TINOH & PATIE MUTSINZE NOVELS
TINOH & PATIE MUTSINZE NOVELS
January 18, 2025 at 06:36 PM
Join: https://chat.whatsapp.com/Hhd3sKbmifi4sfMiGhrsym Follow: https://whatsapp.com/channel/0029VaLhXcA6rsQs1Dbdjo0b *THE BRIDE'S DISAPPEARANCE* 💞💔💞💔💞💔💞 STORY WRITTEN BY TINOH 🎓 MUTSINZE AND PATIE ❤️ MUTSINZE All rights reserved. No part of this book may be reproduced in any form or by any electronic or mechanical means without written permission from the author... CHAPTER 12 SANDRA Chandakafarira ndechekuti chero amai vangu vakazvionawo kuti mwana uyu waive wangu. Ende ini naye taive tanzwanana kusvika pakadzika chaipo. Nyaya dzedu dzaiita kupindirana. Kana moyo wangu nepfungwa zvaibva zvarerukirwa zvakanyanya , zvobva zvagara panzvimbo imwe chete. Mai vakazviona zvose izvozvo ende ndakavaudza mashoko akavadzimba pamoyo wavo. The following day ndakamuka ndisina mufaro. Mama vakaenda vakangosiyawo ndakadaro. Ndainetseka kuti Tinoh wangu ainzwasei? Zvaindirwadza kana imi , kuti ndaroorwa , ndachatawo kuti ndichigara neumwe wangu , poitika zvakadai izvozvo kubva zvatiparadzanisa nenzira inorwadza kudaro. Ende ndaive ndakutyira gown rangu manje. Pandakazoona Chirandu oyenda neni pa surgery, ndakanzwa hana kurova. Tsvee kuti atore Jayden auye naye ku blood test , iye ouya neni kuzondibvisisa mimba yangu. Misodzi yangu yakawedzera kubuda , asi chekuita pakanga pasina. Endewo nguva yandakabaiwa injection, ndakabva ndatadza kuziva kana chaitora nzvimbo kubva ipapo kuti chiii? Ndakazoita kuti bengenu , ndakanzwa kamhepo kaindirova mativi ose. Ndaive ndakarara nemusara ndakatarisa mudenga. Ndakaona ceiling yeimba iyi iri ceiling inodhura. Yaive rerudzi rwe white. Zvaive zvasiyana nemumba maChirandu mandaive. Ndakabva ndazama kuda kumuka , asi ndakanzwa ka sharp pain ndichibva ndatadza kumuka. Ndakazongofambisa musoro wangu nemaziso kutarisa tarisa ndokuona ndakarara pa bed. Mhepo yandainzwa iya aive na feni maviri imwe neuku imwe neuku. Ndaiita kutonhorerwa. Ndakabva ndashaya kuti Mumba maani mandaive umu? Ndakazvishingisa ndichibva ndamuka zvishoma nezvishoma. Ndakagomera kasingaperi ndakabata dumbu. Ndakabva ndagara asi ndainzwa mudumbu mangu kurwadza. Ndakarangarira zvakaitika zvose , I dropped a tear ndichiisa ruoko rwangu munduwe. Ndakabva ndabuditsa ndokuona blood ndikaziva kuti Chirandu aborted my child. Aive abudirira. Ndakachena veduweee zvisina mukare akamboona. "Chandakatadza chiii nhai Mwari? Makatendera satan kuita zvaanoda neni ndikamitiswa. Mwana akura mukatenderazve Satan kubisa mwana wangu. Nanhasi muri kungotendera Satan kushanda nehupenyu hwangu , ndopunzirwawo here muchato wangu? Ko makarega neiko achigadzirira muchato wacho nhai Mwari muchiziva henyu kuti haubudirire? Mari yake yaakatambisa ichadzoka here? Nhasi matendera Satan kubvisa pamuviri wangu. Mwari kana hupenyu hwangu huri hwebenzi ndiitei ndipenge Satan afare. Inga ndatambura veduwee! Chandakatadza chiiko chamusingandiregerereri? Makanyora kutiiko mushoko renyu nhai Mwari? Kana zvangu zviri zvakasviba setsito ingochenesaiwo sekuchenesa kwamunoita zveavo vane zvakatsvuka seropa. I'm a real woman , not a lesbian , inga ndinodananawo nevarume kwavo saka chamunondirangirawo chiiko nhai Mwari?" Ndakachena zvekuti kana inini ndakagutsikana kuti ndachema. Ndipo pandakanzwa door kuvhurwa ndichibva ndatanga kungofemereka ndakashama muromo wangu ndakatarisa mudenga. "Wamuka!!" Ndakanzwa izwi , ndichibva ndariziva. Ndakatarisa munhu uyu ndokuona vari gogo. Ndakabva ndapukuta misodzi yangu yose ndikati "Gogo , what are you doing here?" She smiled vakati "Uri Mumba mangu Sandra. Ndakakuudza wani kuti unodzoka. Asi wakandirwadzisa zvakanyanya. Ndakakuti cheat uyende usati wasvika mazuva emuchato nekuti ndaizviziva kuti unogona kuzovhiringwa. Ndaive neplan yandaive ndakakurongera zvekuti dai usina kutombobva pamuviri Pako mwanangu. Zvisinei , unoita pamwe chirega kuchema nekuti wave mumaoko akanaka!" Ndakapfikura ndikati "Gogo , what are the reasons amaindiendesera kumba kwa Chirandu?" Vakatura befu vakati "Hauna here kunoona mwana wako ikoko? Ini hausi kundiziva nhai? Ndinonzi gogo Moyo , ndini Mai vababa vaTanaka saka ndinoziva zvakaitika , asi ndichada kuti Togarepi akubatsire. Ndiye akasimba. Ini ndachembera ini ndikabatwa naChirandu ndinofira mahara. Ndaida kuti unoona Kune mwana wako nekuti ndaitoziva kuti uchanetseka nekumutsvaga" ndakabva ndapererwa. Ndakazongotenda apana zvandaikwanisawo kuita. Ndakapihwa food ndokudya. Ndaguta ndakabva ndati "Moyo wangu une Bundu. Ndoda kuona murume wangu please. Itai ndiende kumba kwangu" vakabva vati "Murume wako unomuona. Iwewe imbozorora wakadaro. Hauna kana kubvunza kuti ndakununura sei , asi wakutotaura zvekuda kuona murume wako? Unofanirwa kutenda." Paive pasina kuzorora kana ndisina kunzwa kuti Tinoh arisei? Ndakavatenda zvangu nemoyo wangu wese. Vakazoita kufona kwaari ndikataura naye paphone. Ndakanyatsonzwa kuti izwi rake rakanga rizere kutambudzika kwakanyanya . "My love----!" Pandakangodado chete akaita kuvhunduka akati "Sandra!!" "Yes babe , please come!" "Where exactly?" "I don't know , but please come!" Ndaitaura misodzi ichibuda. Ndaive nemufaro wakanyanya zvekuti ndaive ndakuita sendave kurasika njere. Gogo vakabva vabvuta phone vakati "Mira Mira ndikupe ma dhairekishenzi ka. Iwewe ndakakuudza kuti pedzisa muchato wako zvakanaka usambotye ndaiziva zvandiri. Dai ndakanga ndiine gauni inini ndakabata chinzvimbo che bhuraidhi pangadai pakanakidza paye!" Vakatoseka zvavo. Vakamupa ma directions akati aiuya. Ndaive ndakungodedera setsanga iri mumvura ndichinzwawo kufara kuti ndanunurwa. Asiwo yaive yatodeuka isisaorereki nekuti I lost my pregnancy. Chirandu waive wandirwadzisa. "Huya ugeze asati asvika. Pamwe anoda kuzombobata bata pasuru dzake achifilafila kuti hauna kukuvara here pakubuda ropa riya. Zvino anoda kubata kwakachenawo , asi musavate mose. Kana akati anoba kubata bata Rega bate , asi usanyanye kumuvhurira gumbo anomisa akakuisa iwe uchiri mumarwadzo kudai" "Iiiih nhai gogo!" Ndakanzwa kunyara zvakanyanya. Ndakasimuka ndikanopinda mubathroom. Ndakageza ndokuzobuda imomo ndachena. "Pfeka hembe idzi!" Ndakadzitarisa hembe dzacho ndikaseka. "Zvaunoseka wani. Wotopfeka nekuti uri panguva yakaoma. Chiri kudiwa chete kuvhara muviri wako" ndakabva ndati "Zvakanaka gogo Regai ndipfeke. Andisarudzi zvangu nekuti ndakatokurirawo kwaMurehwa mufunge" "Gudhu!" Ndakapfeka hembe dziya. Ndaive ndakatofitwa veduwee. Ndakabva ndadzokera zvangu pa bed kwave kurara ndakamirira kusvika kwake Tinoh. Ndakazonzwa gogo voti aive auya. Ndakanzwa kufara zvakanyanya. Ende nguva iyoyo ndakabva ndatarisa muchigunwe changu ndikarwadziwa kuona ndisisina ring. Yaive yaraswa naChirandu. Tinoh payakapinda ndakangonzwa misodzi yemufaro kubuda. Takambundirana kwenguva refu. Pave paye ndakanzwa oti---- "I love you without knowing how or when or from where exactly?. I love you simply without problems or pride. I love you in this way because I do not know any other way of loving you but this way only. You have made a place in my heart where I thought there was no room for anything. I promise to always treat you like a queen. You reign over my heart and your wish is my command. I miss you so much my love. I'm sorry for anything that happened you.----!" Ndakangokwanisa kunyemwerera ndokubva ndashaya mashoko ekutaura , asi maitiro angu chete aitoratidza ega kuti ndainzwa kufara zvakanyanya---------- TANAKA Ndakaramba ndakatarisa phone yangu pama msg andaitaura naNancy. Hongu ndaiziva kutengeserana kwatakaita mwana wangu , asi zvekuti waizongodzoka from nowhere akutaura kunge anoda kundityisa ndizvo zvandaisada nekuti iye aive akazvipira kuti anoda mwana. Nyaya iyi yaive yakaita kuti ndirase chero vabereki vangu. Zvaisandinakidza , asi yaiva nyaya yekuti ndaisada kutongeswa nenyaya yemwana uyu. Zvino vouya vose kwandiri , Sandra na Nancy panguva imwe chete saka vaida kuti ndiitesei? Manje ndaida kuzviona. Ndakatozonyanya kubatikana pandakanzwa nezva Chirandu na Sandra. Zvaireva kuti ndakatengesera mwana mukadzi waChirandu nekusaziva. Ko iye Chirandu wakanga wakawana kupi Mari? Andiri akashandisa ini ndichakapusa ndichigara kumusha kwaMurehwa. Akati ndawana dofo and he became a better person. Paakazoona ndauya Harare ndamubata , akasiya andivhara ne $10.000 akaenda ku America. Zvaireva here kuti aive akadzoka my Zim. Haaaa , uyu ndiye wandaida kupedzerana naye kuti abve adzokera pazero kana akaramba kuita zvandaida. Ndakabva ndanzwa knock padoor "Come in ndianiko?" Ndakadaro ndichiridza tsamwa. Ooh ndaive ndasiya gate risina kukiiwa. Aive Paul my best friend. "Ndanzwa tsamwa yawaridza ndiri panze. Wafunga kuti ndianiko nhai Tanaka?" "Uchandiregerera shamwari. I'm stressed zvekuti haa zvitsananguriki" "Sorry nekukushanyira wrong time. Uri kuwirirana here na Laina Kana kuti ndiye atokonzwra stress yako?" "Uchimira kutaura zvaLaina kwandiri kubva nhasi. Takasiyana" "Ok my dear. Ndichazodzoka , good bye!" Akabva asimuka akafamba kubuda. Andina kana kumutevera ndakamusiya akadaro. Ndakazotanga Nancy kuti titaurirane. Haana kunonoka kupindura nekuti aitonetsekawo. Takataura tose dzamara tawirirana kusangana. Hana kumboramba zvake ndokubva ndaenda kwakati tisangane , asi ndakatoenda ndiri well prepared kuitira kana akada Hondo neni. Ndakasvika nekuparka mota yangu kumashure kweyake ndokubva ndadzika ndikaramba kuenda mumota make. "What is happening?" Ndakadaro ndakamutarisa. She sighed akati "I told you Tanaka. Nothing to add" "Ko , iwewe wakarega nei achidada na Sandra wacho?" "Ko , ini ndaiziva here kuti ndiye Mai vemwana uyu? Apa pakutongodza option todiii? You need to provide a solution my dear" "Ini here kana kuti iwe wakatarisana nedambudziko? Ini ndakacheuka hukama kare nehama dzangu. Anditodi kana kunzwa zvekuti takatengeserana mwana wanzwa here? Like kushinga kwakaita kubva pakutanga , ingoshinga zvekare ipapa. Ende ini chandanyanya kufambira pano , I will not allow Chirandu to marry Sandra. Ende itori mistake iyoyo kuendesa mwana wangu Kuna Chirandu!!" "So what do you mean Tanaka? Unoda mwana wako back?" "No , I need money. $10.000 pamusoro." Pandakadaro akabva aa------- ini ndichibva ndatanga ku----------- End of chapter 12 Stay tuned 💋
❤️ 🙏 👍 😂 😮 😢 337

Comments