
TINOH & PATIE MUTSINZE NOVELS
January 21, 2025 at 09:53 AM
Join my WhatsApp group: https://chat.whatsapp.com/Hhd3sKbmifi4sfMiGhrsym
*THE BRIDE'S DISAPPEARANCE*
💞💔💞💔💞💔💞
STORY WRITTEN BY
TINOH 🎓 MUTSINZE
AND
PATIE ❤️ MUTSINZE
All rights reserved. No part of this book may be reproduced in any form or by any electronic or mechanical means without written permission from the author...
CHAPTER 17
SANDRA
Ndaishaya kuti Gogo ava zvose zvavaiita vaizviita sei? Now ndaive ndazonzwisisa. Aive munhu ane tumari twake. Kana kufamba , vaifamba zvaisanzwisisika. Pamba Pavo ndakaona Paine mota dzakawanda kwazvo dzerudzi rwakasiyana Siyana. Kana kuchipatara ndaishaya vaive vanditora sei , asi pavakazotaura zvekuti ndivo vaive muridzi we surgery iyi , Ndakatanga kuzvinzwisisa zvose. Takaenda kumba tikasvika zvakanaka. Pandaibvunzwa mibvunzo naTogarepi ndaitonzwa kutya. Ndakazonyepera kurwadziwa zvakanyanya nemudumbu Mangu nekuti ndaive ndisisade kubvunzwa zvakawanda. Akazoenda ndikasara ndonzwa kufurwawo nemhepo. Hama neshamwari vaifara kuti ndadzoka Kumba. Takarara angoti mafaro ega ega pamwe chete nemhuri. Dai yaive Mari zvayo , dai ndakati muchato udzokororwe. Zvaive zvisina kuzobuda sweet sekuzvironga kwandaive ndakaita veduwee. Zvaindirwadza , asi chekuita paive pasina. Takarara zvakanaka zuva iroro , asi mumoyo ndaingonetseka nekuda kwaSekai. The following day ndakaita kufumobata jongwe muromo kumutsa Tinoh.
"My love , kwakanaka here?" Ndakabva ndati
"Kwakanaka dady. Ndatadza kurara nekuda kwasisi Sekai. Ndoda kunovaona kuseni kuno please. Hukama haugezwi nesipo setsvina. Kutadzirana kunowanikwa muvanhu , asi chikuru kana watadziwa kugona kuregerera anenge akutadzira. Also remember Davy haana vabereki uye kana hama iri pedyo inokwanisa kuzoongorora Sekai. Ndaifunga kuti kana tikaona hurwere hwake hwakanyanya , tomutora touya naye pano" ndakadaro ndichirevesa.
"It's ok my love , waita zvakanaka. Ngatigadzirirei tiende tose. Asi zvekumutora kuuya naye pano uuuumm moyo wangu hausununguki"
"Regera kutya munhu mudiwa wangu. Ndoda kuti iye adzidze. Akatiitira hutsinye , asi nhasi tisu tave kumubatsira!" Akazongogutsirira musoro wake. Takamuka kwave kugadzirira. Tapedza takapinda munzira toenda. Taive taudzwa na Davy kwaive na Sekai. Takananga ikoko straight ndokunosangana kumberi naye Davy.
"Mainini mave kunzwa sei? Ndine hurombo nezvamakasangana nazvo uye ndokutendai nerudo rwamandiratidza kunyangwe Sekai ariye akakutadzirai!" Ndakamutarisa ndikati
"Musanetseke bamukuru. Sekai andimuvengi kana kumurasa nekuti mwana wababa vangu. Imiwo mave kunzwa sei ndakanzwa kuti makambosanganawo netsaona. Ko , makanga mapindwa nei nhai bamukuru makanga moda kuuraya mukadzi here?" Ndakadaro achibva atura befu.
"Sekai hunhu hwake hwakaoma. Munhu wandinochengetawo zvakanaka. Haana chaanoshaya Mumba mangu , zvose zvaanoda anozviwana. Iye ahashandi , haana kana basa raanoita kuti awane Mari , asi anofamba nemota uye haashaye fuel because of me. Asi ndiye munhu anondiitira mashura akadai. Andidi kunyepa , dai pasina police yakasvika, Sekai dai ndakamuuraya. She is evil!!" Ndakatura befu ndoti
"Ndizvizvo hazvo bamukuru , asi kufa kwemunhu haisi nyore. Kana mauraya mozodii? Zvinhu zvinotauriranwa , kana matadza kuwirirana morambana mune zvakanaka. Zvisinei , ndichambomutora ndogara naye. I'm sorry on behalf of my sister and I'm sure paanodzoka kumba anenge achinjawo. Zvisinei , nguva dzakwana dzekupinda , handei!"
Akaratidza kuvhunduka zvakanyanya Davy nemashoko angu , asi chokwadi ndairevesa mashoko aya ende aibva pasi pemoyo wangu. She was my only sister apana pandaimurasa. Takanopinda maaive nekuti visiting hour yaive yakwana. Ndakanzwa moyo wangu kurwadza pandakaona asimo. Taive tazongomira tadzungaira tose. Kana Davy wacho aitoratidza kupusa nekushaya munhu wataida.
"I'm sure aive pa bed iyi nezuro. Panenge pane munhu akavharwa nemucheka , kuti haasi iye here?" Akadaro Davy. Ndakabva ndafambisa kuenda kunobata bata ndikanzwa makumbo. Pandakada kuti ndivhure mucheka uya , ndakanzwa murume aive pa bed yepa next ave kuti
"Musamuvhure. Pana chiremba vabvaapo manje manje vati ashaika!" Takangotarisana tose tapererwa. I dropped a tear ndichitadza kuzvinzwisisa. Zvaireva kuti Davy aive atouraya mukadzi wake here? Ndakabva ndavhura ndoda kuona kuti ndiye here chokwadi? Ndakaona ari iye ndokubva ndamubata bata ndikati
"No , she is alive. Kana chipatara chamutadza handei naye." Nguva iyoyo pana nurse akabva apinda. Akangotaurawo zvekuti Sekai aive afa , ndakabatana naye pahuro ndokubva ndamuudza kuti akwane. Munhu ainzi afa sei iye achidziya muviri wake? Takaudza Davy kuti abhadhare kana paine mari dzaidiwa. Takatora Sekai ndouenda naye. Ndakafonera gogo Moyo ndovaudza. Vakandiudza zvekuita ndokubva ndananga kumba naSekai. Kusvika kwatakaita kumba , akabva atanga kukosora. Ndakati Mwari maita henyu nekuisa hupenyu hwaSekai mumaoko angu. Dai takanonoka taiwana ayendeswa ku mortuary akanofira ikoko. Gogo Moyo vakazosvikawo vaina doctor wavo ndokubva arapwa. Vakazosiya ave kutotaurira kure kure ndokubva vaenda zvavo.
Sekai hapana akamboita nyaya naye , waingova akarara muimba yataive tamuisa. Ndakabva ndati
"Mwana wangu ndiye wandave kuda. Ndoitasei kuti ndikwanise kutora mwana wangu. Tikananoka andizomuwane. Mwana wangu ari mumaoko akaipa. Babe help me" ndakataura mashoko aya tiri Mumba mu sitting room maive nevanhu vose. Andina kumbotya nekuti yaisava secret kuti ndine mwana wangu . Chero vabereki vake Tinoh vaizviziva. Iye Tinoh akaramba akanditarisa achibva azoti
"I think kusiya Togarepi aite basa iroro ndizvo zvakanaka. Nekuti Isu tinogona kukundwa. Matsananguriro awakaita Chirandu uyu haasi munhu akanaka saka dai wamira Togarepi aita basa rake ega. Kana azokundikana totangira ipapo" mhinduro ya Tinoh Haina kundifadza zvachose. Situation yaive yasara iine mwana wangu ndini ndaiziva. Tendai akabva atiwo
"Nhai maiguru , kana matora mwana wenyu uyu munoda kuenda kupi naye? Munoda kunomuisa kumusha here kunaamai venyu? Uye imwe nyaya apa ndeyekuti zvakambofamba sei kuti mwana wacho ave mumaoko aChirambu? Do you think Chirandu wacho achangokupai mwana uyu pasina Hondo yaitika? Saka pfungwa yamukoma yakanaka. Imi kana makaisa nyaya iyi mumaoko aTogarepi regai apedze nyaya iyi. My advice , imi pedzeranai nababa vemwana uyu vataure zvavakaita kumwana. Yes muri amai vemwana , saka moyo wekubereka unorwadza , asi ngatiitei zvakanaka kuti zvifambewo zvakanaka nokuti dzakatonyanya kukosha apa ihama dzemwana. Vanofanirwawo kuziva kuti Tanaka akaita mwana , mwana wacho Ari kupi? Imi morega kurwa mega. Ndataurawo maonero angu nemafungiro angu. Uye zvisingazoite kuti marriage yenyu iyi iparare. You never know mashoko achataurwa nehana dza Tinoh , hunhu hwemwana wenyu kuhama dza Tinoh. Uye kutambirwa kushaitawo mwana. Ini andichenesi munhu maigumu. Chiri mumoyo chiri muninga, hauzive zvinofunga munhu. Mwana tose tinomuda , asi imbochengetedzai marriage yenyu musanyanye kufunga zvemwana wekunze uyu now."
Mashoko aTendai ndakaanzwisisa. Ndega Ndakatanga kufunga kuti journey yangu mu marriage ndiine mwana wangu Haina kure kwayaienda. Ndakatarisa anai vaTinoh ndikaona vachigutsirira kuratidza kubvumira. Ndakabva ndatarisa baba vangu . Vakakosorera vachibva vati
"Wataura chokwadi mwanangu. Mashoko Ako awataura ndeemunhu mukuru uye ave kuziva zvaanoita. Sandra mwanangu imbotarisana nezve marriage yako. Ini ndiri kudzokera kumusha , ndichanoona hama dza Tanaka nyaya yogarwa pasi. Kana iye Togarepi achashanda nyaya iyi. Chirandu wacho anogoenda kupiko usatye zvako mwanangu" ndakabva ndati
"Maita basa baba. Zvamareva ndazvinzwa uye ndinotenda kuti kukura kwangu kose apana icho makareva chakandiuraisa. Rairi dzenyu dzose ndakachengeta dzikandiraramisa kusvika pandiri nhasi!" Ndakadaro ndichibva ndasimuka. Ndakatadza kubata misodzi yangu. Ndakazosvika kubedroom yazara pamatama. Ndakaona Tinoh atevera. Akasvika akandibata muchiuno akamira kumashure kwangu. Akaisa musoro wake muhuro yangu akati
"I love you so much Sandra. Just just remember that , love is for 2 , the third one is crowd. Ini ndokuda , mwana wako ndomuda ende andinei nekuti nhingi achazoti kudiii? Do what makes you happy my love. Richararama Rega pano , vese ava vaenda kudzimba dzavo saka dont mind mashoko aTendai. Yes akanaka , but ini ndokuda Sandra." Ndakapfikura ndikati
"Really?"
"Yes , why not nhai?" Ndakabva ndatendeuka kwave kutarisana naye. Ndakaisa maoko angu mumafudzi ake. Ndakaswededza malips angu pedyo neake ndoda kiss. I make sure ndaita breathe is to avoid kufemereka nguva ye kiss. Ndakanakirwa zvekuti I ended up ndabatirira chaiko ndanakirwa nekiss. Kukanganwa kuti ndaive ndabva pamuviri. Ndakazoita kuvhunduka tichibva taregedzana. Ndakamhanya kubata phone kuti mafeelings ese atize. Mboma yaTinoh yaive yaita kumira kre. Ndakabva ndangofonera Togarepi , but his phone was off. Ndakashaya kuti nemhaka yei? Tinoh akabva ayenda kunogeza zvake kuti abude. Aida kuenda kubasa kwake. Paakangobuda , ini ndakabva ndabudawo ende hapana wandakaoneka. Ndakaenda kumba kuya kwandakange ndakaona Tanaka. Ndakasvika nekupinda nekuti gate racho raitongogara risina kukiiwa zvaro.
"You again!!" Akadaro Laina akagara pavheranda akazemberana neumwe mukomana. Akabva asimuka akatanga kufamba kuuya kwandaive.
"Babe calm down. Who is she?" Ndakavhunduka. Saka musikana uyu yaive pfambi. Nekuti Tanaka aimuti zvekare babe , now ndosvika Aine umwe. Ndakabva ndati
"I'm sorry for disturbing you my dear. Ndoda kuona Tanaka , ndiye chete wandafambira pano"
"Babe can you imagine , mahure aTanaka ave kuuya pano kuzondisokosa. She is the one akaita ndirambane naTanaka." Akadaro akatarisa mukomana uya. Mukomana uya akabva ati
"Sorry it Laina. Musikana akanaka kudai ndiye waungati hure here?"
"Paul what do you mean but that? Musikana uyu akauya pano achiti akaita mwana naTanaka. Can you imagine?"
"Ko kunyepa here? Tanaka ane mwana waakaita 6 years ago. Asi andina kumbobvira ndaziva kuti mwana wacho akamuita nemunhu akanaka kudai. Yooo , nda----nda-----"
"Paul my love!" Akadaro musikana uya. Paul wacho aive akufamba kuuya pandaive ndiri. Akandibata ruoko ndikamubvisa pandiri.
"Don't touch me please. Tanaka Moyo ndiye wandiri kuda pano. Where is he?" Akangonditarisa achibva atanga kundi-------
End of chapter 17
Stay tuned 💋
❤️
🙏
👍
😢
😂
😮
405