TINOH & PATIE MUTSINZE NOVELS
January 26, 2025 at 01:25 PM
*🌱ECHOES🌷*
https://whatsapp.com/channel/0029VaEFcd017Emn8kF5X63N
*ZVAKANAKA KUGARIRA MUCHANNEL KUTI USARASIKIRWE NEMAMWE MACHAPTERS UYEZVE NDIKO KUNOSVIKIRA BOOK REDU*
MAIN GROUP
https://chat.whatsapp.com/K9ttKbpuUJp0cx09QtlUzS
COMMENTS GROUP
https://chat.whatsapp.com/GiM5bSYiFRcK8O94Lalos0
FACEBOOK GROUP
https://facebook.com/groups/560179280000560/?mibextid=rS40aB7S9Ucbxw6v
*FREE BOOK READ COMMENT AND SHARE*
STORY BY PRECIOUS a.k.a MANYONI
C 1
*AMANDA*
Kubva pakatanga kurwara mhamha vangu ndakanga ndatorega kuenda kuchikoro nekuti mari yeschool fees ndivo vaitsvaga zvino kuti vachishande nestate yavanga vave zvaisaita.I was in form ndaive ne 19 years ndakanga ndakanonoka kuenda kuchikoro nekuda kwekushairwa mari yekuchikoro.Ndaigara Ndakabvunza mhamha kuti ko baba vangu varipi vaingoti havavazive kuti uzoudze mai chihure zvaisaita zvaindibata zuva nezuva.Ndaiti ndikagara ndega ndizvo zvinenge zvingori mupfungwa dzangu ndaisvika pakuchema ndichibvunza Mwari kuti chandakatadza chii chaicho.Taigara kuHatfield pamba pataigara paive pehanzvadzi yamhamha taigara kucottage.Asi life was hard for me gogo vaive vasina basa neni vaindiudza mamwe mashoko aisave ezera rangu.
"Amanda wakati gozo ipapo hausi kunzwa here kuti mai vako varikukudaidza" ndakavhunduka pakataura gogo ndakasimuka ndokuzunza skirt yangu "Kana kumbozvinzwa gogo" ndakafamba kuenda mumba
Me:"Matii mhamha?" Ndakabvunza
Her:"Ndipoo mvura yekunwa" ndakatora kwakuvapa vakanwa ishoma kwakundidzorera vachibva vati
Her:"Wanga uripi ndichikudeedza?"
Me:"Panze" vakamboti zii asi ndaiona kuti varikurwadziwa "Usatye hako mwanangu ndikangopora chete kuchikoro unoenda shungu dzemoyo wangu ndoda dzizadzikiswe" ndakatarisa pasi ndave kuda kuchema ndakabva ndati
"Munopora riinhi mhamha hurwere hwenyu hurikuita worse everyday apa mari yekuti muende kuchipatara hatina" vakakosora ndokuti
"Baba Adonia vakadzoka ndinoenda kuchipatara Amanda" ndisekuru vavaireva neniwo ndaitove ne hope kuti vakauya she will help us.Asi kusaziva kuti vaiuya riinhi sezvo vakanga vafambira zvebasa kuTanzania.
"Zvinondirwadza mhamha kukuonai makarara kudai ndajaira kubva kuchikoro ndichikuonai musipo modzoka manheru nemuriwo tobika sadza redu.Hupenyu hwacho hauchatombonakidze."
Her:"Zvinodarika mwanangu nyama dzinombozunguzuka"
Me:"Zvanyanya mhamha wave mwedzi makarara"
Her:"Mwari anotibatsira chisimuka ubike wave nenzara ka iwe"
Me:"Handina nzara ini inobvepi muchirwara nhai mhamha kudya kwacho hamusi kuda"
Her:"Amanda bika udye" vakadaro ndakabva ndatobuda hangu kunogara panze.Ndipo pandakafunga Rue uyo wandaidzidza naye ndiye munhu ainzwisisa situation yangu.Ndakagara zvangu ndichifunga nhamo dzangu.Ndaisvika panguva yekuburitsa misodzi ndadzamirwa nehupenyu.Ndakatozobika manheru asi mhamha vakaramba kudya ndakazama kuvamanikidza asi vakaramba ndakapusawo ndokutanga kuchema
Me:"Nhai mhamha idyai kani munopora sei musiri kudya kana iro pain killer racho rinoshanda sei nhai mhamha"
Her:"Ndichadya Amanda mudumbu mangu murikusunga" ndakaita kunonzi kusvotwa yes vairwara zvavo asi kusada kudya kwavaiita kwaindipa stress.
Me:"Chidyai misova 4 mhamha kana 5 monwa pain easy kuti risakurwadzei" vakagutsurira musoro misodzi yangu yakanga yatoungana mumaziso ave kuswinya kuda kuchema.Ndakavapa vakadya zvaitooneka kuti ndezvekumanikidzira.Vakabva vashingirira ndokupedza fariro yandakaita ipapo kuita kunge vatopora
Me:"Good mhamha apa magona regai ndikupei cup yemvura munwe" ndakatora mvura vachibva vanwa.Ndakabva ndavapa mapiritsi ndokubva tanamata hedu kwakurara.Yaive its a must kurara tanamata.Zuva rakatevera ndakamuka vagara ndakapukuta maziso angu
Me:"Mamuka sei mhamha?"
Her:"Ndamuka zvakanaka mwanangu nhasi kutonzwa nyama dzangu zviri nani saka kusadya ndiko kwaive kwandikanganisa"
Me:"Better God is good ndafara mhamha"
Her:"Kana neni asi chipfuva changu ndicho chirikuti remei?"
Me:"Munoita boe mhamha zvasangana nekuti hatina kuziva kuti chirwere chacho chaive chii kwaive kungodutira mapiritsi" vakabva vati
Her:"Saka ndonokukumbirira here kuchikoro pandinongodzokera kubasa pay yese ndoendesa mari yacho" ndakatarisa pasi ndokuti
Me:"Mhamha imbotangai masimba ehe kudzidza ndinoda hangu asi ndinoziva pane pfungwa dzenyu munogona kutoenda kunoshanda muchirwara"
Her:"Aiwa kani Amanda shuviro yangu ndinoda kuti udzidze uite Doctor ndinoda kudada newe mwanangu"
Me:"Ndinoziva mhamha asi kumhanya handiko kusvika munopora.Ini handisi kukupai pressure mhamha chero ndikasvika 30 ndichienda kuchikoro I don't mind" vakaseka ndokuti
Her:"Yuwiiii moda kuchemberera kuchikoro here asikana?"
Me:"Chembere dziriko kuma university mhamha tete vadaddy vaRue vane 48 variko kuVar"
Her:"Hooo ko iye Rue aripiko arova mazuvano"
Me:"Ariko akambouya achida kukuonai akadzingwa nagogo...Asi nhai mhamha why gogo vakandivenga kudaro?" Ndakabvunza zvaindinetsawo ini kuti sei vaive vakandivenga mhamha vaivada asi ini vaive vasina kana rudo neni
Her:"Zvimwe zvinhu ndezvekutarisa Amanda usatarisire kudiwa nemunhu wese muhupenyu wako vatoriko vanhu vakatorambwa nanamai vavo vakavazvara kutoraswa chaiko.Chandinongoda kukuudza ziva zvaunoda muhupenyu hwako work hard kuti uvewo someone"
Me:"Ndazvinzwa mhamha inyaya yekuti zvinhu zvinondinetsa hangu no one loved me kunze kwenyu....Ko ivo baba vangu vacho vamboripiko hamudi kutaura mhamha nei?"
Her:"Amanda ndakakuudza kuti hauna baba iwewe ndakarepwa saka handitozive baba vako chirega kuramba uchibvunza mubvunzo iwowo?" Ndakangoti "Okay mhamha sorry I didn't know kuti ndizvo zvakaitika kwamuri handichabvunze futi"
Her:"Good chimuka uite basa kwete kungoropora" ndakaseka ndichitoburuka pabed.Mazuva akafamba sekuru vakadzoka musi wavauya mhamha vakabva vatanga kurwara futi vakatanga kukosora non stop
Me:"Mhamha chiiko makachidzwa nei?" Ndakabvunza ndichivabata ndave kushaya kuti ndodii.
Me:"Mhamha ndokupai mvura here?" Ndakabvunza ndichisimuka kunotora mvura apa vaive vokosora zvekuburitsa masiriri ndakavapa mvura kwakunwa zvakamboti dii.Vakanditarisa ndokutanga kuchema vakandibata ruoko rwangu ndokuti
Her:"Amanda mwanangu usare uchengeteke mhandara yangu" hana yangu yakarova ndokuti
Me:"Mhamha muri kutiiko?" Ndaive ndotochema
Her:"Usacheme Amanda handina kumbobvira ndapora mwanangu ndaida kuti ufare asi ndairwara handichararami ini usare uite munhu kwaye pauchasvitsa 21 sekuru vako vane zvavachakuudza asi ndinokumbirawo kuti usazvidye moyo wanga uri blessing kwandiri Amanda ndoda kuti ugozadzisa chishuvo chemoyo wangu"
Me:"Mhamha kaniiiii hamufe musadaro mhamha munondityisa munoda kundisiira ani mai Amanda" sekuru vakabva vapinda vakabva vati "Maita zvakanaka bhudhi mauya Amanda imbobuda"
Me:"Noooo mhamha!" Ndaive ndoyeredza misodzi
Him:"Buda Amanda" ndakabuda nekuti sekuru ndaisada kuita nharo navo ndakanogara padoor ndaida kunzwa conversation yavo ndakanzwa mhamha vakuti
Her:"Hanzvadzi yangu ndoda usare uchengete Amanda umuendese kuchikoro ndinoziva kuti ndiwe wega wakamutambira mwana uyu vamwe vese havana rudo naye handidi kuti atambure akaunzwa muhupenyu hwangu ndichimuda uye ndiMwari vakaita kuti ndimu...." Vakatanga kukosora ndakanzwa sekuru vakuti
Him:"Mai Sean chiiko Sean arikuuya mangwana mai Sean" vakawedzera kukosora "Akandiramba kare Sean akati handisi mai vake ngaagare kuna baba vake" vakadaro mhamha asi vakataura semunhu airwadziwa vakamira kukosora ndakanzwa sekuru vakuti
"Mai Sean kaniiiii!Wasarudza kuenda muendero uyu here hanzvadzi mai Sea!!" Hana yangu yakarova ndichibva ndavhura door ndokupinda ndakaona varipamakumbo asekuru vachichema ndakanovabata ndakaona vakavhara maziso I couldn't believe zvandaiona mai vangu vakanga vatofa ka ava ndakatadza kuchema simba racho ndakarishaya ndakabuda panze kunogara pamain door pemain house.Misodzi yakaramba kubuda pfungwa dzanga dzamira kufunga ndakabva ndati
"Nhai Mwari" ndiwo ega mashoko andakakwanisa kuburitsa ndakazongonzwa ndadirwa bucket remvura yaive nemadhaka ndakangoti simu ndokutarisa ndakaona vari gogo
"Chisingapere chinoshura ibva pano buda tione"
"Mai Addie wakakwana here iwe?" Vakadaro sekuru nekuda kweshungu ndakabva ndatomhanya kubuda ndakananga kumba kwaana Rue ndichichema.Ndakasvika pandaka knocker door mai vake vakatoti come in zvakanaka pandakapinda vakabva vati "Nhaiwe Amanda are you normal hausi kuonawo here kuti mumba muno makachena get out" vakataura zvehasha ndakabva ndatobuda ndaive ndave kuchema ndakafamba kuda kunobuda ndave kusvika kugate ndakanzwa Rue oti
"Ama mira ipapo" ndakacheuka misodzi yangu uchiyerera I hugged her ndichibva ndati "Rue mhamha vashaya" akabva ati
"Jesu!Nematambudziko Amanda sorry I feel for you" akadaro achipuruzira musana wangu
"Handisisina wekuchemera Rue" ndakadaro pandakatarisa kwandanga ndabva ndakaona mhamha vake vakamira padoor ndakabva ndamusiya ndichizvitarisa ndokuti
"Hona ndakusvibisa"
"Hezvoo ko madhaka abvepi?"
"Ndadirwa nagogo"
"Nhai mai vaya vari right right here.....sorry hako Amanda handizive kuti sei Mwari vasarudza kukurwadzisa kudaro" ndakatarisa pasi misodzi yaive yoyerera
"Handei mumba ndinokupa hembe ndiudze mhamha" ndakangofunga mashoko avanga vandiudza ndokuti
"No rega hako ndakuenda kumba"
"Unofamba sei wakadaro" ndakangomusiya kwakumhanya kubuda ndakaenda kumba ndichiita kufambisa chaiko.Ndakasvika pamba patove nevanhu vana mainini vanin'ina vavo naSean hanzvadzi yangu akanga atovepo hameno kuti anga asvika nguvai munhu aigara Bulawayo kumba kwababa vake.Zvaireva kuti aive muHarare ndakaenda kucottage kwedu ndokuchinja hembe ndakabva ndanhonga zambia ramhamha ravanga vakamonera ndakaerekana ndave kuchema.
"Mhamha mafunga henyu kundisiya" ndakagwadama pasi neshungu ndakachema zvekuti ndaive ndongogomera.
"Iwe simuka apo chauri kuzhambatata chii ndiwe wauraya sisi vangu iwe" vaive mainini Fortue ndakavatarisa handina chandakataura hangu ndakangotarisa pasi ndichichema vakanditorera zambia vachibva vati
"Kuuya kwawakaita mulife masisi vangu ndipo pavakatanga kurwara utori mutumwa wa Satan chaiye" ndakanzwa sekuru voti
"Fortue urimbwa yemunhu mwana arikuchema mai vake iwe ndipo powouya kuda kumuudza mashoko anodzimba kudaro neiko usingarwadziwe nhai Fortunate?"
"Bhudhi ndataura zvekunyepa here Amanda ndiye auraya sisi vangu" vakaregedzerwa mbama
"Buda muno right now" vakabhidhaira kubuda vakauya kugwadama pamberi pangu ndokuti
"Amanda don't worry usafe wakaterera zvinotaurwa nevamwe vanhu vese vimba neni sekuru vako handiti I know I'm the only person anokuda in this life ndini ndasara ndave mai vako nababa vako pamwe chete usafunge zvakawanda muzukuru" ndakawedzera kurwadziwa ndichibva ndavambundira
"Asi nhai sekuru imhosva yangu here kuti mhamha vakarepwa?" Vakatarisa pasi ndokuti
"No haisi chihandei kune vamwe" vakandibatsira kusimuka takaenda kumain house kwaive nevamwe.Ndaingosarudzwa ndakanogara pangu ndega ndichifunga kuti saka ndasara ndisina mai ,uye ndivo vatounganirwa nevanhu vese ava kuchemwa.Zvakandibata bata mumoyo mangu ndaingoona vamwe vachitaura nyaya vachiseka vamwe vakasuwa vashoma vaichema seni.handina kana kudya.Zuva rakatevera body yamhamha yakauya uye vakanga vaitwa post moterm mapapu avo akanga aparara ndizvo zvakavauraya.Takaenda kumusha manheru acho ndakaenda ndiri mu open truck yaive nemasahwira ekumba kwavo vabereki vavo vaive nemba kuHighfield ndiko kwavaive vakakurira ndaive ndega musikana ikoko.Ndingori muchikona ndaingozvibvunza kuti zvino zvandatanga kunzwai panhamo pavo vasati vavigwa kuzoti pavanofushirwa ndinenge ndisisiri chinhu.
Takasvika kuHwedza pakati pehusiku hatina kurara ngoma ichiridzwa.Zuva rakatevera racho ndakaona mukoma Sean vachigeza mazino ndakaenda pavaive
"Mukoma Sean" akanditarisa kunge aiona tsvina achibva andinongedza ndokuti
"Handisi mukoma wako tanga takabatanidzwa na Lorraine haachipo ini newe hatina hukama even kuna Lorraine kwacho wanga usina chekuita naye" ndakanzwa kurwadziwa zvakanyanya ndokuti
"Horaiti" simba rekuramba ndichabvunza zvakawanda ndaive ndisisina hangu.Ndakanogara kumuti waive kunze kweyard ndakatanga kuimba song yaLeornard Zhakata yekuti Hupenyu Mutoro ndakagara ikoko vamwe vaiimba varikumba.
"Ko iwe wakagara kuno vamwe vachichema waitwei nhai muzukuru?" Vakadaro vamwe mbuya vaive vatochena musoro ndakavatarisa ndichipukuta misodzi yangu
"Makadii gogo?"
"Ndinofara muzukuru handei kune vamwe" vakadaro vachindibata ruoko takaenda ndakagara paive namainini Noku vakandipima vachibva vati
"Ko iwe uripano?"
"Ehe" vakaridza tsamwa ndokutotanga kuimba service yakazoitwa panguva yebody view ndakarambidzwa kudzingwa sembwa sekuru ndivo vakazonditora ndokupinda neni
"Mudye Lorraine mudye handiti ndiwe wamuurayisa" vakadaro mainini Grace ndakangotarisa pasi ndichichema.
"Be strong Amanda" vakadaro sekuru ndaive nemashoko andaida kutaura asi ndakatadza kumaburitsa takabuda panze.Body yakazotakurwa vakavigwa pedyo namai vavo.After burial vamwe vakaenda sekuru nana mainini vakasara neni wacho.Ndaiendepi ini ndaive ndisina kwekuenda.Pakazounganidzwa hama dzese sekuru sezvo vaive Vega mwana mukomana vakabva vati
"Amanda ndini ndichagara naye uye ndinoziva kuti mese hapana anomuda she is now my responsibility mai vake vakamusiya mumaoko angu and I will have to fulfill that promise" mainini Grace vakabva vati
"Eeeeee imi bhudhi musade kuhakira zvisinei nemi haana kana ru......." Havana kupedza vakabva vati "Pfutseki haufunge wazvinzwa uri stupid kana usina zvekutaura nyarara kwete kuda kungonzi wataura" vakabva vati undundu
"Ndaona murimi murikutevera hanzvadzi yenyu musatanist uyu" vakadaro mainini Fortunate
"Newe hauna kukwana look at yourself urikungohukura chii chaunoziva" vakadaro sekuru gogo vakabva vati
"Manbondiudzawo samai vemba here nhai mhukahuru?"
"Handina nguva yekusuma munhu pana Amanda mwana akangofanana nana Noku" vaive vatori mumood chaiyo.Vanhu vese vakangoti zii hapana akazoti bufu kutaura takagadzirira zvekudzokera.Vana Noku vairatidza kutobhowekana neni chaizvo pataive takuenda.Takasvika kuHarare vanhu vese vangori zii patakasvika ndaive ndakutoda kupfuurira kuenda kucottage kwedu vakabva vati
"Wave kuuya kugara mumain house nesu zvinhu zvamai vako zvave kusungwa zvigogovewa musi wenyaradzo enda unotora hembe dzako chete"
"Aiwa ba Addie hamusi mave kuzvinyanya here?"
"Kana zvanyanya enda unofa" ndakabva ndangoti
"Okay" kwakutopfuurira kuenda asi ndaizviziva hangu kuti ndanga ndisingapagare nagogo vaive vakandivenga hapana zvandaizviita hangu nekuti sekuru vakanga vachida kuti ndigare uye ini wacho kwekuenda ndaive ndisina....
End of chapter
kutsamwa kune labour🌷
❤️
👍
😢
🙏
😮
😂
94