
TINOH & PATIE MUTSINZE NOVELS
January 20, 2025 at 05:47 PM
Join my group: https://chat.whatsapp.com/Hhd3sKbmifi4sfMiGhrsym
Follow my channel: https://whatsapp.com/channel/0029VaLhXcA6rsQs1Dbdjo0b
Follow my Facebook page: https://www.facebook.com/TinohM011?mibextid=ZbWKwL
*THE BRIDE'S DISAPPEARANCE*
💞💔💞💔💞💔💞
STORY WRITTEN BY
TINOH 🎓 MUTSINZE
AND
PATIE ❤️ MUTSINZE
All rights reserved. No part of this book may be reproduced in any form or by any electronic or mechanical means without written permission from the author...
CHAPTER 16
NARRATOR
Davy wakange aibopa nekumuswe. Paakaona mapurisa aya azofonera Togarepi akadedera zvakanyanya. Aive aziva kuti nyaya iya yazokwira pakaoma. Dai asina kukurumbidza kufunga , dai akanyura sekutamba sekuseka. Nguva iyoyo akabva ati
"Please tose tiri varume , zvimwe zvinongodawo kukurumbidza kufunga totaurirana. Sekai is my wife , yes ndatungamidza hasha ndikamuponda , ndiye ane ropa iri , asi regai ndikupei Mari munditenderewo neendese mukadzi wangu kuchipatara please. Pamwe anorarama. Ndikamunonokera anofa" mapurisa aye akatarisana. Zvaienderana nezvavakanga vaudzwa naTogarepi kuti vamurege ayendese mukadzi kuchipatara. Vakabva vatenderana kwave kupihwa Mari. Davy wakabva wanotora Sekai wakaenda naye kuchipatara.
"Tatoita Mari apa. Chibasa ichi chakanaka. Ndiwo mashandiro acho muZimbabwe" akadaro Kanengoni. Umwe wake akabva ati
"Yes bro , muZimbabwe azvisisiri zvekutarisa kukura kana kuita diki kwemhosva yemunhu. Kuva nayo kana kusave nayo. Chero ane mhosva , kana aive Mari chete anotova safe. Asina mhosva chero akatoshaya Mari yekutipa anogona kufira mumaoko edu. Zimbabwe Haina Mari saka todiii?" Vakasimbisana nhema dzamara vazopererwa nezvekutaura vamirira kuuya kwaTogarepi------
Iye Togarepi wakabva pamba paTinoh ave kungonyemwerera. Vanhu vaidanana ava zvaakaonawo iye ega. Ende akadzidza kuti kuva nemoyo wakanaka kunoropafadzawo. Sandra waida sisi vake , kunyange zvazvo iye Sekai wakanga asina basa naye Sandra. Togarepi wakaenda kumba kwa Sekai straight. Ndiye zvake wakanga amufonera kuseni kwezuva rimwe chete iroro achimuti aida kumuigira mota. Ndiwo mabatiro aakamuita kuti ndiye akanga ashandiswa kuitira Sandra hutsinye. Uye ndizvo zvakamutadzisa kana kuenda kumuchato wemwana wababa vake. Nguva dzakasvika pamba paSekai akabva ati----
"Iwe Kanengoni nguva dzose une nharo dzinosvota. Wakapusa zvinobhowa. Nguva dzose unononoka kufunga nemhaka yei? Dai marega Davy ayenda nemukadzi wake kuchipatara kare kare. Iwe woda kumusunga kuti uzodiii naye? Wandanga ndakutumai ndi Sekai , kwete murume wake. Davy chero akaponda Sekai zvekufa , ini andikurumbidzi kumusunga nekuti ndine zvakawanda zvandinoda kuongorora. Zvino iwe nekupusa. Ipapa watopihwa Mari kuti unyarare kaa!" Vose vakavhunduka vakamutarisa.
"Sorry Mr Togarepi. Ndanga ndiri kuita basa rangu , Imi zvekuferefera nyaya ndizvo zvenyu ka , ini changu semupurisa kutongosunga wandinenge ndabata iyeye!" Togarepi wakangotura befu ahana kupindura. Wakange ataurawo chokwadi chake. Pave paye wakabva ati
"Chidzokerai . Zva Sekai ndichasevenza ndega. Ndatoona kuti munondivhiringira basa rangu. Ini ndinopindana nedzakaoma kwazvo , asi andinyengedzwi nemari kudai kunge mwana mudiki. Toona kuti wararama here kana kuti kwete Sekai wacho?" Vakagutsirira misoro vachibva vatobuda vakaenda. Waive asina kuona zvake vachipihwa Mari , asi wakatoona maitiro avo vose kuti vakanga vavharwa nemari naDavy. Vakabva vaenda , iye wakambosara wotenderera tenderera pamba pa Davy.
"Hello! Hello hello!! Anyone one home?" Wakadaidziwa , he was thinking kuti pane anodavirawo. Asi wakatoona kuti paive pasina. Mapurisa aya akanga asara akamirira kusvika kwake pasina aripo. Saka Davy na Sekai vaigara imba iyi vangori vaviri here? No maid , no gate man pamba pakanaka kudaro? Kuti Sekai ane mamwe mabasa aaiita here aaisada kuti murume wake azive? Imba iyoyo nekukura kwayo , Sekai osarudza zvake kutsvaira nekuita mabasa ese ari one hake. He was buzz thinking mupfungwa dzake trying kubatanidza zvinhu. Wakashaya mhinduro achibva atanga zvake kutenderera pamba apa. Aive nemukana wakanaka wekuita zvose zvaanoda. Dai wakanga aine ma camera ipapo , dai wakasiya aseta zvake kuitira kuzobata zvose nyore nyore. Hapana kuzombopera nguva Davy wakabva adzoka.
Togarepi wakaita seasina kuona kuti pane mota yakanga yapinda. Iye Davy wakatanga nekutsvaga mapurisa aye , asi akamashaiwa. Pave paye , ndipo paakazoona Togarepi Ari buzz zvake kuita zvaaita. Vakatanga kunyangirana. Davy wakamhanya Mumba onotora pfuti nguva iyoyo Togarepi wakaterera shure kwake. Davy paakakwira upstairs kunotora pfuti. Togarepi wakapinda Mumba ndokumhanya onozvambarara kuseri kwesofa. Davy paakadzoka , akafambisa oyenda kuseri kwemba kunotarisa munhu waakanga aona. Togarepi wakaseka zvake achibva asimuka. Wakaenda ku door onorivhara zvakanaka ndiye key kereketye. Akabva atanga kufamba zvinyoro nyoro Mumba umu. Zvaaitsvaga , ndiye aizviziva. Uyuwo Davy wakaneta nekutenderera , asi ahana waakaoma. Wakazoti Aneta kufamba akanokiya gate odzoka kuda kuti apinde mumba , wanei door raive rakiiwa. Akanyatsoziva kuti paaive abuda haana kukiya door. Akabva apererwa zvino.
"What is going on now? Kuti Sekai atofa here? Iri rave ghost rake here? What should I do now?" Akapererwa akamira padoor. Togarepi waive wakadongorera akatobata zvake polony yaakanga awanawo mu fridge. Nguva iyoyo Togarepi akaona chinhu chakapotserwa nepamusoro pegate wakabva avhura door ndokubuda nekukurumbidza. Davy wakabata pfuti omunongedzera.
"Calm down , ndini detective Togarepi. Ndaida kuona kuti wakachenjera kusvika papi!?" Akadaro otya pfuti.
"Detective you played with the wrong person. Wanga uchiitei Mumba mangu?"
"Young man , ukaita zvekutamba unosungwa nekuda kwechinhu ichooo?" Wakanongedzera ofambisa kuenda ku gate , Davy wakatevera ikoko. Pavakavhura gate , mota yaive yatoenda kare. Vakadzoka votambanudza ndokuona riri wedding gown. Vakatarisana. Davy waive orangarirawo call ya Chirandu iya yaaka recorda. Vakabva vawirirana nguva iyoyo ndokutarirana zvose and became best friends izvi zvaizoita kuti Togarepi ashande nyaya dzake zvakanaka. Haana kusiya gown Riya akabva ayenda naro. Haana kuda kusira Davy mutoro. Kana Paine mapurisa aizouya achitsvaga gown iri pamba pa Davy , vaiwana pasina chinhu. Davy wakasara ogara pasi akazvitongera ega pakaenda Togarepi.
"Kana Sekai akafa ndinotangira papi? Ko , kana akararama ndoramba ndakagara naye here kana kuti ndosiyana naye? Ini andichazivewo zvekuita ini." Akatenderera musoro zvekuti akatomboderera huremhu hwake nenguva diki iyoyo. Iye Togarepi paakabva pamba paDavy , wakabva waenda kumba kwaigara Laina , uko kwaakaenda achida kunoona Tanaka Moyo. Paakasvika pamba apa akawana paine mota yerudzi rwehonda fit yaive yakaiswa muparking. Wakaenda padoor oda kunogogodza. Asati agogodza ane zvaakanzwa. Akabva adududza ndikuenda seni kwemba iyi. Akanoona mukomana wakanga ati kurei akamira akateerera. Paakamuona akabvapo oyenda , asi waive akabata pamberi pake. Togarepi wakaseka ndokubva ayendawo onomira ipapo anzwe
"Maiweee , fuck me hard babe. Kill me , ndisvi----- nyatsondiponda babe Isa yese. Uumm maiwee uuuummm unonaka------" he smiled aziva zvaitora moyo wejaya Riya. Akangodzungudza musoro wake oyenda kunogara kuvheranda. Haana kuda kuvhiringa vaviri ava zvavaiita. Pave paye , murume uya akabuda oyenda , akavhunduka kuona Togarepi wakagara padoor. Togarepi wakaseka.
"Andina kuziva kuti ndiwe uri kuchemedza pfambi iyi mumba umu. Dai ndazviziva, dai ndakuvhiringai kare kare. Paul uri mwana wehanzvadzi yangu iwewe. Nemhaka yei uchiita zvinonyadzisa kudai? Ndizvo zvichakutadzisa kuroora. Unoti kana uchikwirana nevanhu vakadai vanochema zvinonzwikwa napano panze ungazoroora here?" Paul uya akangosekawo akati
"Haa sekuru ingotii tasangana chete. Pfambi ipfambi zvagara inopinda pakawanda. Ini ndatotangaso kumudya nhasi , asimbodyiwa neshamwari yangu asi vakarambana. Imi pindai kana Ari iye wamafambira pano!" Togarepi wakapa Paul mbama imwe chete akanzwa dzungu rekuda kuwira pasi.
"Uncle, you slapped me!!" Akagutsirira akati
"Yes , I will slap you again kana usingazive zvandinoita. Ini ndine mhuri wanzwa here? Andiite zvisina basa"
"We shall see!!" Akadaro Paul oyenda. Togarepi haana kuziva kuti muzukuru wake wakanga wamufungira zvakaipa. Akabva agogodza door raLaina. Laina wakanonoka kubuda. Paakazobuda pacho , wakatanga kuchenama.
"Munodeiko nhaimi?" Togarepi wakabva angobata pfuti , Laina wakadedera nekuita mweya zvese ipapo.
"ubva wadzikama zvako , kwete kuda kundipaparikira."
"Ok please I'm sorry "
"Good , andisi kuda kutambisa nguva. Ndoda kuona Tanaka Moyo , ndipo paanogara here?"
"Kwete , pano hapasi pamba paTanaka , pamba pevabereki vangu"
"Saka unotoita zvako lodge pamba pevabereki wako? Saka Tanaka anogara kupi?"
"Ini andizive ini , dai matobvunza Paul ndiye anokuziva"
"Paul anozivana na Tanaka Moyo here?"
"They are best friends , saka anokuziva haangambotadzi" Togarepi wakabva atanga kudemba zvaaive aita Kuna Paul.
"Saka iwe unodanana navo vose?"
"Kwete , na Tanaka takasiyana nezuro"
"Nezuro? Nhasi Watova neshamwari yake. Unoita chihure chakapusa kwazvo. Ndipe number dzaTanaka Moyo!" Akabva apihwa number.
"Ndichadzoka , ndoda kuwana wave kuziva kunogara Tanaka Moyo wanzwa here?" Togarepi wakanga atsamwa zvakanyanya nekubata muzukuru wake achiita zvinonyadzisa kudai. Haana Kunge atozivawo kuti Paul yaive best friend ya Tanaka. Paakazoenda kumba kwake Togarepi , akasvika mukadzi wake achichema kwazvo. Mapurisa matatu akagara pamberi pake. Akabva angonzi
"Mr Togarepi , you are under arrest" zvakamunetsa kuti ko , mhosva yaakanga apara yaive yei---------
End of chapter 16
Stay tuned 💋
❤️
🙏
👍
😢
😂
😮
367