MAI LAA NOVELS
MAI LAA NOVELS
January 31, 2025 at 09:23 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VavyA0J4CrffWLHWyT0J Being normal is overrated Written by: J C Moyo 0771 029209 Chapter 1 “Ini ndakaona munhu asvika pano ka kwakutosimuka ndave kubvisa matyre engoro anga ari pamumvuri panosimira mota dzenyu apo. Ndakutowanza hangu ndichiti, ‘mafunga kuzodyira chrismas kwaambuya Moyo’ mupfungwa ndaiti mauya mese naiye Kudzie ndopandakazoona munhu ari ega mufaro wamazuva ese haana ndikatiwo pamwe kuneta. Tisu uyo tapinda mumba mandaigadzirira vaenzi vasina kuzouya ava veJoni vanga vati vachazotambira Christmas kuno ndichiratidzwa muroora. Tagara paya tabvunza ‘ko masiireiwo mai Keith naKiki?’ ndopooti, ‘havana kumbosvikawo here kuno ndirikuvatsvaga kuHarare vakangobva phone vakaisiya.’ Ini ndanga ndisina kukuonawo zveshuwa saka ndopandakazobvunza Yodo uyu asingapfuurwi nezvese zvemuno akatiwo anga asina kukuona, kwakuchimutuma manje kuti achingonotarisa nekufeya feya kuno kumba kwenyu achibva anodzoka futi achiti hauko.” “Ndanga ndisina kunanga kuno ini Gogo” NdiGogo Chuma vandaitaura navo tiri mukitchen mamai vangu. Vanga vanzwa kuti ndanga ndauya saka vakangoti ndichisvika pamba ivo vachitosvikawo mukutaura ndimo mavanga votsanangura manzwiro avanga vaita kuti ndainge ndatiza kuHarare. Ndanga ndabatwa nehasha dzinekusafunga mukati ndikasiya phone kwakutakura passport yangu ndikanobudira kuBotswana. Dai zvakanofamba mushe ndaisanodzoka zvachose ende ndaida kunoroverako zvino situation yeko yakanondidzosa within two weeks. Shamwari yangu anga ati ndiuye mabasa azere ndakasvikowana achiita mabasa emaricho achichengetwa kumamisha eikoko semusikana wekusakura ndozvaanga andidanirawo kuti ndiite izvozvo achifunga kuti ndanga ndichiri Emma uya waakasiya achiri kuita maricho namai vake. Pandakazonyatsomuudza manje hupenyu hwandanga ndave kurarama takanyatsowirirana kuti ndidzoke kumusha nguva ichiripo zvinhu zvisati zvanyanyominama. “Saka wanga uripai nguva yese iyi Emma vanhu vachikutsvaga?” vakabvunzazve Gogo avawo Mama vanga vagara padivi vachida kunzwawo sezvo ndanga ndisati ndavatsanangurira. Ini: Ndanga ndaenda kuBotswana apa ndatodzokera kuzogadzirisa work permit ndodzokera. Dzimwe nguva ndaingoerekana ndanyepa pasina kana chikonzero uye ndisina kuzvironga. Mama: Ko murume? Ini: Haaaa zvemba ndambozama Mama handichadi ndaibva ndaneta. Gogo Chuma: Iiih wakasika kuramwa mai keith, chakafukidza dzimba idzi matenga dzikabviswa tinoonerera. Shinga uripo zvinonaka, ipapa zvawakatoita izvi uchazvitangira zvimwe zvinozokuchemedza rimwe gore waisafanira kungotsakatika kudaro kunyangwe dai manga manetsana zvinengei. Ipapa chero dai uri iwe wanga wakanganisirwa hapana achazvitarisa wakutopihwa mhosva ndiwe uchinzi hamheno kwawanga waenda. Wanga wanyanyoomerwa nei chausina kutiudzawo isu vakuru? Ini: Kudzie akandirova. “Muchirwirei?” vanga vatotanga kundichinjira mashoko kuita sekuti ndanga ndati ndairohwa ndikadzorerawo. Ini: Taisarwa asi kuti akandirova. “Une zvawanga waitaka ndozvirikubvunzwa, saka iwe unoti Kudzie akangowana wakazvigarira zvako akangotanga kukurova?” Mama vakapindira. Ini: Ndanga ndaputsa phone yake ndatsamwisa nezvandanga ndaona imomo. “Aaah?” Gogo Chuma vakakanuka vakanditarisa zvikazonzi, “nhaiwe iwe mukore uno shuwa nekungwara ngwara kwese hausati wave kuziva kuti phone yemurume haibatwi? Iwe hauna yako here? ko pane yemurume wanga wotsvagei?” ndakazama kutsanangura asi vaindikutsirana vachidzosa mhosva kwandiri. “Ngaasarare pano uyu mai Hungwe ngatimukwidzei nhasi chaiye adzokere zvichakanaka. Mukore wekutiza murume uno? Wanyanyoshayei munhu akatengerwa mota anozvigarira muzimba rake wotiza mbama chaiyo? Isu wani tinorikitwa nana vaChuma ava vandinotengera zvese kubva kumudzanga wefodya chaiwo wakambondiona ndichitiza musha? Botswana kwaunoti unoda kuenda kwacho wawakamboona achiendako akadzoka nezvinoshamisa ndiyani? Urikudzokera kumurume nhasi chaiye urikurara wakwira ini handichatofoni ikoko kuti ndazokuona. Kana zvekuti wanga wanobudira Botswana izvo usanozviti bufu hako unorambwa masikati machena ndava mbiri yeku crosser boarder haina kujeka.” Hasha dzekurohwa zveshuwa dzanga dzapera kudzokera ndaitodawo zveshuwa asi ndaishaya madzokerero zvisinei mai Chuma vakandiitira kunge ngirozi yatumwa kubva kumatenga. Takanosvika kuDomboshava husiku naSekuru vaChuma vanga vanzi vandiperekedze. Ndaitika ndonopotera kwaGogo kana vanhu vachizoziviswa havo kuti ndadzoka vozoudzwa. Hana yangu yairova zvisingaite apa zvanga zvasangana nenyadzi dzekudzoka ndega ndisina kuteverwa. Kudzie anga asingazvifarire zvekuitirwa masaramusi asinganzwisisike iwayo ndanga ndakutya kusvikopihwa gupuro. Munyama wacho kwakubva tanosvika KuDomboshava kwacho pamba paGogo pakazara. “Chrismas kudai vanhu vese vanenge vripano nemhuri dzavo.” Sekuru vakataura vachidzima mota. Ndanga ndakuchizoonekwa nemhuri yese manje kuti ndadzoka ndisina kuteverwa. Takanosvika pakunogogodza mumba pasina auya kuzotigamuchira mumba maiitwa noise vachiridza Zizoe apa ndanga ndabva kuBotswana achiridzwa futi mubhazi zvekuti malyrics ese ndanga ndakumaziva ne one day. Sekuru ndivo vakapinda varikumberi vana vakanzi, “Mhanyirai Sekuru avo” kwaku screamer vachiuya ini ndichibudikirawo ndakahwanda kuseri kwaSekuru kunge mwenga. Imba yese yakabva yanyarara kukasara radio chete handina kuona akazodzora volume ndanga ndakatsikitsira zvekusatoona kana kuti Sekuru vabva pamberi pangu ndasara pamhene. “Titambireka mai Keith.” Gogo vakandidaro vaona ndangomira panzvimbo imwechete ndakatsikitsira mabraids akandivhara kumeso kunge chipoko chemufirimu. Dai ndanga ndisina kusvika nasekuru ndainyepedzera hangu kupenga kuti ndiwane kudzinga nyadzi. Pandanga ndakamira panga pasisabviki ndainyara kusimudza musoro mumba muzere vanhu kuti ndione pekunanga kuti ndigare. “Tambirai munhu imi pamwe haasi kunzwa mushe.” Gogo vakadaro zvakare apa imba yese ndainyatsonzwa kuti yakaisa maziso kwandiri makumbo anga azvitonhorera zvawo achiramba kusimuka. Vamwene vangu ndivo vakazosimuka vakanditora kwakundigadzika pachair masofa anga akazara zvekuchamhorosa vanhu panga pasisina hapana pavaizombotenderera neni vakandibata ruoko ndichimhoresa. Vana vanga vabuda kwasara vanhu vakuru chete ndikanzwa Gogo vakuti, “Koiwe Kudzie wakuendepizve tambiraka mukadzi tinzwe kuti chii chirikuitika” “Muregei Mhai” Mama vakadaro zvikanzi navaTezvara, “akunochemera kusina vanhu so ipapa hapana chimwe.” Mama: Imi hamhumujairi makaitasei ndozvaari. Gogo: Regai achinopedza shungu nemiwo munoti inyore two weeks usingazive kuti munhu aripai arikuitei? Baba: Manje zvinochemedza here munhu wemurume hazvidi kuita semunhukadzi. Tese wani tanga tiri worried tadii kuchema. “Zvamaiita nekuitirwa nemunhu wacho anga asipo ndozvakasiyana” Madomasi wangu wekusagona kuvhara muromo akazourasa muzere vanhu akabuda ega asina amudzinga zvikanzi naBaba vacho, “Vana vemazuva ano chii nhaimi?” “Havasi vemazuva ano ufunge imi muchikura maitodarika Madomasi uyu masangana zvenyu muri four maigona kuseka muenzi akaoneka kana kutaura zvekuti muyenzi akakunzwai anoshora isu vana nyakubereka.” Vakapindura Gogo zvikazonzi naBaba, “Aihwa taive nehunhu isu” “Imi murikundinonokera ini ndoda kunzwa, Nhai Chuma masangana kupi na mai Keith?” vakabvunza Baba King vatezvara vangu vadiki. VaChuma: Tanga tiinavo kumusha ikoku saka mai vazoti mazuva awanda saka ngavachidzoka. Mama: Asi mai shuwa hindava vachidaro shuwa munhu mukuru? Vangatirega tichinetseka kusvika kunoshambadza nekumaradio vachiziva havo kuti munhu ariko? Panga pasingararwi pano Baba vanhu vese vachinetseka ivo mai vachiziva zvavo kuti vakachengeta munhu? Baba King: Dai varipano maipindurwa zvinoenderana nemi Gulez ngatingofarai kuti munhu adzoka mupenyu hanty isu chataitya ndechekuti pamwe awirwa nenjodzi? Saka zvaadzoka kudai muroora zvanaka hanty muri vatano henyu vaManyoni? Ini: Ehe “Zvakanaka chisimudzai mutsipa mumhorose vana Baba venyu ava vekuCanada naamai venyu ava ndivo vega vamanga musati mamboona.” Vakapfuurira mberi Baba King ndikachiita zvivindi zvekusimuka ndakukwazisa munhu wese ndapedza zvikanzi, “Good” End of 1
❤️ 👍 😂 🙏 😮 13

Comments