Floccy Stories
Floccy Stories
February 4, 2025 at 04:59 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaNea6QBA1evAMftZQ0t Vanoda from 1 follow our channel. Plight Written by Floccy 0773056698 Chapter 18 *Doreen* "What!" Shelton's mother exclaimed kwave kuenderera mberi vachiti, "I thought you were friends, izvo maitodanana zvenyu?" Shelton wacho kwave kuramba akanyarara atotsikitsira kutarisa pasi mai vake vakati, "Iwe mwana iwe, unoshura chete kundishura chaiko!" Zvaive zvaitika hazvisirizvo zvandaitarisira kuti zviitike. Ndaifunga kuti Shelton aizoramba ini ndomureverera nemanyepo. Mai Shelton vakapopota vakapupa furo vakazonyararidzwa nemurume wavo uyo akabva atura mafemo ndokuti, "Tine hurombo vana amai vana ava vanotiparira mhosva takavarairwa. Kugara kwese uku taiti kungowiriranawo sezvo vachidzidza vese hatina kuziva kuti vaitoitana mai na baba." "Zvinowanikwa baba misikanzwa yevana pavanenge vachiita havatarise ramangwana kungonakirwa chete." mai Tatenda said baba Shelton vakati, "Zvakaoma chokwadi, mwana tatambira sezvo mukomana abvuma mhosva yake. Munotikumbirirawo ruregerero kunana baba monovaudza kuti pamberi apo vachaona tasvika. Pari zvino hatina kunge takagadzirira sevanhu vaita zvekujumwa tisina kutarisira." "Zvakanakai baba isu hatichagare zvedu, redu basa tapedza regai tidzokere." vakadaro mai Tatenda vakasimuka namai Kuziva zvikanzi, "Tete tokuonai musare zvakanaka." vakabuda vakaenda hapana akavaperekedza. Mai Shelton vakasimuka pavaive vakagara vakanorova Shelton mbama vakati, "Wave kutozviona kunge wakura! Kumitisa zera rako irori unomuchegeta nei mukadzi nenhumbu?" akaramba akanyarara zvikanzi, "Manje pano pamba pangu handikuchengetere mhuri yako wotoona kuti watsvaga kwekuenda!" vachibva vabuda vachibhidhaira baba vacho vakasara vachiti, "Enda nemunhu wako ku room kwako Shelton udzoke titaure." akatora bag rangu akanditi, "Hande." ndikasimuka ndikamutevera. "Shelton I am sorry." ndakadaro tave muroom make zvikanzi, "Imbomira izvozvo Doreen." achibva abuda akaenda ndikasara ndichizviuraya nekuchema. Akazodzoka patopera kanguva ndichiri kungochema ndakagara pasi mu floor akati, "Kasira hako kunyarara I don't have time and power yekukunyengerera ndichikunyararidza. Simuka ipapo uuye ugeze udye urare." "Sorry Sheto wakanditsiura ndikasa..." I started achibva andi cutter akati, "Handisi kuda zvekutaura newe ita zvandataura ndoda kurara." ndikasimuka akanondiratidza bathroom akati, "Watakura zvekugezesa?" and I shook my head zvikanzi, "Ndiri kudzoka." akaenda akadzoka akabata towel akati, "Nderangu kana usingandiseme shandisa. Kana wapedza kugeza unouya kuroom kwangu." Handina kutombogeza zvine musoro ndakangodira mvura ndikadzokera kuroom kuya. Shelton akabva abuda ndikasara ndichigara pabed akadzoka neplate yaive nesadza. "Handina nzara." ndakadaro zvikanzi, "Idya shamwari unoda tizopihwa mhosva kana wafa nenzara?" ndikati, "Handina appetite." "Itozvimanikidza hako." Ndakadya mbichana akadzokera neplate akadzoka ndokuti, "Tinokwana pabed ipapa iwewe unorara ku corner uko ini apa. Zvakawanda tinozotaura mangwana ngatirare. Ndingadai ndarara pasi but handidi panondirwadza and iwewe futi necondition yako iyi kuti urare ipapo hazviite." "Hazvina basa ndinorara zvangu pasi." "Nharo ndidzo dzineiko? Tirarire apa." He gave me blanket rekufuga ndikaenda ku corner kwaaive ataura iye akarara ku side kwake. Ndaive nezvakawanda zvekumubvunza but ndakatya kumubvunza pasina nguva ndikamunzwa ave kutoridza ngonono. Dzakanonoka kubata hope ndichifunga zvakawanda wanda asking myself kuti Shelton aive abvumirei kuti nhumbu ndeyake. The next day ndakakurumidza kumuka ndikaona tave musame blanket na Shelton tiri padhuze nepadhuze kwakubva ndakasira kusuduruka paari. Ndainzwa weti ndikabuda muma blankets ndichida kuenda ku toilet zvikanzi, "Uri kuenda kupi?" "Ku toilet." "Udzoke urare." Ndakaenda ndikadzoka kwave kugara kusvika ndazofunga kunobetsera helper wepo basa. Ndakavabetsera zvaive zvasara zvacho baba namai Shelton vakazouya vatochena chena. Ndakavamhorosa vese baba Shelton vakadavira vega mai vacho vaive vakatoisa muromo mumhino. "Unoerei?" vakabvunza baba vaShelton ndikati, "Moyo." zvikanzi, "Yohwee! Inga zvakaoma, ko mese zvamunoera moyo. Makadanana sei muine mutupo umwe chete?" handina kupindura vachibva vati, "Totongokutii vamamoyo kotingadii?" ndikavasiya vave kudya ndikadzokera kuroom kwaShelton. "Mudhara namomz vatoenda?" he asked ndikati, "Ayehwa." zvikanzi, "Ko wanga waenda kupihandina kukuti udzoke urare?" "Hope dzanga dzapera ndanga ndanobatsira aunty basa." "Hapana chaunofanira kuita unoda kuti pakawana chinoitika ndipinzwe busy? Aunty vanoita vega basa repano ndiro basa ravo iroro." Akabva atobuda ndikasara ndichiwaridza bed kwave kugarapo pfungwa ndokutanga kupishana. Nguva dzakafamba Shelton akandivigira tea ndikamwa akazoti, "Ngatimbobuda we need to talk." ndikati, "Ko tikataurira pano?" zvikanzi, "Madziro ane dzeve." Takaoneka aunty tikafamba kuenda somewhere kwaive kwakanyarara. Takasvingogara padombo akati, "Saka wakazomitiswa sei iwe usiri munhu wakudhara? Zvawaiganza uchiti ukaita nhumbu inenge iina baba why wakazofunga kuipa inini?" Misodzi yakabva yatotanga kuvavira mumaziso kwave kutoyerera nematama ndikati, "Sorry Sheto ndaive ndatopererwawo Nathan wacho akanditiza uyu." zvikanzi, "Waive wazonyanya kufarisa kwacho Doreen, kufarisa zvakapfurikidza kudaro uchinganwa future yako. I don't want to judge you zvangu but wakabhaiza wakarasika big time. Ndiri kutozvipa mhosva because ndini ndakakumanikidza kuti udanane naye. I thought munhu bhoo Nathan ndakatozozviziva kuti iplayer manje manje apa, sorry zvako." "Ndini ndiri kutofanira kukuti sorry ndakanyepa kuti nhumbu ndeyako. Why wakabvuma kuti ndeyako! Ndaifunga kuti ucharamba ndakatozoshamisika wabvuma." "I am to blame pazvese izvi though ndisina hangu kukuti ubva wamubvisira bhrugwa. Ndakabvuma because ndaitoziva kuti uri pama 1 dai ndakaramba waidzingwa kumba woenda kupi? Kunogara Nathan unokuziva?" I shook my head zvikanzi, "Waona manje, ndakatongokunzwira tsitsi zvangu. Waienda kupi nenhumbu yako?" "Thanks hako, Nathan akandirwadzisa ndaisatombofungira kuti angandidaro. Ainyepedzera kundida achiziva hake kuti aida kunditambisa." "Wakazonyanyawo kunyura murudo kubva wapinda nemakumbo zvese nenzwara." "Zvaive zvitsva Shelton, Nathan ndiye aive first boyfriend yangu. Mwari amukomborere hake dai zvaibvira aimupofomadza." ndakadaro nehasha Shelton akati, "Akaita hutsinye zvake." ndikamuudza kuti aive andisiira mari nepreperation akati, "Akagona zvake unowana pekutangira." "Saka zvichafamba sei? Vanhu vari kutofunga kuti nhumbu ndeyako." "Iwe pawakaronga kundipa nhumbu waiti zvichaita sei?" "Kwaive kupererwa Shelton." "Watove mukadzi wangu." "Hee!" I exclaimed zvikanzi, "Chii chacho? Asi handina kufitwa nekuita murume wako? Pawakauya kumba kwedu nezuro uchiti une nhumbu yangu waifungei? Ndakabvuma nhumbu yacho zvawaida saka watova mukadzi wangu." End of chapter
❤️ 😂 🙏 👍 😢 😮 🤣 84

Comments