
Floccy Stories
February 4, 2025 at 05:34 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaNea6QBA1evAMftZQ0t
Vanoda from 1 follow our channel.
Plight
Written by Floccy
0773056698
Chapter 19
*Last free chapter*
*Doreen*
Ndakaramba ndakamutarisa ndatopererwa and aitoratidza kuti ari serious zvikanzi, "Ko kuvhurisa maziso kudaro bhoo here? Uri kushamisikei ipapa iwe uri iwe wakauya nenhumbu
yako uchiti ndeyangu?"
"Kutaura chokwadi ndaida kungokukaurisa because ndiwe nyakundimanikidza kudanana naNathan."
"Izvozvo handirambe and ndiri kutozvipa mhosva, ndakakumanikidza zveshuwa. I was the one akatoita kuti udananane naye but handina kukuti ubva warara naye. I don't remember
ndichikuudza kuti umubvisire bhrugwa inini, I remember ndichikuudza kuti usamusiye achikubata bata. Handina here kudaro?"
"Wakataura." ndakadaro zvikanzi, "Ukati Shellaz anopenga handiti?" kwave kuramba ndakanyarara zvikanzi, "Wakandibhowa Doreen kundibhowa chaiko, wakakanganwa nhamo
yako ukapusiswa na Nathan. Nhamo yawaioneswa nagulez vako waive watoikanganwa?" Misodzi yakaita makwikwi ekuyerera nematama zvikanzi, "Imbomira zvekuchema izvo
undiudze kuti pawai***rwa na Nathan waimbofungawo here future yako?" kwave kuwedzera kuchema akati, "Dai ndakaramba nezuro waiita sei?"
"Handizive ini."
"Unonzwisa tsitsi Doreen dai ndakaziva zvangu kuti wakapusa so ndisina kukumanikidza kudanana na Nathan. Apa wave nenhumbu at 16 ma dreams ako ese mudondo. Inga taigaro
taurirana wani kuti tichadzidza tese kusvika tapedza chikoro chedu. Kuchasvikika here kwese ikoko? Wakandirwadzisa Doreen ndiri kurwadziwa."
Aitooneka kuti akabatikana zvikuru and kumuona akadaro kwakaita moyo wangu uwedzere kurwadza ndikawedzera kuchema.
Akazondihugger neside zvikanzi, "Chinyarara kuchema besty zvakatoitika." and I sniffed ndikakakama ndichiti, "Ndichaita sei nhai Sheto, ndinomupei mwana uyu? Ko kuchikoro? Nathan akandiitira hutsinye, akandigura kunorira."
Ndakachema zvekuchema zviye Shelton achindinyararidza ndikachema kusvika ndave kuita munhikwi ndichifemereka sezviya zvinoitwa nemwana mudiki anenge achemesa.
"Zvakwana Doreen, wachema zvakwana. Nhumbu yatovapo hapana paungazvicheke cheke, zvakatoitika though zvichirwadza hazvo." he said ndikati, "Zviri kurwadza Sheto, ndiri
kurwadziwa ini ndaimuda nemoyo wese Nathan." akati, "I know, kana neniwo ndiri kutorwadziwa ipapa. Don't worry ndinenge ndinewe, I promise kumira newe munhamo nemukufara. It's not the end of the world hausiriwe watanga nazvo vatoriko hobho
vakamitiswa kunze uku. Uchanyora ugopasa mwana wedu agozvarwa iwe wacho woenderera mberi nechikoro. Ma dreams ako ramba unawo anogona kunonoka but uchatozoita accountant chete. For now imbomira kufunga zvakawanda tichaenderera mberi
nekuti nhumbu ndeyangu."
"Zvozodii?"
"Zvinozoonekwa kumberi ikoko besty."
"Ngatingotaura chokwadi handidi kuti upinzwe busy iwe usina mhosva." ndakadaro zvikanzi, "Mhosva ndoyandinayo zvangu, ndakakumanikidza kudanana nebenzi. I don't wanna lie mudhara na momz vakatsamwa but I know nekufamba kwenguva vachadzora zvavo moyo. Nhasi vakadzoka kumba ndoda kuti tivakumbire ruregerero kana vakada kuti rova, vanorova vakada kutuka, vanotuka zvavo."
"Why uri kundiitira zvese izvi nhai Sheto? We are not even related."
"You are my friend, my best friend and I love you. I know dai ndiri ini ndiri in this situation waitondiitirawo zvakadai kana kutodarika. Don't worry chomi everything is going to be alright. Ari kunzwa kuda kudye Shelter?"
"Shelter!"
"Ehe anonzi Shelter akaita mukomana anonzi Sheldon but aka kanenge kamubabe because wawedzera kunaka nekutsvuka." he said ndikati, "Haiwawo anenge achinzi Mutizwa." akaoma nekuseka akati, "Kwana unopa mwana munyama, handei kuma shops
ndinokutengera ma mints." kwave kuridza tsamwa moyo wangu watosviba aive atondifungisa Nathan ainditengera.
"Handimade hande unonditengera hako masau." I said tikaenda kuma shops tave kutaura nyaya tichiseka. Akanditengera masau tikazodzokera kumba, ndaive ndaneta ndave kunzwa
hope akazviona zvikanzi, "Rarai henyu mai pregaz ndakumbonoona movie kulounge uko."
Ndakarara flat ndikazomutswa naShelton kwatosviba andivigira chikafu. Takagara two days vabereki vaShelton vakatsamwa vari samai vake vaisatondidavira pandaivamhorosa.
Ndaive ndakazvambarara pabed Shelton akapinda akati, "Tiri kudiwa kulounge." tikaenda ndikamhorosa vabereki vake baba vake vakapindura zvakanaka mai vacho vakapindurira
mumhino. Baba vacho ndivo vakataura vachiti zvataive takaita vaive vasina kufara nazvo tikakumbira ruregerero.
"Mucharamba muchienda kuchikoro ndichanotaura na headmaster wenyu kuti akubvumidzei kupedzisa then kana mapasa tinenge tichizoona kuti todii. Mari yetsvakirai kuno tichaita kuti
iende next week then muna December tichazoendesa kamari keroora kekuti tiwane kufambidzana nehama dzenyu amamoyo." vakadaro baba vaShelton mai vaShelton ndokuti, "Handina kutombofara zvangu makandirwadzisa but mvura yakatodeuka kare haichadyorereki. Iwe Doreen ukanzwa panorwadza unondiudza usanyarare please, tiri kunzwanana?" ndikati, "Ehoyi ndinokuudza."
Ndaive ndatogamuchirwa sekutamba sekuseka and zvaindirwadza because aive manyepo ndichizvibvunza kuti vaizoita sei pavaizoziva kuti nhumbu haisi yemwana wavo.
Takazodya takagara tese patable ndichingotambisa fork appetite ndisina pfungwa dzichipishana.
"Babe sei usiri kudya?" Shelton asked ini aikaka ndave babe futi mhamha ndokuti, "Chii makoti asi haufarire zvabikwa?" ndikati, "Handina appetite." zvikanzi, "Usazvipe stress chii
chaunofarira ubikirwe?" ndikati, "Musazvinetse regai ndidye izvozvi." ndikazvimanikidza kudya tikazoenda kuroom kwedu. Hana yangu yaive isina kugadzikana ndikati kuna Shelton, "Ndiri kutya Sheto ko vakazozvibata kuti hausi muridzi wenh...." akandibata muromo ndokuzevezera kuti, "Ndiwe
uchatoita kuti tibatwe, dzikama chete iwewe hapana anombovaudza."
The next day masikati Tatenda akauya atumwa namhamha vake kuzondideedza. Shelton
akandiperekedza kusvika kudhuze nekumba ndikaenda ndikasvika mai Tatenda vaina mai Rue.
"Ende tete Doreen ka, makandirwadzisa." vakadaro mai Rue ndikati, "Sorry." zvikanzi namai
Tatenda, "Ndakudeedzai kuti muuye kuzotora hembe dzenyu, ndakaona ma pamper nehembe dzemwana. Inga maive matotanga kare kuronga mhuri, ndaisa ma fone enyu mubag zviri muroom yaive yenyu umo. Monogara zvakanaka ikoko muchengeteke, pano
panenge pave kugara baba namai Mazuru, vanenge vachishandisa one room ndivo vanenge vave kuchengeta pano."
Baba namai Mazuru yaive young couple ye kuchurch. Ndakavatenda ndikanotora ma bags angu, zvaive zvarongedzwa zvese hazvo zvimwe zvaiswa mumasaga kwaive kutori
kudzingwa chaiko. Ndakanozviisa kunze kwegate ndikatumira Shelton message kuti auye kuzondibetsera kutakura akauya nebhara.
Ndaigara zvakanaka kwana Shelton ndichibatwa zvakanaka. Tai pretender kudanana pane vanhu na Shelton kana tave tega toseka hedu. Tsvakirai kuno yakaendeswa ndikaenda kuclinic kunonyoresa namhamha avo vaindiita kunge mucheche vachindityira. Tunonaka ndaitengerwa, kese kandainzwa kuda vainditengera vaive vatonditora semwana wavo chaiye. Nathan ndaigara ndakazama kumufonera everyday dzichiramba.
Ndaigara ndakatumira ma messages ekukumbira ruregerero kune mabrothers angu vasingapindure but ndaisaneta kutumira. Zvikoro zvakavhurwa tikaenda kuchikoro na mhamha nadaddy. Vakakumbira kuti tirambe tichidzidza headmaster vakabvuma asi havana kufara nenyaya yacho and ma teachers mazhinji haana kutofara nazvo. School fees yakabhadharwa tikaenda ku class uko
kwatakasvika vanhu ndokutanga kutiseka. Mazuva akafamba tichienda kuchikoro, vanhu vaitaura asi taive tisina basa nazvo. Taiverenga neshungu Shelton achiita kundimanikidza kuverenga. Mazuva ema exams
akakwana tikanyora zvakanaka and handina kana kumboomerwa. Ndaitoziva kuti ndaive ndakapasa dziri se accounts ndaiziva kuti ndaive ndadzosera bepa. Takapedza ma exams kadumbu kangu kakuririra. Daddy vakanditi nditaure natete vangu
hanzvadzi yababa kuti itaure nana baba vatipe list. Ndaizeza but Shelton akandishingisa ndikavafonera tete vakatanga vandipopotera kwave kuzoti, "Ndichataura navo ndokufonerai."
Rakatumirwa pa fone list date raiswa second week of December mazuva akafamba first week of December tikasara tiri two Shelton aunty vaive vatoenda ku holiday kumusha. Daddy
vaive vaenda kubasa mhamha vaive vamukira kunotenga grocery remarooro. Ave masikati ndaive muroom medu and musi iwowo pfungwa dzangu dzaipishana
ndichizvitongesa asking myself kuti taizosvika kupi nemanyepo ataiita.
"Doreen amana, ko uri kuchemei?" Shelton asked apinda muroom mandaive ndikatowedzera
kuchema akauya kuzogara paside pangu akati, "Inga takawirirana wani kuti hatichaite zvekuchema. Ko apa uri kuchemei?"
"Ndiri kufeeler bad Sheto, kusiya vanhu vakuru vachimhanya mhanya tichinyatsoziva kuti tiri kuvanyepera."
"Inga nyaya iyi takaitaura ikapera wani."
"Ko vakazozviziva kuti nhumbu yandinayo haizi yako, tinoita sei nhai Shelton?" I asked door kwakubva ravhurwa mai Shelton vakapinda vakati, "Shelton nhumbu ina Doreen haisi yako?"
End of chapter
Plight is a complete book rakatopera kare and taridzosera pa promotion. Ne $1 unoriwana rese. Promo iyi iri kupera Sunday 09/02/25 from Monday 10/02/25 rinenge radzokera pa $2.
$1 ecocash
50zig ecocash
55zig airtime
$1 airtime scratch card
$1 innbucks
Ecocash/innbucks 0773056698 bfmasaga
0773056698 Buddie zig airtime
Kana waita payment inbox me on 0️⃣7️⃣8️⃣4️⃣4️⃣8️⃣9️⃣7️⃣7️⃣0️⃣
(maphone numbers amaive majaira haasi kuita watsapp for now) with proof of payment Zita rasender Mari (eco or innbucks name) Airtime yema cards munoisa ma numbers uku 0️⃣7️⃣8️⃣4️⃣4️⃣8️⃣9️⃣7️⃣7️⃣0️⃣
wonyora pazasi kuti ndeye buddie or netone, if wasenda ne YoMix unotaura number yasender. Please confirmation ngaiuye ku watsapp not kuma texts. Ndinogona kunonoka kupindura asi ndinozopindura zvangu and book haritange wese akatenga asiri musub, chako kungoisa confirmation, airtime yako kunumber dzataurwa then womirira kuzoiswa kusub nemunyori.
*South Africa*
30r all networks airtime, 30r Ott topup voucher, 30r Blu voucher, 30r 1 voucher (one for you) kana kuti 2 books for 55r Avon account. Unongosarudza 1 option.
❤️
👍
😮
😢
🙏
😂
💔
📼
46