
TINOH & PATIE MUTSINZE NOVELS
January 19, 2025 at 05:20 PM
Join my group: https://chat.whatsapp.com/Hhd3sKbmifi4sfMiGhrsym
Follow my channel: https://whatsapp.com/channel/0029VaLhXcA6rsQs1Dbdjo0b
Follow my Facebook page: https://www.facebook.com/TinohM011?mibextid=ZbWKwL
*THE BRIDE'S DISAPPEARANCE*
💞💔💞💔💞💔💞
STORY WRITTEN BY
TINOH 🎓 MUTSINZE
AND
PATIE ❤️ MUTSINZE
All rights reserved. No part of this book may be reproduced in any form or by any electronic or mechanical means without written permission from the author...
CHAPTER 14
CHIRANDU
Ndakapinda mumota yangu ndokuirova ndoenda kumba kwangu. Ndakanga ndatova ne stress zvisingaite. Ndaitadza kana kunzwisisa kuti zvaive zvakafamba sei? Ndakambonoparka pane rimwe bhawa raive munzira imomo ndisati ndasvika kumba kwangu. Ndakabva ndapinda mubhawa muya. Ndakatenga bhodhoro rangu redoro , ndichibva ndanogara pangu ndega mucorner. Ndakarivhura ndokutanga kunwa ndega ndinyerere zvangu. Ndaiti ndikanwa mbichana, ndotura befu ndombodzungudza musoro wangu. Ndaishaya kana zvekuita. Sandra ndaizomuwana here kana kuti kwete? Neniwo chandanyanya kuda paari ndakabva ndachishaya. Ndaive ndashandiswa naMemory. Ndakazviudza Kuti ndaifanirwa kusiyana naye Sandra , asi manje ndaive ndatomubvisa mimba yake , saka nyaya yacho yaizoperawo zvakanaka here? Ndakanzwa hana yangu kurova. Ndakapedza bhodhoro rimwe chete , ndichibva ndatanga rimwe zvekare. Pandakazopedza repiri , njere dzangu dzakanga dzotenderera ndichibva ndaenda kumba.
"Welcome sweetie, ndafara nekuti ndaona wadzoka uri wega. Wazomudzosera Sandra uya kaa---" ndakamutarisa ndichibva ndati
"Zvakaoma , andina kumudzosera murugare , asi aita kupunyuka zvandisina kana kutombonzwisisawo. Ndanga ndamubvisa mimba yaanga ainayo zvekuti amheno kana zvikapera zvakanaka". Akaratidza kushamisika achibva ati
"Ko , iwewe wanga uchida kuzama kudiiko nhai? Inga ndanga ndakuyambira kare kare. Sei uchizvigokerawo wega moto muziso rako wakatarisa kudai? Zvisinei , gown rake riri muno rinofarirwa kubuda muno." Yaa nyaya ye gown ndiyo yaive yasara. Iro ndaida kunorisiya mumaoko aSekai. Ndakabva ndaenda kunogeza kuti ndinzwe zvakanaka. Pave paye ndakatora nhare yangu kwave kunogara panze pataifurwa nemhepo takagara kana tabuda mu pool. Ndakabva ndafonera Sekai nekuti ndine mashoko andaida kutaura naye. Ndakaita 4 missed calls pasina aidavira. Ndakaita hasha ndokuzoona yadairwa pechi 5. Ndakangotanga nekupopota.
"Sekai you are evil. I want my money back wakajaidzwa sterek iwewe. You helped me zvekunyepera to kidnap your sister now atiza. Apa iwewe naamai vako ndakakupai Mari yakawanda. Manje we shall see , izvi azviende zvega I will kill your husband utambure kusvika pekupedzesera--- Wanzwa here Sekai? Sekai ndati wanzwa here? Hello---Hello Sekai!!" Nguva iyoyo yandaiti hello hello. Ndakabva ndanzwa...
"Zvakanaka mambo , mashoko amareva ndamanzwa. I'm waiting for you!!" Ndakaita kuvhunduka zvakanyanya ndichinzwa izwi remunhurume kutaura. Ndakamboti pamwe ndaive ndafona ku wrong number , asi kwete.
"Hello ndi---ndi-----ndiani uyu?" Akanyatsodavira zvinyoro nyoro akati
"Sekai's husband." Ndakabva ndapusa kwave kutokata call. Neniwo chandaitangira kupopota ndisati ndaziva akanga adavira call iyi ndiani? Pamwe ndaive ndato recordwa voice rangu veduweee kaa. Ndakashaya pekupinda.
Ndakatura befu kasingaperi. Nguva diki ndakaona Kikie ouya pandaive ndiri. Akasvika nekugara padivi neni achibva atura befu.
"My son , how are you? Did you go to school?" Akanditarisa akati
"Point of correction , I'm not your son. Anyway , let me answer your question, no I did not go to school" ndakati
"Why!" Iye achibva ati
"Ndanga ndisingadi. Ndichaenda kana ndave kugara namama kana nadady vangu kwete nemi. Where is my mother?" Ndakapererwa ndokubva ndatura befu. Zvimwe zvacho zvaive zvatova zvekujairirwa nemwana ndakatarisa. Ndakakasimudza kunge kachikwambo kandabata kazvimbirwa nekudya vazukuru mumusha. Ndakaenda nako Mumba ndichiita kufambisa. Ndakasvika nekukakanda pamberi paNancy kakaita kurovera.
"Now dzokorora zvawanga uchitaura Kikie?" He breathed in , achibva ati
"Unoda kuita mwana mupenyu how iwe wakarombera mumukosho weumwe munhurume!! Uchafa usina mwana I'm telling you. I'm not your son!! Enough Chirandu!! From today on , you will stop messing with us wanzwa here?." Ndakavhunduka nemashoko aakataura ipapo ndikaita mweya. Mumba makanhuhwa ende ndakanzwa kuda kuenda kunodhota ndichibva ndasimuka ndoda kutanga kufamba.
"Chirandu come back here!!. Can you explain what Kikie is------!" Haana kupedzisa kutaura nekuti Kikie aive azodavira ega akati
"And you , zip your lips now before I do something very stupid! You know that I'm not your son , saka why kuda kuzama kuzvichenesa while you not even perfect kumurume wako? Wakambotakura Mimba here iwewe? Garai pasi muwirirane kuti ndiende kumusha kwangu , or else tinopedzerana pano ende I shall not look back!!" Ndakapererwa zvekuti ndakabva ndashaya kana zvekutaura. Ndakafamba ndomopinda mutoilet. Ndakabvisa bhrugwa ndokugara pachemba. Ndakadurura manyoka ainhuwa kuti kuuu! Ndakanonoka kusimuka pachemba ipapo ndichifunga zvakawanda. Mashoko emwana uyu airevei? Aive amawana kupi? Ko , zvaireva here kuti haasi mwana wangu chokwadi. Inga wani Nancy wainditumira mapictures ndiri abroad zvandakabvuma ndega kuti ndakazvarira mwanakomana wangu. Saka zvese izvi zvaireveiko nhai Mwari? Ende zvese izvi zvaive zvakonzerwa nekutora kwandakaita Sandra chete. Pese apa taigarisana zvakanaka wani nemhuri yangu. THE BRIDE'S DISAPPEARANCE ndiyo yaive yakonzera kubuda kwezvakawanda kudaro here nhai mambo? Ndakapererwa zvekushaya kana pekutangira. Pave paye , ndakabva ndazosimuka kwave kupfeka. Ndakazozvifunga ndakutobuda kuti ndaive ndisina kupisika. Murume mukuru kuita kunge ndichadzoka kuita mwana. Ndakazobuda ndagadzirisa zvose ndokuenda kubedroom. Ndakawana Kikie abuda , asi Nancy aive aive akamira pakati pemba wakabata muchiuno misodzi ichibuda.
"Nancy , why are you crying?" Akabva anditarisa akati
"Why didn't you tell me kuti Mari yako ndeye ku-----------?" Ndakamugurira panzira asati Apedza kutaura zvaaida kutaura ndikati----
"Unopenga here Nancy. Zvangu ndozvauri kuita sewanzwisisa stereki. Zvako iwewe hapana kana chimwe chete chawanzwa hako. Undisiye ende this is my house saka kana wangoona zvisiri kukuitira , doors are open Buda uyende hako"
"Chirandu?"
"Yes , as long iwewe usina kunditsanangurira kuti wakazvifambisawo sei pamwana uyu. Stop asking me questions!!!" Ndakabva ndatoenda pa bed kwave kurara. Ndakarara kudaro ndine munhu wandakabva ndarota. Munhu iyeye aive akambondibatsira kare. Ainzi Smart , uye aive murungu zvake , asi wakanga watovawo wemuno muZimbabwe. Number dzake ndakanga ndisisina. Problem vanhu vanenge vatibatsira pakurarama , kana tabudirira tinovadadira tovarasa. Smart Ndakatanga kumurangarira. Zuva raive ratogara miti , asi ndakasarudza kubuda nemota kuenda kwandakambotamba naye Smart. Ndaenda Kuma companies ake ese andaiziva , ndakamushaya ndokuzoudzwa kwaaive neumwe murungu waaishanda naye. Ndakaenda ikoko ndokubva tanoonana. Paakandiona akaratidza kufara zvake.
"Aaah long time Mr Chirandu? How are you ?" I faked a smile ndikati
"I'm good how are you?" Akandimbundira ndokubva tapinda mune umwe room tingori vaviri imomo.
Ndakataura naye zvakawanda dzamara ndamuudza the reason why ndaive ndakumutsvaga. Akaseka hake akabva ati.
"Do you still remember uri musiwa 1 June gore Riya takagara tichidziya moto?" Ndakazama kurangarira dzamara ndarangarirawo zuva raaireva. Ndakagutsirira musoro wangu achibva ati
"Nyaya Idzi nekuva humble zvinoda kufambirana. Ukaita izvi wotadza kuita humble yourself nekusimba hana unozodemba wanyura saizvozvi. Ndakakuudza mashoko iwayo Chirandu. Yes he is not your your son!!"
"What are you talking about?"
"You have to calm down and listen very good my dear. Anditi kuuya kwandiri kwawaita kuziva kuti ndinokubatsira here? Chibatsirikawozve nekuti wakatarisana nerufu ende wakatokanganisa kare zvinhu zvako izvi. Mwana uyu ndewe munhu wawakashandisira ropa rake kare , his name is Tanaka"
"What? How did this really happened?"
"Wakazvikanyira wega Chirandu. Saka zvakakupandukira. Chiteerera unzwe. Iwewe uchiri kuzvida here or wodzosera mwana in peace and apologize to his parents"
"It's not possible!"
"Ok then , iwewe chiuya nemwana iyeye pano. Asi tarisira zvose , kudzokera naye kumba kana kusadzokera naye , but I will try my best" ndakabva ndatura mafemo ndatopererwa. Nyaya dzacho uuuumm , mwana uyu ndaimuda ende ndaidawo kuva nemwana anonzi wangu , kana zvasvika pakadaro zvaizombonakidza here veduwee? Ndakaoneka ndokubva ndadzokera kumba , asi moyo wangu wakanga usisina kana mufaro zvachose. Zvaive zvafamba sei? Saka zvaireva kuti ndakashandiswa Tanaka , Tanaka akashandisawo Sandra. Nancy akashanda naTanaka then inini finally ndakazoda kushanda naSandra ndichibva ndapisira. Saka Memory aiziva zvose izvo here? Why wainge andisundira Kuna Tanaka? Who was she Kuna Tanaka or kuna Sandra? Ko private number yaive yaani yaiona everything Mumba mangu? Yaaa zvaive zvamira kuoma ende paitoda action nekukurumbidza. Nancy ndaida kuziva chakaita azondinyepera uye kunotora mwana asiri wake kuzogara naye sewake Mumba mangu. Ndaisada kumuitira zvangu dzungu , asi ndaizoda kuzviziva zvose izvozvo. Ndakasvika kumba ndokupinda mugate. Guard akanonoka kuvhura gate. Ndakaisa mota muparking ndikudzoka paari ndikati
"Uchiri kuda basa here iwewe or not?"
"I told you sir. Ndakuda kusiya basa"
"Nokuda kwei?" Nguva iyoyo ndakabva ndanzwa izwi raKikie kutaura. Ndakacheuka ndokumuoka akagara pedyo pedyo akapfeka all black.
"Kikie!!"
"Who is Kikie? My name is Jayden"
"Ok"
"Tell me , where are you coming from? Let me tell you something, don't try me!! If you try me this time , oooh , you will regret------!" Akapicka step yekuzvikudza achipinda Mumba. Ndakatura befu ndokufamba ndave kutevera----------
End of chapter 14
Stay tuned 💋
❤️
🙏
😂
👍
😢
😮
359