
TADIWA SHONA NOVELS🇿🇼
February 5, 2025 at 03:38 PM
FOLLOW UP CHANNEL USASARIRE🔥
https://whatsapp.com/channel/0029VaPANd40wajk6Y5ndI02
*NATASHA*🪻
🌴🌴🌴🌴🌴🌴🌴🌴
STORY BY MAMA TADIWA
CHAPTER 1
Natasha
Hana yangu yaita kurova zvisingaite takamira paqueue pacompany yoita zvemacosmetics yaive big company zvisingaite ipapa ndaitove nevamwewo vaitsvagawo basa takamirira interview coz taitotanga neinterview apasa wawana basa ndozvatataydzwa waiudzwa the following day racho vanhu vaipinda one one achipinda aipinda achifara but obuda waingoona munhu achibuda akapusa pusa kana one wandaiona akangwarirawo vese vakaita kupusa kudarai umm zvaitondirovesa nehana worse ndaive ndotoibatira mumaoko chaimo kuti mumbonei mukati umuu vamwe ava ndivo vaive zvavo nesimba rekutaura vachingozevezerana ini ndaive ndiri zii this other guy aivewo paside pangu akamboda kutaura neni zvino inini wacho l was quiet ndaitofunga zvehupenyu chaizvo ndanga ndaneta nemarejects acho mabasa ese ndandazama kuisa maemail address kuita kusender maCV angu chii l was now tired this company was my last hope of all or else ndendakutongoenda SA kuna mdara vangu nehanzvadzi yababa vangu coz haa kugara kunoku namhamha vangu voramba vachingondifeeder chete hazvibudee uvo variwo vakandiendesa zvee kuchikoro zvekushinga chaizvoo ndivo breadwinner daddy vakangoenda SA vakatanga vachigara natete takazongonzwa kuti vakugara vega mwedzi yekutanga yavaenda mitatu ndiyo yavaitumira mari yakati wandireyiwo yaikwana zvese yakazotevera iyii pamwe pacho vaitumira kana 10 dollars chaiyo pamwe vasingatumire kutozogumusira ezvino wacho havachatotumire little brother wangu atone 9 years wavakasiya ane 4 chaidzo Mai vangu ndotovanzwira tsitsi ndongifunga kuti dai vasiri mbuya vangu Mai vamhamha vaive vakatenga imba tingadai tichirarama hupenyu hwakaita seii ndakatoita zvekuvhundutswa nemukomana uyu akaita kundizunza zvine Simba
"Heee"
"Are you lost! kubva nguvayi ndichikushedza wakudiwa ndiwe next ukuu"
"What!!"
"Yess go on"
Umm hana yakaita kuwedzera kurova zvisingaite ndichisimuka l knocked padoor then l heard a female voice akati come in! ndakanopinda ndokuona mune murume wechikuru nemukoma anenge achiri wechidiki asi anoratidzika kukura be looks gentle hake for sure nemumwe musikana kakapfaka formal skin iyii kutsvuka zvako and akanaka hake ndakasvikomira and said "good morning"
"We are fine" this girl said
"Umh 'kugadzirisa pahuro ' okay we don't want to waste time can you tell us more about yourself " ndisir vakuru vacho vakadaro
Ndakatanga kutaura nechirungu ndiki kwakurikwedu kaa chero kuchikoro ndaive kudebate reenglish and ndichichitaura kuita kuchitsenga chichibuda masvisvinwa takachitsenga tichitaura even my background home and now uyu mukomana anga angoramba akanditarisa ndapedza akabva ati
"Why did you choose this company over others"
Ahhh iquestion yakaita sei ndichitsvaga basa umm ndakamboramba ndakanyarara ndakazongoti
"Yeah l choose this company because of its working duration, order over employees here it's outlooking but l didn't searched on the directors 'ndichisekerera' yeah madirectors manager and others handina hangu kuzosearcher kuti vakadinhi l think that's all why l liked it"
Baba ava vakabva vatanga kunyemwerera havo ndokuti
"I like your confidence"
Umm kahana kangu kakaita kurova makumbo achiita kakubvundirura kunzwa kuda kutojamba jamba chaiko asi zvaisabuda ndakangonyemwerera then this girl akavhunza zvaida l boosted my confidence again and these 2 men vaive vakungosekerera vachizevezerana vakanditarisa umm hameno vakazongonditi
"You may go we will send the approval on your email address within 2 days,, leave your important documents on the table and you may expect good news"
"Thank you all"
Ndakabva ndatendeuka ndokubuda ndichiita kurova smile yemberi yokufara zvisingaite l can't wait to tell my mom kuti ndanzi l like your confidence nevakuru vacho lm very happy ndakatofamba kunobuda gate smile iri kunzeve ukoo then mota yaipinda kwakungomira all over a sudden ndakamboda kucheuka but zvozoita sendinoda zvinhu ndakaramba ndakaomesa gotsi ndichifamba ndakazongonzwa kubatwa ruoko rwangu nekunzwa scent yeperfume yainhuwirira zvisingaite it was a gents perfume l guess it was a guy though ndakacheuka ndokuona ahh ndiye for sure and akafanana neuyu anga achindiinterviewer but wuye muhombe uyu anenge mudiki ahh are they brothers akandiregedza ndakaramba ndakamutarisa asi ndokuzoti
"Sorry with the way l hold you"
"Okay it's fine"
"Anyways hi , how are you"
"I'm fine and you" ndichitarisa kuside
"Good , ukubva kuinterview asi "
"Yeah "
"Ndakuona ndiri mumota ndobva ndangonzwa kuda kutaura newe uchifamba wega so musikana akanaka kudayi ndabva ndangomisa mota "
Haya vakomana kaaa
"Hoo ndakuenda ndikumhanya totaura maybe next time"
"Wakuenda usina kundiudzawo zita rako koukazowana basa panapana l will be your friend kaa lm Reginald and you "
"Natasha"
"Nice to meet you Natasha a nice name you have"
"Thnx "
"Can we exchange our numbers "
"Umm maybe another day not today"
"Okay it's fine l will be waiting for that day hangu but can we be friends right ! I guess basa unoriwana" achisekerera hake umm ndakabva ndaona kuti ane saka wow rakaita kumunakisa saka iroro kuita handsome umm akanaka hake andakazongoti"yess" achibva atondihugger Jesus ndakaita kuvhundukira ndichidzosa mazamu angu kumashure coz his chest and mazamu angu zvazvanyanyakumbunikidzana kwacho ndakatongomuregedza
"Aren't you fond of hugs"
"Yess" ahh ndingati kudii iye munhu anobva atondihugger senge vanhu vanodanana kudaro kana vanodanana vacho mukaona hug makudaro umm hameno
"sorry Natasha for that" ummm asikana Natasha yacho vashoma vanondishedza nefull name most vanongoti Naty Natasha yacho heyy ndakaita kusekerera
"Natasha ukunakirwa neyi" achiita kakudzora maziso achisekerera ndakaita kunyara imii ndakamuti
"Ndakuenda ndokuona "
Ndakatanga kufamba ndokunditi
"Wait!"
Akasvika padhuze neni ndokuti
"Good bye"
Ndakangonyemwerera ndokuti
"Okay"
Ndakatenduka ndokutanga kufamba ndichienda ndichiita kusekerera nekufara today is my day guys ndikuita kufara
Ndakasvika kumba mhamha vachitoisa madomasi avo mutswanda kuenda kumusika vaitengesara kudhuze nekubus stop ndakaita kuwedzera pace kusvika padhuze navo ndokuvahugger vakaita kuvhunduka kutoti kwakanaka here
"Chimhandara changu"she said
"Mhamha lm happy ndafara mhamha"
"Wariwana basa"
"Noo mom 'ndichivaregedza hug ndokuti' director vacho pandandiri muinterview vanditii l like your confidence and hanzi expect good news mom"
"Mwari vakanaka ," vakabva vaita kufara kani ndokuimba ipapa makanaka Jesu ndakaita kusekerera kanii ndakavatarisa Mai vangu ndokubva vatii"ndafara zvisingaite watoriwana zvee mwanangu wanzi expect good news basa wariwana zvokudzwa mwanangu"
Nigel brother yangu akabva auya ndokutii
"Wandiigirei"
Mhamha : uyu newandiigirei uchabiwa nekuda zvinhu siya sisi vazorere
Ndakatoseka hangu ndokupinda mumba kuisa zvinhu zvangu zvimwe madocuments andandadzoka nawo ndokumarongedza ndaiita kufara kanii ndakatoperekedza mhamha nezvimwe zvinhu zvavo zvekumusika ndokudzoka ndichiita zvekubikawa zvemasitkai ndizovaigire nditori pakati pekubika ndakanzwa phone yangu kupinda Whatsapp message ndakatomhanya online ndandichifunga ndiTanya friend yangu anoita zvee beauty mutown kuisa vanhu manails nekuruka rukawo haasati akunyatsogona hake anobatsira tete vacho ndivo vane saloon ikoko ndakambofunga kuda kuenda naye asi haa zvazvisiri mandiri ndakangoshaiwa hanya nazvowo but pangu ndanapo chandangomirira igood news yoo lm happy kanii ndakatoona iri new unknown number yakati
"Hi" ndiani uyu ndakambomira kureply trying kufunga kuti ndiani umm hapana wandapa number yangu who is he or she hameno profile pic rarisati rakubuda or hapatorina here hameno ndakazongoreplyer kuti "hey"
Ndokudzima phone l continued zvangu zvandaita ndapedza ndakaisa mumalunch ndokuenda nacho kunusika ndakatosvika mhamha vatori mukati vakarara havo ndakavapa chikafu chavo ndokumbogara paye ndakumbosaver macustomer ivo vachida apa ndandasiya phone kumba ndisina chekutovarairwa ipapa hangu ndakazongoona Tanya achiburuka mukombi ahh ndakafara ndakabva ndatooneka mhamha ndakuenda vakati "horaiti" ndakatomumhanyira ndokumuhugger
form her back akatovhundka kwakuzoona ndini ndokurelaxer
"Sahwira vangu vakufareiko asi ndana Bamukuru" achisekerera
"Ukutii iwee!" Ndichitoseka hangu
"Share the joke ukufarei asi wawana basa"
"Handisati hangu but ivo vanditi expect good news "
"really "
"Yeah Soo l think ndoriwana "
"Yeah haumboshaiwe dear "
"Konhasi wakasika kudzoka why"
"Umm zvakaoma Naty ndarwadziwa ufunge ngandione zvake Panshe nemumwe musikana murestauren vachidyisana kuratidza varikudanana "
"Apa newe muchidanana futi"
"Yess naiwe chii chakadaro asii"
"Saka akuona akatii"
"andiona hapana zvaataura hake and he continues kana kushamisika ndabva ndatishaiwa interest naye handina kuzombosvika pavavari ndabva ndabuda ndatooba handimbozoshande mushe Tete ndavati ndikunzwa musoro vakati enda hako kumba ndokudzoka "
"Asi this guys why vachidaro unenge uchitoti uri muserious relationship ivo vodai "
"Nhayiwe zvobhowa asi "
"Ndozvavari they think for themselves chete mucheater uone zvavanoita anoita kumera zenze senge achakubaya nebanga asi kwaari he think hazvirwadze"
"Nxaaa gendimbonorara Naty ndokushedzera nepafence handiti"
"Horaiti ndendirimo hangu dakumborelaxer"
"Okay"
Ndakabva ndapinda mugate medu iye kwakupinda mavo ndakatopinda mumba nekubatidza data randandadzima ndichibuda ndokuona profile pic rakubuda and munhu wuya areplyer ndakanovhura ndokuona hezvo ndi sir vaye vandi interviewer vandandichiti gentleman chaiye hezvo konumber dzangu vadziwana kupii ohh pamadocuments angu ahh kovanouya inbox yewhatsaap here or vanoita zve email vati email wani umm ndakavhura chat racho hazvoo pakanzi😱...................
End Of Chapter
Stay tuned 🌹
❤️
👍
🙏
😂
😢
😮
35