Authoress Xammy Novels
Authoress Xammy Novels
February 10, 2025 at 10:46 AM
🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉 *👨🏿‍🦳🩸ZIZI RATEZVARA*👨🏿‍🦳🩸 ** *SEASON 2* ** Story Written by :: ✍🏽✍🏽Authoress Xammy❣️❣️ *Follow my WhatsApp channel* 👉🏾https://whatsapp.com/channel/0029VadsJv4AInPsIzpYHV1T "*🚫This novel is entirely a work of fiction portrayed in it are the work of the authoress imagination.Any resemblance to actual persons ,living or dead,events or localities is entirely coincidental*" ⚠️ *DO NOT COPY OR EDIT*⚠️ 🚫 *STIFFER PENALTIES IF YOU STEAL* 🚫 *FOLLOW ,READ & SHARE* 📚 Chapter1️⃣3️⃣ *MAI JESCA* Akabva apira gotsi Mai Kuku achinopinda mumba .Panze pakambosara pane karunyararo pasina ataura nemumwe .Pasina kana nguva takanzwa yave zhowe zhowe mumba makange mapinda Mai Kuku vachibva vabuda vakabata banga mugoti vachinowira mumaoko angu .Chiso chavo chaioneka kutya nekuvhunduka kwakanyanya zvekuti ndakatadza kuziva kuti chavabuda chavamhanyira mumba umo chii chaizvo..... Mai Jesca"ko ,chii veduwe ???? Mai Kuku" ndofa kani!!!! Mai Jesca"munei???? Mai Kuku"nyoka Mai Jessy uno murovambira seri kwemabhaketi Mai Jesca"ahhhhhh nhai Mwari wangu Ndakanopinda mumba kana izvo zvivindi zvacho ameno kuti zvaivewo zvabva kupi .Ndakatarisa seri kwema bhaketi acho asi andina nyoka yandakaona ini .Ndakabuda panze kunodai wanikwe Baba Kuku vakange vabatiranwa zvino nevakomana vaye... Mai Jesca"moda kudii??? Bholo"vari kufanirwa kuendeswa kumba nemurume wavo Mai Jesca"zvataura amuna kuzvinzwa here imi?? Bhola"Mai Jessy budai munyaya iyi ,mukadzi uyu anorwara nepfungwa Mai Jesca"siyai munhu avarware Bhola"kana vasingarware nepfungwa saka nyoka maiona here?? Ndakamboramba ndiri zii ndokubva ndagutsurira musoro wangu... Mai Jesca"ehe ndaiona irimo Bhola"tikapindamo tikaishaya tichasvitsa nyaya iyi kuna sabhuku Ndakanzwa mudumbu chaimo nekuti pachokwadi nyoka ndakange ndisina kuiona asi apa ndaingove ndangobvumira .Vakabva vambosiwa Mai Kuku ndokubva vakomana vanopinda mumba .Wega wainyatsonzwa kuti zvinhu zviri kugwedemudzwa mumba umu ,ndakangokanda ziso kuna Mai Kuku. Vakabva vandipa sign yekuti ndakatadza kunzwisisa .Ndakatarisa kumurume wavo ndikanyatsoona kuti pfungwa dzake dzaive kuvakomana vapinda mumba .Mai Kuku vakangoita two steps back vachikotama ndokunhonga chihuni vakanochirova kugotsi kwemurume wavo... Ba Kuku"ahhhhhhhhhhhhhhhh Mai Ku....Ku Akadaro akabata gotsi achitendeuka kutarisa kumukadzi wake ndokubva apfugama asi akangomutarisa chete ... Mai Kuku"zimuroyi remunhu Ba Kuku"wa...wandikuvadza Vachipedza kudaro vakabva vadonhera pasi ndiye zii .Vakomana vaye vachibuda mumba vakawana munhu adonhera pasi . Bhola"maitei munhu vakadzi imi Apana kana akadaira ,vakamhanya kuenda pana Baba Kiki vakaedza kuvamutsa asi havana kumuka.. Jasoni"avana kufa kaava? Bhola"avana vanenge vafenda .... Mai Kuku vakange vakangoita two steps ndiye tande kutiza .Vakomana vakazosara vocheuka kutarisa asi munhu akange atorova pasi vakadzoka kwandiri vakanditsvukisira ziso... Bhola"pari pamusaka penyu ipapo Mai Jesca"pekutii kudii??? Toranai nemunhu wenyu mubve pamba pangu maguta kunyarwa Bhola"mapara mhosva Mai Jessy Mai Jesca"yechii??? mukwane manzwaka maguta stereki ibvai pano kwete kuramba muchindinyangadza Ndakaona vatutana neumwe wavo wekurohwa gotsi vakabuda vakaenda. Ndakasara ndichiturawo befu asi imwe pfungwa yakadzokera shure kufunga kuti saka Mai Kuku vanyatsotiza vachinanga kupi nhaimi ... Bhola"Mai Jessy moonererwa stereki Ndakasimudza musoro wangu nguva dzandanga ndakuda kupinda mumba wanikwe ndiBhola aive adzoka zvekare pamusha wangu ... Mai Jesca"wakufarisa manje Bhola"ndambenge ndichizviziva here kuti murume wacho ibenziwo Ndakabva ndaramba ndakamutarisa achisvika mudhuze... Mai Jesca"chii chaitika? Bhola"apengenuka tichangobuda gedhi ndobva atanga kutaura zvekuti anoda kuuraya dunhu rino rese Mai Jesca"zvandambokuudzai wani kuti inyoka Bhola"ndaigofembera here kuti benzi riri kurongei mupfungwa dzaro Mai Jesca"muchinyanyawo saka vamwe vaendepi?? Bhola"kwasabhuku ,andei tose tinongopa huchapupa pamwe chete Mai Jesca"mukandifambisa zvisina basa rese tichanetsana Bhola"kana zvachose. ... *MAI TEE* Ndakavhura maziso angu mbijana mbijana ,ndainzwa musoro uyu kutema kuita kunge usiri wangu zvachose .Muviri wese uyu ndainzwa kunge ndakasenga masaga ezviyo chaiwo .Ndakaona ndiri paPatient bed ,ndaive ndiri ndega muroom umu .Ndakanzwa chibundu kuti dzii pahuro pangu ndichiona muviri wangu une maScratch pamwe chete nema bandage ndakanamirwa .Ndakaedza kufunga zvaitika asi ndakakasira kuzvimisa kufunga nezvazvo nekuti ndaibva ndanzwa kurova kwehana pamwe chete kutonzwa muchipfuva mangu kubaiwa-baiwa. Ini ndakanganisei chaizvo nyika zvainondiramba masikati machena? Ndinongisvika dzamira nemhuri nguva dzose.Chokwadi Baba Tee ari kundikanya ndakatarisa .Pandinenge ndichimisazenze romufaro ndichiti ndiri mumumvuri ndichinyatsomuyanikira rudo rwose pachena semurume wangy ,nyamba anenge achinyatsondifudza akandikwatidzira mirudo rwokunyeba .Chokwadi upenyu hwangu ibumbiro rokuitirwa utsinye chete .Vekumatenga ndibairei zani kuti ndodii nekuti rudo pana Baba Tee ndave kunzwa richitaramuka kure neni... Doctor"morning morning Ndakasimudza musoro kutarisa kudoor ndokuona vari chiremba vakange vapinda.Vakanditarisa tarisa vakati any time ndinogona kubuda ndamboti zororeyi mbichana. Vaitoti its a miracle nekuti ivo pachavo vainge vapa maAssumptions ekuti ndichatombogara muno manje apa zvainge zvaita sendamuka ndaRecover on most parts of my body.Vakagara pastool vachiratidza kunetseka chose. Vakayedza kuda kunzwisisa kuti chii chaizvo chaitora nzvimbo nekuti panga pasina kana four weeks ndabvapopandakambouya ndichichekwa bhipi . Doctor"how are you feeling? Mai Tee"nyama iri kudzimba Doctor"dont worry ,you will heal soon dear... Mai Tee"vana vangu varipi chiremba? Doctor"l guess with their GrandMa kumba ...... Mai Tee"ndane mazuva mangani ndiri muno? Doctor"two days ...nhasi ndorechi Mai Tee"ndokumbirawo mvura yekunwa Doctor"oky fine l will be right back Ndakangogutsurira musoro wangu vachibva vabuda zvavo .Pavakabuda ndakambosara ndichizvipa nguva yekunyatsofunga nezveupenyu hwangu kuti kusvika riini chaizvo ndichingodzivaira.Ndakambofunga kuti kufa kwega ndiko kwaigona kundizorodza. Ndakatarisa tray yaiva nemapiritsi akawanda wanda kandisina kunge ndatsanangurirwa kuti ndeeyi. Ndakamadira ose mumaoko ndichibvunda mamwe achidonhera pasi. Asi pandakangofunga vana vangu ndakanzwa shungu nesimba mandiri ndikatoona kuti ndikaita give up on life ndinenge ndavakanganisira zvakanyanya. Ndakaerekana door ravhurwa ndakangomagukuchira mapiritsi iwayo doctor vachibva vapinda. Doctor" Here is your water .....What???? Mai Tee"hmmmmmmm Doctor"huuuuh???Don't tell me you wanted to take an overdose. Vakadzungudza musoro vakabata muchiuno ndokutora mapiritsi ese ndokuisa mutray makare.Vakagara pastool yavo vakanyatsonditarisa kumeso apo ini misodzi yaive yava dziva pamatama angu... Doctor"wakundikana here nehupenyu zvekusvika pakuda kuzviuraya nhai hanzvadzi yangu Mai Tee"ndakurirwa nezve hupenyu andidi kunyeba Doctor"manje kuzviuraya kunopedzei ??? Ingozi kaa iyi yaunenge wasiya panyika neiko kwacho kwawaenda unoti unonotambirwa nani iwe wazviuraya nguva isati yakwana ? Imbopafunga ipapo Vakatora almost an hour vachindipa counseling. Shoko rimwe nerimwe rainyatsopinda richinoti dzii pahana pangu. Ndakabatwa neshoko rekuti "I was being selfish ,greedy and heartless towards the one's who loves me." Yes ndakanga ndarwadziwa asika zvainyanya kurwadza vanenge vasara ndanga ndisina kumbo considerwo maronda andaizosara ndadyara mumoyo mavo. Ko kusambofungawo kuti vana vangu vaizoita seyi kana ndaita zvandaifunga kuti ndiko kuzorora. Ndakavatenda doctor vakati vaizondidana ku office kwavo vombonyatsotaura neni ndisati nda discharjiwa. Pavakabuda ndakamboita nguva ndichipedzisa kumbochema ndokuzopfugama nemabvi angu aya ndikaita kamunamato kekukumbira lshe kuti vandiregerere mweya wetsvina wanga wandigara wekuda kuzviuraya .Pamwe chete ndakanamata kutenda ivo Mwari nekundipa ushingi hwekuenderera mberi nehupenyu hwangu despite what l lost or what will happen thereafter. Ende ndakatoona kuti uyu ndisatani aida kundidzivaidza chete kuti ndifunge kuzviuraya ndodama rekupedza nhamo panyika izvo zvisirizvo zvachose. Pandakapedza kunamata kwamgu ndanga ndakunzwa simba chairo mandiri ndaitoda kugeza ko ndanga ndakapedzisira kugeza kwaRasta vaye kuseni. Ndakapinda mu bathroom ndokugeza ne pant rangu nesipo yandakangoonawo irimo pamwe chete nekuzora lotion yaivemo zvekare.Time dzandakabuda ,ndakavhunduka kuwana baba Tee vakagara pa stool vakabata kumeso. Pandakavhara door vakavhura maziso misodzi ichierera. Vakasimuka vakamira vakanditarisa ,kutaura kwandakaita na doctor kwakandipa ushingi and ndakatozviudza kuti enough is enough. It was high time I acted semunhu ane dzinoshandawo pane kungoitwa bhora. Ndakanyatsotaura neunyoro ndikati Mai Tee"muri kudei Baba Tee? Vakaramba vakanditarisa vakambotora nguva vakanyarara. Ndakagadzirisa pahuro ndaida kuti vakangosimudza ruoko chete ndaiiparura mhere inovharira chipatara chese. Bva ndakasvava munhu wacho aitonzwisawo tsitsi. Baba Tee"Mai Tee lam happy ndaona wamuka wava nani ???l thought it was going to take some time for a full recovery Mai Tee"ndozvinoita Mwari izvozvo Vakamboti ziii ndizonzwa voti... Baba Tee""But why mai Tee? Mai Tee"pachii? Baba Tee" Why wanga uchida kuita suicide?Vana waiti vanozosara nani? I know lam responsible for everything ,can we seat down and talk Andina kunogara pasi nekuti aive adaro asi kuti ndirambe ndakamira ndainzwa kuti makumbo angu ane kakudedera kaari kuita ... Mai Tee"Ko vana vangu varipi? Ba Tee"Ari kumba naMhamha Mai Tee"woda kuurayisa vana vangu in the presence of Fadzai??? Baba Tee"haasisiko ???Akaenda Ndakapererwa asi ndakangonyarara ndaisada zvekutaura. Pose apa ndanga ndakangopfumbatira pant rangu rekuchinja rabvepi. Baba Tee"Mabag ari mumota rega ndinokutorera. Doctor vati unogona kubuda hako wozodzoka for check up after a week... Ndakangogutsurira musoro wangu achibva abuda .Ndakasara ndichizvibvunza mubvunzo kuti uyu Fadzi ari kunzi aenda ko ,akaendeswa nani nekuti the last when we talked airatidza kuti ari kutaura ane paakatemba kaa .Ba Tee akadzoka nebag vakanditambidza ndokubva abuda ndikasara ndikachinja hangu . Musana ndiwo wainetsa kukotama asi zvaiva nani hazvo. Nurse vakauya vakanditora kunondiratidza office ya doctor. Vakandibvunza zvakawanda wanda ndichipindura. Vanga vakasununguka chose I felt so free kuvaudza zvose kusvika pandanga ndava apa ndava matsi uye makwapa anenge eshato iro dumbu rakuita semunhu akamborohwa neherpes. Doctor"Ndataura naye murume wenyu ndichimuonesa ijeri chairo kushungurudza mukadzi.Kana asisade marriage ngaataure pane kuve abusive .Asi murume wenyu ati anokudai uye ari kuti pazvose zvaakaitika haatozive kuti chii chaive chamugara .Andiudza zvese zvakaitika uye ati ari kuda kugadzirisa paakaresva pacho for the both of you to start over again . Vakandibvunza paiva ne pfungwa dzangu ende chandisina kuvavanzira ndechekuti zve relationship naBaba Tee was causing me more pain. Ndaida kumboita zveupenyu hwangu. Doctor" l understand hanzvadzi asi in life zivai kuti vana vanongofarawo kukura mumhuri ina mai nababa varipo not vari separated .Vana venyu vachiri vadiki ava they need both their mother's and fatherly love mazviona.So ipapo muzopafunga henyu mukawana nguva I was really inspired nekutaura kwa doc ndikabudamo ndava nemaonero akarodzwa. Ndaida kuenda nelndrive asi ndakawana Baba Tee akamira akazendama pamota pake. Kutaura chokwadi ndanga ndisingadi kuenda naye ndazongonoita pay up ndasvika kumba . I was angry at him I had so many questions dzaida mhinduro. Ba Tee"mapedza kutaura navo here? Mai Tee"yes Ba Tee"oky Ndainzwa shungu mukati mangu and ndainzwa mashoko andaida kutaura kuna Baba Tee achiunga mupfungwa dzangu kuita sendiri kukirema poem.Akandivhurira door rekumberi ndikaramba ndaida kuzorora hangu ku back seat iyewo haana kuita nharo. Maziso angu aitorema hawo hope. Baba Tee"tiri kutanga tambopinda nemu town pane mishonga yandanzi naDoctor inofanirwa kutengwa ndanga ndapiwa prescription na doctor. Mai Tee"ehoi Iko kuita kwavowo doctor handiti vaifanirawo kundiudza kuti mishonga yavandi nyorera inoshandiswa seyi here? Manje ava vakanga vavaudza kuti ndiri mukadzi wavo ndiye akanga audzwa zvose. Takamira pa pharmacy akabuda akanotenga mishonga akauya nayo. Pane waiva mutube yaiita seColgate ndikabvunza kuti wanzi unoshandiswa seyi akati achandiratidza kuti unoitwa seyi. Mimwe yose akangondiudza manwirwo ayo nedosage yacho iwoyu hameno kuti wakaremeyi kutaura.Akabvunza kuti ndaida kudyeyi ndikamuti ndaida kufonera mama kuti vafanondibikira sadza chairo ndaida kuziya. .. Ba Tee"so chemuno muTown hausi kuda ? Mai Tee"yes Ba Tee"you just want home cooked meal Mai Tee"yes Akatora phone yake akafona.Ndakavata hangu ku back seat musana wangu waisada kugara nguva yakareba. Kana kuti nditi hopewo dzakandibata nguvayi ndakazvishaya. . Ndakapepuka ndichitorohwa rohwa matama ndichinyatsonzwa kuti malips angu akanyorovera. Ndakapukuta ndofunga dzaingova pfungwa dze zvandakanga ndarota. Ndichitarisa panze kudai ndakambopukuta maziso ndichifunga kuti kuda ndaita chadzimira. After some seconds ndakazoti pengenu ndokuona kuti tanga tasvika pamba... Ba Tee"tasvika Mai Tee"oky *FADZI* Ndakati ndiri mubhazi tichangodarika Chegutu ,bvaa ahhh hope dzacho ndidzo dzakandikanga mate mumuromo. Ndakarota ndiri musango ndichifamba ndiri ndega. Ndakatanga kunzwa gotsi rangu kurema kuratidza kuti kune chinhu kana munhu ariko. Ndakacheuka ndokusanganidzana na sekuru ve Mozambique vari musvo zvavo vachindininira kuti ndiende kwavavari. Ndakatendeuka ndoda kutiza ndikaonazve vamira mberi kwangu, iyo ak47 yakatokoka. Apa vaiseka zvekusvotesa. Vakabva vango chinja face ipapo ikaita yembada asi kutimbi uri wemumhu ndokutanga ku advancer. .. Ndakadududza kusvika ndazvipinga ndokudonha. Chakangosvika ndokudambura nhumbi dzangu ndokutotanga kuita bonde neni ipapo. Ndakayedza kurwisa asi simba ndiro rakaita shoma. Asi chakandinetsa paiva nevanhu vaikuza asi handina kuvaona. Ndakazoita kunge munhu anga akabatwa nemadzikirira ndokuti pepu. Apa ndaitonzwa neka feeling kemunhu achangopedza bonde. Kunobata pakati pamakumbo kudayi ndakanzwa haikona kuita dhabhura kutota... Man" nhaimi iiii kwakanaka Ndakanyara chaiko kukanganwa kuti ndigere mubhazi mune vanhu apo worst of it ndaive ndigere padivi nemunhurume .Ndakanyara mufunge imika ndakabva ndabvisa ruoko mubhurugwa ndokutarisa kuhwindo.. Man"manga muchitoteiko zvamabva mamuka ndichiisa maoko mubhurugwa Fadzi"soriyi henyu Man"ahhh pamwe maisuwa kaaa Ndakabva ndatarisa kumurume uyu ndikaona achinditsonya ziso ndakabva ndatoona kuti ane basa murume uyu... Fadzi"ahhhh nhai mukuwasha ndokwazvasvika here? Man"togona kungopanana Akadaro achizevezera munzeve dzangu achiita kakunanzvira maLips apo ugoona kushata kwakanga kwakaita fesi yake zvaisamboita .Asi ndakambonzwa hangu kuti varume vakashinga pachiso ndovakatakura big load mubhurugwa umu ameno how far true is it... Fadzi"ahhh ende zvakakuomerei ... Apo ndakataura hangu ndichiita kakunyarira... Man"lam Simba. Ko ,imi monzani? Fadzi"Fadzi... Man"makaroorwa here?? Fadzi"aiwa single and searching hangu... ************ DROP YOUR COMMENTS *🌹My aim is to inspire and motivate lives through my stories*🌹 End of chapter
❤️ 🙏 👍 😂 😢 😮 🍆 👏 💃 364

Comments