
Authoress Xammy Novels
February 15, 2025 at 11:06 AM
🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉🦇🦉
*👨🏿🦳🩸ZIZI RATEZVARA*👨🏿🦳🩸
** *SEASON 2* **
Story Written by ::
✍🏽✍🏽Authoress Xammy❣️❣️
*Follow my WhatsApp channel* 👉🏾https://whatsapp.com/channel/0029VadsJv4AInPsIzpYHV1T
"*🚫This novel is entirely a work of fiction portrayed in it are the work of the authoress imagination.Any resemblance to actual persons ,living or dead,events or localities is entirely coincidental*"
⚠️ *DO NOT COPY OR EDIT*⚠️ 🚫 *STIFFER PENALTIES IF YOU STEAL* 🚫
*FOLLOW ,READ & SHARE* 📚
Chapter 1️⃣5️⃣
*BABA TEE*
Ndakambogara mu lounge ndainzwa vachitaura asi mavoice ari pasi pasi. Ndakaswedera padoor ranga rakavhurwa rakasiya hwangwaridzo diki diki.
Mhamha"saka uri kutii nhai Mai Tee muroora wangu ...
Mai"Ndiri kufunga kutsvaga imba ini mama yekugara nevana vangu.
Mhamha"usadaro murooora pliz ndapota hangu
Mai Tee"ndiri kurevesa Mhamha .Anditi Baba Tee akakoshesa Fadzi over me .So I think I can manage now.Zvekuita rely nevanhu izvi mama ndinofa ndikasiya vana vangu. Ndatombopindwa nemweya wekuzviuraya ini. Doctor vandibatsira ne counseling and vandivhura meso ndanga ndapofumadzwa neshungu.
Mhamha"wadii wambomirira Apostle Trust vakaenda kumusha zuro manheru uzonzwawo kuti ivo vanoti kudii ...??
Mai Tee"this life and unbalanced marriage ndazvangu Mhamha
Mhamha "ehe hazvo asi advice dzinobva kune vamwe vanhu dzakangonaka ufunge hako muroora
Mai Tee" zvakandiomera Mhamha ,ndinozvishora each and every time mufunge
Mhamha"Ndiri kuzvinzwa zvese mwanangu and unopora kani ugochengeta vana vako. Asiwo handina kumbotaura zvakawanda na baba Tee asi unotoona kuti vari ku regreta. Anokuda baba Tee ndiwe mukadzi wake
Mai Tee"ko ,Fadzi chii chake ???
Mhamha "apana zviripo paye iya itori mhepo zvayo ......Mirira Apostle vadzoke mugariswe pasi pliz ndapota hangu muroora...
Mai Tee" Mhamha kaaaa ndiri kurwadziwa
Haana zvimwe zvaakapindura misodzi ndiyo yakangoyerera.Ndakabva ndangopinda ende vese vakange vasina kutarisira kuti ndingapinde...
Ba Tee"Mhamha can you give us a minute
Mbuya Tee"pakanaka
Mhamha vakabva vasimuka kubuda ndingavhara door behind ndokunogara pamubhedha ,Mai Tee akangotarisa kuside avoiding eye contact neni achipukuta misodzi yake....
Ba Tee"zvauri kuda kutaura neni zvese zviri mumoyo mako nditaurire
Mai Tee"l want to be alone
Ba Tee"no Mai Tee nyaya dzinotaurwa dzichipera pliz saka pliz taurai .All ears on you
Akambochema kwekanguva akazopukuta misodzi ndokuti.....
Mai Tee""First and foremost, baba Tee I need an explanation kubva kwamuri kuti why makandiitira utsinye hunorwadza kudaro? Maitoona zvichiendeka kundibaya moyo wangu .Kutoronga mese naFadzi kuzondosvotesa.Kwamakandiita uku kuponda chaiko baba Tee you wanted to see me dead. Why?Chandakambonyatsotadza chii chaizvo chisinga ripiki? Why musinga gutsikani you want to see me suffering every time. Why? Mhosva yacho chaiyo iri papi yamakandirovera mwana kudaro aive atadzei Tee?Zera rake iroro mungatoti angazive zvekupa munhu poison manje haaa pindurai kaaa?Nhasi Fadzi wacho aripi wamaidada naye anditi manga matofunga kumuita mukadzi wenyu saka ibvai mangotora iyeye ini mondirega hangu ndinoita start afresh nehupenyu hwangu
Handina kupindira pose paaitaura ndaida apedze kudurura shungu dzake. Akachema zvakandibaya pamoyo ndikarega achipedza shungu akadaro.
Mai Tee"chokwadi zvepasi pano zvakandiomera chokwadi ....
Ba Tee"ndokumbirawo kuchitaura
Akamboramba akanyarara asina kupindura...
Mai Tee"talk
Ba Tee"Mai Tee chekutanga ndinoti sorry for all the pain that I caused you. I'm saying this from the inner tablet of my heart.. Everything happened so fast ndanga ndazara pressure ne confusion mumusoro.Sometimes l feel like Fadzi akatondiisira mushonga maybe ndichabvunza Apostle coz ndakangotanga kunzwa kumuda off the blue sky .lwe kutonzwa kusvotwa newe thats why ndiri kuti upto now l dont even understand kuti zvii chaizvo zvakaitwa pandiri naFadzi .Ndakatozobata chokwadi kuti ane hutsinye when she was trying to hide the info from me yekuti watsikwa nemota .Digging further tikada kutozvitarisa munhu uyu aitove neAgenda yake kare kare .Ndokuda mukadzi wangu ,lam very sorry ,l promise to never do zvandakaita kuvana nekwauri. I love you Bertha ,my wife ....Give me a chance to prove myself .Imba usasiye ndeyako nevana pliz pasina iwe apana musha...Dont go Dont leave me alone my wife...ndokuda
Akachema ndikaswedera ndikamumbundira but she didn't respond hake.
Mai Tee"Ba....Tee
Ba Tee"I'm sorry mai Tee I failed you.
Haana kupindira she just pulled away from the embrace ndokubva anditarisa..
Mai Tee"ndoda kurara ndaona vana vangu
Ba Tee"oky let me make a call kuna Vongai
Ndakadaro ndichisimuka ndokunomira necheku windor ndichitanga kufonera Vongai .Akabva atongodavira achiti ave pedyo nekusvika kumba .Pandakakata ndakabva ndaenda pedyo nepa bed. ...
Ba Tee"soon anenge asvika
Mai Tee"oky
Ba Tee "do you need anything ???
Mai Tee" apana.. ...
Ba Tee"chamada just hit me up ndakagara kuLounge
Mai Tee"oky
Ndakabva ndafamba ndichibuda ndave kunosvika kudoor ndinzwe..
Mai Tee"Ba Tee
Ndakabva ndatendeuka ipapo ipapo....
Ba Tee"huuuh watii??? Do you need anything?
Mai Tee"nevermind you can go
Ba Tee"are you sure?
Haana kudaira nemurume akadaira nemusoro ndichibva ndabuda hangu ndakananga kuLounge kwaiva naMhamha. Ndakanogara hangu pasi,Mhamha ndokubva vaswedera padhuze ndinzwe...
Mbuya Tee"ati kudii?
Ba Tee "apana zvakawanda zvaataura
Mbuya Tee" asi hope iripo anokuregerera ngatingovapa time chete
Ba Tee " pamwe ndiri kutaura zvisingagutse ameno Amai
Mbuya Tee" usati ameno kaaa have faith
Ba Tee "ehoi Amai
Mhamha vakabva vadzokera kubedroom uyuwo Vongai akabva asvika nevana .Ndakabata vana vangu ndokuenda navo kuna Mai vavo giving them some space .Ndakadzokera kuLounge Mhamha vakanditevera ...
Mbuya Tee" ko ,wakuda kubuda wafungepi??
Ba Tee"kunotenga chikafu chemumba .....fridge yane maGapes
Mbuya Tee"mobva mandivigirawo chokoreti
Ba Tee"okay Mbuya vaTee...endai munondibvunzirawo vari mubedroom kuti vari kudei?
Vakaenda vakadzoka pasina nguva vandiudza zvaive zvataurwa neumwe neumwe ndakatonakidzwa hangu ndanzwa kuti Mai Tee vaiti vari kuda Biltong .Ndakabva ndangosekerera ndichibuda hangu kuenda ...
*MAI KUKU*
Pandakasvika pamusha wasabhuku vemudunhu umu vanenge vaitofunga kuti vachawana nditori benzi rinoti hiriri chairo asi vakaona zvisizvo.Vakandigarisa pasu vakatanga kundibvunza mamiriro akaita nyaya yangu andina chandakasiya zvose ndakadurura kutaura .Nguva dzandakapedza kutaura Ba Kuku vakabva vasvika vachinonditi dzvii ruoko rwangu...
Ba Kuku"andei kumba
Mai Kuku"akuna kwandoenda
Vakaita sevanoda kundidhonza ndipo pakabva pabudikira machinda asabhuku vakabva vabatwa ndokusungwa maoko nemakumbo vakagadzikwa pasi pemuti .Mai Jesca nebhoizi riye ana Bhola vakabva vasvikawo vachiona zvinhu zviri manyama amire nerongo...
Bhola"sabhuku ....magona mamusunga murume uyu apengenuka achiti anoda kuuraya dunhu rese
Sabhuku"uyu ari kutongoda mapurisa nekuti apara mhosva dzawandisa stereki .Regai nditume machinda anonodedza sabhuku vekwa Chisanga tione kuti nyaya iyi toifambisa sei
Sabhuku vakabva vamboti sudurukei vachitaura nevamwe vakomana vaviri vandakangifungidzirawo kuti maybe ndivo vari kutumwa kuenda kwaChisanga .Sabhuku vakabva vadzoka pataive ...
Sabhuku "ndatuma machinda anodedza sabhuku vekunobva vanhu ava
Ba Kuku" yamatanga moigona here iyi nhai sabhuku
Sabhuku "iwe nyarara!!!
Vakadaro vachisimudza tsvimbo yavo kunongedzera Baba Kuku ...Ivo Baba Kuku toseka mufunge..
Ba Kuku" ahoooo muchaona henyu kuti mukuru nevadiki ndiani?
Sabhuku "uri kutemba huroyi kaaa manje pandiri hazvishande
Ba Kuku" ahooooo muchaona henyu ....muchanditsvaga
Sabhuku "uyu anorwara uyu garei henyu pasi vamwe vose
Takabva taita sekudaro ndokugara pasi ndina Mai Jessy naJesca padivi .Ndakanzwa Mai Jesca vozevezera munzeve dzangu...
Mai Jesca"honai honai zvakuita murume wenyu
Ndakatarisa kwanga kuna Baba Kuku ndikaona vachipfira -pfira mate pasi...
Mai Kuku" zvakaoma
Mai Jesca "mukati havasi vakupenga here?
Mai Kuku" ameno mufunge
Umwe wevakomana aive agere pasi ndakaona asimuka achiita zvekusvetuka achidana zita kuti "maihweee" .Vanhu tose takatovhunduka kuti ko ,chachii futi munhu zvaavhunduka kudai...
Sabhuku "ko zvaita sei???
Wirison" ameno changa chandinanaira
Sabhuku "akomana ende futi...
Mubatsiri" tisvikewo pano sabhuku
Tose takatarisa kwakange kwabva izwi ndokuona ari mubatsiri wekwa Mai Jesca .Ndakatongoziva kuti ndiye nekuda kweVoice .Akasvika pedyo achirovanisa maoko pachimadzibaba ndokubva agara hake pasi paive nevamwe varume .Akambotarisa kuna Baba Kuku ndokubva atarisa kuna sabhuku...
Sabhuku "Mubatsiri ndimi mati tsika kudai tokubatsirai nei?
Mubatsiri" mweya ndiwo wanditumidzira pano sabhuku ....munganditenderawo here kuita munamato wangu ndoenda hangu nekuti pakasaitwa izvozvo panogona kudeuka ropa.Uyo murume uyo haasi raiti
Akadaro mubatsiri achinongedzera kuna Baba Kuku...
Sabhuku "nyaya yenyu madzibaba ndainzwa asika....kuita munamato azvizoite setiri kupumha munhu huroyi here. Imhosva ka iyoyo
Ndakabva ndasimuka panga ndakagara ipapo ipapo...
Mai Kuku"varegei vaite
Sabhuku" ahhhh nhai Amai
Mai Kuku"adzimbosi nhema....muroyi murume uyo...ndinotaura ndichi....
Ndakatadza kana kupedzisa kutaura ndakurirwa neshungu ndave kuchema ndikazobatsirwa naMai Jesca kudzokera kugara pasi....
Mubatsiri"pakasabatirwa munanato azvipere zvakanaka sabhuku
Mai Jesca"itai henyu imi ...apana huroyi hwapumhiwa apa kungochenura nzvimbo
Bhola"shuwa ngavaite
Wirison"shuwa munamato ngaubatwe nekuti zvimwe zvatinanaira atisi kutozvinzwisisa
Sabhuku vakatoona kuti apana zvokuita ndokubva vangoti munamato uitwe asi wega waitoona kuti vanga vasingade .Mubatsiri akabva adzurutsa bhetimaya yake ndokubuditsa mbiya ine mvura nematombo acho ndokubva atanga kumwaya -mwaya mvura pachivanze ...
Sabhuku "ahhh mirai mirai
Akadaro sabhuku achisimuka paanga akagara ,vanhu takatonetsekana kuti ko ,zvanyanyodiiko...
Mubatsiri" matiii baba???
Sabhuku "uku kune danga rangu remombe siyanai nako ...dirai iyeyu Rigiyoni uyu
Mubatsiri akamboramba akanyarara akatarisa zvake sabhuku ndokubva aseka ...
Mubatsiri" iwo mushonga weraki unenge wakumbotsvagirweiko ...
Sabhuku "ani???
Mubatsiri akaramba akanyarara ndokubva angoti mvura kupe kune danga remombe .Sabhuku vagoti votanga kuvava.lmi vakapopota kani zvekusvika pakunobata Mubatsiri huro yake dai pasina ana Bhola vakazonovabata haaa ingadai takaitirwa zvimwe imi ....
Sabhuku" andifarisirira mhani munhu uyu????
Bhola "aiwaka makutasa hunhu sabhuku zvanyanya kudiiko kudanga racho
Mai Jesca" yuwiiiiii Mai vangu kani Soko
Tose takatarisa kwanga kwakatariswa naMai Jesca kunodai wanikwe Baba Kuku vari kusunungurwa tambo dzakavasunga nezizi .Imika takasimuka panga takagara nekutya tichinomira panga pane vamwe .Baba Kuku kutoseka mufunge zvine kakudada mukati .Zizi rakajobora tambo kusvika vasunungurwa ndokubva vasimuka iro zizi rikabhururuka kuenda...
Ba Kuku"paye ndambokutii kudii?
Hapana kana akapindura tose takaramba takanyarara...
Ba Kuku"muchanditsvaga
Vakabva vatanga kufamba vachienda asi vasati vaenda kure vakabva vangomira ndokukanda ziso kune Mubatsiri vakamunongedzera nechigunwe...
Ba Kuku"iwe iwe iwe.....ndichakubata
Mubatsiri "chero mukada kutiza ,pano muchazongopadzoka chete pasina anokutsvagai ...
Ba Kuku" pandakabata wopaziva here iwe!!!
Mubatsiri "kana makazvitemba budai gedhi!!!
BaKuku" uri kundibhejera???
Mubatsiri "ndati kana muchiziva kuti pamakatsika panorema budai .....
Vakaramba vakamira Ba Kuku vakadzvokora Mubatsiri ,ndokunzwa ukuwo mombe dzasabhuku dzave kutanga kumhanya -mhanya mudanga imomo ,pasina nguva mombe dzakabuda dziri chahwiriri dzichipfumbura huruva dzakananga kuna....
*********
DROP YOUR COMMENTS
*🌹My aim is to inspire and motivate lives through my stories*
End of chapter
❤️
👍
😂
🙏
😮
😢
⚡
🍆
🍹
👏
487