TADIWA SHONA NOVELS🇿🇼
TADIWA SHONA NOVELS🇿🇼
February 8, 2025 at 09:49 AM
*Huyai muone vatsigiri nyaya iri pano,munyori uyu anonyora mabook akanaka uye anodzidzisa zvikuru,nyaya dzose todziona imomu dzerudo dzekuduwa dzekufara zvose,iye zvino ane book iri PAINFUL LOVE ,chingobaya follow channel yake,nokuti link riri kubvisa munguva diki ikutevera*                            *PAINFUL LOVE 💘*                 BY    MAI SHAMMAH      To0778349453                                           EDITOR     MAI RYAN           To0719925853 *Book rino kuti uriwane nenguva please gara wabaya follow channel iyi* https://whatsapp.com/channel/0029VaDyrAr8fewnrBCUcz1c *Join my Whatsapp Grp* https://chat.whatsapp.com/I5J3n5o6qhn5tbZfCPav0Y CHAPTER 1 "Tanaka mwanangu,chimuka uende kutsime achiri mangwanani kuzoti uchere mvura zuva ropisa ndinokunzwira tsitsi ini" Vakadaro mhamha Linda apa ndanga ndakarara museri mavo ndichifemera mugotsi chaimo.Ini vaifunga kuti ndakabatwa nehope izvo misodzi yaitoyerera  nokurwadziwa nemoyo wangu.Mhamha Linda vaive vava kuenda kuLondon nemurume wavo akavaroora aive Teacher kuchikoro chepedyo nesu kuno,zvino aive avatumira Mari kuti vatevere ikoko.Ini ndainge ndofunga kuti ndosara nani zvino zvavava kuenda.Kwete kuti pamba paive pasina vanhu, vanhu vanga varipo,asi ndosara nani Mhamha Linda ndivo vanondichengeta,ndivo vanondibhadharira chikoro nemari yavo yebusiness. "Tanaka,Tanaka hausi kunzwa here nhai?" "Ndikukunzwai mhamha ndava kumuka nhasi i weekend makanganwa here?" "Handina kukanganwa ndosaka ndati chera mvura kuchiri kuseni panozopisa zuva unenge wapedza basa rako,ini ndakutomuka ndigeze paunodzoka kumvura wodzokera kepiri unenge wakutondiperekedza kubus," Ipapo manje handina kudaira ndakuchema kunge ndafirwa,ndakaita kutarisa kumadziro chaiko. "Nhai Tanaka,zvino ukachema kudaro ndinofamba zvakanaka here mwanangu,kana iye mufi angafara here?Aiwazve farirawo kubudirira kwamai vako mwanangu ndakubviswa naMwari muguruva ndichienda kunyika iri kunze ndiyo yaive shuviro yangu kuti ndiitewo zvinhu zvakanaka,kana ndaenda ndichange ndichitumira mari kuna mhamha yokuti uende kuchikoro,kana wapedza fomu 4 Yako ndoda uende kuvhasiti izvo unotozoita wauya London hant" Ndakagutsurira musoro nomufaro ndichisekerera, "Thank you my daughter ndiwe first born yangu iwewe" Vakadaro ndikasekerera,yes chikoro ndaichida shame uye ndinogona kuchikoro ini pose pandonyora ndinopasa ipapa ndakabuda ne8 maB pabvunzo yangu yesecond term,form 3. "Oraiti mhamha ndafara chose ndakuenda kumvura Moyo wangu unorwadza ndinenge ndakufunga kuti ndichatambura musipo" "Aiwa mwana wangu hautambure ndinotumira Mari Kuna mhamha" "Oraiti mhamha Linda" "Good chimhanya kumvura" Ndakabuda Mumba ndichifara chose,ndanga ndofanira kuti ndichipedza form 4 yangu ndikuenda kunze kwenyika ino yeZimbabwe,ndiyo yaive shuviro yangu kuti ndipedzewo dzidzo dzangu zvakanaka uye ndigodadisawo. Zita ndinoitwa Tanaka Shumba ndine makore 17 ekuberekwa,ndiri musikana asina kunyanya kutsvuka uye asiri mutema,handina kusimba kana kuonda uye handisi mupfupi kana murefu.Handina kunaka sedhorofiyo kwete asi handina kushata sepasi pepoto,ndinotoyemurika vamwe vakomana vanotozeza kundipfimba Uye vanondipfimba kuzama havo asi vanoziva kuti handibvune,mhamha vangu Linda vanondikurudzira kuti ndisaite zvevakomana asi ndiite zvechikoro. Ndakafirwa namai vangu ndichiri grade 5,baba vangu varipo mudunhu matogara imomo uye havana kukwanisa kundichengeta ndipo pandakatorwa namhamha Linda.Mhamha Linda vanogara nevabereki vavo vanova Ivo hanzvadzi yamhamha vangu Saka ndisekuru vandogara navo nambuya Pamba pane vamwe vana asi mhamha Linda ndivo mwana mukuru vane 33 years.Pana sekuru akapedza chikoro atove nemukadzi nevana two,pana mainini Tsitsi vakapedza chikoro ndokumitiswa varipo nemwana wavo pamba,Pana mainini Revai vari fomu 5 vanochengetwa futi namhamha Linda tose totengerwa mauniform nokubhadharirwa school fees navo nemari yavo yekutengesa hembe. Pana mainini Ronika Ari grade 5 ndiye gotwe pavose. Ini kuti ndigare pano vanhu vose vanondituka kana mhamha Linda vasipo,Ronika chaiye anogona kundirova kana kundisurira kumeso kuti bruuu achisimudza gumbo vanhu voseka, kuti ndimurove mbuya vanondituka asi pandakaudza mhamha Linda akarohwa zvekuti ende haana kuzozviita baa.Mbuya vanondipa chikafu chishoma kana mhamha Linda vasipo,asi kana varipo topihwa zvakaenzana. Revai chaiye akambotora mapants angu mazuva akaenda mhamha Linda kumurume wavo,pavakazodzoka ndikavaudza akabva atukwa nokunyimwa amwe mapants manyowani ndikapihwa inini chete. Tsitsi anondiwachisa tsvina yemwana wake iye aripo hake mbuya vanoti Wacha handisi rini ndakapa kuti Mai vako vafe ini.Kana mhamha Linda varipo vanoti tsitsi chera mvura Wacha hembe dzemwana wako gezesa mwana wako asi vakangobva pamba chete ndonzi Wacha.Sekuru hapana zvavanotaura ukaona vasimudza muromo zuva iroro kunofiwa chete,havatauri vanonyarara ndichishungurudzwa mumaziso avo.Mhamha Linda manje vaipopotera chero Mai vavo vachiti musabate mwana watete vangu rough mwana watete vangu kwete wenyu. Kunyangwe mbuya vakada kuti wamutengera hembe dzakawanda dai wapa tsitsi sezvo vachipfekerana,mhamha Linda vaivaudza kuti, "Mwana wangu tsitsi ngaachengetwe namai vakewo kana maona kuti zvandamupa zvishoma, Moda Tanaka achengetwewo nani mwana watete vangu" Vaindida mhamha Linda handina kumboenda kuchikoro netsoka ini,handina kumbodzingwa kana kumbonyora pabhenji kuchikoro ndashaya bhuku,kana kushaya pen aiwa zvose ndaiwana hangu,mainini Linda she is a hard worker shame. Zvino vaive voenda kunze kwenyika ndava kusara pamba nambuya nevana vavo,handizive kuti ndichasara ndakagara sei sezvo vava kuenda kure kudaro.Mhamha Linda vaindida zvabdaiona ini,vakandichegeta kubva grade 5 vaimira neni kuti ndisarohwa namai vavo kana kurohwa naRevai kana tsitsi.Ndakura now ndakugonawo kuzvimirira Tsitsi kuti andirove ndinenge ndasungwa Maziso zvese nemaoko,aitoziva kuti kana ari ega haanditange aitonditanga Revai aripo,futi vaive votya nokuti last time pasina bhudhi wawo ava vane mukadzi vanonzi Trymore vakazopindira vakundirova neshamhu ndainge ndavapinza pama 1 vari two kudaro. Zvisinei,ndakaenda kumvura ndichifambisa kwazvo ,ndaida kukasira kudzoka ndiwane mhamha Linda vachipo. "Ahhh ndiwe Tanaka pane vazukuru vangu vakauya kumba uku vana vemwana wangu mukomana unovaziva iwe asi vanga vane nguva vasina kuuya kuno chete,ndatovaudza kuti kune musikana aripo muno mudunhu anonzi Tanaka" Vakadaro mbuya Murapi ndatotsiga bucket rangu remvura,ini ndakatofunga kuti ndiYeukai naMemo vaimbouya kuma holiday,ndakabva ndati, "Ndozovaona mbuya ko mamuka sei henyu?" "Aiwa ndamuka kumukira kunovatanhira derere hanzi toda derere mbuya" "Aiwa matogona regai ndimhanye kumba" "Enda hako muzukuru" Ndakafambisa kudzoka kumba,ndakafara ndichiwana mhamha Linda vachipo,vaitogova hembe dzavo,vari mukitchen nokuti vaisaenda nedzese. "Iwe tsitsi ndokupa Shoma hant une zviboyfriends zvako unogonaka chaizvo kuishandisa yeke yeke,dzako dzakwana idzi ndedza Revai naTanaka,ndinganonoke mosara mosheyana hant" "Ehoi sisi maita basa" "Aiwawo asina yake yeke ndiani imi kuenda kutown hant ndiyo yamashandisa nonsense zvihembe zvenyu izvo" Tsitsi akaita kukandira mhamha Linda hembe, "Uchinyanyawo kuwanzira mwana anotsamwawo" Mbuya vakadaro mhamha Linda vakarovanisa maoko avo, "Heeedeee matii mhamha very soon mukuchengeta umwe mwana pano,ende zvakaramba zvakadai muchimu supporter ini ndouya ndotora Revai naTanaka ndovatsvagira imba kuHarare vachienda kuchikoro variko ndovachengeta,kuno hamuwani kana sipo yangu zvayo,iye zvino haatengi sipo uyu asi anonyengwa ini ndotenga zvingani pano,zvingani zvandoita?Ndichimuchengeta iye nemwana wake,musade kunditsamwisa mhamha,Revai naTanaka mogovana hembe idzi," Ndaisakwanisa kutaura hangu kuti siyai mandipa dzangu nokuti ndaiziva kuti hapachina changu apa, "Eho sisi,Revai tora bag unoisa Muimba yedu yokurara" Isu vasikana taive neyedu imba,mhamha Linda vanga vane yavo uno mandaive ndakarara,nokuti kana murume wavo asipo vanonditi huya tivate tose. "Ndanga ndakanganwa magunbezi Angu i5 one mopa Tanaka amwe 4 mhamha mowacha morongedza" "Eho" "Ndava kuenda in" Vakadaro vachibata sachel ravo kuti vabereke,ndakazoti ndipei nditakure,vamwe vose vakazoenda pasina chavakataura kunze kwemigomo yemvura nokuti Revai Aive newake mbuya wavo ini ndakatakurawo rangu bucket. Road yekubus ndiko kunetsime kwacho. "Ndikuenda mhamha,mwana watete vangu uyu mumubatewo semwana wenyu zvandogara ndichikuudzai,Mari yake ndotumira every month pandotumirawo yenyu ipapo,ndiye anotondipa Simba rokushanda nokuti haana vabereki ndini mubereki wake,pandinokuchengetaiwo ndiri kuchengetawo iye" "Eho ndichangomubata sevamwe vana ndarwadziwa nei padya vamwe odyawo paenda vamwe kuchikoro oendawo tichingodaro,," "Ehe ndizvozvo kwete kuzorega kubhadharira mwana Mari yechikoro" "Tose toda adzidze nemagonero aanoita Aya handidaro" "Mazviita Moyo wangu unofara ndofamba ndakasununguka, urambe wakashinga kuenda kuchikoro usaite zvetukomana hant ukuona kuti Revai akapasa form 4 achipedza form 6 newewo wapedza form 4 mose muri kuuya London,kuti mudzidze ikoko" ,"Ndinotenda mhamha" ",Good girl,ini ndava kuenda ini" ",Fambai zvakanaka mhamha" Takazotaura kusvika tasvika pabus stop,bus rakauya reHarare mhamha vakabva vaenda.Takafamba kudzoka tikatochera mvura yedu mune zvakanaka pasina kumbotaurwa zvakaipa,asi ini ndanga ndakasuwa suwa nokuenda kwamhamha,kunyangwe ndaifara nechemukati mangu asi pachiso ndanga ndanga ndakasuwa kwazvo. "Tanaka,mhanya kwambuya Murapi unopihwa zviyo zvangu,tora saga" Vakadaro mbuya, Ndakatora kasaga kadiki sezvo zviyo zvacho raingova garon chete.Ndakatofamba hangu ndichiimba iyo nziyo yakillerT iyi,"kana ndanyura" Yakangouyawo mumusoro mangu yaindinakidza chose payairidzwa namom Linda pafoni yavo.Zvino ndakatoimba kusvika ndatove pagedhi chaipo,pamba pacho pane heji mumaside mose Saka handina kunge ndaona vanhu vaive neseri kweheji, "Huuuu heyyy" Kahana kakarova sezvo vaive varume, "Makadii henyu?" Ndakadaro ndichiombera sezvo vanga vari vanhu vakuru kwandiri kunyangwe vaioneka kuti varume vechidiki,vangava vakomana kana ana baba vevana vaviri kana umwe chete zera ravo "Tiripo wakadii,ukuendepiko?" "Ndoda kuona mbuya Murapi" "Hoo oky varimo enda hako isu tiri vazukuru vavo" ",Hooo maita basa" Ndakafamba kupinda muchivanze ndichizvibvunza kuti ndivo here vazukuru vanga vachitaurwa ava? Zvisinei pfungwa dzekuzvibvunza dzakapera ndakumhoresana nevanhu,panga patori nevanhu vakati wandei netuvana tudiki uye paive nemota two dzine mazita,mbuya vakazobuda pava paya ndokubva ndavaudza nyaya yangu yerukweza, "Mbuya vako vanopengawo iwe vakuda kuti ndipinde mudura pane vaenzi vangu manje ahhh," Vakadaro vachitoenda mudura racho,ini ndakaendawo navo kudura kuya ndokumira nemadziro ndichimirira kuti vabude Zvino varume vaya vakafamba vachiuya kwandiri vachitotaura nyaya,umwe wacho akamhanyirwa nemwana achinzi daddy akasimudza mwana ndokubva atopfurira kukitchen,uyu akauya pandiri ndokumira pamberi pangu maoko ake Ari muhomwe,apa ainhuwirira sei?Ndakangohwa zvima something kufamba neropa rangu,yes ndine ropa rinopisa woka semusikana nhai,chero ndisati ndambodanana nomukomana hazvirevi kuti handinzwe mafeelings ndinotoanzwa asi anokurirwa nepfungwa pfungwa yangu inobva yati iwe chimbomira izvozvo ukuchengetwa uri nherera,ndiko kusaka ndichiramba boys dzose dzinondida kuchikoro. "Hes Tanaka" Akadaro nenice voice, "Ndiri right hangu" "Good ini ndonzi Peace ndini muzukuru wenumber 3 Kuna gogo,ndaimbouya kuno kare uchiri mudiki asi zvino ndadzoka watokura waibva" "Hooo ndafara kukuzivai bhudhi Peace" Ndakatodaro nechikonzero, "Huuu neniwo hanzvadzi ndafara chose,Saka kuchikoro konakidza here uye Revai Ari sei?" "Ariboe hake konakidza chaizvo" Ndakadaro mbuya vakabva vabuda, "Ndivo vakadzi vekuroora ava Peace wotobatira ipapa kwete kuroora zvekutown hant waona wemunin'ina wako akutadza kubika pamoto manje uyu anogona zvese" "Mbuya mbuya zvamofunga kuti munhu anoroorerwa izvi sandizvo baaa, pane zvinoroorerwa mukadzi kwete zvamuri kufunga" Akadaro ini ndokubva ndatanga kutaura' mbuya vasati vapindira nokuti ndanga ndatobheura zviyo musaga, "Maita basa mbuya ndava kuenda" "Eho,iwe Peace toda mukadzi ane hunhu netsika dzedu dzekuno kwete anopfeka matrouse anooneka pant remukati sooo" Ndaivanzwa ndichifamba, "It's oky mbuya regai ndimboperekedza Tanaka ndochitonosvika kumba kwavo." Ndaitoda kuita zvekumhanya asi ndakazoona kuti zvomakisa Saka ndakafamba kusvika iye amhanya kuti andibate tifambidzane tose kuenda kumba kwedu, The end of chapter 1
❤️ 🙏 👍 😂 18

Comments