MAI LAA NOVELS
MAI LAA NOVELS
January 28, 2025 at 06:01 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VadmmJj545urLscEqj2v *Gara waita follow channel yedu kuitira kuti usazorasikirwa nemamwe machapters ebook redu* *Married To A Ghost* *Follow this link to join my WhatsApp group* https://chat.whatsapp.com/ENHRuHMmdq82Wf7Wl8nNRj *Story by Mbalie*❤️ 0719900864 *Chapter 1* *Elorah* "Shit nhasi ndanonoka futi kubasa. Nhasi ndonochiona namai vaya" Ndakangosimuka ndakananga kubath kunogeza. Handina kana kugeza zvisvinu nekuda kwetime. Dzanga dzava past seven apa basa ndinotanga nahalf seven. Ndakageza ndichidemba chandaiva ndanonokera kurara nezuro. Ndakapedza kugeza ndakachinja, kokuchinja kwacho kwaimbova kwembiri here. Vanhu kubasa vaigara vachindiseka kuti ndinopfeka samunhu arikuda kuenda kundari. Ndaingoti chero hembe yandinenge ndaona padhuze ndiyo yandaipfeka iyoyo. Ndanga ndisina basa nekuti macolour arikupindirana here kana kuti hadzisi chikuru ndapfeka chete. Ndakapedza ndakabva ndatoenda kubasa zvekucleaner mumba ndodzoka ndozviona ndadzoka komumba mebhachura munoita tsvina nei. Ndakakwira combie ndakaenda kubasa netransport yedu iyi ndakabva ndatononoka worse. Ndakasvika kubasa ndakanzwa madam boss vachivava ndisati ndatombopinda mushop medu. Ndaishanda muboutique yaiva iri mumall, time dzandaifamba ndichiendako vanhu vese vaingonditarisa vachiseka havo. Chavaiseka ndayichiziva hangu boss vaiti kana vatanga kutuka vaitukirira kwete mbichana. Ndakangoti ndichipinda mushop boss vangu vakabva vatanga kuseka vachiti.... "Nhai mwari wangu vanhu huyai muone shura ririkuno. Iwe wakati ahushure iwe kkkkkk" vakadaro vachiseka havo. Ini ndakati regai ndishandise mukana iwowo kukumbira ruregerero. "Sorry mother nhasi transport yanga ichinetsa mufunge ndanonoka kuwana combie. Pandazoiwana ndanga ndatononoka kudhara apa yabva yandotenderedza hayo" "Ehwo ndapanzwa Elorah. Kokanjani uku" vakadaro vachinongedza tsoka dzangu apa vachiseka havo. Ndakati ndichinotarisa pasi kudai ndakabva ndaona. Hezvo zvandakapfeka bhutsu dzakasiyana kumwe kune pumps kumwe kune sandal. Ndakanzwa kuzvinyarira ndega ndakafunga kuti saka vanhu vese vanga vachindicheuka vachiseka ndiyo nyaya yavanga vachiseka iyi. Ndakanzwa misodzi kuvavira mumaziso angu ndaitonzwa kuda kuchema chaiko asi ndakazozvidzora. Kuchema kwaitozoita kuti vanhu vaseke worse saka ndakanyepedzera kuita benzi hangu ndakangotanga kunyinura ndakamira padoor. "Elorah ita serious iwe uri munhu wechisikana. Zvimwe ita uchizvitarisawo usati wabuda mumba. Sure munhu wechisikana ungapfeke kunge mbuya munizho kudaro" "Sorry mother hazvichadzokorodzeke futi" "Kkkkkk iwe usada kundinakidza iwe unogokumbira ruregerero kuneni kuti ndini ndadii. Iwe uchizvinyadzisa wega. Tora staff iyi urongedze tione ini ndakumboenda kumba toonana manheru" vakadaro vachitobuda vachiseka havo. Ini ndakasara ndichirongedza zvinhu zviya. Vanhu vepa basa vaingoti vakadarika nepashop pangu vaibva vatanga havo kuseka. Ndatopedza kurongedza pane mukomana wemu next anoita zvekugera anogara achindinyenga asi ndinomurambira Kure. Akauya akatanga kuti.. "Nhasi ndazozviona kuti ahusi mweya wemadzinza chete asingade kuti uroorwe unokutevera. Nhasi ndazoona kuti unagogo futi vanokutevera" "Kuda ukwane wazvinzwa zvinei newe zvekuti ndinagogo buda muno tione" ndaida kumutukirira asi ndakazonyara client yakapinda ichida kutenga. Ayiva ari mukomana uno munaku ayiva akanaka zvekwamwari baba chaizvo. Pandakamuona hana yangu yakarova asi ndakaidzikamisa. Mukomana uya akatenga zvaakatenga akabhadhara. Change ndiyo yakandinetsa semunhu aiva asina kutengesa kubva pandaiva ndasvika. Apa client yaitoratidza kuti iri pakumhanya akazongoti aona kuti ndatambura. "it's okay mother chiitai soo. Mirai ndikusirei tag rangu mozongondikandira neEco cash" ndakafara ndakati mukoma ava vanofunga ini kana kumbozvifunga zvese izvozvo. Vakandipa number dzavo vakabva vatoti ndiva bhipe kuitira kuti kana ndakanganwa vanozondifungisa. Ndakabva ndavakandira please call sezvo ndaiva ndisina airtime. Ivo pavakaona ndavaisira please call vakabva vaseka havo vachidzungudza musoro. Vakataura zvinhu zvavo vakabva vabuda time dzandakati ndigare pasi ndakabva ndaona kuti vasiya mapush echikadzi avaiva vatenga. Ndakamatora ndakamhanya nawo panze ndine tarisiro yekunovaona asi ndakavashaya ndakadzokera hangu mushop. Pandapinda ndakaona fon yangu ichotokata kuratidza kuti yanga ichiringer. Ndakatarisa aiva afona wacho ndakabva ndaona pakanzi change. Ndakabva ndaziva kuti ndimukoma vaya vekusiya bhutsu ndaiva ndadzisaver kuti change kuti ndizive. Ndakuda kutovakandira please call pakabva papinda massage yaiva yakanzi... "*torai bhutsu dzandasiya mupfeke mother mubvise shura riri mugumbo murase*" "Nxii uyu anondijairira chete anoti ndinopfeka zvekupihwa here ini nxi, Ayita lucky rekuti handina airtime dai ndamushura shura ko iko kuzonditi mother anoshura chete" Ndakangotora mapush aya ndakamadzosera paanga ari ndisati ndamatengesa mukomana ndaizongonomupa change yake yakakwana. Time dzakafamba ndakachaisa boss vakauya vakatora mari yavo. Asi yemukomana ndakagara ndaibvisa ndakayiisa paside. Ndakazoenda kunotumira mari yemukomana ndakaenda kumba. Ndichisvika kumba ndakaona mufon mangu mapinda mari iya yadzoka back kwandiri. Ndakatoshamiswa nazvo ndiri mukushamiswa kudaro makabva mapinda air time nema text achiteverwa nemassage yaiva yakanzi... "Iwe wakapusa iwe watadza kungongijutawo hako ndazokusungisa kuti wakaba mari yangu" "Handisi tsosti iwe undikwanire" ndakanokwira combie futi kudzoka mutown. Ndakamusendera mari yake back ndakabva ndatomufonera ndichimuudza kuti asazvidzokorore futi zvaayita. Iye handina kumupa nguva yekundidaira ndakabva ndatodropper call nekutomublocker. Ndakakwira combie ndakaenda kumba. Ndiri mucombie phone yangu yakaringer nenew number. Ndakagadzirisawo pahuro zvakanaka ndikadaira ndlkunzwa riri voice remukomana uya ndikabva ndato cutter phone yangu nekutoidzima. Ndichisvika kumba ndakangosvika nekubika tea nechingwa chaiva chakasara nezuro kuseni ndakabva ndatorara hangu ndisna chero kusuka. Ko husimbe hwepamba ndaitova nedregree. Kuseni ndichimuka ndichinotarisa time ndakaona dzava kuma past seven. "Maihwe zvangu nhasi futi here" ndakadaro ndichitojamba kubva pakabed kangu ndichitomhanya kubath kunogeza. Ndichipedza kugeza ndakabva ndatora hembe nekutopfeka nekutobuda kuenda. "Zvekutsvaira nekusuka ndodzoka ndichizviona ndadzoka." Ndakataura ndega ndichitolocker door rangu ndokubuda ndichitopedzisa kukama weave apa ndichishandisa glass reface powder. Ndichinobuda gate ndakaona mota yered yaivapo apa yaitaridza kuva latest. Nekudawo zvinhu zvakadongorera kuti ndione kana maiva nemunhu, but ndakatadza nekuda kwematinted ndikabva ndatosvitora maself maviri vatatu ndikatonhanya kunanga kumakombi. Ndakangofamba 2 steps ndikanzwa door remota richivhurwa ndokubva madzika mukoma uya wechange ndikaridza tsamwa, asi ndaiva nekuzvinyarira zvakare. Ndakashaya kuti aidei ini ndakamupa mari yake. "Hesy kani" he said achitaridza kuda kuseka. "Ndiri boe ukudei nhaiwe pagate pangu, ndagara handisi ndega roja rinogara mukati umu" ndakadaro zvekuvhara nyadzi. "Ndauya kuzokutora ndinokusiya kubasa kwako" "Asi kuti handikuzive kani kubasa kwangu. Nxaa kwanira nyika iwe" ndakadaro ndichitofamba ndichienda kubus stop ndisina kumirira mhinduro yake. Handina kana kucheuka kutindimutarise kuti asara achiitei. Ndakasvika pabus stop ndikabva ndamira, mukomana uya akabva asvika futi nechimota chake ndikatarisa kuside. Ndotenda mwari kuti asati aburuka combie yakabva yasvikawo. Ichiburutsa vanhu vayida kuburuka mukomana uya ndakaona achienda kuna driver. Hameno zvaakataura naye ndakaona akupa conductor 5 dollars. Sezvo vanhu vaiva vapera kuburuka ndakuda kuti ndikwire driver akabva ati "ambuya mota ahisi kuenda kurank plus yazara" ndayida kuvadaira asi ndisati ndataura combie yakabva tosimuka ndakasara ndakatuzurana nemukomana uya. Apa iye ayiratidza kuti ari kuda kuseka asi arikuzvidzora akabva ati.. "Hona uri kunonoka kubasa wakamira ipapo. Tarisa time dzabaya idzi chingokwira mota tiende handimbokudyai ini" ndakatoona kuti hapasisina option pane kutokwira mumota make nekuti time dzaiva dzafamba. Ndakakweva tsoka dzangu ndichienda kumota kwacho ndakapinda ndakanogara kumashure. Iye akapinda achiseka hake akabva atodriver mota yake achienda kubasa kwangu. Mumota imomo hamuna ayitaura neumwe kusvika tasvika pabasa pangu. Ndakaburuka mumota muya time dzandakati ndiburuke ndakaona hezvo..... *End of chapter 1* *Stay tuned*
❤️ 🙏 👍 😂 😢 😮 🙌 24

Comments