
Zim Hot Talk Confession &Secrets Zw🇿🇼
February 13, 2025 at 10:19 AM
Hama dzangu ndine secret ikundidya moyo in and out ndiri mukadzi ane 32 yrs .Ndaishanda pane imwe imba sa house maid ndaishanda zvakanaka until boss vandinyenga tikatanga kudana madam vasingazive vairamba condom vachiti handina Aids ndiwe chete na madam vandinorara navo.Vaive ne vana 4 nemukadzi wawo aiva nemoyo wakanaka vaindiitora ne sister yavo mufunge.Ndakaita nhumbu 2 ndikabvisa asi ndakarwara zvekuda kufa ndikaenda ku hospital ndikazoonekwa kuti ndine HIV Aids.Ndakazviziva kuti ndakapiwa na boss vangu ava zvakandinetsa kugamuchira kusvika ndatsvaga mushonga wemuchenje ndikavaisira mulunch box maiva ne rice ravaienda naro kubasa.Maskati madam vakatambira foni vakataurira kuti murume wenyu ari ku hospital asi madoctor vakuti i food poison.Mangwana akaedza ku drainer poison zvikaramba vakabva vashaya.Asi pane mumwe murume wavaishanda naye asi vaigara vachingonetsana nayo kubasa ikoko sezvo vachishanda muoffice one akabva abatwa akaiswa mujeri achinzi ndiye akaisira poisen akapiwa 11 yrs izvozvi ari mukati.Zvapera ndakatsvaka vakomana matsotsi vakauya vakapaza pamba pababa ava vakatora mota BMW vakaenda nayo vakandipa R5000 ndiyo yandakazouya nayo kuno ku South Africa kwandiri right now ndiri ku Pretoria.Hapana munhu wandakaudza kusvika nhasi ndauya pano ndibatsirei ndoita sei kuti moyo wangu undiregerere kunamata handikwanise zvachose nechitadzo chandakaita.Plz i trust you munhu waMwari musaburitsa number dzangu.Kuuya pano nekutaura nyaya yangu kuziva kuti ndinobatsirwa.Vanotuka tukai henyu asi ndauyira rubatsiro.
😢
😮
😂
❤️
😭
🙆♀️
☠️
⚰️
❌
🐦⬛
48