TINOH & PATIE MUTSINZE NOVELS
TINOH & PATIE MUTSINZE NOVELS
January 27, 2025 at 07:07 PM
Join my group: https://chat.whatsapp.com/Hhd3sKbmifi4sfMiGhrsym Follow my channel: https://whatsapp.com/channel/0029VaLhXcA6rsQs1Dbdjo0b *THE BRIDE'S DISAPPEARANCE* 💞💔💞💔💞💔💞 STORY WRITTEN BY TINOH 🎓 MUTSINZE AND PATIE ❤️ MUTSINZE All rights reserved. No part of this book may be reproduced in any form or by any electronic or mechanical means without written permission from the author... CHAPTER 26 SANDRA Ndaive ndanzwa kufara zvakanyanya nemashoko aVaTogarepi. Ndaive nechivimbo chekuwana mwana wangu. Mumba macho maizogarika sei kana ndisina mufaro. Sekai ndakati andimuudze kuti kumba kwake kwakanga kwave nemusikana webasa. Ndakangomupa hembe dzake kwave kutonyarara. "Saka wamuona ariko here? Haanawo zvaambotaura nezvangu here?" Ndakaziva kuti aibvunzwa apa aive Davy. Ndaisada kumurwadzisa Sekai , saka ndakabva ndati "Haangaregi kutaura nezvako nekuti uri mudzimai wake. Chete achiri nenyadzi sezvo Ari iye akakonzera hurwere uhu. Don't worry Sekai , manje manje unodzokera Kumba kwako , asi ndoda kuti udzokere wave munhu kwake. Zvese zvakaipa zvawaiita ndapota zvangu usiye" "Zvakanaka Sandra" akaita sewanzwisisa zvake. The following day ndakazoenda naTogarepi naTanaka. Ndakafara veduwee kuva nemwana wangu mumaoko angu. Kuzonzi manje ndiende naTanaka , apa Togarepi ndipo paakandiorora manje. Taifamba tichitaura nyaya dzei munzira mese nababa vemwana wangu vandakasiyana navo kare kare? Ndakapinda mumotokari yaTanaka ndakabata mwana. Mwana waidziya zvake muviri wake , asi waisapfakanyika kana kuda kumukawo zvake. Ndaingonzwa hana yangu kurova zvakanyanya. Takana wakarova mota dzamara ndaona azomira pane imwe nzvimbo yaive ziii , isina kana vanhu vaifamba famba kaka kunzwikwa kutaura. Akabva anditarisa ndikati "Tanaka why did you stop the car?" Akaramba akanditarisa asina kana mashoko aakataura. Ndakadzokorora zvekare mashoko angu , iye achibva ati "Tave nemwana wedu , saka what is next? Uri kufungei Sandra?" "Hapana kana chandiri kumbofunga zvachose. Kunze kwekungoti chete dai mwana uyu ararama. Uye ndiri kufara zvakanyanya. Please handei , unonondisiira mutown then ndotsvaga transport yekuenda kumba." "Stop it Sandra. Rega ndikuudze chinhu chakaita ndikurambe kana kukurwadzisa.------" "Please usandiudze hako , ko ndichiinei nazvo nhai Tanaka? Nguva yandaida kukunyengerera wakaramba kunzwisisa zvakatodarika bamunini. Andina kana chandakumbira saka unozvinetsereiwo hako? I'm married Tanaka" "Ndizvo zvandisiri kuda kana kutombonzwa izvozvo. I'm your first love Sandra. Ndaive ndakarasika , but ndadzoka" "So what?" "Tinogona kudzokerana tovaka imba tiri pamwe chete" "Over my dead body!! I will never be yours Tanaka. In your dream!!" Ndakadaro ndichibva ndanyarara. Iye akangoti "Oooh really?" "Yes Tanaka , please drive tiende. Ini Zvose zvauri kutaura andinei nazvo. I don't love you Tanaka. You never loved me iwewe! Wakanditambisa" "Sandra get out of my car" Paakadaro ndakaita kuvhunduka. At least aive asarudza sarudzo irinani. Andina kumboita nharo zvachose. Ndakazvuzvurudzana nemwana wangu ndobuda. Iye akabva abudawo kwave kuramba akanditarisa "Sandra are you mad?" "Nekuda kwei Tanaka? Thank you so much for showing me how stupid you are. Wave kuita sekuti mwana uyu ndakaita ndega. Tanaka hautochinje hunhu hwako iwewe. He is your blood , asi unoita sekuti haasi wako nemhaka yei? You are evil Tanaka." "Saka you decided to get out of my car nekusada kudzokerana neni chete here?" "Ehe hazviiite zvauri kutaura Tanaka. Ndakaroorwa ndikachata. Ende I don't care how rich you are right now. I moved on. I'm not your type , tsvaga umwe hako ende mwana uyu ndichamuchengeta ndega." Akaridza tsamwa. Akamboda kundinyengerera , asi ndakaramba zvose zvaaida. Akapinda mumota yake , achibva ayenda. Ndakasara ndave kungonzunzutira ndakabata mwana. Nzvimbo yandaive yakanga isingadariki kana mota inoshura. Ndakaramba ndakangomira. Ndakamboda kufonera Hub , asi ndakazoti dhuuu kufunga , ndakaona zvakanaka kutambura ndega nemwana wangu dzamara ndasvika kumba naye. Ndakabva ndamuisa kumusana ndotanga kufambisa. Ndaida kutsvaga mota kuti ndikwanise kuenda kumba. Ndakaneta ndisati ndasvika pane mota. Ndakaisa mwana pasi ndombomuzunza zunza kuti pamwe angamuke , asi haana kana. Ndakabva ndazosimudzira ndoenda mberi nerwendo rwangu. Nguva iyi pane mota yandakaona , mota iyi ndakaiziva ndichibva ndasimudza mwana wangu ndomhanya. Aive Nancy mukadzi waChirandu. Akatanga kunditevera nemota iyi achifamba slow slow. Ndakabva ndabuda mu main road kwave kupinda nekamwe kanzira kasingakwane mota. Ndakanobudira kuseri , wanei iye apaka mota kare. Apa ndaive ndaneta zvakanyanya. Ndakabva ndagara pasi ndakabata mwana mumaoko. Ndakaona ave kudzika kwave kufamba achiuya pandaive ndiri. She smiled achibva atanga kutaura pacall. Paakapedza akanga Amira pamberi pangu. "Hie" ndakaramba ndakamutarisa. "Nancy what do you want?" "Shut up Sandra. Wakapunyuka Kuna Chirandu , not kwandiri inini wanzwa here. I want that child now?" "Nancy? He is my son!!" "You are talking nonsense my dear. Unoti he is your son kuti unoziva kukura kwaakaita here kusvika paari ipapa? Usamboti bufu!" Ane weapon raakabva abuditsa. Ndakangoridza mhere nguva iyoyo. Mvura igoti kutanga kunaya , hapana Aive pedyo aigona kundiona nekuti kwaive nechando veduwee. Akabva andibaya pahuro , kwave kusimudza mwana. Nguva yandakada kuti ndimujambire , ndakanyatsonzwa pfuti yakarira , ichibva yarova Nancy kwave kudonhera pasi nemwana. Ndakagotakura mwana ndotanga kumhanya. Zvino ndaive ndotya. Mwana wangu aive anzwa nekukandwa pasi. Wakatanga kubuda ropa nemumhino dzake. Kwaive nechipatara ndaisaziva kana. Nguva diki ndakaona imwe mota yakamira mberi kwangu. Ndakaita hasha nekuti ndaive ndatovharirwa nzira. "Sandra!!" Pandakanzwa izwi ndakabva ndariziva. Ndaiita kufemera pamusoro sendere. Ndakamutarisa wanike ndi Tinoh zvake. Ini ndichitamba nhamo. Akauya akatora mwana toenda mumota. Ndaive ndati chakwata nemvura. "Sandra watadza nei kufona? What happened?" "It's a long story, please save my son!!" "Watadza nei kufona hee?" "Hama dzako adzidi mwana wangu Tinoh , saka ndaona kuti kwatova kukunetsai. Ndaisvika chete kumba" "Sandra unondida here iyewe kana kuti ndiri kurimira makudo? Zvese zvandinotaura unoona sendinonyepa nhai? Asi uchiri kuda Tanaka here ndizive? Why are you treating me like this?" Akarwadziwa achibva azongonyarara , asi ndakaona misodzi yake zuva iri. Takaenda nemwana kuchipatara , asi ma doctors akashaya dambudziko chairo raaigona kurapa pamwana. Kuti ndimusiye moyo wakarwadza. Takabva taenda naye kumba. Ndakamubvisa hembe dzaakanga akapfeka , ndakamumonera towel hombe. Ndakamufugidza gumbeze ndikatanga kunamata. Ndapedza kunamata ndakagara pedyo naye misodzi ichibuda. Dai ndakaziva , dai ndisina kupa Tanaka mwana uyu. "Maiguru zvakakuomerai. Saka matoshinga? Zvino ndezvipi? Mamutora kupi mwana akadai uyu? Saka munoti achamuka here kana kuti pane zvaakatoitwa zvake" akadaro Tendai "Bamunini , mwana ndine chivimbo chekuti anomuka. Chirandu anga achida kuita mwana wangu sacrifice manje tamutangira. Panotongoda Simba raMwari chete" akabva atarisa mukoma wake and Tinoh said "She is right , mwana ndiye watinoda haana chaakatadza" "Ok zvakanaka" Tendai ndakashaya kuti dambudziko rake raive papi? Waisada kuti mukoma vake vagare nemwana wangu. Mazuva akafamba , mwana haana kumuka. Aingoratidza kuti mupenyu nekuti waidziya muviri wake , uye nyama yake yakanga isinawo kumbooma. Ndaingochema everyday nekuda kwemwana wangu ndakanga ndisina zororo pakubuda kwemisodzi yangu. Mwana haana chaaidya kana kunwa. 3 days now takangogara nemwana mumba. Vaiuya vachinamatira mwana vaiti anomuka , till one day pazouya umwe prophet uyo akati------ veduwee ndakarwadziwa ndichibva ndatanga ku--------- TANAKA Haa pandakabatwa naTogarepi chete ndakabva ndaziva kuti zvapera. Hooo nhai , Paul aive akangwara nhema , iye achihwehwedzera ma ex ese. Kuna Laina aiveko , Kuna Sandra zvekare wainge oda kusveerera. Manje ndaida kuzviona. Ndakazorwadziwa nekuti Sandra wacho wakanga asisina kana basa neni. Nguva yandakamusiya nemwana , ndakazo regreter ndatoenda , apa mvura yakatanga kunaisa chaiko moyo wangu ukarwadza. Mwana wangu wandaive ndasiya , my own blood. Kutungamidza hasha kusvika pakundi controller zviri bad kudaro. Kuti ndichadzoka , haaa it was too late. Ndakatongoomesa moyo kwave kunozorora ndasvika kumba. Ndakazoona macalls aVaTogarepi opinda. Ndakatadza kana kudavira nekuda kwezvandainzwa ipapo. Ndakazoona massage kubva Kuna Nancy. Iyi ndiyo yandakavhura nekukurumbidza. "TANAKA NDIKAFA UCHASHAYA RUGARE. I DONT KNOW WHAT IS GOING ON. NDAONA SANDRA AINE MWANA. NDADA KUMURWISA NDITORE MWANA , BUT UNEXPECTEDLY, NDAPFURWA NEPFUTI PA------" Massage iyi yaive isina kana kutombopera. Hana yangu yakarova zvakanyanya. Ndakatoshayawo kuti zviri kufamba sei? Ndakafona back , yaingo ringer , asi isingadairwe. Ndakanetseka kuti saka aive ani wakanga apfura Nancy uye kupi chaiko? Sandra wakanga asina kana pfuti uyu aiiwana kupi nhai? Ndakapinda mujira nebhutsu straight. Ndaive ndatopererwa zvakanyanya. Ndakazomuka kwave Kuma 3 masikati. Mvura yakanga yagasa. Ndakaita kunge ndanzwa knock , ndiyo yakandimutsa kubva kuhope. Ndakabva ndabuda kunovhura , ndokuona Ari Paul. Ndakangonyemwerera kuti wakanga auya ega. Ndakapinda naye Mumba achitonyepera kuita hasha nekuti ndaive ndanonoka kumuvhurira gate. Ndakaramba ndakanyarara achingotaura Ega kusvika paakazoti. "Tanaka I'm talking to you!" "Paul kana wazovaka yako imba uchaona kunakidza kwazvinoita wanzwa here? Rega kundinetsa please" "Uuumm rough here iyi Tanaka?" "Ndizvo zvinokupa kusungisa hanzvadzi yaamai vako. Zvino zvaakadzoka Togarepi uchaitasei??" "Kudzokepi nhai?" "Heya , Paul ndaisaziva kuti uri imbwa iwewe. Pandakasiya Laina ukati Rega ndinodya. Now wapedza naye wakuda Sandra zvekare. Manje Rega ndikutaurire chokwadi. Siyana netsika iyoyo yekuteverera matsimba angu pedzezvo wouya kumba kwangu wonyepera kundifarira wanzwa here? One day you will cry I'm telling you. Usazoti Andina kukuyambira. Now get out of my house" akaramba akanditarisa kunge aive asina kunzwa zvandakanga ndataura. "But Tanaka , akuudza manyepo ese aya ndiani?" "Manyepo kudiiko Togarepi hana kukuwana wakarara naLaina iwewe? Chii hawakazomusungisira zvino?" Akabva apusa , ndokuramba akanyarara------- End of chapter 26 Stay tuned 💋
❤️ 🙏 👍 😂 😢 😮 415

Comments