
TINOH & PATIE MUTSINZE NOVELS
January 25, 2025 at 06:14 PM
https://chat.whatsapp.com/Hhd3sKbmifi4sfMiGhrsym
*THE BRIDE'S DISAPPEARANCE*
💞💔💞💔💞💔💞
STORY WRITTEN BY
TINOH 🎓 MUTSINZE
AND
PATIE ❤️ MUTSINZE
All rights reserved. No part of this book may be reproduced in any form or by any electronic or mechanical means without written permission from the author...
CHAPTER 24
SANDRA
Ndakaramba ndakatarisa Sekai. Ndakanzwa hana yangu kurova nemarariro aaive akaita. Zvekuti andifire mumba mangu ndaisada. Ndakabva ndaswedera pedyo naye zvekare ndichibva ndamutarisisa. Nguva iyoyo akabva asvinura , moyo wangu ukadzikama , asi misodzi yakabva yatanga kubuda.
"Sekai , waitwaseiko zvauri kuchema mwana wamai vangu? Watopora so iwewe , regera zvako kuchema" akabva atura befu kwave kukwidzira madzihwa opfikura akanditarisa.
"Ndakatadza Sandra ndiregerewo. Andizive kuti mweya werudziiko wakanga wandibatawo? Ndapota zvangu ndiregerewo mwana wababa vangu."
"I have forgiven you my sister. Kutadzirana kunowanikwa , asi chikuru kuregera kuzodzokororazve same mistake yawakamboita ukaregererwa. Sekai wakandikanyira hupenyu hwangu zvakawanda , asi ndinongokuda. Hukama haugezwi setsvina mwana wamai vangu. Asi ndinokuvimbisa kuti ukazvidzokorira zvekare , haaa ipapo ndofa newe Sekai andidi kukunyepera hako!"
"Kwete handichambozvidzokorora zvekare. Ndiri kukumbirawo uyende kumba unotora hembe uye umbotaurawo na Davy. He is not picking up my calls" ndakagutsirira musoro wangu. Davy wakanga achiri mumarwadzo chaiwo saka zvainetsa.
"Nhai Sekai , muridzi wemimba yawakabvisa yacho ndiani? Davy anoda mwana ndicho chokwadi. Hakuna marriage ine mukadzi zvose nemurume inonzi yakagarwa zvakanaka iyo isina mwana. Ndaigarokuudza mashoko aya kubva kare , waindiita benzi. Ko, iyo chembere yacho yakakubvisa mimba iyi ndeyekupi nhai?"
"Ndimbuya Muketiwa. Mimba iyi yaive yaaTawanda Gororo"
"Inga une zvivindi kubva kare nhai Sekai. Mvura iya nekuroya kwainoita. Zvivindi zvacho wakazviwana kupi? Iye munhu wawakabvisira mimba zvaari munhu akanaka uye ane mari dzake. Kutaura kuno Watova nevana 2 arimo maMurehwa center ane imba yake nema business ake. Saka chawakashora paari chaivewo chiii? Zvino kana watongopora chete , uyende Kuna gogo ava unogadzirisa nyaya dzako Sekai so that ubatewo mwana" Ndakataura zvakawanda naSekai ndokuzobva ndabudawo.
Tinoh wakati nonokei kudzoka kumba. Ndakabika ndokupa vanhu chikafu. Iye paakazodzoka taive tatotandara zvedu.
"Congratulations my love , ma papers angu afamba zvakanaka andanga ndichigadzirisa."
"Waaaw , Tinotenda Mwari sezita rako mudiwa wangu" takataura ndokuzopawo vana mama mukana. The following day Takamuka nokuvaperekedza Kuma bus ekumusha kwavo. Pavakakwira , ini ndakadzokera kumba nemurume wangu. Bamunini Tendai ndivo vaive vasara zvavo.
"Babe , I think Togarepi Ari kunonoka kuita zvemwana wangu. Handei tega tinotarisana naye Chirandu" akanditarisa akati
"My love , calm down nenyaya iyi. Togarepi haana kupusa. Ini andikwanise kuendako. Dai tatanga tanzwa side raTanaka pamwe zvaireruka. Nekuti iwewe chero ukapengera mwana , Ivo baba vemwana vakatopedza basa ende chero akada kukupandukira anoti mwana haasi wako ugonzi unoda Kuba mwana , saka iwewe dai wambomira kumhanya." Ndakabva ndatingoona kuti hapana kwatiri kuenda. Better zvangu kutonyarara ndoita ndega zvemwana wangu. Takaenda kumba ndanyarara kuti ziii
"Why wanyarara my love? Asi ndapindura zvisiri izvo here?"
"Kwete , wataura zviri pamoyo Pako"
"Handidi munhu anofungira zvisina basa Sandra. Ini ndofarira munhu anotaura kana pane chisina kumufadza. Kundinyararira kunobatsirei ini ndiri murume wako? Ndiudze chese chaunoda wakasununguka , ini chandisingadi handitye kutaurawo , ndiyo marriage. Ndoda kukuudza chokwadi , ini mwana wako chero akanzi auya pano ndinomuchengeta SE first born yangu wanzwa here? Asi usabva wanyanya kundiisa munyaya dzemwana wako uyu zvekuti ndingaenda ini kunorwisa Chiranhu kana kutsvagana naTanaka nooo!! Uye andidi kut iwe usambe uchingotaura zvaTanaka kwandiri again and again. He is the father of your child yes , but kana ini ndave panyanga kudai , I will take all the responsibilities as the father of your child. Ko , kana akakwanisa kumboramba iri mimba , ane basa yei nhai? Tanaka this , Tanaka that , leave that idio alone , fight for what is yuors , iye ane mwana will lead you kusvika Kuna baba vemwana. Kana zvaita wouya naye kumba tochengeta" dai aisa driver, ndaida kumupa hug ne kiss zvose. Mashoko ake aive akanaka ende ndakamatenda.
Takaita 2 days takagara. Day 3 ndipo pandakazoti regai ndiende kumba waDavy kunotora hembe dza Sekai uye kunzwawo kuti sei aive asiri kuuya kuzoona mukadzi wake. Phone yaTinoh yaka ringer ndakatarisa kudai. Ndakatora ndokumutambidza , asi yaive new number. Akaisa pa loud achibva adavira.
"Hello makadiii?"
"Ndinofara makadiiwo? Ndokumbirawo kutaura naSandra!"
"Na Sandra? Ko , mambozivanawo here newamafonera uyu nekukwazisana mozobvunza Sandra"
"Sorry baba , muri kutaura naTanaka , baba vaJayden" akabva aridza tsamwa akati
"Hakusi kundijairira here uku bamunini? Sandra is my wife , ende iwewe paakauya kukuona you said haumuzive. What is it now?" Akabva akata call Ari iye. Ndakashaya mashoko ekutaura zvangu , but I wanted to see him , for the sake of my son. Tinoh akanditarisa akati
"Ndiwe wakamupa number dzangu here? Ko , zvaanenge asina kana hunhu zvake?"
"Kwete andisi Ini"
"Saka akadziwana kupi?"
"Remember mazuva e wedding taitaura nevanhu vakawanda , pamwe pane akamupa hake , kwete inini" taive takutopindurana nenyaya ye number , Dedra akabva angondifonerawo achiri Tanaka aive asvika kubasa kwake. Ndiye aive amupa number dza Tinoh kuti afonere iye to avoid kuparara kwemba yangu. Ndakamutenda zvikuru. Uye Tinoh akabva agutsikanawo zvake. Andina kuzogara , ndakabva ndaenda kumba kwaSekai. Tinoh akandiperekedza. Sekai takamusiya naTendai kumba. Nguva yatakasvika takavhurirwa gate kwave kuisa mota muparking. Takapinda Mumba ndokugara pasofa rimwe chete nahusband wangu. Takabvunzana mufaro ndokupedza.
"Ende Mumba muri smart , don't tell me kuti bamukuru ndimi ma cleaner Mumba kudai?" Vakaseka havo vakati
"Kkk nhai mainini , ini ndini type inonetseka anotsvaira Mumba here ini? Ndave nemusikana"
"Hooo , makaita zvakanaka. Ko , kusauya kuzoona mukadzi wenyu chiiiko nhai bamukuru"
"Munoreva Sekai here? Haa Sekai regai kunditaurira nezvake parizvino."
"What do you mean? Saka makatadzawo kuregerera mukadzi wenyu here bamukuru?" Nguva iyoyo pane kuchema kwemwana mucheche kwandakabva ndatanga kunzwa. Ndakabva ndaona musikana akabuda mune imwe room akatanga kufamba kuuya kwaaive tiri akabata mwana. Zvaireva kuti maid wachi akauya nekacheche kake.
"Ko , Maid wacho akauya nemwana wake?"
"Hongu mainini , ndakangoti haa hazvina basa chero auya iyeye"
"Hoooo , hazvina kuipa hazvo mwana haatadzise kuita basa kumunhu Ari serious zvake nebasa rake." Takazoswera tofara zvedu. Nguva dzedu dzekudzokera dzakazokwana. Kataoneka zvedu ndokubva taenda. Kusvika kwatakaita Kumba , mota yaTogarepi ichisvikawo. Takaramba takamira takamutarisa. He smiled achibva atanga kuombera maoko , achinyemwerera.
"How much are you going to pay kana ndauya nemwana?" Akadaro akatarisa. Ndakabva ndatura befu nekuti ndaive ndisina zvangu Mari yakawanda ini. Husband ndiye akazoti
"Any amount Mr Togarepi!!" Ndakanzwa kudzirwa chaiko
"Thanks Mr Mutsinze. Mwana Ari panguva yakaoma kutaura kuno. Ende mangwana ndiro last day , ini ,iwewe Sandra na Tanaka mangwana rinofarirwa kusangana kuseni na 7 toenda Kune mwana. Ndakapindana nezvakawanda ndichiita basa iyi kuti ndiwane Kuna mwana , asi motosimba hana nekuti pakaipa" ndakatarisa Husband ndokubva Ati
"It's ok Mr Togarepi , munoenda henyu navo hapana chakaipa wena. Mwana ndiye watinoda" Togarepi akabva ayenda zvake. Ndakasara ndichinyemwerera zvakanyanya nekuda kwaTogarepi? Iye semunhu waive nehuchengeri , aizoziva zvaainosvika achiita kwayaienda kwacho--------
NANCY
Ndakambozama kuda kumuonesa Chirandu , asi haana kuda kana kunditeererawo zvake. Paakaenda nemwana , ndakafonerwa ne private number iya kasingaperi. Ndipo pandakaudzwa zvekuti ndibe masefa emari ya Chirandu ndirove pasi. Ndakafamba nekuti kugara naChirandu ndiko kwandaida. Ndaive ndisina kana kumwe kwekuenda.
"You are playing with fire. Mira uone kumagumo kwazvo!" Ndiwo mashoko andakapedzesera kuudzwa. Chirandu wakazodzoka asina mwana zvake ndikapererwa zvakanyanya.
"Where is my son?" He laughed at me ndikanzwa kusvotwa. Akabva ati
"Mwana waani wauri kutaura nezvake iwewe? Une mwana here iwewe pano Nancy? Itodzikama zvako tigadzirise zvinhu izvi tiri pamwe chete. Zvemwana asiri wake imbomira kutaura nezvazvo. I'm ready to pay any amount panyaya yemwana Kune anenge anetsa wacho iyeye!" Ndakabva ndatura befu ndapererwa. Kana chekutaura ndikachishaya zvachose.
Takazoti tarara husiku hwacho , ndaingonzwa ma sound andaisanzwisisa. Ndombonzwa kunge pane Ari kufamba famba Mumba. Ndakanzwa zvakawanda dzamara ndazonzwa kunge pane aigeza. Ndakanzwa mvura yaitoti waa waaa.
"My son is back!" Ndakadaro ndovhunduka kwave kubuda ndomhanya. Ndakapinda muroom yake iye raairara. Ndakaona tuhembe twake pa bed ndakanyemwerera.
"Kikie , Kikie where are you?" Ndakatarisa pasi ndokuona tsoka dzaive dzatsika pasi dziiine mvura. Ndakadaidzira , asi apana akadavira. Ndakatura befu ndobuda , asi moyo wangu wainetseka-------
End of chapter 24
Stay tuned 💋
❤️
👍
🙏
😢
😂
😮
710