
Authoress Xammy Novels
7.3K subscribers
About Authoress Xammy Novels
All the books written by Xammy are found here !!!! (@Authoress TashaXammy❣️❣️ musikana wezvinoshamisa,zvinotyisa,zvinosekesa nezvinoda kufumurwa#horror & Love library channel🔥📚) Theme by Xammy::🌹*My aim is to inspire and motivate lives through my stories* 🌹
Similar Channels
Swipe to see more
Posts

💀🎓💀🎓💀🎓💀🎓💀🎓💀🎓💀🎓💀🎓💀🎓💀🎓💀🎓💀🎓 ⚰️🩸 *HEADMASTER'S GHOST* ⚰️🩸 STORY WRITTEN BY:: ✍🏾✍🏾AUTHORESS XAMMY❣️❣️ Follow whatsapp channel👉🏾https://whatsapp.com/channel/0029VadsJv4AInPsIzpYHV1T *⚠️DO NOT COPY ,STEAL OR EDIT* ❌❌ Chapter 1️⃣ Ndakazvipinga ndokudonhera muvhu ,karokwe kese mudenga bvuu ,kabhurugwa kakabooka shure yese kachienda pamhene.lmika amuna chamakaona ndakakungura kuti dai hapo pasi pandimedza .Apo ndaive ndakakamedza pakati kanamirira netumadhoti twandainge ndamboita kuseni ndichiuya kuchikoro mubani .Ko ,mhoti zuro ndakadya mutakura wekwa Gogo Chenjerai kuita sekunge munhu anopenga .Ndakaramba ndakarara pasi ipapo dziri nyadzi dzekusimuka nekuti kudonha kwandakaita taitobva paAssembly munongoziva kuti vana vechikoro vanenge vakaita gurusvusvu kunge ndebvu. Ndakamboda kuchema asi ndakazogaya kuti nezera rangu iri munhu weForm 3 zvingaitewo here nhai veduwe kuonekwa ndichizvambatata munhu ane tuzamu twuchangotanga kubumbira kunge budzi.Ndichiri muvhu kudaro ndakanzwa izwi rechimwe chikomana chezimusoro rihombe chemu class mangu ndakanzwa chosheedzera zviye zvekuda kushamisira pavanhu ndinzwe chave kuti... Bhigi" imi chivharangozi here ichi kana kuti idhende? Vanhu vose vaivepo vainge vaungana vakabva vati bvuu kuseka .Vamwewo ndivo vasina kuda kuita hanya nazvo vaingodarikira vachienda zvavo . Polite"apo kakanunira tsvina hona hona (achinongedzera) Masciline"haagezi Danai ungati akatemerwa nyora dzemvura Paida"imi vacho munogeza makazowanei???? Akadaro sahwira wangu Paida achisvika pandiri ndokubva andibatsira kusimuka. Ndakazunza huruva ndakangotsikitsira musoro wangu pasi ndaitonyara kana nekusimudza musoro wangu ,musatambe nekusekwa pachikoro .Masciline akaswedera mudhuze achitsenga bubblegum kuita serichabuda masvisvinwa ndinzwe oti dai aive akanaka zviri nani manje naiyo body structure yake inenge guri reduru rechibage .Zvese izvi ahatombozvione anotoona kunge ndiye akasenge african beauty pachikoro chese ,iye akamuudza kuti une meso akamunyepera.. Masciline"wati kudii Paida dzokorora zvawataura tinzwe Paida"asi nzeve adzichanzwa howooo majaira kunzwa radio dzemubhawa kaa Masciline"fesi hauna ,zamu hauna ,shengenene yacho futi hauna ummmm chidzidzirawo kugeza .Uuuye kuma lesson ndikupe maNotes Paida"maitabasa neadhivhaisi vaMasirini asika musati mapa vamwe maNotes madiiwo matanga mambogadzirisa zveka skirt kako kari pabelt section .Hauone kuti chipfambi chakazara mumusoro mako here .Iwaya mazimukeya bhoizi ndoauri kuda kuti akuone here heee ???? Ummmmm bva ,saka shemu on you mudikani une zvinokunetsa Masciline "andisi kutaura newe ndiri kutaura naDanai Paida" ndabva ndakudairira nekuti ndini sahwira wake Masciline "nxaaaaaaa Akabva apira gotsi achienda achibatana nezvikomana zviye vakananga kuma classes. Danai" waitabasa Paida Paida"aiwa zvanyanya Danai stand up for yourself unosvikepi uchiitwa kanyama kanyama nembwa idzodzi Danai"zvekutaurisa andigone Paida Paida "aah ahhh aisi nyaya yekutaurisa asi inyaya yekugona kuzvimirira .Vanhu vanotora advantage yekunyarara kwako ,chii chinosekesa pakudonha kwemunhu .Stand up ,chin up uzvimirire wega Danai" ehoi ehoi ndazvinzwa Takabva tatanga kufamba takananga kuclassroom .Nasahwira wangu Paida taigara hedu kumashure-shure iye pamberi ini kumashure. Order yemu class ndoiya yekuti umwe neumwe anenge ane chair neDesk rake .Ndakadzurutsa bagpack rangu kubva kumusana ndokubuditsa mabooks angu ndikatsveta paTable .Hapana kutora nguva ,mudzidzisi Madam Ngoni vakabva vapinda.Avawo ava vanongotipfekera tutirauzi twusingambovafite kana kamwe chete zvako .Apo diro yavanoita tuma body top ayasi dai vaive netumazamu twacho zviri nani .Runyerekupe rwakambofamba kuti vanopfekera tuma sokisi mubra kuri kuda kukudza mazamu ameno kuti ichokwadi here .Chingoti iSingle mother dai vaive nemurume pamwe ingadai takanzwa chokwadi chizere manje zvevanhu zvekungofungira izvi zvoti netsei ... Mrs Ngoni"good morning class Class"good morning Ma'am Mrs Ngoni"lam fine thanks.Freddy dzima board Akabva asimuka mukomana wekureba manhini uyu ,kuda tsoka yake anenge anopfeka size ten chete uyu nekuti ummm rebero yayakaita school shoe yake kaa aiwa azvina kumira mushe .Apo ane musana wakaita kakukombama umgati ibudzi risina kusvika. Mrs Ngoni"heeey Danai zvandiri kutaura ausi kuzvinzwa here??? Ndakaita kuvhunduka kubva kutsi kwendangariro nhaimu ko ,zvandanga ndatovarairwa nekutarisa uyo mukomana murefu -refu .Ndakabva ndasimuka pachigaro changi chimbi chimbi... Danai"matii Ma'am Mrs Ngoni"pfungwa dziri kupiko ? Masciline"dziri kundari Ma'am Aifunga kuti zvaataura pane achaseka manje pakashaiwa kana umwe chete zvake ,nechemumoyo ndakangoti Mwari makanaka.. Mrs Ngoni"Masciline nyarara Masciline"sorry Ma'am Mrs Ngoni vakabva vadzosa maziso avo pandiri ... Mrs Ngoni"ndati wakanoita speech yangu yandakakuudza here?? Danai"hongu ndakaita Mrs Ngoni"okay gara hako pasi wozotaura .Masciline simuka uverenga tinzwe yako.... Ndakadzokera hangu kugara pasi ndokubva Masciline uyu aive akaita makwikwi kuda kupindawo pakuzonoita speech musi weburial service yaHeadmaster .Akasimuka achiita kuzvinzwa ungati ari kudonha mafufu eshuga .Akagadzirida pahuro pake kuda paikarakata here ameno .Mumaoko akange akabata book repaakanyora ,tinzwe... Masciline"Mhuri yaVaMabhiza Vatendi vemagumbo, Tinotenda kubvisa kubabaya kwenyu kwa kufarisa kwemudzidzi wenyu, ambayo akafa muna vhiki radarika .VaMabhiza akanga ari muridzi wechikoro ehe chinochi chiPfumandiwe Secondary school , akanga ari mudyirii wechikoro ichi. Akanga ari mwana wekereke, uyezve mwana wekunyarara.Tinotenda kubvisa kubabaya kwenyu, na kubvisa kubabaya kwemhuri yose ya .Mwari ave kutenda naingozi yake.Kwa ivai, Mhuri yelwimi,Tinotenda kuchema kwemhuri yelwimi. Mwari ave kutenda wose aiva mwana wevhu, mwanasikana wevhu.Akazvarwa dheti racho ameno kuti rinhi akaroora mukadzi wake kuwedzera vakazvara vana number six vakomana nevadzimai.Mudzidzi wenyu aiva muri wenyu, muri wekugamuchira, muri wenyu.Ndatenda Mrs Ngoni"nhaimi pane chamanzwa Class yese pakashaya kana akakwanisa kudaira vanhu vachiita kuchema nekuchema nekuseka .Vamwe vaive vatodonha pama chair vachiita kumara pasi nekuseka .Masciline akagumbuka akadzokera kugara pachair afundumwara iwo maziromo anenge shure yekahova .Seni hangu mabvu dzangu dzainge dzorwadza veduwe nekuseka .Zvii izvozvo zvatainge tanyorerwa naMasciline haiwa humwe hudofo hunotoda kubikirwa doro rezviyo chairo .Masciline aive agumbuka zvino nekusekwa neclass yose aive angogara akafundumwara anga anyadzisawo sure nezera rake nestep yaafamba achinopa speech taitoti pachabuda zvisvinu... Mrs Ngoni "everyone quiet please ,Danai simuka uuye kumberi upe speech zvauriwe uite mashura akagochwa abva kuitwa naMasciline kana mwana wegrade one chaiye haasvike apa vamwe vabereki varikurasa mari sure Ndakanosimuka ndokufamba hangu ndakadzikama ndichinomira pamberi ndokuvhura bhuku rangu paPage ranga ndakanyorera speech yangu Danai"Pamusoroi vabereki,vadzidzisi ,vana vechikoro nemi mose matikuta muzuva ranhasi apo tichichema mukuru wedu wechikoro Headmaster VaMabhiza.Chekutanga ndinoda kungokutenda mushakabvu wedu avete mukamuri yake ega ndichiti ,tinonzwa kufara isu sevana vechikoro nerudo rwenyu rwamaitipa .VaMabhiza vakatidzidzisa chinonzi rudo ,shungu ,hunhu ,huchenjeri neutsanana . Zvaiitwa nemushakabvu ndovimbawo kuti kune vachazosara vachitora chimuti pachikoro chedu achanoitawo zvimwero sezvaiitwa naVaMabhiza .Ndochitaramukawo kune idzo hama dzandaona kuti dzabva kuchando ,rega ndinomboedzawo kusvisvina chirungu chacho ko,ndoda kuratidzawo kuti aiwa VaMabhiza paEducation vaive chahwiriri kani .Ladies and gentlemen, esteemed guests, Mr Mabhiza death leaves a gaping hole in our hearts, we take comfort in the memories and lessons he left behind.As students ,we embodied the values of compassion, integrity, and excellence. He inspired us to strive for greatness, to push beyond our limits, and to never give up on our dreams. His door was always open, and his guidance was always available to those who sought it.Under his leadership, our school flourished. He championed innovation, creativity, and critical thinking. He encouraged us to ask questions, to seek answers, and to explore the world around us. He believed in the potential of every student, and he worked tirelessly to help us realize that potential.But Headmaster Mabhiza was more than just a leader; he was a mentor, a friend, and a pillar of our community. He had a way of making each of us feel seen, heard, and valued. He celebrated our successes and supported us through our struggles.As we say goodbye to this remarkable individual, we remember his wisdom, his kindness, and his generosity. We honor his legacy by continuing to strive for excellence, by supporting one another, and by making a positive impact in our world.Rest in peace, dear Headmaster Mabhiza. Your memory will live on in our hearts, and your legacy will continue to inspire us for generations to come.Thank you. Pandakapedza kupa speech yangu munhu wese akaombera vamwe vamwe vaive votochema kutoita setatove pamariro pacho izvo isu taingove muClass Mrs Ngoni' wow nice speech Danai ,enda hako unogara pasi ndiwe uchanopa speech musi we burial Danai"maitabasa Ma'am Mrs Ngoni"wabaya dede nemukanwa chaimo ,chirungu ichi ungati muvheti chaiye Ndakaseka hangu ndichidzokera kunogara pasi .Sahwira wangu Paida akanditswinyira kaziso achizevezera pasi... Paida"well done Danai"waitabasa Vakazodzidzisa havo vakabuda ,mamwe malessons atikaita zvekare kusvikira nguva dzekuchayisa dzakwana. Ko ,totanga na7 dzekuseni dzozopedza na4 zuva parinenge rakanyura muna Mai varo .Vanhu takabuda muClass tonanga kudzimba asi ndakambodarikira neku toilet ndaida kumbozvibetsere.... Danai"ndibatirewo bhegi rangu Paida"chii futi?? Danai"ahhh mudumbu macho muri kuita kunge mune ngozi Paida"nanhasi here? Danai"pakaipa iwe bhekinafaso yese iyi yave kuita kupisa zvekuti kana kudziisa sadza rogona kutodziya Paida akaita kuseka chaiko ndichimutambidza bhegi ndokumhanyira muchimbuzi ndakananga kunogara pachemba chaipo zvekumbotarisa kuti paive netsvina here yaitove too late chaiyo .Ndakaita kudurura chaiko imika ndototenda kuti chemba aina kutsemuka veUNICEF vakagona vakaunza aya ekugarira ko,dai aive achiri aye etuma komba imika anditi ingadai ndakazvitapurira sh*re yese iyi .Ndakachizotura befu zvose zvapera kubuda ndave kuchizvipukuta manje neNewspaper ko ,matishu anobvepi imi kuma girosa vanodhurisa kunge ameno ameno . Voice"ehe.....haa......tobva tatongozvipedza.....ehe.....kkkk...aaah mufunge tanga tamboedza kani asika shiri inozongofa ..kkk aiwa mufaro wega wega tave kutongoita take over finally ,ko tombonzaniko isu kkkk.... Rakadaro izwi remunhukadzi aive muNext toilet achinzwika kuti aive paPhone call asi background caller aisanzwika .Voice ndakatadza kuziva hangu kuti nderani asi ndega ndakatongoziva kuti ndere mudzidzisi.Zvenyaya dzevanhu andinei nazvo hangu ,ndakabva ndasimuka ndoku flasher nekubuda hangu pasina akandiona ndichibuda ... Danai"wuuuuw ndapona Paida"kkkk zvaDanai sooo uchinyanyawo makaro Akadaro achinditambidza bhegi rangu ndokupfurira mberi netsoka dzedu takananga kumba .Nzira yekuti tisvike kumba it was about 2 km kuti tisvike kwatogara ,ko munongoziva wani kuti zvikoro zvekumusha zvizhinji zvacho zviri kachana nedzimba.Zvisinei takafamba dzamara hedu tasvika .Paida ndiye aitanga asvika pavo ,ini ndaizongojamba dzimba mbiri ndenge ndatosvika pedu.Karunyararo kaivepo pachivanze paitoita sepasina vanhu asi ndakazonzwa mazwi evanhu vaitaura kubva kukicheni ... Ndaida kutongosvika ndakananga ko ,anditi pamusha pedu asi andina kuita sekudaro ndakamira ndokubva ndanozendama nemadziro ndichiita kakudongorera ndokuona vari baba vangu naMai Takue imwe mother nyowani yakatanga kugara munharaunda musi uno .Ndaimbenge ndanzwa karunyerekupe kuti baba vangu vari kuzama chipfambi pana Mai ava asi ndaiti manyepo.Manje apa ndaive ndaita kusvikirana navo vaviri vagere mukicheni parupasa. Kureva kaa uku kuti baba vataimira Mhamha vasipo kwakunotorana nechidzimai chitema -tema ichi kunopinda mukicheni .Mhamha vanenge vaenda kutsime chete pasara pachiitwa yese iyi .Ndakawedzera kurebesa uso hwangu ndichivadongorera hangu ,apo kusanyara baba vangu kutogara padivi nemudzimai uyu kunge mhandara nejaya zviri kudzidzira rudo .Chinzwa unzwe zvaibuda muziromo rababa vangu eheka mhoti baba vangu vane mazi lips mahombe mufunge ameno kuti vakatodza venzinza ravo upi. Ndotenda hangu kuti andina kuzoita maromo akadaro otherwise ndaishaya anozodawo kundisvisvina miromo iyi kana ndave kuitawo zvetukomana .Baba vangu ndakavanzwa voti zvino... Baba "Mai Danai chaivo ndogona kusvika ndichiziya nenzara pamba pangu pane mudzimai wangu wandakaroora asi ndowana munhu atovata mumba musina kana chabikwa. Ndongopfekera mumachira kubvunza wekubvunza wacho ndipo pasina nekuti pamusoro penzara wogona kuvata wadumbirwa nemashoko,ndokunge kwatoyedza urimo mumachira macho nekuti ndigona kuudzwa kuti ndiri kutonhora ndimbonodziisa tsoka dzangu, pamwe ndozongokotsira ndiripi parupasa muno mukicheni ndichiyedza kudziisa makumbo pachoto kuti ndigone kunovatawo ndakamonera pamukadzi wanguasi ehhh ndakaroora ngozi ini Munoziva ndichinzwa izvi ndakangozunguza musoro wangu ,haiwa ndakapa kutenda nenhema dzinorukwa naBaba vangu imi. Ndakanzwa chiblack wife chavo chiye chonyemwerera naiwo meno ane kara yeYellow kunge weti mombe ,chave kuti... Mai Simba" ahhhhh ende zvakaoma ndanzwa tsitsi mufunge haaa ngasadaro mukadzi wenyu mufunge Baba"Ndakashuva kuti dayi mai Danai vaigona pamwe chero nedumbu ndingadai ndaiva naro Ndakaona kuti zvanyanya haiwa handaingoramba ndakati tumbe ,Mai vangu vachisvibiswa zita kudaro ndakabva ndangoti bhenengende kupinda .Apo kana kuvhunduka havo baba ... Baba"ko unomgopinda semu soja anziiko Danai"maswera sei baba Baba"ndaswera ,ibva wamhoresa Mai vako vanyowani ava Ndakangotarisa baba vangu ndokuzunguza musoro zviye zvekutovashora ndichibva ndabuda kuenda hangu munhanga muimba yangu yekuvatira .Ndakachinja uniform yangu ndikaofeka rokwe rangu repamba ndokubuda ndakabata uniform ndichinotanga kuwacha .Nguva dzandaive ndakunopedzisa kuwacha uniform yangu zigadzi riye rakabva rasvika pandaive asi andina hangu kuda kusimudza musoro ndakaenderera mberi nekuwacha kwangu ,ndinzwe rave kuti.... Mai Simba"chinguri Mai vako vaenda kunochera mvura havadzoki nikisi Ini zii zvangu ko,ndaivapindura kuti kudii pahonzeri musha yakadaro... Mai Simba"ende uri vheri stabhoni Ndakabva ndatotanga hangu kuimba vachibva vadzokera mumba ndikasara ndichipedza zvandaiita .Ndainzwa nzara asi ndaida kumirira Mai pavanodzoka ndakabva ndanopinda munhanga mangu ndikatanga kunyora maAssignments angu .Ndakanzwa izwi raMai vangu kutaura panze ndikaziva kuti vadzoka nekubva ndatobuda .Ndakavawana vakamira naMai Simba vachipopotedzana .... Mai Simba"dai akuda murume wacho unoti aizotsvaga ini here? Mhamha"uri kuzvinetsereiko inga ndiri kuti murume tora kana ukatoenda naye unenge watogona asi mapoto angu ndoandiri kuramba nawo .Ndinoita ngozi apana ahiyiye makuda kundijairira manje maguta kunyarwa Mai Simba "ndichadzoka zvangu ko ,ndombonzaniko Vakabva vafamba vachienda kumba kwavo ,Baba vakatevera mumashure mavo vachibuda.Ndakangosara ndakavatarisa kudai ,maziso angu aive atozara musodzi. .. Mhamha" iwe Danai ndiri kutaura newe mhani Ndakaita zvekuvhunduka ndichitarisa kuna Mhamha. Danai"soriyi matii? Mhamha"hezvo ko ,zvaunenge unoda kuchema wani Danai"zviri kuitwa naBaba azvisi kundifadza Mhamha Mhamha"ahhhh chokwadi saka ndizvo zvaungada kuchemera izvozvo haiwa usatambise musodzi nezvisina basa rese .Zvatanga nhasi here zvechipfambi chababa vako iwe Danai .Pinda mumba umo uite zvekubika uko !!! Zuva rakatevera ndakamukira ari mangwanani chaiwo ndikagadzirira zvechikoro zvangu ndokuzooneka Mai vangu ndave kuenda .Ndakadarika nepamba pana Paida zvikanzi aive atoenda. Ndakachitanga kutedzana nayo nzira ndakananga kuchikoro dzamara ndasvika pagedhi rechikoro .Ndakambomira pagedhi ndichipukuta huruva pabhutsu dzangu nekachira .Nguva dzandakapedza pandakasimudza musoro ndave kuda kupinda mugedhi ,ndakatsauka kumira padivi ndaona mugedhi rechikoro muchibuda zimota rino zihombe rakanaka richimhanya .Mota iyi yaive iri yerudzi rweblack aya mazimota anonzi ma4by 4 .Ndakasara ndakariyeva ratove kumberi ratorova pasi ... Danai"ummmm mota yakanaka iyi Ndakadaro ndichipinda mukati ndichitaura naHeadboy aive akamira nechemukati megedhi ane umwe muPrefect aive padivi pake .Ndakatoona kuti kana ivo vakange vatovarairwa nemota yasoenda kare kare .... Headboy"pinda hako Danai"watoita inspection yacho?? Ndakamubvunza ndatoona kuti haana kana kuvhura bag rangu .Akazotozviseka achibva avhura ndokubva agutsurira musoro wake . ... Headboy"you can go hako Ndakafamba zvangu ndichipinda mukati ndakananga kuma classes .Ndakasangana naBeaula imwe classmate yangu tichibva tangofambidzana dzamara tave muClass.Vamwe vaitove vauya havo kusanganisira sahwira wangu Paida .Ndakafamba ndichienda panzvimbo yake ... Danai"wamuka nguvaiko nhasi zvandasvika uchinzi waenda? Paida"kuma 5 kkk Danai"iiiii wakasira bhururu Ndakabva ndanogara hangu panzvimbo yangu iko kubackseat ndichiisa mabooks angu pamusoro petafura .Avo sisi vekudhomoka zuro speech ndakaona vasimo muclass vanenge vari kurovha chete nhasi kuchikoro .Mudzidzisi wesvomhu haana kumbogarisa akabva atopinda tichibva tatanga zvidzidzo zvedu .Pakazonokwana ten o'clock nguva yeBreaktime ,ndakabuda nabhururu wangu tikanodyira hedu seri kwema classes .Ndaive ndatakura bhauga zvangu ,asi umwe wangu akandishamisa achibuditsa box reChicken inn .Ndakamutarisa kudai ndichishamiswa iye kutoseka hake achinditambidza mamwe machips nenyama ... Paida"ndozvatoita izvozvo kana tada Danai"ummmm asikana makazviwana kupi??? Paida"zvakauya zuro manheru naSekuru vangu vanogaravanogara Harare .Ndivo vabva vauya vachindisiya pano pachikoro kuseni nekuti vanga vachidzokera kumba kwavo kuHarare Danai"iiii hooo asi ine kakudziya kairi kuita ,inyama yakauya zuro iyoyi??? Paida"ehe Andina hangu kuzoda kubvunzisisa zvisinei neni ko ,chikuru tadya taguta .Zvebhauga ndakabva ndatosiya ndave kudya izvi zvonaka izvi zvisingashatise mukanwa .Patakapedza kudya ndakaona Paida achibuditsa foni kubva muhomwe achibva atanga anditarisa ndokusimuka achinodaira call yake neche kure mbijana ndokuzodzoka pandaive ... Danai"wane foni??? Paida"ehe ndivo Sekuru vangu ivovo vakandisira foni asi usazoudza Mhamha vangu nezve foni Ringori dhiri randaita naSekuru vangu nekuti Mhamha vakazviziva kuti ndane foni vanonditorera vachiti ndozotadza kuverenga Danai"haaa kana andimbodaro ende yakanaka tione zvayakaita Akanditambidza foni iye yaive yakanzi Samsung S22+ .Iri yeBlack yakanaka zvekuti ndaitoda kuzvitorawo pakicha manje bhera rakabva rarira ndokubva tananga kuma class .Tichangonopinda muClass ,Paida foni yake inenge yakafonwa nekuti ndakamuona achidongorera nepasi petable ndokubva asimuka achifambisa kubuda muClass.Akadzoka pakakwana five minutes achinogara pasi .Anenge ave kuitawo zvetukomana chete uyu andichamuone mushe bhururu wangu ... Mudzidzisi akatevera after break vaive vari veCommerce .Ndakabva ndabuda hangu muclass since ndisingaite subject iri .Ndakangotora kaNovel kangu ndichibva ndabuda hangu ndokunogara seri kwema classes .Class yedu yaive yakatarisa nekune Adminstration saka vanhu vose vanopinda nekubuda kana uri seri kwema class unovaona . Ndakatanga kuverenga novel rangu ndokuzombovarairwa hangu naMrs Ngoni vaye vebodystructure inenge idura rechibage.Vaive vakamira neumwe murume wandakangofungidzira kuti anogona kuve ari mubereki .Aive munhurume munhu wavakange vakamira naye uyu ,pavakapedza kutaura vose vakabva vapirana makotsi umwe kwake umwe kwake .Ndakaramba ndakatarisa kune murume uye achifamba achienda ... Achangoti fambe fambe mbijana murume uyu akabva abuditsa foni yake achibva amira achibva atarisa-tarisa kuita seane munhu waari kutarisa ndokuona achitora pikicha kuna Mrs Ngoni aive vaive vakunopinda mune imwe class. Ivo Mrs Ngoni vacho havana kana kumbozviona kuti vatorwa pikicha .Murume uye akabva adzorera foni muhomwe ndokubva atanga kufambisa achienda dzamara abuda gedhi rechikoro .Ndakasara ndichinetseka kuti anga achiedza kudii? Ambori ani chaizvo?? Ko ,pikicha raatora Mrs Ngoni nderei?? Ko ,sei azofambisa nguva dzaange ave kubuda gedhi????? Mr Ndlovu"wakagarirei panze nguva yema lessons Ndakabviswa mundangariro dzangu neumwe mudzidzisi akange achifamba achidarika achienda .Ndakabva ndavadaira reason yandaive ndakagarira vachibva vangoramba vakanyarara vachienda. Ndakachisimuka ndave kunzwa kuda kumbonozvibatsira kuchimbuzi .Ndakasimuka ndichisiya novel rangu pasi ndokufamba kunanga kuma toilets .Ndakaita weti yangu ndokugeza maoko angu pasi ndichiimbirira hangu pasi pasi... Voice"Da...na.....i Ndakabva ndacheuka kutarisa kumashure kwangu asi andina munhu wandakaona .Zvakandivhundutsa nekuti kudanwa kwezita rangu ndaive ndakunzwa .Hana yangu yakaita kakurova ndikanzwa kakumerera ndokubva ndatobuda nekukasira ndofunga ndaive ndaita manzwira chete. Ndakanotora novel rangu randaive ndasiya ndichibva ndatanga kufamba kuti ndichienda kuclass since ndaive ndatogeja time kuti mudzidzisi weCommerce anenge apedza chete... Mrs Ngoni"Danai Ndakacheuka kumashure kwangu ndokuona vari Mrs Ngoni vaitibvawo kwavari kubva vachisvika pandiri vakabata paira rema bhuku ndinzwe voti... Mrs Ngoni"ndiendeserewo kuStuffroom ,ndaona kuti kumboendako nepane nguva azvichaite ndine lesson ratotanga Danai"its okay ndigashidzei henyu Vakanditambidza mabook aye vachibva vaenda ini ndokufamba ndakananga kwandaive ndaudzwa .Ndakadzoswa mundangariro nemurume wekuvatora picture uye ndakada kumbozovabvunza asi ndakangoti rega ndisiyane nazvo pamwe vanozivana ndichibva ndasvika hangu ndikavhura door ndokupinda mukati. Makange musina kana munhu saka ndakangonanga patable paMrs Ngoni ndokutsveta mabook acho ndokupira gotsi kuti ndifambe kubuda .Ndisati ndasvika kudoor ,pane novel rakabva radonha raive paShelf yemamwe mabook. Ndakavhunduka zvokuti munongoziva wani kuti panodonha chinhu wakavarairwa hana inotorova .Ndakadzokera kunotora book riye kuti ndiri dzosera pandanga ndariwana asi maziso angu akabva amhanya kuverenga Title yakange yakanyorwa ipapo yaive yakanzi "AFTER DEATH" .Ndakatoshaya kuti ibook rudzii iri ndokuvhura front page raive riri rechirungu zvekuti ndakatomboverenga first page ndikaona riri interesting ,pandakange ndoda kuenda kuPage 2 door rakabva ravhurwa pachibva papinda vamwe Madam vanonzi Mrs Kafende .Ndakadzosera book riye nekukasira nekuti Madam Kafende munhu uye asingade zvisina basa.. Mrs Kafende"uri kutsvagei muno?? Danai "nda ..ndanga ndatumwa kuzosiya mabook naMrs Ngoni Mrs Kafende" saka kana wamasiya uchiri kuitei muno??? Danai"apana nda...ndanga ndakutobuda Ndakadaro ndichitofamba kubuda ndichifambisa asi ndakabva ndarangarira kuti maihwee ndasiya novel rangu randainge ndapinda naro .Ndakarova U-turn kunodzokera kuStaffroom kuye ndakamboda kunoka asi ndakangoti haiwa rega ndingopinda ,ndichingonovhura door ndapinda kudai ndakawana Mrs Kafende vachikata foni yavo ipapi ipapo vachiita zvekuratidza kuti vavhunduka nekupinda kwandaita .Chiona hasha dzandakaitirwa ipapo... Mrs Kafende"unongopinda usina kana kunoka kuita kunge uri kupinda mutoilet Danai"very sorry Mrs Kafende"uri kudei??? Danai"ndanga ndasiya novel rangu Mrs Kafende"tora ubva wabuda muno Nechemumoyo ndakangoti ko ,pane panga ndichigarira munomu here .Ndakatora novel rangu ndokubuda ndakanzwa vachisara vachiridza tsamwa haiwawo kana shungu. Ndakapfurira kunanga kuclass ndikawana Paida achitobvawo neimwe direction akabata plastic bag yeBlack ... Danai"ko ,uri kubvepi ende umu muneyi??? Paida"apana.... Akadaro achinopinda muclass munoziva ndakatoshamiswa nekuita kwake uku all of a sudden .Akanogara pachair yake ndokuisa plastic bag iya mubag ini ndichinogara pangu pachair ndaigara mumashure make ... Danai"Paida Akabva acheuka kunditarisa ... Paida"watii??? Danai "munei muplastic bag ??? Paida " zvinhu zvangu ....wagudzikana here??? Danai"zvinhu zvinengei??? Paida"ummmmmmm izvozvo azvisisinei newe manje Akadaro achindipira gotsi kutarisa mberi. Ndakaita kakubatikana kuti chokwadi ishamwaro yangu here uyu .Ehe hazvo zvakange zvisinei neni zviri muplastic bag make asi ndaidawo kungoziva kuti munei ,zvabvepi asi iiii rafu yandainge ndaudzwa ipapo yakabva yaita kuti ndinyarare nezvinhu zvisinei neni .Door rakabva ravhurwa pachibva papinda.... *************************** DROP YOUR COMMENTS ,NdIZIVE KUTI ndOENDERERA MBERI HERE KANA KUTI ndOGUMIRA PANP HEDU!!! 🌹 *My aim is to inspire and motivate lives through my stories* 🌹 End of chapter

*TODAY NEW BOOK* 📣🔊🚨🚨🚨🔥🔥🔥 TIME ::1200hrs sharp exactly🔥

Kuvarairwa nekuona maCartoon nhaimi🤭kukanganwa kt kune New book .😄Molaika musati maverenga kaaa

*Anzi Xammy paNew book tapota unza book evry day wozorora hko weekend pliz pliz* 😂Ndaxinzwa guys ,l wont dissapoint you cz this book is a fire🔥🔥🔥

New Book riri paIcon loading tounza rinhi guyz ??

🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉 *👨🏿🦳🩸ZIZI RATEZVARA*👨🏿🦳🩸 ** *SEASON 2* ** Story Written by :: ✍🏽✍🏽Authoress Xammy❣️❣️ *Follow my WhatsApp channel* 👉🏾https://whatsapp.com/channel/0029VadsJv4AInPsIzpYHV1T "*🚫This novel is entirely a work of fiction portrayed in it are the work of the authoress imagination.Any resemblance to actual persons ,living or dead,events or localities is entirely coincidental*" ⚠️ *DO NOT COPY OR EDIT*⚠️ 🚫 *STIFFER PENALTIES IF YOU STEAL* 🚫 *FOLLOW ,READ & SHARE* 📚 *FINAL CHAPTER* Chapter1️⃣9️⃣ *MAI TEE* Ba Tee kana chavakataura vakaramba vakango sticker panzvimbo ipapo ,ini ndikati kusiri kufa ndekupi .Ndakatanga kufamba nenhendeshure mbijana mbijana ndichinanga padoor ndokubata chihuri kuri vhura ,parakangovhurika ndichibva ndaita futi mamwe two steps nenhendeshure ndokunzwa ndadhumira pamunhu ,ndakavhunduka ndichicheuka kutarisa kuti ndiani ,kunotarisa kudai wanikwe ndiBaba Kuku. .. Ba Kuku"makadiiiko Mai Tee Ndakanzwa mate angu kuoma kuti gwaa mumukanwa mangu .Hana yakatanga kurova zvakaipisisa ,ndakaramba ndakavatarisa mumaziso apo nekoko baba tee vakange vachingorimo mumba ... Ba Kuku"ko ,asi amuchadaira here? Mai Tee"titi....tiripo makadii Ba Kuku"ko ,kuzoita semunonditya wani ,ndipindewo zvangu ini Mai Tee"makadii? Ba Kuku"makuchida kutaura mushe now ahhh imi Mai imi kaaa itai mushe ,tipindewo zvedu isu mumba macho excuse Vakadaro vachipinda mumba ndakatarisa-tarisa kutsvaga Apostle asi ndakavashaiwa .Ndakafunga murume wangu aive mumba imomo ndikati ko ,akaurayiwa veduwe .Time dzandakada kupinda kumba,amwene vakabva vasvikawo vachimhanya .. Mbuya Tee"Mai Tee zviiko zviri kuitika Mai Tee"shhhhh Ndakadaro ndichisimudza chisimbi chebhemba rakatyoka ndokuswedera pana Mhamha ndichizevezera munzeve dzavo... Mai Tee"Ba Kuku vauya pano nguva dzino vapinda mumba Mbuya Tee"ahhh vari kudei??? Mai Tee"obvious kaaa ndovairehwa naApostle kuti vakaita take over huroyi hwababa Mbuya Tee"saka uri kureva kuti vatorimo mumba umo Mai Tee "vatorimo Amai ... Mbuya Tee" Apostle vaendepi? Mai Tee "zvozikanwa nani....andei Amai Mbuya Tee" apo woda kudii Andina kuvapindura takangofamba tichinopinda mumba imomo ndokuona Ba Kuku vari bhizi kuisa zvipikiri pabhokisi vachivhara vorova -rova nesando .Vachitaridza kuti vatori serious nebasa ravo .Ba Tee vakange vakango sticker vari mukona kana kumbomuvha zvavo .Ba Kuku pavakaona kuti tapinda vakabva vamira zvavaiita tinzwe... Ba Kuku"nditambidzeiwo zvimwe zvipikiri kana munazvo Mbuya Tee"nhai Ba Kuku huroyi hupi chokwadi hwamunotiitira pamba pangu .....chii chamuri kuita Ba Kuku"huroyi mohuziva imi??? Mbuya Tee"izvezvi inguvai ???? Hamuna nyadzi indava Ba Kuku "ko ndotadza nei ....ushe ndiMambo Vakabva vasimuka vachitoridza kamuridzo vakatanga kudhonza kofini riye kubuda naro kuita sekunge zvavari kuita zvinhu zviri normal .Pavakabuda panze vachingoridhonza kudaro vave pakati pechivanze ndivo dhuma dhuma naApostle ,sabhuku nevamwe vanhu vemunharaunda vaive vakawanda vakabata zvombo ... Sabhuku" Ba Kuku Takabva tatobudawo mumba ndakarangarira kuti ba tee vasara mumba ndokudzokera pavakange vakamira ... Mai Tee "imi chabvondoka panze apo Ndakadaro ndichivazungunutsa wanikwe munhu akango sticker... Mai Tee" imi ba Tee Vakabva vangonditarisa vakabwaira katatu ndinzwe... Ba Tee"ndichiri mushock Mai Tee imbondisiya ndidzikame Mai Tee"chabvondoka panze apo Ba Tee"its ok ...imbondisiya ndidzikamise hana yang Mai Tee "ehhhhh bva ,zvakaoma Andina kuzomboda kuita mazinharo navo ini ,ndakatekaira kubuda kuenda panze kune vamwe ndakanomira padivi naMbuya Tee nemamwe madzimai.Ba Kuku vakange vakomberedzwa zvino nevanhu ... Sabhuku" atisi kuda zvenharo newe....zvauri kuita mudunhu muno azvisati zvakamboitika Ba Kuku "asi zviri kutoitika kaaa Apo vaitotaura vachiratidza kusakendenga zvachose.Ndakatarisa -tarisa kutsvaga mukadzi wavo ndikamuona ane umwewo mudzimai waaive naye. Ndakaswedera mudhuze ndichienda pavari.. Mai Tee" Mai Kuku Vakangoti vachinditarisa kudai ndokubva vandimbundira vachichema... Mai Kuku"Mai Tee.... Mai Tee"shhhhhh zvatopera sooo .....zvatopera soo Mai Kuku"ndiri kurwadziwa Mai Tee"shhhhhhh zvatopera Vakachizoita calm down tikadzosera attention kune ava vakange vachiri kutaura. Ba Kuku vakabatwa nemajaya anokwana kuita iwo five vakatakurwa navo kuendeswa kumba kwasabhuku ndiko kwavainotongerwa kunzw kana kwachena. Iro bhokisi remufi rakambosiwa ririmo muchivanze medu kuti kunze kuchene .Pakachena kunze dzekuma eight ,vakomana vakauya vachinotora bhokisi. Takange tatowedzera kuwanda vanhu vemudunhu medu neve rimwewo vanhu takananga kumakuva. Ba Kuku avana kusiwa vakaendwa navo vasi vakasungwa maoko nechitrobho... Mai Tee"ko ,vadzikama kudai indava??? Ndakadaro ndichibvunza Mai kuku ndipo pandakanzwa voti.. Mai Kuku"Apostle venyu vavanwaya annointing oil ndosaka vamboti dzikamei kudai Mai Jesca"Apostle vane simba ava ummmm Mai Kuku"zvekuti andikanganwe gore ravakadonhedza futi tezvara saka haa ipapa tokunda chete Tichisvika kumakuva ,gomba remufi rakange rakatocherwa kudhara saka azvina kumbonetsa manhingi. Coffin rakagadzikwa pamusoro pebheji avo Apostle vachimboita sermon ,zvigoti zvabata kuna Baba Kuku. Vakatanga kujamba-jamba kuita sekunge munhu asvikirwa chaiko ... Ba Kuku"ndisiye. ...ndisiye ndati musandibate Apo vaitaura vachipopota apo pasina kana anga akavabata imi. Vamhu vakangoti kanha nazvo vachibva vatanga kuruma-ruma tambo nemazino avo... Apostle "vabatei vanotiza Pakaswedera vakomana vatatu kuti vanobata umwe wacho akanorohwa hedha naBaba Kuku nekubva afendera ipapo. Vamwe vacho nekutya avana kubva vasvika... Sabhuku" munhu anotiza kaaa uyu imi batai munhu uyu Apostle "no .....leave him Vakadaro Apostle vachitaura vari calm apo zvino isu vanhu takange takutya .Ba Kuku vakange vakuita sekunge njere dzavo dzakutorasika chaiko vachibva vadambura tambo iye nemazino ndokukandira pasi nehasha ,apo vaive vaita kuzara mazitsanga pamhanza yese iyi vakaita kudikitira ,fesi vakapfeka yeshumba chaiyo tinzwe... Ba Kuku" manga muchizviti mogona stereki ....ndibatei kana makasimba Sabhuku"iwe Ba Kuku....iwe Ba Kuku .. Vakadaro sabhuku vachinongedzera nehasha asi Apostle vakavadzosera kumashure... Apostle "no ...leave him Sabhuku" ari kuti shungurudzireiko ngaangotisiya mhani haaa fakofu Ba Kuku"dakukuratidzai kuti imi vanhu vese vari pano ndiani mukuru ,mhongoro dzevanhu nxaa Vakadaro vachifamba kuenda neimwe direction dzamara vasisaoneke vapinda nemumauswa ameno kuti vainangepi .Vanhu vakasara vachihumana -humana vakazonyararidzwa naApostle... Apostle "noise ndeyeiko nhai vanhu vaMwari Ba Hazel" munhu aenda takatarisa kauyu? Apostle "saka kuenda kwake kune basa rake Ba Hazel" ahhh mune shuwa nemashoko enyu here imi.Uyo Ba kuku ari kufanirwa kungourayiwa zvipere Vanhu vazhinji vaivepo vakabva vatsigira vose ,mukadzi wavo ndokubva abudikira achinomira pamberi. . Mai Kuku"ini chaiye ndakamira pano ,ndiri kusapota zvataurwa naBa Hazel .Ba Kuku ngaaurayiwe ndomudiii murume akadya mwana ,akada futi kudya ini ndomudiii Amai kani... Vakabva vazvipunzira pasi vave kuchema vakazobatwa nemamwe madzimai .Shamwari yaMai Kuku yakabva yamirawo pamberi tinzwe ... Mai Gabhu"ini ndakapotsa ndaurawa naiye murume iyeyu .Chingoti mudzimu yangu yakasimba ingadai tiri kutaura zvimwe. Ba Kuku ngavaiswe mumoto vangofa zvavo nekuti tomudii munhu akadaro munharaunda ine vanhu .Ba Kuku ngaaurayiwe ,ngaapiswe .Ngaafe vanhu tizorore Vanhu vakatsigira vamwe vachiridza iri muridzo chaiyo .Asi nechemumoyo ndaitoona riri dama rakanaka chairo kuti muroyi ngaafe ... Apostle "Mwari ndivo vanoziva kuronga kwavo Ba Hazel" aiwa aiwa zvaMwari ngatimboisa padivi....sevanhu ngatimboita zvemusoro wedu Mai Gabhu"very true...tosvika rinhi all the time kna ingori zizi ratezvara Apostle "the bible says... Vakabva vatokatwa vasati vaenda mberi... Ba Hazel" no no Apostle. ..zvekuparidza mozoparidza henyu later...Tiisirei munamato tinotsvaga kwaenda murume uyu zvinhu zvifambe zvakanaka Mai Gabhu "ehe ....uyezve agotiudza kwaakatsakatisa Mhofu Ba Hazel" ehe mufunge ...Mhofu takangomushaya sekutamba sekuseka panhamo yaZanele....Ngativigei mufi tifambire ba kuku tizvipedze nokuti atingatambudzwa nemunhu umwe chete kaaa Vanhu vakatsigira haa pakange pasisina kana reverse deal .Apostle vakangobva havo pavanhu vakanomira padivi ,bhokisi raZanele rikaiswa mugomba kuvigwa akafushirwa zvakanaka.. Sabhuku"isai munamato asazotinetsa futi Zanele isu tisina mhaka Apostle vakafamba kuuya pedyo vakaisa prayer ndokudira annointing oil .Pavakapedza vanhu vakabva vatanga kufamba kutora direction iye yakange yatorwa naBaba Kuku .Kwese kwaingove kumakuva ,ndofunga vanhu vakangofamba just some few metres ndokuona Baba Kuku vari pane rimwe guva vakagara pamusoro vachiita sevari kudeketera .Ivo avana kuzviona kuti vanhu vari kuvaona from a distance.. Ba Hazel "tovabata sei Sabhuku" ngapaende vakomana vamwe vanovatora Onias"imi andichade ndambohedhwa ndikaona rima saka bodo Akadaro Onias achirovanisa maoko zviye zvekuramba apo mhanza yaive yaita chibhororindo .... Sabhuku"Sugar ,Petros ,Hillary ,Kirenzia naBa Hazel endai munovabata Ba Kuku muvaunze pano Ba Hazel"pakanaka Wega waitoona kuti vari kungozvishingisa asi vanhu vari kutya ava .Pavakange voda kuenda Apostle vakabva vavamisa... Apostle "wait..... Vakomana vakabva vamira kufamba... Ba Hazel" chii futi? Apostle "sarai ndiende inini? Ba Hazel" aiwa Apostle isu tikuda kunotora munhu izvo zvenyu zvekumboda kusvika monoparidzira demon atisi kuda Apostle "kana ndati wait ndatoti wait.....Ndokumbirawo kuimbirwa nziyo dzehondo ana madzimai .... Vakadzi vakabva vatotanga kuimba asi vakanzi musaimbisa zvoenda kure.Vanhu vakatarisa Apostle vachienda vega sezvo zvirizvo zvavaida .Vakafamba dzamara vanosvika paive naBaba Kuku ,vakasimuka vaona kuti pasvika munhu .Vakatarisa kune imwe direction vakaona kuti taivepowo vachibva vapira gotsi kuna Apostle ,ndokusimudza ruoko rwavo mudenga ameno kuti vakataura kutii nekuti takangoona Apostle vachidzedzereka nenhendeshure kudonha pasi negotsi.. Mai Tee" Mwari wangu !!!! Ndakadaro ndichivhunduka kuda kumhanya kuenda asi Ba Tee vakandibata zvakasimba vakandimbundira . . Ba Tee"apana kwauri kuenda Mai Tee "Apostle kani (ndichichema) Ba Tee" shhhhhh he knows what he is doing Vakabva vandiregedza apo vanhu vaive vangoti zii vangotarisa kuna Ba Kuku naApostle... Sabhuku"kutofa here uku kwaita Mufundisi wenyu nhai Baba Tee Ba Tee vakaramba vakanyarara ,ndokunzwa Mai Rita vodairira... Mai Rita"ndozvinobhowera muka haya vanhu veFake .....apo vakaroora futi kamwe kamukadzi kaVongai Mai Tee "zvekuroora kwavo zvapinda papi nezviri kuitika Mai Rita" zviri kutopinda kaa anditi dai vakaroora ini pasina zvese izvozvo vasina kana kufa kwacho Mai Tee "ambokuudzai kuti vafa ndiani Ba Kuku"Ehhhhhhh uko ari kutevera ndiani???? Vakadaro vachisheedzera kutanga kufamba vachiuya imi pakaitwa tsoka ndibereke vanhu vakatanga kutiza nehupenyu hwavo umwe nemumwe achitiza .Apo zvakazoitika zvacho vanhu vose vakaperera kumhanyira kuenda pamusha wasabhuku ,sabhuku vogoti vopopota zvavo... Sabhuku" ibvai ibvai henyu pano ndati ibvai....moda kundiitira ngozi yevanhu vangani pano kana mukandifira Ba Hazel "sabhuku itai moyo Sabhuku" (vachipopota) moyo kudii kwacho....mune dzimba dzenyu kurumbidzai henyu nehuwandu hwenyu mubve pano Mai Rita "yoweeeee zvangu Vakadaro Mai Rita vachidauka kunge datya ,vanhu pavakatarisa kwavari wanikwe kumakumbo kwavo kwaive kwadonhera zizi rakafa raitobuda ropa nemukanwa... Mai Gabhu" rabvepi??? Mai Rita "radonha kubva mumuti Vanhu vakabva vamboramba vakanyarara mushure mekunge takunzwa ruzha rwaBaba Kuku rwuchibva neku road. Sabhuku vakabva vamhanya kunokiya madoors avo vakazvivharira mubedroom mavo ,mukadzi wavo chaiye vakamusiya panze pataive... Mai sabhuku" dai mukarumwa nezizi murimo mumba imomo Akadaro achitaura nehasha dzemunhu uya agumbuka ,sabhuku ndokuenda kuhwindo vakapeura keteni... Sabhuku "chihuya upinde Apo kaitaura kakadongorera imika sabhuku vari selfish mufunge.. Mai sabhuku" garai mumba imomo anditi mazvikoshesa mega ,vamwe vese tiri panze atina basa kaa Sabhuku "ummmm ndambodaro kupi nhai mukadzi wangu Vachingopedza kudaro ,Baba Kuku vakabva vafamba vachipinda muchivanze .Vanhu vakatanga kubvunda veduwe apo kwekutizira kwakange kusisina ,Mai Rita ndiye karakata kumhanyira kukwira mumuti ,nduwe yavaive vakapfeka ikadonhera pasi ...Panguva iyu azvina kana kumbosekesa nekuti meso evanhu aiva kuna Ba Kuku vakange vasvika zvino vangomira vakatarisa kune vanhu.... Ba Hazel"vari kufungei??? Vakadaro Ba Hazel mushure mekunge taona Ba Kuku vapinda asi apana kana chimwe chete chavakataura vakange vangopinda vakamira vangori zii.... Mai Gabhu" ummmm tingazive here zviri kufungwa pamwe vari kutogaya horror tarisa ziso Ndakacheuka kutarisa kuhwindo rasabhuku ndikaona dzichidongorera haa nechemumoyo ndakangoti ende zvakaoma veduwe...Pasina nguva Apostle vakabudikira vachifamba kupinda sandi kufara kwakaita vanhu ikoko. That moment yakaita kunge soldier rabva kuhondo pakapinda Apostle .Vakasvika vakanomira padivi paBa Kuku vakaita nguva vakatarisa baba kuku ndokubva vachibva vatarisa kune vanhu... .. Apostle "he is now harmless Ba Hazel", huuuuh??? Apostle" yes ....we attack the head not the tail.....God did it for us Ba Hazel "how???? Apostle"nguva dzatiza vanhu paye muchifunga kuti ndakurirwa actually in the spiritual world ndanga ndichitoratidza a vision ndakadonha kudaro. Pandazosara ndomuka ndanga ndatoudzwa zvekuita saka ava Ba Kuku vazosara vosvika pano asi masimba avo ndanga ndatodhingura kare kare Mai Rita" ndosaka padonha zizi nhai Vachingopedza kudaro vakabva vadonha mumuti muye vachinowira muvhu ,ummm ndakavanzwira tsitsi apo ivo kuzokasira kusimuka dzichizunza magadziko... Mai Rita"achiri kutamba-tamba aya andina kumbokuvara ini Vanhu vakatoseka zvavo nehupenzi hwaMai Rita .Ba Kuku vakabva vangoerekana vadonha pasi negotsi zvakavhundutsa vanhu.... Ba Hazel "ko ,chachii futi??? Apostle vakagwadama mudhuze vakaisa ruoko rwavo pachipfuva chaBaba Kuku ndokubva vasimuka vachizunguza musoro wavo tinzwe... Apostle"peace be upon him wherever he goes ... Mai Rita" vaita sei??? Apostle "vafa Vanhu vakaita kunonzi kupemberera imika zvakandishamisa veduwe apana kana akashowa any remorse including his wife Mai Kuku vaitochema asi wega waitoona kuti uyu musodzi uyu ndewe mufaro not kuti kurwadziwa kuti murume wavo afa..... *FEW DAYS LATER* Takange takuoneka nevamwe tave kuchidzokera hedu kumba kwedu .Mai Kuku vakange vatengesa musha wavo vachiti vave kunogara kumba kweshamwari yavo yavaiti Mai Jesca yakavabatsira kuti vazodzoka muno muvillage .Takazoseka vachitaurawo kuti sabhuku vemo vakashaya mushure mekunge zvavakabata-batawo zvemushonga weraki zvafumuka .Mai Rita dzakamhanya pamoto payakange yave kuda kusumuka.. Mai Tee" chiiko Mai Rita... Mai Rita "munditsvagirewo basa kuHarare ikoko Mai Tee" ok ndazvinzwa Mai Rita Mai Rita"mercy genesis Ndakatarisana naBaba Tee tichishaya kuti Mai iyi iri kuedza kutii.... Mai Tee "matii? Mai Rita" asi amunzwe chirungu here ?? Mai Tee "mati kudii? Mai Rita " mercy genesis Mai Tee "ummm..... Ndakanzwa Baba Tee naMbuya Tee vogegedzera nekuseka ndinzwe... Ba Tee" dziri kuedza kuda kuti journey mercies Mai Tee "ooooh finish (ndichiseka)...thanks Mai Rita .....take care Mai Rita" sharp sharp Dzakabva dzasuduruka hadzo kumira paside isu tikapfurira nerwendo rwedu kudzokera kumba .Takasvika kunze kwatosviba ,vana vangu vaive vandisuwa vakafara zvisingaite vachindiona . Apostle havana kuzomboda kugarisa vaida kudzokerawo kumba kwavo nemukadzi wavo sezvo vaiti vanhu vekereke vakasara vachivatsvaga.Vasati vabuda kuenda vakanamatira imba yangu ndokubva vaoneka havo .Takazoparadzana naMbuya Tee nevana vanhu vave kunorara kuma reserved rooms avo. Ndakatanga ndapinda hangu mubathroom ndaida kutanga ndageza ndiwane kurara zvakanaka ndinzwe ngiriri ngiriri foni yangu kurira. Ndakamonera mushe towel rangu ndichino picker call ,ukuwo Ba Tee amenowo zvavaiita paLaptop pavo ... "Hello ndiani (Ndakachitaura ndanzwa kuti munhu wacho afona chinguri ndataura asi apana zvaataura ) " muri sei Mai Tee "New number ,ndiani ??? " shamwari yaFadzi (Kungonzwa zita rekuti Fadzi ndakanzwa kuda kurutsa chitaka .Ba Tee ndakaona vasimuka oavanga vakagara since foni yangu yaive paLoud so its obvioua vakazvinzwa ndokufamba vachiuya padhuze pangu vakanditarisa showing sone sympathy ) "Ndokubatsira nei( ndakataura ndichitura befu) " ndanga ndichida kungokuzivisai kuti Fadzi akashaya vhiki radarika akanwa mushonga (Ndakanzwa kakupindwa nechando kaye kekubatikana though hazvo akanditadzira hake asi shoko rerufu harijairike) "Nematambudziko....nematambudziko " akaonekwa. ..bye "ok bye Akabva akata foni munhu uye ndichibva ndatarisa kuna Baba Tee ndinzwe voti... Ba Tee" Good riddance Ndakangoramba ndakavatarisa kudai as he moved closer vakandiswededza mudhuze mavo... Mai Tee,"Ba Tee Ba Tee "I love you....zvizive....and thank you for accepting me back my wife. Ndokuda mukadzi wangu Ndakanyemwerera hangu as l rested my head on his chest listening to my favorite sound in the word the sound of his heartbeat...... ********************* *🌹My aim is to inspire and motivate lives through my stories* The End!!!!

[20/02, 20:04] : hanzi baba Tee namai Tee vasvika kumusha vari pazizi vachifunga kuti imota yavo [20/02, 20:04] +27 : Jesuuuu [20/02, 20:05] +263 : 😂😂😂vadirector kumba kwangu [20/02, 20:06] +263 : Brain dzavo dzakafanana ngavangodanane 🤣🤣 [20/02, 20:09] : mai rita vanga vachifamba vachidonha ndove yemombe vamera sinhi.yemombe ichirembera ichibuda nemunzeve bakuku vamera muswe wwmombe pahuma [20/02, 20:12] +263 : 😂😂😂xammy zvaanonyora soo anombozvionepi

Late entry due to yesterday's network glitch guys...

🙌🏾Kkk you fans oooow .Stay tuned today🥂😁📚