Authoress Xammy Novels
Authoress Xammy Novels
January 23, 2025 at 07:12 AM
🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉 *👨🏿‍🦳🩸ZIZI RATEZVARA*👨🏿‍🦳🩸 ** *SEASON 2* ** Story Written by :: ✍🏽✍🏽Authoress Xammy❣️❣️ *Follow my WhatsApp channel* 👉🏾https://whatsapp.com/channel/0029VadsJv4AInPsIzpYHV1T "*🚫This novel is entirely a work of fiction portrayed in it are the work of the authoress imagination.Any resemblance to actual persons ,living or dead,events or localities is entirely coincidental*" ⚠️ *DO NOT COPY OR EDIT*⚠️ 🚫 *STIFFER PENALTIES IF YOU STEAL* 🚫 *FOLLOW ,READ & SHARE* 📚 Chapter 7️⃣ *MAI KUKU* Zuva rakapenya richivaima nemadziro emandaive ,ndakamutswa neiroro zuva raipenya .Mudumbu mangu makarira nzara ,simba chairo panyama ndakange ndisisina ,ko iyo nyota zvayo andichade .Ndakachibva ndanzwa mafootsteps nekamuridzo kairira kachinzwika kuti kari kufamba kuuya padoor pemu room mandaive ndokubva ndangomhanya kuvhara maziso pandakanzwa door rave kukinurwa.... Baba Kuku"Mai Kuku....Mai Kuku Hana yangu yakaita kurovera mudumbu apo kundideedza kwaaita aive akadzikama asi zvakangodaro ndaingotya chete andidi kunyeba .Akauya pandiri kundizunguza zvisina hukasha mukati achibva atanga kundisunungura tambo dzaaive akandisunga dziye ... Baba Kuku"mukadzi wangu Ndakatanga kuvhura maziso angu mbijana mbijana dzamara anyatsovhurika .Ndakamutarisa kumeso nechemumoyo ndikazvituka kuti chokwadi ndiye murume wandakada here ndichiri musikana ,bundu mumoyo mangu rakanyatsonzwika kuti dyuuu pakati pakati chaipo pemoyo .... Baba Kuku"nyatsomuka ugare udye chikafu chichapisa Mai Kuku"andina nzara Baba Kuku"usadaro ,oooow achina poison ichi Akadaro achidya spoon yemupunga ndokunditarisa kumeso... Mai Kuku"ndati andina nzara Baba Kuku"saka uri kudei? Mai Kuku "pafambe simba raMwari ndizarurirwe kubva muchizarurwa muno iwe ufumurwe mabasa ako ufe zvako ndizive kuti nhamo nemuroyi uye apachina Akamboramba ari zii akanditarisa ndinzwe... Baba Kuku" muroyi ndiani??? Mai Kuku"iweweka ,dai ndakaziva ndisina kubvira ndakubvuma .....ingondiuraya zvipere sezvawakangoita pamwana wedu wawakadya Baba Kuku"andina kuuraya mwana Mai Kuku Mai Kuti "saka wakamudii??? Baba Kuku" uri kuda kudya here kana kuti kwete ? Mai Kuku"ndirege ndife anditi kumagumo ako ndozvauri kuda kuti zviitike Akabva atura befu achisimuka akabata muchiwuno make... Baba Kuku "ndave kuluza patients manje haudi kubatsirika Mai Kuku"uraya zvipere Baba Kuku" ndichadzoka kana wave kuda nezvangu Akabva afamba achibuda kuenda ,kazii kacho kakanzwika kuti munhu zveshuwa arova pasi.Ndakambosara ndichichema ndikazvinyararidza ndoga .Nzara ndiyo yainge yondifuzira,pandakatarisa chikafu ndakangoti kusiri kufa ndekupi ndokubva ndasverera bheseni raive nechikafu ndikatanga kudya uye apana chandakasiya ndakadya zvekupedza chaizvo .Zvadaro ndakapengenuka kuti ndasiwa ndisina kusungwa kaini nguva .Nemakumbo angu aya ndakabva ndasimuka kunanga kudoor .Pandakaedza kuri vhura wanikwe raive rakakiwa ,ndakabva ndatura befu kuri kupererwa chaiko ndokudzokera kunogara pasi ..... *FADZI* Kuseni kuchinoedza ,Baba Tee vakamukira kuuya muroom mangu nebreakfast .Vakandimirira kusvikira ndapedza kudya kwangu .Zvadaro vakaendesa ndiro vakadzoka zvekare vachinogara kuma edges emubhedha vakanditarisa.Semurwerewo ndakatsikitsira musoro wangu pasi ndakaurereka padivi kunyeperakunzwisisa tsitsi ndinzwe voti... Baba Tee"wamuka sei ? Fadzi"zviri naniwo asi pakaipa pamwe kuda andichatozvare baba Tee Baba Tee"aewa dont say that ,doctor vakati hauna kuzo affectwa that much Fadzi"mhepo dzimozongosimuka later ,panofamba satani venyama tinenge tavatairwa Baba Tee "zvikazongonziwo ehe zvadarp ,hust know it will be my responsinility to cover ypu ip wanzwa Fadzi" zvakanakai... Baba Tee "kubada lam thinking of asking a leave kusvika ndanyatsoona kuti wave bhoe Ndakanzwa mumoyo kufata chaizvo rheka ko. ,ndozvandaida nguva uese iyi.Ndakabva ndapindura sendisiri kuda ndokubva ndati... Fadzi"hhhhiii endai kubasa Baba Tee ...pliz ndiripo ndega kudai ndinopora plus Tino will be there for me Baba Tee" Tino for what???? Unoda kuti adzokorodza zvaakaita pauri futi huuh come on indava usina matyira Fadzi "Baba Tee Baba Tee" no Fadzai zvandataura ndizvozvo ...excuse me for a minute nditoisa report kubasa Vakasaro bachibuda vachibaya -baya foni yavo .Hapana kumbotora nguva ndakanzwa iri zhowe zhowe kudining .Ndakashaya kutu ko ,ndiani aonge auya achiita kudya magaka anovava kudaro .Ndakamonera morning gown rangu ndikadzuruka kubva pabed ndichifamba kubuda ndakananga kuFining .Ndakasvika iri chahwiriri chaicho Mbuya Tee nemuroora wavo mudiki vachipopota kwazvo kuna Baba Tee nhau dzevana.Hapana aida kunzwa izwi remumwe ipapa nokuti mumwe namumwe aitaurira padenga chaipo fanika Mbuya Tee kuita ruzha kudato kunge ameno ameno nxaaa rakabva ratondisvota zichembere iroro tsvee kuenda kunogara kumusha sona sona neHarare .... Baba Tee"ndati Tee akuna kwaari kuenda Mbuya Tee"hooo uri kuda kunyatsoponda mwana here ??? Heeee iwe Baba Tee Babs Tee"Amai Mbuya Tee "ndati ndipe vazukuru vangu uku ndisati ndagumbuka andidi zvekutsamwidza Tee wacho kuzobva aita nyemwe akabudikira kubva muroom make ,achingoti meso baa akamhanyira kumoti mbunde pana Mbuya vake achitanga kuchema .Ivo mbuya vacho kuzomubhabhadzira nechemumoyo ndaingoti haihwawo kuda kunhoonekwa imbwa dzevanhu... Mbuya Tee" sorry hako muzukuru Tee"Gogo musandisiye kaniiiiiiii Mbuya Tee "andisi kutokusiya Tino mdozbandatouyira enda umotora manhegi ako izvezvi tiende kwaBamunini Kundai Akapukuta musodzi yake achinanga kuRoom kwake .Mbuya Tee ndokubva vandi spotter ndiri pacorner ndakazendama nemudhuri... Mbuya Tee" uri kuhwandei iwe muparadzi budikira apa Baba Tee "Amai !!!!(nehasha) Mbuya Tee" (vachirovanisa maoko) hohoho wakutondikwidzira izwi ini Mai vako nyakubereka nekuda kwepfambi iri heeeee iwe Baba Tee wauri kukwidzira izwi ndiani Bana Tee"its a shame kudeedza umwe munhu kuti pfambi Mbuya Tee "kuti inhema here ,Mai Tee on the vheri fetsi dheyi chaiyo ndakamuudza kuti uyu munhu utu ih*re Vakadaro Mbuya iyi ichindinongedza ipapo ndakanzea hasha manje... Fadzi" andisi h*re Mbuya Tee "saka uri kuhwandei heeeee huyaka pachena Handina chandakataura ndakangobhidhaira ndichivapira gotsi kudzokera kuroom kwangu ,ndisati ndasvika padoor ndakaguma kunzwa shoko rechimbuya ichi richiti... Mbuya Tee" uyu ndiye anonzi satani wawapinza mumba mako uyu Baba Tee ukaita zvekutamba sekutamba sekuseka musha wako ndaona waparara Ndakabva ndangoti door rangu ndokunozvikandira pamubhedha ndichitura befu.Foni yangu yakatanga kurira ndokuona vari Mai Tee ndakamboda kuignore ndikati ahh ahh rega ndidavire ndinzwe kuti gadzi iri roda kutii... "Hello (ndakataura zvinyoro-nyoro) " kana une daka neni pedzerana neni asi pavana vangu siya (vachipopota) "Mapedza here ??? " wakanganwa chazuro nehope kuti wakabva kumusha iwewe usina kana nenduwe zvaro ,nhadi uno waona kuti wave kupenyerera wakuda kuti teki teki nemurume wangu ,wako wawakasiya kumusha uri kuti ave waani heee indava usingatende iwewe .Waona wakuvaoma nemari yangu wakuda kuzbiita mutongi wegwezva varume anditi kaaa "Being poor is a liabilityMai Tee (ndichitaura softly) " hey shut up!!!!! " Ndakabva ndangokata call yacho ndoku blocker number dzavo .Avo veNoise ava vainge vachiri kungoita noise dzavo ,ndakatanga kupeka hembe dzangu kuisa muBagpack ndichiyeredza musodzi .Mumba pamdakanzea mati zii ,door rakabva rauya richivhurwa naBaba Tee... Baba Tee "heyyy whats going on ?? Fadzi" lam leaving Baba Tee ndamboedza asi zvaramba Baba Tee heeey Fadzi kuenda kupi??? Ndakabva ndatanga kufamba ndichibuda padoor pavaive ndokubva vanditevera vachimhanya vachinpmdibaya ruoko rwangu .Ndakamno spotter imbwa dziye ndikaona dzisisimo ndikaziva kuti zvaenda ndokubva ndatarisa kuna Baba Tee ndichiwedzera kupfikura.... Fadzi "no ndiregei ndiende ....mashoko avo ese avataura andirwadza Baba Tee" Fadzi nditarise ndati you aren't going anywhere Fadzi"ndiri muparadzi Baba Tee sekureva kwavo Baba Tee"Fadzi look at me Vakadaro vachinobata matama angu ose ari maviri .Ndakanzwa muviri wangu wese uyu kufamba ropa riri fresh chairo ,dai vatondikisa havo nokuti mukati mebhurugwa ndainge ndonzwa kuvhita -vhita chaiko... Fadzi "Baba ....Tee Baba Tee" imbonditererawo dont go anywhere anditi? Ndakabva ndagutsurira musoro wangu ndokubva vandiregedza vachinongedza kudoor vachindipa sign yekuti ndinodzosera mabag mumba ndikabva ndaita sekudaro .Vakananga kwavo kubedroom ndaivadongorera hangu nepa door pangu .Foni yangu yakatanga kurira ndokuona iri shamwari yangu aifona ,ndaida kukata asi ndakazongoti rega zvingondibva.. "Hello " asi chii newe Fadzai ,wave kumakisa ini nyakukutsvagira basa "Kukunyadzisa nenhau yei? " Tee wauri kuAccuser akuita sei? Imba yawave kuda kuparadza mukadzi wacho akuita sei? "Learn to mind your own business " uchazvidemba izvi Fadzi "Whatever Ndakabva ndakata call iyi ndokubva ndanozviwisira pamubhedha kuzvambarara nedumbu ndichi smiler hangu .... *MAI TEE* Akandimutsa neBreakfast in bed Desmond ,ndakamboda kuranba asi munhu wacho ndoimwe type. Ndakadys kusvikira ndapedza ndakangorindwa ndokubva adzoka zvekare kugara padivi akanditarisa ndinzwe.... Desmond" yazoserera here bhipi tinzwe Mai Tee"bhipi yei? Desmond"last night wakarara uchipfikura kuchema Mai Tee"l have to go today ,mvura akusisina Desmond "everyone knows even a dog Ndakangozunguza musoro wangu chokwadi uyu watinoti Desmond huye dont.... Mai Tee"everything zvinongokuitita kunge mafaniz kwauri anditi Desmond"Are you fine? Mai Tee" yes um fine Desmond "no you cant be fine azviite.Mood yako iya yanazuro was the one with unpredictable mood swings worse than the weather Mai Tee " my maid l think she is upto something ,here goes the story Ndakabva ndatanga kumutsanangurira zvose from A to Z ,haana kupikisa nazvo kana kupa too much judgemental ndakatonzwa oti.... Desmond "be strong Mai Tee" thank you Ndakasimuka ndichinogeza hangu kugadzirira kuenda .Few moments later ,takange tavemo muNorton ndimo maakandisira paBus -stop.Ndakadzuruka kubva mumota make along with my luggage takamira panze... Mai Tee "thanks for keeping me safe and well Desmond ndotenda Desmond " You owe me Mai Tee "how Desmond " give me your number ,thats the owe you owe me Mai Tee "(ndichiseka) ndapa Baba Tee" anything chanetsa dont forget to hit my phone Mai Tee "okay Ndakazvuva bhegi rangu ndichinopinda mune imwe tax. Ndakanogara kubackseat ,driver wacho andina kumbonyatsomutarisisa zvangu ndakabva ndabuditsa mari muPurse ndichida kumutambidza.. Mai Tee" kusvika muTown Voice"its $3 Mai Tee "ahhhh mukuwasha haaa ndidzirutsei henyu panhu panoita 50c moti $3 haa misai henyu ndiburuke Murume uye haana kana kumisa mota akangondicheukira kunditarisa ndokuramba akanditarisa achibva amisa mota .Time yandakada kudzuruka ,l then noticed kuti aive aLocker madoors ... Mai Tee" makakiya madoors Him"imota yangu ndoita zvandoda nayo Mai Tee"ini ndoda kudzuruka mukwasha Pakanovhurwa door rekumberi pachijambira kupinda umwe murume ,mota ichibva yasimuka ichitoenda iri muFull speed ipapo ndipo pandakatanga kusensor kuti aya anenge matsotsi chete aya .Ndakabuditsa foni yangu ndichida kuDialler for any number ingandi rescue asi ndisati ndambodii ,foni yangu yakanobvutwa tevere zigwati rakanomhara kufesi kwangu .Ndichisimudzs musoro ndakanotarisana nebanga rakange rakandinongedzera.. Guy 2" any silly movement ,you are dead *MAI KUKU* Kugara unogara ugosvika pakutanga kurwadziwa nemagadziko aya .Ndakasimuka ndikafamba ndichinogara kudoor ndakazendama pariri.Hudyu hwese uhwu hwainge hwaneta nekuchema .Hope dzakambondibata chete nekuti kumuka kwandakaita ndakaita zvekuvhunduka ndakanzwa kudhumwa kwedoor nekunze ndichibva ndaita step back ndokusimuka ndakatarisa kudoor.. Voice"Mai Kuku....Mai Kuku.....Mai Kuku tiza Rakadaro voice iri asi raitaurira pasi pasi kuita kunge munhu wacho akadzipwa .Hapana kutora nguva ndakaona ropa raive fresh richiyerera kupinda muroom mandaive. Ndakamira nechekure ndichiedza kubatanidza kuti zvii chaizvo zviri kutora nzvimbo.. Voice "ti...tiza.....Mai Kuku Mai Kuku" ndianiko!!!! Ndakachisheedzera apo neshungu misodzi mokoto pamatama angu... Voice "ndati tiza usafanane neni Apa this time voice racho rakataura zvine kakukora mukati.Ndakangopukuta misodzi yangu ndichinogara pasi mukona ndakaisa musoro pakati pemakumbo .Ko ,ndaitiza ndichiendepi ini ndaive musungwa asina kana pekubuda napo.Nguva dzanga ndatsikitsira musoro pakati pemakumbo ,ndakatanga kunzwa kuti panze pari kuvhuvhuta zimhepo nekuti roof yemba yainge yonzwika kutamba -tamba kwemarata.Ndakangosimudza musoro kutarisa mudenga kunodai ,wanikwe nepadenga peroof patsvuka ropa rainge rotanga kudonhedza maDrops kunosvika pasi .... Voice " Mai Kuku .....tiza..... ************ STAY TUNED!! DROP YOUR COMMENTS *🌹My aim is to inspire and motivate lives through my stories* End of chapter
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 💃 🧣 730

Comments