
TINOH & PATIE MUTSINZE NOVELS
January 24, 2025 at 08:30 AM
Follow my FB page: https://www.facebook.com/TinohM011?mibextid=ZbWKwL
Join my WhatsApp group: https://chat.whatsapp.com/Hhd3sKbmifi4sfMiGhrsym
*THE BRIDE'S DISAPPEARANCE*
💞💔💞💔💞💔💞
STORY WRITTEN BY
TINOH 🎓 MUTSINZE
AND
PATIE ❤️ MUTSINZE
All rights reserved. No part of this book may be reproduced in any form or by any electronic or mechanical means without written permission from the author...
CHAPTER 21
CHIRANDU
Ndakarohwa nehana zvakanyanya pandakaona iriyo house number yepamba paSekai pandaive ndabva kunosiya gown. Saka kana aive mwana waDavy , nemhaka yei benzi iri raida kuperekedzwa neni? Zvaive zvisisaite kuti ndidzokere kumba kwake zvekare ini ndaive ndabva kukanda gown. Ndakabva ndariita rough benzi iri. Ndakarirova kwave kutora mwana wacho ndikanotsveta kunze kwenzira. Ndakaribata ruoko kwave kumonyorora ndokurisandudzira kwaive nemwana waro ikoko. Paakadonhera pasi , ndakamupa mabhutsu maviri akagomera.
"Next time ukandiona hautaure neni zvekare. Nonsense!" Ndaive ndatsamwa.
"Wandikuvadza kani yoweee!!" Ndakabva ndangonopinda mumota kwave kuto driver Kuenda kumba kwangu. Andina kuzviteerera. Ndakasvika kumba ndadzikamisa njere dzangu. Ndakatura befu ndichibva ndagara pasofa. Ndakatanga kufunga zvakawanda Wanda munjere dzangu panguva iyoyo. Ndaive ndakuda zvekuita naKikie nguva isati yandiperera. Iye akabva auya kwave kugara pedyo neni. Kana kuchikoro wakanga asisade kuenda
"Chirandu wakandivimbisa kuenda ku boarding school. Mave papi nepfungwa iyoyo uye ndokumbirawo kuti kana mandiendesa ikoko Mubva manoudza vabereki vangu kwandiri kuti vazive then vopota vachiuya kuzondionawo!" Ndakapera simba nemashoko ake. Ndakangotura befu ndichibva ndati...
"Wageza here? Ndoda kuti tiende izvozvi" akanyemwerera achibva abuda akaenda. Ndakasara ndikasimbisa moyo wangu. Yes Kikie ndaimuda , asi nyaya yacho yaive yamira zvisirizvo. Ndaive ndazofunga zvakanaka , kutongoenda naye Kuna Smart ndiko kwaitongoita apa. Chandaida kuti zvindinakire chete. Ndakabva ndagadzirira. Iye paakazouya ndaive ndatova ready. Nguva yatakabatana maoko tave kufamba kubuda , ndakaona Nancy omhanya kwave kumira pamberi pangu.
"Nancy , what is your problem?" Akarereka musoro wake , and tears were running down her cheeks achiita seaida kutaura mashoko akaomarara. Nguva iyi nhare yake yakarira. Ndakaona achiita kudedera setsanga iri mumvura. Phone yaiita seichadonhera pasi maoko achidedera.
"Nancy are you out of your mind?"
"No my love!"
"Saka tauraka zvauri kuda heee?"
"Please ndapota usaende anywhere nemwana uyu. It's true haasi wako ende haasiwo wangu sekutaura kwawakaita. Ndaka--------" kikie laughed akamira zvake kwake ega.
"Stop talking nonsense. Daira call yako first.!" Ndakataura ndichibva ndabvuta phone iya. My heart pounded pandakaona iri private number zvekare. Ndakabva ndaidavira nekuti ndaida kunzwa kuti aida kutii this time.
"Hello who are you?"
"Mr Chirandu you are playing with fire. I warned you. Apa ndafonera mukadzi wako kwete iwewe? Iwewe kudavira call isiri yako kutemba nei manje? Chirega ndikuudze mashoko anoenderana newe. Uri kuda kuenda kupi nemwana iyeye uchinyepera kuenda naye ku boarding school? Enda , asi pauri kudzoka ikoko you will cry!!" Ndakabva ndashaya Simba. Call yakakata ndichibva ndatarisa imba yangu. It was clear now , pane aive akaseta zvisembure pamba pangu. Manje ndaida kuzviona. Ndakadzosera Nancy phone yake.
"Please my love don't ------"
"Shut up Nancy. Andidi kunzwa anything from you" ndakamukandira phone yake. Ndakabva ndapinda mumota naye Kikie. Ndakairova kuenda Kuna Smart. Ndave kusvika ndakabva ndafona kwave kutaura naye akandiudza zvekuita. Nguva iyoyo ndakanzwa kikie oti
"Mr Chirandu , zvamandisiya kumba mukauya neni zvamuri kuda kunondiitisa ikoko muchaitisa ani?" I stopped the car ndichibva ndatura befu.
"Kikie what did you say?"
"You heard me" haana kuda kudzokorora kutaura. Ndakaridza tsamwa , asi statement rake raive nechirevo. Ndakaisa mota muparking ndichibva ndadzika kwave kufamba naye kupinda mukati ndakamubata ruoko. Kupinda kwandakangoita maive naSmart chete. Akangosvika nekubata Kikie kumeso kwake , Kikie akabva atongodonhera pasi. Akamubata akabva amuradzika pa bed yaivepo. Ndakanzwa hana yangu kurova ndakamutarisa.
"Please Smart. Usaite kuti mwana iyeye afe ok!" Akaseka akati
"Hooo mwana ndiye wausiri kuda kuti afe , asi life yako uri kuda kuti inake. Kana usingade afe wauirei naye kuno nhai? Ndakakuudza kuti kufa kana kurarama tarisira zvose. Zvauri kuda kuita apa zinotoda akashinga wanzwa here? Nekuti ukasashinga uchavhiringa zvekare life yako wega sezvawakaita pakutanga"
Ndakatura befu ndapererwa. Mashoko ake akauya sechibhakera. Ndakatadza kuvhika kana kudzosera.
"Saka ndodii Smart tell me?" Akanditarisa akati
"Bvisa hembe dzako dzose" ndakavhunduka ndikati
"What?"
"Uri kuda here kana kuti hausi kuda Chirandu? Takura mwana wako uyende andidi kupedzerwa nguva yangu. Une nyaya dzakawanda iwewe. Vabereki vako vakakurera vari kupi? Ko ma sisters Ako 2 awakasiirwa ari kupi? Ndiri kuona vari kudzungaira , vachakutambudza kusvika wapinda mugwara. Ndiri kuona 1 wacho rave benzi kutaura kuno uye ane kacheche. Ndati bvisa hembe dzako kana uchida zvikunakire" paakataura mashoko aya ndakapererwa zvakanyanya. Ndakabva ndarangarira a mad woman uya wandaive ndasiya ndaita rough. Ndakadedera ndichibva ndabvisa hembe. Zvaisandiitira zvakanaka kubvisa hembe dzangu dzose pamberi peumwe murume achiona dumbu rangu nezvese zviri pandiri. Ane zvaakandizova panhengo yangu yesikarudzi , ane imwe mvura yaakanwa ndokubva aisvipira mukanwa mangu ndikamedzera. Yaivava zvisina mukare akamboona. He smiled achibva ati
"Ndoda urare naye , asi usanyanye. Mwana mudiki uyu!" Ndakashamisika ndikati
"The same zvandakaita Kuna baba vake huuuuh!! Hapana here imwe nzira nhai!"
"Ndiri kutoda kurerutsira iwewe sezvo usiri kuda kuti afe. Anyway , it's fine , tora Banga iro!!"
"Oooh nooo!!! Mira hako ndirare naye. Banga no Smart." Akaseka hake , apa ini ndaidedera. Akabva abuda ndikasara nemwana. Ndakamubvisa hembe dzake dzose akasara asina. Wangu munyama here kuti pese pandinoda zvekuita mushonga ndopihwa mhiko yerudzi urwu? Ndakaramba ndakamutarisa iyo nhengo yangu yamira kuti twiiii. Ndakadududza ndikagara pasi. It's not good at all. Mwana aive mudiki mhani uyu. Pana baba vake ndakatozviita ndichizvifarira manje apa uuuummm ndakanzwa kutya. Ndakatura befu ndichibva ndada kusiyana nazvo , asi ndakabva ndarangarira ramangwana rangu ndikati noo mhani , andifanirwe kutambura inini. Ndipo pandakamubata kwave kumuradzika nedumbu. Nguva yandakabata magaro emwana , ndakanzwa kuti ndabata mvere , ndakatsokota maziso angu ndobwaidzika kasingaperi. Ndakamavhura ndotarisisa. Ndaive ndatadza kunzwa here? Ndakabva ndabata zvekare ndoda kuti ndiite zvandaive ndaudzwa , ndipo pandakaona chimhuka chandisina kunzwisisa kuti raive gudo here kana chii. Zvaireva kuti Kikie aishanduka kuita mhuka here? Ndakavhunduka zvakanyanya ndoda kurega , asi ndine izwi randakabva ndanzwa.
"Pedzisai zvamatanga vakuru. Or else , you will die!" Kana akaataura mashoko iwaya andina kumuziva kana kumuona. Ndakazongorovera moyo padombo ndikaisa nhengo yangu , asi ndainyatsoona kuti ndairara nemhuka kwete munhu. Apana kuchemerera kana kuchema kwakaitika ipapo dzamara ndapedza. Ndapedza ndakabva ndaona mhuka ya disappear pave nakikie. Ndakanzwa hana yangu kurova ende smart akabva adzokawo.
"Well done Mr Chirandu"
"Saka zvatoita?"
"Yes , asi uchasiya mwana uyu pano kwemazuva matatu. You can go now."
"Haafe mwana uyu , can you promise me that?"
"Yes I promise Chirandu , anogofa nei sewamuuraya nhai?" Ndakabva ndapfeka kwave kubuda kuenda. Ndaida kumirira 3 days dzaaive ataura dzacho ndoona kuti chiii chaida kuitika? Ndichibva ipapo ndakabva ndaenda kuKuwadzana uko kwaive neimba yevabereki vaive vabvunzwa na Smart. Dzaingovawo 3 rooms matakakura tichitamburira , asi taitorarama uye taitodyawo tichikura sevamwe. Kubva pandakazongoita Mari ndakarasa vabereki ava dzamara vazongofawo. Mari inoparadzanisa hukama hamheno zvaingori so. Paive pazosara my 2 sisters , asi ndakashaya hanya navo ndokutadzawo kana kuvaona.
Pandakasvika pamba apa ndakarwadziwa kuona pasara 1 room yaive yakamira , dzimwe 2 dzairatidza kuti dzive dzakatopazika nemvura. Ndakadzika mumota kwave kutanga kufamba kunopinda mumba iyi nekuti ndakaona isina kukiiwa. Ndakangoti ndichipinda kudai , ndakabva ndatarisa kumadziro kwaive nepicture raamai vangu. Ndakaona misodzi kuita kunge yaiyerera pamufananidzo wemunhu. Ndakabwaidzika ndichibva ndatarisa divi.
"Mother I'm sorry please. Ndakarasika nekusaziva , asi ndadzoka kunotsvaga hanzvadzi dzangu---!!" Kwakabva kwaita kunge kwaita mhepo , yakapinda nepamusiwo waive wakashama , picture frame Riya ndiye ndenge ndenge ndokuti pasi puuu. Rakabva rangopwanyika nguva iyoyo. Hana yangu yakarova ndichibva ndatongobuda nekuenda kumota yangu straight. Ndipo pandakaona Paine kamwe kachembere kaive kakamira kachiongorora mota yangu. Ndakangobata door kuda kuvhura ndisina kutaura nayo mbuya iyi. Ndakanzwa yoti
"Hesi nhai mwanangu , ndiwe Jerry Chirandu zviye." Ndakavhunduka kuti vaitondiziva zvavo.
"Hongu ndini!" Vakabva vaseka.
"Aaah ndanga ndakuona zvangu. Ndazongokushaya chete wave nedumbu ka iwe uye wave nechiso chinotyisa zvekuti chero pese paunofamba vanhu vanotoona Vega kuti uyu akaromba chete. Aaah sorry hako ndinongotaura undiregere kwave kuchembera mwanangu!" Mashoko avo aive nehudzamhu mbuya ava.
"Musandipedzerewo nguva ka gogo ndoda kuenda"
"Kuenda kupi kwaunoenda , iwe sei uchizvida kudai kunge kadhodhi kaitirwa paruware kunonaya? Mira nditaure newe ndipedze shungu dzangu wozoenda.!!" Ndakabva ndaseka. Gogo ava vaitoratidza kuti vanonakirwa zvavo.
"Taurai nyaya yenyu tinzwe ndoda kuenda" ndakadaro ndakavatarisa. Vakabva vatarisa imba iya vakati
"Wanzwa sei nesichuweti iripo?"
"I don't understand"
"Sichuweti iri pamba apa waionasei? Iwe wakasvika kuratidza kuti unogara mu apusitezi chaiyo."
"Panogara vanhu here nhai zvamunodaro? Ndangouya kuzocheka chete mamiriro apakaita ini"
"Usade kungwara nhema iwewe wanzwa here? Hauna here kusiirwa masisitazi Ako maviri? Saka uri kuti anogara Pai kana imba yakadai? Kanzuru yakatombouya ikadzokera pasina wavaona. Ita ekishenu ini ndave kumhanya!!" Vakabva vatanga kufamba kuenda. Ini ipapo ndakasara ndave kunzwa hana yangu kutorova. Ndakashaya kuti mbuya ava vaive ani uye vaigara kupi ende vaiita nezvei?-------------
End of chapter 21
Stay tuned 💋
❤️
🙏
👍
😂
😢
😮
436