MAI LAA NOVELS WhatsApp Channel

MAI LAA NOVELS

11.3K subscribers

About MAI LAA NOVELS

Reading of Books by Mai Laa contact her on 0777505853/0717679222

Similar Channels

Swipe to see more

Posts

MAI LAA NOVELS
MAI LAA NOVELS
2/26/2025, 4:49:14 PM

Tava kuunza book redu my wish Vamwe vanoriziva vamwe havarizive

โค๏ธ ๐Ÿ™ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ˜ฎ 37
MAI LAA NOVELS
MAI LAA NOVELS
2/26/2025, 4:51:46 PM

Rikungoda ma likes nema comments only

โค๏ธ ๐Ÿ™ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ”ฅ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ˜ข 32
MAI LAA NOVELS
MAI LAA NOVELS
2/27/2025, 10:10:06 AM

Ahh 300 chete

โค๏ธ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ™ ๐Ÿ˜ข 27
MAI LAA NOVELS
MAI LAA NOVELS
2/26/2025, 6:30:38 PM

Baba vedu murikudenga Zita renyu ngarinamatwe nayino nguva ndinokudza hushe hwenyu,, mufaro wangu urimamuri manheru ano ndinouya pamberi penyu isu vana venyu mutibvumbamire regai kutendera rima ritonge pakati pedu asi tive nechiyedza bvumbamirai baba nezuva rinotevera tigone kukunamatai ndanamata baba zvinobhuruka nezvinokambaira zvatambudza vapenyu ngazviparadzwe munembe muchinjiko wenyu masuwo edu patichavata mugotichengeta ndatenda muzita renyu baba neremwana komana neremweya mutswene Amen

๐Ÿ™ โค๏ธ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ˜ข ๐Ÿ˜ฎ ๐Ÿ™ ๐Ÿฉท 209
MAI LAA NOVELS
MAI LAA NOVELS
2/26/2025, 5:48:13 PM

https://chat.whatsapp.com/DiBgdKsuQACHwBTNCw9gGx Isai ma comments umu

โค๏ธ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿซข 4
MAI LAA NOVELS
MAI LAA NOVELS
2/27/2025, 5:06:57 AM

Make sure zvamukuda zvacho mavhotawo at least 1k tione kuti todii

โค๏ธ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ™ ๐Ÿ˜‚ 52
MAI LAA NOVELS
MAI LAA NOVELS
2/28/2025, 12:55:19 PM

Now takuda kuona book riri kudiwa ndakuunza new book now

โค๏ธ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ™ ๐Ÿ˜ฎ 10
MAI LAA NOVELS
MAI LAA NOVELS
2/28/2025, 12:02:40 PM

*NDIRI KUKUPAI BOOK RINO kuti mudzidze uye munakidzwe CHINGOITA FOLLOW CHANNEL CHETE UNORIWANA RESE* https://whatsapp.com/channel/0029VaGoRj05PO0sienyL00L VAYA VANODA GROUP RACHO PINDAI LINK RIRI PASI APA https://chat.whatsapp.com/EH6V7Jko0sz0Gsi1OOhwuZ Vari pa Fb Ndokumbiro following yenyu book remahara iri munoisa ma like nema comments page ikure guys link iri https://www.facebook.com/profile.php?id=61573000265085&mibextid=ZbWKwL https://chat.whatsapp.com/7seI2y7dTfUIXamwmEtHfj *Ka uchida kunakirwa nemaboook gara wapinda mugroup risati razara* *Zvekare uchida machapter emberi pinda mu channel nekuti ndomunotanga kusvikira book dzimwe nguva hariiswe kumagroup asi mu channel rinoiswa,follow channel link iri pasi apo* ๐Ÿ‘‡๐Ÿ‘‡๐Ÿ‘‡ https://whatsapp.com/channel/0029VaGoRj05PO0sienyL00L *MY WISH* ๐ŸŒน๐ŸŒน๐ŸŒน A story written and created by Mai Laa 0777505853 0717679222 Chapter 2 LIZZY "Haa Tambu vasikana haukure wakaita Seiko wandivhundutsa",ndakaona Ari Tambudzai shamwari yangu ainge andivhindutsa,ndichibva ndajamba zvekuvhunduka chaizvo.ndichinozviwisira kure kuitira ana gogo vasaone, "Kwana Rizi wanzwa kwana,haunyare kudongorera vanhu ko ukawana vachiita zvisina basa" "Zvisina basa ndozvavari kutoitaka Saka ukuti ndikuonei" "Heee watii",akadaro achitosimuka kuenda pawindow,aidzidawoka nyaya bhururu wangu,and kutodarikwa ndokwaaisada.ndakatoramba ndakagara hangu pasi ndichitofa zvangu nekuseka and I'm sure vari mumba vakazvinzwa chete nekuti ndakanzwa ava kuti,"ndaswera hangu maswerawo gogo",and akatozopedzisa atobva pawindow paya. "Ko hanziiko kudongorera pa window",ndakanzwa gogo vodaidzira. "Ndandikudongorera Rizi..",vakabva vamudimura asati apedza "Kudongorera Rizi hasiye wandikunzwa achiseka here ipapo",vakadaro gogo vachidongorerawo panze zvino nepawindow paya "Ndiye ndandikut Rizi anga achiti Gogo varikukanga heavy minyu Mumba umu Saka ndanzwa moyo ndikadingorera" Ndakaona gogo vosekerera zvekuratidza kufara,"rega ndibva ndawedzera ne cup Yako yemvura mumvura yesadza yandandaisa ugodyawo" Ndakamutswinya tsoka Tambudzai zvekuti akanzwa kurwadziwa achibva ati"awuu",achikotama "Ko chii",vakamuvhunza gogo "Ukangobvuma sadza iroro ka watchout Tambu",ndakadaro ndichimuzevezera munzeve dzake. "Mudumbu gogo mukurwadza,mudumbu ndakutoenda kumba musaise henyu,Rizi ndiperekedzo" "Ukuchaya here",vakamuvhunza gogo. "Ehe" "Ehh kubva enda unochaira kumba kwenyu",vakadaro gogo vachitobva pawindow. Takatarisana ndokubatwa netsetswa ndokuita kuti bvaru nekuseka.tichitofambawo kubuda kuenda. "Saka gogo vachiti ukati ndikuchaya waizoita sei" "Vatya kusemedzeswa ka kkkk" Takaseka and tainyasoseka kuti gogo chavakasira kudzinga Tambu inyaya yekuti pamba pedu hapana toilet Saka vashaya kuti akazoda kuchata aichayira pai. "Ahh vachinyanyawo Sekuru vako kuda tunomaka kungotadza kutenga bag one re cement vovakisa toilet" "Ahh vakasangana vese vari two vane brain dzakafa,iwe hanty paya takachera gomba retoilet mumunda umo,tikatososrrawo mapango nehuswa,asi gogo vakaita sei kupedza huswa hwese vachivesesa moto,Sekuru kutoshinga kutora mapango hanzi kwatonhora vakadziya" "Paya ndakasvotewa Rizzy iwe,ne effort yatataisa veduweka" "Ukutodaro wauchitovakwidza ndege yemashanga paya ukuziva here kuti vabika Alevel yangu",tainge takapa tsuro yangu Zita na Tambu "Iwe unorevesa here Rizi,ko vabika A Level sei ahh veduwe,apa yaine mauta ko vadarireiko" "Zvese mudondo shaa ndandikutiwoka kakabara ndochengeta tuvana twobarazve ndichingodaroย  kuzoona panozonyorwa A Level ndendatoraiserka Mari svinu" "Une nharo Rizi hona ndakakuti zviunze kumba tizvichengete,like zvatakaita pa hanga paya,ukuziva wakatora Ari mazai 5 musango ukaunza kumba zvikachechenywa zvikatanga kuwanda pakazosvika form four wakango register chinyararire tikanonyora vasingazive nazvino havazvizive kuti wakatoturika ma A Mumba,vanongoti ka haa takakushaira Mari,ingadai wakaunza Alevel kumba takaichengeta" "Ndaingotiwo ndimbochengetera pamba pamwe zvinoitawo" "Honakร  nhasi yaiswa mupoto" "Saka wavatii" "Shaa zvakaoma saninga Sekuru kusvika pakutonotora tuvana mugomba...",ndakamutsanangurira zvese. "Eish so todii,hanga dziri kumba uku,unokwanisa kubhadhara fees ye first term,tatichiti padzedzichizoberekawo une uchingobhadhara fees then pakuzononyora registration yochibvawo ku Alevel project zvino zvakaiswa mupoto todii" "Haa ndoita plan don't worry " "Handei kumashops tinotsvaga Byer ka anongotora hanga ka1,titengese tisina pressure tibva tanobhadhara kuchikoro,nekuti last time paya takazenge tava ne pressure takuzotengesera vemubytcher vakuti vanoda makgs and zvakatipa Mari iri less than yataitarisira" Takabva tangofamba takatonanga kumashops. Hapana aiziva kuti ndakazenge ndakunda kunyora o level,even amai VA Tambu chaivo,hanga vaingoti takatengesa tikadya Mari,plus semunhu aisave nenyaya na gogo vaingofungawo kuti imwe mari ndakaendesa kumba. Yaive idea ya Tambu kuti ndinyore,ndakange ndatozviramwawo gogo pavakati vashaya Mari,asi Tambu akandipa idea yekutengesa hanga and zvakatofamba,dzainge dzawanda. Tambu akandibatsira ndikano register kuchimwewo chikoro chisiri chandaidzidza ichi kuitira pasawane anozoita makuhwa,zvakabatsira chaizvo,ndakanyora ndikatopedza,ndaingobuda pamba semunhu akuenda kuhuni ndotomhanya ndononyora,ndodzoka ndotsvaga huni,vagara vaisapopota ndikabuda ndikanonoka,chavaida ihuni chete. Kuita Kwa Mwari kunoshamisa ndaive ne U ku Practical only then C kushona amwe ese aive ma A. Tambudzai akaita kubuda misodzi yemufaro achiona ma results angu akafara,agara hake ainditemba,naiyewo ainge akapasa zvaireva kuti aienderera mberi nechikoro. Hondo yakazovepo pakuti ndichaenda sei kuchikoro kwacho. "Rizi iwe ndafungaka idea,iwewe wochinyebera gogo kuti beam yakuti uuye kuchikoro and wovati ndakutomodzokorora form Fourย  then wobva watongonopinda form 5 Yako" "Ko uniform manje yeku Alevel yakasiyana neyataipfeka" "Zvatovapoka kutobata head tovaudza chokwadi vokutendera kupfeka blue iyoyo,or kunyepa Kuna gogoย  kuti wava mu prefect ko hanty ndoinopfekwa nema prefects here" "Good idea" Tatakutosvika hedu pamashops,tichibva tananga pamhene yataida and takafara nekuti aka offer kutenga nema $7 per bird Saka taitoda kuzonoona kuti angaite mangani. "Hona daddy Rizi",akadaro Tambu "Vauya,ahh vauya nhasi hanzii hanty vanosiuya Kuma 29_30 ikoko here daddy vako" "Ndoreva vako",Mufaro wangu wakatombisuduruka ndichibva ndacheuka ndokuona vanonzi baba vangu vakaita kumira vakatarisa vanhu vaizvinwira doro ravo.uku vavakapfeka spaghetti top yaitosiya dumbu rese panze,ne ka jean trousers kadiki diki,mamirire avavakaita aitove ekuratidza kuti vaitidawo Doro iroro. "Iwe Huhwa,ibvapo uri kukupfura nemhepo uchatirutsisa wane mazuva mangani usina kugeza",akadaro umwe Murume ainwa doro,and kuti Huhwa raive word rinoreva kuti mupengo. "Ndipeiwo mukoma ndingoti dzvutu huro yatsva",vakadaira baba vangu "Kana uchida ndikupe tanga wandiudza kuti wane mazuva mangani usati wageza" "Ese",vakadaira vachiisa ruoko kuti vapiwe doro Vese ipapo vakabva vaseka,one wacho akazoti,"Huhwa iri doro hatikupeba,iziya redu iri,mabhachi edu aya,tikudya Mari yekuroorwa kwemwana wedu" Umwe akati "iye hanti anonzi ane mhandara yakura here,Huhwa roodza mwana umwe doro kkkkk gegege" "Uyo mwana wacho uyo akamira apo",hameno kuti ndianiko akandiziva vese bvavatarisa kwataive. Pandakada kuti ndifambe a step,ndakanzwa kunzi dzvii zvine Simba,kucheuka kudai kuona ndi baba vangu. "Eliza mwanangu,vaudzo vandipo doro",ndomadeedzere avaindiita Vanhu vese vainditi Rizi but ava vaiti Eliza. "Ndisiyei mhani" "Uyu mamuona mwana wangu",vakadaro vachindidhonzera kuvanhu Vaya uku Tambu handina kuzomboona kuti aendepi,apa baba vangu vavakaita kundibata zvine Simba. "Tamuona mudhara mwana wenyu" "Chindipo huro one chete",vakadaro ruoko one ruchikumbira rumwe rwakangondibata chete. "Unotipa mwana wako here Huhwa" "Oi ndipeio Kani",vakadaro vakutonzwisa Tsitsi and zvairatidza kuti doro vaitorida. "Ahh ini handiroore mwana we zengenene,yuwii ko akahakira baba vake gaya unodzipwa husiku",vese vakabva vati pwati kuseka "Haa plus uyu akatofanana chiso chake na Huhwa Ii kana ndigare nehuhwa Mumba haa bodo",vavakutoita kunakidzwa nekuseka Kani,uku kuti ndipfakanyike paisabudika ndandakaita kubatwa zvinesimba I once heard kuti benzi rine Simba risingaite. "Huhwa nemwana wako mukunhuwa wet Amana",vaidaro vachibva vaseka. "Ndisiyei Kani,dakuenda" "Ndiri daddy vako mwanangu,ukuda kutengerwei,Uda mota here ukudei ndiiutengere",vakadaro vanditarisa "Tanga wazvitengera doro Huhwa wozotengera ka huhwaless mota asi yemawayaka",zvaivanakidza voseka. Ndakashaya kuti ndodii,uyuwo Tambu ainge aenda ndofunga anga atiza,ndozvatinosiita tikangovaona tinotiza manje apa anga atiza achindisiya. Ndiri mukati mekushishikana kudaro ndakanzwa vandisiya ndokuona vachiita kuombera maoko kutarisa kudai kuona ndi Tambu aivatambidza ma Nyati maviri. Chandakangoita kurova speed ndichibva pedyo navo.Tambu achiteverawo. Ndakazozorora ndatoona kuti tava kure and havasi kutevera. "Waita hako Tambu' "Shaa ndandatopererwa ndashaya kuti ndodii" "Haa wauya at the right time inzwa maoko angu ne side iri zvakungonhuwa" "Wotonogeza hako,iwe hanzi nemusikana wemushop mandatenga hanzi havatengerwe doro kwanzi everyday vane vakutokutsoma iye anoti akatozovarova be broom kuti zvipere" "Ahh manje vanokuwanira kupi hanty wangotenga uri kuno vanokuwanira kupi" "Rizi type idzi manje dzine sharp memory ndopekut dzikazongondiona manje pese pese ndendakungonzi nditengero" "Ahh manje wazviparira haiwa wauchazviitirei" "Dzoro rako Rizi hautende nhai,dai pasina ma super iwayo hanty dai vavakangokubata chete nazvino,instead yekuti ndatengera baba vako chinwiwa wakutoganza hako hauko iwewe" "Ndiriko mhani tambudzo " "Kwana it's Tambudzai uko,ndosaka wadyirwa tumanyana twako kkkkk" "Manje handiribate sadza iroro nhasi vanodya Vega" "Nyasonovaramwira Rizi handei nekumba kwedu toribvonga woenda wakanyazoguta usazofendaka uchibaramwira" "Good idea" Takabva tatoenda hedu kwana Tambu ndokunobika tikadya ndokusuka. "Asi Rizi ka ndikuona senge kuti tisatengese mazai iwe,Mari inobudaa pahanga iri one is enough than kutengesa mazai,look anytime hanga dzikuenda ku off season yekukandira so tetakudii it's better tingoziva kuti tichange tichipa huku mazai dzichirarira totengesa dzava hanga" "Tambu pfungwa dzako ndodzega dzandakada kuramba nadzo only pazvinhu zvese,haa wangu unobatanidza" "Ndendichingoitirawo kuti usazondikanganwawo one wapachandoka" "Pachando ndendaenda manje ndichinoitei" "Wangu,hausati wambozvinzwa here kana kuzviverenga kuti vanhu vanokura life yekujoinidzidzira joinidzira iyi ndovanhu vanova successful in life manje,gaya yaunoitwa nemachembere ako,gaya sekerwe yaunoitwa tichifamba muroad uchinzi mwana we Zengenene,look Rizi ese aya ma testimonies emangwana aya,dzichava nhoroondo" "Iwe inyaya dzemuma movie dzaukutaura idzi Tambu nemumabook haiwa uchaonaka tochonera paruzevha iwe" "Ndati Yako nyaya inofanira kungonzi mwana we zengenene uya ,ndiri panoo ka ndichakuti Hi oneday ko Shona une usisatotaure kkk" "Handiende manje ndane energy yekunyasonotsamwira tsuro yangu manje" Ndakaoneka ndoku..,, End of chapter

โค๏ธ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ™ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ˜ข 47
MAI LAA NOVELS
MAI LAA NOVELS
2/26/2025, 5:56:14 PM

I know vamwe my wish moriziva so toita sei pa new book randiinari ramusingazive mese

๐Ÿ‘ โค๏ธ ๐Ÿ™ 11
MAI LAA NOVELS
MAI LAA NOVELS
2/26/2025, 5:24:57 PM

*NDIRI KUKUPAI BOOK RINO munakidzwe mudzidze manzwa ,CHINGOITA FOLLOW CHANNEL CHETE UNORIWANA RESE* https://whatsapp.com/channel/0029VaGoRj05PO0sienyL00L VAYA VANODA GROUP RACHO PINDAI LINK RIRI PASI APA https://chat.whatsapp.com/EH6V7Jko0sz0Gsi1OOhwuZ Vari pa Fb Ndokumbiro following yenyu book remahara iri munoisa ma like nema comments page ikure guys link iri https://www.facebook.com/profile.php?id=61573000265085&mibextid=ZbWKwL *MY WISH* ๐ŸŒน๐ŸŒน๐ŸŒน STORY BY MAI LAA 0777505853 0717679222 Chapter 1 "mashandire aunoitaka Rizzy aya anoda uchizoroorwa muumambo chaimo mwanangu,unondiudza kuti svinga rehuni riri seri kwemba uko ndiwe waritsvaga ukasenga ukatsiga" "Ma small small aya gogo,handiti Makati mukadzi kuti adiwe nemurume inyaya yekugona basa here" "Hongu muzukuru unofanira kushanda nesimba ndokuti uchengetedze imba yako,tarira amai vako vanongodzengerera nenyika vakatadza kuichengetedza imba Wani,tongoti pakutanga ndaivaudza vachiti idambe poto ndaichengetedzwe,vaiita nharo hezvi vakaburei vakamitiswa neborahosho baba vako avo vanongoswero teedza maraini vachitsvaga kune ndari,ivo vanotoita kunge chikwambo chemumusha havo,handingati vanoita kunge asi ndofunga ndovakatoromberwa kuti musha iwoyo vaite tumari twavainatwo,unoziva kuti raini rese ndivo vakatanga kuita imba yemarata,hanty unoona vane zibhedhuru zihombe kwete twedu tune 4 ma room,Saka zvinongoratidza kuti iro zengenene iroro ndorinoshandiswa chete,sei vasingaridzinge pamba" "Ahh ndinotonyara munomboziva gogo,kunzwa vanhu vachinongedzera baba vangu vachiti benzi kana kunzi hona benzibaba rako iro,dzimwe nguva ndinotozobva ndatochinja nzira ini,apa ndikaita munyama wekusangana navo vanondinyadzisa sei,mheno vakandizivawo sei,kana vakaudzwa nani ndinotoshayawo ini,iye mama vavapindwa neiko zvekusvika pakumitisana nababa ivava" "Rizi ka,zvamai vako here ndingatokwira BP yangu Soo ndirege" "Haiwa vanonyadzisa,apa vakandiona vanenge vachingoda kundidaidza nyangwe ndikavapira gotsi vanotondiziva chete,iye vakambondiziva Seiko vasina kumbogara neni nhai gogo" "Kupiko Mai vacho ndovane nyaya yese,ndovakamuudza kuti uyu mwana wako,ende akabva azvibata,kungoti hataizorambawo hedu,nekuti vakaunzawo tumari nekamombe,zvedamage,patakakonana hanzi Muroora ndaauye mumusha,iiiย  ndakavava,ndikati mwana wangu agare nechikwambo chakadaro bodo,Saka zvakatotanga uchiri mudumbu vachirifurira kuti uyu mwana wako Ari umu,Mai vako vaimbozama kunzvenga asika benzi ibenzi pavaonana zvaitotorana chete" "Ivo mama vaitii manje,vaiti zvakambofamba Seiko" "Hanzi I mistake,hee handimude,ahh zvamai vako,chandoziva dzasi yake inoshoshera chete,haadi kuona vemikumbo mitatu ava" "Mistake Seiko nhai gogo zvekusvika pakuzvarisana mwana,aiwa hakuna mistake yakadaro" "Iwe ainzwa here Mai vako,ndakamuudza poto ndaichengetedzwe asi ahana kundinzwa,zvandogarokuudza izvi Rizi,gara wakakwidibira poto haa kwaani,anenge aitovaviwa kana kuti yaitotutuma hayo poto yake yaakabva ada kukukudubura kudaro,mheno system yaaita yekutiza husiku achienda kujiti mheno twuvakanonwa twakaita poto yake ifashaire azosvika pakuguma akavata nechikwambo chinenge baba vako" "Moziva gogoka daily ndogaro zvivhunza same muvhunzo iwoyo kuti mama vakambonyasofungeiko" "Ahh ndakanyara mhoti musi wacho kudaidzwa nehusiku vana vabatikidzwa vari musvo,uku poto yatokudubuka muto watorashika ndivoka vakatovhura masuwo baba vako ivava,Sekuru vako vakatomborova ASI vakazosiya vatoona kuti vangauraye,Takabva tauya Naye kumba upi munhu angade kuti mwana wake agare nedzerendende,pasina nguva mimba yayabata,takavaudza ndopavakabvisaka ma damage Acho kusvika azvare,kwakumuti chienda kubasa ndisare nemwana iye kana endei kubasa,mitiswei ikoko na boss,ndakamuudza usadzoke pano,Murume wekumumitisa akabvisazve damage kuitira mwana,ASI akati mukadzi handidi ndine mhuri,makore apfuura aya akazowana Murume akaroorwa,ASI akaita sei kubatikidzwa hake nechikomba,manje ini na Sekuru vako takatoudzana kuti pano mwana waakaunza ndi Rizzy chete vamwe vese hatidi kuvaona,unoona rizzi poto ikanyasochengetedzwa ine benefiti iyi,hino Mai vako tudhemeji twatakawana haiwawo" "Ahh ivowo mama vacho vambori neshungu nekuuya kuno here ivava,kana shungu yekuti kumba kune vabereki neniwo mwana" "Anoita shungu yeiko achifunga varume,muzukuru kana uchizoda kuita benzi igopa Murume wese wese poto,unoita benzi rekugumisira,poto inopihwa munhu one uye akafara nayo isuwo tinotodyawo nayo",nyaya ya Mbuya vangu yaingove ye poto always. "Zvakaoma,mabikeiko Gogo" "Mune tsuro ndaiisa dovi" "Maiwanepi" "Mudangaka ko ndinovhima here inini wekuti ndinganzi ndaiwanepi,muvhunzo wako une kakuganza nhaika Rizi" "Ahh gogo nhai tsuro yangu yandakauya nayo ndichiti ndiitewo project yangu here amana,apa yaitori nemawuta",ndakadaro ndatorwadziwa "Ehe ndatorasa tuvanaka pandandichiicheka ko yaichimbooneka kuti ine mawuta nekufuta ikoko,iwo mafuta haa chikafu chawauchiipa chine hutano" "Gogo amana nei muchidaro imimi ASI ndakanyasokuudzai kuti ndikuda kuchengeta tsuro dzangu ndiite kaproject kangu apa,ndikuda ku raiser kamari ndienderere mberi nechikoro ndinyorewo form 4 gore rino,yes last year ndakatadza Makati hamuna Mari asika this year ndofanira kutoita zvisvinu" "Haiwa unozondiudza wakuda Mari kuti tsuro dzako dzaifanira kubereka dzokupa marii ndokupa" "Mondipa muchizoiwanepi,imi makatadza kundipa Mari pandaiida" "Ndotengesaka mhuru yangu yakaberekwa ne damage yekwa baba vako" "Ahh ende gogoka hamusi sereous sure munoti mozotengesa mombe kuri kuda ku replacer katsuro kangu munoonawo zvichiita here,ipapa ndiudzei Moda kuzogara muchindidembera dembera kuti makatengesa mombe nekuda kwangu aiwa gogo idyai henyu tsuro yacho inin handina chandoda back",ndakabva ndatosimuka ndokutobuda. Ndichingobuda panze ndakabva ndasangana na Sekuru ndokutanga kubhidhaira zviya zvekuti vaone kuti ndagumbuka. "Chiiko mhai masibanda maitweiko",vakadaro vachifunga ka kuti ndichamira ndakabva ndatofambisa,pandakacheuka ndakabva ndaona vachipinda mumba.ndichibva ndamhanya kuti ndinoterera nepawindow ka,ndaida kunzwa zvavachasvikoudza gogo. "Wamuiteiko mwana wemupengo ndasangana Naye achibhidhaira apa step yaachirovaย  kunge baba vake vanzwa kune ndari" "Kkk sekuru va Rizzi ka mazondinakidza kkk ASI benzi racho rakatipaka bonus hezvi danga redu rakutoonekera and pane painonongedzerwa here kunzi imombe yehubenzi" "Idi hapana Kani mazokaita Seiko katsuro kaya ndatouya mukanwa hamuchagarisika umu" "Kuruta asekuru va Rizzy,haa ndakaisa muchikari chaimo,ndaona kuti kakuibva bvandangokanda domasi risina kuchekwa kwakuzongopindura haiwa munozviruma rurimi nhasi" "Ahh kumastoro kwandandiri uko ndandisisatombonzwe nyaya dzadzichitaurwa nevamwe nzeve dzangu dzakungonzwa hwema wenyu amai bhoi muchikaringa,manje mamuti kudiiko mwana wezengenene uyo,azviona here kuti mauraya tsuro kkk ndasangana Naye achibhidhaira ndikati waitweiko masibanda wangu ko handiti ndomutupo wake here" "Kkkk mabva mamudana nemutupo kk mazondisekesa ndamuti ndakauraya, ndombonzi aniko ini amboda kuti pwetere pwetere ndikangomuti chienda Kuna baba vako vatitengerewo muriwo wemanheru" "Ahh richitengei dzengenene iroro,ASI kutocheka mabhora Acho Kani mokanga kanga",ndati vakaita kurova chikuwe vachiita kuseka vese ndokuita kurovana maoko. "Ko yanga iine tuvana ka tsuro yake iyi",vakadaro gogo vachibura chikari Chavo pachoto. "Matuisepi,turimo here muchikari",vakavhunza Sekuru vachidongorera chikari chiya apa vaisandiona kuti ndiri pa window hangu ndichiita kuvira nehasha. "Aiwa ndaturasa ini ahh tukonzo itoto ASI inoratidza kuti yanga yava pedo nekubara" "Usaite westeji iwe enda unotutora kwawaturasa nditugoche" "Ahh mugomba imomo pamwe twatodyiwa nezimbwa mupengo Riya raamunikisi door venyu avo" "Imbonotarisa or hausikuda hako ndinozvitorera ndega" "Haa inini mumabhini handinonge ba" Vakabva vatosimuka Sekuru ndokunanga kugomba kuya uku rekeni dzavo dziri muhomwe,uku chihat chinenge bhareta chakaita kupendekerwa,ndakaramba hangu ndakavatarisa ivowo Havanaย  kumbocheuka havo ndakaona vasvika kugomba kuya vave kuvhungunyura mugomba muya vakanhonga kuratidza kuti vatuwana ndofunga twaitove six kana ndisina kukanganisa kuverenga pavaisimudza ruoko vachinhonga. Pandakaona kuti vava kudzokaย  ndakabva ndahwanda kuti vasandione pandakangonzwa kuti vava mukati ndakabva ndadzokerazve kunodongorera nepawindow,kutoona zvesure Murume mukuru vari busy kutobvura tunhu twaiita semakonzo apa twaitove red tusina kana mvere. "Haa kuruta henyu baba imi,ezvi muridzi wacho haambodya murio iwowu anenge akaita kugumbuka akaisa muromo mumunho" "Ahh ndozvatingaregerere kudya nyama izvozvo,haiwa atibvire,ezvi ndandikutofunga kuti nditaure na Mushanhi,Murume wa atete vake mamuziva" "Ehezve Murume wa Tete vake Roice,hanty ndovanotedzana nezengenene iri here,mukuda kuvadiiko" "Haiwa ndaangotipa paanapo chero paanogona ,votoraย  Rizzy onovabarira uko,handiti Havana kana dwee yemwana,onoita chimutsamapfihwa chatete vake" "Asika Roice wacho kana vanhu vekumba kwacho pane akambotambira Rizzy here,or vakangomuona semabasa ehupengo hwe zengenene ravoro" "Ah asika iropa ravo,better anozvara,havamborambe mhani kukudzirwa dzinza uko" "Aiwaka ini ndoda kuziva kuti haazode kumutora mahara here,ahh dhemeji ndotoida ka,ini hazvinei kuti vakuda kunokudza nzinza ravo" "Ahh kubarirwa haumboita mahara Kani pamwe inotozouya iri dhemeji ne roora racho pamusoro,regaka ndigozotaura Naye,vakada anongogara pano opiwa mwana aripano,hunge Roice wacho asina kuzvifarira,nekuti zvekuti ozonoputsa musha wemunhu hazviite" Ndakanyasofunga hangu munhu aitaurwa nezvake Tete vangu ava,nekushaina kwavaiita,ko vaive vanhu Vaya vane Mari dzavo vachiwana zvese zvingadiwe nemunhu,chavavasitorina mwana. Tete vekuti ukada Kumhoresa vanopfeka mask nema gloves,ini ndakavaona umwe musi kumashops,ndichida kuvamhoresa vakandifinyamira face,vakatonzi na Mai vavo vanovaย  gogo vangu,"wamuziva here" Vakafinyama face vachiti,"ndingatadze kuziva mwana akaitwa kumahumbwe",kamutaurire kavakaita kakandibata hangu.yes ndakakura ndakajaira kunzi mwana we zengenene but the way yakaitwa na Tete day iri yakangondibata hameno kuti why. Ndakazongoti,"makadii Tete" "Hesi,Mai vako vakadzoka here kumujolo kwavanouya vakazvara kunge imbwa",vakavhunza vachitoratidza kusava nehanya. Veduwe nemazvarire anoita imbwa aya umm ndakabaikana. "Mama havako" Vakangodzungudza musoro wavo vachienda,Saka ndiye munhu wandainzi ndigoroorwa nemurume wake,sure nekushaina kwavanoita,handiti ndinenge ndatozvipa Ronda pahupenyu hwangu. Ndiri pakati pekuyeva Sekuru na gogo ndakatonyura mundangariro,ndakavhunduka ndatekenyedzwa End Muriko here uko

โค๏ธ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ™ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ˜ข ๐Ÿ˜ฎ ๐Ÿ’ƒ ๐Ÿคทโ€โ™‚๏ธ 108
Link copied to clipboard!