TINOH & PATIE MUTSINZE NOVELS
TINOH & PATIE MUTSINZE NOVELS
January 20, 2025 at 08:33 AM
Join my group: https://chat.whatsapp.com/Hhd3sKbmifi4sfMiGhrsym Follow my channel: https://whatsapp.com/channel/0029VaLhXcA6rsQs1Dbdjo0b Follow Facebook page: https://www.facebook.com/TinohM011?mibextid=ZbWKwL *THE BRIDE'S DISAPPEARANCE* 💞💔💞💔💞💔💞 STORY WRITTEN BY TINOH 🎓 MUTSINZE AND PATIE ❤️ MUTSINZE All rights reserved. No part of this book may be reproduced in any form or by any electronic or mechanical means without written permission from the author... CHAPTER 15 TINOH Chaive chabvondokera pachipatara. Ndakaona misodzi yaDavy yobuda ndikaziva kuti zvaive zvamubata. Zvairwadzawo veduwee kugara nemuroi Mumba. Munhu anochengeta ma secrets akadaro asingaudzi umwe wake muroi. It was clear now kuti Sekai aiziva zvakaitika Kuna Sandra. Munhu uyu aive muroi. Ndaive ndanyarara hangu , asi Togarepi waive andiudza kare. Paakadzokera kumba kwake , ini ndakabva ndasara nababa vaSandra ndikati kwavari. "Pana Sekai pane mhepo chaiyo yakasimba. Chaanorwisira mwana wababa vake kudaro chiiko nhai?" Vakangodzungudza musoro wavo vakati "Unoona ini ndaimira newe kudai , ndaiziva zvangu zvaiitika. Sekai naamai vake vakawana umwe murume ane Mari wavaida kuti atore Sandra , asi iye Sandra akazviramba kare nekuti anoda iwewe. Uye gogo vawakaona vaye ,Sandra akatombovaona kwa Murehwa vakamupa prophecy that's why ndakakuudza kuti usatye" nguva iyoyo , ndipo pandakabva ndatambira call. Yaitova new number saka ndakadavira ndisina mufaro wakanaka . Ndakazonyatsonzwa kufara ndanzwa zvaSandra. Ndakaenda nababa kumba ndokunovasiya. Ndakabva ndaenda kwandaive ndaudzwa. Ndakasvikofara kusangana nemudiwa wangu zvekare. Ndaive ndisisafungirewo kuti taizoonana , ndaive ndakutoti Sandra ave kunofa. Ndaisazofa ndakawana umwe wandaipa moyo wangu zvekare. Ndipo pandaizvibvuma kuti zverudo zvakaoma nekuti ndaive ndakapinda nemoyo pane umwe wangu Sandra. Ndakaswedera pedyo naye mbichana mbichana , ndakaisa miromo yangu padama rake ndichibva ndamupa tsvodi. Ndakaisa ruoko rwangu padumbu rake. Gogo smiled and walked out ndokusara tiri 2. Ndakatanga kufambisa ruoko rwangu padumbu rake kusvika iye ave kuita kunge kakubvundirira. Ndakamutsvoda zvekuti ini ndega ndainzwa kuti zvese zvakadzikama kana ndiinaye. Ndakataura chizeve zeve munzeve dzake ndikati--- "You are the air that I breathe in and out. Ndikakushaya ndinofa Sandra. And the blood that pumps on my heart is you. Every pain that I feel inside my heart it’s all because I still love you so no matter how far we are love and trust is always there. Sandra your being loyal to our relationship is my treasure." Ndakaona ave kubuditsa misodzi ndikaziva kuti ndeye rudo. "Because you have done so much to make my life happy , I want to let you know how special you are and how much you mean to me. I love you Tinoh Mutsinze , but------" ndakabva ndanzwa hana yangu kurova ndikati "But what?" "I lost my baby!" Ndakaita kuvhunduka paakataura mashoko aya. Yes ndaizviziva kuti mimba yaive yabata. Ndakabvunza kuti how , iye achibva atsanangura zvaive zvaitika zvose. Ndakanzwa kurwadziwa , asi ndakazongozvisimbisa. Rudo rwese nekuva romantic kwandaive panguva iyoyo kwakabva kwatopera. Ndakafonera Togarepi ndikamuudza zvaive zvaitika zvose. Pandakazopedza kutaura naTogarepi ndakabva ndatura mafemo ndikati "Tinofanirwa kuenda kumba. Don't worry unopora manje manje toita umwe mwana" akangogomera akati "Ko , mwana wangu Jayden?" "Remember ndakakuvimbisa kukubatsira kutsvaga mwana kana tachata. Zvino zvakazoenda nepamwe I'm sorry. Zvawati iwewe wakamuona , hazvinetsi Togarepi achatibatsira. Chero tave kuziva kwaari mwana. Kuipa kwechimwe kunaka kwechimwe my love. That means everything happen for a reason. Tofanirwa kuenda kumba nekuti andichagoni kuti ndikusiye. Kana kubasa ndotonotora leave ye 4 months tombopanana rudo my love. Saka are you ok? Hauna pawakakuvadzwa here babe?" Akabva adzungudza musoro wake. Chandakaona chaakanga asisina I ring yandaive ndakamupfekedza. Apa musikana we gown aive akunetserawo gown rake ndaive ndatozongoribhadhara. "Are you sure? Please ndoda kumboona kuti hauna kukuvara here?" Ndakafara kuonawo achiseka. Akabva ati "Unoda kuona Pai nhai inga uri kundiona?" "Ndoda kuona ipapo panobva nemimba pacho!" "Pari safe apa my love. Handiti raingova ropa chete here pasina mwana. Imbomira please andisati ndapora ini" gogo vakabva vadaidzira. "Iwe Sandie ndakuudza zvekuita. Ndizvo zvavari varume ava muregei abate bate ndizvo zvaakabvisira roora izvozvo. Unomurambidzireiko kubata zvinhu zvake? Hapana chinofadza murume Mumba sekuziva kuti ndiye ega muridzi wako anotamba nezvidhori zvake nguva yaada pasina anomurambidza zvaada kuita" Takatarisana ndokubva tanyemwerera. Gogo ava aive ma1. Apana akadavira ndokuzongosiyana hangu nazvo. Ndakatenda gogo ava ndokuzooneka hangu ndoda kuenda.. "Saka iwewe unoda mariii?" Ndakanzwa gogo vakudaro ndikati "Mari yei gogo?" "Yekubhadharwa kuvhiringirwa kwawakaita muchato wako. Unofanirwa kubhadharwa nekuti wakazopedza muchato usisina mufaro." Ndakatura befu ndikati "Hazvina basa gogo , Mwari ndivo vanoziva zvavo. Ndinotenda chose kuti tiri vapenyu. Mari inotsvagwa iwe" vakabva vandibata ruoko rwangu vakati "Une moyo wakanaka chaizvo iwewe. Mwari vazadzise zvose zvaunoshuvira muhupenyu hwako. Uyende naye kuchipatara asukwe. Asi ndoda kuti uyende kuchipatara chimwe chete chaabvisirwa mimba iyi. I private surgery yangu. Zvino Chirandu haandizive kuti zvose zvaari kuita ndiri kumuona. Sibanda ndave pedyo kumudzinga basa , asi anondipa Mari yangu yese yaakatambisa. Enda , ndiye achanosuka muchibereko chake iyeye." Andina kupikisa. Ndakabuda naSandra toenda. Takasvika pasurgery iya ndokuona Sibanda wacho ende akatoratidza kuvhunduka paakandiona ndiina Sandra. Takataura nyaya yedu achibva aita basa ratakamutuma. Asi ane call yaaive atanga adavira. Zvavakataura pa call iyoyo andina hangu kuzvinzwa. Tave kubuda akabva ati "My brother , I'm sorry for everything!" I smiled ndichibva ndati "Sorry for what? Tinozivana here? Tine zvatakatadzirana here? Please musandipedzerewo nguva yangu!" Takabva tabuda. Yaisave nyore kuvhiringirwa muchato wangu vobvisa zvekare mimba yemukadzi wangu. Ndakaenda kumba ndakasvika zvinhu zvatakurwa zvaenda ku new house. Takaenda ikoko ndokusvika naSandra ku new house. Ndaida kuti agare achifara nguva dzose. Togareri akazouya nekuti ane zvaaida kubvunza Kuna Sandra. "Sorry nezvakaitika. Asi Tinotenda kuti uri mupenyu. Now ndoda kunzwisisa nyaya iripo pakati penyu nababa vemwana wenyu Jayden." "Andina kunzwisisa VaTogarepi. Munoda kuziva zvipi zvacho?" "Zvakanaka , ndaita sendabvunza mabvunziro asiriwo akanaka. Imi nababa vemwana makaparadzana sei? Uye makazosangazve sei kuti muzopanana mwana? Kana ndakatarisa zera remwana wenyu , izera rekuti mwana anonga ari mumaoko amai vake kazhinji kacho." "Ok ndanzwisisa now. Tanaka Moyo akaramba iri mimba pasina kana mwana akanga ambovapo. Ndakaenda kumba kwavo , asi ndakanorambwazve nevabereki vake ndikadzoka kumba kwedu. Saka patova ne 3 years mwana anga akura , akauya akaroora nekuripa mhosva yake yekuramba mimba. Ndipo paakabva ati akuda mwana wake , ndakatomboramba naye , asi baba vakazongoti regai atore nekuti ndewake" "Kurambwa kwako kana kudanana kwako na Tanaka , aiita basa rei?" "Aisamboshanda , aingogarawo navatete vake?" "Saka pa 3 years dzacho wakanga azoshanda kupi?" "Handizivewo ini" "Hoooo , iwe zvawakaendesa mwana, now ave ne 6 years , saka pa 3 years dzose idzi hauna kuzombotsvagawo mwana wako?" "Hongu , ipapo ndine hurombo. Ndakaputirwa nerudo uye ndaisada kurambwa nekuti kurambwa kunorwadza zvakanyanya. Vamwe varume avadi kunzwa nezve mwana wako waunenge wakaita neumwe murume. Asi ndinotenda Mwari kuti Tinoh anotoda mwana wangu" "Ok fine , ko pamakaenda kunoona Tanaka zvandakanzwa nemurume wenyu. Makanga mamuwanepi uye sei? Uye akati nezve mwana?" "Ndaingozvifambirawo ini ndokusangana naSekai sisi vangu vainaye Tanaka. Ndakatoshamisika uye nanhasi zvinondinetsa kuti vaiitei vose? Ndipo pandakamutevera . Ndakamuwana Ari kumba neumwe girlfriend yake waakati musikana wake or mukadzi andingazive. Iye akabva andinyadzisa akati ahandizive uye atina kumboita mwana tose." "Imi makafungei nazvo uye musikana wake akafeeler sei maonero enyu?" "Ini panguva iyoyo andina zvakawanda zvandakafunga ini ndakangoti pamwe kwaiva kuvhara musikana wake. Asi pandakazo kidnappwa apa ndakabva ndatanga kufunga kuti pamwe Panaka akatengesa mwana wangu." "Izvozvo andina kuzvibvunza hangu zvinozoita kunge ndakashanda nyaya yakanga yatova nemhinduro kare. Well , chindiudzai reaction ye musikana waTanaka" "Akaratidza kuvhunduka zvakanyanya kuratidza kuti Tanaka akanga asina kumbomuudza zvemwana" "Ko vabereki vaTanaka vanoziva here nezve mwana?" "Mudumbu mangu morwadza. Mozodzoka imwe nguva detective" akadaro Sandra achibva arara nedumbu. "Zvakanaka vatete. Regai ndikubvunzei mashoko ekupedzesera mose nemurume wenyu. Tomboti manzwa izvozvi kuti Sekai wafa. Munonzwa sei?" "Detective tambai nezvimwe. Rufu harunakidze!" Apa ndini ndakapindura. Sandra akaramba akanyarara. "Sandra unodiii?" "Kazhinji kacho vanhu vane moyo yakaipa saSekai havafi. Vane moyo yakanaka ndivo vanotofa , imbwa dzichirarama hupenyu hunoenda kure. Sekai ndomuda Ini mwana wababa vangu" "Well , ndanzwa shoko rekuti Davy aponda Sekai. Andisati ndasvikako , asi mapurisa andanga ndatuma kunotora Sekai ndiwo ataura kudaro. Ndazovati vasiyane naye ayendese mukadzi wake kuchipatara before it's too late nekuti Sekai haafaniri kufa just like that!" "What? Inyaya yei yaita kuti Davy aponde Sekai?" Togareri wakabva aoneka. Akabuda akaenda asi akanga atotora information yakawanda yaaida. Ndakasara ndokurondedzera Sandra zvaive zvataurwa nemuporofita uya. Zvose nezvakatadzisa Davy kuuya kumuchato. Wakadzungudza musoro wake akati "Inga zvakaoma nhai Mwari. Sekai chaanoita chiiiko? Zvino akafambwa na Davy anozoitasei? Ndabvuma zvangu , moyo wa Sekai wakasindimara chaiko. Asi dai ararama azoona kugona kwa Mwari" ndakadavira ndikati "Amen , God is good all the time" hama dzakazopinda muroom umu voona Sandra. Tose takava nemufaro wakanyanya nekudzoka kwake. Ndakatenda Mwari zvikuru nekuti paitoda kushinga not kuchema chete because there was no point in crying , the tears wont bring her back to me. Zvaitoda kushinga kunge mukadzi ane mimba------------ End of chapter 15 Stay tuned 💋
❤️ 🙏 👍 😢 😂 😮 346

Comments