
TINOH & PATIE MUTSINZE NOVELS
12.4K subscribers
About TINOH & PATIE MUTSINZE NOVELS
WELCOME TO TINOH AND PATIE MUTSINZE NOVELS. CONTACT US ON O772578111 & O785623920 Ino nzvimbo yakanaka inochengeta mabooks ese akasendwa kare kwe 30 days. After 30 days anobva. Saka let's read asati abva. Let's read and like. Like every chapter yaiswa muno. Mabooks achaiswa akawanda muno uye akasiyana siyana. Ndokudai mose mafans angu.
Similar Channels
Swipe to see more
Posts

*Follow my channel for more books. Usaite stress!!* https://whatsapp.com/channel/0029VaLhXcA6rsQs1Dbdjo0b *Join our Main WhatsApp group:* https://chat.whatsapp.com/D1cVNjuP1Vk5gHMgjhIJtT [02/17, 21:41] Tino Mutsinze: *PASSIONATE EVIL* Written by *_Mama Jay_* And *Tinoh🎓 Mutsinze* All rights reserved. No part of this book may be reproduced in any form or by any electronic or mechanical means without written permission from the author... CHAPTER 15 RATIDZO Akatanga kundipopotera ndikati "Unonditukirei nhai Mugove ndakuita sei" "Ndiwe unoudzaka vanhu vako kuti vandirove wamuudzaka kuti andirove handichadi kukuona uchiwadzana nevanhu vechirume pano" "Ndamuudzira papi kuti akurove ini nhaiwe hamuna kurwa mega here hausiwe wamutanga kumurova here akakurira" "Saka uri kuzama kuedza kuti ndorohwa naPonai ini" "Hamenoka tiri kutaura zvataona handiti akurova here apa hauna simba Mugove kungoda kungo tyisidzira chete ndokwaunogona kurova dololo, enda hako unogezesa baba mumba umo" "Handina kufambira izvozvo ini" "Saka wavingei kana usina kufambira kuzogeza baba munhu anga atouya kuzovageza ndiye akurova akaenda". Ndaida kungomusvotesa nezvekurohwa kwake zvikanzi "Ndiye achavageza ini handiite izvozvo, wabikei ndine nzara". Ndikati "Mugove ukwane wazvinzwaka usandijairira iwe" "Ndakujairira papi? Asi andina kodzero here dzekudya pano nhai mumwe wangu? Adifanirwi kukutya nekuti tichava tose kwehupenyu hwese Ratidzo my love." Ndakaseka ndikati "Unoda kudya chikafu chinotengwa nani iwe uchiramba kugeza baba vangu apa ronda racho ramuka rakarundira nyama kudaro muri kurapa kwazvo here imi nababa vako? Pedzezvo wondiudza zvekuva newe hupenyu hwangu hwese , you don't have respect Mugove. Unondichengeta nei iwewe hee? Im regretting zvese zvandakaita dai ndakaziva ndiaina zvangu kutambisa nguva yangu Mugove."ndakataura ndave nehasha zvisingaite. Akaramba akanyarara ndikati "Baba vangu havasi kupora vari kuwedzera apa makandipinza muzvinhu zvenyu muchiti vanopora sei ratanga gumbo racho kana makarapa nemazvo? Chii chimwe chandaifanirwa kuita chandisina kuita nhai?" "Vanhu vechichurch chenyu chenhema Havana kumbosvika here pano, Ratidzo unofanira kuziva kuti zvatiri kuita hazvinei nechichurch havapori mukapota muchipinza zvivanhu zvenyu". Ndikati "Saka uri kuda kuzama kuti church yedu haina basa vane basa ndimi" "Ngavachiporaka baba vacho, ndati ndine nzara ini". Ndakaramba ndakamunyararira ndikadzokera zvangu mumba maiva nababa vangu ndakawana vakangorara gumbo ravo raiita kusinira mvura inonhuwa ndikati "Ko iyi mvura iri kumbobva payiko nhai" "Hameno mwanangu dai Mwari andizorodza zvake ndatambura ini" "Zvino motaura zvekuzorora ini ndakaita kuti mupore here baba ndendakuita sei? Tarisai ndakatozvipinza mumukanwa mamupere , apa Mugove wacho haana kana chaanomboziva. Chaanongokwanisa kutaura zvisina basa chete.". Vakangonyarara zvikanzi "Auya here Ponai ndoda kugeza" "Aenda uyo kwauya Mugove saka Ponai aramwa akaenda manje ndakumuti akugezei ari kuramba" "Ndonzwa kutsva Rati ndikageza ndonzwa zviri nani ndigezeseiwo purizi". Vakadaro ndikati "Regai ndinodana bamunini". Ndakabuda mumba ndichimhanya kwandakasvika vasisiko hanzi vaenda kumaricho avo vese namainini mai Melo paingova nezvivana zvavo zvidiki. Ndakatura mafemo ndikafamba ndichidzokera kumba, ndakawana mukitchen mava kupfungaira chihutsi ndikati "Ndiyaniko avesa moto" "Ndoda kukanga maputi ndanzwa nenzara ini" "Nzara kuseni kuno here nhai Mugove inzara rudziiko wabva kumba kwenyu usina kudya here hindava uchijairira iwe waramba kugeza baba vangu , asi kukanga maputi ndokwaunogona". Aiva atoisa Chipoto akukanga amwe achidyiwa kuita sebenzi chairo. Ndakasiyana naye ndikaenda kwaiva nababa vangu ndakawana vamuka vagara vakurura hembe yekumusoro zvikanzi "Ndoda kugeza Ratidzo ndoda kugeza inotonhora" "Bamunini ndavashaiwa ini ndava kutongokugezesai ini ndokuisai mudish" Vakaramba vakanyarara ndikatora zidish zihombe resimbi ndokubva ndati "Mogona kupinda here mudish macho". Vakarembedza makumbo ini hezvo "Ko rimwe rava kutanga futi here nhai baba kuzvimba uku kuda kudzatuka rondaka" "Ende ndiro riri kunyanya kurwadza kana kutsika haridi" "Saka makarapwa chiiko nhai baba, nhaiwe Mugove!!!" Ndakamudana kudaro angadaira here ndikaisa mvura ndokuti "Kururai henyu ndikugezesei muri baba vangu imi hapana chandombotya". Vakakurura kusara nekashort kemukati chete zvikanzi "Ndipinze mudish mwanangu ndigeze ndega unozouya wondibudisamo" "Okay" ndakabatsirana navo kufamba vakapinda kuti vagare mudish makamanikanaka kashort kaya kakabva kanyorova futi zvikanzi "Ndarwadziwa zvangu" vachiti zenda nedish ndikati "Baba chikururai chishort ichi mugeze" "Hapana here ari pedo andibatsirewo kugeza ndakupera simba maiweee pamoyo pangu kani!!!" vaiva vava kuita kudikitira ndakangobvisa ini chishort chacho ndaiva ndisat ndamboona munhu rume akashama ndakatotangira pana baba vangu ipapa. Ndikavadira mvura ndikageza ndokuzoti vageze zasi kwavo vega vakangogeza zvekuchapura chapura mvura. Pakunovaburitsa mudish imomo pakaita hondo kani yakarasika yese pasi mvura yaiva mudish yavaiva vageza iyoyo ndichizama kuvasimudza kuvaburitsamo. Vakakasira kubatira pabed ndikabva ndatokwidza pabed. Mafuta vakazora vega kupfeka ndikabatsira vakazongopfeka trouse risina zvemukati ndikati hamenowo handiti vaiva vageza havo. Ndopandakazozorora kunzwa kuti huu. Ndava kutanga kukorobhana nemvura yaiva yarasika iya Mugove aiva ava mudining akubaya baya radio nekuti ndaiinzwa kushinyira. Makambodanana nemudzimu ndozvandaiita ini pana Mugove and ndaiva ndava kuda kutomuramba ini. Ndaifirei izvezvi baba vangu vari kurwara hapana change rimwe gumbo ratanga aramba kana nekuvageza achidya maputi ndinofirei. Ndakamunyararira ini munhu wepi anongoda attention yevanhu aidaka kuti ndibvunze kuti uri kubairei radio. Ndakanorasa mvura dzangu ndokuenda kukitchen moto waiva waveswa waiva wadzimwa dzimwa maputi adya ese. Unosvotwa kani ukazvirega ndakabatanidza huni ukapfuta ndokukurungira porridge ndava kunopa baba iye aiva agara manje akuteerera hanzi "Ndichamboteerera wairesi radio Zimbabwe tinzwe zviri kuitika munyika" ini zii zvikanzi "Chii chawakabata ichocho" zii ndakananga mubedroom ndakanopa baba vangu ndiro yavo pondoti ndidzokere ndinodyawo yandasiya ndakawana achitokwenga kapoto kudya. Ndikati "Nhai Mugove , asi zvatova zvemuyedzo hazvo zvekuti tiratidzane masimba here zvawava kuita nekuti kutaura sure zvimwe hazviisiri zverudo kana dai waindida hawaimboita zvobowa kudaro" "Ndaita sei" ndozvaakaita zvikanzi "Waona here hanga yandauya nayo ndaisa mudish umo ndaiibata ndichitouya kuno pane kwandandakadziteya ndikawana yakabatwa" "Handiide hangu enda unopa mai vako nababa vako hatidyi hanga pano". Akangonyarara achiwedzera kukokota Chipoto. Akatozoswera aripo mufunge achingonditevera ndikabika sadza akadya ndokubva ndati ndimbogara hangu mudining ndaisada kupinda muspare mangu aiteveramo. Ndagara pasofa paya aiva agarawo pedo neni akutanga kundibata bata ndichiramba "Ndisiye kani Mugove wambovingeiko kwatovira uri pano uchingoita segoritoto unopenga here" "Ndoda kumbofeela mazamu aya ndipwanye ndeangu aya". Ndakamuvhazura ndiyo time yakanzi gogoi, ndakatofunga kuti vanhu vekuchurch ndichibva ndada kusimuka ave kundidhonzera pamakumbo apo pandakanzwa kubaiwa baiwa ndoona chinhu chake ndikati "Hausi kunzwa pauya vanhu here ndisiye mhani". Ndakatoita zvemutsimba kubuda ndichingoti kudongorera padoor wanike maiweeee Ponai aiva andidarirei sure akaregereiko kundinyeurirawo chero paphone hapo ndakafanoita plan. Iye Mugove aiva akuita sebenzi amira kumasure kwangu Joshy akanyepedzera kusekerera , asi aiva asina kufarira munhu aiva pamba uyu zvikanzi.. "My love" naJoshy iye Mugove akangosvova nemuhapwa mangu achibva abuda ndakafunga kuti ava kunoita hondo naJoshy , asi kana akatotanga kufamba achibva pamba ava kuyenda. Ini mabvi aiva odedera ndokuzongotiwo "Aah ko wabva nepi??". Zvekushinga ndozvandakaita izvozvo Ponai ndiye akazoti "Ibva padoor tipinde iwe, asi hausi kufara kani zana rabamunini vako rinondibowa iro harigoni kugara kumba kwaro here". Akandiponesa Ponai sezita rake chokwadi ndaiva ndava kutoshayawo kuti ndaizoti ndiyani ini Mugove iyeye. Ndakadziura kuti vapinde ndokubva Joshy asvikondimbundira ndakamira padoor ipapo instead yekuti apinde mumba zvikanzi "Asi hausi kufara nekuuya kwangu here mudiwa? Wabva watadza kana kundimhanyira zvako , kana kutambirawo zvakabatwa na Ponai here nhai kana wanga usingadi hako kutambira ini ko shamwari yako? Anyway ko , varipi havo baba vangu? Ndoona baba ndotodzokera zvangu kana iwewe usiri kufara neni its ok" mashoko ake iwayo ndaisada kana kumanzwa. Joshy aisaziva madiro andaimuita nekunetseka kwese kwandaiita ikoko nekuda kwake pese paaive asipo. Ende ndaifara kuti aratidza kutyiwa naMugove. Pamwe aive akutya kurohwa zvaakaitwa naPonai nekuti Ponai wacho aivepo saka kuda aiva afunga kuti amudzokera kuzomurova zigwara riya zvakaoma. I dropped a tear ndichibva ndapfugama pasi. "No babe , come ok , nemhaka yei wave kuzvidzikisira kudaro. Unouya muma arms angu umu ndokumbundira kuratidza rudo" akadaro achindibata ruoko ndakabva ndasimuka ndikabata maoko ake ndikati "Ndokuda Joshua , asi ndatoita kunonzi kupererwa pandakuona hako. Dai wandiudzawo hona tsvina yandinayo handina kana nesimba rekugeza ini. Nenyaya yababa vangu varwara zvakanyanya" akandimbundira zvikanzi "Ndichifona pai babe haubate phone yakoka iwewe inenge ichingoramba" , "Sorry ndendichitonzwa usimbe kuicharger. haana kuzotaira zvekurwara kwababa zvikanzi. "Look at me babe , I mean on my face exactly , this way right , then drive slowly into my eyes and you will find an ocean of love and in the ocean , you will find a boat of relationships , waiting for you for a non stop journey into the core of my heart. I love you so much Ratidzo." Ndiri zuva randakatanga kunzwa kudzirwa nemumbundirwa kutonzwa kamusiyano kakakura. Ndakanzwa kunakirwa chaizvo chero nemashoko aakataura. Ndakazembera pachipfuva chake ndakabatirira kumusana. Ndainzwa hana yake kurova akandibata. Takaregedzana akanditarisa mumaziso angu. Ndiyo time yaakavhara maziso ake akatanga kuswededza chiso chake kwandiri. Ma lips ake aiita kubvundirira , I closed my eyes too ndikaerekana miromo yedu yagumhana kiss ikatsviriridza. Ndaive ndakungonzwa kuti mwaa mwaa mwaa ndave mudenga rechinomwe. Ndakazomuregedza ndanzwa kukosoro pamwe chete nekamuridzo kakaridzwa naPonai kumashure kwedu ndikavhunduka. "Sisi Melo zvanzi i nababa ane mota iripano yakamira kuseri uko ndeyani? Kana ari wekuchechi...." andina kumutendera kuti apedzise zvaaida kutaura nekuti Joshy aibva aziva kuti takaenda nababa kun'anga "Horaiti haa haina basa iyi Melo. Ko ivo vari kuitei? Ndambouya ndichida kuti vageze baba asi ndavashaya" "Haa vari kutadza kana kufamba apa , vatouyawo nemota yamudhumeni iya yamaishandisa." "Ko vaitasei?" "Hamenowo kumaricho kwavanga ikoko. Gumbo riri kuoneka bhonzo" "Hiiii ndichauya ndovaona" mumoyo ndakati zvavawana. Vainyanya kundivhiringidza. Ndaiwana nguva yakanaka yekusasana naJoshua. "Handei mumba mudiwa. Ndafara wauya" he smiled tave kupinda mumba. Mweya weronda , mvura neurwa zvainzwika kure kure ndaiuziva mweya wacho. Ponai aingosekerera akagara pasofa. "Ponai Uri kufareiko kudaro nguva wasekerera asi hanzi chii nemuroora wangu More" "Haa More adii hake ndiri kufarira zvandiri kuona pano apa, Ndatora pikicha , phone yangu ikati inononga kwete mhichana. Ka iPhone 12 ndakakaitira maricho kwaMujamba. Ndoda kuzoriisa pa profile pangu" ndakaseka ndikati "Tione" "Handidi unoda kuona kuti muphone mako" "Ndichakubata hangu" ndakadaro Aive atitora nguva yataipanana kiss naJoshua. "Gara hako apa Jushua Unoda kubikirwa chìi?" "Uumm usafunga zvekundibikira ikozvino ndoda kumboona baba" "Hauna nzara here? Baba ndavageza vari umu mubedroom mavo "Ndiwe wageza baba?" "Yes" ndakapindura ndichitarisa pai ndainyarazve kutarisana naye Ponai aibva afa nekuseka "Ko mwana wabamini wandasvika ari pano atadza kuvageza here?" "Haiwawo anobowa uya haana rudo vanosigezwa naiyeyu Ponai manje kuseni ndiye amurambidza achiziva hake kuti haadi ndavageza ini ndega." "Dai wavasiya ndavageza ini panewe" "Ungavagona here plus ndandisingazive kuti uri kuuya ini ndakadaro tichipinda maiva nababa. Vaive vakotsira nekuti ndaiziva mafemero avo kana varara. Ndakamutarisa ndikati "Vanga vachiti vari kutsva , saka vatonhorerwa vakarara." Ndaitaura ndichivhura makumbo avo. "Nhai Mwari , saka ndiko kuvanani kwacho ikoku. Ko pavaive worse vaive vakaita zvekudiiko nhai babe? Ndabatikana hangu yuwii ronda rese iri apa rimwe gumbo kutotanga futika uku" "Ratie , iwe Ratie" vakadaro baba vachinja mafemero. "Baba" "Ndabatwa nemaoko asiyana nevanhu vose vaindibata. Ndanzwa hana kurova , ropa kumhanya mhanya netsinga dzose , moyo wangu ukati nyevenukei. Ndiani?" Ndakanyemwerera ndikati "Ndi Joshua baba!" "Wa.. wa...wati kudii?" Vakaedza kumuka asi vakagomera nemarwadzo vakachema zvakandinzwisa tsitsi. "Baba vangu Shumba iwee , Shumba Nyamuziwa ndofa , kana yakwana nguva itai ndizorore mwana wangu apinda mumaoko akanaka" munamato wangu neche mumoyo ndakati baba varega kutaura zvaMugove. "Baba , ndiko kusaka ndiri kushinga kukurapisai tinoda hupenyu hwenyu kwete kufa kwamuri kutaura baba." Akadaro Joshura obata bata makumbo. "Ratie , unombovatova here netauro tinopisa wakaisa munyu. Zvinobatsira kuti akurumbidze kuoma" "Vanomboda here? Baba vanochema ukangovabata makumbo iwaya , nhasi ndiri kutoshamisika Masatiro auri kuita vakanyarara" aiva pfanya pfanya gumbo racho kumaside richidzatuka urwa hwakakora zvekuti zvikanzi "Ndozvinovarwadza izvi urwa uhu hwatova nenguva musingahubudiseka imi" Aitataura ndakabatwa zvekuti munhu aive andisuwa chaiko. "Ndiri kuda kookora. Mazuva awanda" vakadaro baba zvikanzi naJoshy "Ratie vhura maplastics andauya nayo mune coke imomo" ndakanovhura ndokuona makazara zvinonaka. Ponai akatanga kuita sechibhoko chembudzi zvachinoita kana chaona hadzi kunyenama mazino achitsvaga hwema hwaainzwa hwezvinona "Uri kubhon'ei" ndakamudaro zvikanzi "Ubve wasiya zvechimunhu chako chiya ndakuvharidzira nhasi". Ndakangoseka ndichienda necoke kubedroom kwaiva nababa End of chapter 15 Stay tuned......

*PASSIONATE EVIL* * WESE KUCHANEL KWAMAMA JAY USAWANA KUSARA* https://whatsapp.com/channel/0029Va9WHOQLSmbX6sbNG91K *kune vanoda kupinda mugrp plz join link https://chat.whatsapp.com/JzmzVjvp1RXKkMRTn3R897 *tine fb page zvakare follow &like* https://www.facebook.com/profile.php?id=100091184465608&mibextid=ZbWKwL Written by *Mama Jay* And *Tinoh 🎓 Mutsinze* All rights reserved. No part of this book may be reproduced in any form or by any electronic or mechanical means without written permission from the author... CHAPTER 18 PONAI Ummm Ratidzo zvaraive benzi. Kuti titi mweya yekun'anga kwaaive ayenda here kana kuti mwena wemumusha mavo imomo ndakazvishaya. Pandakatoona Joshua ndakaona munhu akanakana zvose chiso nemoyo. Pandaimuona pama pictures muphone yaRatidzo ndaingoti kubudawo kwemunhu aigara hake kunze kwenyika achishandisawo phone yakanaka , asi haa ndakazozvionera pamhino sefodya kuti aive murume chaiye. Ndakaenda kumba ndichingonyemwerera nekunzwa kufara. Ndakasvika kumba kwati hunderere , shiri dzaive dzochema. Ndakawana baba vachipedzisa kumona chipoto chesadza. "Chihera ndinoshaya kuti sei uchindijairira kudai?" Vakadaro baba vasina kundiona ndakamira pamusiwo. "Monai makanyarara Mukanya. Ndiko kuti mudzidze. Ponai anongobuda paadira , hakuna kumwe kunoendwa kunze kwekwaana Ratidzo. Pedzezvo moteerera manyepo aanotaura ekuti havadanani. Zvino ini nhasi ndonzwa kurwara chaiko bikai zvenyu baba vaPonai. Ini nevana vangu takatomirira kudya. Kana iyewo adzoka anosvikodya ramabika iroro" baba vakatura befu vakaramba vakatarisa mama vakati "Saka wave kundiranga nemhosva dzaPondai here? Pondai kana akaroora Ratidzo zvine basa rei? Chakaipa paari chii? Ndiko kusaka waida kuramba kumupa pekurara nekuda kwemoyo wako wakaoma. Usaita sezvinonzi iwe hauna kuzvara vanasikana wazvinzwa here?" "Chiregai ndipedzise baba" ndakadaro ndichipinda. "Ndibvire kumapoto angu uko Ponai. Wageza kupiko maoko ako zvawabva kunobata Ratidzo mazamu ake? Iko kurwara kwababa vake kwatiparirawo. Ponai hauchabviko , akaita mimba moziva kwekuenda ini andidi kumuona pano. Ndakakuudza nezva Getrude iwe tana kuramba. Pese pese Ratidzo!!" Munoziva kutaurirwa manyepo kunongonakidza so. Amai vangu pakurondedzera manyepo vaive shasha. Ndakaseka ndokubva ndanogara pedyo navo. "Dont rush mama , calm down ok" "Don't tell me to calm down Ponai. Unoti andina kudzidza nhai" "Hahaha , pamuchato waRatudzo ndoda kuita best boy mama" "Muchato wake naniko iwe uriwe mukomana wake" "That's really really bad mama. I'm your son , apana pazvichachinja. Munondivengera manyepo iwaya mukazodemba mangwana. Ratidzo is my best friend pasina kana zverudo zvatinoita. Musikana wangu ndinaye ende pamuchamuona muchamedzera mate zvenyu mama. Tarisa muone ooh" ndadaro ndichivaratidza mapictures aye andakatora Ratidzo naJoshua vachitsvodana. Vakabva vatura befu zvikanzi "Ndi..ndi...ndiani wake uyu?" "Ndiye mukomana wake iyeye aive mhiri atouya nhasi. Ko , iro zimota raauya naro hahahaaada , kana murume wenyu uyu akatadza kuritenga. Asi mosweroti Ratidzi this and that. Ane choice mwana uya muregei hake. Manje manje ari kuroorwa. Andidanani naRati inini ende anditomboenderani nemukomana wake zvachose. I dont know why you hate Ratidzi kudai mama. She is very beautiful, well mannered nezvimwe zvakanaka zvakawanda paari. Please mama , stop insulting Ratidzo , andisi kuzombomira kutamba naye kusvika Mwari vamuropafadza" Vakangotura befu vakaramba vakanyarara. Ndakanopakura sadza nekuti zvaisaita kuti baba vapakure ini ndiripo. Ndakatora rangu ndikaenda kuimba yandairara. Ndakanodyira ikoko kusvika ndapedza. Kunze kwaive kwatosviba ndikarara nekuti ndaive ndaneta. Ndakarara kudaro ndakatanga kurota hope. Ndaiita kunge ndaifamba munziva yaiyenda kwaana Ratidzo. Ndakasvika pamba Pavo ndaneta ndiyo nguva yandakaona mota yaJoshua ndikanyemwerera. "Rati Rati , uripo here Rati?" ndaizviziva kuti vaivharirana kana Joshua auya. Pandakacheuka ndakabva ndaona Fadzi achiseka akanditarisa. "Fadzi , why are you laughing?" "Ndotadza nei kuseka. Iwe uri pano sei usiri kuperekedza muchato waRatidzo?" "Muchato? Uriko riini wandisina kuona kana kunzwa?" "Izvozvi handei , hausi kuona kuchena kwandakaita here? Vana Melo nana baba vake vose ndiko kwavaenda" "Noo , Uri kunditaurirei iwewe?" "Heya , chisara wakadaro wakanyanya kupusa" ndakamhanya pamota yaJoshua iya yandaive ndaona. Ndakarova rova mota iyoyo ndichimudeedza asi haana kana kudavira. Patakati fambei ndakutevera Fadzie , takabva tasangana naJoshua aive akapfeka suit yakanaka veduwee. "Ponai , I was looking for you everywhere, where have you been?" Ndakataura ndichidedera ndikati "Ndasvika izvozvi , where Ratidzo nhai?" "Ratidzo ndiri kumutsvagawo" "Hey hey Ponai ndakuudza kuna Ratidzo kare. Lets go nhaiwe tinowaka mupunga wapera uko nemaheu. Kune mafizhongo ndati" ndakatarisa pasi ndonyara. "Ponai ndiye musikana wako here?" "Kwete Joshua. Anogara apo muvakidzani waRatie ari kuziva kwaari" "Saka handei , what are we waiting for? Pindai mumota" takapinda tose mumota iya. Joshua akarova Mota toenda. Takazotanga kunzwa kurira kwaiita ngoma. Nguva diki taive tasvika. Vanhu vaive vakaungana , ndakatanga ndini kudzika mumota. Ndiyo yega mota yaivepo. Paive pasina kana imwe mota. Ndakarohwa nehana pandakaona Ratidzo na Mugove vakamira vakabatana maoko ngoma dzichirira pangu pangu. Ndakangotarisa Joshua ndatopererwawo , he dropped a tear ave kudzungudza musoro wake. Ratidzo paakationa akabva ango..... ndakabva ndapepuka. Ndakange ndakadikitira zvekunyorovedza machira angu. Ndakamakandira kure ndikasara ndangova pamhene. Ndakabvisa chishoti chaive chanyorova ndikakandira pasi. Ndakatora tauro rangu raitova nyoro ndikapukuta muviri wangu. Ndakati Mwari wePauro Mwazha dai mapindirawo. Ndakatora gemenzi rangu ndikapfugama pasi ndikanamata. Ndakatura mweya yese yekun'anga kusvika ndagutsikana. Pandakapedza kunamata , kunze kwaive kwatochena , zuva rati vhuuu. Ndakasimuka ndikambozamura nekushama n'ai ndakamira kudaro Ndakatora magumbezi angu ndobuditsa panze. Ndakatanga kuita basa sezvo ndaive ini mukuru. Amai vaiti vairwara nezuro wacho. Vakazomuka ndatopedza zvose kusuka nekutsvaira panze kana muimba yekubikira zvose. "Waita hako mwanangu nhasi wandirerutsira." "Muchitendeiko mhamha , ibasa redu tose" ndakabva ndafambisa kutora tauro Rangu nesipo yekugezesa. Ndakafambisa ndoenda kurwizi rwaingova pedyo nemusha wedu. "Ponai woenda kupiko?" "Kunogeza , ndinoda kubuda" "Kubuda kuenda kupi nhai mwanangu husiku huno" "Husiku here ihohu , iro zuva rati kata kata kudai. Manje manje rinenge rorova nhongonya" ndaitaura ndichifamba kuenda. Andina kucheuka. Ndakasvika ndikageza nguva diki diki ndaive ndadzoka. Ndaida kuenda kumba kwana Ratie kunoona kuti aive ararasei nababa uye naJoshua. Hope dzangu dzaindinetsa. Ndakapfeka zvakanaka ndikanokumbira bhasikoro raTaurai akandinyima. Aive mukoma wangu wekwa bamukuru mukoma wababa. Zvekunyengerera munhu ndaisazvikwanisa. Ndakazongoenda netsoka. Ndakasvika paNharira pamashops kwave kutopisa ndikaona mota yaJoshua. Iye paakandiona akandimhanyiraa. "Ponai warara sei hako?" "Ndarara zvakanaka ini amheno iwe ndiwe wandinototyira. Hauna kurohwa nemazizi here?" "Haa kwete wena" "Hausi kuratidza kufara nemhaka yei? Joshua sununguka kutaura neni? Chiii chanetsa" "Ndanga ndichikutsvaga , ndanga ndakutobvunza madirections ekumba kwenyu kuti ndiuyeko" hope dziyaaa , dzakadzoka mupfungwa dzangu. "Handei mumota yangu umo Ponai" takaenda hama ichirova. Ndaisada kunzwa kuti varambana kana kukanganiswa naMugove. "Joshua what is it?" "Ponai amheno kana ndiri wrong. Ndakatengera Ratidzi ring ne Necklace ndikamupfekedza asi iye anobvisa. Nhasi azonga ave kundimanikidza kuti ndipfeke zvinhu izvi kusvika tanetsana. Ndaramba ndokuzomupfekedza ari iye , asi pandamupfekedza ring ndakandira kure. Iye haana kuita hanya nazvo kunge akagarwa" akabva atura befu ini ndatopererwa. Ring ne necklace iyoyo ndakambonzwa kuti zvakatorwa naMugove , saka zvaive zvadzoka here uye sei? "Umm ko wabvunza here kuti nemhaka yei ari kudaro?" "Yes , asi Haana kundipa mhinduro" "Rega ndigonotaura naye ndokuudza kuti chii? Pamwe zvasakava ave kuda zvinyowani" "Hooo , ndichatenga zvimwe. Ko baba vake are you sure kuti vaienda kuchipatara or vaienda kun'anga kana kuchivanhu" "Kkkk come on Joshua tiri veAfrica isu hatiite zvemishonga." "Ooh really? Ini kunyeperwa ndiko kwandisingade ende ndakangwara wanzwa here Ponai. Andina kupusa. Ratidzo ndomuda , asi ndoda chokwadi nguva dzose. Rasta wandakasvika aripo ndinai wake" "Brother yake" "But anoita kunge mwana wen'anga wani. Sei akatadza kana kundimhoresa zvake akasarudza kungoenda akanyarara kunge asina kundifarira. OK fine Ponai , rega ndidzokere Harare , unoudza Ratidzo kuti unodiwa neni" Ndakadzika mumota yake , akaenda zvake ndikasara ndakamira ndakatarisa gotsi rebango rake achienda. Ndakatura befu ndikati. "Ratidzo ndakambomuudza. The truthy shall set you free. Hakuna chakavanzika chisingazobudi!!" Ndakafambisa ndave kuenda kumba kwavo. Ndakasvika Mugove akagea pavheranda akabata necklace iya mumaoko. Ratidzo aipopota ari mumba. Ndakazama kuvhura door , asi rakaramba kuvhura. Ndakadzoka back ndikamira ndakatarisana naMugove. "Mugove unonyatsonzwa sei iwewe?" Ndakadaro ndakamutarisa. Akaramba akanyarara ndikadzokorora. "Taura neni shamwari , ukaramba wakanyarara ndokutsika chaiko. Sei uine mweya weshaisano iwewe? Rega ndikuudze chokwadi , wakatadza kuita kuti baba vaRatidzo vapore , kudanana kwamaida kuzama kuita ngakupere now!! Ukadzoka zvekare pano I will deal with you Mugove!" Akatura befu achibva asimuka. Akakandira necklace iya pasi akatanga kufambisa kuenda. "The devil is a lair. We will win the battle , infact , we won!!" Ndakadaro ndichiita kunge ndikapakura gotsi rake. Ratidzo akabva avhura door. "Thanks Ponai wandiba....." "Zip your dirty fucken lips now Ratidzo before I do something very stupid!" "Ponai!!" "I said shut up!!" "Ndatadzei?" "Hauna kungwara Ratidzo wakadzungaira stereki. I warned you, asi wakaramba kunditeerera. Ukasiiwa naJoshua iwewe uchafa uri rombe" akatura befu akati "Why?" Ndikati "Abva pano muchiwirirana here? Wapihwa here hug ne kiss yekuti bye bye?" Haana kupindura akaramba akanyarara. Ndakatora necklace iya ndikanopisa. Ndapedza ndakabva ndagara pavheranda. "Bika izvozvi ndangouya ndisina kana kudya. Varara sei havo baba nhasi?" "Baba vari kurwara ava. Iye Joshua angoenda asina kumbotaura kuti ari kufungei hurwe zvahuri kuramba kupera?" "Aigotaura seiko iwe uchiita madhiri ekunyepa nguva dzose? Ndati imbobika tozotaura" ndaive nenzara akabva ati "Kune chikafu mumba ndokupa here udye. Don't put the blame on me kana kuti rega zvangu ndibike sadza racho udye Zvose zvandakaita ndakaitira kuti baba vangu vararame. Saka waida kuti ndiitesei?" "Dai wakaudza Joshua chokwadi kare dai atoenda newe ipapa asina kumbokusiya." "Unoziva here kuti pane mushonga wakazorwa naMugove pa..." "Heeee? Wati kudiii? Wakazorwa pai?" Akaratidza kupusa akaramba akanditarisa End of chapter 18 Stay tuned........

*PASSIONATE EVIL* *MUNHU WESE KUCHANEL KWAMAMA JAY USAWANA KUSARA kamboma kabook ako huyai munzwe Mugove waRatie* https://whatsapp.com/channel/0029Va9WHOQLSmbX6sbNG91K *kune vanoda kupinda mugrp plz join link https://chat.whatsapp.com/JzmzVjvp1RXKkMRTn3R897 *tine fb page zvakare follow &like* https://www.facebook.com/profile.php?id=100091184465608&mibextid=ZbWKwL Written by *Mama Jay* And *Tinoh 🎓 Mutsinze* All rights reserved. No part of this book may be reproduced in any form or by any electronic or mechanical means without written permission from the author... CHAPTER 16 MUGOVE Kurarama kwangu kwese ndaingokura ndisingazive kurohwa. Kakawanda ndaiona kuti vanhu vairatidza kutya nekuti ndiri mwana wen'anga apana kana munhu aive akamborwisana neni. Pandakarohwa na Ponai ndakatoshaya kuti sei ndaive ndaratidza humbwende hwakadaro? Ndakanzwa kunyara uye kusvotwa zvekuti mabasa ese andaive ndakutumwa naye Rati ndairamba. Pandakazoona Ponai uya adzoka aine umwe mukomana aive akachena , ndakamboramba ndakamutarisa ndakamira kumashure kwake , asi ndaive ndava kudedera kutonzwa kutya chaiko mumuviri mangu. Kwete nekutya kurohwa zvekare , asi kutongonzwa hana yangu kurovawo zvayo. Ndakangotanga kufamba kubuda mumusha waana Ratidzo ndave kuenda. Ndaiti ndikafamba zvishoma ndotocheuka ndichifunga mashoko aaive asvika achitaura ekuti my love. Dai ndakaziva ndisna kudzoka nephone yaRatidzo. Paphone iyoyo ndipo paaiitira zvinhu zvake zvisina basa. Pandakaona zimota raipenya ndakanzwa godo ndichibva ndamira ndakaitarisa. Ndakanga ndatombofamba chinhambwe. Ndakati dai mweya wavaGororo wandibatsirawo. "Hesi kani Makumbi, ndaona wakamira pano kubva kare hanziiko uri kungoridza tsamwa zvako" akadaro musikana wandaisaziva zita rake , asi saisava kekutanga kumuona. "Ndiwe ani?" "Ndinonzi Fadzi ndinogara pamusha uyo. Tisu vavakidzani vaana Ratie zvekuti kana paine chanetsa haa tokubatsira hako" ndakaseka ndikati "Asi uri kutoziva zvako kuti ndini ndodanana naye here?" "Handizvizive ini itondiudzaka iwewe? Asi ndakangoita kakufungira hangu nekuti haa zvamunomboita zvinotoratidza hazvo iye wakamugona seiko musikana wekwaMwazha gege" akataura achiseka Seka senzenza ndakabva ndati regai ndibvunze kuti "Imota yaani wake iyo. Mukomana akanaka so murefu akasimba zviri pakati uye mutsvuku zviri pakati haana kuzonyanya" "Aaah andimuzive ndichanomuona. Kana tazosanganazve ndokunyeurira Makumbi" ndakatoona kuti haana kana nyaya musikana uyu chaaive nacho makuhwa chete. Ndakangofuratira ndava kuenda. Ndakaenda ndichiita zvekumhanya nekuti ndaida kukurumbidza kuonoona baba vangu Hanga yangu ndaive ndazongoisiya kumba kwaana Ratie ndave kumhanyamhanya ndaida kuitora ndonopa mai vangu nekuti aiva airamba ipapa ndaiva ndotorwadziwa kuti aizosara akatobikira munhu wake iyeye. Ndakazosvika kumba ndarukutika nekumhanya. Ziya rakanga Rati chuku chuku zvipfeko zvanngu zvati nyakata naro ziya. Ndakasvika nekuzvikanda pamberi pababa vangu ndikaramba ndakati zvambarara ndichifemera pamusoro sendere. Havana kunonona kunonoka kurova hakata dzikaziva kuti vaive votaura nematare Ko zvaita sei kwakanaka here kunobviwa nhai makumbi wangu.? Vakadaro baba vachiisa tsvimbo yavo pamusana pangu vaizama kundidzikamisa ndikati "Ndibvunzirei matare nekuti kana ini ndiri kutadza muzvinzwisisa." Vakabva vaseka chako vakaroha hakata. Pave paye vakabva vati "Uchayeuka here zuva rawakakanda zvinopenya penya mudehenya mangu. Ndakakutaurira kuti zvine simba. Wakazvichengeka here?" "Hongu ndinazvo asekuru" "Enda utore udzoke nazvo pano . Ndoda kuzvigadzira Kana wodzokera wodzokera nazvo wonopa musikana wako apfeke zvekare uchaona zvichaitika kwaari." Zvakanaka baba, asi ndisati ndaenda kunotora zvinhu izvi. Ndoda kuziva kuti memhaka yei gumbo risiri kupora? Pane kuti ripore riri kutowedzera kurwadza nekukura maronda acho , Izvozvi amuka ava kurwadza ese rimwe racho ratozvimba" "Usanditaurire!!" "Ndiri kutorevesa VaGororo. Izvi zvave kuita kuti kudanana kwangu naRatie kuregere kunakidza. Handifungi kuti ndinomuroora ini" "Unoda kunonokerei kumuroora? Simbi inorohwa ichapisa mwanakomana wangu Inga wakaenda kuchikoro wani. Hazvina kuita , vanhu vaya ha havatendi saka vari kunonoka kupora uye iye murapwi wacho pachake aive asiri kutenda kuti pano paVaGororo panopedza dambudziko rake. Iye kana wadzokerako zvekare unomuudza kuti zvanzi nasekuru dzokai nababa varapike. Ndakange ndavati vagare pano vose baba nemwana kwemazuva matatu asi iye haana kugara pano. Chinamato chavo zvekare chinogona kuvhiringidza baba vakatadza kupora zvakanaka" "Ndatenda hangu asekuru. Ndashaya kuti sei ndanzwa kurova kwehana yangu pandaona mukomana asvika akamuti my love ndatya zvekuti ndikati ndogona kurwiswa ndikarohwa" "Dare Rati enda unotora zvinopenya iwe udzoke nazvo pano!!" Ndakabva ndati kwanyanu , ndakabuda mudare nenhendeshure ndikazonotendeuka ndave panze. . Ndakasvika ndadikitira nekuti paive nechimufambo kubva kumba kupinda musango maiitira baba vangu zvehun'anga hwavo. Ndakasvika amai vakamira nekanin'ina kangu kaive Kaine misodzi pamatamba. Ndakatonzwa moyo kurwadza ndikati "Zvadiiiko nhai munin'ina wangu? Jaya guru radai harichemi" amai vakabva vati "Anokona kuchema nei? Wadzingirwa fees , baba havachina mari yavari kundipa kuti mwana ayenge kunobhadhara fees yake. Inga iwe wakaenda zvakanaka tichingobhadhara nemari iyoyo yavanowana ikoko vachibhadharisa vanhu. Zvino uyu aita munyama" ndakatura befu ndikati "Inombova mariiiko?" "$20 yega nekuti ndeye temu ino chete" "Rega nditarise mumba mangu kana ndaiwana ndokupai. Tinotodawo ma doctors nema lawyers mumusha nekuti chin'anga ichi mukaperera ikoko mose munofa muri marombe" "Taurisa ipapo mwanang, Ndizvo zvandaikuudza nwanangu iwe wakadzidza iwe dai wabvisa ngundu iri mumusoro iyi waenda kunotsvaga basa. Izvozvi kana ukaroora unomuchengeta sei mukadzi usingashande nhai?" Ndakaramba ndakanyarara andina kupindura. Ndakapinda mugota mangu ndikatarisa zvandaida. Mari ndakazongowana $15 chete ndikati ambofanonobhadhara iyoyo. "Waita hako mwanangu uwedzerwe pawatapudza!" Vakatenda zvikuru Ndakapinda munzira kudzokera kudare. Ndakasvika baba vabuda vasisimo mudare. Ndakangogara ndakavamirira kusvika vadzoka. "Mange maenda kupi nhai VaGororo?" "Kunozvibatsira hangu. Wadzoka nazvo here Kanda mudare tiite basa" ndakabuditsa ring iya ne necklace yacho ndikakanda mudare. Vakabva vapwatika kuseka. Izvi vaiwanzozviita kana vaona kuti hapana simba ringavakurira pazviri. Vakarova hakata nekutaura chirudzi kwenguva refu. Vakatora mushonga vakaisa vakadirazve mvura yaive nemushonga dzamara ndazoona zvinhu zviya zvichisimuka. Zvakatanga kufamba zvega nekudenga ndobva zvamira neche pamusoro zviri mumhepo vakati "Unoda kuti kana azviona chii chiitike?" "Ngaapfekedze mukomana iyeye afe Vasekuru" "Hooo, zvichaitika sekuda kwako Makumbi wangu." Vakarovazve hakata vachiratidza kuti vagarwa. Zvakabva zvadonhera pasi. Vakatura befu ndokuchizoita zvekare zvikabuda zvikaenda. Ndakanyemwerera ndikati "Saka anofaka" "Hongu anototi afe , asi anonofira mberi kwete pamusha pana Ratidzo azvizonaki." "Zvakanaka Gororo mhukahuru chero afa chete" ndakaombera maoko angu ndave kubuda mudare muya. Ndakabuda nenhendeshure. Asi kuti ndichidzokera kwaana Ratie same day zvakanga zvisisaite ndaizoendako mangwana acho *RATIDZO* "Iwe siyana neni" akadaro Ponai pandakamubvunza kuti uri kubon'ei kwakubva ndaenda kubedroom ndakawana Joshy achiti kuna baba "Saka hazvisi kumboita kana zvechipatara handiti nekuti haa muri kurwadziwa". Ndakati nhasi hangu pamwe vachagona kutaura kuti ndakamboenda kun'anga ndikati "Hazvisi izvo hazvishandi" ndakadaro ndichidira drink achibva ati "Saka pakaipazve nekuti rakadai hariite vanga famba sei" "Havatofambi kuti vasumuke kuenda kutoilet ipapa ibasa chairo zvekuti vakati vanononzwq kuda kuenda kutoilet ndotambura" "Ma1 babe wadii watora nezvimwe zvandatenga wavapa vadye" "Kana ndoda kokora chete". Vakadaro ndokubva ndavapa tikamboti garei garei ndokuzobuda mavaiva avabandager ronda riya nema bandage avo chaiwo kwete micheka iya. Takabuda varara ndokunogara mudining zvikanzi "Rega ndiise mota payard apa ndanyanya kuisisiya kure". Ndikati "Wauya nemota here" "Eeh asi ndaisiya kuseri uko". Takabuda tese tikasiya Ponai akagara hake ega ndikati "Iiih ndeyako here iyi Joshy yakanaka kudai" "Joshy ndiyani" akadaro achindidhonzera paari kuseri kwemota ndikati "Ndiwezve kune umwe here anonzi Joshy aah". Ndaiva ndava kutonyara achibva andikissa fut zvikanzi "Kunyara kuchapera uku unenge wakuchemera kiss iyoyi uchiti wabudirei uchienda kubasa usina kundikissa nekundirova garo rangu". Ndikati "Ini handimbodaro iih" "Pinda ndidrive tiise kufront" "Aah kupindira padhuze ipapa here" "Uchibvisa matsva mota yako babe". "Aah veduwee" ndakadaro ndikabva ndagara ndifunge kuti dai anga ari Mugove ndaiikwirira kupi mota zvangu. Akanoiisa kufront ndokuzobva ndaenda kukitchen kunobika ndakamusiya achitaura naPonai zvaizoita here kuti munhu asvika pamba worega kubika, ndakapedza kubika kasadza kadete nemufushwa ndomuriwo waivapo. Asi ndaiva ndabika hangu zvakanaka zihanga remunhu uya ndaida kutozorirasa. Ndakamupa zvikanzi "Wabika favorite yangu babe sadza nemufushwa rega nditombovhairira mai vangu pano ndivadenhe". Akatora pic zvikanzi uchanzwa vofona, and Havana kunonoka kufona ndakabva ndatozotaurawo navo zvichinzi "Ndodawo kubikirwa mufushwa uyo mwanangu and kana ouya kubva ikoko murongedzere please" "Okay mama ndinoisa don't worry" akadya akapedza rese kuti tsvai Ponai akazooneka oenda ndikasara ini naJoshy ndaiti kuda anodzokera asi kana aingovapo pakaenda Joshy ndopandakazoratidzwa zvandaiva ndatengerwa. Hembe idzi refu dzekuchurch kwedu maduku acho zvima butsu zvekwamunand nekamwe kadress kaisvika mumabvi umu kari kewhite kaiva nezvimaoko zvipfupi ndikati "Aka kanyanya kuita kapfupi aka" "Kana tichienda out ndokaunopfeka babe look at me ndakapfeka Jean Rodawo kuchurch kwedu ndandichinetsana namama ipapa vachiti pfeka formal yekuchurch ndikati mopenga kakakufita zvekuti zvangoita kuti ndiri mumba muno chete dai ndatombokufeeler wakapfeka ikaka. Ndakazonorongedza hembe dzangu kwakubva ndazoenda kunogeza ndakamusiya akagara zvake pandakadzoka ndakawana ari pavideo call hameno munhu waaitaura naye ndakangonzwa kuti musikana paaiti "Ndakakuudza wani kuti handisi kudzoka ikoko ndoda kutoroora musikana wangu shandai imimi" hameno akati kudii zvikanzi "Haa bull shit" achibva aridza tsamwa anenge akabva acutter. Ndakatonozora mafuta ndikapfeka rimwe dress pane aiva atenga kuti munhu aonewo kuti waaapreciater ndapedza ndakaenda kwaiva zvikanzi "Ingirozi yaniko iyo". Ndakangonyemwerera hangu zvikanzi "Wachena but hauna kupfeka chinhu 1 and I'm worried about it" ndikati "Chii ichocho" "Ring where is it babe necklace tombot haina basa but ring handidi kukutorerwa please". Ndikati "Irimo mumba umu ndichaipfeka hangu ndakaibvisa pandaiita maricho" "Tora tione" "Okay" ndakadaro ndokubva ndagara ndikati "Ndonoitora hangu apa handeka unondibatsira kubika". Ndakanyangaridza ndichidaro and zvakashanda ndakazobika rice manheru nenyama yehuku baba vaiva vati timuuraire huku, and ndopandakazofunga kuti bamunini vainzi vakuvara gumbo ndaiva ndisina kuzonovaona. Ndakati ndozoenda mangwana obvious Joshy aizodawo kuenda bamunini vakanopisira havo ikoko ndaisada kuti zvakadaro zviitike. Takadya pakurara manje ndaiva ndoshaya kuti ndomudii I think akazviona kuti ndava kugumirwa zvikanzi "Ndiwaridzire mubedroom muna baba umo ndorara hangu pasi ndichiona kuti vari sei pamwe chete nekuvatarisa kana vakuenda kutoilet ndaona kuti vanotambura pandambova endesa paya". Nekuti aiva ambovaendesa vachida kunoita wet kufamba kwaivanetsa ndakati Mwari maita. Mugove akatomborara mumba mangu mubedroom uya munhu aiva asina matyira uya ndapota zvangu. Ndakatozomuisira mattress yangu pane kuti arare pakadaro zvaisaita ini ndikanorara hangu pabase rega rebed. Takatorara tichichata paphone nemudiwa wangu ndakarara muspair iye muna baba zvinyadzi zvaitaura ipapo waiti huyai muone aiva akangwarisa mukomana iyeyu ndapota hangu. Ndakazongorara nekupera moto kwephone yangu ndokurara kwandakaita kuseni ndakamuka makuseni seni Joshy nababa vaiva vachakarara ndaida vazomuka ndadziisa mvura dzavo dzekugeza ndaisaziva kuti anozodzokera nguvai kumba. Ndakamuka ndokubuda panze ndikamira paveranda ndichizamura zvangu semunhu aibva kuhope. Ndakashamisika nezvandakaona mumaziso angu ndikatanga ndacheuka check kuti Joshy aiva asati amuka here. Aiwa aiva achakavata ndakabva paveranda ndichienda pandaiva ndaona zvinhu zviya "Necklace ring zvauya nani asi Mugove auya kuzozvidzosa takatarara here ndakadaro ndamira ndakanzwa senge door raiva rakuvhurwa ndikazvinhonga hameno zvandakanzwa kuitwa sendarohwa nemagets kunzwa body yangu kut zhrrrr Rima richiti tiba!!! Stay tuned 💗

*PASSIONATE EVIL* *MUNHU WESE KUCHANEL KWAMAMA JAY USAWANA KUSARA kamboma kabook ako huyai munzwe Mugove waRatie* https://whatsapp.com/channel/0029Va9WHOQLSmbX6sbNG91K *kune vanoda kupinda mugrp plz join link https://chat.whatsapp.com/JzmzVjvp1RXKkMRTn3R897 *tine fb page zvakare follow &like* https://www.facebook.com/profile.php?id=100091184465608&mibextid=ZbWKwL Written by *Mama Jay* And *Tinoh 🎓 Mutsinze* All rights reserved. No part of this book may be reproduced in any form or by any electronic or mechanical means without written permission from the author... CHAPTER 14 JOSHUA Ndichisvika pa airport ndakangonzwa kufara zvekuti ndakatanga kunyemwerera ndega. Ndainzwa kufara kuti ndadzoka kumusha. Ratie aizoona ndave kufona nenumber dzekuZim oziva kuti ndairevesa. "Joshua my son wauya. Ndafara veduweee!" Vakadaro mama na dady vose ndikavambundira nguva imwe chete. Joy ndiye asina kuuya kuzonditambira nemhaka yake yekupindura zvaanoda achitaura zvisina basa. Andina kumboita hanya naye kana. "Waita zvakanaka mwanangu wauya. Zvinhu zvakasvikawo nezuro. Your brand new rangrover yakauya zvekare mwanangu takaiona iih wanga uchishanda nesimba abroad uko. Asi waita zvakanaka wadzoka kumusha. Ukasvika KuNharira nezimota rako haa vanhu vakokuona mwanangu. Iyi smart zvayo , ko zvakatanga riini kupfeka ma jeans nhai Joshua?" Ndakati "Aaah nhai mama, inga zvose zvandakapfeka ndezve white wani. Kwataive uku taitoita zve smart mama. Ndokwirawo ndege ndichita sebenzi here hazviite. Lets go home , ndoda kutoenda kuNharira nhasi chaiye nemota iyoyo." "Haaayas , wamusuwa Ratidzo wako. Anofara zvekuti" ndosigara ndichimufonera kungoti kurwara kwababa vake kuri kumushaisa confidence ndaitomboti ndichaendako zvino phone yake dzimweni dzenguva haiite asi zvawauya iwe zvakanaka. Mwana uya ndomuda mwanangu kuti aite muroora wangu ndinotoona vazukuru chaivo vakanaka paari vandichabata pamaoko angu aya" "Haa mama makutofunga zveva zukuru futi" "Uchi mucheche here Joshua wakura 31 years wakufanira kutiitirawo zvivanhu zvekugara nazvo tarira ipapa kungogara tiri vaviri nababa vako nguva zhinji Joy anenge ari kuchikoro kwake" "Kuchikoro kupi chembere iyoyo" "Kudzidza kwaJoy kunopera here mwanangu akatoti hanzi ini handidi kushandira muno ndotodawo kunze kwenyika koda vakadzidza ndikati nhaka iye muroora kana wamuroora utomuendese kuchikoro asazodarirwa nemadzitete iwaya kuchinzi hauna kudzidza. Ko ndakaionaka nhamo yacho ndouziva ini" baba vakabva vati "Mai Joshua mukadzi wangu hazviperi here" "Haiwa zvichipererei ndaitukwa ini nana tete vangu takanzwa nekuudzwa kusadzidza kwese ndopatakazodzidzawo neshungu " "Haa ndomuendesa mama dont worry" akafamba kuenda mumota yadady vangu. Takapinda ungori mufaro wega wega. Takaenda kumba kwedu kwataigara ku Avondale. Yaisava nzvimbo inogara vanhu vasina Mari kwaiva kuri very quiet zvekut, takafamba zvakanaka tichirova nyaya ndaiva ndava kuto driviswa nadad ivo vagara kumasure nemhkadzi wavo tichinosvika kumba ndakashamisika kuona kuina gogo. Patakaisa Mota muparking ndakabva ndazevezera Kuna mama tisati tadzika mumota. "Ko , nemhaka yei musina kunditaurira kuti gogo vari pano? Zvino andivhiringirwe zvinhu zvangu zvose here? Mbuya inoroya iyoyi ndatenda zvangu" ndozvatakakura tichiudzwa namai vedu kuti mai vadad vanoroya and vaisatoda kuti tiendeko kumusha kwavo, dad ndivo vega vaiti kana vasuwa mai vavo voenda isu taisaenda isu nekutya kuroyewa. vakaseka vakati. "Mwari anoti regai kutya vakaipa , asi muudze ini zvinokunetsai zvose ndigokurwirai kune vakaipa venyu. Vari kuzvifarira havo ava hapana kana damudziko" ndakangogutsurira musoro wangu ndikati "Hòoo , zvakanaka" takadzika kwave kufamba kuenda mumba. Gogo vaive vakagara kuma banch aive kupool vachivarairwa zvavo. Vakabva vatosimuka vakauya kwataiva tikasangana pakati. "Muzukuru wangu wauyaaaa!" "Ndauya gogo " takambundirana nemufaro. Vamwe vose vaive vatopinda kare mumba. Nguva yandakambundirana nagogo ndine zvandakanzwa mumuviri wangu. Ropa rikatanga kupesana pesana romhanya. Ndainzwa tsinga kuti zhwiii , njere dzichibva dzaita kunge dzambomira kufamba. Ndakaita kakudzungaita zvishoma ndikati pamwe ndaroiwa nezvitsinga nagogo. I shouted "Jesus Christ!!" Vakabva vaseka ndokubva vati "Ndiwe wandakavinga pano iwe ndakazviziva kuti hauchina mazuva akati kuti usati wadonha mhiriyo kwawanga uri wandivigireiko mhiri nhai murume wangu". Ndaiva ndatoshatirwa vaida kuzama kuita sei kuda kundipinza muuroyi hwavo vakazviona kuti handina kufarira zvachose zvavaiva vaita ndaiva ndangomira mama nadad vaiva vatofamba kupinda mumba. Zvikanzi "Handei mumba muzukuru usatya hako handina zvandokuita zvakashata ini uri mwana wemwana wangu iwe ndotoshuvirawo maropafadzo nemakomborero pauri nekuti muri zvibereko zvangu, ndakafara kwazvo ndaona muchovha wawakatenga uyu wakabva kunotorwa nabaaba vako zvikanzi ndewemurume wenyu mhai ndikati ndoda kutotangira iye weChivhu iyeye kugara mberiyo ndokuti agoziva kuti vahosi variko". Vakanyenama mukanwa mune mavende imomo ndikati "Ndiyani akakuudzai zvekuti ndine musikana ari kuChivhu gogo pakaitika anything happen kumusikana wangu ndimi first suspect yangu". Vakaseka futi zvikanzi "Zvandinooneswa nemwana waMuchineripi uyu zvakaoma" vaidaro vachitanga kufamba vachidonzva vaiva vava kufamba nemutsvimbo ndikati "Ndiri kutaura sure mbuya why ndanzwa strange feeling pamandibata" "Joshua!! Ndimama vakandidana maybe vaiva vanzwa voice rangu rakwira zvikanzi naivo gogo "Aiwa vamwene regai tikurukure kuno nasuwiti wangu uyu itai zvekumba kwenyu ikoko kwamuri" "Haafaniri kutaura nemi nemutauro iwoyo". Mama vaiva vava kukanganwa kuti ndivo vakatiudza kuti gogo vanoroya, ivo gogo vakabva vati "Ndoda kukupa zambuko nekuti Chivhu uko kwaunoda kuenda kunopisa. Saka andidi kuti utsike panopisa wanzwa here muzukuru wangu. Unonamata zvako , asi apa wotomboteedzera zvandinoda ini." Ndakatura befu ndakavatarisa ndikati "Gogo muri kuda kuedza kudiii?" "Uri kuda here herupu yangu kana kuti kwete? Nekuti kana ukairamba uchaparadzwa. Ukaitambira uchazezwa nani zvake angada kukuparadza kwese kwaunoenda. Andidi kuramba ndichitaura zvakawanda ini." Zvakandiomera kuti nditi ndinoda kana kuti handidi. Ndakazongoti "Its ok gogo" "Haisi mhinduro iyoyo. Ndipe mhinduro kwayo" "Ndinoda gogo" "Gudhu , ndibate musoro wangu ini ndokubatawo wako." Ndakabva ndabata zvikanzi "Ukanzwa ropisa ruoko wozobvisa zvinenge zvatoita" "Ndatsva gogo" "Hahaha , saka Mwari ari pauri ane tsitsi. Anoda kuti ubatsirike. Wakurumbidza kudairira vadzimu zvatoita. Woenda wakasununguka hako , usakanganwa kuti ini ndakazvarwa musiwa fifitini mwedzi uno mugore ra 1935. Ndoda Keke chero mazino ave kudonha hawo" "Haa gogo" "Zvokwadi ndorevesa mwana womwana wangu kusvika pandiri pano ndangoo Hari yofanzirofa handinawo akamboti mhai hero Keke bhavhadi renyu mudye" "Ndokutengera chimoko" ndakadaro ndichivabhabhadzira musana ndikavadenha ndichiti "Ndipei hero gumbo retatu iro ndikubatirei" Vakaseka zvikanzi "Tava kuwiriranaka wava kufaranuka". Zvesure ndaiva ndisisanzwe kutya pana gogo ndakangoseka ndokubva tapinda mumba. Joy ainzi haapo. Ndakava nenguva diki yekufara nemhuri yangu. Takabikirwa chikafu chakanaka tikadya tiri pamwe chete. Ndapedza andina kuda kuita zvekunonokera nekuti simbi inorohwa ichapisa. Ndaida kutoenda KuNharira ikoko nekukurumbidza. Ndaive ndisina need yekugeza zvangu nekuti ndaive ndafamba nendege ende ndaingonhuwirira. Ndakawedzera spray chete kwave kutora zvandaive ndatengera Ratidzo wangu ndikaenda kumota. "Family , ndokuonai ndadzoka. Ndave kumboenda Chivhu" "Lets pray Joshua. Hatifambe rwendo tisina kunamata" gogo vakabva vandipa sign yekuti buda before prayer. Ndakangoti. "Haaa mombe haikoreri pamarket mama. Munhu haanamate kana kureurura akuda kufa zvobatsirei ndagara ndiri mutendi Kare hapana chinondiwana" "Joshua hauchade zvekunamata iwe ndazviona imba ino ndeyechinamato ino. Saka uri kuenda nedressing yako iyoyo?" "Yakaipeiko mama Inga shirt ndakaisa button wani pahuro apa plus ndeye white minamato ndakabanker kare ini mama ndaitsanya sei kunyanya Ratie paisabatika apa ndaitombot asi kupusa ndozofunga kuti kupusiswa nerudo, chimoko bye ndava kuenda" "Aita raki musikana iyeye motokari yoenda ndisina kugara sit rangu" Ndakaseka ndichibuda vana mama vakasara vachinamata chero neniwo futi ndakatotanga kunamata nechemumoyo ndichienda kugarage kunotora mota yangu. Hongu mishonga yambuya yaiva yandiita munhu akashinga asika mukuru wazvose ndiye ari kudenga muchinda werugare Ndakaimutsa mota ndoenda KuChivhu. Zvizhinji ndaizobvunza ndave ikoko. Ndakaita only 2 hours or less ndainge ndatova muChivhu. Ndakabva ndatenga tunonaka Naka ndokuzosimudzira ndakananga Nharira. Paitongova pedyo neChivhu zvekuti nguva diki ndaive ndasvika. Ndakabva ndamira pama shops ndotsvaga wekubvunza. Ndakabva ndangoona mukomana wandakatoziva kuti uyu mutendi we Africa yedu nekuda kwedressing yake. Ndakabva ndamudaidza. "Mukoma , muri kutaura kuno here?" Ndikati "Yes ndiri kutaura ikoko. Ndingambokukanganisaiwo zvishoma nekukumbirawo kutaura nemi" "No problem bro" "Pano ndipo pega panonzi paNharira handiti" "Pano pamashops. Tine chikoro negomo nezvimwewo ichingova Nharira saka imi munoda kuenda kupi?" "Kunonzi kwa Sibanda" "Kwaana Ratidzo here?" "Exaclty!! Haa uri mugari wekuno zvechokwadi. Ndingafara zvakanyanya kana ukandibatsirawo" "Waaaw , my name is Ponai. Ratidzo is my best friend!" Ndakamedzera mate ndikati "Best friend??" "Kkkk Joshua come on!" "Ko , unotoziva zita rangu?" "Kutadza nei iye Ratie anogaroimba nezvako pese paari. She is like a sister kwandiri usandifungire zvakaipa. Handei ndikuperekedze nekanzira aka" "Wait tsano , ndini ndine mota iyo iri apo. Kunosvika mota here?" "Ehe inosvika. Maihweee , nhasi anonofara zvake. Ratidzo iiiih" takabva tanopinda mumota toenda kumba kwaana Ratidzo kwacho. Ponai aitova munhu anotaurika naye uye anoseka zvake. Ndakatonzwa kurerukirwa zvakanyanya nekunzwa kufara mukati nemoyo wangu.. "Saka baba vake varisei Ratidzo haabatiki mhani musikana wacho ipapa ndava nemadays asingabatiki zvake kushaya kuti chii naye". Akamboti zii zvikanzi "Ummm vanorwara baba vake asi Ike zvino vanenge vari nani zviri kumu dusturba zvakanyanya zveurwere hwababa vake izvozvo , asi zvamauya kudai chibaba magona moita muonera pamwe anokudai mhani mufana wacho. And pandakuonai ndaziva kuti ndimi ndasara zvangu ndoita sendodzungaira ndandakuonai kare kuti chibaba chapindira muNharira" "Makandiona kupi" "Paiko pamoshaikwa mufoni yaRatidzo kubva ku lock screen woiswa , password inongova Joshua wapedzazvo home screen pana Joshua kuwtsp profile kuna Joshua Walpaper yekuma chats ndimi mukuru muri kutonga munodiwa zvekurevesa". Ndakaseka ndikati "But ndiri worried nesudden change yaakaita pamazuva mashoma adarika iwaya hameno kuti chii haasisiri free zvaiva kare apa kana baba vake vachinyanya ndiri kutofunga kuvatora ini". "Tatosvika ndipapa pamba pacho kuti aripo iyeyu". Akadaro Ponai uya ndikati "Hameno, Asi anenge agoendepi ngatisiyei mota kuno kunze yakanaka hainzwikwe zvayo ndoda kuona reaction yake paanondiona ndikamisa mota payard hazvizonyatso ita chiremerera". Akadaro zvikanzi "Aah tadii kungosvika". Aiva akungoita hameno hameno Ponai uya ndikati "No ngatiburuke pano". Takaburuka aiva oda kufambisa kuenda achindisiya kumba kwana Ratidzo kuya ndikati "Shamari handiti wandiperekedza here kundisiya kwava kwei futi". "Aah sorry mukoma". Akadaro achimira ndikanyatsozvi gadzira boo boo ndokutora tunhu twangu twandaiva ndavigira babe ndikati "Chindibatira" "Haa" ndikati "Urikutyei nhai Ponai ndini ndofaniraka kutya ndine excitement yekuona babe". Akangoseka Seka ndokufamba hedu kuzoda kudeedzera ndikati "Iwe mhani hindava so". Akadzikama kwakuzoti tava kusvika kuveranda ndikati "Rugare mapositora" ndozvataiitaka kwaMwazha ndakanzwa kunzi "Haaa iwe mhani ndisiye ndione vanhu vasvika pamba unongoita sedzisina kukwana seikowo nxaaa". Aiva Ratidzo airatidza kubhoikana hameno ndiyani aibhowa mudiwa wangu iyeye. Akavhura door repamba pavo pahombe mavaiva achibva anditi baa chaakaita kushama muromo akauvhara kumasure kwake kwaiva neumwe mukomana or murume hameno aiva ane rasta richirembera nekuma shoulder uku and hana yangu yakati bamu , pandakamuona mukomana iyeye. End of chapter 14 Stay tuned.....

HELLO READERS *KUNE VAIDA BOOK IRI SEASON 2 KANA YAPERA. YAKAPERA SAKA ANODA BATA MUNYORI WOWANA FULL BOOK KA1.* *RUTENDO RUKURU KUNE MA TRUE FANS CHAIWO ANGA ARI KU SUB 🙏🙏 MAKASIMBISA*


https://chat.whatsapp.com/Fg7cXqfuWTXLK8au1KGwpC *Huyai titaure nezva Ratidzo ku comment section. Kune vakasununguka havo huyai!!*

*Follow my WhatsApp channel usasarire vamwe vachinakirwa:* https://whatsapp.com/channel/0029VaLhXcA6rsQs1Dbdjo0b *Join our main WhatsApp group for more:* https://chat.whatsapp.com/D1cVNjuP1Vk5gHMgjhIJtT *Follow my Facebook page:* https://www.facebook.com/TinohM011?mibextid=ZbWKwL *PASSIONATE EVIL* Written by *_Mama Jay_* And *Tinoh🎓 Mutsinze* All rights reserved. No part of this book may be reproduced in any form or by any electronic or mechanical means without written permission from the author... CHAPTER 19 RATIDZO Mhosva yangu yandaiva ndakapara naMugove ndoyandaitoshaya ini kuti ndeyei chaizvo. Seipapa paanongoyerekana anyuka ndaishaya kuti anodei chaizvo? Joshy aiva atsamwa kushaya kuti aiva atsamwirei zvaiva zvakaipeiko kumupfekedza necklace yacho nhai. Mugove waiti chero ukamutukazve ukataura zvaunoda haatirimuki anotokuitira zvobowa. Waisvotwa ukazvirega naye ndakafara pakauya Ponai ini aimutya and akabva atobva pamba akaenda ndikati Mwari maita. Ponai handizive hangu kuti ndaizomutenda nei chokwadi aimira neni panguva dzese, akanoona baba vaiva vakachena vasiya vagezwa naJoshy zvikanzi "Nhasi baba vari clean chaiko , asi watova gezesa here" "NdiJoshy asiya avagezesa uyu chero azoenda atsamwa hake asi asiya andibatsira" "Agona zvekuti ini rega ndibaye wakanzwa here kuti bamunini vakakuvara" "Eeh wani paya akauya achitaura Melo" "Haa panotoda Mwari gumbo rakakuvara iroro chisara zvako zvimwe zvacho unamate Ratie hazvidi kurelaxa zvako muface wako anokuda uyu asi iwewo dzidza chokwadi, kutaura chokwadi chete ndokunokuita uite free saka ita zvinhu zvako uchingwarira ndichamboenda zvangu kuGuvambwa padhuze ipapa ndasuwa munhu wangu". Ndikati "Hmmmmm vana Ponai" "Kudii kwacho iwe hauite here maitsvodana zuro ndakatarisa wani rega ndiende". Akabuda akaenda ndikasara ndichitura mafemo kasadza kaaiva asiya pane randakamubikira achiti anonzwa nzara ndakarisiya mukitchen ndikati ndaizodzoka ndoripa baba ndabva kwabamunini. Ndaida kunonzwa kuti vanonzi chii kuchipatara kwavainzi vaiva vanoadimitwa. Ndakanooneka baba ndakawana hangu vakatarisa mudenga vachitaridza kuti vakayeverwa ndikati "Baba ndava kumboenda kwabamunini ndinonzwa kuti vari sei" "Zvakanaka" ndozvavakaita ndikabuda hangu ndakawana paina Melo ega akagara nevanin'ina vake ndikati "Hevoizve vana vababa vangu". Bamumini ba Melo vaingova nevana 4 chete vasikana 3 nemukomana 1 aiva wenumber 2 kutevera Melo "Hevoi si Ratie" vakaitirana vese ka1 ndikati "Ko mama varipi" "Vaenda kuchipatara kwaenda baba havasati vadzoka" "Hoo kubva paya kuseni Inga pakaipa saka madya" "Tabika sadza tadya" "Hoo kana mama vasina kudzoka munozouya torara kumba kana muchitya mazvinzwa" "Horaiti" akadaro Melo ndokubva ndanotarisa mukitchen macho maiva netsvina maplates asina kusukwa ndikati "Melo wakura iwe wava munhu mukuru kana kunyengwa wava kunyengwa ipapo form 3 chiri kunetsa chii kuti mumba mugare makadai hauna kutsvaira kubika ndokwawagona Aiwa chinja maitiro mumba muchene umu". Akangosmiler ndokubva anyarara hake ndikasiya ndatsvaira tsvaira ndokuzoenda kumba. Ndakati ndosvika ndakanzwa kuti gunduru mukitchen ndikatoti hameno , asi ndasiya ndisina kukiya mukova huku dzikapinda here. Ndokupota kuti ndinopinda wanike ndiMugove ari kutomwa mvura necup huru apa akachingidzira mubucket and aimwa zvinobhowa futi imwe ichidzokera mubucket. Kapoto kesadza riya randaiva ndabikira Ponai kaiva kakwengwa nemakoko kasiiwa kakashama zvese nekemuriwo atoguta zvake. Ndakamira padoor ndikati "Mugove" "Hesi Chimoko" _bhooo_ akadaro achidzvova ndikati "Zvimwe zvacho hazvitonakidze ufunge unogona kuita uchiti uri kusvotesa Ratie but pasina zvazvoshanda. Uri kutocreater ruvengo mumoyo mangu newe nekuda kwezvauri kuita izvi" "Ponai handidi kumuona pano, anga achidei uyezve ndiyani akauya zuro nemota pano Ratie ndakati chiii nenyaya dzekundihurira". Ndikati "Handina kumbokuhurira ini Mugove wakandida ndine mukomana wangu maizviziva nen'anga yako mukati ndikakuda baba vangu vanopora manje ndezvipi vari kuwedzera saka rudo pakati pangu newe ruchiri kubva pai. Nekuti chaisunganidza rudo rwedu irworwo urwere hwababa vangu. Ndichiti vakaporawo ndowanawo kukuda saka ndiudze kuti uchiri kudei pano". Ndaitaura neushingi chaihwo ndaiva ndasvotwa akafamba akaswedera pandiri mukitchen imomo ndikati "Usandibata hako handidi zvekubatwa newe unotondimara" "No inzwaka Ratie sorry nema actions angu , but apa ndadya nekuti wabikira Ponai haungabikire Ponai sadza izvozvo ndoramba. Ndoda kukuudza chinhu 1 secret iripo iyi, vanhu vauri kuti ndivo vaunoda padhuze ava ndovari kuita baba vako vasapora". Ndikati "Ukwane iwe wanzwa" "Uri kuramba here nemhaka yei Ponai achigara achiuya pano, akatumwa kare kuti atambe newe baba vake vane divisi vaida kutora urimi hwenyu zvino muchinahwo here muchiri kurima here imi. Zviri papi zvamakarima kwana Ponai wako iyeye kunei zvakazadza Havana nhamo vhura meso wangu. Hongu ndiri mwana wen'anga , asi inini Ratie ndokuda zvisina ani akamboona. Mukomana wako uya umuchenjerere Ini ndiri mwana wen'anga and handivanzi kuzvitaura asi munhu uya ari dangerous uchenjere kuzourairwa baba naye uya kuvashaiwa chaiko ndikuudze". Ndikati "Never" "Okay, bata umu kana uchiti ndonyepa" haiwa ndakaramba nemaoko angu ini akabva andidhonza ndakavarairwa paari ndikati "Ndisiye mhani unopenga here" "Usaita seusiri kufara nekukubata zvandakuita izvi ndoda kunzwa kuti akapinda here munhu wako apa kana akangopinda chete apa anofa". Aizama kuda kundipatsanura makumbo ndikazama kubvisa achibva atotora mukana iwoyo kundikisa hameno kuti mukanwa make maivavira chii and kakuvavira ikako hameno zvakakandiita nekuti ndakabva ndanzwa kuda kuramba ndichimukissa akaita searega ndikamudhonzera pandiri. Akawedzera kundimanidzira naye ndainzwa kuti his manhood haichaite ndikati "Usadaro Mugove handizvide" "Handina zvandinoita ndongoda kuti upinze ruoko unzwe zvandaita ndomadiro andokuita dai ndaisakuda mudiwa isingamiri kudai inzwa hako". Akandipinza ruoko mubhurugwa make ummmm imika kana hana yakarova ndikakasika kubvisa , asi hameno zvandaiva ndanzwa and aiva nemazivhudzi akawanda futi zasi ikoko ndakamedza mate zvikanzi "Ndoda kubata ndinzwe kuti akaitei mukomana uya" ndikati "Haana kumbondibata kwese ikoko kwauri kuda kuona haana pfungwa dzacho". Ndakadaro zvikanzi "Nekuti akapusaka ndozvinoita vanhu vakapusa akadaro anokurarisa nenzara". Ipapo aiita achindipuruzira mazamu apa ndaisava nebraa ndakasuduruka paari achibva andibata mashoulder aya zvikanzi "Baba vanofanira kudzoka kuzorapwa nababa kudumba kwavo babe vapore ndozvavakataura". Ndaisaziva kuti njere dzangu dzaiva idzo here kana kuti hameno ndikati "Haa ndichaona izvozvo" "Ukadaro manje havapori ndakanotaura kuna baba ndinotorwadziwawo nekurwadziwa kwako saka vakati pane zvakakanganisika kunyanya Ponai umuchenjerere handimuvengi ndisahwira wako , asi pane zvavari kubenefita nemi". Ndakangonyarara zvikanzi "Ndichanonzwa kuti touya tovatora riini". Ndikati "Hameno chero zvazvaita". Ndakadaro ndanzwa phone yangu kuringa ndokubva ndamusiya ndichienda kudining kwaiva nephone dzaiva number dzega ndakatoshaya kuti ndedzani ndichibva ndadaira "Hello". Ndakadaro zvikanzi "Makaenda kun'angaka Ratie nababa ukasandiudza" "NdiJoshy here" "Stop pretending senge usiri kuzvinzwa" "Kun'anga kupi" ndakadaro akaseka zvikanzi "Ita tione zvamuri kuita tone kwamosvika kana vasina kuenda ko zvitambo zvanga zviri muma kumbo kuzvitsoka ndezvei zvandaona pandavagezesa ndezvei zvinenge zvemashavi izvozvo ko chiri muhuro hakuna muteuro wakadaro. Ratie shaa inini ndoda kufamba nemunhu anotaura chokwadi ukandinyepera haaaa hameno ndovenga nhema". Nekusvotwa plus nemabviro aaiva aita pamba ndikati "Ita zvaunenge wafunga Joshy hazvisi zvese zvatoita kumba kwedu zvandofana kukusuma mhani uri boyfriend yangu hausi murume wangu mhani kana waona kuti ndanyepa strek hameno enda". Ndaiva ndabhoikana ipapo baba vangu vakabva vatanga kukosora kosora mubedroom mavaiva. Ndakakata call yaJoshy ndikatodzima hangu foni yacho ndikaiisa muhomwe yedress raive rauya naJoshua ndiro randaiva ndichakapfeka. Raiva rakandifita chaiko. Ndakamhanya kunoona kuti raive dambudziko rei rakanga raita vakosore kudaro? Mugove haana kutevera akaramba Ari panze ipapo. Ndakawana varara nedivi , asi nguva zhinji vaisirara vakatarisa mudenga. "Baba inwai kookora yenyu iyi. Chiiko chaita munyanye kukosora kudaro?" Vakatura befu vakanditarisa vamira kukosora. Ndakaona misodzi yavo yava kutobuda ndikati "Zvaitaseiko baba?" "Ratidzo chenjera kundiuraisa uchiti uri kundibatsira. Nemhaka yei uchiri kutaura naMakumbi pano anodei Ivo vakatadza kundirapa ndikapora?" "Saka munoda kuti ndiitesei baba? Ini andichazive zvekuita ini. Iye atoti Joshua haasi munhu akanaka. Saka ndoziva zvipiko honai ayenda asina kana kutaura kuti Ari kufungei nehurwere hwenyu? Saka moti munhu here iyeye baba?" Vakakosora zvakasimba vakasvipa chikararwa chaive neropa. Ndakanzwa hana yangu kurova. "Rume risinganyepi hariroori mwanangu. Makumbi haana rugare kwauri mwanangu. Ukasateerera ini baba vako unoda kuzoteerera aniko nhai veduweee?" "Haiwawo nyararai apa muzive zvekurapwa chete makanyarara. Iko kun'anga ikoko akusiko here kwamakadzoka mave kufamba apa nhasi makutaura zvakawanda Wanda. Makaroiwa Imi azvimbode chipatara izvi. Izvozvi bamunini vakakakuvarawo gumbo iroro haiwa Ari kukuroyai ane mukurumbira. N'anga ndiyo inotozvikwanisa izvi"Havana kupindura. Ndakapukuta ropa ravaive vasvipira pasi ndikabva ndatobuda. Zvaive zvakundibhowa andidi kunyepa. Ndakaenda kwaive kwasara Mugove ndikawana achizunza mazibvudzi ake. Ndakada kuziva kuti sei aizunza mabvudzi kudaro? "Mugove kwakanaka here?" "Baba vako vave kusvipa ropa , kunyepa here?" "Kwete ichokwadi saka ndinofanirwa kudiii?" Chiso chake chaive chotyisa. "Ndakutaurira kuti iwewe uri kukanganisa zvakawanda. Ponai ngaachirega kuuya pano zvachose. Mukomana wako iyeye wawaidada naye zvaabva pano manga muchiwirirana here kana kuti angoenda?" "Kwete atina kuwirirana angoenda" "Ndakuudza kare kare , asi chete iwewe unononoka hako kufunga. Mukomana iyeye Ari kuda kuraya baba vako. Ndaona vabatwa pahuro zvekti iwewe ndikangokusiya pano baba vanosara vachifa" Mashoko ake akaita hana yangu irove. Ndakatura mafemo ndakamutarisa ndikati "Saka unoda kuti ndiitesei?" "Toenda tose , godobori vachanotiudza mberi ikoko kuti baba todiii navo?" "Aiwa zvawatodaro Mugove handichambosarii. Handei tose kumba kwenyu baba vangu vararame." Akasekerera akanditarisa. Haana kunonoka akabva asimuka tikapinda munzira kuenda kumba kwavo. Munzira mese ndaingobatwa batwa naMugove. Zvimwe zvacho ndainzwa kubhoikana , asi zvimwe ndainzwa kunakirwa nazvo ndave kufunga tsvodi yaaive andipa kumba. Takasvika ikoko ini ndaneta apa zuva rapinda munaamai vavo "Rwendo uru rurefu Mugove. Ndiri kunzwa kuda kurara nekuti ndaneta." Ndaitsumwaira maziso angu azara hope. Akandipa pekurara kumba kwavo akati "Ratidzo wosara pano , ino ndiyo gota yangu yandinorara. Ndave kumhanya kudumba Kuna godobori ndouya ndokutora kana wodiwa ikoko" "Wokurumbidzawo kudzoka." Akabva abuda akasiya musiwo usina kunyatsovharwa. Ndakabva ndagara paairara iye Mugove paive mechimubhedha chakangoshata shata. Ndakamboongorora Mumba imomo ndisati ndazvambarara. Pandakarara ndakabva ndanzwa kuvhurwa kwedoor. Ndakasimudza musoro wangu ndikaona kamwana kaye zvekare. Kaive kasina hembe yekumusoro. "Musabve pano , munozobva pano mushure memazuva maviri" ndakarohwa nehana "Baba vangu vanofa nenzara" akati "Nzara haiurai murwere nekuti agara haatofariri kudya. Kana ukapikisa zvandinoreva vachafa" achibva atobuda ndakanzwa izwi rechikadzi rakati "Uri kutaura naniko iwe wakashama kudaro kunge wasvikirwa?" Haana kupindura nekuti andina kunzwa mhinduro yake. Mai vaye vakabva vavhura door vakapinda "Hezvoo , ko ndamboziva kuti mune munhu muno? Wapinda nguvai uye wauya nani pano" ndikati "Ndauya naMugove angosvikoti ndigare muno uye ndisabude" "Uri chiiko chake" "Mu..mu....." "Taura hako usatye ndiri amai ini" "Musikana wake" "Musikana wake? Nezvawakapfeka izvo zvekwa Mwazha? Wakanyatsopfimwa Seiko naye Mugove heyeeede inga rudo ibofu chokwadi. Nhaka ndiwe musikana wake waanogarofambira nhai? Uri mwana wekwaani?" "Kwa Sibanda" "Wati kudiii?" Vakaratidza kunge vaive vashamisika. Kunge vaikuziva kumba kwedu kwacho uuumm hana yangu yakawedzera kurova End of chapter 19 Stay tuned.......

*Follow this channel for more books utapirirwe:* https://whatsapp.com/channel/0029VaLhXcA6rsQs1Dbdjo0b *Join our main WhatsApp group:* https://chat.whatsapp.com/D1cVNjuP1Vk5gHMgjhIJtT *PASSIONATE EVIL* Written by *Mama Jay* And *Tinoh 🎓 Mutsinze* All rights reserved. No part of this book may be reproduced in any form or by any electronic or mechanical means without written permission from the author... CHAPTER 17 RATIDZO Ndakazeya zeya nedzungu raiva randibata ndokuzoti bengenu pava paya , ndakatarisa tarisa ndikaona kuti aiva asina kubuda Joshy. "Zvabvepi zvinhu izvi" ndakazvibvunza kudaro ndakazvibata ndokubva ndakasira kufamba ndakazviviga ndaida kunoisa mumba. Joshy aisafanira kuona zvinhu izvi paazondibvunza ndaifanira kumuratidza zvinhu izvozvi. Ndakanoisa mumba mukabag ndokudzokera panze kunoti nditsvaire hamenowo zvaiva zvangoita body yangu ndaifanira kuzozvirasa kana Joshy aenda. Zvaisava zvinhu kwazvo I think Mugove nen'anga yavo vaiva vagadzira kuti tirambane naJoshy. Pandakangofunga izvozvo hana yangu yakarova ndikati ndozvirasa ndokuzongoshinga nekuti , asi aida kuzviona iye Joshy. Ndakatsvaira ndikasuka maplates iye akatozomuka ndakutoda kuti ndinotenga chingwa ndibike tea mari ndaiva nayo handiti aitumira iye Joshy. "Mamuka sei Chirandu" ndakataura hangu kudaro asi ndaitonyara hameno nei ndainyanya kunyara zvakadaro. Mugove handina kana nechimwe chandainyara paari zvikanzi "Hesi masibanda wangu wamuka nguvaiko kana ndakuroora handidi zvemunhu anomuka time idzi". Ndikati "Aah" "Yes ndendichida kumbokumbundira kemakuseni iwe wondirasisa nekumuka handizvide. Akatarisa tarisa zvikanzi "Ndakutozvidza pamba pababa manje huya mukitchen umbondipa kiss tione". Ndikati "Haa Joshy mhani unopenga here" "Joshy ndiyani". Akadaro ipapa ndaiva panze akandibata ruoko tikapinda mukitchen ndokubva tamira padhuze nemukova asi tiri mukati. Akanditarisa mumaziso zvikanzi "Unoziva ndokuda here iwe unozviziva here Ratie". Ndikati "Ehe kana neniwo". Akabva andimbundira zvikanzi "Usazondisiya Ratie" "Why wadaro handikusiye ini" "Ummmmmmm pane hope dzandarota nhasi handina kudzinzwisisa okay baba vaingorapwa kuchipatara chete here babe or pane somewhere kwamakambovaisa". Ndikati "Vairapwa kuchipatara ava Chirandu, asi chiii marotei?". Ndokubva ati "Never mind wandisiirawo mvura yekugeza here" "Ehe ndiyoyi wakundityisa Joshy warotei" "Zvapera babe ndafunga kuti makamboenda navo kuchivanhu , but wati hamuna maybe hama dzenyu dziri kuplana kuvaisa ikoko , but ummmm my word of advise ndeyekuti musavaendesa kwese kwese tangai maona kuti kunoita here mogona kuzopinda matisingazogoni kubuda handitika babe wangu hadzisi dzese n'anga dzinorapa sweetie. Ndava kutongotaurawo zvangu but ndarota baba vakakombwa nevanhu vandisina kuziva kuti ndivanani vachiratidza kuti vari kuronga matare asiri akanaka ipapo. Iwewe wanga wakasungirirwa mumuti nechemudenga wanga uchidaidzira semunhu anoda help but ndandisinganzwe kuti wauchiti chii babe saka beware even hama dzavo dzikauya dzichiti handei kwakati nababa ndokumbirawo masibanda wangu ramba Mwari vari kumusoro kudenga vachapodza makumbo ababa vedu aya varivo. Rangarira nyaya yaJobo babe zvakapera zvese pfuma, makwai, vana everything. Kusvika iye pakuita mapere mbudzi muviri wese mukadzi wake chaiye akasvika pakumugadzika kudurunhuru. Kugomba ramarara babe achiti hauchakodzere kugara mumba nekuti une maronda asingaperi tuka Mwari wako iyeye waunoti unonamata but Job akadii babe, unoiziva wani story yaJob. Akaramba akatsungirira pana Mwari akati ndiye akandipa upenyu nepfuma nevana ndakabva mudumbu ramai vangu ndisina chandinacho ndichadzokera zvakare ndisina chandinacho. That faith ndoyatiri kuda pasituation Ina baba right now sweetie baba vedu takavatarisa ndiJob vane maronda , mairima you told me kuti ndakaendeswa kuchikoro nemari yekurima chibage garden everything ndaona danga apo but rikuratidza kuti harisisina mombe dzakaenda kupi". "Dzakatorwa nabamunini, ndokwadzakugara". Ndaiva ndava kuda kuchema mashoko a Joshy was too much airwadza aiva ekundisimbisa hawo but uuummm aiita kundidzimba pamoyo chaipo. Ndakanzwa kuda kuchema , asi ndakazongozvishingisa pamwe nekuzvigwinyisa. Ndaisafanirwa kuchema , asi kutongova strong enough to face any challenge ini my life. Life is like a wheel , it turns around all the time." "Handiti uri kuona hapachina zvese izvozvo huku chaidzo dzavakuverengeka , but it's a phase babe zvinodarika hatingopai rutendo rwedu kunaMwari. Baba vachatosimuka panhovo pavari paya vagofamba sweetie wangu vagorima munda wavo like zvavaiita before, i love you" akapedzisira achidaro ndikapukuta misodzi yaive yakutobuda zvikanzi "Aah babe come on uri kuchemei manje handizvide izvozvo". Aidaro achindipukuta misodzi mukupukutwa imomo ndakabva ndanzwa softness pama lips angu. Ndikatsinzinyira maziso aiva anyatsondibata kugotsi uku andidhonzera paari. Ndakamubatawo pamasholder apa tikatanga kudyanana miromo takadaro ini misodzi yaingoyerera chete , but zvainakidzirira handidi kunyepa "Ko iye Ratie ari...... hezvo" ndimainini mai Melo vakasvika pamukova wekitchen vachidaro ndakangozvigarira pasi ndega pabanch nekunyara Joshy akaramba akamira. Zvikanzi "Nhaiwe Ratie" "Mhamha" "Ko asi ndiye uya wekunze kwenyika". Ndakaramba ndakanyarara iye Joshy ndokubva azogarawo pasi ndikati "Sorry mama" "Nei hako varipi baba" "Vachakarara uyu anonzi Joshua" "Haiwa ndazviziva kare hesi hako mukwasha wangu ndini mai vake iyeyu zvino tazopanana introduction zvisizvo tichaonana hedu, asi zvamamuchiita handina kufara vanangu. Ini handirovi imbwa ndakabereka mupini, Ratie" "Mhaa" "Pano pamba pababa namai vako pano hazvichinji chero kukanzi mai vakafa baba vanorwara Havana zvavanoona ini mai vako ndatoona handitodi. Hazvina kushata kushanyirana muchionana sezvizvi , asi zvekuti muite mukadzi nemurume mumba mavakoma vangu kwete. Kitchen ino yakasiiwa yavakwa namai vako kana mukomana wako uyu auya kuzoroora tikaona mozoita henyu chero mukaita muri pachivanze apo huku nemagarikuni zvichikukuridza we don't mind ko munenge mava veduka manzwaka vanangu" "Haa sorry mama" ndiJoshy akadaro zvikanzi "Tafara nekukuziva, iwe Melo hauna kumuona here zuro waiva waonaka iyeyu wemhiri" ndikati "Ndandichiti ndichauya" "Aaaah , kupi baba vako vakatotakurwa nengoro madeko mudhumeni akazoramba akati pasina mari handiiti" "Ko chiiko chakamboitika" ndakabvunza zvikanzi "Vakavhunika zuro nengoro iyoyo yakazovatakura zvakare. Ndambovaudza kuti musaenda nengoro iyi chimombe chababa vako chiya chemakwapa chinopengesa ndakavati "Musasunga chimombe ichi, unongovaziva baba vako tiringindi nharo ndiye kata muchingoro tande kumaricho kwataisakurira magokoko matatu emabagwe ndoavaisungira chimombe ichocho. Takanoti todzoka ini ndaifambira musure varimo vachimanyisa chakangoti tenu nekwaChokoto kuya ndiye muchuru pavakada kuti vajambe nengoro ichitevera ichinoti pagumbo gaaa bonzo kubuda kudai mupimbira hameno kuti richafamba here kana rogurwa. Apa handina kana nemari yekuchipatara variko kuChivhu uko vanongochema kana neni ndiri kutya izvezvi hona hako zvakaita gumbo racho". Vakanditaridza ndikati "Yuwii" akaonawo Joshy zvikanzi "Wava musha wezvirema bamukuru havafambi ava vodai apa handina kana cent, ndandatouya kuzoudza bamukuru kana une mari Ratidzo ndotokumbirawo chero Dora haro rekuti ndinobhadhara ndiri kupererwa mwanangu". Ndakatarisana naJoshy akangosumudza tsiye ndikati "Ndine 30 chaiyo". Ndaitotora pane iyoyo yaJoshy yaitumira "Yese iyo ini ndine 5 Dora chaiyo ndoyaiva mumba iyoyo". Ndikati "Saka makanosvika Chivhu nengoro" "Bodo takaenda paclinic ambulance ndoyakazosenga". Ndakasumuka ndikanotora mari ndokuvapa nhamo yacho hamheno bamunini hameno kana vaizofamba. Vakaudzawo baba nezvenyaya zvino baba vaigoitei vaisafambawo. Vakaenda kumba kwavo tikasara naJoshy zvikanzi "Haa pakaipa" ndikati "Kwete zvishoma pakaipisa chaiko". Ndakazombobika kwazvo here kana nekuchingwa kwandaida kuenda handina kuzoenda ndakaita zvemagwinya ini,ndaiva ndatopererwa kwakudya akatogeza baba vakachena ronda ainyatsosuka chaiko achibvisa mazihurwa rosara ratsvuka ropa wainyatsoona kuti kana naivo vaipenya chaiko paface. Tagara ndopaakazoti "Ini ndava kuda kudzokera babe wakatozoramba kunditaridza ring yandakakupfekedza babe unayo here iwe nenecklace yacho kana hausisina hako" ndikati "Ndinazvo kani rega nditore kwacho". Ndakadaro ndichinopinda muspare ndakazvitora ndikauya nazvo ndikati "Izvi unoda ndikupfekedze here" ndaida kutomupfekedza muhuro make zvikanzi "Ummm ummm usadaro handiti ndakatengera iwe here" "Aiwa ndoda kukupfekedza iwewe necklace iyi" and ndaingonzwa kuti dai aipfeka chete zvikanzi "Usadaro kani babe ndakatengera iwewe kani musikana wangu" "Aiwa pfeka mhani". Akabva ati "Aah babe ko zvamboita sei" "Pfeka necklace iyi uri kurambirei kuipfeka manje hausiwe wakaitenga here iyi" "Ndini saka nhaiwe ndozvazvoitwa here mudiwa". Aidaro achisumukawo ndikati "Uri kurambirei kupfeka saka pfeka tione" ndaitotaura ndadodomera kuda kumupfekedza nekuti aiva murefu zvikanzi "Ratie handisi kuzvida usaita seunopenga iwewe, kana uchida zvekundipfekedza necklace iyoyo nditengere iwewe yako kwete kuda kundipfekedza necklace yandakakutengera chii chakadaro handizvide. Utori nemhosva yekurura zvinhu izvozvo wava kuda kundiitira sebenzi pano iwe kwana". "Uchatoipfeka" ndaidaro ndakupinza mumusoro make akangondivhazura ruoko achibva aibvuta ndiye akandipfekedza muhuro mangu hameno zvandakanzwa nzeve kuvhara musoro kuita kurira kuti wwiiii ndikatoita zvekubata zviya zvekusada kuti ndinzwe iye aitoratidza kuti aiva atsamwa nezvandaiita and haana kuzoda kumira akanonga ring akaitarisa tarisa zvikanzi "Nxaaa" achiikanda kure panze handina kumbotaura naye ndaiva ndichakavhara nzeve dzangu. Akatora kajacket kake akapinda mubedroom mababa ndikanzwa ava kuoneka "Baba ndombokusiyai ini ndoenda". Hameno vakapindura kuti kudii ndikanzwa akuti "Mobata nepapa chamoda mopa Ratie uyu anokutengerai ndichadzoka zvangu manje manje kuzokuonai ndava kuno full time ndichamboti dzokerei kunogadzirisa zvimwe zvakasara asi kwenguva diki ndodzoka ndova wekuno zvachose". Ndaiva ndazomira pamukova weimba yairara baba vangu ndakamutarisa zvandainzwa zviya zvaiva zvapera ndakufeeler good akavabata makumbo akamboita chinguva akadaro ndokubva azovasiya akavabata musoro zvikanzi "Ndokudai baba". Achibva avafukidza zvakanaka akabva atofamba achiuya kudoor ndakadziura ndichiti pamwe achataura neni , but ungati aiva anditsamwira nenyaya yenecklace iyoyo iyewo hameno kahunhu kandaiva ndaita ikako. Akakiinura mota yake akapinda ndikati "Joshy" akangosumudza ruoko achitotanga kuimutsa ichitinhira ndikati "Chirandu" ndokubva yatotanga kufamba mota ichibva pamba ndakada kuitevera , but akamhanyisa achibva pamba ndikasara ndichizvirovera pasi time yacho ndopandakanzwa "Chimoko changu" ndakasvotwa chaizvo nevoice iri ndikabvisa chinecklace chiya ndichimutema nacho kumeso akangoshama akaitarisa kunge Dahwa rashaya mvura ndikasumuka pamavhu pandaiva ndakagara paya ndichinopinda mumba. Iye akangoramba akashama akatarisa necklace iya chete.... End of chapter 17 Stay tuned......

*Follow my channel uwane more books:* https://whatsapp.com/channel/0029VaLhXcA6rsQs1Dbdjo0b *Join our main group:* https://chat.whatsapp.com/D1cVNjuP1Vk5gHMgjhIJtT *PASSIONATE EVIL* Written by *_Mama Jay_* And *Tinoh🎓 Mutsinze* All rights reserved. No part of this book may be reproduced in any form or by any electronic or mechanical means without written permission from the author... Chapter 13 RATIDZO "Mugove veduwee pamwe pacho panomboda tidaro here Inga wauya nephone yacho nhasi wani wakuidii futi nhaiwe". Ndakataura ndichiibata ndokubaya chibibatani chekulocka ndaisada kuti atomboona mamassage a Joshy "Ndoiputsa iyi". Akadaro ndikati "Hameno ita zvaunoda handiti ndiwe wavakutotonga pano handichina peace pamba pababa vangu nekuda kwako hameno kuti kubvuma munhu kuti ndokuda imhosva here. Rudo rwacho runosvikepi ruchirwadza kudaro ndozvinoitwa murudo here zvekuti unoshaiswa mufaro nemunhu hauenjoye kudanana kwacho kuchema after kuchema iputse ndanetawo ini newe". Time yacho baba vakabva vabuda iye akavatarisa baba ndokuramba vakamutarisa zvikanzi "Ndava kutoenda zvangu ndinovimba mishonga yandakuzodzai munoita zvakanaka regai ndiende, phone yako iyi Ratie". Ndakaitambira maziso angu akajenga misodzi akabva ati "Ndanga ndakanganwa munodya tsambatsi". Ndikati "Kudya tsambatsi kuti ndiri mwanana here ndodzidii" "Okay ndadarika nemumapani umu ndikaona kamuti ketsambatsi kanga kaka nuna zvekuti uye dzinonaka". Aidaro achiburitsa tsama mukanhava nxim ndaidzidii ini dzaiva dzakasvibira kuita black Black but handina kumbodzida ini. Joshy aindivigira zvima chocolate nezvinonaka iye anouya netsuro netsambatsi andisiye zvangu ini. Ndakadziramba achibva atokanda dzimwe mumukanwa akafamba achienda ndakasara ndikatura mafemo ndakagara paveranda baba vakauyawo vaiva vasungwa neimwe micheka iyi yaiva nani yaiva yegreen pane iya mitema iya vanhu vekuchurch kana vaizouya vaiti Chii ichocho vakauya vakagara pandaiva ndikati "Nhai baba saka muri kutopora chaizvo here ndichidanana naMugove uyu kana kuti" Havana kumbodaira vakatotarisa divi vaitotya kana nekunditarisa mumaziso ndikati "Ndipindurei please baba zviri kundiremera kudanana nemunhu uyu munozviziva kuti ndine mukomana wangu and ari kuuya kutaura kuno ari mundege ndinomuudza kuti kudii. Ndakada Mugove nekuda kwekuti imi mupore make sure zvinopera zvese handisi kufarira relationship iyoyi zvachose, anoita zvaanoda pano makanyarara akauya kurara pano musipo hazvindifadzi ndiri kutorwadziwawo inside muchanzwa kuti ndadonha neBP ndimi mega mubereki wangu kuita izvi kuda kuti ndigowana shoulder rekuchemera asi imimi hamude kutaura kuti zvakanaka here kana zvakadii chenyu kunyarara ini hangu ndiri kurwadziwa nazvo". Pane kuti vandipindure kana kutaurawo neni baba vangu vakasumuka vakakamhina vachidzokera mumba ndakapererwa moziva. Handiti munhu ndeanotaurawo here kuti mwanangu zvakadai zvikadai pane kuti vanonyarara ndoziva zvipi ini. I was doing this for ivo vanoti zvinonakidza here kuvata uchibatwa batwa zasi nemwana wen'anga ivo vakangonyarara. Ndakaswera ndava kutobhoikana chavaigona kutaura ndechekuti ndinonzwa nzara chete zvaMugove vainyarara. Ndakanobika sezvo vaiva varequista chikafu pamwe pacho unodemba kuti dai ndakati vapfuure zvavo ndisare neimwe life ndega hapana chandaimbotya ini chero Joshy dai aindiramba ndaitadza here kugara pamba ndichirimawo chibage ndosakura pandoziva kuti ndokohwa. Garden ndichirima ndichitengesa, ndaiva ndakura ini and vamwe vezera rangu vaiva vakatoroorwa ndaisambotadza kuzvishandira ndiripo pamba ipapo ndichirarama asi ndakati upenyu hwavo hwakakosha kudarika zvese. Ndakanobika rice ndokuisa nemapotatoes amwe andaiva ndakachera kugarden aiva asina kunyatsoita zvakaita zvidiki diki nekuti ndaisadiridza nguva zhinji. Ndakanovapa vakadya kupedza mazuva aya vaiva vodya chaizvo ndapedza nekusvotwa kuramba ndiri pamba ndichitaura navo vasingadaire ndakazviendera hangu kugarden munodiridza ndiriko, mainini mai Melo kubva zvavaiva varohwa vaiva vasina kuzodzoka kumba. Ndakatozobviswa kugarden ndaona vanhu vekuchurch vachisvika pamba vaiva bamunini ndikabva ndavhara garden yangu ndokupurura makumbo aiva nemadhaga ndikaenda kumba. Ndakawana vanhu vakutoimba hymn song yekuti _Ishe taungana_ ndikasvika ndichibatirawo pamusoro. Ivo baba vaivamo nezi dhende ravo regreen raiva rakasunga gumbo, vanhu vapedza kuimba vakanamata zvekuti munamato une power ndokubva tazopedza tagara ndakuda kuvagadzirira tea yekuti vamwe zvikanzi nevamwe vaiva muvhangeri mukuru wepasangano pedu "Usazvinetsa mwanangu nezvekudya takanaka chose, tanga tauya kuzoona baba ko iwe wakaregerei kuuya kuchurch musi weSabata". Ndomusi wandaiva ndarara ndichibatwa batwa zasi Friday yacho Saturday ndaiendepi zvangu ndaiva ndarara ndichikanywa kudaro. Ndakangoti "Ndinouya next week". Ndokutonyarara zvikanzi nevamwe munyori "Ko mabandage akapera here mava kusunga nemicheka kudai maronda anoda mabandage" "Handina kunge ndakamawacha". Ndakakasira kudaira ndichidaro zvikanzi "Zvakanaka tiri kuenda kuGuvambwa musi wa13 mwedzi watatarisa iwoyu saka tanga tichiti tigomboenda nemi baba gumbo iri rinoonekwa naMudzidzisi". Mudzidzisi ndivo baba vedu Paul Mwazha ndoona baba vakatya kunobatwa zvekun'anga vachibva vati "Ike zvino ndava nani zvangu riri kupora" "Ehe asi Mudzidzisi anofanira kuisa maoko pamusoro paro". Vakabva vanyarara Havana kuzombogarisa vabuda bamunini vakasara varimo zvikanzi "Ngatiitei zvekuti mumbopora aivako mudzidzisi iyeye makatanga kurwara kare mukoma vaidii kuenda nemi hatidi kukanganisa mishonga. Hapana champion kunze kwemvura idzodzo dzana Alpha naOmega dzekunzi gezai nadzo makangori mabvira kugeza nadzo". Ndikati "Apa vanenge vachipiwa naMudzidzisi vamene bamunini handit vaisipiwa neivava vana muvangeri vekuno here. Mudzidzisi vaya vakatumwa naMwari and Havana chirwere chavanokonewa vakanamatira Inga wani mwa..." ndisati ndapindura zvikanzi "Nyarara iwe ukaona mukoma vangu vakafa ndiwe unenge wavauraya nekusanzwisisa kwako ikoko" ndakabva ndatonyarara zvangu ndikati regai vaite. Ndaiva ndisati ndazopindura massage yaJoshy iya ndakapindura ndakangoti "Can't wait dad" ndokusiya aiva abvawo online ipapo paakasenda mapic yaisazoita nyaya yakanyanya achiti waverenga ukasandipundura. Zuva raiva ratozovira zvaro ndakuda kubika zvemanheru. Hana yaingorova kuti kudoka kwaro kwaraita mangwana kuchiedza mumwe munhu anenge asvika owana zvakaita sezvizvi. At least baba kun'anga vakabva ndaizoti kudii ini? ndakapedza kubika ndovata ndisisina mufaro zvangu. Mai vaJoshy vakafona ndava kuda kurara "Hello mama" "Wanzwa here kuti murume ari mundege mwanangu" "Andiudza ndiri kufara mama" "Kana ini ndotoda muchato musazonyadzisa imi manzwaka munhu ngaabwandire anzwe kutya nemuviri wake". Ndikati "Okay mama kana iye akati tochata". "Chirara mwanangu varisei baba". Ndikati "Vari nani havo". Ndaisava comfortable kutotaura navo mai vaJoshy ndakabva ndaidzima phone yacho ini zvekuramba ndofonerwa izvo zvairovesa hana yangu. Mangwana acho ndakamuka ndichitsvaira yard ndokuzonopinda muroom mababa ndikati "Mamuka sei baba ririsei gumbo nhasi". Zii zvavo ndakafugura jira ini "Hezvo ko rikuramba richibuda mvura yeiko yakanyorovedza machira kudai imi mainzi mava kupora nhai baba". Vakatotanga kuyeredza misodzi ndikati "Munochemeiko baba handiti makanzi mava kupora here". Ndaidaro ndichisunungura zidhende riya imika Imi raiva rava zironda kudarika mwena yaivapo iya rakaburitsa nyama dzese panze ndakakasira kuvhara hana yangu yarova zvine simba nekuda kweronda iroro ndopakapinda bamunini vakasvika vachivhura zvikanzi "Uri kuonaka vanhu vekuchurch vari kuramba vachiuya pano ndovari kukanganisa zvinhu izvi gumbo iri ranga ropora iri asi zvimunamato zvenhema zvakaitwa ndozviri kukonzeresa zvese izvi woita sei ipapa kana zvadai hee". Ndakapererwa ini ndikabudamo mavaiva ndatadza kupindurana navo bamunini. Ndakambonogara panze ndakabata shaya. Ndaive ndakutanga kufunga zvakawanda wanda munjere dzangu. Ndaiti ndikadananawo naMugove , baba vaibva vapora zvachose asi ndakatozoona kuti ndaizvinyepera. Hurwere hwacho hwairamba huchitokwira. Pave paye ndakaona vabuda bamunini kwave kumira pandaive ndiri vakanditarisa. Ndaitoita kudedera setsanga iri mumvura. "Ratie , saka wave kufunga zvipi zvazvadai?" Ndakati "Ini apana chandichaziva ini. Ponai was right zvaaitaura" "Zvekuti?" "Kuti dai tasiya baba vangofa. Tarisai marwariro acho avari kuita haasi kupera. Mari yese yaperera kurapisa ivo , apa ndonzi ndirambe ndichidanana naMugove chete. Ini ndanetawo ini baba" vakaratidza kupererwa vakati "Iwe unopenga chete iwe. Usarase tariro ndakuudza kuti vanhu vekuchechi ava ndivo vakonzeresa zvese izvozvo" "Saka vakadzoka muchadiiii navo?" "Havafaniri kutombopinda mumusha ndichadzosera vachiri kunze kwemusha chaiko uko" ndakabva ndatura befu asi andina kutaura ndakaramba ndakanyarara. Mashoko chaiwo aive andiperera. Bamunini vaive vakufamba kudzokera kumba kwavo. Ndakabva ndasimuka ndikanopinda Maive nababa. Ndakaona vachiri kungochema ndikanzwa tsitsi. Ndakavabata ndikati. "Baba munoda kumbogeza. Mave nemazuva imi musiri kugeza. Ronda riri kubuditsa mweya iri" vakati "Daidzaka Ponai andigeze. Ndiri kuita kunzwa kutsva chaizvo" "Anouya manje manje. Ko imi baba ndakakubvunzai musingadari. Muri kufara here nazvo" "Ùuuumm Ratidzo mwanangu. Andina mhinduro yandinokupa parizvino panyaya iyoyo nekuti wakaramba kunditeerera kare. Ndakati ini musandiendese kun'anga, asi makandimanikidza. Ndizvo zvawaitsvaga. Ukatsvaga makudo mugomo unoawana." Ndakangotura befu ndikafamba kuenda panze. Mashoko Ababa vangu aive andirwadza zvakanyanya. Ndakadembawo chandakabvumira kuenda kun'anga kwacho. Hapana kumboita nguva refu ndakanzwa Ponai ataura. "Ratidzo wakabatirei shaya" handina kudaira ndakangodzungudza musoro wangu. "Kuuuya pano andiregi hangu. Kunyangwe ukanditsamwira chero ukadiii , ini ndotoramba ndakamira newe kuti Mugove aregere kukuvhiringa zvachose. Muchato wako naJoshua ndiwo watiri kuda ende ndoda kutova best boy wenyu" "Ponai ndoda ugeze baba. Rega ndiise baba remvura pamoto" akati "Mvura ichipisa tichitaura zvaMugove. Unodanana netsvina unoidiii? Zvino vapora here baba zvawakamubvuma? Kana vapora ngavagezeka vega tione!! Uchasvinura hako kubva kuhope dzenhema dzawakarara idzodzo" pandakasimuka kuti ndinoisa gaba remvura pamoto. Ndakanzwa "Mugove mugove kuitasei? Unombonyatsova ani pano iwewe?" Hana yangu yakarova zvakanyanya. Aive Mugove aive asvikawo "Ponai nyarara" akanditarisa akati "Muromo ndewangu , kunyarara handinyarare. Rega ndimuudze chokwadi nhasi" "Unoda kundiudza chokwadi chekutii?" Akadaro Mugove zvikanzi naPonai "Chekuti iwe Uri mwana wen'anga rudziiko inoda kudanana nemunhu wekwa Mwazha nenzira yakadai? Munhu anopfimbwa kana aramba wosiyana naye panekunyengedza munhu kuti kana ndikadanana newe baba vanorarama. Kuita kumanikidzira rudo haiwawo. Leave Ratidzo alone." "Unombotemba nei iwewe?" "NaMwari wangu. Ende andisi kukutya Mugove let Ratidzo enjoy her love life please" Mugove akabva arova Ponai chibhakera. Ponai akatoseka ndokubva arova Mugove chibhakera , Mugove paakangobata ziso rake , akapihwa bhutsu achibva adonhera pasi ndiye ziii akadaro. Ndipo pandakaona kuti aive asina kutosimbawo zvake. "Ponai unorwa nemwana wagodobori une chokwadi here?" "Kutyei? Next time haandijairire zvekare. Ndave kuenda , achasara ogeza baba vako kana amuka ipapo. Rudo rwako naye haruna kwarunosvika I'm telling you!!" Ndakazotadza kuisa mvura pamoto ndomutsa Makumbi paaive adonhera. Aive aramba akangoti rababa kunge arohwa zvakanyanya aah zvayaitovawo ndonda nhai veduwee. "Aiwa muka Makumbi usaite kunge wanyanya kurohwa. Unoda kufira pano kuti zvidiii?" Ndakadaro ndichiita wekuzvuva. Ndakamuzendamisa nemadziro emba. Ndakatora mvura ndikamudira kwave kutora bhaibheri chairo. Ndakamubata musoro ndonamata. Andina kumbotaura mashoko akawanda aive avhunduka. "Ratidzo unopenga here iwewe? Uri kunamatira ani?" "Iwewe!! Zvino hauoni kuti Mwari ane simba kukunda ren'anga here? Ndakunamatira watomuka wani. Wanga watoendaka kunyikadzimu. Baba vari kunyanyisa kurwara nhasi. Zvamuka zvakakwidza" akaita hasha ipapo achibva atanga kundi..... End of chapter 13 Stay tuned........