Zim Hot Talk Confession &Secrets Zw🇿🇼
Zim Hot Talk Confession &Secrets Zw🇿🇼
February 12, 2025 at 08:15 PM
Hie Kanda muchannel Ndakatsvaira Pfungwa Dzemwana Wangu Pandakaromba Be careful kurombeswa nana SEKURU, the great prophet vepa WhatsApp ava, vekuti no bl00d inv0lv£d ava..... Ndakafurirwa neimwe shamwari yangu kuenda kunoromba kune mumwe oga. Takaenda tikasvikonzi endai munouya ne ma US$ 600, pakutanga takati tavekuzobirwa asi takatozokwereta mari iya tikaendesa. Mwedzi miviri yekutanga hapana chakaitika asi mwedzi wechitatu ndakamuka ndikaona vharanda riine mari yaisvika 600 pamusoro payo paine masvosve. Ndakatora mari iya ndikatsvaira masvosve aya ndisingazive kuti ndaitozviparira. Mari yakatanga kuuya zuva rega rega uye nemusi wemugovera yaiuya yakpetwa kaviri muhuwandu ndichitsvaira masvosve anenge akazara pamari iya. Mukutsvaira masvosve ndaisaziva kuti ndaitsvaira pfungwa dzemwana wangu. Mwana akatanga kubuda masiriri ndikafunga kuti zvimwe kukura asi zvakazoenda zvichiwedzera kushata. Mwana akatanga kurasika njere asingachadi kurara mumba. Nanhasi mwana wangu achiri kurwara nepfungwa apa mwana mudiki diki anofanirwa kunge ari mu grade 1. Haatorare mumba uye ukada kumupinza mugedhi nechisimba anokurova zvekutokukuvadza. Mari ndinayo uye ndakavhura ma boutique mazhinji munzvimbo yandinogara munerimwe guta re Zimbabwe asi ndavekurwadziwa nemwana wangu. Ndinokumbirawo kana paine anokwanisa kundibatsira, kana zvichireva kuparara kwemari ngaiparare hayo mwana wangu achisara apora😭😭😭
😢 😭 🙏 👹 😂 😤 😮 26

Comments