Authoress Xammy Novels
January 28, 2025 at 11:02 AM
🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉
*👨🏿🦳🩸ZIZI RATEZVARA*👨🏿🦳🩸
** *SEASON 2* **
Story Written by ::
✍🏽✍🏽Authoress Xammy❣️❣️
*Follow my WhatsApp channel* 👉🏾https://whatsapp.com/channel/0029VadsJv4AInPsIzpYHV1T
"*🚫This novel is entirely a work of fiction portrayed in it are the work of the authoress imagination.Any resemblance to actual persons ,living or dead,events or localities is entirely coincidental*"
⚠️ *DO NOT COPY OR EDIT*⚠️ 🚫 *STIFFER PENALTIES IF YOU STEAL* 🚫
*FOLLOW ,READ & SHARE* 📚
Chapter9️⃣
*MAI KUKU*
Vachipedza kutaura izvi pavakacheuka kutarisa kumashure kwangu kudai wanikwe vari kuyerera musodzi yeropa uye maziso avo ose ari maviri achibva panzvimbo yawo achitsvedza nepamatama kunodonhera pasi ,ndakango screamor kamwe chete ndini kwidiba pasi negotsi nekubva ndatongoona rima ipapo ipapo.. ...
Jesca"helooooooo.......heloooo....
Ndakatanga ndabwaira kaviri ndokutanga kuchivhura maziso angu mbijana mbijana ndokuona ndokusanganidza neumwe musikana aive amire pamberi pangu akasenga svinga rehuni mumusoro....
Jesca"mother ko ,chii????
Ndakatarisa-tarisa ndikaona kuti ndanga ndichirimo musango umu apo ndakarara muvhu chaimo apo kunze kwaive kwakutoita kakusvibirira chaiko.Ndakabva ndamuka ndokuita zvekugara chaizvo ....
Mai Kuku"dziri kumanguvai?
Jesca "andina hangu chiringazuva asi nguva dzaenda
Mai Kuku" ndarasika mudikani andisi kuziva kuti ndotangira papi
Jesca "moda kuenda kupi nhai Amai?
Mai Kuku"Chisanga village
Jesca" iiiii nenguva dzino munoti modzibata here???
Mai Kuku"parefu here ???
Jesca"zvekuti apo moti zvipoko haaa imika ndiri kutoshaya chamakazvambarara muno .Sango rino royera iri nezvipoko Amai
Mai Kuku"zvino ndodiiiko kana nepe kuvata andina ,chekudya dzatove 3 days ndisina chandadya.Ndakatiza murume ndabva kunetsana naye aida kundiuraya
Akamboti zii musikana uyu ndinzwe oti...
Jesca "kana muchida handei kwandogara ndenge ndakufanokumbira Mhamha mupihwe pekurara kwanhasi nekuti kukusiyai muri muno musango akusi safe zvachose
Ndakamutarisa unodaro chiri chimwe chipoko futi asi uyu anenge asaive nekuti andina kubvira ndanzwa strange sezvandaiva ndaita pokutanga .Ndakapinda munzira naye ndichimutevera kumashure dzamara tasvika pamusha pavo .Akananga kukicheni nesvinga rake rehuni ini ndakamboramba ndakamira hangu panze.Ndakamunzwa hangu achitaura naMai vake nezvangu ndokuzonzwa Mai vake vosheedzera kuti ndipinde ndokubva ndaita sekudaro.Mai vomusikana uyu vaisambove vechikuru zvakanyanya. Vaive vagere pabonde vachiratidza kuti ndivo vari kubika sezvo pachoto paive nepoto .....
Mai Kuku" makadii henyu
Ndakakwazisana navo ndichigara hangu pasi ndokubva ndatanga kubvunzwa kwandabva zvose ndikataura .Ndakamboda kuhaidha zvekwa baba Kuku asi ndakaona kuti kuhaidha kunobetserei uhwu hupenyu hwangu hwuri parumananzombe kudaro .Ndakanzwa Mai Jesca vaye voti...
Mai Jesca "muno mudunhu arimo mupotofita anozvigona asi manje sabhuku wenyu anofanirwa kutanga audzwa nekuti atinganotonga mumusha wevaridzi
Mai Kuku"ehe ndizvozvo
Mai Jesca" saka zvatichaita mangwana toenda kumuporofita uyu monomuudza nhunha dzenyu dzose anditi?
Mai Kuku"hongu
Mai Jesca "then tozoona way forward ...shame ende ndanzwa tsitsi mufunge nenyaya yenyu
*BABA TEE*
Zvekutevera kwaMhamha kuuya kuzotora mwana handina kunyanya kuda kugara pazviri ndakangotiwo ameno chero zvavafunga .Nekutika dai vakangonzwa mamiriro akaita nyaya yese vasina kutora side rimwe chete havaimboita zvavaikata izvi .SaMai Tee vakangonzi vadzoka chete vakada kundiitira dzungu ava manje ndivo vandichadzidzisa manje size inoenderana navo coz moyo werudo chaiwo kune vamwe avana .Ini chaiye ndozviti standard 6 panyaya dzerudo ndinotomboda kumugarisa pasi ndomupawo ma lesson e old curriculum yerudo iwayo andinoziva ko zvaitova nanika nekuti anenge airatidza kuti akazungaira.
Pavanhu vese munhu wandiri kutonzwira tsitsi ndiye Fadzi. Chete kuti munhu wacho anga atovhiringika zvekuti ndaityira kuti anogona kutoita tsaona. Ndakambodzivaira mutown ndichishaya ini kuti ndonongeyi chekuti ndiwane wo masvikiro pamusha pavaridzi. Ndakazongopinda mu spar ndikanonga nonga twudyiwa dyiwa twekuigira Fadzi kuti ndingoitawo semunhu ane care .
Ndakazongotora ma yoghurt pack of 12, ice cream 5 liters, ma spuds ndaingoworera nezvimwe zvakangowanda wanda. Pandanga ndava patill ndakaona imwe chocolate yandakamboona chipepa chayo patable pandakambopinda muroom make yanga yakanzi chocolate nutlog. Ndakangohorera ini dzose dzaivapo kuda dzaisvika 15 ndichibva ndabhadhara ndokurova pasi ndakananga kumba.
So much was now going on in my life zvekuti dzimwe nguva ndaitonzwa musoro kutenderera.. But pane zvimwe zvairema muhana mangu asi I felt kuti kuramba ndongovataurira kuvaremedza. Pose pandairatidza kubatikana naiyewo Fadzi aishungurudzika. I used to counsel vamwe vaiuya kwandiri nema problems avo asi at this point I felt I needed to talk to someone asi ndaishaya kuti ndotaura nani.I was so much consumed in my thoughts zvekuti ndakangoerekana ndasvika ndakatorivara.Ndakasvika ndikambosiya zvinhu mumota ndokunanga mumba .Maive muri ziii kuita sepasina kana munhu...
Baba Tee"Fadzi......Fadzi....
Fadzi"Baba Tee
Baba Tee"ehmmmmm uripi??
Fadzi "ndiri muno
Izwi rake raitaura richibva mubedroom mangu .Ndakafamba ndichinangako ndichinovhura door kudai wanikwe ari musvo akakotama ari kuzora mafuta aMai Tee...
Baba Tee" ahhh ehmmmm sorry
Ndakadaro ndichida kudzokera kumashure ndibude iye ndokubva atendeuka kutarisa kwandiri...
Fadzi"no Baba Tee wait
Baba Tee"huuuh???
Ndakadaro kubvunza ndine confusion ndokubva afamba kuuya pandiri achinomonera maoko ake muchiwuno mangu akanditarisa mumaziso...
Fadzi"kiss aiuraye Baba Tee
Achipedza kudaro akabva anoti mbiii muromo wake pane wangu .Ndakavhurisa maziso angu achundikisa ,pandakange ndoda kumukisawo akabva abvisa muromo wake pane wangu...
Fadzi"eshhhh sorry mistake
Akabva abuda achimhanya ,ndakamboramba ndakamira ndaka sticker .Akadzoka pasina maSeconds achitora pant rake raive pamubhedha ,paakadarika pandiri ndichiona mazamu ake akamira kuti twii ,naiyo sikarudzi yaive well shaved ndakatadza ini kungosiya zvakadai zvichienda .Ndakangonoti ruoko rwake irworwo dzvii ndokumutendeutsa kuti atarise kwandiri ...
Baba Tee "wandikuvadza nema feelings
Fadzi" ahhhhh Baba Tee
Baba Tee "pliz ka1 chete .....
Akabva anoisa muromo wake pane wangu ndokubva tatangidzira patakange tasira .And the rest was history...
*MAI KUKU*
Ndakawaridzirwa pekurara pakanaka mune imwe room yainzi ndeye mwanasikana wavo anoshanda kuHarare.Hope dzakambonetsa kubata pekutanga asi dzakazobata hadzo .Kumuka kwandakaita ndakamuka pakati chaipo pehusiku ndanzwa kuti muroom mandaive maitenderera shiri chaiyo .Hana yangu yakarova ndokusverera pane rambi kubatidza ,chiedza pachakavaima mumba zveshuwa pamusoro pesagi rechibage kudoor kwaive kwakamhara zizi...
Mai Kuku" Jehovha..
Ndakaita zviye zvekusikirima ndichida kusimuka asi zizi riye rakabva rasimuka kubhururuka rakanomhara pamusoro peruoko rwangu .Ndakaedza kukandira zizi iri kure asi rakaramba rakanamira mumaoko angu zvese nemachira acho,richitanga kuvhura muromo waro mbijana mbijana.Mukati memuromo waro mainge makatsvuka ropa muchipfumbuka utsi ndakademba vakafa ,ndakademba kuti dai pasi pandimedza,ndakademba kufa,ndakademba zvose,misodzi ichitanga kutinyangarara pamatama angu ndichidedera zvisingabvire ndokubva zizi riye rakatanga kusimudza mapapiro aro mudenga kutanga kumatambisa kuitase kunge raida kubhururuka..........
Izwi rakange rave kuramba kubuda kubva mumukanwa mangu,ndakange ndangoshama zvino miromo yangovhurika ukuwo shaya dzati ngwii,misodzi ichingoyerera.Zizi riye rakawedzera kushama muromo waro,hutsi hukaenda kumeso kwangu wakananga kumaziso ndokubva rabhururuka richibuda nekuenda.Maziso angu akasara achivava zvekuti ndakasara ndichimatsokota ndichinzwa sekunge azara jecha,pandakada kuchisimuka wanikwe maziso angu andichaone....
Mai Kuku"Amai.....Amai.....Amai vangu kani. ....yoweeeee andichaone ......Mwari wangu kani......Mwari imi
Ipapo door rakabva ravhurwa ndokunzwa mutsindo yevanhu vakange vapinda mumba....
Mai Jesca "chiiiiiii????
Mai Kuku" Mai Jesca ooooh ooooh andichaone kani maihweee
Ndakataura ndichijamba -jamba musodzi mokoto vakandibata zvakasimba....
Mai Jesca "dzikama mudikani
Mai Kuku"ndati andichaone kani ....veduwe andichaone..
Mai Jesca " Jesca mhanya nesauti yematombo
Ndakasara ndakangobatwa vachiedza kundidzikamisa asi zvakashaiwa basa .Jesca akauya nesauti vagotanga kundikwiza muviri wese asi azvina kushanda. ..
Mai Kuku"ndakatadzeiko ini (ndichichema)
Mai Jesca"azvinzwaro mudikani ,mangwana kuchiedza toenda kwandaireva
Mai Kuku"ndatove bofu Mai Jesca
Ndakadaro ndichizvipunzira pasi ndokutanga kuumburuka...
Mai Jesca "ummmm yaaaah kana ini ndatopererwawo
Jesca"todiii Mhamha
Mai Jesca" tingadii Jesca ....kunze kwakasviba uku dziri kuma past 2 ....akufambike ...ngatitomirira kuchene
Jesca "yaaah zvakaoma ...zvorwadza izvi
Mai Jesca" zvisingaite
Ndakamboti mirei kuchema ndonzwa pahuro kuoma chaiko ...
Mai Kuku"ndikukumbirawo mvura yokunwa
Mvura yakanotorwa ndikatanga kunwiswa cup yakabatwa kusvikira ndapedza .Pahuro pangu pakatanga kuita kunge pari kufamba masvosve ndikatanga kuzvirova-rova huro...
Jesca "ahhhh Mhamha honai zviri pasi peCup
Ndaingonzwa chete asi kuona apana chandainge ndoona...
Mai Jesca"ko.,nhenga yeshiri yabvepi mukati meCup
Jesca" ameno nhai
Mai Kuku"ndiri kufambwa -fambwa hama dzangu
Ndakataura misodzi ichiyerera kubuda...
Mai Jesca "shame Mai vatambura ava
Mai Kuku" kana zvichibvira ndipei hangu mushonga ndingofa kamwe ...
Mai Jesca"aiwa musadaro asikana
Mai Kuku "akuna kumwe kufa kunodarika apa ...ndatambura (ndichichema)
Ndakawedzera kukwenya-kwenya ndakanzwa Mai Jesca nemwana wavo vataurirana kuti vave kumbonamata .Vakapedza kunamata kwavo ndichingokwenya-kwenya chete ende ndainge ndoita sendiri kufambwa-fambwa muviri wese .Munzeve muchiita kunge mavane zvirumha zviri kufamba-famba ,mumhino muchiita kunge mava nemakonye...
Mai Kuku" hama dzangu ndafa ini...
Mai Jesca "haufe dear
Mai Kuku" ndakufa ini ....ndatambura
Mai Jesca "kunochena shinga mudikani
Mai Kuku" monondiviga kumusha kwangu kwevabereki ,muudze hama kuti murume ngaasavepo panhamo yangu .Anditambudza
Mai Jesca "Mai Kuku haufe
Ndakabva ndatanga kukosora uye mweya wekufema wainge wave kuita uchitaramuka kuenda kure kure chaiko...
Mai Kuku" ndati Baba Kuku ngavasavepo pandufu ,ndiye andiurayisa
Mai Jesca "asikana musadaro amufe
Ndakanzwa mweya wave kuwedzera kupera ndokuguma ndave kuita wekukweva chaiwo ,ndokungoisa musoro wangu direct pafloor .Mai Jesca vakatanga kundizunguza-nguza...
Mai Jesca" Mai Kuku muka...Mai Kuku .....Mai Kuku ....
*MAI TEE*
Nguva adzina kumbotana hadzo kufamba ,ndakawarira pasi ndokurara hangu pasi .Magumbeze aive mashoma chingoti ibhachura saka zvonzwisisika.Ndaitoita kakudedera nekuda kwechando ichochi.Hapana kutora nguva,panze pakatanga kuita zimhepo rakavhara gonhi zvine hukasha....Rasta ndiye bengenu kumuka,ndakamukawo ndokuita zvekugara ndinzwe...
Rasta"mafia riye ratanga
Mai Tee"mafia???
Rasta"ehe zvipoko zvepano pamakuva ndonguva yazvo everyday
Ndakanzwa mudumbu mangu kuti kruuuuu kruuuuu ...
Mai Tee "hanzvadzi mati kudii?
Rasta" zvinotoziva kuti pano pauya munhu mutsva dont worry .....ehmmmm
Akadaro achidzuruka kubva pamubhedha akatora midzanga yefodya mbiri ndokubva atambanudza ruoko kunditambidza ndikatambira ...
Mai Tee"ndodii???
Rasta"putai vahanzvadzi
Mai Tee"ahhhh andisati ndakambozviita before
Rasta"ndiri kuitira kuti zvikada kupinda muno mukaita eye contact choenda manje chikaona kuti hausi kuchiona zvepano zvokupinza bhizi
Mai Tee"Rasta muri kujoka anditi???
Rasta "why joking ,uri kutononoka ameno hako
Akadzokera kunogara pabed achito lighter fodya yake ndokutanga kuputa .Ndakaona atarisa kuhwindo achinongedzera...
Rasta" icho icho hona...
Kuzondidaro ndakasimuka ndichizvipinda ndokunowira mudhishi rema plates .Ndakasimuka andina kumira ndichinoti pfori mumagumbeze pamubhedha ,kutanga kubvunda ndirimo ....Hapana kutora imwe nguva refu patakanzwa kuchema kwemazwi evanhu vaive panze pamwe chete nemutsindo yemunhu airatidza kuti ari kufamba akananga kuDoor kwataive....
*******
Stay tuned !!!!! Chapter 9 loading
DROP YOUR COMMENTS
*🌹My aim is to inspire and motivate lives through my stories*
End of chapter
❤️
👍
😂
🙏
😢
😮
⚡
👏
💜
🔥
760