TINOH & PATIE MUTSINZE NOVELS
TINOH & PATIE MUTSINZE NOVELS
January 18, 2025 at 08:06 AM
Pinda mugroup usasarire: https://chat.whatsapp.com/Hhd3sKbmifi4sfMiGhrsym Follow my channel for more books: https://whatsapp.com/channel/0029VaLhXcA6rsQs1Dbdjo0b *THE BRIDE'S DISAPPEARANCE* 💞💔💞💔💞💔💞 STORY WRITTEN BY TINOH 🎓 MUTSINZE AND PATIE ❤️ MUTSINZE All rights reserved. No part of this book may be reproduced in any form or by any electronic or mechanical means without written permission from the author... CHAPTER 11 CHIRANDU Ndaive ndazoita kupererwa. Ndaishaya kuti waifona ne private number uyu waiva ani? Ende zvaaitaura ipapo zvinhu zvaitoitika. Ndakanzwa kunyara worse pandakaudzwa zvemusoro wenhengo yangu waiva mutsvuku. Nekufambisirwa manudes angu ndaisada. Ndakabva ndanzwa appetite yebonde ichipera yose kuti hwaa. Munhu uyu aive ani chaizvo. Kuti zvaikonzerwa ne wedding gown here? Asi kwete , Mumba mangu munogona maive makateiwa chisembure chaiona zvaiitika nekunzwa mashoko. Manje ndakange ndatopererwa kushaya kuti ndochidiii manje? Number dzemusikana waive akandiratidza Sandra nekuita kuti ndimuroore padzakaramba nekutoona akandi blocka , ndakabva ndaziva kuti ndaive ndakashandiswa apa. Manje ndaida kuzviona. Kana akanga aine madhiri aaive andirongera zvaive zvatofumuka so. Pandakauya naamai vaSandra , ndakavasiya vachitaura nemwana wavo , ini ndichibva ndaenda kuroom kwairara Kikie. Ndakasvika nekugara pabed kwave kubata shaya. Njere dzangu dzakanga dziri kure kure nguva iyoyo. Nguva diki ndakaona door ravhurwa , ndichibva ndasimudza musoro wangu kwave kutarisana naye. "My son!" Ndakadaro ndichibva ndasimudza maoko angu kuti auye asvikopinda mandiri. Akabva agara pedyo neni ndichibva ndati "What is the meaning of this Kikie?" Akabva anditarisa akati "Sorry , but ndiri kunyatsoona kuti amhusi Imi vabereki vangu. Now ndakuda kuenda kwandakakurira nekuzvarirwa. My name is Jayden , kwete Kikie ramakazondipa ndakura iri!" Ndakanzwa hana yangu kurova ndichibva ndatura befu. Ndakamutarisa neziso raive nehasha ndikati "Mira kutamba neni Kikie wanzwa here? You are too young for this kind of drama zvako. Dzikama wanzwa here?" Akaseka akati "Ari kutoita drama zvake apa ndimi. Ask your wife. Anyway , get out of my room ndoda kuzorora" ndakadedera nehasha zvekuti ndakada kumupa mbama. Kundiudza mashoko aanoda in my own house. Nguva yandakangomubata chete , pane call yakapinda. Yaive private number , ndichibva ndatosiya zvandaida kuita apa ndave kutya. Yakabva yakata ndichibva ndabuda. Ndakaenda kwaive nemukadzi wangu ndave nehasha. "My husband!" Ndakamupa mbama akadonhera pabed. "Please can you explain what is going on here?" Akaratidza kushamisika achibva ati "I don't understand , uri kuda kuzama kutiiko?" "Are you the real mother of Kikie" she laughed zvekusvotesa achibva ati "So iwewe uri kuda kuzama kundiudza kuti watoteerera zviri kutaurwa nemuroi uyu here? Ok fine, haisi nyaya. Inini ndoenda hangu mosara pano mogarisana. Kana wati mwana ndewake ngaatore , but kana anofa mwana iyeye don't come to me and say sorry wave kuita blame satan for using you ok?" Ndakabva ndatopererwawo ini. Ndakatura befu kwave kuemedzera mate ndikati "Sorry my love , I didn't say that. Dzingori hasha chete but I would rather share one lifetime with you than face all the ages of this world alone. I love you Nancy" ndakamumbundira ndotanga kumupa rudo. Hosha yaive yasarisa panzira nguva dzandaida kurara na Sandra yakabva yasimuka ndichibva ndazopedzera shungu dzose pana Nancy. Ndapedza kudya bota ndakabva ndatorara. Andina kuzomuka kusvika mangwana acho stress yamboti sererei. Mai vaSandra vakabva pamba pangu tisina chisvinu chatakanga tataura , manje ndakazviudza kuti ndaisazombobvuma kukundwa just like that. Ndakaenda muimba yaive yakarara Sandra. Ndakasvikopinda ndakamira pamberi pake ndiine hasha. Ndakabva ndamubata zvakasimba iye akatanga kudedera. "Hauna kuvinga sadza pano. You are my second wife Sandra" "Please Chirandu uri kundikuvadza. Wadii kutaura usina kundibata zvakadai nhai?" "Shut up!!" Ndakaita wekuzvuzvurudza. Ndakabva ndabuda naye kuenda kumota. Ndakasvika pamota ndichibva ndavhura kumashure kwave kumukanda mumota and locked my doors. Ndakapinda kumberi ndichibva ndaimutsa. "Open the gate now?" Ndakadaro ndodeedzera Kuna guard. Haana kunonoka kuvhura , asi airatidza ane zvaaida kutaura akabva ati. "Sir----!" Ndakaramba ndakatarisa ndikati "What is the problem?" "Eemm , ndoda kuu , ndoda kuu , kusiya basa" ndakaridza zitsamwa ndokubva ndarova mota. While driving kudaro ndakabva ndaona kapepa kaive pasi chete Kune rimwe sit. I reduced the speed ndikakanonga. Ndakakatambanudzwa kwave kuvereng mashoko mashoko mashomanana aivepo.. "YOU ARE PLAYING WITH FIRE!!" ndakaita kunge ndaruza suring control yangu nekuti mweya wandakabuditsa ipapo aive ma1 chaiwo. Ndakaka ignore ndichibva ndaenderera mberi nerwendo rwangu. Ndakasvika pa surgery yandaida kuenda naSandra. Ndakamuti adzike ndokubva adzika. Ndakamubata ruoko ndokubva ndaramba ndakamutarisa. "Ndiri kuda kubvisa mimba yaunayo. After ndabvisa mimba iyoyo ndoda kuenda newe to my new house ndiko kwauchanogara ikoko ndiyo ichave imba yako babe." Akaratidza kuvhunduka achibva ati "Chirandu , chandakakutadzirawo chiii? Nemhaka yei wada kushungurudza mweya wangu kudai?" "Shiiiiiii shut up!" Ndakadaro ndokubva ndavhura corner yebhachi rangu ndomuratidza gun. Iye akabva atorohwa nehana. Tears were running down her cheeks ndichibva ndapukuta yose. Takapinda mukati tonoona doctor wandaiziva. Ndakamuona arimo ndokutaura nyaya yangu. I payed him him achibva atoita basa. Sandra akabaiwa ndokupihwa pill. Akamboda kuramba , asi ndaive ndazobata pfuti. "Mr Chirandu , are you sure tiri safe kana ndapedza basa iri?" Ndakaseka ndikai "Why not. Iwewe usadzungaire kunge watanga nhasi kuita mabasa akaora kudai Iwe Sibanda. Kana baba vako vasati vave ne AIDS ndizvo zvavaigona izvi" "Ndangobvunza so that ndiite ndakachenjera. Zvababa vangu zvapinda papi nhai Chirandu? Unoda kuonererwa nhai? Dai Tanaka adzoka adzoka muhupenyu hwako ambokuonesa moto" "Itongogara wakachenjera nekuti zvagara chinouraya hachitaure. Tanaka wekwaani waunonditaurira nezvake?" "Tanaka Moyo , wakanganwa zvawakamuita gore Riya? Now ave mbinga I met him last week in town." "Uuumm chinyarara , andidi kunzwa nezvake munhu iyeye." Nguva iyoyo pane call yakapinda pa phone yake Sibanda. Akadavira call iya ndokuzonzwa onditi timbobuda. Airatidza Kuti pane chaive chamuvhundutsa. Takasvika panze achibva ati "Chirandu , we are not safe" ndakaseka ndikati "Why?" "Private yandifonera iyi zvairi kutaura. We need to do something very fast." Ndakabva ndatopererwa worse. Private number uyu aimbova ani? Chaairwa chii ende aiona sei zvose zvandaiita? Kubva kana iri mishonga zvakaoma. Ndaitombovawo nawo kare mushonga , asi zvakazongopera mbichana mbichana. Ndaifanirwa kuutangidza zvekare nekuti nyaya dzangu dzaive dzaenda kumawere. "It's ok Sibanda , usatye , ndozvigadzirisa ok------!" Akagutsirira musoro wake ndokubva tazofamba kudzokera kwaive kwasara Sandra. Akasvika akavhura door ndokubva tapinda. Ziso rangu rakangomhanya ku bed yaive naSandra , asi ndakaita kunge njere dzangu dzaive dzakutenderera pandakaona pabed pasina munhu. "Sibanda , where is my wife?" Tose takatarisa kubed ndokubva tazotarisana. Akaratidza kushamisa zvake. "Sibanda , where is my wife?" Akamedzera mate akati "Calm down Mr Chirandu. Mukadzi wenyu angosara akarara apa wani. Ende I'm sure kuti kubuda kwataita tabuda tose uye ndasiya ndakiya door. Saka muri kuda kuzama kutiiko? Imbotarisai kwese kwese uko kuti hapana paari here?" It's true, aive asiya akiya door. Saka zvaireva kuti Sandra aive muroi sure zvaitaurwa na Nancy mukadzi wangu. Aive abuda sei iro door rakakiiwa. Tose taive tazoita kupusa ndokuramba takatarisana. Ndakatarisa pasi ndokuona ma drops eropa , ndikaziva kuti yaive yabva mimba , asi munhu akanga abuda. Ndaishaya aive abudawo sei? Ndakaridza tsamwa ndobuda kudzokera kumota yangu kuti ndiende kumba kwangu , asi moyo wangu waibaikana zvakanyanya---------- TINOH Ndakamuka makuseni semi zuva risati rambobuda , apa ndaive ndakatononokawo hangu kurara nekuda kwe stress. Togarepi haana kuzombofona achindiudza zvaaive azoronga , asi ndaive nechivimbo chekuti ahandirasise uye ndaizomupa muripo waanoda kuti ndizive Kune mukadzi wangu. Ndakazonzwa ave kufona zuva ratoti kwirei. "Hello Mr Togarepi?" Ndakadaro ndiine kakupera simba uku moyo uchirwadza. "Good morning how are you. Ndoda kuti usimbe hana uye woshanda neni zvakanaka kusvika takunda. Ndatoona kuti pane nyaya dzakawanda apa dzausiri kutombofungira iwewe" ndakanzwa moyo wangu kurerukirwa ndikati "Tell me , pane chamawana here?" "Unovimba naSekai here?" "Kwete Mr Togarepi." "Wazogona kupindura apa. Kwete zvako zvawaiita manheru kunge munoyamwana nhengo naye. Sekai anoziva Kune bride , ende Ari kutoda kuita zvakawanda zvekuti munochema naye kana mukapusa. But anyangira yaona nekuti tichange tiinaye pese paanoenda. Ende ndatova ne the reason why akarega kuuya kumuchato , asi ndoda kuti iwewe usimbe urege kupaparika" "Ok zvakanaka Mr Togarepi!" Ndakaudzwa zvakawanda ndikaramba ndakashama muromo wangu. Sekai ndaive ndakamutadzireiko? Chaairwa pandiri chaive chiiiko? Apa ndaida kunoona Davy , aive akandifonera akandiudza dambudziko raakasangana naro uye kurwadziwa naamai vake. Ndaive ndisina Simba rekuenda , asi mushure me call ya Togarepi , ndakanzwa Simba kuwanda. Ndakabva ndatogadzirira kuti ndiende. "Tinoh unoda kuenda kupi?" Akadaro Tendai munin'ina wangu. "Usanetseke neni I'm ok. Iwewe Sara ugadzire zvinhu nevamwe. Andichada hupenyu hwekuroja uhu. Ndave kuda kuenda kunogara Kumba kwangu. Uyezve usanetseka nekuda kwaSandra chandinoziva Ari mumaoko akanaka!" "Nooooo , haasi mumaoko akanaka. Ndine hope dzandarota nhasi. Ndarota vakamira pakati pesango vachibuda misodzi yeropa , iyi yanga iri kuyerera nemuviri wese zvekuti chero hembe dzanga dzatsvuka neropa!" Ndakabva ndawedzera kutya ndikati Mwari ndibatsireiwo. Ndakabuda zvangu ndoenda kunoona Davy. Ndakazoenda navaTezvara vangu baba vaSandra. Takasvika ndokuona varwere ndokuzongorara hedu panze. Sekai wakazosvikawo Isu tatovapo kare. Iye Davy pachake aive asina kana mufaro. Sekai akamhoresa vanhu vose , paakasvika pandiri ndakabva ndabata ruoko rwake kwave kuramba ndakabata ndakamutarisa. I dropped a tear ndichibva ndati "Sekai , Sekai , Sekai how many times did I call you?" "Three times bamunini , is there any problem? How was the wedding?" Ndakatura befu ndashaya kuti ndodavira kuti chiiii? Ndakazorangarira kuti Togarepi wakanga ati ndidzikare. Davy akaramba akanditarisa ndichibva ndapukuta zvangu misodzi yangu ndikatanga ku--------- End of chapter 11 Stay tuned 💋
❤️ 🙏 👍 😢 😂 😮 368

Comments