
Zim Hot Talk Confession &Secrets Zw🇿🇼
February 13, 2025 at 10:01 AM
Ndiri musikana arikuma 24years. Ndakauya kuCapetown naamai ndichitsvaka Basa.
Ndakazoti ndariwana. Ndakashanda ndokutsvaga pekugara.
Ndokutumirawo boyfriend yangu mari yanga iriZimbabwe.
Yakazouya zvinhu zvakaoma asi ndaishingirira dzimara awana basa . Tikazotanga kubatsirana.
Akatanga kuita zvirinani nekuwanawo tumari twake.
Ndokutanga kudanana nemaxhosa.
Zvakaenderera mberi kudzimara asingacharari pamba apa ndopaanga odanana neumwewo muZimba.
Rent neChikafu ndakatanga kutenga ndega futi.
Ndokutanga kundishungurudza dzimara aenda kunogara neglfnd yake.
Ndakarwadziwa kusvika pakupererwa.
Nekurwadza kunoita Mari yemuSA kushanda wototiwo wawana munhu waunovaka naye iye oita zvemahumbwe.
Ndakabva ndaenda kuneimwe n'anga kuDelft. Ndikaitaurira zvaindishungurudza ikati ndinofanirwa kurara nebf yangu handifanirwe kugeza panty randinenge ndapfeka kana ndarara naye ndisariwache ndozouya naro kunen'anga iyoyo. Ndakangomunyorera sms ndikati ndakusuwa chimbouya undipe.
Ndakaita zvandaive ndaunzwa . Ndikapa n'anga panty riya.
Ikozvino mukomana arikupenga muCapetown . Ongotenderera neCapetown yese
Changa chonetsa ndechekuti aitombouya Kumba nemarengenya otonetsera kupinda kusvika pakudzingwa nevanhu. Ndakatozotama. n'anga pandakaenda kwairi ndichiti itai reverse ikati tinenge taita mhiko yeupenyu hwese uye tinenge tafonyora pfungwa hazvigadzirike.
Kana paine muporofita angandibatsire batai admin!
😂
😢
😮
👍
🙏
❌
🐦⬛
💩
🔥
😏
45