TINOH & PATIE MUTSINZE NOVELS
TINOH & PATIE MUTSINZE NOVELS
January 29, 2025 at 08:58 AM
Pinda mugroup usasarire: https://chat.whatsapp.com/Hhd3sKbmifi4sfMiGhrsym Huya kuchannel uwane more books: https://whatsapp.com/channel/0029VaLhXcA6rsQs1Dbdjo0b *THE BRIDE'S DISAPPEARANCE* 💞💔💞💔💞💔💞 STORY WRITTEN BY TINOH 🎓 MUTSINZE AND PATIE ❤️ MUTSINZE All rights reserved. No part of this book may be reproduced in any form or by any electronic or mechanical means without written permission from the author... SEASON 1 SEMI FINAL CHAPTER 29 SANDRA "Teererai ndikutaurirei chokwadi. Chinoitika ndechekuti mumazuva ano atiri kuraramira , varevi venhema vawandisa. Vaporofita zvekunyepera. Vanyengeri vanonyepera kunamata , asi moyo yavo izere zvakaipa. Zvino Mwari anovanzvengesa pane chokwadi , ovaendesa kumanyepo azerewo pakati pemoyo yavo. Vose vaikutaurirai kuti mwana mupenyu uyu vaitaura zvavainzwa kana vamubata , kwete zvaibva Kuna Mwari wedu Ari kudenga ane Zita rinoda kurumbidzwa. Muri kutoti makagara nemwana Mumba ipapa , asi kwete , mwana wenyu haapo pano. Munondinzwisisa here?" Munoziva ndakadikitira. Mashoko a prophet ava akaita kuti hana yangu irove zvakanyanya. Ndakabwaidzika ndichibva ndati "Saka chii nhai munhu waMwari? Mwana wangu chaiye Ari kupi zvino? Ini handichazivewo zvekuita Ini. Ndibatsireiwo ndapota" vakambonamata ndokubva vazondibvunza mubvunzo. "Imi zvamakauya naye pano makamutora kupi?" Ndakatsananguva ndokubva vaseka. "Muchiti mozodiii? Maida kuzodii naye Imi maitora mwana mumaoko evanhu vaishanda nemushonga , imi musina mushonga , saka maida kuzodiii? Mwana wenyu haasi pano , izvozvi ndinogona kukutii torai Banga mucheke musoro muone kuti anobuda ropa here mwana uyu" "Uuumm kwete , izvozvo andikwanise" "Zvakanaka , chiregai ndiite zviri nyore uye zvinokwanisika" He prayed zvakasimba , mutumbi uye disappeared vanhu tikaramba takangovhura maziso. Misodzi yangu yakabuda zvisina mukare akamboona. Zvaireva kuti kudii nhai Mwari. Murume uye akabva ati "Izvozvo ndinoda tipinde munzira kuenda kumba kwavo ikoko kwemunhu aigara nemwana uyu. Ndine zvandinoda kunoita ikoko , ndipo pamuchaona mwana wenyu ipapo." Atina kumboita zvekuverengera. Tose takati dzvamu toenda kumba kwaChirandu. Aigara kuChisipiti saka ndaiziva kumba kwake. Ndaiudza vanhu mafambiro , dzamara tasvika. Takasvikopaka mota dzedu panze , ndokunoka gate tikavhurirwa. Takapinda mukati tose , taingova 5 , ini naTinoh , nemurume uya nevamwe vakomana 2 vainamata navo. Takafamba kuenda ku main door nekuti ndairiziva sezvo ndakambogara pamba apa. Murume uya akati tiregere kunoka door , asi tingopinda chete kana risina kukiiwa. Takabva tapinda Mumba muya takananga musitting. Takasvika Chirandu akamira , mutumbi uya wemwana akarara pamberi pake , asi waive wakavhura ziso. Ndakangoti neche mumoyo , mwana wangu kani. Veduwee moyo wekubereka zvakangooma hazvo. Tears were running down my cheeks. Moyo wangu wakanga usiri panzvimbo imwe chete. Chirandu aitodederawo akangomira. Paakaona tapinda akabva auyawo kwataive tiri ndokunomira kuseri kwevanhu. Ndakatovhundukawo nemaitiro ake. "Nhai bambo , ko zvomopinda mukati medu Isu takushanyirai kwakanaka here?" Aingodedera akamira. "Please ndaona kuti muri vanhu vaMwari saka ndibatsireiwo." Murume uya akabva aseka akati "Maita basa baba , Tinotenda kana muchishanda basa rakanaka kudai. Vaibata mishonga vachisvika pakukutsvagai Kune Simba renyu , vaishandiswa newakaipa vachitendeuka kubva kuzvivi kutsvaga chiso chenyu. Zvino Imi vhuraiwo mapapiro enyu muvatambire nekuvavhumbamira nawo nekuti muri Mwari vane tsitsi , ngoni , rudo nenyasha. Makati Imi huyai mose chero vane zvivi zvakatsvuka seropa ndimi muchazvichenesa. Tinouya nezveduwo nhasi pamberi panyu Mwari. Itai kuda kwenyu , ratidzai Simba renyu rionekwe , vakanga vasingatendi kwamuri vatange kutenda kwamuri.!" Uuumm mashoko aya aive nesimba. Chirandu ndaingoona achibwaidzika kasingaperi. "Zvakanaka , baba ndaona maparadzwa nezvinhu zvitatu , zvichikakatirana kuti zvose zvikuparadzei. Mapurisa epano panyika , mweya yevakafa vane chigumbu nemi ndaona vari vabereki venyu uye mweya wezvinhu zvamakabata mandinzwisisa? Saka ndinoda kuti Mwari vakusunungurei. Imiwo mobvumawo kusunungurwa" "Ndinobvuma shuwa andirambi" wakadaro Chirandu achidedera "Ndichaita munamato une Simba , uye kuti zvamakavaka nezvamataita nemari yakaipa zvirege kuparadzwa nekuti ndaona chero imba ino nezviri mairi zvatsva nemoto. Asi Mwari wekudenga une simba saka achatibatsira!" Pakanamatwa veduwee. Chirandu wakatora zvose zvaaibata bata zvikanzi zvipiswe. Pekupedzesera vakazonamata nezve mwana wangu. Mutimbi uya wakashanduka kuita chimhuka , vanhu vakashamisika. Raiita segudo chairo veduwee. Chakatanga kufamba chave kubuda kuenda chega achina kutinhwa nemunhu. Ini misodzi yainge yangova mokoto neangu matama. Mwana wangu ndiye wandaida veduwee. Nguva iyoyo Tanaka akabva asvikawo aina Togarepi. Vakatosangana negudo Riya pamusiwo vakatonzwa kutya vose. Mavhundukiro avakaita ipapo akanga aine munhu pasi. Tanaka wakadonhera pasi zvekuti ndakada kutomboseka. Ko , zvagara nhamo yeumwe hairambirwe sadza kaa. Vakapinda ndokutikwazita tose. Ndakaona munhu waMwari ave kudzungudza musoro wake kureva ane zvaakanga atoona pana Tanaka. "Ndivo baba vemwana ka ava?" "Hongu munhu waMwari. Ndivo ivava" "Hoooo , haaa zvakaoma. Regai ndipedzise basa rangu ndoda kumhanya. Ndoda kuita munamato wekupedzesera" vakanamata , patopera nguva takanzwa knock yakasimba kugate. Gate raiita kurohwa chaiko. "Jackie open the gate for me I'm hungry!" Ndakabva ndanzwa voice , moyo wangu ukanyevenuka. Gate rakavhurwa ndokubva atanga kudaidzira achiuya. "Chirandu , I will kill you. Where is my mother? I want you to tell me where is my mom and dady. Pawakandishandisa pakakwana. Come out undiudze Chirandu. Nancy , ndoda kuziva chokwadi nhasi----!" Akabva avhura door achipinda. Paakangonditi baaa , akamhanya ndokubva tambundirana. Misodzi yemufaro yakati mokoto nematama angu. "Jayden , where have you been?" "I don't know mom. Where is my father?" Paakadaro ndakabva ndatadza kupindura. Ndakangotarisa Tanaka , misodzi ikawedzera kubuda. "Mom why are you crying? I asked where my father is?" I pointed Kuna Tanaka , iye Jayden akabva ati "No , he is not my father!" "He is your father" "He is not" "Saka who is your father then?" "This one----!" Akabva anongedzera Tinoh. Tinoh akanyemwerera achibva atora mwana kwave kubata. Ndakaona Tanaka ave kudedera akamira. Akatambisa miromo yake nekuda kwehasha. Zvino ini ndaive ndangopusa ndakatarisa Tinoh achikisana naJayden. Vanhu vese vakapererwa munoziva. I let out a heavy sigh ndakatarisa Tanaka iye achibva ati "Well , Mr Chirandu ndoda kuona Nancy , that's why I'm here na Mr Togarepi?" Akataura ashatirwa ende ndakatoona kuti the battle line has been drawn. Hondo hombe yaiuya nekuti it wasn't easy kunyarara pakadai. Chirandu akabva ati "Nancy achiri kuchipatara. Azvina kumumirira zvakanaka" "Ok fine , hospital and ward please." "Parirenyatwa hospital....." Akaudzwa zvose. Tanaka akabva abuda zvake , Togarepi wakatevera ikoko nekuti ndakaona misodzi yake Tanaka yave kubuda. "What is going on?" Ndakadaro ndakatarisa pasi. Moyo wangu wakanetseka zvakanyanya. Ndakashaya wekuudza zvakandinetsa mumoyo mangu. Takazoonekana na Chirandu uye akavimbisa kuti haana chaaida kubva kwatiri. Uye akakumbira Tinoh sorry nezvose zvaakaita kwandiri. Tinoh akamuregerera zvake. Akarongedza hembe dzemwana akatipa. Takazobuda nemwana tave kuenda. Akamupa $500 mwana akati ozomurangarirawo nepaakambogarawo naye kunyangwe zvazvo zvairwadza. Takapinda mumota yedu toenda , prophet neboys ravo vaivewo mune yavo. Tinoh akabva ati. "Babe , ndazviona kuti wanetseka zvakanyanya , asi ndiri kushaya kuti ndepapi chaipo pandakanganisa. Saka waida kuendesa mwana Kuna Tanaka here?" Akadaro ndichibva ndacheuka kutarisa mwana ku back seat. Aive akutokotsira zvake. Ndakabva ndapindura "Kwete , asi kuti angoziva baba vake" "Zvinokanganisa hutano hwemwana izvozvo. Will find a better way yekumuudza nayo akura , kwete kuti mwana azive kuti baba vandiri kugara navo havasi vangu. Chero wedu watichazvara haafaniri kuziva kuti Jayden haasi mwana wangu. Mwana anoita mawara akakura achionererwa zvekuti anozotinyadzisa pane vanhu. Ende atogona anongedzera inini. Ndini ndichagara naye kwete Tanaka. Ende zvinoita kuti bond yangu nemwana isimbe. Akaziva kuti haasi wangu anonditya Mumba , mwana ngaasununguke. Kana kutondi disrespecta Mumba mangu achiti handisi baba vake , izvi zvinozoita kuti hukama hwangu ini naye huparare ndoshayawo hanya naye. Iye Tanaka wacho chaakaita chii chinoratidza kuti mwana ndewake or kuti anoda mwana? Only sex chete? Haiwawo Jayden in my only treasure now. I love him so much , sekuda kwaunongomuita iwewe!" Ndakabva ndatura befu. Mashoko aTinoh akaratidza kuti anondida nemoyo wake wese. Ndakanzwawo kufara zvakanyanya. "Thanks my love. The journey of life is not effortless , but with you around , I feel no stress. Thanks babe wangu for all that you have done for me. Your gratitude will always be remembered with love by me. Thanks a lot! Taking the time to help me was a very nice thing for you to do. But it wasn't easy for others. I know that you are a person who sacrifices for others without thinking. Thank you Tinoh ende ndoramba ndichidzokorora. Wandiratidza rudo rwakakura kwazvo my love. My world is a happier place because of you. And I will love you for the rest of my love hunnie!!" He stopped the car , just to give me a kiss on my cheek. I closed my eyes ndonzwa ropa kuti tabvu tabvu. Mufaro wati fasha fasha mumoyo mangu nemupfungwa zvose. Takasvika kumba ndichiita kufara. Ndakamutsa mwana kuti tipinde Mumba. Tsvina yaaive nayo aitoda kumbogeza chaiko. "Waaaw , this house is very beautiful." Akadaro to my surprise ndaitoti achaishoraka waive wajaira upstairs yaChirandu. "Thank you my son. Welcome home!" "Thanks dady , but you are a very bad man" he laugher zvake Tinoh akati "Why my son?" "You were busy enjoying your life mega musingazive kwandiri sei mwana wenyu. Anyways , it's fine." "I'm sorry babe boy. Are you happy now?" "Yes dady" taive tofara now. Takapinda Mumba ndokugara. Tinoh akatorawo Mari opa prophet vaye kungovatendawo not kuti vakatibhadharisa. Ndakavabikira vakadya ndokuzoenda zvavo. "Bamunini , Sekai haana kudzoka here zvaaenda kumba kwake?" "Adzoka kare kare!" "Zvino aripi?" "Muroom mavanorara umo." "Horaiti Rega ndimuudze kuti mwana adzoka. Ndiri kufara veduweee" ndakabva ndaenda muroom mairara Sekai. Ndakasvikovhura ndisina kunoka. Ndakamuwana akabata picture raDavie mumaoko , misodzi yake ichiyerera ndakashaya kuti chiiii----------? End of chapter 29 *Chiziviso kwamuri vaverengi vema book edu. Book redu rino rasarirwa nechapter imwe chete kuti ripere. Asi hakusiko kupera kwenyaya yose. Chichachinja chete musoro wenyaya richange rave kunzi TWO ANGRY GHOSTS & THE MAD WOMAN. Haiwa uko kuchanakidza kwete mbichana. Munhu wese anoda kuziva kuti ma angry ghosta ndivanaani? Saka tosangana zvekare mu season 2 iyo ichava yekugumisira uye ichanakidza kwete mbichana. Tokudai mose* Stay tuned 💋
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 375

Comments