Zim Hot Talk Confession &Secrets Zw🇿🇼
February 13, 2025 at 07:29 AM
....nyaya yangu yakamira yakadai ndirimukadzi anemakore 24 murume ane 28 nemurume wangu taigara tichinetsana since 2022 nenyaya yema girlfriends aiita ma girlfriends akawanda 4 kana 5 ini ndaivabata mu fon make ndichimutsiura asi aisandinzwa chaaigona kuita kuti sorry kna ndichinge ndabata ma message evasikana vake
Takaramba tichinetsana ndikat chii chirikushota mukati memba ino chirikuita kuti undidaro akati hahundiremekedzi ndakambozama zvesure kna iye akatozvionawo ndakaramba ndichingoona ma message evasikana ndikat ko chii futi chirikuita urambe uchindirwadzisa inga ndirikukupa ruremekedzo rwako wani akati sorry ndiregererewo handichadzokorori semunhu aidawo imba yake ndakangoti horight.......takazopinda mugore rino 2024 hapana chakachinja murume akaramba achingoita vasikana vake vasingaperi ndakazoona ma message airatidza kt ainge amboonana neumwe wevasikana vaaidanana navo ndikamuti maruva enyika hahaperi ikezvino kunezvirwere unoona munhu kutsvukira kunze asi mukati mawora chihure ichi hachibhadhari akati sorry ahana kumira kuita chihure chake
Ndakazongobuda zvimhopo kusikarudzi yangu ndikati regai ndiyende kunorapiwa ndakasvika ndikatorwa ropa ndikanzi negative ndakanyorerwa mushonga kwa doctor ndikatenga hapana chakachinja ndikaita 1 month ndabva kwa doctor ndikaenda ku hospital ndichida kunorapiwa ndakasvika ndikabatwa chirwere ndakamboti kuda i mistake vakadzokorora futi ndikaona zvesure i posative ndakarwadziwa veduwe ndakayenda kumba ndikat murume handei unotestiwa akaramba akazoyenda hake patopera mwedzi akanzi Posative akaramba kunwa mapirits aya asi ini hangu ndirikunwa
Ndinorwadziwa vanhu vamwari ndibatsireiwo ini murume kungogara kungogara zvangu asi kumuda chaiko ma feelings naye handichina handichanzwi kumuda sezvandaiita pakutanga ndodii hama dzangu ndinombofunga kumusiya hangu asi achandida nechirwere ichochi chaakandipa ndiani ndogara here ndiri single kusvika hangu ndachembera ndogara here ndichingomuwona ndichitambura nekuchema nehasha handichazivawo zvekuita vehama ndibatsireiwo ndanyora musodzi ichiyerera
Kunewe murume wangu mashoko angu ekupedzisira ndeekuti wakandibaya panyamanhete handizivi kuti ndichazokuregerera zvaita sei.. ma reactions ngaawande
😢
😭
💔
😮
🫂
❤️
😂
🙏
🥹
👍
114