TINOH & PATIE MUTSINZE NOVELS
January 28, 2025 at 06:32 PM
Join us: https://chat.whatsapp.com/Hhd3sKbmifi4sfMiGhrsym
Follow us: https://whatsapp.com/channel/0029VaLhXcA6rsQs1Dbdjo0b
*THE BRIDE'S DISAPPEARANCE*
💞💔💞💔💞💔💞
STORY WRITTEN BY
TINOH 🎓 MUTSINZE
AND
PATIE ❤️ MUTSINZE
All rights reserved. No part of this book may be reproduced in any form or by any electronic or mechanical means without written permission from the author...
CHAPTER 28
TANAKA
Kuenda kwakazoita Paul , ndakabva ndasara ndega , asi hushamwari chaiwo pakati padu hwaive hwapera. Ndakabika kudya kwemanheru ndikadya. Ndakambodya zvinoenda kure here nayo stress yandaive nayo ipapo? Ndaive ndaratidza hubenzi hwangu. Ndaive ndarasa mwana wangu kechipiri. Ndakademba demba , asi yakanga yatodeuka isisaorereki. Ndakaenda kunorara kunze kusati kwambonyanya kusviba. Ndaida kuzorora nekuti pfungwa dzive kure kure , uye ndaida kumuka ndichienda kumusha kunoona amai vangu zuva raitevera. Ndakarara zvakanaka , ndokuzomuka ave mangwana.
Ndaisanyanya kutya nezva Chirandu nekuti ini Mari yandakabudirira nayo yaisambova yemishonga totally , kana kuti ndingati Kune kwandakange ndakamboendawo kunotsvaga mushonga kana kuromba hapana. Dai ndaida kuromba , dai ndakangoenda nemwana wangu ndonoita sacrifice zvopera. Mari yandakabudirira nayo ndaiitora Kuna iye Chirandu kundibhadhara zvose zvaaiindiitisa ndichiri kumusha. Waiti iye ndokutengera imba nemota ndokupa Mari. I still remember day randatanga kusangana naye chairo ndichitobva kunofudza zvangu mombe dzatete vangu. Akandimisa akataura nyaya yake ndikaramba. Asi ndakazodzikamira njere dzangu ndave kumba ndikaona kuti handina kwandaisvika nehupenyu kana ndisina Mari. Ndakazobvuma zvaaida zvacho. Akazviita pandiri 3 times achinditaurira ngano kana Apedza ndave kuda Mari yangu. Akazoenderatu apo akasiya andipfekedza chuma nekundipa kapot akati ndaizoita Mari. Haana kuzombodzoka , apa ini ndaive ndotadza kana kugara zvakanaka nekuitwa mukadzi naye nekuda kwangu mota neimba. Akatora ropa rangu akanditiza zvachose. No call no massage. Iwo ma KFC nezvekunwira zvinonaka zvaaindiigira ndizvo zvandakafira izvozvo. Manje ndakati ndoda kuzviona. Pandakazomitisa Sandra ndakati too late , kuita mukadzi ndisina kana Mari no. Ndakatiza ndoenda Harare kunotsvaga basa. Ndipo pandakazosangana naChirandu. Ndakanetsa kunge ngozi yemvana chaiyo. Akandipa Mari yakawandisa , ndiyo yandakazotangisa business rangu. Ndakaramba ndichimunetsa , ende I found out kuti akazodzimara anditiza akaenda kumhiri nekuti Mari ndiyo yandaitoda kudarika hupenyu hwangu anditi Aive andiita zvaanoda akatiza. Ndaida kumusungisa chaiko. Saka ndipo pandakazosanganawo naNancy aida mwana wekutenga. Ko , ini ndaizivei kuti waive mukadzi waChirandu? Ndipo pandakanoroora Sandra nekuripa mhosva dzangu ndikatora mwana nekubva ndamutengesa. Makore aive atofamba apa ndichishanda. Iyi yemwana ndiyo Mari yandakakazotanga kuvakisa imba yangu uku ma business aifamba. I became a better person nekuda kwaChirandu naNancy.
Saka kutya chaiko ndaisatya. Hapana kana reverse deal raiitika apa. Chirandu aive akandishandisa saka hapana paaizouya achiti anoda Mari yake. Nancy ndiye wandaitotya , asi Mari yekumupa ndaisaishaya nekuti ndakanga ndave nemari yakawanda. The following day ndakamuka kwave kugadzirira kuenda kumusha. Ndakadaidza ma body guards angu 3. 1 ndakaenda naye , 2 vakasara vakachengeta imba yangu. Ndakaenda ndisina kana grocery kumusha nekuti aim yangu yaive yekutonotora amai ndodzoka kugara navo kuHarare. Ndakazorangarira rokwe ravo ndatova munzira. Manje Nancy wacho zvaaive akutaura zvekuda kufa zvake , saka ndaizoriwana kupi? Ndakasvika kumusha kwave Kuma 11 kuseni. Ndakaenda nemota pamusha pedu kwave kusvika kuparka paruvanze chaivapo. Mai Kupa ndivo vandakatanga kuona vakabuda muimba yekubikira. Uyu waiva munin'ina wamai wangu. Ndiye ainzi naTogarepi wakanga ave netsapfu dzakaomarara nekuitira amai vangu maricho.
"Kana vakandibata kuda kundirova uvabate" ndakadaro ku body guard rangu.
"Zvakanaka sheff"
"Open the door for me" akabva adzika iye first. Akauya akandivhurira rangu ndipo pandakadzika ndakachena kwete mbichana. Bhutsu yangu yaiita kunge icharamba kutsika pasi nekuti yaipenya. Ndakabva ndaenda pamberi Pavo vose. Ndakanopfugama ndakazvininipisa chaiko kwavari. Amai angu vaitooneka kuti vanorwara. Vakayeredza misodzi vakanditarisa.
"Mwanangu Tanaka. Mwana wangu wedangwe negotwe zvose. Zai rangu regondo. Tanaka wauya!! Wadzoka Tanaka. Moyo wangu waitambudzika nekuda kwako Tanaka. Moyo wangu hauna mufaro nekuda kwako Tanaka. Nemhaka yei wakandirasa kudaro ini amai vako? Munhu wakachena kudai anofamba nemota inodhura kudai. Tanaka wakazviitireiko zvawakaita izvi? Nhasi wadzoka , wadaidzwa naniko Tanaka? Moyo wako haurwadzi here???" Vakadaro mhamha ndakavatarisa. Vakange vofemera pamusoro sendere. Vaitotaura vachigomera zvekare. Ndakabva ndati
"Ndiregerereiwo amai. Kwandaive ndakanga ndakarasika , asi ndadzoka kumusha. Ndaikumbirisawo amai nemoyo wangu wese. Ndiregerereiwo kana muchida kuripwa ndinoripa zvangu" vakangotura befu ndokuramba vakanyarara
"Amai taurai neni. Kana mukandirasa imimi munoda kuti ndiitesei? Ndapota amai ndiregererei!"
"Ndinokuregerera mwanangu , andidi kuripwa ini , asi chandinongoda chete kuti upinde zvako mumota yako udzokere kwawabva. Ndisiye nenhamo yangu. Chero ukanzwa kuti ndafa usauye zvako kuzondichema. Idya Mari yako uri Harare ikoko. Uri mwana benzi rudziii? 3 years no call no Massage here veduwee kungoti amai makadiiiii kumusha? Ibva zvako pano. Kana wakanoromba nerokwe rangu dzokera unovaudza kuti amai vakatsamwa vanoda rokwe ravo. Pasina rokwe iroro andidi kukuona Tanaka. Ungandipe Mari ungandiitire chakakura sei , asi pasina rokwe rangu rawakaenda naro ahuna chaunenge waita. Saka ini unondiita muroi here kana mhondi zvaunondiigira bhodhi gadhi rako pano? Hupenyu hwemari kunenge kudada chokwadi. Ndapedza newe Tanaka , ndiwo mashoko abva pamoyo pangu iwayo---!!"
Ndakabva ndapererwa nesimba. Ndakangotura befu kwave kusimuka. Chekumirira apa paive pasina. Rokwe raitodiwa iroro ende pasina rokwe iri ndaive ndazviparira ngozi. Regai zvigonzi chaamai hachibatwe. Neniwo chandaibvumira chiii kuenda nerokwe raamai vangu? Zvaraida kuitiswa ikoko ndaisaziva. Ndakafamba misodzi ichibuda ndoenda kumota yangu. Ndakapinda kwave ku driver ndoenda Harare. Kana kuoneka handina. Tichisvika munhu wandaive ndakuda kuona ndi Nancy. Kwaaigara ndaisakuziva. Ende ndikasamuona hapana kwandaigona kuwana rokwe iri. Andina kugarisa , Togarepi wakabva asvika. Akapinda Mumba ogara pasofa akanditarisa kumeso chaiko.
"Tanaka uri murume rudzii asina moyo?"
"VaTogarepi makandivimbisa kuti hamuchanetsane neni zvekare. Saka zvave zvipiko now?"
"Ndanetsana newe here nhai muzvarwa? Kubvunza mubvunzo umwe chete iwoyo kwatova kunetsana newe here? Nemhaka yei uchidaro Tanaka? Unoda ndinyarare iwe uchirasika sei? Kana wakati hausisina basa naSandra siyana naye zvachose handiti uri kutoona kuti ave mune imwe marriage here? Saka nharo ndedzei kuda kuparadza imba yemunhu? Saka iwewe wakatoona zvakanaka kuti usiye Sandra nemwana munzira kuchinaya zvakwaiita kudaro? Kukuti uyende naye yaitova temptation chaiyo yandakaita pauri." Ndakabva ndanzwa kunyara.
"Uuumm pakangopotsekawo vaTogarepi. Hasha nechiramwa ndizvo zvakandidaro. Ndiregererei"
"Jeri ndiro raunoda mufana iwewe. Tsvimbo yaChirandu yakakuremadza moyo , ropa zvose nepfungwa dzako iwewe" vaTogarepi vaitaura zvavanoda panguva yavada. Ndakaramba ndakanyarara ndokubva call yapinda paphone yangu. Ndakadavira ndokunzwa
"Tanaka , I'm pregnancy!" Ndakabva ndaseka.
"Pregnancy!! And who is responsible??" Akadavira zvakasimba Kati
"You Tanaka , saka uri kuti ndeyaani?" I laughed ndichikata call and blocked her number zvachose. Aive Laina. Ndakasekwa na Togarepi.
"Ndakakuudza kuti Laina achakugadzirisai. Anyways , wakazoenda here kumusha?"
"Yes ndaenda nhasi , ndatodzoka manje manje"
"Kuenda nekudzoka 1 day? Wazviitirei?"
"Amai vanoda rokwe ravo. Pasina rokwe hakuna chakanaka. Saka ndoda kutsvaga kunogara Nancy"
"Uri kundipa marii kana ndikakuudza kwaari nemawaniro aunomuita" ndakambofunga , ndichibva ndazotaura pave paye. Togarepi wakatondibatsira zvakanyanya ipapo-----------
DAVY
Kufamba kwaiita zvimazuva , ndaiona change pamwana. Aikura zvakanaka chose. Ndainzwa kufara veduwee kuvawo nemwana anonzi wangu Mumba. Zvaive zvakaitika hazvo accidentally, asi ndaitova nemufaro wakanyanya kuva naye mwana iyeye. Ndaivewo ndakunetseka now kuti benzi iri ndiye angava mukoma wa Jeniffer? Pandaibvunza Zita rebenzi raingoseka pasina charaitaura. Iyewo Jeniffer kana benzi iri rikauya pamba waisamboratidza kumuziva zvake , asi iro benzi rairatidza kuziva Jennifer. Zuva iri randakabudirira kurara nebenzi iri ndakanyatsonzwa kufara. Ndakanakirwa nebonde zvandisati ndakamboita. Ende raitota veduwee zvekuti kana sex yacho yakange iri so sweet. Ndaiti ndakatarisa choya chiya ndonzwa kuda imwe round ndikati maiwee anditombochigeri ndaive ndakunakirwa nacho. Raive rakungonyemwerera ndapedza zvangu kudurura huluju mukati megalitos rake. Ndakabva ndazevezera munzeve ndikati
"Babe thank you so much. Chihandei tinogeza tichene. Inzwa smell yebota yazara Mumba muno" yakabva yatoita Hondo. Haa kugeza waisada zvake munhu uyu. Takanetsana dzama wavhura door zvechisimba akabuda asina kupfeka. Aive akabatira hembe dzake mumaoko. Ndakangopfekawo kashort kwave kutevera. Ndipo pandakavhunduka kuona Sekai wakabata pfuti yangu. Dai pasina benzi iri , dai ndakauraiwa naSekai. Ndiro rakandibatsira chose. Sekai wakarohwa akadzingirwa panze akaudzwa kuti
"Ndikakuona zvekare pamurume wangu ndokuuraya."
I smiled ndikati neche mumoyo , Mwari makaita henyu kundipa benzi iri. Ndakazoona Jeniffer oyeredza misodzi ndikaenda paari ndikati.
"Why are you crying?" Akapfikura akati
"So it's you Mr Davy??" Ndakabva ndaziva kuti pane chaaona. Ndakabva ndatopora ipapo kuita kudzikama chaiko. Andina kupindura ndakaramba ndakanyarara nekuti ndaida kunzwa mashoko aitevera.
"You destroyed my sister's life. So you are one who raped her? Mr Davy why?"
"I don't understand , what are you talking about?"
"My heart is broken , I saw the mark pachidya chake neche kusikarudzi yake. She is my sister, my blood sister. Yes akazotanga kupenga zvake arepwa atova nemimba. Ndaive ndisina kumuziva all along nekuda kwetsvina uye kuonda kwaaita. Ndarwadziwa"
"So uri kureva kuti ndiye Junica here?"
"Yes , ende waitsvagwa nepolice. Zvandaziva kuti ndiwe saka zvichafamba asi?"
"Uuuumm nhai mainini mungandisungise here? Inga I fall in love naye saka ndomuroora. Andina kumubata nekuda kwangu , ndoshuvira kuti one day achaita zvakanaka azorondedzera zvakaitika zuva racho. Musadaro mainini ndapota zvangu--------"
End of chapter 28
Stay tuned 💋
❤️
🙏
👍
😂
😢
😮
365