
Authoress Xammy Novels
February 5, 2025 at 05:10 AM
🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉
*👨🏿🦳🩸ZIZI RATEZVARA*👨🏿🦳🩸
** *SEASON 2* **
Story Written by ::
✍🏽✍🏽Authoress Xammy❣️❣️
*Follow my WhatsApp channel* 👉🏾https://whatsapp.com/channel/0029VadsJv4AInPsIzpYHV1T
"*🚫This novel is entirely a work of fiction portrayed in it are the work of the authoress imagination.Any resemblance to actual persons ,living or dead,events or localities is entirely coincidental*"
⚠️ *DO NOT COPY OR EDIT*⚠️ 🚫 *STIFFER PENALTIES IF YOU STEAL* 🚫
*FOLLOW ,READ & SHARE* 📚
Chapter1️⃣2️⃣
*MBUYA TEE*
Takaita U-turn mota ne speed yaApostle takananga kuchipatara . Ndainamata nzira yose ini kuti kana iri shamhu yacho Mwari ndabvuma hangu ndapfidza. Chii chaizvochainge chapinda mumusha wevana vangu mufunge .Tee ainge ochema road yese ,mai vake vakati tasa ropa ndiro raingoyerera waitoshaya kuti pakuvara pacho chaipo ndepapi .Pakashaya kana akakwanisa kunyararidza Tee nekuti Vongai wacho aive bhizi kuita first aid Mai Tee kuti ropa ravo risarasike rakawanda. Ukuwo ini ndaive bhizi kunyararidza mapatya vainyumwa kuti pane zviri kuitika zvisina kunaka zvachose .Takasvika pachipatara ndokubva Apostle amhanya kubuda akadzoka nema nurse neStetching bed
Nurse 1" vaita sei?
Mbuya Tee"vatsikwa nemota
Nurse 1" panodiwa police report
Apostle"police report yei iye munhu achifa takatarisa nxaaaa
Nurse 1" ndiri kutokutaurirai mukuwasha
Mbuya Tee"iwe iwe usati pedzere nguva wanzwa ,ita moyo uko
Nurse 2" let them in
Umwe wacho ndiye akazopusha stretching bed kumhanya nayo mukati isuwo tichitevera kumashure ndokubva vanangwa navo straight muE-ward
Nurse 1" sarai panze Gogo
Mbuya Tee"ndoda kuona muroora wangu mwanangu
Nurse 1" munomuona apedzwa kuAttendwa pliz......
Apostle vakabva vauya kuzondibata vakanogara neni pasi .Zvino ndaiti kamwe kamwana kumusana kamwe mumaoko ,Apstle vakandimbundira ndave kuchema...
Apostle "shhhhhh pliz Gogo musachema
Mbuya Tee" topafarawo rinhiko ,dambudziko after another haiwa denga rakatiramwira rubatsiro
Apostle "kana musadaro ,mave kupembedza satani manje
Mbuya Tee" vana vosara vari nherera here akomana (ndichichema ) ....baba nekoko vari kuita mashura
Apostle "no dont say that ,apana anofa pliz isai faith muna Mwari
Ndakapukuta misodzi yangu ndikatora kafoni kangu kambudzi ndokubva ndaDialler number dzaBaba Tee .Yakarira kanokwana kuita kana kaviri ichibva yadairwa asi izwi rakange risiri ravo pakadairwa nemuparadzimusha uya .Ndakanzwa kubumbirwa nehasha ndichinzwa izwi rake achiti...
" hello
"Ipa muridzi wefoni
" muri kudei?
"Ndati ipa muridzi wefoni dakutaura naye
" kana mukasataura andimupe foni yacho
(Ndichinzwa izvi ndakangotarisana naApostle sezvo foni yaive paloud saka vakazvinzwawo )
"Ndoda uvaudze kuti kuno Mai Tee vatsikwa nemota muna Bulawayo road paRera
" hoo saka ???
"Fadzai itai moyo ,Mai Tee vakuvara zvisingaite
" ko zvinei nesu zvekutsikwa nemota kwavo ,ndovatanga nekutsikwa kwacho here???
Ndakakundikana kuramba ndichinzwa mashoko anodzimba moyo kudai ndichibva ndakata ndikambochema...
Vongai"ummmmm haaaa uyu mukadzi uyu anonzi Fadzi muparadzi veduwe
Mbuya Tee"zvakaoma satani pachazvake
Vongai"chandoziva ndechekuti akuna kwazvinosvika Gogo
Ndakatarisa foni yangu yaive mumaoko. Moyo waibva wawedzera kupisa ndokutumira message panumber dza Baba Tee ndokudzosera hangu foni muhomwe .Takagara about fourty five minutes ,pakazobuda maNurse maviri aya naDoctor ...
Doctor"are you the one with the patient inside???
Tose takabva tasimuka patanga takagara tichiswedera mudhuze...
Apostle "hongu
Mbuya Tee" ava sei muroora wangu chiremba (ndichijenga maziso nemusodzi)
Doctor akaramba akambonyarara ,nguva dzaakange oda kutaura ndipo pakabva pasvika Baba Tee vachifemereka kuratidza kuti vauya vachimhanya .Ndakatoshamisika kuti ko ,vaziva sei pachipatara nekuti message yandakatumira andina kubvira ndataura kune chipatara .Zvakatondinetsa asi ndakangotiwo ameno chikuru vauya asi ndisingazozive kuti vauya vakachena here. Ndakange ndisisa truster mwana wangu chaiye mufunge nekuti tinodaro tichiti irudo izvo vauya kuzotopedzisa kuti munhu afe ...
Ba Tee"Mhamha....aripi Mai Tee
Ndakamboramba ndakamutarisa ndakashaiwa kana shoko rekumupindura. Ndakaona asvava pameso achibva atarisa kune mwana wake...
Ba Tee"Tee ,Mhamha vako varipi?
Tee"endai munobvunza mukadzi wenyu Fadzi wamasiya kumba
Nechemumoyo ndakanyatsoti tsvoti waro ende akagona kuvapindura .Apo kuti vabvunze Apostle kana Vongai ndakaona kuti vaitonyara nekutarisana navo kumeso chaiko ....
Doctor"ehmmmm are you the husband???
Ba Tee"yes
Doctor"okay ,afternoon family. I'm Dr.Munemo, the attending physician for your loved one. I'm pleased to inform you that, despite the severity of the incident, she is currently stable and out of immediate danger.Regrettably, the trauma she sustained did result in some internal injuries, specifically to the abdominal region. Our imaging studies and surgical evaluation revealed significant damage to her gastrointestinal tract, which required prompt surgical intervention.Tragically, the trauma also affected her reproductive health. Despite our best efforts, we were unable to salvage the pregnancy, and unfortunately, she experienced a spontaneous abortion.Please be assured that our multidisciplinary team is providing her with comprehensive care, addressing both her physical and emotional needs. We will continue to closely monitor her progress and adjust her treatment plan accordingly.I want to emphasize that her recovery will require time, patience, and support. We will keep you informed for any developments and welcome your questions and concerns.
Ndakangoramba ndakatarisa kuna doctor ko ,apana chandainge ndanzwa ini mhoti icho chirungu chainge chasvisvinwa kudaro isu chembere tochizira kupi .Ndakaswedera mudhuze maVongai ndokuzevezera pasi pasi...
Mbuya Tee"zvanzi kudii?
Vongai wacho aive akangwarirawo akabva adairirawo pasi ...
Vongai "zvanzi vave out of danger asi vachambogara muno mbijana vachinyatsoona kuti vapora here nekuti vaita miscarriage
Mbuya Tee" ahhhhhhh
Ndakadaro ndichivhara muromo wangu vose ndokunditarisa ndichibva ndatarisa kuna Baba Tee...
Mbuya Tee"wamaona basa ako kaaa Ba Tee ....mumwe muzukuru amedza ivhu ka,uyu ??
Ba Tee "Mhamha
Mbuya Tee" Mhamha kudii ???? Imhosva yako yese iyoyo ,kusanyara murume mukuru kutongwa negumbo
Apostle "eshhhh Gogo calm down
Mbuya Tee" aiwa ndiregei nditaure ,akamboutangirei musindo
Ba Tee "zvoita ndivaone here??
Doctor"yes you van
Ndakabva ndamhanya kunomira padoor ndichivavharidzira kuti vasapinde...
Mbuya Tee" vamwe vese oindai asi Ba Tee musapinde
Ba Tee "Mhamha chii???
Mbuya Tee" hausi kupapinda apa ....vamwe vese pindai or else ndichaoinda ndave ndega mosara panze pano
Vanhu vakambofunga kuti ndiri kuita majokisi asi vakatozoona kuti ndairevesa ndapinda ndega ndoku locker nemukati .Ndakatendeuka kutarisa kubed kwaive kurere muroora wangu ,ndichingoti baa meso angu paari ,misodzi yangu yakabva yarera .Dzaive shungu muhana ,ndakafamba dhonza makumbo angu dzamara ndanosvika pedo apo vaive vakavhara havo maziso Mai Tee.....
Mbuya Tee "ruregerero muroora wangu ,wakaroorwa nebenzi (misodzi ichiyerera)
*FADZI*
Ndainge ndati ndagona pandakachikidzira Baba Tee nebanga .Vakaita sekunge vakuda kudzoka kumashure pavakaramba vakanditarisa with so much concern ,fesi yavo ichibva yangochinja vatoita sevave kusemeswa neni ...
Ba Tee" ita zvawafunga
Fadzi"mati kudii????
Ba Tee"ndati ita zvawafunga
Vachipedza kudaro vakabva vandipira gotsi ndokufamba vachienda kumota kwavo nekutosimudza mota...
Fadzi"Ba Tee ndozviuraya
Vakabva vatovhara hwindo vakabuda nemota yavo vakaenda .Ndakasara ndichizvidonhedzera pasi ndikachema kusvika mbabvu dzave kurwadza .Ndakachizosimuka ndikananga kukicheni ndikanoisa banga panzvimbo ndokunanga kuspare ndikanozvivharira .Foni yangu haina kumbotora nguva yakabva yatanga kurira ndaida kusadaira ndaona vari Baba Anatoria asi pakabva papinda message yakange yanzi "Mwana ashaya" .Ipapo ipapo ndakabva ndafona back ,maoko achidedera ...
"Ba Annah
" hee
"Mati kudii???
Vakamboramba vakanyarara vainzwika kuti vari kuchema zviri softly kubackground ,kuzondidaro misodzi yangu yakaita dziva ...
" mwana ashaya ....
"How ,why ,what .....sei???
" inga ndakafona ndichiti mwana ari kurwara Mai Ana ukati kudii???
"(ndichichema ) ndakange ndisina mari Ba Anna
" saka ndizvozvo ,usazvinetse hako nekuuya panhamo apana ari kuda kukuona Mai Anna ....ndoziva unokoshesa chipfambi kudarika imba yako asika ko ,mwana wawakatadza kutumira kana pondo zvayo aive atadzei??
"Sori ba Anna
" zvatopera ,usazvinetse nekuuya hako enjoy your life hako kuHarare sekuda kwaunoita good life . .....bye
"Ba Anna ...Ba...Anna....Ba A....
Foni yakabva yakatwa kuedza kufona back yakange isisachaite zvachose yave kuramba .Ndakangozviwisira pasi kubva pamubhedha ndigoti ndochema.Chokwadi Mwari akange andisiya ndoga ,ndoshamhu dzacho here veduwe .Inga ndaingodawo kugara zvakanaka naBa Tee ndichizoita mukadzi wavo zvakanaka wani .Zvainge zvatanga neni here veduwe zvokutora murume wemunhu zvandabva ndashaikirwa nemwana kudaro nhai Mwari wangu .Ndakachema kusvika misodzi yandisiya .Ndakasimuka ndikanovhura monaki bag rangu neWardrobe ndokutanga kupeka hembe ndichiisa muMonaki .Zvavo zvekuti ndorega kuchema mwana wangu ndezve kupenga ,kumusha ikoko ndiri kuzokuenda chete. Ndapedza kupeka ndakasiya ndanyora tsamba ndichingovazivisa kuti ndafirwa nemwana asi pabasa rangu ndichadzoka Ndakaipeta -peta tsamba iye ndokubva ndarongedza pachena ndichibva ndatorova pasi ...
*MAI JESCA*
Ndakaita kunonzi kudikitira chaiko nezvandaive ndabva kunzwa izvi zvakandipedza simba chairo .Ndakamedza mate kasingapera kushaya kuti zvino ndodii.Vakaramba vakanditarisa apo ndaiedza nepose kuda kuvanza kuti vasaone kuti pane zvandiri kuda kuhaidha ...
Baba Kuku"ko ,tamirirei?
Mai Jesca"mune mumvana wangu ari kuchinja
Baba Kuku"hooo????
Mai Jesca"hongu regai ndidongorere ndione kuti ave papi
Ndakadaro ndichipinda makange muna Mai Kuku naJesca , chakava chishamiso chaicho Mai Kuku vaive vamuka vakatomira vanenge vaive vanzwa zvataurika panze....
Mai Jesca "munin'ina panze apo pakaipa
Mai Kuku" chero ndikadakutiza ndotiza ndichisvikepi
Mai Jesca "ummmm todiiiko veduwe
Mai Kuku" ndiregei ndibude moona zvandoda kuita
Mai Jesca "zvinengei ,veduwe musaite zvokuvadzisa
Mai Kuku" mirai muone chete
Vakabva vawedzera kusunga zambiya ravo zvakanaka .Haa ndopaaunoona kuti Mwari anobatab asa rake shuwa ,two minutes ago munhu anga achiita seave kuda kufa asi izvezvi atove mutano kudarika isu vagara vari vatano imika musatambe nepanobata simba raMwari shuwa .Vakabuda Mai Kuku isu tichitevera mumashure mavo .Murume wavo akaita kushama muromo zviye zvekushamiswa ,pameso pake pazere nyemwerero haa kune nyoka dzevanhu shuwa.Iye Mai Kuku akaramba akamanga siriyasi ndokubva atarisa kune zvikomana zviye ndinzwe..
Mai Kuku "ini ndini wamuri kutsvaga
Bholo" aaaah saka zvabva zvaita zvakanaka kaaaa
Mai Kuku "asi akuna kwandiri kuenda nemi ,kana muchida mambo kana sabhuku ngauye andibvunza kuti chikonzero chandakatiza musha wangu ndichisiya murume ndechei ???? Muchine zvimwe zvekuda kundibvunza here????
Vakomana vakangoramba vakatarisa ndobva vatarisa kuna Baba Kuku....
Bholo" iwe mudhara iwe chii chiri kuitika?
Ba Kuku "mukadzi wangu murwere wepfungwa
Mai Kuku" chero mukada kuvhara -vhara ...vakomana ndati dzokerai kwamabva full stop ndatopedza nemi
Akabva apira gotsi Mai Kuku achinopinda mumba .Panze pakambosara pane karunyararo pasina ataura nemumwe .Pasina kana nguva takanzwa yave zhowe zhowe mumba makange mapinda Mai Kuku vachibva va....
*********
DROP YOUR COMMENTS
*🌹My aim is to inspire and motivate lives through my stories*
End of chapter
❤️
👍
🙏
😂
😢
😮
👏
🦉
⚡
🇳🇬
741