MAI TJ& CHLOE STORIES 🇿🇼Shona Novels🇿🇼🇿🇼
MAI TJ& CHLOE STORIES 🇿🇼Shona Novels🇿🇼🇿🇼
February 4, 2025 at 08:00 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaKIIo1JZg44E9EC810q *JOIN MY CHANNEL FOR MORE PREVIOUS AND NEW BOOKS AND UPDATES.DO NOT BE LEFT OUT* https://chat.whatsapp.com/Kp7yIuu2r0P8xPFkrV3VxG *MAIN GROUP* https://www.facebook.com/profile.php?id=61558499262569 *FOLLOW OUR FACEBOOK PAGE* 📚BOOK #25📚 *FAMILY LINEAGE* BY MAI TJ & CHLOE Chapter 8 Mary Ndakachema ndichiona Ben afa mufunge and l couldn't believe my eyes and l don't want to come in terms of believing it kuti ndiye ainge afa. I cried so hard ndokubva ndabuda mumba imomo running towards mumba mataive tarara ndokubva ndati.. 'Aunty, aunty imi mukai aunty kani mukati kani aunty mukai muone zvaita Ben aunty!" Ndakaita kudaninidzira chaiko nekuti it happened so fast tete ndokumuka vachibva vati.. 'Ko chii chaitika?" Ndakatadza kutsanangura ndikavati vabude tiyende mumba yaBen kwandamuona afa Takati tichisvika ipapo ndokubva taona vanhu vave kunetsana uya wekubatsira Ben ainge achirohwa nava tezvara and between their differences ndopandavanzw vachiti anonzi Tadwell and ndopandakatoziva kuti atori muninina weBen.Vakanetsana vakarovana chaiko kwete zvekutamba iniwo wacho ndainge ndisisachagona and i was deeply crying tete ndokundibata iniwo ndokubva ndati.. "Aunty please let go of my hand kani Ben akarara lifeless mumba umo and vanhu vave kuita zvekurwa no aunty no kano" Saka wanga wafunga kuita sei ?, wega watoona kuti ndozviripo saka wanga wafunga kudii" "Tete Ben was okay fit and fine saka murikutii kudii?. Anga asiri kurwara tete i can't take this." Ndakachema asi chekutoita paiva pasina.Tadwell uya ndokutorwa achiendeswa kumapurisa and aingonzi ndiye auraya , tete ndokubva vanditora tichienda mumba ndokubva vati.. 'You need to cool yourself okay cool yourself toona kuti todii." "Aah mai Fadzi kana munhu wake avigwa Melania haasare tiri kudzokera naye haasare." "Rega ndifonere baba vacho ndichivaudza kuti ndizviri kuno kana vanga vasati vadya zvavo mari yake tivadzorere kupa mwana munyama chaiko ndokudii ikoko mufunge" Handina kudaira hangu ndakangovasiya vachichinjana mashoko clvana tete iniwo ndaida kuzama kubatanidza asi ndakatadza kuzvibata zvachose. And what amuse the most Ben was okay mhani fit and fune saka what really happened mufunge.Takazobuda tichinzi tinogara panze mai vake ndokubva vauya vachibva vati.. "Mwana wangu kani kungoorora kwaaita abva afa wena " Ndakavatarira vachidaro ndikazvibvunza kuti saka varikuda kuzama kuti kudii ini kundiroora kwaita abva afa here. Vakatanga kutaura zvisina basa and chakazondibhowa manje pamashoko ose pavakati. "Muone ndakatomuudza kuti rega kubvisa mari yakawanda kwauri kunoroora ikoko tarisai manje kuti angopfumisa dzinza revamwe asi iye asina chaaita mufunge " Ndakamboda kuzvidzora pamashoko asi akaramba akatanga kubuda ega mandiri ndokubva ndati.. "Excuse mhamha musati marasa kutaura imbori mariiko yamuri kuwawata yakabvisw nemwana wenyu?. Ndozvaakakuudzai here kuti akabvisa mari here yese?, uye kumba kwedu mune musi wamakambouya here zvekuti mungabva makuyenzanisa nepano.Do you really know me or you are just judging me by your eye sight nekuti mandionera pano?" "Melania ayehwa rega kudaro she is still your husband's mother so that marks her your mother regedza kuramba wotaura uchidaro" " No tete I have been so quite zvangu ndichitetera zvavari kurasa muromo vachitaura and ndatombofunga kuti vachawana nyadzi but noo havama kana zvavo" Tete vakabva vandimisa vachiti ndichirega kuramba ndi exchanger words navo. Baba vacho vakazodzoka kupolice vachibva vasvika nekuti... "Huyai tiite dare tiwane kutaura kuti tozvifambisa sei " Takasimuka tose nehama dzavo tochinogara seri kwemba ndokubva vati.. "Mangoonawo zvaitika mufunge kumwe kuzvara kuzvarira pasina , ndenge ndichiti vana vasapotane asi mumwe ene moyo wakasindimara asina kana shungu nevamwe pamoyo.Tadwell asungwa mangoona kuti pano andibatira pfuti akandipfuura pabendekete apa " Vakadaro manje vachibata bendekete ravo rainge rakasunga chijira chered.I keep on looking at him ipapo pabendekete ravo then something caught my eyes ndokuramba ndakavatarisa ndikaona sekunge the material resembles same neremunhu uya wekubuda maive naBen.Ndakatozovhunduka vatii... "Muroora tiregerere nekukupa mutoro wausina zera nawo. Kungopinda mumusha nekusengeswa saga rematombo pamapfudzi ako tiregere ufunge" Handina kudaira misodzi ikati yaita zvayo manyemwe ndikatanga kuchema paya vachibva vati.. "Ndakudai pano ndikuzivisei kuti Benard tori kumuviga nhasi" 'Aaah,!!" Ndakangoerekana ndadaro manje ndokubva vanhu vandirisa ini ndokuti.. "Why? Why so soon kuita sekunge murikumurasa kudaro why? Why so soon why?" "Mafiro ake haangaite kuti arare mumb regai tizorodze mweya wake nxofunga mangoona zvakaitika kubva nezuro --" Iii kuzodaro manje ndakabva ndanganduka nehasha ndokubva ndati.."Hakuna kuri kuzovigwa Ben nhasi take him to the mortuary then postmortem should be done .Haasi kuzovigwa iii nekuti Ben wangu anga asina kurwara zvachose saka sei madaro ngaendwe naye kuhospital vanoona kuti chii chatora nzvimbo I cant accept such kind of burial aah" Tete vakabva vandibata vachinditi ndinyarare ndokubva ndati.." No tete no that's unacceptable aah nhai.Haana kana kumborwara then all of a sudden vava kutoita sudden burial haa kana iii munhu kumortuary that's final!" Pakambonyararwa pasina anotaura then baba vacho ndokuti.."Kana zvirizvo zvamuri kuda no problem regai timuendese kumortuary kwacho" Vanhu vakabva vasimuka tete ndpkunditi.."Mellie wadii warega vanhu ava vaita zvinhu zvavo hausi kuona kuti--" "Tete i didn't get a chance to speak and to be swith en on his last breath.Munhu uyu was okay but how come angosvika nekufa " "Zvinonetsa izvi baba vako vati kana tava kudzoka tidzoke newe kana munhu avigwa " Hhandina kudaira ndakangoramba ndakanyarara. Zvakarongwa zvekuti Ben atakurwe kuenda kumortuary but zvakandinetsa akaenda vakamaputira mujira rered and nyaya yemachira aya iri so suspicious haana kundiita mushe kutaura chokwadi.Ndakaudza vana aunty manje vakangonditsunya vachiti siyana nazvo Melania.. Vanhu vakaungana pasia nguva.Then ndakazonzwa amai vacho vachipopota nyaya yechikafu zvikanzi.. " Yangu monbe musauraya , torai yaThadhiwero dzimwe dzose dzichine basa .Kana zvatonetsa idyai nema chunks" Ndakamuka pandaive ndokudana Bamdiki Isaac ndokubva ndati. "Pane ecocash padhuze here tiyende " "Kumashops" "Okaya handei" takabuda ndokudzioka ndatenga chikafu chose chaidiwa nenyama yacho yavanga vachipopotera ndokudzoka vachibva vati.. 'Pano hapadyiwe nyama yatisiri kuziva kuti yakaurayirwa kupi chaiko..Pano pano todya nyama yaurayiwa tichiona ichibuda ropa pano,!!" Eeh vakandishamisa vachidaro ndokubva ndati.."aah mhamha i don't see the difference ini pakudya nyama--" Havana kundipa mukana wekuti ndipedze kutaura ndokubva vati... "Amai hamuchinje mutemo wemumusha uno muchiri vanyowani pano. Nyama inodyiwa pano ndiyo inemlnge yaonekwa ichibuda ropa iyo kwete" "Matotanga ka maiguru matotanga ka" hamenowo mumwe mukadzi akadaro ndokubva vati.." " Amai Revai kana murikuona kuti murikuda zvepamurmo mirirai Bena avigwe tozowana pekutangira panguva ino ndiregei ndicheme mwana wangu" Ndakaenda kunana tete ndokuvaudza zvaivepo then i was so devasted handidi kunyepa. Ndakanogara nechekumunda at a distance from dzimba ndiriko ndega ikoko.I asked myself kuti what really happened asi mhinduro ndakaishaya mufunge.Ndakagara kudaro ndakaona semunhu akabuda nerimwe divi asi aiita kumhanya chaiko apa kwaive kwachiti svibei zvishoma setime dzaive dzaenda. Akaiita sekunge ane chaakaisa muhapwa then what surprises me the mostb ndakaona sekunge aive arikudonha ropa.Ndakati kwanyanu pandaive ndakagara ndokutanga kutevera ndichida kuona kuti chii but munhu uyu aiita kumhanya chaiko kusingaite zvekuti i lost track of him ndokumira. Hana yangu yakatanga kumwe kwakwanyanya kwakaita kuti ndiwedzere kuvhunduka pandakanzwa voice rechirume kuseri kwangu richiti.. "Tyorera hudyi mukati womedzera hana yako mukati zvimwe worega nekuti hauna zera nazvo. Wakasika kuda kurimedza riri bonzo rinoda kutanga ragayiwa nemazino ufunge.Musha uno hautongwe nevauyi kunyanya imi vakadzi zvawaita paya hazviitwe zvachose.Hauudzire baba vemusha zvekuita pavana vavo watanga hondo iwe" Pandakacheuka kuti ndione aive ani handina munhu wandakaona mufunge.Ndakaramba ndiripo makumbo angu achiroverana aya ndokudzokera kumba ndichinogara paive nana aunty. Aroudn 12 mid night vazhinji vainge varara vechurch vachiimba ini hope dzakaramba kubata ndakangonzwa zvichinditi simuka umbotwasanudza makumbo and l did that ndichitenderera seri kwemba yaive yafira Ben ndokunzwa mavoice mumba achiti.. "Ndipei underwear iyoyo kuno " "Kwete hazvibude kwete " Ko hembe dzaBen vava kudzidi chaizvo. Pasina nguva mai vaBen vakabva vabuda imomo vakabata underwear raBen ndokubva tatarisana mumaziso iniwo ndakanomhanyisa maziso ndichinogara paunderwear yaBen iyo yandakaona sekunge yaive iine ropa and what suprises me the most the blood was so fresh richitodonha pa underwear yaBen mufunge.... End of chapter
❤️ 😢 👍 🙏 😮 😂 😭 😳 ✈️ 💃 756

Comments