa.
"Doreen chirega kudaro." he said achindimutsa ndikagara achibva agara pa side pangu tikazembera tub akandiisa mumaoko ake.
Ndakakwiridzira madzihwa ndikati, "Ndichaita sei Nathan, ndinoenda sei kuchikoro nenhumbu?" zvikanzi, "Chinyarara kuchema babe condition
yauri haide kuti uite zvauri kuita unozvikanganisa. Ndiripo babe inini baba vemwana wedu. Nyarara titaure zvatichaita."
He managed to calm me down akandigezesa kumeso tikaenda muroom mangu. Takagara pabed takazembera headboard ndiri mumaoko ake akati, "Mwana ndanga ndisati ndave
kumuda because ndaida kuti utange wapedza chikoro but apa atovapo hapana zvatingazviite. Nhumbu yako inenge yakabata muna May which means inenge yave ne 2
months. Ndokumbirawo kuti uivige usatomboite zvinhu zvinoratidza kuti iripo urambe uchienda kuchikoro kusvika wanyora. I want you to be serious with your school work ndoda
kuti upase. Paunozopedzawo kunyora muna November tumari twangu tunenge twawanda muna December ndokuroora. Kuti ndikuroore paunopedza kunyora muna November hazviite because mwedzi wacho pachivanhu chedu hautenderwe kuroora even kutizira chaiko."
"Ndinenge ndisati ndaonekwa here kusvika kwese ikoko?"
"Unenge usati babe ndakambonzwa kuti nhumbu yekutanga haikurumidze kuonekwa. Iwewe unongoita kunge usina usazoite zvinhu zvinokubatisa." he said and ndizvo zvatakabva
tawirirana.
End of chapter
❤️
😢
👍
😂
😮
🙏
💔
😀
😳
🤭
88