
TADIWA SHONA NOVELS🇿🇼
February 5, 2025 at 03:41 PM
NATASHA🪻🪻🪻
https://whatsapp.com/channel/0029VaPANd40wajk6Y5ndI02
*NATASHA*🪻
🌴🌴🌴🌴🌴🌴🌴🌴
STORY BY MAMA TADIWA
CHAPTER 7
*RAYMOND*
"Ugadzirire Fortune tikuenda kumaDNA test l already booked the time by 10 exactly you should be ready "
"Kupii Ray ? nei usina kundiudza kuti waive serious nenyaya iyoyo kounongoita zvinhu zvako wega kufungira mumoyo sembwa kudaro handiti dai ndakagadzirirawo wakandiudza here chero nezuro zvazvirinani ndaiziva kuti ndozvaurikifunga wondiudza nhasi ha..."
"Waida kugadzirira kwekuita seii kwakanyatsoita sei coz l don't think pane need yekuti ndaifanhira kutokushuma kutokugarira pasi ndokuudza and wanga uchizoda kuita sei kwacho after ndakudza... horaiti ndakuudza "
Akabva anyarara kuti zii benzi remunhu nhayi ndamuudza anga achizoda kuita seii kuti anotenga doctor iyeye kaa amubhsdhare andipe false information manje handinzwaro anopenga Fortune manje inini handisi kuzoitirwa iyoyo kana anga achizvinyepera kuti ndochengeta chisiri changu anonyepa akanyeperwa naiyeye akamuti shinga kuti mwana ndewako ndakabva ndavhara wardrobe coz ndaitotora belt rangu ndandichida kutanga ndasvika kubasa Saka ndakatotora phone yangu kwakubuda apa aive akangonditarisa hake ehe ngaatarise hameno ainditarisirei kudaro ndakatoenda kubasa ndakasvika handina munhu wandakataura naye ndaita basa rangu muoffice ndaitoshanda ndichitarisa time nguva dzangu dzakunokwana ndanga ndochida kubuda manje ndakatobuda ndichiti ndiende kuoffice kwaReginald before ndabuda ndaifanhira kumusira mapapers amwe pluz nekubva ndamuona semunhu anga ari out kaa and ibrother yangu hazvibudi as always haa muoffice maReginald handinoke hangu hameno chero ndikazoona ari offside hameno ndakangosvikovhura door ndichiti baaa akabva aita kuvhunduka achimuregedza Natasha iye Natasha achiisa maoko ake pamakumbo ake vanga vakabatana maoko naReginald l think mubatiro wavanga vakaitana wanga usingaite akatanga kutarisa pasi Natsha ndakaramba ndakamutarisa ndichinyatsofunga kuti vanga vachiitei vakabatana maoko and pane something changa chiri mumaoko a Reginald chete why amhanya kumavhara should l ask ndomuvhunza ndonyarara ndakazvinetsa ndega mupfungwa what should l do apa tese Tanga tangotarisana hameno kuti inini naye Natasha we were not destined handiti kaa and lm sure kana avhunza Reginald nezvangu atoudzwa kuti mukadzi anaye and hapana munhu paanoudzwa kuti iwee I forced marriage yaari iyii hameno pasina nguva pfungwa dzangu dzadzatofunga zvakawanda there's no need yekumuvhunza ndakatozviona ndakabatikana zvisingaite handidi kunyepa asi hapana zvandaita hangu asi l almost took 15minutes ndiri silent ndakazongomuti
"Zvirisei Reginald"
"Ndiribho murisei bro" achitosekerera hake
"Haa good good message yako ndakaiona nezuro asi foni yangu yakabva yadzima kutozobatidza makuseni anayaa asi wakafamba mushe hako kaa"
"Haa ndakafamba mushe ini makasara bho here naNatasha" achisekerera achimutarisa
"Haa bho eehh ndine kwandiri kumhanyira ndikuda kukusira mafiles unozomaendesa juna Kadzengerere aise signature yake lm sure pandodzoka anenge aenda saka akaisa ndozomatira kwauri inini ndakuenda"
"Horaiti irirbho Ray"
Ndakabva ndatobuda ipapo ndisina kutaura naye zvakanyanya ahh hapana chekutaura naye atondiprover ega apa kuti anoda Reginald ndichirecaller futi mubatirano wandapinda vakaita maoko though vazoregedzana havo asi ndaona hanguu handidi kunyepa ndakatobuda kana energy yese yanga yapera ndakasvika kumba Fortune asipo futii ndakasvotekena kusvika kwekupedzisira apa ndine zvikundibhowa futi ndakamufonera nehasha ndokunditi ndaenda kumba kwna mhamha aitoreva hake kwedu kunodii kunotaura kuti tikuenda kumaDNA hoo vagotii ndakapinda mumota muye kwakusvika ikoko ndichisvika anga akatogara mudinning namhamha daddy vanga vasipoo kaaa ndakatotaura namhamha mushe mushe mhamha ndokuzoti
"KokumaDNA kwandanzwa nemuroora wangu kuti ndokwamuri kuda kuenda kaa kakanaka"
"Ehe ndokwandiri kutoti tiende takutononoka soo hameno anga achizouriye kuno isu tikuenda kumaDNA"
"Asi nhayi Raymond mwanangu watoshinga kuti mwana haasi wakoo"
"Mhamha inini kana ndichitaura vanhu hamunditerere so regayi ndiite zvandikufunga kuita inini zviri right zvandiriri kuzvionera kuti zvakanaka kumaDNA ndokwatiri kuenda "
"Handina kumbopikisa ini mwanangu wakura iwewe wakuziva chaunoona chakanaka nepakashata unopaona ita zvaurikufunga"mhamha said
Fortune: ahh mhamha ko....
"Yess muroora inini handisi kuona hangu reason yamungaregerere kuenda kumaDNA chingoenda kana mwana ari waRaymond une chokwadi enda hako asiri wake ndipo pane nyaya handidi kukunyepera inini handimo munyaya dzenyu Raymond baba vako natete vako face them exclude me mwanangu"
"Hoo makudaro nhasi!! simuka tiende"
Ndakabva ndatotora makeys angu kwakubuda akatombomira few minutes arimo hameno aitaura navo kutii zvinani akazobuda ndokugara kumberi handina kumbotaura naye ndakatomutsa mota tamutown ndakamuti
"Haaaaa Fortune ndine hurombo newe hungwe vamakabata ava vakabuda vachinzi havasi vekwedu ava haaa hameno hako"
"Hungwe ndiyani.."
"Hameno shaa ndiye wawakabata.." ndichitoseka hangu hauyu ndihungwe mwana uyu mhino yaanayo iyo umm haa kwedu hakuna ane mhino yakadhasharara kudaro
"Haa ndibvire uko unondiita sei handiti iwewe wakatomborarawo neni akabuda asiri unenge wakangobhadhara pawakarara neniwo ipapo"
"Farisai maiguru "
Takasvika paclinic paye paive paprivate clinic zvemaDNA izvi kumaprivate clinic hazvimbotore kana nguva izvii ndakaparker mota ndokumuti hendeyi apa aingoita zvinhu slow maziso achingomamhanyisa mhanyisa kutofamba seasiri kuda hake manje inini ndosiya achitevera ndakatofambisa ndichisvika ndakacheuka and ndakatomuona aitevera hake anga akufambisa ndakuknocker padoor padoctor baba vaFortune vakabva vabuda ngavavhunduke zvekuvhunduka zviye vandiona face yangu ndakangoramba ndakavatarisawo instead of kuvamhoresa zvekuti ndiri mukwasha anochonjomara kuzodii kuita seii handiite izvozvo ini ndakatoramba ndakavatarisa ndokuzovati
"Makadii"
"Ndakasimba mukwasha unofara here hako nemudzimai wako" vachiseka ungati kadhara kadhakwa newhisky kuzotaura vachinyenama vanofunga zvavakandiita kumanikidza kuroora mwana wavo ndombofara nazvo here ini handisi kana kufara
"Motomubvunza mwana wenyu kuti akasimba here"
"Mukwasha ungadaro shuwa kutaura uchidaro umm !" Mukuseka havo manje ini handisikumboseka inii
"Nguva kaa ndoyatiri kumashure kwayo nayo pamusoroi henyu"
Ndakatodaro ndichipinda nepaside pavo ipapo zvinani kuti ndikudhuma atezvara uye vanii handina atezvara kohanditi handina kuroora ndakatopinda ndokugara hameno iye Fortune nababa vake zvaaingozevezerana padoor ipapo apa qvawo doctor aingove zii hameno nhasi chii ndotomuziva zvekudaro zvekuti pandouya dzimwe nguva tototaura nyaya zvekudaro but apa aive zii achingovhura ovhura mafiles hake akazopinda later hake then doctor ndokuti
"Muri ready mese here shall l start"
"Yes izvezvi soo tese" fortune akadaro ahh ndakatovhunduka ndichimutarisa face yayatochinja
"Horaiti umm Raymond rara pabed nditore test "
Ndakatosimuka ndokurara pabed paye vakabva vatora ropa ravo ndokutora nekamwana kacho futi hameno vakabuda nawo ari mutray hanzi ndakuenda kulab naroo takatogara pamachairs ndokuzoroora hedu ndanga ndakatomamirira maresults iwayo zvekudaro ndiri zii hangu asi mood ya fortune ndoyaitondishamisa yanga yachinja all over a sudden kuti munhu anga achiita senge asiri kuda akatozvimba ozongotanga kumhanya mhanya pangoona baba vake umm pakanaka here ipapa is there something wrong move done hameno akabva anditi
"tawirirana kaa kuti mwana kungobuda achinzi ndewako sex today pluz wakuchinja maitiro ako"
"Bhoo fortune hunge abuda ari wanguu "
"Ahh pakanaka musazotichinjire mashoko enyu chete "
"Horaiti "
Ndini zii ndakatozombovaraidzika nephone yangu ivo doctor vacho vangobuda vachiti kulab ndokwazvoitwa zvino nanhasi here iii hameno ini handina chandoziva nezvazvo hangu uyu aingotambana nekamunhu kake chero kakambochema ndaisambomuti hunza noo haa uyu mwana handibate kubva azvarwe asvike pa6 months dzaanadzo idzodzi handimubati chero acheme ndiripo zvinengei handiite never haa handibate doctor vaye vakatopinda nemapapers avo ndokugara pachair yavo ndokugadzirisa pahuro pavo paye ndokuti
"Ehmm Raymond naFortune DNA paper ndiro irori riri mumaoko angu"
Hana yangu yakatanga kakuroverera kekungovhundukirawo chete ziso rangu ngaritange kuita kakupfuura futiwo zvinotsura kaizvi... Doctor vakati
"Fortune umm.........
End Of Chapter
Stay tuned 🌹
*Tikaisa malikes chapter 8 mangwana makuseni moiona yauya*
❤️
👍
🙏
😮
😂
😢
40