
TINOH & PATIE MUTSINZE NOVELS
January 19, 2025 at 09:57 AM
Follow my Facebook page: https://www.facebook.com/TinohM011?mibextid=ZbWKwL
Follow this link to join my group: https://chat.whatsapp.com/Hhd3sKbmifi4sfMiGhrsym
*THE BRIDE'S DISAPPEARANCE*
💞💔💞💔💞💔💞
STORY WRITTEN BY
TINOH 🎓 MUTSINZE
AND
PATIE ❤️ MUTSINZE
All rights reserved. No part of this book may be reproduced in any form or by any electronic or mechanical means without written permission from the author...
CHAPTER 13
SEKAI
Ndakaenda kuchipatara ndichinetseka mumoyo mangu zvakanyanya. Nguva dzaive dzafamba , ende Davy aive atogumbuka zvake. Ndakati ndichisvika , ndakanzwa hana yangu kurova , bvudzi rikatanga kuti nyau nyau kunge ndaive ndapinda musango rinotyisa. Ndakaisa mota muparking ndichibva ndatanga kufamba kuenda kwaive nevanhu vakagara pama banchies aive panze. Ndakazonzwa hana kurova worse pandakaona Tinoh na baba vangu varipo. Ndakafamba ndoena kunovamhoresa , asi hana yangu yaitondiudza pane zviripo. Ndakavamhoresa , asi Tinoh akaramba akandibata misodzi yake ichibuda. Neche mumoyo ndakangoti amheno ikoko , asi Sandra ndiye waaisambofa zvake akagara naye. Hapana kana mumwe chete akataura nezve plaster yandaive nayo muruoko rwangu. Vose vakaita sevaisazviona apana kana akabvunza. Zvakandibaya moyo wangu ndichibva ndatanga kutaura ndega.
"Emm , sorry Mr Mutsinze ndakazotadza kuuya ku wedding. Uri kuona zvakaita ruoko kwangu uru ndaka kidnappwa a day before muchato. Eish pakafamba Satan chaiye , asi kuuya ndaida zvangu." Baba vangu vakangoseka , ende kuseka kwavakaita ikoko ndakaona kuti kwakashamisa Davy zvakanyanya.
"Anyway , babe how is mama?" Akanditarisa akati
"She is fine." Ndakavhunduka ndichibva ndati
"Fine? Iwe you said vari kurwara serious ndiuye kuzovaona. Now wakuti she is fine , saka uri kuzama kutiiko nhai Davy my love." Akabva atanga kukakama nekuti Davy kana atsamwa ndizvo zvaaiita. Aiita kakukakama so.
"Chirega hako kuvaona. Watononoka kare. Zvaita zvakanaka wauya baba vako vari pano. Ini ndakaroora ndikapedza zvose saka andidi kutenderera kana kuvanza. Gara pasi apa titaure. Baba , zvatiri pachipatara kudai , ndoda kuti zvibva zvangogadziriswa. Mwana wenyu haana kumboita kana mimba ikabva pamakore ese atagara tose iwaya. Ndoda kuziva kuti nemhaka yei? Ndoda atariswe nachiremba kana Paine dambudziko vobva vataura" ipapo manje , ndakanzwa hana yangu kurova zvakanyanya. Ndakatura befu ndokunzwa baba vave kuti
"Hazvina kuipa mwanangu. Ndakatombomuudzawo nezvazvo akandiita benzi uyu" nguva iyoyi vakati tisimuke tiende. Tinoh aingonyaradzwa sezvo akanga achichemera Sandra. Moyo wake waive usina kugadzikana. Andina kumbonyanya kutya zvangu nekuti chiremba haana chaaizombogona kuona apa. Zvangu zvaitoda chiremba wezvemweya chaiye. Patakange tofamba tose kudaro , pane musikana wechidiki akabva angoti kwanyanu pane vanhu vaive vakagarawo pane rimwe banch. Akabva auya pamberi pedu akati
"Makadiii henyu. Ndamboda kunyarara , asi ndaona kuti ndinorangwa naMwari. Ndine mashoko nezviratidzo zvandapihwa pamusoro penyu mose makadai." Hana yakabva yarova zvakasimba.
"Ok no problem my dear sister. Tell us!" Akadaro Davy.
"Ndotanga nemi mukoma mune misodzi pamatama enyu. Ndiri kuona muchichata , asi ndazoona masara mega ndipo patangira misodzi yenyu. Ndanzi naJehovha Mwari ndikunyaradzei nekuti kuchema kwamuri kuita kunofadza vavengi venyu. Mukadzi wenyu nhasi chaiye munorara mamuona trust me. She is safe now. Ayi ayi , zvakanaka mukati meginatsiyo. Hebhirona silver rice zvakanaka mambo. Rabhi rabhi rabhi kikiki tiyaaa. Jehovha Mwari munoyera mu Rika marudhudhudhu chimanda kuwemba zvakanaka tenzi------!" Wakarova ndimi. Nguva iyoyo ndakanzwa kuswinywa zvakanyanya neruoko rwangu. Tinoh waive onyemwerera achipukutwa misodzi na Davy.
"Ruoko rwangu kani. Babe ita ndione chiremba be fast my love!" Ndakadaro ndoyema zvose nekunyepedzera. Ndaive ndonzwazve moyo kurwadza nezvakataurwa nemusika uyu pamusoro paSandra. Akabva anditarisa akati
"Oooh sisi pamuri ndaratidzwa gomba rerufu rine dutu remavhu padivi. Ndaona pamusoro pedutu revhu ipapo Paine white coffin. On top of the coffin ndaona Banga nepfuti.Ndabvunza Mwari kuti zvingareveiko , asi Mwari vanditi regai zvamuri kuita kuti denga rikuitirei zvakanaka. Ndaramba ndakakutarisai ndikaona zvakawanda. Ruoko rwenyu makaitasei? Ndingaite sendinoporofita nhema, asi Paine zvinhu zviri pedyo!" Ndakabva ndatarisa Davy.
"Unogonditarisirei daira zvawabvunzwa Sekai?" Ndakabva ndaita mweya. Suring control yangu yakaruza zvayo.
"Ndaka----nda------ndaka------" akabva atanga kurova ndimi. Apedza ndakanzwa oti
"Vatete bvisai chamakaisa muruoko rwenyu ichi hamuna zvamakaitwa imimi. Munofanirwa kukumbira ruregerero kumurume wenyu zvisati zvaenda kure. Uyezve ndiri kuona musina mwana mumaoko enyu. Apa manje pane nyaya hombe , ndotaura here kana kuti ndonyarara" baba vangu vakadaidzira kuti ataure. Davy aive odededa setsanga iri mumvura.
"Zvakanaka baba. Mwana wenyu uyu akamboita mimba kumashure. Mimba iyi yaisava yemurume uyu , uye vakanga vasati vasangana. Yaive yeumwewo murume. Zvino uyu murume uyu wakazouya akapfimba , haana kuziva kuti munhu waapfimba akamba achangobvawo kubviswa humhandara nekupihwa mimba. Sekai wakaona kuti murume uyu aive pachokwadi kudarika wake waaive agara ainaye. Wakabva aramba mukomana uya ndokubvuma uyu. Sekai wakaenda Kune imwe chembere munobviswa Mimba yemukoma uya. Yakanga yave ne 3 months. Akabva aroorwa neuyu ane Mari. Asiya uya achichema. Uye chembere yakamubvisa mimba haana kuipa zvayakareva. Zvino chembere iyoyo ine chigumbu chakakura uye Sekai haafi akabata mwana asina kuripa chembere iyi zvayaida." Munoziva ndakapererwa zvekushaya kana pekubata. Nyadzi dzinokunda rufu hamaweee. Musikana uyu akataura chaizvo zvakaitika. Ndakatarisa Davy ndokuona misodzi ichiyerera. Musikana uya akabva ati kwaari
"Mukoma musanyanye kunetseka. Chafumuka chatonaka. Regererai mukadzi wenyu mufambire mberi. Ndatenda hangu" Musikana uya akabva ada kufamba, asi ndakaona Davy omubata. Akabva apfugama pamberi pake akati
"How old are you?"
"I'm 21 years old!"
"Are you married?"
"Not yet married sir"
"Please will you marry me. Can you be my wife!" Ndakadikitira ndokuramba ndakatarisa musikana uya achibvundisa miromo yake kunge aida kuti yes. Ndakaita mweya kasingaperi nguva iyoyo. Ndaive ndapererwa kuti Davy haachandide sure here?
"I'm sorry brother , I can't. Andidi kuvhiringirwa chipo changu ne marriage , chikoro zvose nehupenyu hwangu. Andisati ndave ready kupinda mu marriage. Uye zvinoita here kundipa proposal yakadaro pamberi pemukadzi wenyu. I said regereranai mufambire mberi nehupenyu musazodemba. I'm sorry!!" Akabva atofamba kuenda. Ndakachema zvakanyanya. Baba vangu vakandibata ruoko vakati.
"My daughter let's go. Zvaiwana ngwarati ndakambokuudza" ndakaramba ndikati
"I'm not going anywhere. Leave me alone father!!" Davy akabva atanga kufamba oyenda asina kana kuoneka. Paakamutsa mota yake neniwo ndichimutsa yangu. Ndakatevera Shure kwake ikoko toenda kumba. Tinoh na baba vangu atina kuzomboziva kuti vakafambawo sei? Tichisvika kumba , tose takaisa mota muparking, zvekurambwa ndosiya imba ndizvo zvandaisabvuma. Kana achida kufa ndizvo zvaaifanirwa kuita ozonyatsoona kuti I'm evil kudarika zvaaifungira.
"Davy , Davy , Davy my love please forgive me" zvekuti ndine plaster ndaive ndatozvikanganwa ini. Ndaiita kumhanya chaiko. Paakatendeuka , ndakabva ndamubata. Andakamubata kudaro , akandipa mbama iri strong. Nguva yandaida ku reasoner reasoner , munhu akasimudza sofa akaita rekupanhira pandiri. Chandakangorangarira chete kutemwa nemusoro , kunzwa dzungu nekudonhera pasi ndiye ziii ndakadaro----------------
DAVY
Ndakarwadziwa zvakanyanya nemaitiro aSekai ose. Sekai aive ondiratidza ma true colors ake manje. Kutorwa kwandakaitwa nematsotsi Ndakatanga kufunga kuti aive iye honzeri zvake , asi ndakanga ndisina chokwadi chakakwana. Ndakazviudza kuti nerimwe remazuva zvaizongobuda chete. Pandakaona Tinoh , ndakanzwa moyo wangu kurwadza. Zvaaive zvaitongoratidza kuti Ari kutambudzika zvakanyanya. Ndakamunzwira tsitsi. Pandakataura zvekusazvara kwa Sekai ndaida kuti baba vake vazivewo kuti zvaindidya moyo wangu. Then boom , zvakabva zvabuditswa zvose pachena nemunhu watisingazive ende asingambozive kurarama kwedu. Ndipo paunoona kuti Kune vanhu vaMwari kunze uku. Ndakabatikana andidi kunyepa. Iye musikana iyeye paaitaura ndakabva ndatopindwa neumwe pfungwa. Kuroora munhu anonamata sometimes kwakanaka. Anoziva Mwari anokwanisa kuzvidzora pane zvimwe zvinhu zvakaipa. Zvino Sekai aive andigura kunorira. Kuita kundicheka nerakagomarara zvake. Ndaisada zvangu mwana uyu aiporofita , asi ndakazviitira kuti Sekai aone kuti I was going to Marry someone chete nekuti aive andirwadzisa zvakanyanya.
Ndaive nehasha zvekuti patakasvika kumba ndaida kuita wekuponda Sekai. Ndakatadza kudzora hasha dzangu ndokubva ndasimudza sofa. Ndakamuzhaka naro akawira pasi. Iye wakanga ave pasi , sofa pamusoro. Ndakarisimudza zvekare ndokumutsikirira naro. Ndaiita kudedera nehasha. Sezvineiwo, that moment pakaita knock. Ndakarohwa nehana kwave kubva ndamira. Ndakateerera zvekare ndokunzwa knock yakasimba. Ndakabvisa sofa pamusoro paSekai ndokubva ndaona ropa. Ndakaita kuvhunduka ndokutarisisa ndikaona richiyerera kubva mumhino dzake. Rimwe raibuda mumusoro.
"Babe , babe-----!" Ndakadaro , asi haana kana kudavira. Ukowo munhu ainoka haana kumira. Ndakanzwa kutya. My heart was pounding so fast. Ndakabva ndamutakura kuenda naye kuroom yekumusoro ku upstairs chaiko. Ndakanosiya ndamukanda pabed , hasha dzaive dzandisvitsa pasiripo. Musikana uya aive ati regereranai mufambire mberi , asi ndaive ndatadza kuzvidzora zvachose. Dai ndakaziva haitungamiri.
Ndakadzoka ku sitting room ndokuona mapurisa 2 aive Amira akatarisa ropa Riya. Ndaitoti ndodzoka ndichiribvisa , but it was too late now. Ndakatanga kubwaidzika kunge mangoi ndakatarisa mapurisa aya.
"Mr man , you are under arrest!" Ndakabva ndaita kakuvhunduka ndikati
"In my own house , you are talking nonsense. You are under arrest too----!!" Vakatarisana ndokuti
"Why?" Ndakabva ndati
"Akupai mvumo yekupinda Mumba mangu ndiani? Ndasiya $2000 US yangu here pasofa apa yaenda kupi?"
"Mr man , we are not joking with you ok. You are under arrest nemhosva yekuponda mukadzi wako. We saw everything happened!" Ndakatura mafemo ndapererwa. Ndaive ndabatwa wena , asi andina kupererwa sembinga ndakabva ndangova----------
End of chapter 13
Stay tuned 💋
❤️
🙏
👍
😂
😢
😮
320