
Authoress Xammy Novels
January 30, 2025 at 09:30 AM
🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉
*👨🏿🦳🩸ZIZI RATEZVARA*👨🏿🦳🩸
** *SEASON 2* **
Story Written by ::
✍🏽✍🏽Authoress Xammy❣️❣️
*Follow my WhatsApp channel* 👉🏾https://whatsapp.com/channel/0029VadsJv4AInPsIzpYHV1T
"*🚫This novel is entirely a work of fiction portrayed in it are the work of the authoress imagination.Any resemblance to actual persons ,living or dead,events or localities is entirely coincidental*"
⚠️ *DO NOT COPY OR EDIT*⚠️ 🚫 *STIFFER PENALTIES IF YOU STEAL* 🚫
*FOLLOW ,READ & SHARE* 📚
Chapter🔟
*FADZI*
Takange tapedza mutambo ndarara hangu paditi raBaba Tee ndichitambisa zvigunwe zvangu drawing some cycles there .Ivo vachindipuruzira bendekete rangu ,ndainge ndave kutozviona ndave mukadzi wavo nechekare ko ,isu ana Machuma tombomira hedu isu .Ndakatura befu ndokubva ndavatarisa kumeso ndichinyemwerera zvekuti...
Fadzi"Ba Tee
Baba Tee"yes my love
Fadzi"Mai Tee vakanzi vauya muchaita sei?
Baba Tee"zvinhu zviri simple wani ,l will just kick her out ndogarirei nemuroyi mumba mangu
Fadzi"ndiMai vevana venyu kaa ava remember that
Baba Tee"munhu akaita Mai vevana haacharambwe here?
Fadzi"vehukama ko ,vakada kupindira
Baba Tee"totangira ipapo
Ipapo foni yavo yakabva yatanga kurira ndokubva vatarisa kwandiri vachiridza tsamwa...
Fadzi"ndiani??
Baba Tee"chiApostle chimwe soo
Fadzi"vari kudei haiwa ndovanhu vanotisimudzira mamhepo ivavo
Baba Tee"taura hako
Fadzi"ndipei foni yacho
Ndakadaro ndichitora foni kubva mumaoko avo ndokukata ndichibva ndaisa paFlightmode ndokudzokera kutsamira paditi...
Fadzi"imbwa dzevanhu
Baba Tee"calm down zvatodarika
Fadzi"next time vakafona dont pick up
Baba Tee"oky hun ,chindipawo last round ndiwane hope
I smiled ndichirara nedumbu ndokubva vauya pamusoro pangu ,mutambo ndokutsva ...
*GOGO vaTee*
Takaedza kufona kepiri foni yakange isisaite through zvachose kureva kuti takange tadzimirwa foni naBaba Tee .Ndakatura befu kuri kupererwa chaiko apo ukuwo Mai Tee havasi kubatika pafoni pacho. Apostle vakambosimuka kubuda panze ndikasara nemukadzi wavo Vongai uyo aimbove maid waMai Tee back then .Vongai akauya pandiri achindibhabhadzira...
Vongai"kana murume wangu abuda panze kudai zivai kuti anodzoka nePlan B
Gogo"ummmm ini ndapererwa hangu
Vongai"aiwa Gogo musatomboware henyu zvidiki diki izvi akuna kwazvinosvika .
Gogo"zvevasikana vebasa Mai Tee ndakambomuudza ,iwe wega ndiwe waiva munhu kwaye dzimwe dzese idzi imbwa dzevanhu .Hezvoka murume oenda ivo havasi kana kubatika
Vongai"maybe she is stuck somewhere asi vanobudikira
Gogo"zvozobatsirei kubudikra murume anenge atoenda nevagoni Vongai
Vongai"lets just be positive Mhamha zvoita mushe
Gogo "haaa ameno Mwari
Tee akabva abuda kubva muspare akabata umwe wemapatya aichema ...
Tee" ari kuramba kunyarara uyu Gogo
Gogo"haisi yave nzara here iyi ...
Ndakabva ndatambira mwana ndokubva Vongai aenda anogadzira mukaka akadzoka nawo ndikatanga kufeeder mwana ...
Gogo"ezvino vana vave kuita senherera ,baba kutoendesa vana kushamwari imika Baba Tee achandiuraya nebhipi mufunge
Vongai"chikuru ndeche kuti takavawana vari in safe hands .Just imagine dai vanga vana iye Fadzi
Gogo "iiii ingadai zvatove zvitunha
Vongai" mazvionaka
Door rakabva ravhurwa ndokubva Apostle vadzoka kupinda mumba vakagara pasofa vachizunguza musoro wavo tinzwe. .
Apostle"l was holding a prayer outside ndabva ndaona a vision
Vongai"waonei?
Apostle"mangwana we need to go kumusha kwana Tee ,pane ari kusimudza mhepo dzese dziri kuitika idzi
Vongai"mhepo???
Apostle"yes....and God showed me a vision of a lady ari patambo yakaremberera zvekuti pakaitika two days asina kuwana help ari kufa
Gogo"yoweeeee zvatanga futi
Apostle"so early tomorrow morning by six tofanirwa tave muroad.Tichaenda nemota yangu iyo twin cab ndoisangadye fuel
Gogo"ko ,zvekwa Mai Tee amunawo zvamati maonawo here?
Apostle"izvo apana asi zvekwa Baba Tee ndaratidzwa hangu kuti akuna kwazvinosvika zvichagadzirisike zvega .Uyo muvengi uyu haana kwaanosvika
Gogo "kana madaro totenda
*MAI TEE*
Ndakasimuka andina kumira ndichinoti pfori mumagumbeze pamubhedha ,kutanga kubvunda ndirimo..Hapana kutora imwe nguva refu patakanzwa kuchema kwemazwi evanhu vaive panze pamwe chete nemutsindo yemunhu airatidza kuti ari kufamba akananga kuDoor kwataive....
Rasta"muri kutozvipedzera nguva sister zvandataura
Mai Tee" ndianani?
Rasta"pamucharohwa muromo iwowo nezvipoko ndopamuchaziva
Ndakatoona kuti aitotevesa mukomana uyu ndakafugura gumbeze ndichidedera kwakutanga kubatidza apo fodya yacho yakatombodonha kubva mumaoko angu ndichingoita semunhu ane nhetemwa ndokuisa pamuromo .Ndakanyatsoona mumvuri mumba wakanyatsoti mvee mumba ndakabva ndamhanya kukweva ndokutangs kuputa nekukasira ndikaguma ndakachidzwa ndave kukosora...
Rasta "dzikama dzikamai hayii hayii muri kumhanyira kupiko
Akadaro achitoda kuseka apo ini maziso aive akubuda misodzi...
Mai Tee" andisati ndamboona zvakadai
Rasta "paGraveyard pano motojaira zvese
Mhepo iye yainzwika kudoor yakabva yamira ,even kana mafootsteps haana kuzonzwika .Zvinhu zvese zvakabva zvaturner kuita normal .Ndakashaya kana neramuromo nazvo ,Rasta uye akabva aenda pahwindo ndokupeura keteni..
Rasta" huyai muone
Mai Tee"kunei?
Rasta "huyai chete
Ndakasimuka ndichibva ndaenda kuhwindo kunotarisa kudai wanikwe panze pane tumoto turi mudenga twuri kumberereka kune makuva. .
Mai Tee" zvipoko ka,izvi?
Rasta "yes
Ndakabva ndabvapo ndokunodzokera pamagumbeze angu aive akawarirwa pasi ndichizunguza musoro wangu ,Rasta ndokunogara pamubhedha pake akanditarisa..
Rasta" ko,chii?
Mai Tee"kuchingochena hako mangwana kuseni ndiri kuenda
Rasta "ndokuperekedzai ,amungobve pano zvoda ini ndazvijaira
Mai Tee" kujaira???
Rasta "yes kujaira chaiko nekuti kazhinji kuseni ,zvipoko zvepano zvinoita human form
Mai Tee" yoweeee gudhu naiti ndabhoe
Ndakadaro ndichibva ndazviti kwidiba negudza kufuga nekurara ...
*GOGO vaTee*
Murume wangu akavhura door ndakarara ,ndakavhunduka ndichimuona apo pabendekete ravo paive pakamhara zizi raive rine maziso akatsvuka kuti piriviri chaizvo .Hana yangu yakarova ,murume akafa kaa uyu ko saka zviii zvave kuitika .Tezvara vakapinda vachizunguza bendekete ravo,ndokubva zizi ravo rakotamisa huso kuita sekunge rine zvariri kufunidza munzeve dzaTezvara.Zizi iri harina kutora nguva rakabva rabva pabendekete ravo ndokutanga kutenderera vaTezvara panzvimbo imwe chete ukuwoTezvara vachisekerera.Hamawe apa ndakange ndiri ndega pandakada kuscreamor ....
Tee"imi Gogo. ..imi Gogo imi
Ndakaita zvekuvhunduka ndichimuka ndichifugura magudza..
Gogo"maihweee zvangu
Tee"ko ,chii?
Ndakatarisa-tarisa muroom wanikwe ndaingova naTee chete .Ndakatura befu ndichibata pachipfuva changu ndaona kuti nguva yese iyi ndanga ndichirota..
Gogo"ndanga ndichirota
Tee"ahhh manga makundityisa manga muchichema makarara muchipinduka -pinduka nguva dzandapinda
Gogo"madzikirira
Tee"chimukai munogeza Gogo vamwe vese vapedza kugadzirira tiende
Gogo"vana 2 vagezwa here?
Tee"kare kare naSisi Vongai
Gogo "yuwiii rega ndinogeza saka
Ndakabva ndafamba ndichinopinda mubathroom ,ndokukumura mbatya dzangu ndikatanga kugeza .Time dzandakange ndave kugeza kumeso ikako kanguva kandakangovhara maziso angu ndichigeza kumeso ndakanzwa kunge pane munhu ati mvee pamberi pangu but pandakavhura maziso angu andina wandakaona...
Gogo" ummm mdenge ndakupenga chete ini
Ndakapedza kugeza kwangu ndokubuda ndichinochinja mbatya dzangu .Ndakanovhura wardrobe ndichida kutora dress rangu reAfrican Attire ndinzwe Tee oti...
Tee"Gogo
Gogo"yes
Tee"Gogo cheuka muone
Ndakabva ndacheuka kutarisa kwaari ndikaona akatarisa kuCeiling ndikasimudza musoro kutarisa kudai wanikwe pane lamp holder pakamhara zizi .Takango screamor tikabuda iri bata wabata kutiza takananga kuDining kwatakasvika Apostle Trust naVongai vachitogadzirira breakfast. .
Vongai"chiii Gogo
Ndakanowira mumaoko aVongai ndichifemereka kana nekutaura kwese...
Apostle"Gogo chii?
Gogo"u...u....uku.....uko
Apostle"kwadii?
Ndakangonongedzera ndichitadza kana kutaura ,Tee ndiye akazototaura .Apostle vakati tisare muno vachibva vanangako vakadzoka panenge papera five minutes vachizunguza musoro...
Apostle "the devil is at work indeed
Vongai" mariona here??
Apostle "andina rinenge radhisapiya ....lets have brealfast tiite zvinoita tiende
Takagara tikatanga hedu kudya asi kwaingove kudya hako but pfungwa dzakange dzisisiri panzvimbo zvachose.Patakapedza kudya takabva tatora just some few bags dzehembe ndokunomira panze pamota .Apostle vakambosara mumba vachiita maPrayers...
Vongai" musa screamor cheukai kune heji uko muone
Akataura achizevezera ndokubva ndaita sekudaro ndokuona zizi rakamharapo rakatarisa kwatiri ,ndakangovhara muromo wangu Apostle nekoko vachibva vabuda mumba kuuya patiri...
Apostle "ko ,chii?
Vakadaro vaona kuti fesi dzevanhu ava dziri disturbed ndokubva ndangonongedzera kune zizi .Pavakangoda kunocheuka zizi riye rakabva rabhururuka kutiza richienda ...
Apostle' " ayasi ende zvakaoma pindai mumota tiende
Vongai "izvo zvatanga tichiri pano mberiyo kwatiri kuenda mukati kune chakanaka ikoko
Gogo" ameno mufunge
Takabva tapinda ndokugara hedu kuma seat ekumashure nevazukuru vangu .Uyo Vongai nemurume wake Apostle vagere kumberi mota ichibva yasimuka ndokupinda murwendo rwedu .Tichangopfuura paWhite house road yemuna Bulawayo road ,umwe wema twins Delvis akabva atanga kungochema mwana.Kuchema kunge arohwa mufunge ,kuedza kumu feeder achiramba ...
Gogo"ahhhh Apostle kuchiri kuchema kwemwana kuri kwega here uku
Ndichingopedza kudaro umwe wacho Dalvina akabva atangawo kuchema .lmika yakava mhere mhere mumota imomo ,tichinosvika paRera mota yakabva yambopakwa paSide .Apostle vakatanga kunamata zvakasimba for about an hour .Vana vakange vanyarara havo pavakangotanga prayer .Pavakapedza kunamata vaingotura befu ndinzwe...
Apostle "yaaaah hondo yacho iri kuda kuti rwisa
Gogo" zvakaoma mufunge
Apostle "rega ndinotenga chikafu
Vakadaro vachidzuruka kubva mumota vega ndokubva vanopinda muFood court .Takasara tirimo mumota tichiyeva vamwe vaive panze vachigocha ,vamwewo vachinwa .Nechemumoyo ndakangoti zvavo vasina matambudziko emazizi ...
Tee" Gogo....honai Mhamha avo
Hana yangu yakarova ndichitarisa kwakanongedzerwa naTee kuBusstop zveshuwa ndakaona vari ivo Mai vake vachiedza kumisa maKombie...
Vongai"ahhh imi ndivo kaaa ava ....
Gogo"ehe ndivo Mai Teee ...oyi bata Dalvina uyu
Ndakadaro ndichitambidza Vongai mwana ,umwe wacho anga akabatwa naTee .Ndakabva ndadzuruka nekukasira ndichibuda muka gedhi kepa Rera paye ndichitanga kusheedzera zita raMai Tee ndichiri kure ,pavakanzwa kudanwa pavakangocheuka kutarisa kwandiri pakabva pa....
*******
Stay tuned !!!!! Chapter 9 loading
DROP YOUR COMMENTS
*🌹My aim is to inspire and motivate lives through my stories*
End of chapter
❤️
👍
🙏
😂
😢
😮
⚡
🎉
💃
🔥
806