Mai TJ Shona Novels🇿🇼
Mai TJ Shona Novels🇿🇼
February 2, 2025 at 06:34 AM
Sunday Blast *JUDAS KISS* CHAPTER 10-16 Chapter 10 victor Ndakazomutsa mota pava paya ndonanga kumba kwamhamha ndaiita yekumhanyisa chaizvo zvekuti ndakangosvikoparker ndokupinda mumba ndichiita kumhanya ndichidarikira kupinda muspare mangu zvekuti mhamha ndaivanzwa kutevera vachidanidzira ndokusvikoknocker asi handina kuvadaira ini ndakangono kiy door ndakazonzwa vasisipo ndikanozvambarara pabed chaipo ndaizama kubatanidza zvandaive ndaona kuti baba vainge vachiitei chaizvo ndiwo here hwaive hupenyu hwavo kana kuti ndotii chii chaizvo ko iye musikana wacho ainge akarariswa nembwa chaari kunyatsozama kuita chii chaizvo inhamo here kuda mari herwle imbori marii chaizvo yaainge apromiswa nababa vangu zvekuti anosvika pakudaro. What kind of evil he is insticting in him and vana vevanhu kudaro..Ndakazama kubatanaidza zvose asi kutaura chokwadi hapana kana answer yandakabuda nayo,ndaive ndakarara ndichiti ndikatarira rimwe divi ndozotarirsa rimwe zvekare ..Ndakazoti ndava kunzwa zvirinai ndokubuda ndichienda kunamhamha avo vakati vachindiona vakasumuka vachiuya kwandiri ndokubva vati.. “Victor chiii wapinda muno uchimhanya chii chirikuitika?“ handina kukwanisa kuvadaira ndakabva ndafamba ndichinoita kuzvikanda pasofa ndichibva ndati.. “mhamha ndimi makagara nadady for the past 39 years dzose and i believe munhu wese anoziva patner yake chii chinoitika kuna mdara?“. Ndakaona mhamha vanditarisa kwenguva vasina zvavataura ndokuzoti.. “Unorevei kana uchitaura uchidaro?“ ndakabata musoro ndikaupuruzira ndichibva ndati.. “zvandaona mhamja handikwanise kuzvitaura mhamha nekuti kutaura kudai nditori mushock isiri kuita” mhamha vakazama kutaura pava paya ndichibva ndavaudza mafambiro ndaive ndaita nezvandive ndaona pandakasvika kwamudhara ... “Mhamha handina kumbozvifungira kuti ndingasangane nezvakdaro kutaura chokwadi handina kana ka1 chaiko..How can dad be heartless kudaro kurarisa munhu nembwa ivo vakatarisa ndirikuda kuzama kubatanidza zvose asi hapana chirikundimakera sense mum hapana kana ka1” ndanyarara ndichibata zvekare musoro wava kuita sekunge wakurema chaiko mhamha ndokubva vati... “inga zvakaoma “ ndozvega zvavakataur ndaifunga kuti vachawedzera asi havana zvavakataura ndokubva vasimuka vachienda kukitchen zvakandipa kusimukawo ndichivatevera kukitchen ikoko nekuti kutaura chokwadi havangangosimuka vasina kutaura zvakakwana ndihibva ndasvikoti.. “Mom how can you just say zvakaoma mobva matosimuka asi mune zvamunoziva here pane zvose zvirikuitwa namdara zvamusiri kuda kutaura henyu” “Victor usada kundipaka mashoko mumukanwa handina zvandoziva kushamisika kwauri kuita nekuda kwehunhu hwababa vako ndiko kumwe chetewo kwandiri kuita saka handina zvandoziva”, vakataura vaine hasha zvikatondinetsa kuti seyi vabva vadaro iniwo semunhu ainge asingade zvekunetsana namai vangu ndakangovasiya ndokuenda kuroom kwangu ndikaswera ndakazvivharira ikoko. Mangwana acho ndakashaiwa simba rekuti ndiende kubasa ndikafuma ndakananga kunoona baba Tafara mukoma vangu vandakasvikoudza zvandaive ndaona vachibva vati.. “Victor wadzokono waita mwana pazvinhubl zvababa izvi dai wavasiya vaita vega nekuti ukaramba uri involved mazviri uchafa uine bitterness isingaite so i advice you to retire pazvinhu zvamudhara wotanga zvako as soon as possible otherwise we will witness both the downfall of you and him” “Asi mukoma ndozvamunogara muchitaura , yes handisi kuramba kusiya kubasa kwamdara asi i need explanation inobatika ..Why varikuita izvozvo handisati ndazviona kuti shuwa vangararise munhu nembwa kuti zvidii?“ “Vicky quitt utange zvako iwewe..Your passion stages to be a lawyer so libe your dream izvo zvema trucks amudhara wako varege varunne vega vachidya mari yavo nepfambi because if you keep on monitoring him haa munosvitsana kuma pena saka gara wasiya pachiri padyo” ndakazama kuda kubatanidza zvose zvirikutaurwa namukoma asi ndakatoona kuti vainge vasiri kuda kutaura zviripo..Ndega ndakazviudza kuti ndaida kuzvitsvaga kusvika ndazviwana kuti sei baba vainge vaita humbondi hwakadaro kurarisa munhu nembwa asi kuti iye wacho musikana ainge achizvida here asi kuti zvidii zvesure kuda mari here chingava chiiko?, ndakazooneka ndodzokera kumba mom was avoiding me at all cost ndaizviona ndikangozviudza kuti vape space zvamudhara ibva watosiyawo nekuti zviripachena kuti hapana arikuda kukuudza iwe wona zvekuita.. Ndakatora mazuva ndirikumba kubasa ndisiri kuenda ivo baba vakatanga kundifonera vachipopota asi ndakavaudza kuti ndichauya pandichada ndokubva vanditi.. “Victor kana urimwana wangu uchinyatsoziva kuti ndini baba vako pasina kupokana gara wauya kubasa nhasi and i mean it..Wakuda ka kufurirwa nemadzikoma ako kuita ndururani hee!“ “No handizvo mudhara you have a lot you need to explain to me asi hamusi zvenyu kuzviona you want to act so cool and if all things are okay haa kana hazvibude kana zvachose pandichauya ikoko kana mondipa full explanation yezvandakaona musi uya” “Victor?!!!“ vakaita kudaidza nezwi riri pamusoro zvandakatonzwa naipo pafone vachibva vati.. “Mind your business waita mwana mudiki iwe urikunzwa report to work immidiately kana ndirini baba vako or else..“ havana kupedzisa kutaura inieo ndichibva ndati.. “Or else what dad?!, or else what?!“” havana kuda kupindura vakabva vakata call iya iniwo ndokuitarisa asi ndakavhunduka ndanzwa kutaura kwamhamha kumashure kwangu vachiti.. “Victor enda kubasa usarwise baba vako enda mwanangu” ndakacheuka ndichivatarisa ndokubva ndasimuka ndichiti.. ”Mum..“ vakabva vandinyararidza ndikubva vati.. “No Victor, for you to succed in life honour your parents saja chandokuudza iwewe play it safe and wiser uchaona uchibuda mazviri zvakanaka for now ukada kurwisana navo baba vako hauchavakundi nekuti watove mubasa ravo kare so iwewe enda asi ita zvako kunge usipo ikoko iwe zvako uriko” Vakabva vabuda vachindisiya ndisina mhinduro yekuvapa. Ndakasara ndopishana nepfungwa kuti ndochii manje zvavadai mai vacho vanditi enda vana mukoma vacho vondoti ibva saka ndoziva zvipi..Ndainzwa kuti ndaive ndava netsress isiri kuita kuti saka ndozvifambisa sei chaizvo, ndakatira zvekare mazuva ndichizama kubatanidza mifungo yangu kuti ndozvifambisa sei.. Mumwe musi ndakamuka kuseni ndokugeza ndikatoudza mom kuti ndaive ndakunotaura namdara first one on one ndinzwe ma answers andoda kubva kwavari , vakamboda kuzama kundimisa asi ndaive ndazvipira kuti tinotaurina kana kurikusiya ndaibva ndasiya ipapo. Ndakati ndichibuda ndatove muroad Shadreck aive mushandi wedu aidriver matruck akafona achitaura kuti new truck rainge raunzwa namdara rainge raita accident , wacho ainge achidriver haana kukuvara akarasirwa kunze asi iyo yacho nyaparara kubva yabvira. Ndakanzwa kurwadziwa nekuti zvinhu zvacho zvainge zvisisachanzwisisika for past weeks mota dzainge dzirikufa mdara akatora mari for services vanobva vadya mari yacho dzorega kugadzirwa.m “haa this is not normal mhani ndoda kunotaura navo nhasi vanofanirwa kundiudza kana pane zvirikuitika nhasi vanotaura kana kurikurivana torovana chete chandiri kuda ichokwadi kubva kwavari.. Ndakaoneka mhamha ndokuba ndichinopinda mumota ndokunanga kumba kwaMdara, ndakati ndasvika ndichiturner kupinda mustreet yekumba semunhu ainge achimhanyisa mota ndakaona mberi kwangu munhu achipinda muroad ndakaridza huta haana kubuda iniwo ndaive ndava pedyo naye ndakazama kubata ma break asi ndaive ndatosvika paari ndichibva ndatomutsika achienda mudenga ndokudzoka pasi ndiye zii akadro..Ndaive ndamisa mota chiitiko ichi ndakachiona chose ndikanzwa kushaker kuitavl sekunge ndini ndaive ndatsikwa .At that moment everything chinoti ini becomes numb kutadza kuzvinzwa kuti ndini ani, pava paya ndakazoita kuvhunduka ndichibuda mumota .. “Maihwe zvangu ndatsika munhu kani?!!“ ndakadero ndrova paari ndikamutarisa aisaoneka nekuda kweropa raibuda zvisingaite ndichibva ndangomusimudza ndichimuisa mumota, ndakamboda kufonera baba asi ndakaona kuti its to late munhu uyu handina kunzwa kufema kwenyu ndokupinda mumota ndakananga ku west end ndokwaive kudhuze since baba vaigara kuMilton Park.. Within some minutes ndaive ndatosvika kuchipatara ndokubva ndataura zvainge zvaitika vachibva vamutora achiisa pabed ndokutevera kumashure , ndakaona oiswa muward uku manurse achimhanya kudana doctor uyo akauya omutarisa ndokunzwa zvichinzi ainge arasa ropa rakawanda aitoda ropa uyezve ainge arikufemera pasi chaipo, ko kana akafa nhaimi ndoti chii chaizvo veduwee munyama rudziiko wandiwirawo uyu nhaimi. Ndakashaya zano randingazvipa ndokufonera mukoma pamwe namhamha ndichivaudza zvainge zvabva kuitika Ndakamboda kufonera my father asi moyo wangu wakaramba ukandiudza kuti vasiye urapise mwana wevaridzi wavatsika. Doctor vakabva vandiudza kuti aitodirwa ropa nekukasika nekuti togona kurasikirwa nehupenyu hwake ndakapererwa ... “Regai marelatives angu asvike tione kuti todii” Ndokuwirirana kwatakaita iniwo ndichibva ndanomirira mom kuuya kwavo.. end of chapter CHAPTER 11 MAI MAIDEI... Maihwe zvangu kani marovero aita hana yangu apa haana kumira mushe” “Ko chii mai Maidei mabva mamira kudaro kwakanaka here?“ “ “Mai Merjuri mumwe wangu marovero aita hana apa handina kumaona mushe unoziva ndirikuzama kuda kudzikama asi haisi kumira izvi yatorova zvekuti ndatopera simba ini”, ndakadao ndichitobva padara pandaive ndakamira ndichiendak kunogara paive namai Mejuri avo vakabva vati.. “Chirikunetsa shamwari ukuwanza kufunga handidi kukunyepera ndosaka zvirikudai “ “ndingatadze here asikana mwana akangobuda pano asina kana kuoneka kana ndizive kuti arikupi handizive uone mazuva ose ndirikugara ndichimurotera hope dzisina kunaka zvachose imwe pfungwa inondibata ndeyekuti kuda pamwe akachekereswa naiye Pertu ende hakuna mumwe akamutora ndiye chete kunyangwe mai vacho kuda kuramba zvavo asi chowadi varikuchiziva kuti mwana wavo akatakura mwana wangu pano..“ “Umm manje kana akatatorwa naiye Pertu hapabude zvakanaka mwana uya mabasa kuwanda chaiko..Haa usatya shamwari achadzoka unoziva haawanzodaro Maidei hameno zvangomubatawo haisi tsika yake yekurasa hunhu” “Muone ndakatomurambidza ndichimuti deno wasiyana nazvo zvekutevedzana naPertu izvo asi akaita nharo imi kusvika pakuchinjana neni mashoko achingoti Joni ndoyandoenda “ “Joni ipiko yaanotaura kuti anoenda iye ariko arikuonekwa kuGweru Isaya akatombomuona kubhawa muharare umu mazuva aakambonogara ikoko saka anoti ari Joni ipiko yaanotaura. Kungoti chete amai vacho havagone naye mamwa wavo zvekuti vanotadza kuona huyipi hurikuitwa nemwana wavo mai Merju moyo wangu kani hauna kugadzikana uyu zvachose ndodii?!,ndovaendera here futi mai vacho vandipe number dzaPertu ndimufonere nekuti zvandiri kunzwa mazuvano asikana hazvisi kuita zvachose” “haa mukaenda ikoko munonotakurana ikoko nemashoko saka zvisiyei munoti iye Maidei wacho anosvikepiko achiita zvaari kuita izvi pachadzoka iye motangira ipapo parizvino musiyei zvake ambofuririka paachaona kuti kunamai hakuendwi achadzoka zvake” Vakadaro mai Merju ndakazongozvishingisa ndichiti kuda zvirikutaurwa namai Merju zvinogona kushanda asi kutaura chokwadi ndainzwa kusagadzikana, kare ndaiti ndikanzwa saizvi pane chakaipa chaitoitika chete. Ndakabva ndarangarira mafiro akaita baba vacho vakaita zvekurumwa nenyoka vaenda kunovhima ndokubva vatofa musi iwowo vakafa vave kusvika kumba vachibva kumasango kwavainge vaenda. Vhiki rose iroro ndakapedza ndichirota hope dzinotyisa ndichiona vachimedzwa negarwe ndichitovaudza asi vachingoti ihope musi wekuzorumwa nenyoka ndakati ndichisuka ndiripadara ndakangonzwa hana yangu kurova chaiko kwete zvekutamba zvekuti ndakatosiya zvekusuka ndokubva ndagara pasi kusvika ndazovaona vachiuyabvachiutabzvekukambaira vakusvika kumucheto kwemunda kwave kundidana pandakamhanyira ikoko ndatowana vasviba kuti ndoo vasichatarisika.Saka apa zvakatondipa chivimbo chekuti Maidei pane zvaitika chete kwaari asi semunhu ainge akaenda asina fone hapana mabatiri acho andamuiita. Ndakambozama kuda kuti ndinamate asi handidi kunyepa zvakandirambira ndokungosiya zvakadaro ndichiti ndozongotangira pacho ipapo paachauya..... VICTOR Ndakanomira kuwaiting area kutaura chokwadi ndainge ndisina kugadzikana zvachose nekuda kwekutsika munhu kwandaita. I have been driving for so many years uku ndokaive kekutanga kupara mhosva yerudzi rwakadai. Ndaingotura befu and looking at my fone here and there apa mom vaindinonokera kusvika..Pava paya ndafunga almost after an hour ndokubva vazouya vakangosvika nekuti.. “Son what happened ?!“ vakadaro vachindi hugger vakambotora nguva vakadaro iniwo ndichibva ndazoti.. “Mum l have committed a serious crime that is so deadly mom handizive zvaitika sei it happened so fast mum zvekuti nanhasi zviri kundinetsa kuti zvakafamba sei mufunge mhamha ?!“ “l know son just gather up your strengths dear you will be okay handei tonomuona munhu wacho wawatsika..Baba Tafara and baba Iyke varikuuya vatove munzira..Asi baba vako handina kuvabata ini ndangozvinetera kuvafonera“ “Haa vasiyei mom hatidi kuzocreater a scene pano “,takadungamidzana tichienda kuward yaainge aiswa Takamuona atoiswa mabandages all over her head and again afanoiswa padrip doctor takavawana varimo ndokubva vatobvunza zveropa mom ndokubvunza kuti raidirwa marii kuti rivepo then he said.. A pint of blood costs $500 us type 0 yacho yatiri kumudira uyezve tinoda 2 ma pints of blood kuti zviite..Mari yainge yataurwa apa yainge yawandisa of which yaitove a thousand dollar, mom vakati ngatibvisei mwana wevanhu arapwe..Pakazosvika mabroters angubt takaita macontributions munhu wese akabvisa $250 usd then we agreed ndokubva taita matransactions acho ipapo achibva awanirwa ropa Tava munzira kuenda mom vakabvunza vachida kunzwisisa kuti zvainge zvafamba sei ndikavaudza.. “Zvino anga aine ma docments here ekuti tonogona kuona kuti tingabate ani..“ “Mhamha hapana chandamboona anga asina chinhu uyu anga achingomhanya “ “umm saka tobata sei hama dzake manje kana zvakadai hauone kuti pakatoipa here“ vakadaro baba Iyke mhamha ndokutsinhira vachiti.. “Yes hama dzacho dzoda kubatwa coz hatingarambe tichingobatsira munhu tichimuona ipo pasina hama dzacho hauone kuti hazvibude” We debated over it asi hapana aitibatsira nekuti zvaitoda kunzwa mbune from her kana atomuka nekuti hapana matsvagiro atingaite hama dzake..And we have agreed kuti taizozviona amuka totangira ipapo.. So since that day ndaiuya everyday ndichiita check on her, so mumwe musi ndakati ndavakuenda dad called vachipopota zvisingaite kuti ndaisava serious nekuuya kubasa.. “Dad 'm a grown up man ndoita zvinodiwa nelife yangu basa ramunondimakidza kuti ndiuye iroro handina kuridzidzira chido changu kuuya ikoko saka musada kundimanikidza pazvinhu zvenyu ndichauya kana ndakuda “ Handina kuvapa mukana wekuti vapindure ndichibva ndato cutter call iya..Vainge vakuda kundinetsa ini ndagara ndiine zvakawanda zvikundinetsa. Ndakanopinda mumota ndokumusta ndakananga kumba asi ndakati ndava kupinda mutown ndakabva ndaita u-turn kwava kudzokera ndoenda kumba kwamdara ndaida kuti tinotaurirana semunhu aimbova aine rwendo rwekuendako..Ndakati ndasvika pagate ndakatoona mota yavo irimo mucar park ndikaziva kuti vainge varimo, ndakanovhura door zvehasha ndikatoona vakatogara musitting vakabata zimbwa ravo rekurara nemunhu musi wandakauya ndichibva ndati.. “Dad 'm sick and tired of being used by you muchida kundiita remote control 'm tired you have been doing that for so long asi ii ndakutadzi. Moda nezvangu kana mawirwa nematambudziko kana pasina izvozvo hamunei neni .. “Victor dont forget that 'm your father no other way round urikunzwa handidi kutongeswa newe saka ibva wagara waziva izvozvo. Ndakakuti manage my business but iwe wakuita zvako wega kusvika pakuti ndorasikirwa ne almost 5 matrucks iwe wakagara no no no handidi kana kuzvinzwa izvozvo?!“ “Dad spare me murikunzwa heee?!, dont blame me for all your downfalls saka ndiregei. Murikuitei zvamuri kuona kuti zvinhu zvose zvirikuparara busy kurasisa vana vevanhu nemhuka what kind of human being are you !!“ “Shut up Victor!!, i said Shut up!!“ vakadaro vachisimuka vachitora makeys ava zvehasha asi handina kuita action ndakaona vanditarisa vachibva vati.. “Wakuenderera stay away from my personal. life urimwana iwe mind your fucken business!!“ Vakabva vafamba vachibuda kuenda ndikanzwa mota yimutswa. Ndakasara ndichirovera zvinhu kusanganisa nembwa iya ndikaitema nevase richisvikotsemukira pamusana apa ndaive ndabatikana chaiko hunhu rudziiko hwavari kuita..ndakabva ndazviudza kuti ndageza maoko kuva nhasi zvine chekuita nababa vangu ndasiya i need to sign a resginationa letter handichada..Ndakabuda ndikunanga kubasa kwavo ndichiona mota yavo yavepo. Ndakanopinda mu office mangu ndokuudza Saru kuti andivigire mabooks andaiona nezvawo ndokunyora tsamba yangu ndichinyora zvose zvandaiziva kuti zvaive mumaoko angu, ndapedza kunyora ndakananga kuoffice kwamdara vangu ndakati ndichisvika padoor handina kure kwandakaenda ndakanzwa vachiti.. “If possible itai ndiwane musoro chaiwo ndoungatoita..Musikana wandaida kuti arare naspike akatiza handina kumuona..hazvibvire kuti ndibroke i will figure out something so itai zviite so son , please hazvifanirwe kuramba zvichidai, 5 trucks achiparara no hazvibude!!“ Ndakavhunduka ndichinzwza izvi zvekuti simba rekuti ndipinde ndakarishaiwa ndokubva ndatorova uturn kubuda ndichinopinda mumota nekutomutsa ndichienda... end of chapter Chapter 12 Ndakamuka ndichiona ndakatenderedzwa nematambo akawanda andakatadza kuziva kuti aive eyi.Ndakazama kuda kumuka pandaive asi ndakanzwa musoro uchindiremera ndokusimudza ruoko ndichibata musoro wanikwe mune bandage ndokutanga kubatanidza zvainge zvatora nzvimbo ndokurangarira kuti paya pandakatiza ndakabva ndatsikwa nemota..Ndakada kuzama kuti ndimuke ndokuona nurse achipinda ndokuti.. “Mamuka sisi regai ndisimudze bed muwane kurara zvakanaka “, iniwo ndokubva ndati.. “Ndimbori kupi nhaimi ndimbori kupi ko?,ndauya sei kuno mhaimi?“ ndakabvunza mibvunzo yakawanda panguva diki iyoyo ndava ndaisaziva kuti kubva pandaive ndatsikwa zvakazofamba sei kuti ndizenge ndava kuno nurse uya ndokuti.. “Dont worry tichakuudzai asi parizvino imboitai muzorore handiti” hongu ndakadaro asi ndaive nechidokwa dokwa kuti zvakazofamba sei..Akangonditarisa ndokubva abuda achienda ndokutarisa padivi pangu paivewo nagogo vechikuru avo vainge vakangonditarisa asi vasina zvavakataura ndakatomboda kuvabvunza kuti sei vainge vakanditarisa asi zvakarambira mumukanwa ndokuramba ndakanyarara ndokutanga kupishana nepfungwa dzangu ndichizvibvunza kuti.. “Saka Pertu arikuzviziva here kuti ndokwandava kuno kuchipatara .Saka ndichabatana nevanhu seiko nhaimi ini ndisina kana mari zvayo?,saka ndichazvifambisa seiko inini nekuti kutaura chokwadi kana iyo mari yemuchipatara ndichaiwana kupi chaizvo mhani.“ Kwaivengove kuzvibvunza mibvunzo yandakashayira mhinduro, ko kuzoti mai vangu nhaimi apa muone ndakaita zvekutiza vari kuzviziva here kuti handina kana Joni yandakaenda nditori zvangu muchipatara muno.. Ndakazoona mukoti aiya akapfeka hembe chena ndokunditarisa tarisa achibva anyora nyora achitaura nanurse uya ambenge auya ndokubva vazobuda..Pava paya ndakaona vanhu vachipinda vachienda kunoona mbuya vaya ndichinzwa kuti yaive visiting hour yekuona varwere..Pasinawo nguva pakabva papinda murume akaita wechidiki akasvikonanga pandiri uye akadungamidzana nanurse uya akabva ati.. “I tried to call you but haina kuita through ndaida kukuudzai good news kuti ainge amuka” “aah ndaive mumeeting so ndosaka isina kuita through ,thank God kana amuka” “Ooh okay Mr Rusere chimuonai henyu “ nurse uya akabva abuda ndokusara naivo vainge vanzi Mr Rusere avo vakambonditarisa kwenguva vachibva vazoti.. “Makadii henyu” “Tiripo makadiwo” ndokubva ndanyararawo ndakadaro ko ndaivaziva here saka kutaura zvinoenda mberi ndaive ndisina ,ivo ndokudhonza chair vakagara padivi ndokubva vati.. “aah eehh ndini ndakakutsikai mazuva matatu apfuura ndikakuwuyisai kuchipatara kuti muwane kubatsirwa ndosaka maona ndauya kudai ,ndakashaya kuti ndobata sei hama dzenyu nekuti pacho pandakakudhumai maisava nefone yekuti ndaigona kutracer kuti ndodzibatira kuopi”.Ndichinzwa izvo ndakatadza kuvanza misodzi ndokutanga kuchema chaiko ivo vacho havana zvavakataura pandakanzwa sekunge shungu dzaserera ndokubva ndati.. “Makaita basa ,sorii ndiniwo ndakatadza kubudawo muroad pandaimhanya” “aah zvinowanikwa kungoti kana chinhu chava kuda kuitika haungachidzivise zvinongoitika tisina kutarisira sezvakaitika ipapo..So ndaida kuzivawo kuti ndiani wandingabata kumba kwenyu angagone kuuya uye nekuzivisa kuti muri muchipatara mazuva awanda muri muno saka hazvibude zvakanaka kuti poshaya angaziva zvirikuutika kuno” Pavakadaro ndakashaya kuti ndotii chaizvo, handina kana wandaiziva number dzake nemusoro kumba chaiko kuMbire ndakabva ndichiita zvekutiza kana iko kambudzi kaishandiswa namai ndaisatoziva number dzacho.Kotiwo iye Pertu chandaingoziva ndakamusiya kuGweru paya akanditi ainge asiri kugarako nguva yakareba ainge ave kutungamira Joni inini ndozotevera kana mapaper angu agadzirwa zvino zvazvadai ndingabate aniko wandingati uyu..Ndakatoramba ndakanyarara nekuti ndaive ndapererwa chaiko zvekuti ndakatoita kuvhunduka vabvunza zvekare vachibuditsa fone yavo muhomwe shungu dzakandibata chaiko kwete zvekutamba ndokubva ndangoti.... “ha-handina hama..“,ndokubva ndangonyarara ndakadaro ivo vacho vaRusere ndokunditarisawo zviya zvekuti kuda pamwe ndaitamba asi ndairevesa zvaitaurika here kuti ndakabva kumba ndichiita zvekutiza kunowo kwacho kwandiri ndaisaziva chandaiziva ndakangobva Mbire naPertu , kuti nditi musi uya ndaitiza hondo dzangu kubva kunababa vaye zvakaramba kutaurika ndava baba ava handaivaziva .. “matii?“ “handina hama ini” ndakapamhazve kupindura ivo vacho ndokunyarara vachibva vatura befu pava paya ndokubva vati.. “Saka musi uya maibva kupi pamaimhanya paya?“ “Handizive kuti ndaibva kupi” “aah munoreveiko kana muchiti hamaiziva kwamaibva nhai sisi?“ “aah muzukuru usamunetse uyo imbomupa nguva azorore kana wozobvunza zvose kana pfungwa dzake dzagadzana” mbuya vaya vekundipa ziso vakabva vadairira varikumubhedha kwavo zvikanzi nemukadzi ainge akamira ikoko “haa imi mhamha matotanga panyaya dzevanhu matotanga rwarai mushe imi” “kurwara mushe kudiko iwe hausi kuona kuti vabva vamupaka nemibvuzno iye achangobva kumuka unoti pane chaari kuziva here mavhuriro eziso ndoanokuudza kuti achangobva mushoku achiri mushoku” ndakaona Mr Rusere vaya vasmiler vachibva vati.. “yaa muri right mhamha zvesure zvogona ndanyanya kuvapaka nemubvunzo regai ndivarege vazorore” vakabva vanditarisa zvikanzi.. “Its okay regai ndikusiyei muzorore asi ndoda kuziva kuti zita renyu munoitwa ani nekuti uku takanyoresa kuti unknown saka hazvizobude” “Ndoitwa Maidei..“ ndakaona voramba vakanditarisa kutaridza kuti ndienderere mberi ndichibva ndati..“Maidei Zvenyika” “ooh okay mune chitupa here?“ Chitupa chipiko veduwe chandingaite ini ndaive ndasiya zvese kumusha kana nhamba dzacho nemusoro ndaisaziva ndaisatoziva zvachose..ko paya Pertu ainge anditi siya zvese hakuna kwazvinoenda saka ndakangobudaka paya ndakapfeka dzepamuviri handina kana zvimwe zvandakatora kusvika nanhasi ndingori nehembe imwe zvekare yake yaakandipa paya ko kwababa ava ndaive ndogariswa ndisina kupfeka ka mazuva andaive ndiri ikoko . “Chitupa handina “ ndakaona vanditarisa neziso rine chirevo ndokubva vazoti.. “Its okay regai ndidzokere kubasa nhasi manheru handiuye nekuda kwekuwandirwa kubasa ndichazama kuuya mangwana masikati toona kuti totangira papi” “Maita basa “ ndokubva vaoneka vachienda, vanhu vose vainge vabuda mbuya vaya ndokubva vati.. “Kumusha ndekupi muzukuru” ndakavatarisa ndichizama kugadzikana nekuti ndainzwa kurwadziwa muviri wose ndichibva ndati.. “KuMbire” “Saka zvawataura isure here kuti hauna hama?“,hana yangu yakarova pavakadaro saka vanga vachitererera here nyaya dzedu , pandakada kuti ndipindure nurse akabva apinda achisvikoti.. “Ndauya kuzochinja drip ndikuise rimwe sister..Zviya munoitwa ani” “Maidei “ “Okay sister Maidei ..Regai ndibvise tsono iyi inoita kurwadza asi ndezvenguva diki handiti!“ ndakangogutsurira musoro ndichiterera tsono yainge yava kuburitswa mandiri.. Vapedza ndokubva vachisiya vandirarisa zvakanaka.. Ndakatanga kupishana nepfungwa kuti kana ndikazonzi ndava kubuda muno ndichazvifambisa sei chaizvo nekuti baba vaye ndovaifanirwa kundidzorera kwaive na Pertu iniwo kwacho kuGweru ndikakunzi ndidzokere chokwadi handimbodzokere nekuti handina chandoziva chaizvo..Ndopaunoona kukosha kwekupotawo uchishanya nzvimbo kunyangwe usina zvaunoda ikoko..Shuwa kurarama 24 years dzose ndiri muMbire handina kana kwandoziva zvakatooma chaiko... Pane paunonyatsoona kuti pano hupenyu hwakuomera kushinga hangu asi ndaizvinzwa mandiri kuti ndakupenga ndakerekana ndazevezera ndichiti.. “Mai vangu vanodaro variwo vandipa munyama tarirai pazvasvika manje ..Apa handisisiri mhandara ndakaita zvekubatwa chibharo zvinotaurika here..Ndikafunga kurariswa nembwa kwandakaita kuya ndonzwa kupindwa nechando chimwe haisi nyore veduwe” kwaive kupishana nepfungwa ndichizvibvunza mandiri kuti hupenyu hwangu hwainge hwafa senge apa ndaizodii chaizvo.Ndakapedzisira ndava kunzwa musoro,umwe wainge wava serious ndokuzongozvimanikidza kurara chaiko ndatoona kuti pano ndava kuzviuraya chaiko..Ndakatoita kubiwa nehope chakandimutsa i injection randakanzwa richindibaya nechepa ruoko pangu apa ndokutoona kuti kwainge kwayedza.. “Haa temperature yenyu yava nani zvekuti mukaramba makadai week rinosara ropera mabuda muchipatara,mopora zvenyu muri kumba” Nurse akauya achindiona akadaro asi handina kuda kudaira kumba kupi kwaitaura hake..Vakazoenda vakauya nechikafu ndikada kuzama kudya asi chakaramba kupinda ndaizvinzwa mandiri kuti ndakadumbirwa..Nguva dzekuona varwere dzakasvika ndokubva Mr Rusere vaya vapinda vakadungamidzana nemukadzi wechikuru ndakaona kufanana ndega ndikaziva kuti vanofanirwa vari mai vacho.Vakandikwazisa neniwo ndikavadaira zvikanzi naMr Rusere “Nhasi mambomuka sei sisi Maidei?“ “Ndamuka zvirinani ndatomuka ndega ndichigara” “ahh patsvene , ava ndomhamha vangu ava , mhamha zita ndiMaidei uyu akamuka nezuro sezvandakakuudzai” “ooh okay unofara here Maidei” “Ndinofara mhamha murisei henyu” ndakadaro ivo vachibva vanyemwerera..Vakambobvunza utano ndikangoti ndaive ndava nani nyaya yakazondipedza simba yekuzo ndibvunza hama dzangu asi ndakatadza kutaura ini kwave kuti.. “handina hama ndaitoteterekawo pandakatsikwa paya” ndakatya kutaura zvainge zvichitora nzvimbo semunhu ainge akakomekedzwa na Pertu kuti zvose zvainge zvirikuda kuitwa zvainge zviri zvemadhiri ndakangotya kuti pada vanhu ava vanogona kundisungisa zvese zvaingouya mupfungwa mangu kana kuti ndizvitaure kuti ndakabatwa chibharo ndaitiza kurarwa nembwa zvakandirambira ndozvega zvandakakwanisa kutaura ipapo mai vaya ndokubva vati.. “Saka ukabuda muno une kwekuenda here?“ “handina amai kwekuenda nekuti handina kwandoziva muno uye kuti nditi ndirikupi handisi kutoziva zvachose” Ndakadaro ndichitarisa padivi kwaive nambuya vaye ndikaona vakandipa ziso ndokubva ndakasika kunzvengesa meso angu kubva kwavari..Mai vaMr Rusere vaya ndokubva vati.. “Saka Vicky since asina kwekuenda akabuda muno totomutora toenda naye kumba toona kuti todii “ “Okay thank you so much” Mai vacho vakabva vanditarisa ndokuti.. “Its okay mwanangu tikabuda muno tichakutora toenda kumba then toona kuti tozodii” ndakatenda havana kuzombogara vakabva vatooneka ndokubuda vachienda zvikanzi nambuya vaya.. “Kunyepa unokugona fani ka.. Manje uchachema nako kunyepa uku mberi kwauri kuenda uko.“ handina kuvapindura ndakangotarisa padivi ndichivhara maziso angu zvangu... end of chapter Chapter 13 “Kunyepa unokugona fani ka.. Manje uchachema nako kunyepa uku mberi kwauri kuenda uko.“ handina kuvapindura ndakangotarisa padivi ndichivhara maziso angu zvangu...Mashoki avainge vataura aive echokwadi handidi kunyeoa zvainge zvandiremera mbune kunyepa kwandaive ndaiita asi chekuita paive pasina mufunge. Matauriro enyaya yangu akandinetsa chaiko kuti ndotaura ndichitii plus vaindiona sei chaizvo kana ndichinge ndataura kuti ndakatiza kumba ndichinzi ndiri kuenda Joni. Ndakangozviudza kuti ndaingonyarara ndozoona kuti ndodii kana ndichinge ndabuda, ndakatozobatwa nehope ndikamukira chikafu chainge chauya ndokurara zvekare.Mazuva akafamba Mr Rusere vachiuya kuzondiona pamwe vaiuya namai vacho pamwe vachiuya vega. Ndaive ndakuita ndichipora doctor vakanditi ndaizobuda muzuva rinoteveta mbuya vaya ndokubva vati.. “Kana uchinge wabuda muno muzukuru udzidze kutaura chokwadi handiti?, zvinokubatsira fanhi chiso chako hachina kufitwa nekuita hutsotsi” handina kupindura ini ndaishaya kuziva kuti vainge vavarirei chaizvo asi ndakangozviudza mumoyo kuti ndichazama kutaura chokwadi ai ndaisaziva kuti ndozvitaura ndakmira pai chaipo.. Zuva remangwana Mr Rusere vakauya asi vaive voga ndokubva vati.. “aah sisi Maidei muriseii nhasi? murikubudaka nhasi?“ “Ehe ndanzwa kudaro nadoctor maita basa mufunge” “aah uts okaya so mum vanditi ndigouya nemi kumba tozoona kuti totangira papi “ “aah okay maita basa “ Ndakamuka pamubhedha ko ndaisave ka nezvinhu ndokubva tadungamidzana navaRusere ndikaonekana nambuya vaya munezvakanaka..Ndakati ndava oanze ndakaringa ringa mativi ose kuti chipatara chakanaka kudai chingava chiripai chaipo muno munyika, kuti ndibvunze zvakandirambira ndokunyarara ndichitevera kusvika pamota yavo vachivhura door kuti ndipinde ndikaita saizvozvo , ivo ndokupinda vachimutsa mota tichinanga kwandaisaziva zvangu.Tatoti fambei zvakandipa chivindi chekuti ndibvunze kuti timbori kupi ndaisvikepiko kuita katsika kekunge ndirikuziva ini ndichinyatsoziva kuti hapana chirikuzivikanwa saka ndakazvipa hushingi ndokubva ndati regai ndibvunze .. “Mr Rusere..“, ndokubva ndambonyarara ndakadaro ivo ndokuti.. “Ndoitwa Victor ndatoona kuti zvingakuremerai kuramba mondidana kuti Mr ndagove baba vangu here” zvakandipa kuseka zvekushinga ndokubva ndati.. “Aah ndakangonzwa paya muchinzi Mr Rusere pandakatanga kukuonai saka ndakati pada ndozita renyu” 'Kwete Victor ndozita rangu..Manga muchida kutii?“ “Pada nekupinda kwandaita muchipatara handichaziva nzvimbo timbori kupi ndarasika “ “aah hoo tiri muna Enterprise takananga kuChisipite ndokumba kwedu uye pachipatara patabva kuWestend ..Pandakudhumai ndaienda kumba kwababa vangu kuMilton Park” “Umm nzvimbo dzese dzechurungu.idzi dzitorimo muZimbabwe nhai?“ “Matii?“vakandibvunza handina kuziva kuti vainge vazvinzwa nekuti ndakataurira pasi ndichibva ndati.. “Handina kutaura maita basa henyu” Ndokubva ndanyara havana kuzotaura vakabva vatoisa volume yeradio yemumota ..Ndakatanga kufunga kubatwa chibharo kwandakaitwa nababa vaye chiono chose chakandibata mumaziso ndikanzwa kuzuzuma kudeder chaiko ndikanzwa misodzi kundibaya chaiko..ndakaitei chaizvo inini dai ndakaramba ndirikumba paya ndingadai ndisina kuwirwa nedambudziko rakadai..Kana kuroorwa ndicharoorwa here ini ndiyaniko angachada munhu akatambwa naye akasakadzwa sechikorobho uyezve zvingazotaurike here kuti ndozvakaitika zvikagamuchirwa..Ndainzwa kudumbirwa pachokwadi nekuti handizive ndaizozvifambisa sei chaizvo zvinhu zvacho sooka unotadza kunziwisisa, munyama here pandaive ndati ndawana mukama wekuzvishandira pondisimukira mhepo dzakadai.. “Ko chii sisi Maidei ndirikuona sekunge murikuchema?“ ndakavhunduka Victor uya paakadaro zvekuti ndaive ndisina kuzviona kiti nguva yose iyi ndaive ndirikuchema, ndakakasika kuipukuta ndichibva ndati.. “aah -eeh -aaa- maziso angu anorwadza kuda ndosaka abuda misodzi kudai” “aah hoo ndaona sekunge murikuchema chaizvo ndosaka ndabvunza” handina kupindira nekuti kutaura chokwadi kuchema ndokwandaive ndichiita ndaive ndakaremerwa. Chiitiko ichi chainge charamba zvachose kubuda mundangariro dzangu uye ndatadza kuzvigamuchira ini kuti ndizviripo zvakaitika nechimbi chimbi imi, kana iyo Joni yacho ndichaienda seiko nekuti handina kwandaiwana Pertu ndaizomubatira kupi chaiko fone handina kana ndikada kuti ndifone, kana kuti ndidzokere kuGweru kwacho kwandaive handikuzive zvakaoma kuoma chaiko. Ndaive ndichingotura befu kasingaperi ndakatonyura mundangariro dzangu ndanzwa Victor ati.. “Tasvika pamba regai ndibude ndivhure gate” Ndakaringa mativi ose ndikanyatsoona kuti nzvimbo ini handiizeve yaive yakanaka kwazvo.Vakavhura gate ndokubva vadzoka vachidriver kupinda mukati, vakanopaka padivi paive nedzimwe mota mbiri dzaivepo ndokubva vati tiburuke vachiuya kuzondibata kuti ndiwane kufamba zvakanaka semunhu ainge asati asimba. Mumba makabva mabuda kakoma kechidiki kachimhanyira Victor uya kachiti.. “Daddy Daddy you are back?!!“ “Yes my son my love 'm back”,akadaro achimira ndokubva ambotaikura mwana uya , seminhu ainge asina kubudawo zvakanaka muzvidzidzo hangu asi chirungu ndaizama kuchibatanidza seipapa ndakatonzwa zvairehwa nemwana uyu .. “And daddy who is she?!, my aunt right?“, Victor uya akabva aseka ndokubva ati “no no she is our guest ok , greet her” ndakabva ndamutarisa akanyemwrera inwio ndokomanikidzirawo nyemwerero achibva anditi.. “Hie aunt how are you?“ “Faini -fine “ ndakadaira kaviri ndanzwa sekunge mabudiro azvakaita acho ainge anyanyorerekera kuchishona, Victor uya akabva aisa mwana pasi ndokundibata ndichifamba kupinda mumba umo maive makarongedzeka nekushambidzika zvakakana..Ndakanogadzikwa pasofa raive rakanaka ndokubva ati.. “Rega ndinodana mhamha kuti tadzoka “ “Granny she is in the kitchen” akadaro mwana uya vakadungamidzana vachienda kuda ndiko kukitchen kwacho kuda pamwe, pasina nguva vakadzoka vakadungamidzna amai vake vachibva vati.. “aah titambirei asikana “ “Muchitambirei henyu mhamha” takakwazisana vachibva vagara padivi vakandibvunza hutano ndokapindurawo nezvandainzwa panguva iyoyo. Vakazosimuka vachinotora chikafu ndikawana kudya ndokundoratidzwa kwekuti ndizozore vachibva vati.. “Zvizhinji tichataura mwanangu parizvino imbowana kuzorora semunhu achangobuda muchipatara..Pano ndopamba saka muno unorara makasununguka zvenyu” “Maita basa mhamha ndotenda nerudo rwenyu” “Aah uchitendeiko , wangu mwana ndiye akatadza ainge ava kuda kudamburira hupenyu hwako munzira saka rega tione kuti inosimba zvakanaka here saka sunuguka zvako “ Havana kuzombogara , iniwo semunhu ainge asati anyatsosimba ndakakasika ndazorora ndainzwa ndega kuti muno mumba uye uyu mubhedha.Ndakapinda mumagumbeze ndikatanga kuona kugara ndisina kupfeka kwandakaita mabatirwo acho andakaitwa nedhara riya ndikatanga kuchema chaiko kwete zvekutamba. Chimwe chainge chichinyanya kundichemedza kuzivanl kuti humhandara hauchadzoka pano zvachose zvainge zvatovharana paya hapachina kana ka1..Hope dzakazoita kundibata ndokurara kwandakazoita mangwana acho ndakatozovhundutswa namai Rusere avo vakauya vachindiona vachiti ndaifanirwa kudya semunhu ainge apihwa mapiritsi ndokuita saizvozvo.. Mazuva akafamba ndikatoona ndaive ndatonaya ndakutogona kumuka zvakanaka ndichinzwa kuti hapana chainge chirikurwadza..Mumwe musi yaive Saturday takagara panze vanditi ndimbofurwa nemhepo ndipo pakaasvika Victor akauya achibva agarawo padivi namai vake uyo akabva ati .. “Since wapora i think zvakanaka kuti tiwane watobata wekumba kana kuti ndokwanisa kukuperekedza ikoko hameno kuti mozviona sei mhamha?”, paakadaro hana yangu yakarova chaikokwete zvekutamba kutaura chokwadi nyaya yangu ndaiitanga ndakamira papi chaipo nhaimi hazvaibuda mushe vaizondiona ndirimunhu akaita sei chaizvo.. “Ehe ndizvo mwanangu tagara newe nguva yakareba hazvina chimiro zvekuti vakazozvinzwa kuti takapara mhosva ndokubva takurapisa tikaramba takanyarara hazvubude mushe saka zvataurwa naVictor ndizvo chaizvo..Saka ndiyani watingabata nekukasika uye varimuno muharare kana kuti vabereki venyu vapenyu here?“ vakabvunza ndikaramba ndakanyarara ndaiziva kuti mai variko ndakavasiya kuMbire baba ndovainge vakashaya.Zvino ndakatadza kuzvitaura ndairamba ndakanyarara vakabvunzazve ndichibva ndati.. “Mai variko” “kay tokakwanisa kufonera mai vake Vicky handiti ?“ “ehe ndizvo mhamha ” vakapindurana amai nemwana ndokubva azoti.. “Ko number dzavo unadzo here?“ “Handina” vakambonyarara vose mai vacho ndokubva vati.. “aah okay ko kuno kuMilton park kunogara ani wako zvekuti togona kuendako tonovaona” Milton park ndakainzwa paya yataurwa naVictor achiti ndiko kwaakanditsikira ikoko.Kuti nditaureb zvakatora nzvimbo ikoko zvakaramba kibuda zvachose ndikamboramba ndanyarara chaiko ndangariro dzandibata ndichibva ndati.. “Ndaingotetereka nenyika handina hama ikoko,kana zvichibvira ndipei zvangu basa ringakwanise kundip mari” ndokupindura kwandakaita ikoko vose hapana akapindura vakaramba vakanyarara dzamara mai vake vati......) end of chapter chapter 14 Maidei Vakaramba vakanditarisa ndokubva vatarisana naVictor vakadzosa maziso avo zvekare kwandiri vachibva vati.. “Basa?, unoda basa?“ “Hongu amai ndiwane kuzviriritira “ havana futi kundidaira asi vakaramba vakanyarara Victor ndokuvva ati.. “Hongu unogona kuwanirwa basa asi zvainge zvakangonaka kuti tizive hama dzako kuitira mangwana zvinogona kutisungisa kuti takakurapisa tikagorega kutaura imbosva kaiyi “ ndakaona kuti vainge vaindiisa panguva yakaoma chaiyo ndega ndikazvinzwa mandiri kuti handimbokwanise kutaura nyaya yangu kutaura chokwadi ndokubva ndanzwa misodzi ichibuda mandiri ndikatanga kuchema ndichiti.. “Hamungazvinzwisise deno mangondipa basa ndiwane kuzvishandira zvizhinji hazvina basa” “Tazvinzwa Maidei chirega kuramba uchichema handiti wakanzwa naDoctor paya vachiti hausati wanyatsosimba “ ndakange ndava kukwiridzira madziwa mai nemwana vachingoti ngatiregi kuramba tichimupa pressure yekuti ataure kuda ane zvaakasangana nazvo zvirikuita kuti arege kutaira mai vacho ndokubva vati.. “Mabasa anonetsa kuwana mwanangu asi zvandoita pano Vicky kuita kuti anoita achibatsira vasikana kushop achigara pano kusvika akugona kuzvimiririra ega .l kana oda kutama otama zvake..Since kucottage kusina vanhu anogona kuzoita move in ikoko tongotaurirana parent apa” “Maita basa mhamha chandiri kuda imari ndagara ndiine rwen..“ handina kupedza kutaura ndakabva ndanyarara ivo havana kuda kundibvunza kuti ndaida kuti kudii saka vakangondisiya ndakadaro ndokubva fone yaVictor yarira achisimuka ndichisara ndiina mai vake avo vakabva vati.. “Muhupenyu mwanangu takasangana nezvakawanda uchitiona tiripano. Hupenyu hauna kuchipa uyu haungakupe zvose zvaunoda. Saka ukatombowana munhu anoda kutakudzana newe mutori tura akubatsire nekuti ukaramba wakautakura kutaura chokwadi zvokuremera chaiko , paunozoda kuti uchiutura unenge watofa mutezo kare ndosaka ndati zvakakosha kutaura ringave dambudziko ripi rauri kusangana naro. Kungoti handingakumanikidze uchataura zvako kana wave ready kuda pamwe tiri kukumhanyira , ngatisimuke ndinokuratidza zvandotengesa zviri mulaptop yangu mangwana ndienda newe kushop kwangu. Vaitaura zvavo zvinemusoro handidi kunyepa asi ini ndainzwa yangu yanya kurema chaiko kutaura. Ndaiona ruremekedzo rwavaipihwa nemwana wavo Victor ndofunga ini zvandakaita mai vangu kuti ndakabva kumba ndichiita zvekutiza zvinozobuda here kutaura saka kutonyarara ndiko kwaitoita kana ndawana mari ndoona kuti ndokwanisa kuenda kuGweru kaPertu here , ndaimuwana here iye Pertu wacho ainge ati ava kutungamira kuenda Joni ..Kuti ndingodzokera kumusha ndakadaro ndirimaoko zvakandiremera zvakare ini ndakabvako ndichivhaira ndichiti ndirikuenda kubasa. Ko kvo mai ndonovatsanangurira ndakamira pai kuti ndakabatwa chibharo zvinotaurika sei zvandakasangana nazvo kana vanhu vakazvinzwa vanonditora sei. Ndakatoona kuti kunyarara ndiyo nzira ingatondibatsira ndichizoona kuti ndodii ndava mberi. Takapinda tose mumba ndokugara padivi pavo vachivhura iyo laptop yavainge vareva ndokutanga kubaya baya kusvika paive nemapikicha ehembe dzaive dzakanaka dzakasiyana siyana vachiibva vati. “Ndidzo hembe dzandotengesa idzi ndine mashops angu maviri arimutown umu saka ndichati ndinokuratidza kana taendako chako kucleaner vanotengesa vagara varipo nechekate “aah okay maita basa “ “saka ndichaona kuti ndingakupewo marii semuhu angoerekana andibata pahuro ndisina kugadzirira kuti ndingava nemumwe mushandi saka ndenge ndichionawo nekushanda kwako kuti zvakamira sei” “aah okay maita basa mufunge mhamha maita basa” “okay, ndirikuda kubuda ndine vanhu vandiri kuda kunoona saka ndodzoka manheru kuda togona kutozoonana mangwana saka unokasika kumuka basa rotanga na8 dzekuseni handiti ka” takawirirana saizvozvo ndokubva vaoneka vachienda .Ndakanzwa kufara mandiri kuti ndainge ndawanawo chekuita kuti ndikwanise kuunganidza mari yekuti kana ndoenda kumusha ndowana chekusvika ndakabata kana mai havaizoita hasha kuzoti vandainge ndakadadira vanoonawo kuti ndakaita zvine musoro nehupenyu hwangu ndoona pekutangira kana ndaendako nekuti apa ndichifunga kuti Pertu ndichamubatira kupi hapatorina nekuti ndakatorasana naye paye semunhu ainge ati ava kutungamira kuenda handina kwandaizomuwana kana zvachose.. Ndakazosimukawo ndoenda kukitchen kuti ndizamewo kubata bata zvaizoda here kuti uripamba pevaridzi ndoita sendiri dera hazvaida zvachose..Munhu akazokasika kudzoka aive Victor uyo akapinda achidana mai vake ndichibva ndadaira ndiri kukitchen ndichiti.. “Havapo vabuda masikati pamangobudawo paya havana kuzogara” “aah hoo vaenda kupi?“ “havana kutaura kuti varikuenda kupi asi vangoti vanogona kunonoka kudzoka chete” “hoo, ko mazvinetsetei nekubika nhai?“,akabvunza akamira padoor oniwo wacho ndichibva ndati.. “haa zvinozoda here kugarabndangoti regai nditwasanudze muviri ndichibika hangu sepamba pasina vanhu ndirini ndanga ndiripo ndatongoona kuti hazvaizoda kuti kubva kwamaenda motanga kubika “ “ooh ok i understand but usazvipe hako pressure pano pakangofanana kuti panogara mabhachua aita twake at any given time” tose takabva taseka ivo ndokubva vapinda vachizvuva chair vachibva vagara pasi vakatanga vambobaya baya fone yavo ndokubva vaigadzika patable vachiti.. “Saka mawirirana kutii namhamha?“ “Vati ndichambonoshanda kushop kwavo ndichi cleaner ndooona kuti ndodii pamberi” “ooh okay..Makagumira level ripi kuchikoro?“ “Mhaa?“ndakadaro kuita sekunge ndisina zvandanzwa ini ndanzwa vakabva vati . “Level of eductaion kuxul which level rawakagumira?“ umm kana zvava zvema level hatina kana kure kwatakaenda isu vana Maidei , ndisu taiti tikabva kumba taiswera tiri munjiri remazhanje nematufu nenunguru kusvika nguva dzekudzoka dzakwana todzoka saka kufomu 4 kwacho hatina kubuda zvisvinu zvinobatika ndokubva ndati.. “Ndakagumira fomu 4” “Ooh okay makabuda nemangani paform 4 pacho” kkkk ndakada kuseka chaiko asi ndakazvidzora chaiko.Ndaiti ndichibuda nemanganiko kunge ndakatombonotora maresults acho handina kana kumbosviko nekuti ndaitoziva kuti hakuna chandakabura ikoko ndichibva ndati.. “Ha-handizive kuti ndaka-buda nemangani” “kkk hauzive nemhaka yei usingazive iwe uriwe wakanyora nhai?“,regai vaseke shuwa nekuti mhinduro yangu yaisatove nesense chaiyo handina hangu kupindura vakabva vapamha zvekare vachiti.. “Sei usiri kuziva nhai sisi Maidei?“ vakabvunza vakanyatsonditarisa apa vakanyokera zvavo mukoma Vicky ndichibva ndati.. “Handina kupedza kubhadharirwa fees” Handina kupedza kubhadarirwa fees kuti zvidii mai vakatorikicha mari yacho asi kuti ndega ndaizvizviva kuti handina chandakabura ikoko ndosaka ndirikudaro vakabva vangiti.. “Ooh oky i understand..“ vakambonyarara ainiwo ndakabva ndaramba ndichimona sadza asi ndainzwa kurema kwegotsi ndikaziva kuti ndakatariswa chete nekuti vakabva vanditi.. “Saka mune makore mangani nhai Maidei?“ “inini..aah 24 years ndakutoshandira rechi25” “ooh oky haa maenda makufanirwa kuchiwanikwa manje kkkk” takabva taseka zvedu vachibva vangoti kutamba zvangu.Ndaiona kuti vane mibvunzi yakawanda fanhi yavaida kutaura asi ndakazama kuinzvenga nekuti ndaitya kuti vaizondibvunzisisa zvakawanda saka ndakazama kudzora dzimwe nyaya dzacho vachibva vati.. “Saka momboshanda kwamhamha ikoko muchiona kuti modii handiti..“ Vakabva vasimuka ndikangobvumiranawo nazvo.Ndakazopakura ndichimirira mai vacho vakazouya nguva dzatofamba handina kuzonyanyotandara zvakanyanya ndokunorara ..Semunhu ainge akaudzwa zvekuti ndaizotanga basa muzuva rinotevera ndakasikidza ndarara paya ndikaseta ka alarm kewachi nyandakaona yaivemo muroom mandairara zvesurewo kakandimutsa ndikanogeza nyaya yakazonetsa yaive yekuti ndiwane chekupfeka nekuti mbatya chaidzo ndaive ndisina semunhu zvinhu zvangu zvose zvainge zvisina kugadzikana zviri zvekungomhanya badzi ..Ndakadzungaira ndirimo mumba ndikanzwa knock door richibva ravhurwa ndokuona vari mai Rusere vakabva vati.. “Mapedza here sisi Maidei tiende?“ “Ehe ndapedza “ zvino ndaive ndangomira manje ndokubva vati.. “aah zviya wakauya usina hembe ka saka zvino ndodiiko inini handina kana mwana musikana iboys dzega dzega pano, saka rega nditaure naVictor atombotipa track suits dzake dzema unisex tione kuti todii” vakabva vatobuda vasina kundipa mukana wekuti ndipindure pasina nguva vakabva vadzoka vakabata tracksuit ndokusvikondipa vachiti.. “Chipfeka idzi mwanangu ndovimba unokwana iwe” Dzakandiremera wena kuti ndipfeke hembe dzaVictor asi semunhu ainge asina chokuita ndakapfeka ndikaona aikaka inga ndaive ndakafitwa fanhi nm vakabva vati.. “Wabuda kuita kunge matracksuit acho ndeako handei hedu”, takabuda takadungamidzana ndokusangana naVictor aive panze uyonl akanditarisa kwenguva zvikandipa kunyara kuti kuda pamwe ndaive ndapfeka ka hembe dzake asingade ndokubva ati.. “haa ndazoona munhu akafitwa nawo matracksuits aya ndiwe kubva nhasi yatova yako iyo” “Wazvionaka zvandanga ndichikuudza kuti anokwana ichamufita iyi ukaita nharo”, ndakangonyemwera iye ndokunopinda mumota make achimutsa achienda isuwo tichipinda yamai Rusere avo vakabva vamutsawo toenda.. Pasina nguva taive tasvika mutown ndega zvakangondiudza kuti ndimo mutauni muno nekuda kwemota dzaive dzakawanda pamwe nemidhuri yaive yakareba plus kuchikoro taiudzwaka kunzi kana ukaona wasvika munzvimbo ine ma buildings akakura achienda mudenga ibva waziva kuti wasvika muHarare capital city yenyika saka ndega ndakazviudza kuti ndapinda muharare ndomandiri muno..Vakanomira paive neshop yaive nehembe panze ndikatoziva kuti muno ndomushopu mavo vachibva vati.. “Ngatiburukei tasvika”, ndakaita saizvozvo ndichivatevera kumashure kwavo tichipinda mushop..Vakandi introducer kuvasikana vaivemo vakavaudzawo basa randaizoita ndokubva vati.. “handisi kugara ndoda kuenda kune imwe shop inova hombe pane ino saka woshanda zvakanaka Vicky achauya achikutora “ Takaonekedzana vachienda iniwo ndichitangawo kubatana nemamopu ndikaziva kuti ndokutanga kwehumwe hupenyu zveJoni zvakona pano.. end of chapter Chapter 15 Pertu “Zvatopera soo kana zvichibvira ibva wamusiya ikoko hazvina kana basa izvi anogona kutokukanganisira basa munhu uyu.." , akadaro Getty achivhara door mushure mekunge mota yainge yatoenda ya baba vaye.. “Umm hazvibude munhu uya haana zvaanoziva kana ka1 kutouya ku harare kutotanga ipapa. Plus ndoda kumupa basa rekufadza vanhu ndikuda kutanga chiclub chiya ka coz ini handichada kuramba ndovata nevanhu saka ndiye wandirikuda kushandisa iyeye. Saka apa ndinoda kuti timudzidzise ma pole dance and snooks dance kuitira kana tatanga , mari iya yababa vaye handina kuidya yose imwe ndainge ndachengeta zvino manje zvavanditi ndisavafonere ndichibvunza kuti vanouya naye rinhi hanzi ndichauya naye pandodira saka kungondiurayira basa ukuziva kuti this time handisi kufanirwa kuwandira kuno ndofanirwa kudzokera kuharare ndiko kune mari yacho yese ikoko” “Hazvinetse manje unongobvunzaka ka Queen kuti tozvifambisa sei since urikuenda kuharare chibata dhara racho wovaudza kuti wamuHarare kana vapedza naye vokufonera womutora” Takakurukura tichionesana kuti todii ndichibvaa ndazowirirana naye kuti ndaizodaro pandichaenda kuharare.. Mazuva akafamba ndiri kuGweru ndichitenga zvinhu zvandaida kuzoshandisa kuclub kwangu ndikaona ma bikini from SA andaida kuti ndigope Maidei plus ndakatoona kuti ndaifanirwa kutsvaga mumwe musikana kuti vaite kana 2, ndaive ndakugadzirira kuti ndiende kuHarare pakabva parira fone yangu ndichibva ndaidaira vaive amai vainge vafona ndokubva vati.. “Wakasimba here mwanangu kurisei ikoko?“ “Kurinani amai murikuzvigona sei” “Hakuna kumira mushe kuno ndakavingwa namai vaMaidei ndovakatanga kukazotevera hama dzavo vakandipopotera zvinondishura chaizvo mwanangu kutaura kudai ndine chigumbu chisina kumira mushe” “Ko chii mama , chii?“ndakadaro hana yangu isina kugadzikana zvachose vachibva vati.. “Varikuti wakatakura mwana wavo kuenda naye kuSouth ikoko kwauri ndozvavari kutaura hanzi musi wawakaenda iye akabva ashaikwa pamba “ “aah ndichienda naye kupi zvangu inini kuti ane mapaper ekufambisa akwana here zvavanoti ndakaenda naye “ Ndakadaro asi chokwadi ndichichiziva zvangu kuti ndakatakura mwana wavo ndini nyakutomuudza kuti tiza kumba mhamha ndokubva vati.. “Ndombozvida here zvisina basa Pertu ndakavaudzirisa zvisingaite,mwana wavo akatizira vanombobvira here kurarwa kumabani nekumarukova kwavaiswera vachiti tiri kutuhwina nekustvaga huni saka aona kui zvaipa ava kuda kuhwanda newe manje ndakavaudzisa kuti ngavakurege zvako vasakuise mukirasi yana Maidei yevanhu vasina kukwana kana hazvibude mwanangu ndazviramba izvozvo” “haiwa mhamha , musazviteedzere ini hndina kutakura mwana wavo .Ndakazviona kuti vanhu vekumusha ikoko vakandimaka chaizvo ndakazviona and havatende zvinganiko zvandovaitira kuti vazive nyama dzinogochwa handiti ndini here saka vanodarireiko vanokuita sekunge ndisingavaitire zvakanaka kudaro” Ndakapopota zvinobvira here chandaida kupa mai vangu mufungo wekuti zvesure sandini ndakatora Maidei kuuya naye kuno..Ndakazodropper call iya ndokutoudza Getty zvainge zviripo akatoseka zvake ndokuti.... “Gore ravachaziva mai vako ava kuti wakarembera muno muzimbabwe vanoita stroke vachitooma mitezo nguva imwe ndava iii kunyepa zvako une degree class 1 ” “kkkk ko pavachazviziva kuti ndoita zvemanjuzu pamwe ne chipfambi ndopavanoputika moyo uyu kubuda chaiko” Takabva tarova chikwee zvedu ndichitora zvinhu ndichiisa mumota semunhu aizoda kusimuka husiku ndichienda , ndonguva yandaiwanzoda kudriver iyoyo pese pandobva Gweru ndichienda ku harare or the other way round.. Ndapedza ndakabva ndaonekana naGetty uyo akabva ati..“Kana wasvika usarege kundiisira message then during week ndichatumira munyati uya ka” “Iribho ndokuudza kana ndasvika plus usandikanganwirewo ka mushonga uya wekudzora zasi uku kkk” “Uda kuvanyepera kuti urimhandara ka?“ “Ko ndingagodii ndinoda kuti anoda kundiisa mumba aah ibattle of settling down ka iyi saka ndoda kugara ndakarongeka” akabva aseka achindivharisa door remota kuti ndiende ndokuimutsa ndoenda ..Ndakaiita kuridza zvangu radio yangu full blast chaiyo ndichirova road ndikati ndaiimhanyisa zvisingaite Ndakati ndapinda muChegutu ndakatomboparker kuti ndiwane chekudya ndokuzorora ndokuzosimudzira rwendo rwangu ndikapinda mutwn around 2 am. Ndakananga kumba kwangu ndakangosvika nekurara semunhu ainge aneta nekudriver chaiko..Ndakatozoita kuvhunduka ndanzwa fone yaringer ndokubva ndaitarisa yakabva yacutter kuona patori nema missed calls anoita 10 chaiwo apa yaive new number ndikatoshamisika kuti ndiyani ainge achifona , ndakazviudza kuti new number handifone back ndomutemo wangu kana achida kutaura neni achafona hake. Yakatombotora nguva isina kufonwa pandakutomuka kuti ndigeze ndokubva yaringer ndichiidaira ndikanzwa voice rababa vaye vachipopota vachiti.. “You think you are clever right bitch?!, manje ndoda kukuratidza kuti ndiri chii, " “Aah ko munongofona nekupopota , ko chii manje taurai nyaya yacho zvakanaka imi?!“ “Bullshit and f**k you bitch urikunzwa?!,saka wakaronga ka nehure rako rawakandipa kuti atize handiti?!“ “Kutiza ?!, ani atiza iyeye ?!“ndakadaro ndichigadzika towel randaive ndakabata pabed vachibva vati .. “Usade kushamisika urikunzwa?!, Kana uinaye ikoko ngaadzoke kuno nekuti ndouraya munhu ndikakubata , munhu wako atiza kuno and i believe you are involved mazviri?!“ “Ma-atii?!, Maidei a-atiza ?!“ “Whatever ,you call her haasi kuno manje i will haunt you kusvika ndakubata make sure you bring her kuno within 24 hrs and i mean it or watch me!!“.. vakabva vadropper call iya ndikaita kunzwa majoin ose aya kupera simba kuita sekunge handisiri ini. Vaireveiko kuti Maidei akange atiza nhaimi?, asi ndaive ndatadza kunzwa here kana kuti ndirikurota ndakaerekana ndazvitsunya kurikuda kumaker sure kuti zvandiri kunzwa mandiri ndizvo here kuda ndodaro zvangu ndiri kurota ..... Kana atiza zvino ananga kupiko nhai Mwari?,ko atizei chaizvo ikoko chiiko uye ananga kupiko manje iye asina kwaanoziva nhaimi. Ko akandiurura ndikafumurwa kuda pamwe atiza achidzokera kumusha zvino ndodiiko nhaimi atiza achinanga kupiko chaizvo?! Kwaive kuzvibvunza pasina anondipindura , ndakatora fone ndikufonera Getty ndichimuudza zvainge zviripo achibva ati.. “Handiti ndakakuudza kuti munhu wawakaunza uyu uchenjere anokunyudza ane kakungwara mhani kandisingade kari maari saka atiza achienda kupi chaizvo?“ “Ndingazive here kuti atizira kupi wena ndirikutotya kuti ndozvifambisa sei kana nekwananga chaiko nhai Getty ndozvitaura ndichiti kudii?“ “Apa akati haana fone yekuti tofona kumutsvaga zvakangooma wena, zvowotoita apa itofona kumusha tinzwe kuti ariko here akasvika here ikoko nekuti kuda pamwe ndiko kwaari ikoko” Takawirirana kudaro kuti ndifone kumusha ndichibvunza kana achinge aendako , ndakafonera mai ndikavabvunza asi vakatoti hakuna munhu kuno mai vacho vaitonzi vaenda kumaporofita kunobvunzira kuti mwana wavo ainge aendepi.. “iii inga zvakaoma nhaimi ndozvazviri kuti haana kusvika ikoko saka kuda akatizira zvake ka uyu nhaimi” “Hameno manje ndakavaudza kuti ngavakurege zvako nekuti hauna chaunoziya panyaya dzekushaikwa kwemwana wavo ngavakuburitse panyaya idzi aah vanopenga fani" Takazongotaurawo dzimwewo nyaya ndokuzodropper call iya..Ndakadikitira mai nhiya kwete zvekutamba saka zvaakatiza akaendepiko kwaanoziva nhaimi..Ndataoona kuti ndiye munhu achandifumura kutaura chokwadi nekuti ndaive ndisati ndatanga naye kana zvadai zvoda kuti nditikudii Ndakatambura ndichinyatsoziva kuti kwekumuwanira chaiko hakuna kana fone haana zvachose.Ndakapedza mazuva ndichifona kumba kumusha ndichiti kuda pamwe ainge akazosara osvika asi zvaingonzi haako uyu. Ndega ndakatoona kuti pano ndakakanya chaiko dai ndisina kumupa baba ava munhu uyu kuda pamwe dai ndiinaye ndakatotanga basa racho.. Mumwe musi baba vaye vakafona vachiti vanoda kundiona and vaitove serious nekuti vaitotaura zvekuti l have to compansate him mari yavo.Ndakatoona kuti nyaya yainge yakora ndikatoona kuti ndofanirwa kutombobva kuno ndikatoona kuti zvirinani nditize ndimbotsvaga kwekugara kwekuti havandiwane kusvika zvasettler.Ndakafonera Getty ndichimuudza zviripo kuti nda decider kutomboenda kwaMutare nekuti ndaizviziva kuti muno muHarare neGweru vanogona kundibata saka ndozvatakazowirirana naGetty..Ndakapacker few clothes dzangu ne zvimwe ndokutopinda mumota ndakananga kwaMutare ndichibva ndapfuura ndichitenga rimwe line since ndaive ndaona kuti iri rava kuzivikanwa zvakanyanya... end of chapter
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 🎉 🔥 🖕 🙌 114

Comments