Authoress Xammy Novels
Authoress Xammy Novels
February 2, 2025 at 11:03 AM
🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉 *👨🏿‍🦳🩸ZIZI RATEZVARA*👨🏿‍🦳🩸 ** *SEASON 2* ** Story Written by :: ✍🏽✍🏽Authoress Xammy❣️❣️ *Follow my WhatsApp channel* 👉🏾https://whatsapp.com/channel/0029VadsJv4AInPsIzpYHV1T "*🚫This novel is entirely a work of fiction portrayed in it are the work of the authoress imagination.Any resemblance to actual persons ,living or dead,events or localities is entirely coincidental*" ⚠️ *DO NOT COPY OR EDIT*⚠️ 🚫 *STIFFER PENALTIES IF YOU STEAL* 🚫 *FOLLOW ,READ & SHARE* 📚 Chapter1️⃣1️⃣ *MAI JESCA* Chokwadi munyama wacho kaa unobva watoshaya kuti unodii chaizvo .Kunze kuchingochena chete ndakasiya Jesca naMai Kuku varimo mumba. Anditozive kuti Mai Kuku vakange vachiri mupenyu here kana kuti kwete nekuti kufema kwavo kwaisanzwika uku asi muviri wavo wainge uchiri kudziya saka ndakangoti ameno Mwari ndofawo ndaedza nepandogona .Ndakapinda munzira kunanga kumba kwemubatsira ,kwaive about 2 km kuti ndisvikepo .Ndakatobuda mumba dziri kuma past 4 am chaiko kuchiri kwakati tsvaa .Ndakafamba nayo road uye pamwe chete ndaifamba ndichiita kakucheuka kasingapere ndichingotya kuti pamwe unogona kungosangana nembavha ... Baba Kuku"mother.... Hana yangu yakarova ndichiona muchikwenzi muchibudikira umwe murume. Ndakada kutiza asi ndaitiza kusvikepi .Ndakangonamata nechemumoyo kuti Mwari pindirai henyu nekuti matyiro andakaita ipapa akanga asina kumira mushe zvachose.... Baba Kuku"nhai ndokumbirawo kubvunza Mai Jesca"bvunzai henyu??? Apo ndaivadaira ndichitarisa -tarisa kuti harisi crew here iri ... Baba Kuku"ndoitwawo Baba Kudakwashe ndabvawo kuVillage yekwa Chisanga ndiri kutsvagawo mudzimai wangu anorwara nenjere anonzi Mai Kudakwashe Pandakanzwa mashoko aya ndakaramba ndakavatarisa ndokumedza mate... Mai Jesca "mati mudzimai wenyu anonzi ani ??? Baba Kuku" Mai Kuku ....mavaziva here or makasanganavo here??? Ndakamboramba ndiri ziii ,umwe moyo wakamboti taura asi pandakazogaya kuti ndakaudzwa nezvavo baba ava nemukadzi wavo ndakabva ndamhanya kuzunguza musoro wangu ndokuti.. Mai Jesca "ahhhh ndinganyepe mukuwasha andina kubvira hangu ndakasangana nemunhukadzi akadaro Baba Kuku" itsokeyi maitabasa henyu Mai Jesca "zvakanakai Pandakange ndoda kufamba vakabva vandimisa ndokuti... Baba Kuku" ko ,pamusha wasabhuku wemudunhu rino ndepapi??? Mai Jesca"dzikai neroad iyo mobva mazo turner kuright kwenyu ,imba yamunoona yechi nhamba faifi ndopamusha pavo Baba Kuku "maitabasa Vakabva vafamba vachienda vachitedza madirections andakange ndavapa ini ndokufambisa kupfurira nerwendo rwangu. Zvino manje apa pakange pave kutoda kuti ndikasire kusvika kumba kwemubatsiri idzo nhau dzisati dzasvitswa kwasabhuku. Atleast Mai Kuku vakazochiwanikwa mudunhu muno vatanga varapwa zviri nani .Ndakawedzera speed ndikaguma ndave kuita zvekumhanya chaizvo kuti ndisvike kwaMubatsiri ndigokwanisa zvekare kudzoka navo nguva ichiripo Mubatsiri" hezvo hezvo imi Mai Jessy Vakandichinhamidza muchivanze mavo ndaive ndakuita kunonzi kufemereka musatambe nekumhanya kwemukadzi mukuru veduwe .Kunze kwaive kwachena kusisina kusviba ,vakandichangimidza ndichinogara paka bhenji kaive mudhuze memba ndokubva tagara tose pasi.... Mubatsiri"anziiiko kunditsika pamusha mangwanani akadaiso? Mai Jesca"kutogara futi pasi imwe nguva iri kurasika Mubatsiri"chiiko ??? Mai Jesca"baba kwandabva akuna chakanaka Mubatsiri"ndipirei kwaitikei? Ndakavatsanangurira zvose zvakange zvatora nzvimbo apana chandakasiya .Vakangoti kwanyanu kusimuka pavanga vakagara vachinopinda mumba mavo ndokudzoka vakabata bhetimaya mumaoko... Mubatsiri"andei Mai Jessy nguva atina Vakadaro vachiisa bhetimaya yavo pabendekete ndokufambidzana takananga kumba kwangu .Vaingoedza kuda kundisimbisa asi ndaikundikana ndaitonzwa kuremerwa muhana chaimo. Tichangodarika pamisha yemasimbi mune rimwe raini ,takasangana neumwe murume aida kufamba nepakati pedu zvekuti takabva tamira kufamba ndokumutarisa ,iyewo murume uyu ndokumira akatarisa ini mumaziso chaimo... Man"usandijairire mother Mai Jesca"ahhh hezvo sandimi manga muchitoda kupinda pakati pedu Man"ndati musandijaire ndiri kukutaurirai Mai Jesca"muedzo ndouziva ini ....andei henyu madzibaba Takapfurira nerwendo rwedu kufamba kuenda kana madzibaba vakangozunguza musoro wavo vatopererwawo... Mubatsiri"haaa ndapa kutenda Mai Jesca "mazvionawoka Mubatsiri" kunze uku kune vanhu vane pamuromo Mai Jesca "mufunge zvenyu Zvisinei takanosvika kumba ndakananga navo straight makanga muna Mai Kiki .Chekutanga mubatsiri akati ari kuda gaba rine mvura ndokubva ndanochera ndikauya naro . Mubatsiri" chisikana mhanya pamharadzano uuye nematombo matatu Jesca "chero pamharadzano Mubatsiri" hongu kurumbidza chimhandara Jesca akabuda achimhanya ndakasara ndakangozendama nekadziro ndichishayawo kuti ndotangira papi ndinzwe voti... Mubatsiri "haaa pakaipa Mai Jesca" chii Mubatsiri? Mubatsiri "dai Mwari apindira apa nekuti kaaa ummmm azvina kumira mushe Jesca akabva apinda nematombo aye achivagashidza .Vakamaisa mumvura ndokutanga kunamata kwavo. Pavakapedza kunamata vakachitanga kuisa ruoko mugaba vachimwaya mvura iye kuna Mai Kuku .Izvi vakazviita kanokwana kuita kaviri ,pavakapedza kudaro vakabva vakotama vachivayeresa ndokubva vatura befu vachisimuka kutarisa kwandiri... Mubatsiri" zvaita Mai Jesca "zvatoita??? Ndakabvunza ndichida kunyatsonzwisisa ndichiswedera pana Mai Kuku... Mubatsiri " hongu zvaita ,vanomuka muma hours anotevera .Asi pliz ndapota kana vamuka musvike navo kumba kwangu Mai Jesca "maitabasa mufunge Mubatsiri"ehe muvaringe pasaite anouya achivatora Mai Jesca" horaiti ndapanzwisisa ,maitabasa mufunge Havana kuzombogarisa vakabva vaoneka vachibva vaenda zvavo .Ndakasara ndichitarisana nemwana wangu ,hana dzaive dzadzikamawo mufunge.. Mai Jesca "pafamba Mwari Jesca" lets hope vanomuka Mai Jesca "naMwari vanomuka chete apana chingakonewo nedenga Takazenge tofanobika porridge ndaiitira kuti murwere wangu paanomuka anowana chekubata dumbu chatove ready .Ndofunga nguva padzakange dzave kuma around eight kuseni ikoko ,pamusha pangu pakasvika zvikomana zvinogona kukwana kana kusvika kuma 7 .Ndakachinzwa kupindwa nechando manje ndaona uya murume Baba Kuku vandainge ndaona kuseni varipo pane varume ava.... Tawanda" Mai Jesca Mai Jesca "Tawanda ,hanziiko kuuya muri gurusvusvu kudaiso ??? Tawanda" tatumwa nasabhuku ,tiri kufamba dzimba one by one ,tichipinda mumba pane munhu anobva kwaChisanga umwe mudzimai ane murume wake uyu (achinongedzera Baba Kuku) ati ari kushaiwa mukadzi wake .Saka tokumbirawo kumbopinda mumba menyu titarise titori mumashure menguva tine dzimba hombe dzakatikuta dzatiri kufanirwa kutoendawo kunopinda tichitsvaga mudzimai wake *MAI TEE* Chifumo chemangwana ndakange ndaterera zvakataurwa naRasta vaye. Handina kungomhanya kuita dzungu rekumuka asi kuti ndakamirira nguva yacho yainzi inofanirwa kumuka .Ndakamuka ndikageza-geza ndikadyawo breakfast ndokuzobva pamba ndave kuperekedzwa .Akafamba neni dzamara tasvika paBus-stop muna Bulawayo road.... Rasta" saka apa mave kunanga kumba Mai Tee"hongu Rasta"haa asi munonyatsonamata henyu nekuti Mwari vakakubuditsai nepaburi retsono chairo Mai Tee"amunyepi Foni yake yakabva yatanga kurira ndokubva adaira asi haana kuita nguva aripo pafoni ,akakata ndokutarisa kwandiri ndinzwe... Rasta"kumba kwaita vaenzi rega ndimhanye Akadaro achindipa five dollars yetransport ,ndakaita kuombera maoko ndichigashira mari iye.. Mai Tee"maitabasa hanzvadzi ,makaitabasa mufunge Mwari akuwedzerei Rasta"aiwa haaa pahukama. ..mokwira kombie not maTax pliz Mai Tee"panzwika ipapo Rasta"zvakanakai Ndiko kuparadzana kwandakabva ndaita naRasta ava vachienda havo .Ndakasara ndichiedza kumisa makombie asi mazhinji acho aingodarika akazara apo zvino ndainge ndonzwa kutsva nezuva ko ,kwaipisa zvekuti bhee... Mbuya Tee"Mai Tee.....imi Mai Tee Ndakanzwa kuti izwi riri kundidana pano arisi nyowani ,pandakanocheuka kutarisa kumashure kwangu kudai wanikwe ndiMbuya Tee .Ndakafunga kuti asi ndiri kutadza kuona here ,pachibva padarika mota yakandi indicator maLights ndokuona ari Desmond ndakangowevha ruoko ndichimhanya kucrosser road.Nguva dzandakange ndangosarwa ne2 steps chete dzekuti ndichipedzisa kucrosser andizive kuti mota iyi yakange yabva nekupi yakangouya iri muFire fire ichibva nemu Rare gardens yakanondirova mota.Ndakanzwa mutumbi wangu kusimudzwa kuendeswa mudenga nekunokandirwa pasi nekubva ndatongoona rima ipapo ipapo..... *BABA TEE* Ndakabuda mubathroom semunhu aibva kunogeza ndichinanga mubedroom .Ndakapfeka hembe dzangu ndokutora just some few dollars pamari yangu inogara musafer ndichibva ndabuda ndakabata maCar keys .Ndakawana Fadzi akamira muDining akabata foni yangu ameno zvaaitarisa. Paakandiona ndakamira pamberi pake akaita kuvhunduka achihwandida ruoko rwakange rwune foni kunashure... Ba Tee"whats going on? Fadzi"haa nothing Ba Tee"nothing? Fadzi"yes Ba Tee"hoo...so can l have a look pachinhu chauri kuedza kuhwandisa kumashure kwako Fadzi"apana chandiri kumbohwandisa ini Ba Tee Ba Tee"dont lie Ndakadaro ndichimuswededza mudhuze mangu ndokutora foni yangu kubva mumaoko ake ,ndakaramba ndakamupa hug nerimwe ruoko ndakamutarisa kumeso... Ba Tee "what were you doing with my phone?? Fadzi" nothing ....makutondifungira zvisina basa kaaa Ba Tee"andina kudaro asi your reaction is telling otherwise Ndakadaro ndichitarisa foni yangu ndokuona iri kuma call logs uye call yakange yabva kuitwa for 5 mins 20 sec , yaiva naGogo vaTee kureva vangu Amai .Ndakabva ndatarisa kuna Fadzi... Ba Tee "zvanzi kudii naMai vangu Fadzi " ehmmm ehmmm nothing serious va...vanga vachingoda kubvunza kuti muri sei Ba Tee "are you sure? Fadzi " aizve ko ,ndonyeperei Ba Tee "no ,kungobvunza hangu for assurance Ndakabva ndaregedza kumubata ndichiisa foni yangu muhomwe ndichitura befu... Ba Tee" anywhere ndave kumbopinda muTown Fadzi"to??? Ba Tee "some errands chete chete Fadzi " ok muuye kumba pachine nguva Ba Tee "l will Ndakabva ndaswedera padhuze ndokumukisa pamhanza... Ba Tee" l love you Fadzi "l love you too Ndakabva ndafamba about five steps ,foni yangu ichibva yaVibrator message yapinda. Ndakabva ndaibuditsa ndokuona iri text message from Mhamha ndichibva ndano opener kunoverenga kudai wanikwe yakange yakanzi... " une moyo wakaoma Fadzai asi chandoziva ndeche kuti Mwari ndewe munhu wese .Muroora wangu akangofa chete iwewe waramba kuudza murume wacho kuti aita tsaona ,zvichakuwanawo .God bless you " Ndichipedza kuverenga message iyi ndakanzwa kupindwa nechando ndikacheuka ipapo ipapo kutarisa kuna Fadzi... Ba Tee "like for real??? Ndakaona munhu owisa chiso nekunyara hameno kuti ndakataura zvinonyadzisa here. Akashama muromo achida kutaurandikabva ndamumisa ndasimudza ruoko rwangu... Ba Tee" dont.....ndati dont ....So wafonerwa ukaudzwa zvetsaona asi ukatadza kundiudza Fadzi why??? Fadzi "Ba Tee mirai ndiExplainer pliz Ba Tee"kuExplainer hutsinye hwawaita ipapa ???? Fadzi wacho aiva chirongo chemisodzi chaigara chakarereka kare ndakaona yava hova pamatama ake.... Fadzi" sorry Ba Tee its just that vafona vachindituka from the first place vachiti ndiri h*re Ba Tee "so you dont even care kana Mai vevana vangu vakanzi vafa all because wanzi uri pfambi??? Huuuuh for goodness sake mhani ,l didn't expect this from you... Ndakabva ndamupira gotsi ndichifamba kuenda ,akanditevera kumashure kwangu asi ndakamunakurira kwakadaro. Ndakanopinda mumota mangu ,iye ane nguva yaakamhanyira mumba ,time yandakange ndakuda kusimudza mota akabva anomira pamberi pemota yangu akazvinongedzera nebanga padumbu ,munoziva ndakabuda mumota ndichimira panze ndakangobata muromo wangu kuri kupererwa ndinzwe oti... Fadzi" Ba Tee mukangoenda chete kunoona Mai Tee ndiri kuzvibaya nebanga..... ********* DROP YOUR COMMENTS *🌹My aim is to inspire and motivate lives through my stories* End of chapter
❤️ 👍 🙏 😮 😂 😢 😭 ✈️ 👏 650

Comments