Authoress Xammy Novels
                                
                            
                            
                    
                                
                                
                                January 26, 2025 at 10:41 AM
                               
                            
                        
                            🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉
*👨🏿🦳🩸ZIZI RATEZVARA*👨🏿🦳🩸
** *SEASON 2* **
Story Written by ::
✍🏽✍🏽Authoress Xammy❣️❣️
*Follow my WhatsApp channel* 👉🏾https://whatsapp.com/channel/0029VadsJv4AInPsIzpYHV1T
"*🚫This novel is entirely a work of fiction portrayed in it are the work of the authoress imagination.Any resemblance to actual persons ,living or dead,events or localities is entirely coincidental*"
⚠️ *DO NOT COPY OR EDIT*⚠️ 🚫 *STIFFER PENALTIES IF YOU STEAL* 🚫
*FOLLOW ,READ & SHARE* 📚
Chapter 8️⃣
*MAI TEE*
Pakanovhurwa door rekumberi pachijambira kupinda umwe murume ,mota ichibva yasimuka ichitoenda iri muFull speed ipapo ndipo pandakatanga kusensor kuti aya anenge matsotsi  chete aya .Ndakabuditsa foni yangu ndichida kuDialler for any number ingandi rescue asi ndisati ndambodii ,foni yangu yakanobvutwa tevere zigwati rakanomhara kufesi kwangu .Ndichisimudza musoro ndakanotarisana nebanga rakange rakandinongedzera..
Guy 2" any silly movement ,you are dead 
Mai Tee"madhila nevasiro mukuwasha
Akaramba akanditarisa ndofunga akashaya kuti zvivindi zvangu zvabvepi even driver akatocheuka kutarisa kwandiri. Akaunyanidza chiso achindisikiza nebanga ruoko rwake irworwo ndokubva ndanoriti dzvii....
Guy 2" ndokuurayai manzwa
Mai Tee"ndati madhila nevasirivo 
Ndakapusha ruoko rwake kumashure achinodzoka back akanondimara nebanga pagumbo rangu ndototenda Mwari kuti harina kuita deep cut asi ropa rakatanga kubuda .Akasimudza zvekare aona kuti banga arina kundibaya zvakadzika ndipo pandakabata ruoko rine banga irworwo tikatanga kuita makakatanwa kana nekwaibva simba randaive naro panguva iyi ndakatozvishaya pazvo .Ndakakwanisa kutora banga riye ndokumubaya pacho chaipo paaida kundibaya pagumbo paThigh exactly.Akayuwira murume mukuru kuchema...
Driver"Ramboooooo chiiiii???????
Akadaro driver achibuda muRoad kumisa mota achicheuka kumashure ini ndichitovhura door kubuda ndichitiza nehupenyu hwangu. Ndakamhanya kunopinda munenge muchigwenzi-gwenzi ndiri bara kutiza.Driver uye ndakamuona achitevera kutouya ari fire fire apo akabata banga mumaoko. Ndakaona kuti pano ndikaita zvekutamba ndourayiwa ndichisaya vana vangu vari nherera .Apo zvose zvangu zvakange zvasara kumota kuye kusanganisira nefoni nemari zvese ikoko .Ndakaona paive neCemetry chiri chikwangwari ndikaziva kuti ndiri towards pane makuva .Ndakamhanya kuturner left kutevedza direction yepachikwangwari ndokunopinda mukati meCemetry muye.Ndakaona kaCabin kevanochengeta vepo ndikamhanya ndakananga ikoko ndichinongoti bhenengende kupinda mumba mevaridzi .Maive nemurume aivemo aibika akavhunduka kuona mumba make mapinda stranger apo ini kuzotomhanya kuvhara door ndokuenda pahwindo kupeura keteni kutanga kudongorera panze kugedhi...
Rasta"hezvo hezvo nhaimi ????
Mai Tee"shhhhhh
Rasta"aiwaka mapinda mumba mangu moti ndinyarare futi
Ndakamunongedzera kuhwindo akafamba kuuya akatarisawo ndokuona murume uye webanga achidarikira nepa cemetry achipfurira kuenda kureva kuti pandapinda pano haana kuzviona...
Rasta "anga ane banga kauyu munhu uyu.....wait. ....asi imbavha
Ndakabva ndavhara keteni ndichitarisa kuna rasta ava ndichidonhedza musodzi ndichigutsurira musoro wangu...
Mai Tee" yes ... 
Rasta"ooooooh my God. ....sorry sister andina kunge ndazviziva
Ndakabva ndabata pagumbo pangu paye pekuveurwa nebanga.
Rasta"gumbo riri kubleeder kairi...
Mai Tee "hongu
Rasta" shit very sorry ....come and sit here ndione kuti ndingagone kukubatsirai nepapi 
Ndakagariswa paive neStool achibva anovhura wardrobe akabuditsa maBandage nema bhetadhini ndikakwunya skirt yangu achibva atanga kundi wiper ropa riye raive pagumbo kusvikira pave clean ndokuisa mushonga ndokuzoisa bandage...
Rasta"better now anditi????
Mai Tee "yes ,God bless you
Rssta"no need
Akabva afamba achienda pahwindo ndokuita kanguva akatarisa kuhwindo ndinzwe...
Rasta" aenda adarika achimhanya kudzokera
Ndakabva ndasimuka ndichinotarisa ndikaona zveshuwa atove mberi kuenda ,ndakatura befu ndichidzokera kunogara pasi ndakabata pachipfuva pangu...
Rasta "ko ,zvafamba sei???
Mai Tee" ndikubva Gweru ,ndaburutsirwa muno muNorton ndopandakwira tax yavo not knowing kuti imbavha.Ndarwisana navo and managed kubuda mumota ndokutiza dzanara ndasvika pano.
Rasta "mobvepi sister???
Mai Tee" ndogara kuHarare ,kuGreendale
Rasta "manje nezvaitika izvi mokwanisa kudzokera kumba here apa 
Mai Tee" ndogona kuzosimudzira kana ndave calm ,izvezvi hana ichikurova .lngadai ndanga ndafonera vekumba vauya kuzonditora manje zvose zvasara kumota yembavha 
Rasta"you can use my phone kufonera hama yenyu to come and pick you up sister
Mai Tee "munenge maitabasa kwazvo hanzvadzi
Akanotora foni yake kubva paCharger ndokubva andigashidza foni mumaoko ndichibva ndatanga kudialler number....
*FADZI*
Ndakambotanga ndicha ignore foni yaBaba Tee yairira iri kudining ivo vaive panze vachidiridza garden ini ndaive ndamuka zvekare hope dzapera.Ndakabuda muroom mangu ndichinanga kudining kuye ndokuona vari Mai Tee vaifona number yavo yainge yakasevhwa kunzi " Wifey " netuma hearts emojis .Ndakanzwa chigodo kuti mbii pahuro pangu ndichibva ndadaira...
"Helo....heloooo....Baba Tee
" muri kudei ???
(Vakamboramba vari zii vanzwa riri voice rangu )
"Ipa muridzi wefoni foni yake
" kutoona ndadaira ndirini kureva kuti iye muridzi wefoni pachezvake haasi kuda kutaura nemi .Taura zvamuri kuda or else ndokata hangu 
Havana zvavakambotaura vakabva vangokata ini wacho ndokubva ndadhilita call log ndokutsveta foni back payanga iri ndichinanga hangu kukicheni kunobikira soon to be my husband....
*MAI KUKU*
Ndakangopukuta misodzi yangu ndichinogara pasi mukona ndakaisa musoro pakati pemakumbo .Ko ,ndaitiza ndichiendepi ini ndaive musungwa asina kana pekubuda napo.Nguva dzanga ndatsikitsira musoro pakati pemakumbo ,ndakatanga kunzwa kuti panze pari kuvhuvhuta zimhepo nekuti roof yemba yainge yonzwika kutamba -tamba kwemarata.Ndakangosimudza musoro kutarisa mudenga kunodai ,wanikwe nepadenga peroof patsvuka ropa rainge rotanga kudonhedza maDrops kunosvika pasi ....
Voice " Mai Kuku .....tiza.....
Mai Kuku"ndaneta andichade 
Voice"Mai Kuku
Mai Kuku"ndati ndisiye ndife
Voice"MAI KUKU!!!
Ndakakanuka kuvhunduka ndanzwa kuti voice iri this time around ndenge ndariziva kuti arisi reumwe munhu kunze kwekuva voice raZanele .Ndakamedza chibhonzo chemate ndikagwesha nemagadziko kunogara necheku corner corner muroom umu. Door rakatanga kurohwa -rohwa neweapon chaiyo. Ndakangoramba ndakatarisa kudoor ikoko ,hana ichirova kwete mbijana .Door rakanoti pasi puu kunotarisa wacho anga achirova door wanikwe apana munhu asi pasi pangone chisimbi chaivepo .Ndakaita about five minutes ndakangotarisa kudoor ikoko ndisina kusimuka.Imwe pfungwa ndiyo yakanditi zvimwe ndinozorora pandayambutswa ari Mwari hake .Ndakabva ndasimuka ipapo ipapo ndikazvuva tsoka dzangu kunobuda padoor .Ndakatarisa mativi ose ndikaona kuti apana Baba Kuku kana umwe zvachose .
Ndakafamba ndichidarikira nepane rimwe door asi ndakadzokera shure padoor after l noticed something weird.Ndakabata doorframe ndichidongorera mukati meroom iyi ,ndichingoti basa meso angu wanikwe mune coffin chairo muchirungu vanoriti casket ndiro raivemo rakagadzikwa pasi rakavhurika...
Mai Kuku"Mwari wangu...
Ndakataurira pasi pasi ndichidzokera shure ,imwe pfungwa yakambonditi enda unodongorera kuti munei asi nekuda kwekutya andina kumboda kuzviyedzesera zvachose .Ndakafamba netsoka dzangu kuenda padoor rinobuda mumba umu. Raive rakakiwa pasina key asina izvozvo azvina kundimisa. Ndakanotanga ndabvisa zviCardbox zvaive pahwindo ndichitsveta pasi .Ndakachitora weapon ndokutema hwindo riye richibva raputsika .Ndakakwirapo pahwindo ndichitsika tumwe tumapisi twegirazi ndichisara ndachekeka asi panguva iyi andina kuda kuita basa nazvo chandaida kuyambuka chete zvimwe zvese ameno .Ndakanojambira panze paye apo kuti ndizive kana nekwandaive anditozive zvachose ...
Mai Kuku"ndikada kuenda nenzira iri pamhene iyi ndogona kusangana naye ,rega ndiende hangu nesango 
Ndakadaro ndichitaura ndega ndega ndichitokamhina kunopinda nemusango kutiza nehupenyu uri patambo nechekare. Aitove makuseni zvekuti dzaigona kungove dziri kuma around 10 or 11 ikoko nekuti zuva rainyatsovepo .Ndaisambomhanya asi ndaingofambisawo zviri nani. Ko,iro simba racho rekumhanya raigobvepi ini ndanga ndavane two days ndisina kana kudya .Ndakasvika paive nedhamu remvura ndokubva ndanopfugama mubeveve maro ndikatanga kunwa mvura ...
Ndakaichovha haikona sezvo ndainge ndanzwa nenyota .Ndakainwa mvura kusvikira ndaidzvova ndikaziva kuti zvinenge zvambove nani .Ndakabva ndangokurura hembe dzangu ndokudhaivhira mumvura imomo .Ndakapinza mutumbi wangu wese imomo ndikaita nguva ndakazvivigamo ndokuzobuda ndave munhu weWhite chaiye zviye zvaunoita kana wagarisa mumvura .Ndakaenda paive nekadombo ndokumbomira ndichiita kuti kazuva kandiomesa ndisati ndapfeka hembe dzangu....
Sekuru"ahhhh mhai mune d*ko imi yuwii
Ndakavhunduka zvisingaite ndichicheuka kutarisa kumashure ndokusanganidza mumaziso nekano kasekuru kasorojena zvako kaive nebadza nechisaga pamafudze .Ndakamhanya kuvhara paAfrica pangu ndichiita kakukotama ndokutora hembe dzangu ndikatanga kupfeka ndakavapira gotsi...
Sekuru"haa makataura mhai 
Mai Kuku"nxaaa rume risinganyare ibvaipo 
Sekuru"yowee ndobva ndichiendepi woda ndizozvionerepi zvinhu zvakadaiso .
Ndakashingirira kupedza kupfeka kwangu ndokuchisimuka kutendeuka kutarisa kwavari .Ndakafamba just three steps ndichisvika pedyo navo ndokusimudza ruoko ndakanovaridza rino zikugwati ...
Mai Kuku "fakofu ,harahwa isinganyare
Sekuru"une shuwa ungandirove iwewe
Kakadaro kachiita hasha kakabata dama...
Mai Kuku" ende ndogona kutozvidzokorodza futi 
Ndakadaro ndichivangofora mhanza iyoyo yaipenya  .Kakabva kandisundira kumashure kachiridza tsamwa...
Sekuru"waita raki neni dai kari kare kangu ndakungotema-tema nebadza
Mai Kuku "haiwawo fakofu ndimi tusekuru tworepa vana vadiki imimi 
Sekuru" ndotadza nei ini ndine inomira
Mai Kuku "fesi yakakombama 
Ndakabva ndakadarika ndichikaguma bendekete ndichienda zvangu .Ndakambocheuka kukatarisa ndikaona kachinanzvarira muromo kakanditarisa ndakanhonga dombo ndikakasikiza naro kakabva karova sporo kachimhanya kutiza kachipwipwinyika kuseka nxaaa kasekuru kasina nyadzi....Ndakafamba pakati rebei apo ndaitoita sendiri kuwedzera kurasika nekuti akuna kana dzimba dzandaiona ini kunze kweminda nezvikwenzi chete....
Mother" asikana asikana 
Ndakacheuka kutarisa kuruboshwe ndokusanganidza neumwe mukadzi aive akapfeka gemenzi rewhite ane mwana mumaoko waisvusvudzira asi mwana wacho aisambochema. Ndakabva ndamira kufamba ndakamutarisa achinanga kuuya pandiri...
Mai Kuku "makadii???
Mother" mushe muri kuendepi mega mega musango rino rinotyisa kudai
Mai Kuku "ndarasika dea
Mother" moda kuenda kupi???
Mai Kuku"kwaChisanga village
Mother"ahhhhh imika musaite mafaniz
Mai Kuku"ko ,chii?
Mother "nekwamuri kuno nekwamuri kutaura kaa azvitombopindirane
Mai Kuku" kuno ndokunonzi kupi???
Mother"Chirambidza village . ..zvekuti kunobata Chisanga dzitori 40km chaidzo
Mai Kuku "nhai Jehovha. 
Mother" marasika seiko . 
Ndakamboramba ndiri zii ndaitoshaya kana pekutangira ...
Mai Kuku "mudikani haukwanise kundibetserawo here ndidzokere kwandabva
Mother" ndokwanisa kukuratidzai nzira .   ..nditeverei 
Mai Kuku "waitabasa munun'una 
Ndakatanga kufambidzana naye asi aimboita nguva yekuti aifambisa zvekuti ndaiguma ndave kutevera ndichiita kakumhanya chaiko .Pane paakazomira aona ndamira kufamba ndakabata mabvi ndaneta ndichipukuta ziya.. 
Mother" kuneta here uku!
Mai Kuku "uri kufambisa dea
Mother" ndozvandiri...ingoshingirira tave kutosvika
Ndakapukuta ziya ndokutanga kutevera zvekare ,iye pamberi ini kumashure kwake .Takafamba mamwe maMetres zvekare tichibva tazomira panzvimbo yaaive yakangozara-zara makuva .
Mother "ndibatirewo mwana ndimbosunga matenesi angu aya
Ndakagashidzwa mwana uye achibva agara pamusoro pechuru cheguva achisunga matenesi ebhutsu yekurudyi.Akabva abvisa bhutsu yekuruboshwe pandakati baa meso angu wanikwe haana kana zvigunwe zvachose ingori tsoka isina zvigunwe .Ndakangotarisa kudivi ndokutarisa zvekare ndikaona apfeka shangu yake ave kutosunga .Nechemumoyo ndikati ko ,kubvunza kunei???
Mai Kuku" ko ,gumbo rakaita sei?
Mother "ndakadyiwa ini ndakarara
Mai Kuku" kudyiwa????
Ndakanyatsobvunza ndichiita kakufinyama meso ndichida kunyatsonzwisisa
Mother "hongu ndakadyiwa
Mai Kuku" nei chaizvo ???
Mother "nezizi ratezvera vakambonetsa two years ago
Ndakaramba ndakamutarisa ndokubva ndazunguza musoro...
Mai Kuku" how ???? 
Mother "ndainge ndari tema nedombo riri mumuti pamba ko ,ndainge ndazivei kuti riri spiritual. Husiku hwacho andina kurara apo ndaive nenhumbu ndichiita madzikirira ,pandakamuka kuseni ndakamuka ndafa ndisina zvigunwe 
Ndakaramba ndakamutarisa kuti ari kuedza kunyatsotiiko mudzimai uyu...
Mai Kuku" mati makamuka madii???
Mother "ndafa chaiko ,zvigunwe pachina....ndipei henyu mwana zvaita
Akadaro achisimuka akatora mwana kubva mumaoko angu achibva atanga kufamba ini ndiri kumashure kwake ndichiedza kuda kubatanidza...
Mai Kuku" mother mati makamuka maita sei???
Mother "zvichiri kukunetsa nanhasi?
Mai Kuku" andina kunzwisisa
Mother "siyana nazvo,nyaya yacho inotondirwadza ngatifokasei nerwendo rwedu udzokere kumba kusati kwasviba nekuti kukadzamara kwasviba chete unozopondwa zvekaitwa umwe wangu akafira paGum 
Mai Kuku" mwana ndewenyu futi here uyu?
Mother "aewa ndewe shamwari yangu akafa mwana 
Mai Kuku" matii kudii???
Mother "ngatiitei zverwendo rwedu pliz
Ndakabva ndamira kufamba zvekuti vakatomboti fambei mbijana pavakanzwa kuti munhu haachatevere vakabva vamira kufamba asi havana kucheuka kutarisa kwandiri ndinzwe...
Mother" manje ukanditya unoperekedzwa nani nhai mudikani
Vachipedza kutaura izvi pavakacheuka kutarisa kumashure kwangu kudai wanikwe vari kuyerera musodzi yeropa uye maziso avo ose ari maviri achibva panzvimbo yawo achitsvedza nepamatama kunodonhera pasi ,ndakango screamor kamwe chete ndini kwidiba pasi negotsi nekubva ndatongoona rima ipapo ipapo.. ...
*******
Stay tuned !!!!! Chapter 9 loading
DROP YOUR COMMENTS
*My aim is to inspire and motivate lives through my stories*
End of chapter
                        
                    
                    
                    
                    
                    
                                    
                                        
                                            ❤️
                                        
                                    
                                        
                                            👍
                                        
                                    
                                        
                                            🙏
                                        
                                    
                                        
                                            😂
                                        
                                    
                                        
                                            😢
                                        
                                    
                                        
                                            😮
                                        
                                    
                                        
                                            ⚡
                                        
                                    
                                        
                                            🔥
                                        
                                    
                                        
                                            👙
                                        
                                    
                                        
                                            🌸
                                        
                                    
                                    
                                        566