TINOH & PATIE MUTSINZE NOVELS
TINOH & PATIE MUTSINZE NOVELS
January 23, 2025 at 06:48 PM
Join my group: https://chat.whatsapp.com/Hhd3sKbmifi4sfMiGhrsym Follow my channel: https://whatsapp.com/channel/0029VaLhXcA6rsQs1Dbdjo0b *THE BRIDE'S DISAPPEARANCE* 💞💔💞💔💞💔💞 STORY WRITTEN BY TINOH 🎓 MUTSINZE AND PATIE ❤️ MUTSINZE All rights reserved. No part of this book may be reproduced in any form or by any electronic or mechanical means without written permission from the author... CHAPTER 20 NARRATOR "Haaa zvakaoma asikana , tose tose takanyara kani. Takanga taenda nehuhwandu hwedu tikati mvana iya yachata. Mwari zvavanoita so , vanhu vaiseka Kubva zvaakamitiswa Sandie , asi Mwari vanoropafadza. Mwari vanogona mufunge. Zvino kunge zvine mhepo mukati , zvakabva zvaenda nepamwe." Vakadaro Mai Ranga. "Imiweee zvakaoma. Muri kutaura izvozvo chete. Ko amai vacho kutosara vopfichuka kutamba pakanzi mwana ashaikwa. Haa , ini ndakanzwa kunyara. Mwana wako ashaikwa zvakadaro pamuchato , iwe wotadza kuitawo hanya naye chokwadi kutosara wotamba. Moyo wavo vakanga vakaurongedzera Pai chaizvo nguva iyoyo. Dai ndaive inini , kana kudya chaiko dai ndakatadza ini. Mwana wako anokosha asikana. Asi baba vacho , aiwa vakamira nemukwasha wavo.." Vakadaro Mai Rita. Mai Ranga vakabva vati-- "Haurevi nhema , asi ini ndakambonzwa runyerekupe muno munharaunda. Mazuva akaroorwa Sandra aya , zvaakasiiwa nemurume wake after maroora. Panonzi pane murume ane Mari chaizvo akauya. Ndiye anodiwa naamai vacho na Sekai. Hauna kuona kuti Sekai haana kana kutombouya kumuchato wacho here? Pane nyaya hombe apa shamwari!" Mai Rita wakatura befu voti "Heya! Saka zvakaoma kana pakadaro panonetsa. Urambe uchitsvaga information, kana waiwana wondinyeurira sezvo tiri Isu mapepanhau emuno-----" vakabva vaseka chikwee ndokurovana zvavo maoko. Ava vakadzi ava pamakuhwa vaisabvira. Vaiita sevakanga vageza kuenda Harare kumuchato kuzoongorora zvaiitikako kuti vazouya nemashoko. Kubva zuva ravabva kumuchato , hapana wakanga ati asangana neumwe pakati pavo. Vose kutaura kwavaiita Havana kuona kuti Mai vaSekai vaiuyawo patsime ipapo. Zvino vakabva vatanga kufamba zvishoma nezvishoma zvekuti vakanzwa mashoko ese aitaurwa nevaviri ava. Vakatanga kuombera maoko avo , vaviri ava vakacheuka vovatarisa. "Mose Imi mune mwana akamboroorwawo here kana kuchata , zvamunoshinga chokwadi kubva kudzimba dzenyu Kuuya kuzokwidibira migomo yenyu kugaira pamusoro payo kuti mutaure zvevana vangu. Ndakarera ndega asikana regai ndiroorerwe. Ndizvo zvamakanga maenderaka kunotsvaga zvekutaura ikoko? Zvema dhirezi enyu emhubhero amakanga makapfeka pamuchato wemwana wangu , kana kuchena kwandaive ndakaita ini amhusi kumbozvitaura wani. Camera man waishaya kuti odiii kana ada kunanga nepamaive makagara. Waive muchato uyu , kwete musangano wezvamatongerwo enyika manzwa here? Zvakaipa zvake murume uyu nemhuri yake hamuzvione , zvangu zvakanaka ndizvo munochinja kuita zvakaipa. Mugume nhasi kutaura nezvangu nekuti umwe wenyu achatsveyama muromo mukaita zvekutamba neni. Tinoh musatanist uya regai mwana akatiza pamuchato. Mutisiye zvedu munoti ndaitambei kudaro? Ndaiziva kuti ayenda kumunhu chaiye anomuda!" Vakadaro Mai vaSekai. Vanaamai Rita vakabva vashaya zvekutaura dzamara vaenda kudzimba dzavo. Mai Sekai vakambogaga mazuva maviri vari voga pamusha vakamirira kuuya kwababa vaSekai. Mumoyo navo vainetseka nekuda kwemwana waSandra uyo wavaive vaona kumba kwaChirandu. Vaitadzawo Kana kuziva kuti zvaive zvakafamba sei? Zuva retatu , ndipo paakazoona murume wavo osvika. Waingonyemwerera zvinova zvakanetsa Mai Sekai sezvo vaive vakatarisira kuona murume Wavo asina mufaro. "Mobveko kuvakwasha?" Vakadaro Mai Sekai vasina hanya. Murume wavo akavatarisa , achibva atarisa divi otoseka zvake. Wakaisa ruoko rwake muhomwe ndokunzwa kuti pfachapfacha , wakarubuditsa rwabatwa machocolates. "Tambirai Mai vaSekai. Unoaziva here? Mukanwa mako muri kunhuhwa nhamo. Tabva nawo kuvakwasha ikoku" vakaita hasha ndokuramba kutambira. "Inga munofarisa chaizvo. Iwo muromo wawave nemakore mazhinji uchichemerera nekutsvodana nawo , nhasi ndiwo waunotaura zvekunhuhwa kwavo. Munopenga here baba vaSekai? Kana riri doro mucharirega I'm telling you!!" Vaive vagumbuka Mai vaSekai. "Zvarwadza kaaa!! Ndirege zvangu , uye usatange wapopota zvisina basa nekuda kundinyomba usati waziva kuti kwandabva kwakamirasei? Sandra wakadzoka kumba kwake ave naTinoh. I'm sure Chirandu akakufonera akakuudza. Sekai wakapondwa nemurume uko akanomukira kuchipatara. Ende zveimba chaiyo pana Sekai hapasisina. Kutaura kuno Sekai Ari kugara kumba kwaSandra. Ari kurwara serious chaiyo. I don't blame Davy , Iye Sekai ndiye ane problem" vakada kuti vapindure ndokubva vanzi "Nyarara zvako andisi kuda mhinduro yako parizvino. Rega nditaure kusvika ndapedza zvandinoda kutaura. Sekai ndaiti kana ndomutsiura wondiona sendinopenga. Aisada kuteerera zvandinoreva ini sababa vake. Waizviziva here iwewe kuti akamboita mimba akabvisa , akaenda kunogadzirwa neimwe mbuya yaasina kuzoripa muripo wayaida? Zvino haachafi wakabata mwana nekuda kwembuya iyi. Chokwadi munhu kurega kuuya kumuchato wemwana wamai vake achimurongera Hondo. Chokwadi kuronga matsotsi kuti avhiringidze murume wake. Zvino chaakagona chiiko nhasi apondwa nemurume? Akadiii kuenda Kuna Chirandu wacho? Akadiii kuuya kwauri wakamubatsira? Iye Sandra wacho iyeye waaiitira zvose izvi ndiye ave kumubatsira zvekare. Mwari zvavanoita so , unonzwa sei Mai Sekai?" Vakadaro ndokubva vabuditsa bhodhoro redoro vonwa. Vakakakaita zvavo , pave pave ndokubva vati "Warambirei wakanyarara? Daviraka tinzwe. Kana uine rudo naSekai zvakanyanya endaka kunomutora iwewe ugare naye pano nekurwara kwaari kuita ikoko. Anditi ndiwe waimufurira zvisina basa here!!" "Uuumm baba vaSekai kani zvakwana. Zvamunotaura munorevesa here?" Vakaseka vakati "Kwira bus unozvionera , ndikakuudza ini woti manyepo. Hamheno enda unozvionera wega pamhino sefodya , kana kufona uzvinzwire wega. Ini ndapedza pangu pose ndasakura ndazunza!" Munoziva Mai ava vakamboti kuda kungotaura zvekuda havo kuonererwa. Mai vaSekai vakatanga kufonera Chirandu waingopopotawo ende vakatozokurumbidza kukata call vaona kuti zvaisvika kure. Vakafonera Sekai , asi haana kana kudavira nekuda kwenyadzi. Vakatanga kuzvitongesa. Kuti vafonere Sandra vakanzwa moyo Wavo uchirambaa. Vakangoramba vakagumbata maoko avo vasona muromo Wavo vasisina mashoko ekutaura. Veduwee nyadzi dzinokunda rufu. Vakatura befu kasingaperi------- Togarepi zuva raasungwa , akangoendwa naye asati anyatsobata pane point yaakanga asungirwa. Mapurisa akamuita rough zvakanyanya. "Chandakutadzirai chikuru vanangu. Ini ndinongozviitira basa rangu kunyangwe mukandisunga. Kubuda kwangu ndinonoenderera nebasa uye ndichikunda zvekare. Saka apana chamuri kugona apa" mumwe mupurisa akabva aseka akati "Togarepi kana uchishanda basa rako shanda zvakanaka kwete kunopindira vanodanana mudzimba dzavo neku exposer ma nudes evanhu sezvinonzi vakutadzira. Uye nyaya ye gown zvakafamba sei?" Togarepi wakarohwa nehana. Haana vaidanana vaaive akaitira zvaitaurwa apa. Aive manyepo ake Paul ese aya. Wakatura befu apererwa. Mwana wehanzvadzi yake waive wamugura kunorira "Davira iwe! Kunyarara kubvuma mhosva ka uku!!" "Mapurisa echizvino zvino mune dambudziko. Ose manyepo aya. Paul nyakumhan'ara nyaya iyoyo mwana wehanzvadzi yangu chaiyo. Saka ndozviitasei zvamuri kutaura izvozvo? Nemhaka yei muchiita semakapinda basa nekumhanya musina dzidzo? Nyaya ye gown regai ndiishande ndega murege kuganhira pamusoro mazvinzwa here? You won't benefit anything pane zvamuri kuita izvi." Vakatoseka zvavo. Togarepi wakarara nevamwe vasungwa. Ari muhusungwa kudaro aitoronga tsoro dzake. Mafambiro aaizoita kana abuda imomo akanga atova nawo. The following day akasweramo zvekare , asi Paul wakazofonerwa kuti auye nemusikana wacho waaitirwa izvo ainaye , asi iye haana kuuya. Izvozvo azvakazoita kuti Togarepi abuditswe zuva raitevera racho. Kuona kwaakanoita mwana kumba kwaDavh hakuna kunyanya kumushamisa. Aive aongorora zvakawanda zvaakaona pamba pake Davy. Nokudaro wakaenda zvake. Ipapo wakananga kumba kwaSandra na Tinoh. Haana kunge aziva kuti Sekai ndiko kwaakanga ave akasvika ndokubva apinda Mumba akagara pasofa. "Sandra ndadzoka kwauri. Ndine zvishoma zvandinoda kuziva pamusoro paSekai." "Zvakanaka vaTogarepi. Sekai wamunotaura iyeye Ari pano. Saka munokwanisa kutaura naye zvenyu muregere kupedza nguva kuteya nzou neriva." "Unorevesa here iwewe?" Sandra Wakagutsirira oyenda naTogarepi kwakanga kuina Sekai. Sandra akangosvikosiya Togarepi, ndokubva atobuda. Sekai akaramba akatarisa Togarepi , achinzwa hana yake kurova. Togarepi wakakosora ndokubva amedzera mate akati Kuna Sekai. "Sekai ndokumbirawo kuziva chikonzero chihombe chaunoti ndicho chawakavengera Sandra?" . "I don't understand" "Chausina kunzwisisa apa ndezvandabvunza here kana kuti chikonzero chako?" "Zvamabvunza nekuti ini andina kuvenga Sandra mwana wababa vangu." "Regera kundipedzera hako nguva. Ndini ndakafona ndichikuudza zvekuti ndoda kuuya nemota. Ndipo pandakabva ndatobata ruvengo rwako kuna Sandra. Ndiwe wakakonzeresa zvese zvakaitika iwewe. Ndatozokunyara nekuti uri kurwara hako , dai pasina izvozvo , dai kutaura kuno wave kumapurisa kare kare. Izvozvi ndiri kubva kupolice nenyaya ye gown Ranga risati rawanikwa. Iwewe wakapara mhosva wakarara muno. Mira ndikuyambire Sekai. Siyana naSandraa nemurume wake. Iwe pachako utange wambogona kuita zveimba yako first igone kumira zvakanaka wanzwa here? Izvi zvekuzama kuvarambanisa zvawakaita zvakatokwana uye ugumire ipapa. Ende nyaya yacho yakabuda pachena yega saka haiite kuyenderera mberi nayo. Chero yemwana waSandra haiisisina value. Now ndoda kukuudza chokwadi. Ndiri kutsvaga ma secretes Ako iwewe , Chirandu , Davy na Tanaka. Kunyanya iwewe naChirandu. Zvamakaita zvamunoziva imi moga pasina pamakaudza , ndizvo zvandiri kuda kutsvaga kubva nhasi. Ndoda kuti pandinouya undiombere kuti VaTogarepo muri chazezesa. Ndapedza newe.!!" Wakadaro Togarepi achibva abuda zvake oyenda. Sekai wakatura befu akarara ipapo asisina kana Simba zvachose. Aive akungoboira boira kunge mangoi------ End of chapter 20 Stay tuned 💋
❤️ 🙏 👍 😂 😮 😢 365

Comments