Floccy Stories
February 2, 2025 at 10:22 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaNea6QBA1evAMftZQ0t
Vanoda from 1 follow our channel.
Plight
Written by Floccy
0773056698
Chapter 17
*Doreen*
Ndakazorara stress yave shoma Nathan agona kundinyengerera. The following day akamukira kuenda ndikasara ndichirara kwakubva ndazomuka ndikagadzirira kuendakuchikoro. Yaive isati yave kuoneka nhumbu yacho mazamu chete ndiwo aive aita
kakuwedzera kukura. Ndakapedzisa kupfeka mudumbu mave kurira nenzara ndikazvigadzirira cereal ndikatadza kuidya ndasvotwa nemukaka. Ndakazogadzira yaive
nemvura ndikaidya yese. Shelton ndakawana aenda ndikaenda kuchikoro, that day tainyora one subject na 11. Ndakanogara ku corner kwangu ndega ndikazvimanikidza kuverenga nguva dzekunyora dzikakwana ndikanyora. Ndakadzokera ndega ndikadarika ndichizvitengera ma grapes ndikadya ndichienda kumba. Ndakasvikorara ndikazomuka zuva rodoka pfungwa dzikamboda kufungisisa kwakubva ndafunga kutsvaira mumba ndichifambisa nguva. Ndakaita basa rese ndikazopedza ndaneta ndikanogeza. Pandakadzoka kunogeza ndakawana fone yangu iine mamissed calls from Nathan. I called him back and he answered achiti, "Mai Ethan moda ndipindwe nechando here?"
"Mai Ethan ndiani?"
"Ndiwe, mwana wangu anenge achinzi Ethan." he said ndikati, "Atove nezita kare, ko akaita musikana?" zvikanzi, "Wangu mukomana handikundwe newe ini. Wanga uri kupi ko usingadavire fone?"
"Ndanga ndichigeza."
"Wadi kundimirira ndazokugezeza?"
"Aaah iwe, ndatogeza ini."
"Ethan ari kunzwa kuda kudyei nhasi?"
"Ma grapes, ndambotenga mamwe musikati but ndichiri kunzwa kumada." ndakadaro akati, "Ndanga ndamatenga zvangu. Ko zvimwe?" ndikati, "Hapana chimwe chandiri kuda ini."
"Sure here, ko ma mints?" Mukanwa mangu makabva matozara mate ndave kunzwa kutomada ma mints acho ndikati, "Ehe, nemamints." zvikanzi, "Ok mai Ethan ndokuvigirai." Akauya kuma past 9 ndave kutofunga kuti haachauye ndikanomuvhurira gate. We hugged
tikapinda mumba zvikanzi, "Asi hauna kubika?" ndikati, "Handina ini."
"Tichaonda zvedu kuzoona 9 months dzakwana pane nyaya. Asi unofanira kudya babe unouraya mwana wangu nenzara."
"Hapana zvandiri kunzwa kuda kudya ini. Ndipe zvawandivigira." I said akandipa paper bag ndikavhura ndikaona muine ma fruits, grapes, oranges and bananas ndikati, "Ko ma mints?" akaseka achimaburitsa muhomwe akandipa. Ndakadya mabanana nema grapes chete ma
orange akandishatira. Akazondisiya ndichiverenga akaenda kunorara but handina kutora nguva yakareba
ndikamutevera.
"Watopedza kuverenga?" he asked ndikati, "Ndakaverenga kare ndane hope ini." tikarara pasina zvataita.
Mazuva akafamba ndichinyora zvakanaka kwasara 1 day kuti ndipedze kunyora Nathan akauya akabata ka small bag nezibepa rema pamper.
"Ko ma pamper ndeei, mubag munei?" ndakabvunza tave mumba zvikanzi, "Ndezva Ethan." ndikati, "Hezvo! Ko ave kutotengerwa zvinhu achiri mudumbu?" akati, "9 months dzinokwana manje manje babe zvinhu ndezvekugara wakarongeka."
Ndakavhura bag ndikaona muine towel, chi baby blanket, tuma track suits netumwe tuhembe twemwana, tuma socks, tuma hats.
"Ende iwewe so, ndozviisa pai zvinhu izvozvi? Wadii kungogara nazvo nhai?"
"Unozviviga muroom mako." he said tikaenda muroom mangu ndikazvirongedza pakahwanda. Ndaive ndabika sadza nematumbu ehuku tikadya tikazoenda kunorara. That
night takapanana rudo Nathan aitoita kunge asvikirwa. Ndakatozoita kukumbira kurara akazondisiya ndikarara kwave kundimutsa ave kuda kuenda. Akandipa mari $100 akanditi, "Chengeta mari iyi babe ndikagara nayo ndinoishandisa. Ndichapota ndichikupa mari uchichengeta, ndine imwe yandakasiya kuKadoma ndichanoitora ndokupa."
Akaenda ndikadzoka ndichirara ndikazomuka ndikagadzirira kuenda kuchikoro. Ndakaenda kuchikoro tainyora na8 ndikanyora ndikadzokera kumba. Ndaive nehope zvese nekuneta kwakubva ndabvisa uniform ndikapinda mumagumbeze ndokurara. Ndakaswera ndakarara ndikazomuka mudumbu mave kurira nzara. Ndakanotsvaga chekudya ku kitchen ndikadya ndikazobata fone kwave kuwana pasina kana message
nemissed call from Nathan.
"Maswerasei baba Ethan." ndakamutumira message ikaticker ka 1 kwakubva ndamufonera ikati number busy. Hana yangu yakatanga kurova ndikadzokera kuwatsapp kwave kuona kuti aive atondiblocker ndikatora imwe fone ndikawana atondi blocker. Ndakatanga kunzwa kutsva apa kwaitonhora ndikataura ndega kuti, "Nathan you can't do this to me." ndikapfeka hembe nebhutsu ndikaenda ku service station. Ndakasvika paine
vakomana va new one avo vandaive ndisati ndatojaira. Dennis na Decide vaive vakaendeswa kumwe paive pangosara Nathan wandaiziva chete.
"Hesi ndokumbirawo kuona Nathan." ndakadaro ndichifemeruka zvikanzi, "Haapo." hana yangu ikarova seichatsemura chest ndikati, "Haapo! Aendepi?" zvikanzi, "Akasiya basa uyu
aenda kumba kwavo."
Ndakabata gotsi nemaoko ese ndichiti," Watii?" akati, "Aenda nhasi makuseni, asi anga asina kutaura?" misodzi ndokubva yayerera nematama ndikati, "Ndatizwa, Nathan anditiza." ndikagara pasi ndokutanga kuchema. Ndaichema chinyararire misodzi ndiyo yaingoyerera chete vakomana vaye vangonditarisa.
"Ndokumbirawo mumufonere." ndakadazodaro vakafona and ma fone avo ese aive ablockwa ndikati, "Hapana anozivawo kumba kwavo?" vese vakati havazive. Ndakazodzokera kumba misodzi iri nzizi kumeso kwangu ndikasvika ndikazviuraya nekuchema. Nathan wacho ndaisatoziva nekwaanogara, surname yake chaiyo ndaisaiziva aive asina kundiudza and iniwo ndaive ndisina kumubvunza. Ndakazvibvunza kuti ndaizoita
sei nenhumbu ndichishaiwa answer.
Dai kuchema nekudemba kwaiuraya ndakafa zuva iri. Ndakarara ndisina kudya ndikapepuka pakati pehusiku ndokutangidza kuchema. Mazuva akafamba Nathan atonditiza ndichigara ndichingochema. Pfungwa yekubvisa
nhumbu yaindishanyira asi ndichitya kufa. Zvikoro zvakavharwa and yaive iri garoziva kuti number 1 ndeyangu. Handina kutombofara pakadeedzerwa zita rangu ma teacher akatondibvunza kuti chii ndikavati ndainzwa musoro. Ndakaenda kumba pfungwa dziri mubishi yekufunga kuti ndaizoita sei pazvaizovikanwa kuti ndine nhumbu. After one week tavhara ndakafonerwa namai Tatenda vakati ndiende ku Bulawayo kunotora vana ivo vaizouya ku Gokwe. Vakatumira mari ye bus the next day ndikamukira kuenda ku
Bulawayo.
"Mazuvano masimba tete ndokuzivai muri mutete." vakadaro gogo vaTatenda ka hana kangu kakarova ndikati, "Kukura gogo." vakati, "Sure makura mave zimhandara apa mawedzera
kutsvukirira." vainditarisa neziso rinotaura zvekuti ndaive ndisisiri comfortable. Ndakarara ikoko the next day ndikadzokera kuGokwe nevana. Mai Tatenda vakazouya after 3 days tabva ku Bulawayo. Vakafarirana nevana vavo tikabvunzana mufaro ndikavaratidza report book rangu vakaona. Ndakavasiya vachitaura
nevana vavo ndikanozvivharira muroom mangu kusvika zuva rodoka. Vakandirambidza kubika vakabika vega ndikazonzwa sound yemota panze mai Tatenda vakati, "Mhanyirai daddy Tate." vana vakabuda vachimhanya.
"Ari kupi Doreen." ndakanzwa baba Tatenda vachidaro nehasha ndikaita kunge ndichazviitira weti. Vakapinda mumba vachiteverwa nabhudhi Kelvin zvikanzi, "Iwe Doreen nhumbu yaunayo ndeyani?" hana yangu ikarova zvikanzi namai Tatenda, "Dzikamai kani baba Tatenda handisati ndatove nechokwadi kuti vanayo nhumbu yacho. Inga ndakati mhamha ndivo vakaona sevanayo, endai munogara pasi ndivape pregnancy test vaite test ndanga ndagara ndaitenga zvangu."
Baba Tatenda nabhudhi Kelvin vakanditarisa vese ndamira mu corner zvikanzi nabhudhi Kevy, "Utonamata zvako usaite nhumbu because ndikawana unayo chete ndiri kukuuraya." vakaenda kunogara mulounge ndikasara ndichinzi namai Tatenda, "Makange mazotanga
misikanzwa rinhi nhai Tete?" kwave kungoyeredza misodzi vakati, "Huyai kuno tione, dai ikange isipo zvayo ndaa ndaona mapondwa imi asi mhamha havawanzopotsa zvavo, vanoona nhumbu nyangwe ine mwedzi chaiwo."
Takaenda kubathroom ndikaita zvinoitwa ndichinamata kuti inge isipo zvayo. Munamato wangu unenge wakagumira mu ceiling chaimo, nhumbu yaitovapo zvikanzi namaiguru, "Nhai tete Doreen, ndeyani nhumbu yacho?" kwave kuwedzera kuchema, aitaurika here Nathan iye aive akatiza zvikanzi, "Taurai tete ndiite zvekuti muende ikoko musati marohwa. Varume vari uko vanokupondai tete, ndeyani nhumbu, ndiani mukomana wenyu?" handina kutaura door
ndokubva ravhurwa baba Tatenda vakapinda vachiti, "Hazvisati zvaita here?"
"Imbodzokerai ndiri kuuya." vakadaro mai Tatenda vakanzi, "Iwe kuita pregnancy test hakudi gore, ane nhumbu here, yes or no?"
"Vanayo bu...." mai Tatenda started vakacuttwer vachinzi, "Handisi kuda ma but ini." vachibva vanditarisa vakati, "Doreen une nhumbu?" ndikati, "Sorry bhu...." kwave kutadza kutaura
ndamharwa nembama.
"Baba Tatenda kani musadaro munovakudza." vakadaro mai Tatenda bhudhi Kelvin vakati, "Maiguru budai muno timbogadzirisa munhu."
Ndakaita zvekudhonzwa kubva mubathroom kusvika mu passage vakatanga kuchinjana kundirova nema belt. Ndakatanga ndichichema kusvika ndanyarara ndave kungogomera. Mai Tatenda vakatadza kuvabata vakanodeedza baba vepa next door ndivo vakazoita ndimire kurohwa.
Ndakasimudzwa namai Tatenda namai Kuziva vepa next tikaenda ku lounge vakandigarisa pasi zvikanzi nababa Tatenda, "Endai naye kumuridzi wenhumbu akaramba aripano
ndomuuraya!"
"Ndeyani nhumbu tete?" mai Tatenda asked ndikaramba ndakanyarara zvikanzi, "Taurai tete." kwakubva ndafunga kuipa Shelton, ndiye aive akandimanikidza kudanana na Nathan.
"Iwe pindura iwe, ndiani akakumitisa?" vakakwamatata bhudhi Kelvin ndikaerekana ndati, "Shelton." bhudhi Kevy vakati, "Kamupfanha kaye kaunodzidza nako?" maiguru vakati, "Ndakazvitaura ini kuti vana vanodanana ava." vakanzi nemurume wavo, "Shut up! Iwewe nyarara zvako! Ndaida kuendesa Doreen ku boarding ukaramba iwe, dai aive ikoko zvese izvi pasina. Muperekedzei kwana Shelton kwacho pano handichamude!"
Mai Tatenda vakarongedza hembe dzangu shoma vakandiperekedza kwana Shelton namai Kuziva. Ndaive ndatozvipira kupa nhumbu Shelton and ndaive ndatoronga kumuroverera
nemanyepo. Takasvika kumba kwavo musha wese uripo mai Tatenda vakataura nyaya yangu. Shelton akanditarisa ndikatarisa pasi baba vake vakatura mafemo vakati, "Shelton
nyaya wainzwa, uri kuti chii ndeyako here nhumbu?" kwave kushama Shelton ati, "Ehe ndeyangu nhumbu."
End of chapter
❤️
👍
😂
😮
😢
🙏
😳
170