TADIWA SHONA NOVELS🇿🇼 WhatsApp Channel

TADIWA SHONA NOVELS🇿🇼

27.2K subscribers

About TADIWA SHONA NOVELS🇿🇼

Welcome !!To TADIWA SHONA STORIES For all paid adverts huyai apa cheap prices https://wa.me/qr/JIFKBBASYK4TN1

Similar Channels

Swipe to see more

Posts

TADIWA SHONA NOVELS🇿🇼
TADIWA SHONA NOVELS🇿🇼
6/14/2025, 1:40:31 PM

Maswera sei ❤️vaverengi 🙏 Book redu rikuuya zvaro thank you for your patience 🙏today l wasn't feeling well but now ndave nani book redu rouya🤒❤️

❤️ 🙏 👍 😂 😮 😢 83
TADIWA SHONA NOVELS🇿🇼
TADIWA SHONA NOVELS🇿🇼
6/13/2025, 6:20:41 PM

Some noise for a hot chapter 2 loading like 🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥

❤️ 👍 😂 🙏 😮 😢 168
TADIWA SHONA NOVELS🇿🇼
TADIWA SHONA NOVELS🇿🇼
6/15/2025, 10:33:33 AM

Usati waverenga gara waisa like❤️ Desmond akutoramba nhumbu yake kauyu Saka Melo uchadii nhayi mwana wedu🔥🔥

❤️ 👍 😂 😢 🙏 😮 177
TADIWA SHONA NOVELS🇿🇼
TADIWA SHONA NOVELS🇿🇼
6/15/2025, 10:24:53 AM

Ndave kuisa chapter 2 yedu munyori ave nani handiti ❤️❤️❤️

❤️ 😢 😂 👍 🙏 😮 24
TADIWA SHONA NOVELS🇿🇼
TADIWA SHONA NOVELS🇿🇼
6/13/2025, 6:34:49 AM

*LOVE AFTER MARRIAGE*🌴🌴🌴 https://whatsapp.com/channel/0029VaPANd40wajk6Y5ndI02 Don't forget to follow channel yeduu ugare wavako book huchie Whatsaap Group ⬇️ https://chat.whatsapp.com/GxnwVxnoEhpBM26X9TiVoo *FREE BOOK* Read , Like & Share •CHAPTER 1 STORY BY TADIWA *MELODY* Ndakanyatsopererwaa ndakagara pabed pangu ndakatarisa pregnant test iyi musodzi kutotanga kuvavira kuzara mumaziso kuda kutochema chaiko apa yaitondiudza kuti positive zvayo meaning ndine nhumbu ndakanyatsogumirwa uku ndiko kunonzi kutambira mumadhaka ndisina mvura apa munhu wandakatanga kufunga ndibaba vangu kuti vakazvibata panapa kuti ndine chimwe chinhu mudumbu panapa ndofa inii ndiko kuzvicherera 6 metres under ground uku ndega ndakaibata shaya ndakagara pabed ndichinyatsofungisisa kuti plan B ndodii ndobvisa seii mari ndoiwanepi uye kubvisa kupi obvious mhamha vanozvibata ndakashaiwa kana kuti ndodii door rakabva ravhurwa kunodayi vavari mhamha ndaka panicker nekuvaona kwandakaita kapregnant test kaye kachinodonha pacarpet pasi chaipo ndakarohwa nehana ndichiita kudzvondora maziso ndakavatarisa apa vavakaona kuti ndikanhonge it was too late vakakatora pasi paye ndokuti "Unoidi pregnant test iwewe" vachikatenderedza tenderedza kukaongorora ndipo pavakabva vakaverenga ndakaona vachiita kuratidza kushamisika pachiso chavo ndakabva ndabata hana yangu ndichiita kutswinyira maziso zvekutya chaizvo ndichivatarisa "Melody handina kana remuromo newee wanzwa nhumbu ndeyarinhi iyii" vakadaro vachitogara pabed zvekutopererwa chaizvoo ndakasimuka ndokumira ndichikwenya musoro ndakunyara zvinoo ndoti kudii "Melody ndikuti nhumbu yaunayo ndeyani ukundinzwa here iwewe usandinzwise hasha wanzwa" Vangade kundidzinga havo asi inini zvekunogara naDesmond lm not yet ready kurara kwandaive ndakaita naye this was a mistake chaiyoo ende futi ndaizvitaura sei kuti ndeyake nekuti Desmond wacho mhamha vaigara vakanditsiura nezvake vaisada kundiona ndinaye and vaisada kana kana zvavo kutaura naye zvako hameno neyi pandaivabvunza vaingoti inini ndati kudii usandibvunze zvisina basa zvini apa ndovaudza kuti ndeyaDesmond vanoti kudii chaizvo vangasapererwa nhayii kutovauraya nebp kauku maivangu better kunyarara hangu "Melody hausikuda kutaura no problem munhu anodzipedza nyaya idzi unomuziva and hazvindinetse ini kungosvika kwavo vasati vaisa kana rinopisa pahuro ndonyaya ukuramba yikutanga ukuramba kaa baba vako unovaziva and vanodzoka nyarara hako unovaziva.." Haa naDaddy ndinorohwa pano ndikafa kuurayiwa chaiko kana nhumbu yacho ndingasaisvipa apa ndakaramba ndiri zii ndichingozvitongesa mupfungwa kuti ndodiii... "Melody usandikwidze hasha iwewe hausikundinzwa inini" vavakutaura voice rapadenga manje vashatirwa mhamha "Mhaaa" l said "Usati mha mha mha kudii ndikuti nhumbu ndeyani haundinzwe here iwewe" "Handizive mhanha" ndakangoerekana ndataura "Heeedee (vakatoita zvekupererwa ivo vachibva vanditarisa ndokugumbata maoko avo kwakuti)Melody ukundiona sesaskam handiti iwave Mary heree iwewe anoita nhumbu from nowhere haaa uri Mary here iwewe tizive pamwe ndakazvara Mary " "Ayewa" l nodded "Ndikuti nhumbu ndeyani inini ndozvauri kutadza kutaura .." Ndakabva ndakwenya mhino ndakanyarara "Ramba uchinyarara hausikuda kutaura kaa inini zvekuvengana newe handidi ende unovaziva hakoo baba vako ndovataurira unovaziva" Haa for sure baba vangu vanorova and havadi zvisina basa ndakanyatsowona kuti hapana zvandingaite nababa vangu better kuudza mhamha pamwe vanotaura navo daddy vakanzwisisa but panozoti yaDesmond hana yangu yakabva yarova ndakazongozvishingisa kutaura apa ivo vaive votofamba kubuda ndakabva ndati "Mhamha ndeyaDesmond " l said vakabva vamira ndokucheukaa kwakubva vaiita kuvhurisa maizoso chese chewhite kubudaichii vachibva vati "Watiii kudiii ndanzwa mushe here inini wandoziva heree" vachindizungunutsa "Ehe shuwa mhamha " l said "Une mweya yetsvina heree iwewe wairara naye pakudi Melody ndaiti kudii inini nezvake mukomaba iyeye haaaa" vakaita kundizungunutsa vauya vachindivhunza ndaive nditoshaiwa kana nemhinduro ndakaita kushaya kana zvekuita musodzi ndiye mokoto nematama ese aya ndapusa zvinoo ndakushaya kana kuti ndoti kudiii "Mhamha sorry" l said ndichiipukuta musodzi "Mhamha sorry kudii dzirimo asi heree haaaa... ndaiti kudii ini naDesmond panapa haa ndaisakutsiura nyaya yekamukomna ikako everyday here inini haaa ndaikuudza kutii inini ndaisati handidi kukuona naye here uri mwana wengozi here iwewe Desmond chaiye haa idzi unopedzarana nababa vakoo rega zvakoo" Hiii noo ndakatogwadama pasi kwukubata makumbimo avo ndichikumbira vasavaudzee daddy noo "Mhamha sorry kani musavaudze daddy..." "Ndokuchengeta payii inini munhu akuziva murume haaaa ndisiye ukoo ndiendee " "But mhamha Desmond haana kumboshata wanii" ndaitoshaya kuti vaimuvengerei ini aitove mumhu aribho aisamwa kana doro.. "Usandibvunze mubvunzo usina basa wanzwa zvawairara naye vamwe vakomana vavapera here haa" Ndakabva ndanzwa mota yadaddy kupinda mugate hana yangu yakaita kuroca munonzwa kuita kunzwa kudikitira muviri wese uyu kutsva chaiko kana leggin randandakapfeka kuita kundioisa ndakavabata makumbo avo vaitoda kubuda nooo hameno zvakafamba sei futi vakabva vapiringishika sevachadonha ndakavabata "Woda kundikuvadza kaa haaa woda kundikuvadza ndikuvadze ndozvauri kudaa kuvadzaa " vakadaro nehasha "Mhamha sorry ahewa musaudze daddy sorry mhamha ndokumbirawo ruregerero" ndaive ndotochema kutonzwisawo tsitsi "Melody ndiregedze.." Daddy vakabva vapinda vachiita kuti "Inoise yeyi munomu veduwee.." "Nxcmm" vachiridza tsamwa mhamha vachinogara pamubhedha pangu "Chii mai Marlvin naMelody" marlivin was my brother aive atori zvake kusouth kwaishanda achigara natete vangu "Ngaakudze iye mwana wako" vakadaro vachibva vatotarisa kuside "Melody chii" Ndakabva ndaramba ndiri zii "Mai melody chii chikuitika musandiite kunge benzi manzwa handidi kuvhunza kahobho hobho inini " "Ba Melody mwana wako ane nhunhu..." mhamha vakabva vatotaura ndakabva ndatarisa daddy ndokuona reaction yavo vakabva varamba vakanditarisa havana kana kudii vakaramba vakanditarisa ndokutura mafemo ndokubva vazoti "Ndeyani.." "Desmond mumwe ani...mwana wako ndaimuudza uyu kumutsiura nenhau yakakomana ikakoo asii ii dzitoriwo mhepo idzii " "Wati kudiii..." daddy vakabva vaita kushamiska mhamha pavakangoti Desmond "Mai Melody ukutii iwewe unoti ndeya Desmond uyuu mwana waPhinias hereee or mumwe haaa ukutii" "Mumwe ani iyeye .." "asi mai Melody inini ndaiti kudii nei uchida kundinzwa iwewe.." "Iii Ba Marlvin usanditukire mhosva dzisiri dzangu ndini ndakavabvisia mabhurugwa here uwe kaa bvunzana nemwana wakoo uyuu ngaakudze ndaimuti kudii pamusoro pekamukomana ikako ngaakudze egaa" "Melody kasika kusimuka zvako ipapo simuka ..." Ndakaita kuti kwanyanu chop chop ndaitotya kurohwa baba vangu ndavaziva kaa "une nhumbu yaDesomond iwewe Melody" "Ehe daddy " Ndakaita kubvumirira nemusoro Ndakabva ndanzi mbama vakaita kundimwaya ndakavarirwa ndatii dzungu randakaaita soo kaa ndakaita kuti rezu rezu ndichiona mazengerere imba yese ndichinoda kudonha kwakunosimba nemadziro ndokumira kwakaita ndokubva vauya pandandiri daddy vaita kundibata rukoo rwangu "Kasika kubva panapa enda kukarume kako kasika hakoo handisikuda zvekukudzokorodza unondiziva iwewe ibva panoo" "Daddy sorry ndotokumbirawo ruregerero daddy soriyi daddy ndakatadza" "Melody ndikuti ibva pamba pangu panapa ukuda ndikudzokorodze kaa ndokuuraya nemaoko angu iwewe ndakakudza kare inini" Ndakaramba ndakapfugama vakabva vabuda ndikaziva ndega kuti pashata itambo yemagetsi iyi ndega ndakangosimuka ndiri speed ndini uyoo panze apa ndaive ndisina nebhutsu kutoita kunge dzakudambuka pfungwa ndakatobuda gate ndokutanga kungofamba ndakazoona ndasvika pamba paDesomond aigara ega ndochandaiziva chetee information yake izvinji hapana chandaiziva ndakasvila pagate ndokuona rakavhuirikira and mota yake yaive yirimo kuratidza aive airimo uuu better ndakatosvikopinda ndokunanga kubedroom ndakasvika akatorara hake pamusoro pemablankets ndakaabva ndatii "Desmond..." "Melody chii koo.. " "Ndadzingwa kumba" "Saka ukuda ndiite seii" aitondidaira akarara hake "Desmond ndine nhumbu yako baba vangu vati havasikuda kundiona kumba vatondidzinga " "Heeeeeeee" akadaro achinuka ndokunditarisa kwakundivhunza zvee "Watii kudii taura zvawataura" ",Desmond lm pregnant with you child " "I don't remember ndichirara newe wanzwa kasika kubuda munomu handisikuda zvekunetsana newee" akadaro atori serious ahh ndakavhunduka nemashoko ake aya ndikurota here ini anoti haaziva achirara neni iye akarara neni pabed raakarara iri anoti kudii uyu 'Hooo ini hapana kwandikuenda manje" akundidzinga akuti ndoenda kuoi.. Ndakaramba ndakatomutarisa nhayi veduwe ini ndine nhumbu yake mwana wake futi "Melody handisikutamba kaa newe inini buda mumba mangu" "Ndichiendepi" "ndokurova mwana iwewe kasika kubunda munomu " akadaro achitondipusha ndokunondisairira panze nekutovhara door rake jutokiya chaiko ndokundisiya ndakamira ipapo ndakaita kuzvivhara kumeso zvekutopererwa nelife kuti ndichaita seii muridzi wemimba akuiramba kutondidzinga ndogara payii uju baba vangu havasikuda kundiona kumba ndakatogumirwa nelife yacho ini............ End Of Chapter Girls vakomana havasi vekutruster nemoyo hona poor Melody zvooitwa zvino my goal is to teach vaisikana never sleep with man asina kukubvisira kunba kwengu mwanasikana wake up...... Stay tuned 🌹

❤️ 👍 🙏 😢 😂 😮 605
TADIWA SHONA NOVELS🇿🇼
TADIWA SHONA NOVELS🇿🇼
6/15/2025, 10:27:52 AM

*LOVE AFTER MARRIAGE*🌴🌴🌴 https://whatsapp.com/channel/0029VaPANd40wajk6Y5ndI02 Don't forget to follow channel yeduu ugare wavako book huchie Whatsaap Group ⬇️ https://chat.whatsapp.com/GxnwVxnoEhpBM26X9TiVoo *FREE BOOK* Read , Like & Share •CHAPTER 2 STORY BY TADIWA *MELODY* Ndakatopererwa mushure mekunge Desmond andivharira door panze uku kwaive kutondidzinga kutondiramba kauku kuramba nhumbu yake ndakatotanga kufunga kuti nababa vangu ndinonoita zvekudiii ndadzokera kumba vanotii apa kuramba futi ndiri panapa hazvibetsire ndakatobuda gate rake ndokutanga kufamba ndichidzokera kumba kwedu ndakasvika pagate hana igotanga kurova baba vangu vachatii vachindiona ndadzoka nhasi ndinorohwa ndikazvirega anyways ndakazvisimbisa coz l had no other choice ndingaitewo sei ndakapinda mugate ndakaita breath in and out ndokuvhura door repadinning ndokupinda ndakasimudza musoro kudayi ndokubva ndasanganidzana nemaziso ababa vangu ndandakatariswa vakaita kundicheka naro repakona ndichiti step kusimudza tsoka vakabva vanditi "Mira ipapo Melody wadzokerei kasika kudzokera kumurume wako" daddy said "Daddy sorry ndiregerereiwo andidzinga uyuu Desmond wacho" ndaive ndoda kutochema "Heeeee wati kudii" vakaita kunditarisa "Ehe daddy shuwa atondisairira panze"musodzi waive wotobuda "Anopenga here kuti wakamuita wega mwana iyeye kasika kudzokera Melody kumurume wako handisikuita mafunnies inini wanzwaa ndikakurova unodzokera uchimhanya" "Shuwa daddy atondidzinga kundivharira panze pandamuudza handisikunyepa mhamha......" "Melody handina zera newe inini wanzwa ukutondiona senge ndikutamba kaa" "Ba Marlvin handifunge kuti akunyepa inii komadii ma....." mhamha said vasati vatombopedza kutaura vanga vatomiswa "Mai Melody nyarara kuti zii hako kunyepa kudii ndiwe waimufurira tsvina idzodzo Melody kasika kudzokera hako ndikaenda newe inini hapabude chakanaka unondiziva handinyengerere" Ndakaramba ndakamira padoor ipapo handina kumbotsukunuka ngavandirove havo iye Desmond andivharira door panze ndodzokera kupii "Melody ndakasimuka ndikaenda newee unondiziva dzokera unopedzerana nemunhu wakoo" Haa zvitori nani vakaenda neni ndodzokera kumunhu andidzinga ivo Vakabva vasimuka pasofa pavavakagara kwakuenda kubedroom kwavo mhamha vakabva vati "Ndaimbokuudza Melody kuti siyana nemukomana uyuu ezvinozvi zvakunetsa ende wandinyadzisa hako apa akuramba nhumbu yacho uchadiii zvakaoma ameno" vachingopedza kudaro daddy vakabva vadzoka ndokuti "Kasika kutungamira kumba kwavo ndiende newe inini handiti watadza kuenda wega " Ndakangotendeuka ndokutanga kufamba ndakacheuka kumashure ndokuona variko varikutotera lucky ndandazongotora mapush angu aive padoor ndokuenda patatakusvika hana yangu yayakurova manje kuti Desmond wacho koakangoiramba daddy vanondiita sei coz agara akuiramba kaa koakasabuda takasvika ndokupinda pagate ndokunoka padoor fortunately akabva auya kuvhura hake akavhunduka sei achiona ndina baba vangu akabva ayi Des : Inini zvenhumbu ikutaurwa nemwana wenyu handizvizive akutondinyepera ngaakuudzei muridzi chaiye kwete inini" "Kumuridzi upi Desmond ndakarara newe chete" l said ndakatomutarisa "Handina kuuya kunetsana nemi panapa mhosva yawakaita ukuiziva iwewe mukadzi wako ndikumusiya pano kurara kwawakaita naye kuratidza kutii wakukwanisa kuchengeta mhuri handitii" "Mukadzi wangu upiii munopenga heree haaa" "Pawairara naye waiti zvogumisira zvadii usandikwidze hasha mwana iwewe wanzwaa" "Kukukwidzai hasha kudii mudhara hamusi kuona ndimi mukutondikwidza hasha heree mukaramba muchiita yamukuita takuzonetsanawo manje" "Desmond hausiriwe wakandibvisa virginity iwewe " akabva anditarisa zvekuti ndazvitaurirei "Handina kuuya kupedzerwa nguva panapa newee mukomana iwewe mwana wangu ndikumusiya panoo ndiwe wakamukanganisa woda kumuramba futii noo man not wangu ungaite vevamwe hako kwete wangu unoiripa mhosva yako" "Mhosva yangu kuita seiko makundijairire mhani" Desmond anofarisa angaudze daddy vangu mashoko iwayo ane shuwa vakangoenda pedyo naye ndokubuditsa pfuti ndakavhunduka ndichiona vakaibata vakabva vamunongedzaa paditi rake irii apa iye anga akutya manje adzvondora maziso vakabva vamuti "Pawataurisa pakwana usanditume kuita basa rangu paurii wanzwa" "Sorry sorry " Desmond said anga akutyaa Vakabva vamuregedza ndokuidzorera pfuti yavo iye akabva anditi "Pinda Melody"Desmond said Ahh ndakatomboramba ndakamira kaa ndichiti pamwe ndakanganisa kunzwa unodaro wakanganisa "Hauna kunzwaa here iwewe" my father said Ndakabva ndati saka ndanzwa chaizvo ndakanopinda mumba macho iye akasara panze ipapo hameno zvaakaudzwa ndakazomuona apinda ndokuvhara door ndakanogara pasofa ndiri zii ndakatoti pamwe achauya kutaura neni haana hake akatodzokera kubedroom kwake ndokutorikiya ndakamunzwa kurikiya hezvoo Saka ndichagara munomu ndakatobatidza TV ndokutanga kuona ndiri pakati pekuona shamwari yake Richard yakabva yasvika akatonditi "Kouri munomu wega mukomana wako arikupi" "Arikubedroom " "Hoo" Akabva anobata door achida kupinda kwakuona rakakiwa "Desmond vhura door" "NdiRichard.." Desmond asked "Ehee" Akabva avhura door shamwari yacho ndokupinda ndokuvhara saka inini ndiye waari kukiyira kuti ndisapinde heree akuedza kunyatsoita seii achaenda ndichamuvhunza hangu l continues kuona TV yiya but nzara yayakundivhunza mutupo manje ndakamboshingirira ndakamuona akubuda but mutarisiro wandakaitwa neshamwari yake paakabuda naye handina kumbofara nako hangu kubva anditarisa kudaro ndakazongosimuka ndokuenda kukitchen ndakatoshaya kuti ndobika chii ndakabva ndanzwa door kuvhurwa ndakabuda mukitchen ndokumutarisa ndokuona ariDesmond anga adzoka ndakamuti "Desmond ndobika chii" Akanditarisa ndokubva atarisa kuside ndokuramba achifamba "Desmond ndikutaura newee haundiignore ndichitaura newe kaa" "Saka ukuda ndiite sei Melody pawauya wauya wakatsiga matsaga echikafu here iwewe" "But Desmond unoenda kubasa wanii.." "Saka !ohh yeah l get it Saka ndozvakupa kuti uti nhumbu ndeyangu nekuti ndoenda kubasa manje" "Des hausiriwe wakandibvisa humhandara here iwewe hatina kuzviita mubedroom mako imomo here iwewe asi wakuramba nhasii ndakarara newe chete wondiudza zvevamwe vakomana vanobva kupii ndaidanana newe chetee" " Melody uku kwave kupusa kwako uko kwawakaita lm not ready to be father" "Zvakatoitika zvakaitika Desmond can we accept it" "How can l stay with you Melody ndisingakude l don't love you" Ndakabva ndatopererwa kana simba rese rakabva rapera ndichifunga those days aindiudza kuti l love ndichiri musikana wake achimbondibereka achindiitira zvese nhasi ndiye waakuti l don't love you "But why" "Coz handikude and l don't think mwana ndewangu futii zvaukutaura hazvina kana basaa vanga vakabviswa humhandara vakazongobata nhumbu dzevamwe varume haa" "Zvakaoma" ndozvandakangokwanisa kuita "Yess kungogarawo newee hangu but lm not happy" Ndakabva ndanzwa pamoyo pangu kupisa angataure kudaro Desmond ndakamutadzirei ndakanzwa kuzvishora nekuzvituka nechandaitadza kumwa mapiritsi ekudzivirira....... End Of Chapter Stay tuned 🌹

❤️ 👍 😢 🙏 😂 😮 703
TADIWA SHONA NOVELS🇿🇼
TADIWA SHONA NOVELS🇿🇼
6/17/2025, 6:09:56 PM

*LOVE AFTER MARRIAGE*🌴🌴🌴 https://whatsapp.com/channel/0029VaPANd40wajk6Y5ndI02 Don't forget to follow channel yeduu ugare wavako book huchie Whatsaap Group ⬇️ https://chat.whatsapp.com/GxnwVxnoEhpBM26X9TiVoo *FREE BOOK* Read , Like & Share •CHAPTER 3 STORY BY TADIWA *DESMOND* "Beauty listen let me explain!!" "Noo Des kuexplainer nonsense dzauri kutaura idzodzo ndokuterera chii ipapa" " lower your voice Beauty handisikuzvifarira you know...." I said coz handizvide zvemunhu anokwidza voice ndichitaura naye "unondiita sei ndikarikwidza voice rachoo ndiite zvaurikuda kuita Des ndiite " she shouted again "Ndikakurova unondivenga Beauty " l said ndandane hasha ifault yangu but ukada kundipengera ndokudzikamisa "Nxaa" achibva atarisa kuside Ndakabva ndarova steering yemota ndichitura mafemo Melody akundibhowa she is the root cause of these fights of me and my girlfriend coz zvekuti ndirambe ndichigara naye kumba kwangu lm not happy with it apa ndandabva kuudzaBeauty nezvake Saka anga akupopota manje but mupopotero wanga akuita noo Beauty is a beautiful girl ane structure inoyevedza and anoziva zvekupfeka zvinomufita haa handidi naye hangu anomutora kana banga ndomuisa uyu Melody ndaive ndakangomupfimbawo zviya zvekuti unenge une mafriends ako moita bet rekuti tikuda kuona anobvumiwa so ndakabva ndamupfimba mwana kwakundibvuma kaa mukundibvuma ndakatanga kutonakirwa naye kaa paye mbichana mbichana kubva tatozorara tesee takarara tese kanenge ka2 apa ndipo kuuya akundiudza zvenhumbu ngaakwane manje inini ndinoramba auya zvake kusiko my name is Desmond inini ndingatongwe naye kamunhu Kane mukaka pamhino kasingagone kugeza futi kana handimude l only love Beauty and ndiye wandicharoora nekuchata uyu Melody haa kana Soo apa ndandamuudza ka nezvaMelody anga akunditsamwira kakundituka kwese uku Babe rangu ndakanyatsofunga kuti Beauty akatsamwa anondiramba coz vakomana vakawanda and chero ndichifamba naye Soo varume chaiyoo vanomucheukira ... "Des Saka iwewe ukufungei...." she asked in a low voice apa maziso ake atsvuka aida kutochema babe wangu "Noo usacheme ndati ndikuita plan zvekuti adzokere kumba kwavo Melody wacho sezvawataura babe coz l love you Beauty only you only you hold my heart " "I love you too Des l don't want to loose you" Ndakabva ndamuhugger zviri tight ndanzwa mashoko ake ndakatonzwa kufara ndakatomupuruzira musana katorarira pachest pangu apa "But babe... koMelody wacho akutaura chokwadi ariwako mwana wacho" "Ari wangu sei Beauty inii ndikuti noo haasi wangu iye mwana wacho,, mwana akaita seii anondisvibisa moyo kana ari wangu handiti anoita zvekuti ndimude haasi wangu haasi wangu full stop she is framing me Beauty ndakuudza wani!!" "Eee eee okay okay relax.."she said kakusekerera "Usature nezvaMelody kana zita rake tiri tesee right.." "Okay babe" "Good" ndakabva ndamupa kiss pamacheeks ake "Saka kubasa ukubuda rinhii" "Kana truck rikangouya " "Horaiti" "Mwana iwewe unondipengesa iwewe ndobva ndanzwa kutoda chaikoo makumbo ako aya eish iwewe kaa pluz wakapedzisira rinhii" Ndakabva ndatomudhonza padhuze kwakutanga kumukisa mbichana mbichana ndakatorarisa seat mumota imomo ndichimubata chetee zvekuti anga akungogwina gwina handina kusiya taive tatopadhuze kutozviita mumota ndipo paakandimisa achiti not munomu zvaisaitawo hazvoo coz Beauty mugiant kauyu anonyatsodawo pane space kuti unyatsonakirwe chaizvoo takasimuka takagara takazvigadzirisa hembe dzedu ndakamutsa mota ndakamuperedza kumba kwavo ndakatonomusiya pagate pavo chaipo.... "Usazodyiswe naMelody iyeye umuudze kutii uri mistake iwewe" "Okay babe l won't " Ndakabva ndatoseka ndichitoturner mora ndakudzoka kwangu kumba kwandine mhepo dzandakakukurawo marara chaiwo kana panodzoka mhamha kusouth hameno vanotii vauya kumba uku coz vanoshandiira SA and daddy vangu mupurisa mukuru kuru ikoko vane chinzvimbo but daddy vanogara kuimba imwe yacho ndokune hanzvadzi dzangu muhombe nemudiki, mukoma wangu ndiye ane imba yake kuMadokero..... anyways ndakasvika imba yese ichiita kunhuwirira apa ndainzwa nzara isingaite ndandisina kudya zvee mudumbu mangu makabva maita kuti grugrugru nzara chaiyo haaa ndakabva ndanzwa poto kuvharwa ndikaziva ndiMelody akubika chikafu but achiwana kupii ndanga ndisina kutenga chikafu kainii chaivemo ndakakira achiwana kupii?? Ndakaenda kukitchen ndakasvika achitopakura plate yake yeee kaive kasadza nekachicken kakaita kutsvukira zvinotora moyo ndakaita kuyevedzwa nechikafu ndakachitarisa umm anga abika mwana uyuu ndakazovhunduka akundivhunza kutii "Asi ukuchida" akanditarisa "Hmm hee" ndakabva ndatanga kubwaira bwaira zvekushaya kuti ndotii akabva ati "Don't worry handina pandambokinura hangu chandangoshandisa mapoto ako chete and ndikusuka zvimwe zvese ndanotenga" "Ndambotii" ndakamuvhunza ndiri serious "I thought kuti pamwe unogona kuti ndakinura ndikatora anyways ndokuisira here" "Kuti undipfuhwire pluz handidye zvinhu zvabikwa zvisina utsanana wanzwa chimbotanga wadzidza hygiene ndokuti ndidye chikafu chako handidye tsvina ini..." "Ahh"she said Ndakabva ndatotenduka nxaa ndandakuitei ndakatotanga kuzvirova rova Des dzikama why ndandichiyeverwa nechikafu chake kutozvifarira kauku l have to be careful or else l will loose my beautiful beauty over this girl ndofanhira kumushungurudza kusvika iye abvuma defeat abva panapa handimude handimude can she admit it vasiri baba vake and my father's previous andisingazive dai ndakamudzosera kumba kwavo and ndaisambovatya ini coz handimude... Ndakabva ndanopinda mubedroom mangu ndichipinda ndokuona bed rakawaridzwa zvakanaka pasi pakatsvairwa panogara mafuta angu ari order ndiMelody kauyu apinda munomu hakuna mumwndakabuda ndiri chamupupuri chemhepo ndokunomusimudza paanga akagara kaplate kake kaive pamakumbo kachinodonha pasi ndichinomugadzika mbama akanowira pasi futi zvekujairirwa ndombozvida heree inini ndakamuti chii inini ndakabva ndamuti "Haupenge iwewe wanzwaa haupenge ndakakuti chii nemubedroom mangu haaaa ndakakutii.." "....."ziii "Manje handikusiye kusvika wandidaira ukuda kutondiitira chihunhu chekumba kwenyu ndokurova manje inini handijaidze vasina kukwana ndinoranga" "Sorry Desmond handipinde futi nda-nda-pi-nda ndaanga..." "Ndanga kudiii ndokurova iwewe wanzwa ndikuone gumbo rako imomo futii ndingofungidzire kuti wapinda ndokubvisa ziso this time rekuti unopofomira kutadza kuziva pane handle redoor ndozvauri kuda kaaa" "Sorry Desmond" Ndakabva ndatendeuka ndokudzokera kubedroom kwangu ndichirikiya door nemukati........ End Of Chapter Stay tuned 🌹

❤️ 😢 🙏 👍 😂 😮 660
TADIWA SHONA NOVELS🇿🇼
TADIWA SHONA NOVELS🇿🇼
6/17/2025, 7:39:34 AM

Morning morning 🫂🫂🩷🩷guys how are you rmunyori is not feeling well akunzwa zvirinani hake book renyu rinouya ndinovimba kuti kutanga mangwana book redu pachapter maviri pazuva nhasi rinouya zvaro 🙏🏼🩷🩷

❤️ 👍 🙏 😂 😢 46
TADIWA SHONA NOVELS🇿🇼
TADIWA SHONA NOVELS🇿🇼
6/13/2025, 6:58:11 AM

Morning guys toisa nalikes chapter 2 yedu is loading 🔥🔥🔥🔥

❤️ 👍 🙏 😂 😮 😢 134
TADIWA SHONA NOVELS🇿🇼
TADIWA SHONA NOVELS🇿🇼
6/13/2025, 6:17:09 AM

Good morning 🙏🌄 mafans manyama masupporters aMama Tadie Riri on promotion Rega kusara 1us heree Handeyi kuSub Group tosangana ikoko tosee guys support you my your munyori 🔥🔥💃🏾💃🏾💃🏾 *Payments*❤️ *Zim Side*🇿🇼 $1,20 Ecco $1,50 Inbucks Zig 50 Mari yacho moisa apa0️⃣7️⃣7️⃣5️⃣6️⃣2️⃣2️⃣8️⃣9️⃣1️⃣ N.MAKUNDAMHUKA *Scratch Cards* Buddie $1us Netone $1us Payment proof or screeshot yeairtime a Munoisa ipapa 0️⃣7️⃣7️⃣7️⃣5️⃣2️⃣5️⃣7️⃣3️⃣4️⃣ *SA Side*🇿🇦 R20 Voucher types acho ndiwo anotevera Ott Voucher Blue Voucher One for you Kazang Ndomatypes acho screenshot ipapo panumber iyo inopera 734👆 Varikudzimwe nyika mokwanisa kuisa airtime via mukuru or World Remit panumber dzine Zita rinobuditsa Makundamhuka Thank you guys please handeyi usasare tive nenguva yakanaka

❤️ 😂 🙏 👍 10
Link copied to clipboard!