TINOH & PATIE MUTSINZE NOVELS
TINOH & PATIE MUTSINZE NOVELS
January 27, 2025 at 08:10 AM
Join my group: https://chat.whatsapp.com/Hhd3sKbmifi4sfMiGhrsym Huya ku channel usasarire: https://whatsapp.com/channel/0029VaLhXcA6rsQs1Dbdjo0b *THE BRIDE'S DISAPPEARANCE* 💞💔💞💔💞💔💞 STORY WRITTEN BY TINOH 🎓 MUTSINZE AND PATIE ❤️ MUTSINZE All rights reserved. No part of this book may be reproduced in any form or by any electronic or mechanical means without written permission from the author... CHAPTER 25 NARRATOR Tanaka kuona kwaakaita Togarepi wakanzwa hana yake kurova zvakanyanya. Togarepi wakanyemwerera kwazvo kuti aive aona munhu waaitsvaga nemaziso matsvuku. Wakabata Tanaka bhandi raaive akasungisa trouse rake omudhonzera kumota yake iye Togarepi. "VaTogarepi moendepi neni?" Wakadaro achidedera zvakanyanya. "Mumota yangu iyo iri apo. Chauri kuvhunduka chii? Ndatoona kuti ndikada kukunyengerera hapana chinofamba. Une rough kunge yalandlord akaita imba yekugoverwa panhaka , asina kana Simba neziya rake raakaisa pamba ipapo. Itodzikama zvako nekuti ukada kupaparika tinonosiyana wave kuchikurubhi mufana. Une mhosva dzakawanda iwewe" paakanzwa mashoko aya , akanga atodzikama. Waifamba seachadonhera kubhutsu dzaTogarepo idzo dzaipenya kwazvo sedzakanga dzazorwa dzikinhwa redovi. Vakati vagara mumotokari yaTogarepi , akabva ati "Zvakanga zvambodiii kuti iwe uzoramba mimba yako? Wakanga wamunyengerwa nani iye Sandra? Ko , zvairi mhandara yakasvika sechibage chepachuru wani. Mhandasviguguchi huchi wedendende kutapira. Wakanga wanakirwa nani umwe akapinda Sandra parunako rwake?" Tanaka wakabva atura befu akati "VaTogarepo zvakaitika zvakatopfuura. Let's talk zviri paground zvacho" "Iwewe ndiwe uri kuona sezvakatopfuura asi ini ndoda kuziva" "Zvakanaka , ndakangomurambawo hangu" "Zvawairara naye wakanga uine chinangwa chei? Akakuudza kuti vanhu vasati varoorana vanorara vose ndiani? Hauzive here kuti chipfambi ichocho chisingadiwe kana naMwari zvake?" "Ndozviziva hangu vaTogarepi , asi semunhu wenyama , dzimwe nguva zvinoramba" "Hooo , andidi kupedza nguva , iwewe wakaramba mwana , akura ukazonotora. Ini ndakaita basa rangu mazuva mashoma ndikapedza uye kumusha kwenyu ndakaenda ndikanoona amai vako , avo vari kutamba nhamo iwe wakagarika zvako kuno Dhorobha. Tsapfu dzamai Kupa dzoita sedzebveni kuomarara nokuitira amai vako maricho. Kubva pawakatora mwana hauna kuzombonoona amai , kana pakafa baba vako hauna kuenda kunhamo iwewe. Uye pawakabva kumusha pekupedzesera une rokwe raamai vako rawakaba. Zvino wakauya Harare ukatengesa mwana uye munhu wawakatengesera mwana ndiye wawakapa rokwe raamai vako. Waiziva here chinangwa chake nerokwe iri?" Tanaka wakapererwa ndokubva ati "Kwete ndaisaziva" "Wakapusa chaiko seshure yemombe inofamba isina kupisikwa ndove ichipembera zvayo. Unorasa mubereki nekuda kwemari. Baba vako vakasiya vanyora tsamba yausati waverenga nanhasi. Unofanirwa kuenda kumusha kunoverenga tsamba iyoyo. Uye unotamba naPaul ka iwewe? Muchiita chihure chekuchinjana Laina kunge chipfeko. Laina uyu achakugadzikai mudishi mese zvangu. Chimira ndikutaurire chikomana. Ini andisi kuda kukuendesa kumapurisa , ndongoda kuti unotora mwana waSandra moyo wake uzorore. Iwewe ndiwe uchazive zvekuita nemunhu wawakanga watengesera mwana" "Hazvina kuipa vaTogarepi , asi ini andizive pekutangira" "Ndichakuperekedza , uye ndoda kuzoziva madhiri awakaita naChirandu , asi kwete nhasi. Now ndoda kuenda newe kumba kwako. Ndikaziva paunogara chete zvatopera. Unofanirwa kuchengeta mwana wako kwete kujaira zvisina basa. Varume vanoramba vana muri imbwa dzavanhu ndimi vanhu vanofanirwa kufa Imi vakadzi vazorore" Tanaka wakaramba angoti shoyoyo asisina kana remuromo zvake. Vakaenda kumba kwaTanaka vose------ Togarepi waive aita ma investigations ake dzamara awana kwaive kuine mwana. Wakaronda zvose zvaiitwa naChirandu kusvika amubata. Zvisinei , wakanga uri musi wemugovera , kunze kwakamuka kuchinaya zvakanyanya. Kwaive nechando chaikwidza hama mumuti chaimo. Sandra wakamuka kuseni seni otadza kugadzikana. Waingoti padiki padiki otarisa nguva. Haana kuzvitarisa kana kuzviongorora kuti kwakanga kuine chando. Iye chaaida chete kuenda kwaive nemwana kunyangwe dai zvainzi vaienda vachinaiwa , waisava nebasa nazvo. Nguva diki diki Togarepi wakabva asvikawo. Sandra haana kuzombogara ndokubva aonekana nemurume wake oyenda naTogarepi. Tendai wakatura befu akatarisa vaviri ava vachienda akati "Do you trust him?" Tinoh wakabva aseka akati "Why should I trust him? I don't know him very well saka why should I trust him?" Akatura befu akati "Saka why did you allow him kuenda nemukadzi wako kwausingazive?" "I trust my wife , that's why ndamutendera kuenda naye. Usatye hako Tendai hapana kana chinotomboitika kwaari Sandra" "Hoooo---!" Mhinduro yaTendai yaiva nyoro kwazvo , asi yakanga iine kugunun'una kwakanyanya. Tinoh haana kuzvitarisa kana kuda kunyanya kuzviongorora , achibva atoenda zvake kunorara omirira kudzoka kwaSandra------ Sandra na Togarepi vakapinda mutown vonosangana naTanaka. Tanaka waive wakatengesa mwana , asi zvino wakanga oda mwana wake. Waive nenyadzi zvake , asi nekuda kwekuti Togarepi waive oziva paanogara , ahana kuda kuregera kuita zvavakanga vataurirana zvose. Vakasangana mutown muya , Tanaka achiona Sandra , wakanzwa kunyara zvakanyanya. Wakamedzerawo mate obatwa neruchiva. Ndipo paakazvibvunzawo kuti waive apindwa nei kusvika pakuita zvakadaro. "Sandra forgive me please I know ndakatadza" Sandra wakaseka hake akati "Wakatadzei hako nhai Tanaka? Iwewe wakati hatina kumboita mwana tose saka ini ndoda mwana wangu iyeye wandakapihwa nemweya mutsvene saMaria. I have forgiven you already , varume ndizvo zvamuri haisi mhosva yako. Mr Togarepi handei atisi kuda kupedza nguva. Iwe enda kumota yako tiende" Tanaka wakangodzungudza musoro wake ofamba kuenda. Misodzi yakabuda , asi yakashaya anopukuta dzamara yazongooma yega. Vakadungamidzana vose naTanaka voenda kwaive naJayden. Sezvineiwo , ndiro rakanga riri day rekupedzeserawo kuti Chirandu adzokere Kuna Smart. Mota yaChirandu ichisvika , vana Sandra vachisvikawo. Togarepi wakabva aita seanodarikira kuti Chirandu aregere kuvaona. "Shiiiit mhani , tatangirwa kusvika. Tanonokawo kuuya" wakadaro Togarepi. "Saka muri kutii vaTogarepi? Mwana aripi?" "Mota yaChirandu hauizive here iwe haikona kupusa. Ndakakuudza kuti motongwara. Ooh tambira Tambo iyi ndoda usunge dumbu rako. Bvundo rauchasunga ngarinangane nepaguvhu rako. Tambo dzinosarira wopfekera mubhukwa rako" "Zvakanaka vaTogarepi. Regai ndiite sekudaro" wakaita zvaakanga audzwa. Uyuwo Tanaka aive angomirawo Shure kwavo , asi haana chaaive aona. Togarepi wakabva adzika. Tanaka akadzikawo vosangana. "Wamuona here Chirandu apinda apo. Ndiye asiya mota iyo. Saka zvotoita apa ndoda kuti tiipushe tosiya yave kure uko Isu tomumirira kubuda kwake imomo" wakadaro Togarepi. "Mwana haazouraiwa here?" "Kwete ipapo Andina ruzivo. Kana auraiwa munongonoviga , pasi panyoro apa mvura iri kunaya kudai iyi!" "VaTogarepi mune rough dzimwe nguva" "Ndizvo zvandiri izvozvi. Chatiri kuda chete mwana ka. Ini andisi Mwari ka ini ndinopa mweya wekufema kana kuutora " Sandra wakangotura befu ndokunyarara zvake. Togarepi wakaseka. Vakazongoti pushei motokari yaChirandu ndokubva vapaka dzavo pakanga paine yaChirandu------- Chirandu kupinda kwaakaita kunoona Smart. Akatombonzwa hana yake kurova zvakanyanya. Bvunzi rake rikati nyau nyau. Akatonzwa kuti pane zvakanga zviripo. Wakapinda ndokuona Smart wakagara pacheya akaita zvekurara wakatsamira padesk. "Smart ndauya" "Chirandu , kubva zvawabva pano ndiri kurwara zvakanyanya. Musoro wangu kutema kunge pane Ari kucheka nebanga. Uye ndiri kungorota hope dzakaipa andizive kuti why?" "Hooo , saka waapapi ndauya ka 3 days dzakwana" "Saka zvandataura hauna basa nazvo. Chaunoda I help yako chete" "Kwete kani Smart sorry hako" "Zvisinei mwana yako aripo apo. Tora uyende zvako naye zvakafamba mushe" Chirandu wakanovhura mwana. Akamudeedza oda kumumutsa , asi akaramba kumuka. "Asi akafa? Smart usadaro unoda kuti ndiitesei?" "Chirandu hauna kutanga nhasi kuita madhiri aya iwewe? Munhu akafa anodziya here? Hausi kuona kuti mwana uyu mupenyu here? Mutakure ubude muno and never come back. Uchandikuvadzisa iwewe" "Sorry kani smart" "I swear , if anything happen , Chirandi ndokuramba yakapenga iwewe." Chirandu wakavhunduka nemashoko ese aitaurwa naSmart. Wakabva angotakura mwana obuda. Aizonoona ave mberi kuti mwana aizomuka here?. Paakangonobuda gate , ndiye Dhumha dhumha naTogarepi , Sandra na Tanaka. Togarepi wakabva angomunongedzera pfuti nguva iyoyo. "What is going on here?" "Mr Chirandu , you are under arrest" "Why? Chandakatadza chiii?" "Musandibvunza zvisina basa VaChirandu." Sandra akabva afamba oyenda Paive naChirandu. Akabva ati "My son please!!" Chirandu akavhunduka ndokutanga kubwaidzika kunge mangoi. Mwana haana kumuka , wakanga akangomuisa pamafudzi ake. Togarepi wakabva ati "Tanaka ndiye here mwana wako uyu?" Takana wakatarisisa mwana ndokubva ati "Yes ndiye Mr Togarepi!" "Ok , tora mwana wako , iwewe naSandra Mubva marova pasi ende muwirirane ikoko nekuti ndiri kuuya. If anything happen Tanaka , you will regret" "Wait Mr Togarepi. Ndisati ndatora mwana-----" akadaro Tanaka ofamba kuenda mumota make. Ane chuma chaakabuda nacho , uye ka pot kaiva kadiki diki. Chirandu paakaona zvinhu izvi akabva atanga kudedera. Mwana uya akamudonhedzera pasi , Sandra wakamhanya akabata mwana wake. Tanaka paakasvika pana Chirandu nezvinhu izvi , akabva ati. "Waive wakapika kuti ndini ndinochipfeka chete , nhasi ndoda kukupfekedza iwewe , kana Paine zvichaitika andinei nazvo. This pot ndoda kuipwanyira pasi nhasi wakatarisa. I'm tired Chirandu!!" "No please usadaro Tanaka." "Ndezvako izvozvo!" Akapwanyika pot iya pasi , chuma chiya akaisa muhuro yaChirandu. Pane zvakabva zvatoitika paari Chirandu zvaakanzwa iye oga. Tanaka naSandra vakaenda nemwana mumota yaTanaka ndokubva varova pasi. "Zvakesari Kuna kesari." Wakadaro Togarepi. "Chipinda zvako mumota mangu umu titaure" Chirandu waida kudzokera Kuna Smart, asi Togarepi haana kumupa mukana iwoyo. Waidedera kunge dumbu rake richadonhera pasi. Vakazopinda mumota ndokubva Togarepi wati------ "Mwana uyu haafanire kukurwadza nekuti haasi wako. Mukadzi wako akatenga mwana uyu Kuna Tanaka nemari isingatengi hupenyu hwemunhu. Kana uchida mwana siyana nengomwa yawakaroora , wosiya zvekufemerara mugotsi zvauri kuita izvi utsvage mumwe mukadzi akuzvarire vana. Ndiri kukupa warning Chirandu" "I don't understand" "Chii chausiri ku understander apa? Iwewe enda unopedzerana nemukadzi wako. Kana zvichibvira handei tose kumba kwako nekuti ukazongoita anything stupid hako uchakuvara ndiwe. Zvawaka kidnaper the bride wakashayaka akakusimudzira musoro. Manje apa wakotamira museve zvako--------" End of chapter 25 Stay tuned 💋
❤️ 🙏 👍 😂 😢 😮 675

Comments